Murangariro weBhaibheri
Dhiabhorosi Aripo Chaizvoizvo Here?
PAWAIVERI mwana, waitya rima here? Zvimwe waifungidzira chinhu chihombe chakavanda kunze kwefafitera renyu, chichimirira kukunakura pana vabereki vako. Zvino somukuru, wokwanisa kurava mashoko eidi nokufunga nomutoo uno mufungo, kutya kwako kwohuhwana kunoratidzika kuva upenzi. “Naizvozvo,” vamwe vatsoropodzi vanoti, “huregererei kufamba imwezve nhano ndokuisa Dhiabhorosi muboka rimwe chetero—asati ari chinhu chaichoicho chihombe chokufungidzira kwomwana?”
Hakuna Dhiabhorosi chaiyeiye here? Ndiko chaikoiko uko rimwe bhuku rorudzidziso rinokusimbisira: “Bhaibheri harizivi chinhu chihombe chakadaro chouipi” uye, “Mumashoko okuti Dhiabhorosi naSatani tine . . . nheyo yechivi nouipi izvo zviri zvomuzvarirwo muvanhu.” Kana kuti sokutaura kunoita mudzidzisi we“Sunday-school” muUnited States, kuti: “Vanhu ndivo bedzi vari vanadhiabhorosi.” Kwose kunoratidzika kuva kwakapfava here—zvimwe kwakatonyanyopfava?
Kutsanangura Kuzvibata Kwavanhu
Kana isu vanhu tiri bedzi vanadhiabhorosi, ipapoka neiko tinenge isu tose tichiratidzira itiro hanya nokuda kwegarikano yemhuri yedu? Somuenzaniso, savanhu vamwe navamwe vanhu vazhinji vanogovera mhuri dzavo zvokudya; ivo nomutoo wokuziva havazviisiri vamene muchetura, uye vanodzivisa ngozi dzinotyisidzira muupenyu. Hapana chinhu choudhiabhorosi pana ikoku! Asi, apo ivava savanhu vanoitira zvinhu pamwe chete samarudzi, chimwe chinhu chinopinganidza murangariro wavo wegarikano yavo. Samarudzi, vanorega zvokudya zvakawanda zvichiora panzvimbo pokudyisa vanhu vokumwe vanorumwa nenzara. Vanoshatsa mhoteredzo yapasi. Vanoshongedzera kuparadzana—hondo yenyukireya. Kunoshamisa, kuzvibata kwokuzviparadza!
Ipesvedzeroi inoparira uhu upofu mukuzvibata kwavanhu? Indangariro yeboka here? Vatungamiriri vashomanene vasina mufungo here? Zvamazvirokwazvo zvakawanda zvinobatanidzwa. Bhaibheri roga bedzi rinoratidzira mumwe munhu uyo “akapofumadza ndangariro” ye“tsika yezvinhu” yavasingatendi yenyika yose. Ndianiko? “Uyo anonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo ari kunyengedza pasi rose rinogarwa.” Anodzora vanhu vakarongwa nomutoo unobudirira zvokuti Bhaibheri rinomuidza kuti “mwari” wetsika ino yezvinhu.—2 VaKorinte 4:4; Zvakazarurwa 12:9.
Uyu “mwari” haazati ari chinhu chihombe chakavanda seri kwefafitera rako. Asi iye inyanzvi ine simba yezvamatongerwe enyika, chisikwa chomudzimu chisingaoneki, icho, mukuronda kusingabudiriri kwokuputsa ruvimbiko rwaJesu aigona kugovera Jesu umambo huri hwose hwenyika. (Ruka 4:6, 7) Nomutoo unooneka, Satani akanga apa simba rakadaro kuna vamwe iye asati aripa kuna Jesu, nokuti bhuku reBhaibheri raDhanieri rinoziva kuti samakurukota, ngirozi dzakapanduka dzakanga dzagamuchira chiremera paumambo hwenyika—namazita ezviratidziro enzvimbo akadai sokuti “muchinda wePersia,” uye “muchina weGirisi.”—Dhanieri 10:20, 21.
Nokudaro, Satani akavaka sangano guru—so“mubati ushe wenyika” anooneka no“mubati ushe wamadhemoni” asingaoneki. (Johane 14:30; 16:11; Mateo 12:24) Iyi zivo, yokuti Dhiabhorosi anotungamirira sangano renyika yose, inotsanangura zvakawanda.
Chikonzero Nei Achitungamirira Sangano
Kungofanana nomutungamiriri woubhinya hwakarongwa angatarisira kushanda kuzhinji kusati kuri kwapamutemo—mirimo, uhure, umbavha, kubhejera, kubhinyaidza, zvichingodaro—iye amene pachake asingazvizivisi kuna vose vari pasi pake, naizvozvo Satani anoshandisa sangano kudzora vanhu vakawanda zvikuru vanopfuura vaangagona iye oga bedzi. Chii chiri unyanzvi hwake? Kunze kwokunetsa vanhu vamwe navamwe, iye namadhemoni ake vanobata vanhu vazhinjisa sokunge kuti ivo vaiva boka ren’ombe. Hapana dikanwo yokutungamirira munhu mumwe nomumwe iye pachake. Anongotsausa vashomanene bedzi vari mberi kwebokaro, uye vazhinjisa vachatevera. Ipapo anobishaira pavatsauki.
Hungu, Dhiabhorosi aripo chaizvoizvo, asi kuzivikanwa kwake hakuna kufanana norudzi rwemifananidzo yatinoona mumakatuni kana kuti rondedzero dzakadzikatidzika dzavafundisi. Dzakadzikatidzika nhai? Hungu, sokucherekedza kwaunoita bhuku rinonzi Satan, A Portrait: “Kudavira muna Satani kwakava kusina kujeka muzana ramakore rechi 19, uye vafundisi “vakatamburira kutsanangura Satani sechimwe chinhu chisati chiri munhu womudzimu chaiye.”
Ndiani Anotaura Zvokwadi Pamusoro paDhiabhorosi?
Nzira yamarudzidziso azvino uno yokupanikira icho Bhaibheri rinoreva pamusoro paDhiabhorosi inogutsa chaunga chokudavira zvinhu zvinooneka icho chakava chisina chokwadi pamusoro paMwari amene. “Nhasi,” anodaro Ruth Ansher mubhuku rake rinonzi The Reality of the Devil, “Dhiabhorosi akatsakatika uye . . . Mwari iye amene akazvivanza.”
Kupfurikidza nokupanikira murangariro weBhaibheri, “vazivi” vorudzidziso vazvino uno vakafuratira rimwe idi rinoita kuti nhau ive yakajeka. Sokubvuma kwakaita munyori wemitambo weRomania Eugène Ionesco mupepanhau reGermany: “Nhau haizati yaizonzwisisika kudai yaizosiya rutivi rwoudhemoni.”—Welt am Sonntag, September 2, 1979.
Ko upi noupi ane ushingi hwokutsigira zvokwadi pamusoro pebasa raDhiabhorosi munjodzi yenyika yanhasi here? Nomutoo wakajeka, hungu! Rangarira “Ziviso Inorwisana naSatani uye inotsigira Jehovha” yakagamuchirwa nomwoyo wose pakokorodzano muna 1928. Yakasimbisira Zvapupu zvaJehovha kudanidzira, sokudanidzira kwehondo mukurwisana nomuvengi womunhu, Satani, kuti hondo huru yeArmagedhoni ichakurumidza kugumisa Satani nesangano rakashata.
Zvamazvirokwazvo, nhau inopupurira kuti Dhiabhorosi muvengi chaiyeiye kuno mumwe nomumwe wedu. Asi, nomutoo wakajeka, Jehovha Mwari haana kutisiya tiri toga. Huregererei kudzidza zvakawanda? Kunobetsera kuziva muvengi wedu, “kuti tirege kukurirwa naSatani, nokuti hatizi vasingazivi nezvemano ake.”—2 VaKorinte 2:11.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Nhasi Dhiabhorosi akatsakatika uye . . . Mwari iye amene akazvivanza.”
[Mufananidzo uri papeji 29]
Dhiabhorosi chaiyeiye haana kufanana nemifananidzo yorudzidziso kana kuti rondedzero dzakadzikatidzika dzavafundisi
[Kwazvakatorwa]
Gustave Doré