RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 7/8 p. 3
  • ‘Ndiani Achatarisira Vana Vedu?’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ndiani Achatarisira Vana Vedu?’
  • Mukai!—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Pokanidzano Pamusoro peKirechi
    Mukai!—1988
  • Kirechi—Kusarudza Yakanakisisa Nokuda Kwomwana Wako!
    Mukai!—1988
  • Vabereki Vanofanira Kuzivei Nezvekuendesa Vana Kukireshi?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Vana “Inhaka Inobva Kuna Jehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 7/8 p. 3

‘Ndiani Achatarisira Vana Vedu?’

KIRECHI munyika yose muuyo wokudirana kusingaenzanisirwi kwavakadzi munzvimbo dzamabasa. “Boka rinowedzera nokukurumidza zvikuru munzvimbo dzamabasa,” rinodaro gorokotera rekirechi Alison Clarke-Stewart, “zvikurukuru vana vari pasi pamakore matatu. Uyu muitiro unodudzwa uye ndewenyika yose.”

Zvisinei, kuwana mumwe munhu anovimbika wokutarisira vana apo mai vanenge vachishanda kungava chinhu chakaoma chokuita. Hama dzokunyama hadziwanzozvipira. Gadziriro yakaoma yavarezi—inoitwa nokupinza basa shamwari navavakidzani—inowanzobvumikisa kuva ine ngozi zvikuru neinoremedza kuvana. Varezi navareri vakavimbika vanoripirwa mari vakaoma kuwana—uye vanonyanyova nendyiko hurusa kuna vananyakuroorana vazhinjisa.

Mugariro wacho hauzati uri usingavhiringidzi munyika dzinobudirira. Vakadzi veNigeria vaichimbowanzobereka vana vavo kumusana vachingunoshanda. Asi zviverengero zvinowedzera zvavakadzi veAfrica zvakarega mabasa apamba kana kuti basa rapapurazi nokuda kwamabasa omumahofisi, muzvitoro, nomumafekitari umo mutoo wokubereka vana nembereko usati wakakodzera. Munguva dzakapfuura, vakadzi vaigona kugarokumbira mhuri dzavo dzakatambanuka nokuda kwomurezi womwana anoita mabasa akasiana-siana. Asika, inotsanangura kudaro Sunday Times yeLagos, Nigeria, “nokuda kwedzidzo yepuraimari yapachena nokuwanikwa kwamabasa akawanda amaoko, asino unyanzvi, vamwe vose vasara vokupedzisira ve[hama dzokunyama vanowanikwa] vokureza vana pamba vakaendawo.” Rakakaradza kudaro iri pepanhau: “Kirechi dzakasanorongwa dzingava mhinduro.”

Hungu, misha yekirechi nenzvimbo dzokutarisira vana zviri kukurumidza kuva nzvimbo dzokutarisira vana dzinosarudzwa. Kunze kwezvo, dzinowanzova dzakavimbika, dzakakodzera, uye hadzidyi mari yakawanda inopfuura yomurezi anoripirwa mari. Dzinobvumira vana kusonganirana neboka rezera ravo. Dzinogovera zvokudya zvinovaka muviri, pamwe chete namapurogiramu enhandaro edzidzo. Gorokotera rokupa mazano rekirechi Delores Alexander akaudza Mukai!, kuti: “Kirechi ibetsero yemhuri yakakwana.”

Hunyanguvezvo, vamwe vanotya kuti chiito chazvino uno kukirechi chingava nebatano dzinotyisidzira vana. Ko kune zvikonzero zvakarurama here nokuda kwokuitira hanya kwakadaro? Vabereki vanodikanirwa kuziva kuti vanogona kuita chisarudzo chakarurama kana toreva nezvavana vavo vamene.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe