RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g88 4/8 pp. 3-5
  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”
  • Mukai!—1988
  • Mashoko Akafanana
  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Tariro Yavakafa, Nyaradzo Yavanochema
    Mukai!—1988
  • Kutsungirira Matambudziko Kunounza Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Vamwe Vanogona Sei Kubetsera?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
Ona Zvimwe
Mukai!—1988
g88 4/8 pp. 3-5

“Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”

“MAY 31, 1982, rakanga riri zuva rakaisvonaka. Zuva rakanga richipenya, gore rakanga rakasvibira, uye ini ndakafunga kuti iri raizova banza rakakwana rokuchenura chivanze. Takanga tichangobva kuriga muti wechiChina, uye pakanga pachine tumarutanda namatavi twakasara patsangadzi. Ipapo ndakayeuka kuti shamwari yedu George yakanga ine muchina waizoita kuti basa rive nyore zvikuru, naizvozvo ndakamuridzira runhare.

“George akanga ari muchairi wendege ano ruzivo rwokuzviwanira, uye iye aida kufamba nendege. Naizvozvo kwakanga kusati kuri chikatyamadzo apo iye akandiudza kuti iye akanga achizofamba nendege neshamwari ndokubvunza kana isu taizoda kukwira ndege. Mudzimai wangu Dianne neni takasarudza kuti kwaizoita kuchinja kwakanaka pashure pokuchenura chivanze. Takaenda nomwanasikana wedu wezera ramakore matatu. Maria, mwana akanaka, akachenjera ane vhudzi shava nameso, akafara zvikuru kwazvo.

“Patakasvika kuchiteshi chendege, imwe shamwari yakanga ichimirira jana rayo rokukwira ndege, naizvoizvo takatutirana mundege inogara vanhu vana. Takabhururuka napamusoro pedziva ndokunanga kumakomo. Kwakanga kwakanaka. Takatarira kunze tikaona nzvimbo yakarovedzeka. Vamwe vanhu vakanga vachiva havo nomutambo wamabiko pachikomo. Maria akafadzwa zvikuru. Ipapo, patakanga tichipfuura muromoromo wechikomo, ndege yakavhiringidzwa nemhepo yakamwe kamwe yakasimba. Injini yakamira ndokudzima, nokudaro ndege yakawa kubva kumusoro!

“Zvose zvandaigona kufunga zvakanga zviri zvokuedza kupinda pakati pomudzimai wangu, uyo akanga anaMaria agere pamakumbo ake, nechigaro chiri pamberi. Handina kutongokuita—ndege yakarova jengachenga regomo.

“Ndakaedza kusimuka, bva handati ndaigona kusimuka. Ndaigona kunzwa Dianne achidanidzira nokuda kwebetsero, bva handati ndaigona kuita chinhu chipi nechipi. Zvandaigona kuita bedzi kwakanga kuri kudanidzira nokuda kwebetsero.

“Pakupedzisira, zvikwata zvezvokurapa zvetsaona zvakasvika kuzotibvisa pagomo. Kunyange zvazvo takanga taita zvose zvinodikanwa mukumhara mukuvhiringidzika kwayo, George neshamwari vakanga vafa. Isu vamwe vasara takanga tichitambura nokukuvadzwa kwakakomba kwazvo. Maria akanga akuvadzwa mumusoro nomukati. Vatezvara vangu vakava nebasa rinorwadza rokuuya kumubhedha wangu wokuchipatara kuzondiudza kuti iye akanga afa—chakanga chiri chibayo kumwoyo wangu. ‘Neiko iye? Neiko kwave kusati kuri kwandiri? Hakuna kunaka kuti mwana akaita saiye aitofanira kufa,’ ndakafunga kudaro. Kudai bedzi ndakanga ndisina kugamuchira kukwira ndege ikoko . . .

“Dianne akanga ari mumugariro wakaipa zvikuru nomusana wakatyoka. Mavhiki matatu pashure pokuputsika, iye akafawo. Ndakanga ndarasikirwa nomwana wangu nomudzimai wangu pakuwa kumwe chete. Ndakafunga kuti ndakanga ndarashikirwa nechinhu chiri chose. Ndaizorarama sei?”—Sezvakataurwa naJess Romero, New Mexico, U.S.A.

“Mwanakomana wangu Jonathan akanga asipo aenda kundoshanyira shamwari dzokuLong Island. Mudzimai wangu, Valentina, haana kuda kuti iye aende ikoko. Iye aigarotya pamsoro pemotokari. Asi iye akanga achida maelectronic, uye shamwari dzake dzakanga dzine shopu umo iye aigona kuwana ruzivo rwokuzviwanira chairwoirwo. Ndakanga ndiri kumusha muWest Manhattan. Mudzimai wangu akanga asipo andoshanyira mhuri yokwake muPuerto Rico.

“Ndakanga ndichitsimwaira pamberi peTV. ‘Jonathan achadzoka nokukurumidza,’ ndakafunga kudaro. Ipapo ndakanzwa kugogodza pasuo. ‘Anofanira kuva ndiye zvechokwadi.’ Akanga asati ariye. Akanga ari mapurisa navashandi vapachipatara.

“‘Munoziva here iyi rezinesi yomuchairi?’ mukuru mukuru wamapurisa akabvunza kudaro. ‘Hungu, ndeyomwanakomana wangu, yaJonathan.’ ‘Tina mashoko akashata enyu. Kwaitika tsaona, uye . . . mwanakomana wenyu, . . . mwanakomana wenyu afa.’ Kuita kwangu kwokutanga kwakanga kuri kwokuti, ‘No puede ser! No puede ser!’—hakungagoni kuva kwechokwadi!

“Shoko iroro rinokatyamadza rakatsemura vanga mumwoyo yedu iro richiri kupora, anenge makore maviri gare gare.”—Sezvakataurwa naAgustín Caraballoso, New York, U.S.A.

“Kare muSpain yomuma 1960, takanga tiri mhuri inofara—pasinei zvapo nechitambudzo chorudzidziso nokuda kwokuva Zvapupu. Kwaiva naMaría, mudzimai wangu, navana vedu vatatu, David, Paquito, uye Isabel, vaiva nezera ramakore re 13, 11, ne 9 mukusiana.

“Rimwe zuva muna March 1963, Paquito akasvika pamba achibva kuchikoro achichema pamsoro pamarwadzo akakomba omusoro. Takavhiringidzwa pamsoro pechingava chisakiso chacho—asi kwete kwenguva refu. Maawa matatu gare gare iye akanga afa. Kubuda ropa kwomuuropi kwakamuuraya.

“Rufu rwaPaquito rwakaitika makore 24 akapfuura. Kunyange zvakadaro, kurwadziwa kukuru kwokurashikirwa ikoko kunogara nesu kusvikira kuzuva rino. Hakuna imwe nzira iyo vabereki vanogona kurashikirwa nomwana ndokusanzwa kuti ivo vakarashikirwa nechimwe chinhu chavo vamene—pasinei hapo nokuti inguva yakadini inopfuura kana kuti vana vangani vavangava navo.”—Sezvakataurwa naRamón Serrano, Barcelona, Spain.

Idzi dzinongova hadzo shomanene dzamamirioni enhamo dzakatapura mhuri munyika yose. Sezvo vabereki vazhinjisa vanochema vachapupurira, apo rufu runouraya mwana wenyu, irwo muvengi chaiyeiye.—1 VaKorinte 15:25, 26.

Asika ava vanhu vakafirwa vakaita sei mune zvinoitika zvichangobva kunokorwa mashoko? Ko upenyu hwenguva dzose hungambova hunobvira here pashure pokurashikirwa kwakadaro? Ko pane tariro ipi neipi yokuti tingaona vadikani vedu vakarashika here? Kana zvakadaro, kupi uye sei? Iyi nemimwe mibvunzo inowirirana icharangarirwa munyaya dzinotevera.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

The Daily Herald, Provo, Utah

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe