Kutetekera Nyevero Kungaponesa Upenyu Hwako
NYEVERO ingava chiratidzo chomugwagwa chinoti: “Famba zvishoma,” “Ngwarira,” kana kuti “Mira Dzimwe Mota Dzipfuure”; kana kuti chingave rambi rinopenya chiedza chakachenuruka. Chingawanwa pabhodhoro remishonga kana kuti rechefu. Kutetekera nyevero dzakadaro hakuna kuoma zvikuru, uye kungaponesa upenyu hwako.
Zvisinei, kune zvimwe zvinoitika ingareva kuvhiringidzwa kwerongedzero kana kuti kurashikirwa nepfuma yokunyama. Nyevero dzedutu guru nechamupupuri chikuru dzingada kuti varedzi vadzoke kumhenderekedzo kana kuti vagare pachiteshi ndokusashanda zuva irero. Nyevero dzingareva kusavhiringidza bedzi rongedzero asi kusiya musha nepfuma. Kana kuti kushivirira nechitambudzo chine misasa. Dzimwe nguva nyevero dzakadaro hadzitetekerwe, nomuuyo wokurashikirwa noupenyu.
Somuenzaniso, muchirimo chegore ra 1902, zvinhu zvose zvakanga zvichifamba zvakanaka pachitsuwa chakanaka cheCaribbean cheMartinique. Ipapo nyevero dzengwavaira dzakavamba kuoneka apo Gomo rePelée, gomo rembumutsa mavhunze omwoto riri paanenge mamaira mashanu (8 km) kubva kuSt. Peirre, guta guru rechitsuwacho, rakavamba kudengenyeka. Pakupedzisira, apo utsi, marota, nezvimedu zvamabwe zvakabudisa utsi hunonuhwa zvikuru, vanhu vomunzvimboyo vakabatwa nokutya. Migariro yakapfuurira kuipisisa, uye kunofanira kuve kwave kuri pachena kuti ngozi chaiyoiyo yakanga iri pedyo.
Nyevero Dzisingatetekerwi
Nokuti kuchekwa kwenzimbe kwakanga kwoswedera, vanamuzvina bhizimisi veSt. Pierre vakasimbisira vanhu kuti kwakanga kusina ngozi. Vezvamatongerwe enyika, vachiitira hanya pamsoro pesarudzo iri kuuya, havana kuda kuti vanhu vatize, naizvozvo vakataura nenzira imwe cheteyo. Vatungamiriri vorudzidziso vakabatira pamwe pakutaurira vateveri vavo kuti zvose zvakanga zvakaisvonaka. Ipapo, pana May 8, Gomo rePelée rakaputika nokutinhira kukurusa. Makore akasviba kuti ndoo anopisa zvikuru akananga kuSt. Pierre, uye vanhu 30 000 vakafa.
Kwezvizvarwa zvizhinji Gomo reSt. Helens, riri munyika yeWashington, U.S.A. rakanga riri mufananidzo worugare noruteramo. Nharaundawo yakanga izerwe nemhatsa huru yemhuka uye yakanga yakanaka nokuda kwokukwira makomo nokuredza. Asika ipapo muna March 1980, zviratidzo zvengozi zvakasvika muchimiro chokudengenyeka kuzhinji nokuputika kuduku kwoutsi. Pakuzosvika pakuvamba kwaMay gomo rakanga richidengenyeka zvikuru kwazvo. Vakuru vakuru vomunzvimbomo navenyika vakavamba kubudisa nyevero dzengozi kuna avo vari munharaunda yembumutsa mavhunze.
Zvakare, chiverengero chakati kuti chavanhu chakaramba chiri munharaundayo, apo vamwe vaifuratira havo zviratidzo zvinonyevera pamsoro pokuyambukira kunharaunda ine ngozi. Kamwe kamwe, murungwanani rweSvondo, May 18, kwakava nokuputika kukurusa kwakaputitsa tsoka 1 300 (400 m) dzomuromoromo wegomo ndokuunza ruparadziko pazvirimwa nemhuka, uyewo napanavanhu 60 vakanga vakundikana kutetekera nyevero dzakapiwa.
Mukusiana, muna November 1986, Gomo reMihara pachitsuwa cheIzu-Oshima, Japan, kamwe kamwe rakaputika, richityisidzira chitsuwa chose pamwe chete navagari vacho navagari vomuchitsuwa vane zviuru gumi navachikairi. Apo chiziviso chokuti, “Budai zvino!” chakasvika, ivo vakatetekera nyevero. Nyaya inotevera yomunyori waMukai! muJapan inozivisa nhauyo.