RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Zvakazarurwa 1:1-22:21
  • Zvakazarurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakazarurwa
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvakazarurwa

ZVAKAZARURWA KUNA JOHANI

1 Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari,+ kuti aratidze varanda vake+ zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika. Akatuma ngirozi yake, ikazvipa muranda wake Johani ichiita zvekumuratidza,+ 2 uyo akapupura shoko rakabva kuna Mwari neuchapupu hwakapiwa naJesu Kristu, izvo zvinhu zvese zvaakaona. 3 Anofara uyo anoverenga zvinonzwika nevaya vanonzwa mashoko euprofita uhwu uye vanoita zvinhu zvakanyorwa mahuri,+ nekuti nguva yakasarudzwa yava pedyo.

4 Ini Johani, ndiri kunyorera ungano nomwe+ dziri munharaunda yeEzhiya ndichiti:

Ivai nenyasha nerugare zvinobva kuna “Iye aripo, uye aivapo uye ari kuuya,”+ uye zvinobva kumweya minomwe+ iri pamberi pechigaro chake cheumambo, 5 uye zvinobva kuna Jesu Kristu, “Chapupu Chakatendeka,”+ “Dangwe kubva kuvakafa,”+ uye “Mutongi wemadzimambo enyika.”+

Kuna iye anotida+ uye akatisunungura pazvivi zvedu achishandisa ropa rake,+ 6 iye akaita kuti tive umambo+ nevapristi+ kuna Mwari wake uye Baba vake, chokwadi kwaari ngakuve nekukudzwa nesimba nekusingaperi. Ameni.

7 Onai! Ari kuuya nemakore,+ uye maziso ese achamuona, nevaya vakamubaya; uye madzinza ese epanyika achazvirova achishungurudzika nekuda kwake.+ Ichi ichokwadi. Ameni.

8 “Ndini Arufa naOmega,”*+ anodaro Jehovha* Mwari, “Iye aripo, uye aivapo uye ari kuuya, Wemasimbaose.”+

9 Ini Johani, hama yenyu inotambudzika pamwe chete nemi,+ uye inogoverana nemi muumambo+ nepakutsungirira+ pamwe chete naJesu,+ ndaiva pachitsuwa chinonzi Patmosi nemhaka yekutaura nezvaMwari uye kupupura nezvaJesu. 10 Ndakafemerwa ndikava muzuva raShe uye ndakanzwa inzwi rakasimba shure kwangu raiita sebhosvo, 11 richiti: “Nyora mugwaro* zvaunoona uzvitumire kuungano nomwe: yemuEfeso,+ yemuSimina,+ yemuPegamo,+ yemuTiyatira,+ yemuSadhisi,+ yemuFiradhefiya,+ uye yemuRaodhikiya.”+

12 Ndakatendeuka kuti ndione aitaura neni; pandakatendeuka, ndakaona zvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe,+ 13 uye pakati pezvigadziko zvacho paiva neakanga akaita semwanakomana wemunhu,+ ainge akapfeka nguo yaisvika kutsoka, akasunga bhandi regoridhe pachipfuva. 14 Uyewo musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena semvere dzemakwai, zvakachena sechando, uye maziso ake akanga akaita serimi remoto,+ 15 tsoka dzake dzakanga dzakaita semhangura yakanaka+ inenge ichipenya muchoto, uye inzwi rake raiita semvura zhinji iri kutinhira. 16 Aiva nenyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi,+ uye mukanwa make makabuda bakatwa refu rakapinza, rinocheka nekwese,+ uye chiso chake chakanga chakaita sezuva parinenge richipenya kusvika pekupedzisira.+ 17 Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake semunhu afa.

Akabva andibata neruoko rwake rwerudyi akati: “Usatya. Ndini Wekutanga+ neWekupedzisira,+ 18 uye mupenyu;+ ndakambofa,+ asi iye zvino ndiri mupenyu uye ndicharamba ndiri mupenyu nariini nariini,+ uye ndine kiyi dzerufu neGuva.*+ 19 Saka nyora zvinhu zvawaona, uye zvinhu zviripo, nezvinhu zvichaitika pashure peizvi. 20 Kana chiri chakavanzika chitsvene* chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rwerudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe: Nyeredzi nomwe ingirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe iungano nomwe.+

2 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muEfeso+ kuti: Izvi ndizvo zvinotaurwa naiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, anofamba pakati pezvigadziko zvemarambi zvegoridhe zvinomwe:+ 2 ‘Ndinoziva mabasa ako, nekushanda kwaunoita nekutsungirira kwako, uye kuti haungosiyi vanhu vakaipa vakadaro, uye kuti unoedza vaya vanozviti vaapostora+ asi vasiri, uye wakaona kuti vari kunyepa. 3 Uri kutsungirirawo, uye wakaramba wakashinga uchiitira zita rangu+ uye hauna kuneta.+ 4 Asi pandinopesana newe ndepekuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.

5 “‘Saka yeuka zvawainge uri usati wawa, upfidze,+ uite mabasa awaiita pakutanga. Ukasadaro ndichauya kwauri ndobvisa chigadziko chako cherambi+ panzvimbo yacho, kunze kwekunge wapfidza.+ 6 Zvisinei, pane zvakanaka zvauri kuita. Unovenga zvinoitwa nekapoka kaNikorasi+ izvo zvandinovengawo. 7 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nemweya kuungano uchiti:+ Anokunda+ ndichamubvumira kudya michero yemuti weupenyu+ uri muparadhiso yaMwari.’

8 “Nyorera ngirozi yeungano iri muSimina kuti: Izvi ndizvo zvaanotaura, ‘iye Wekutanga neWekupedzisira,’+ akafa akavazve mupenyu:+ 9 ‘Ndinoziva kutambudzika kwako neurombo hwako, asi wakapfuma,+ uye ndinoziva kushorwa kwaunoitwa nevaya vanozviti vaJudha ivo vasiri, asi vari sinagogi raSatani.+ 10 Usatya matambudziko awava kuda kusangana nawo.+ Inzwa! Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kusvika pekupedzisira, uye muchatambudzika kwemazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvika parufu, uye ndichakupa korona yeupenyu.+ 11 Ane nzeve ngaanzwe+ zvinotaurwa nemweya kuungano uchiti: Uya anokunda+ haazofi rufu rwechipiri.’+

12 “Nyorera ngirozi yeungano iri muPegamo kuti: Izvi ndizvo zvinotaurwa naiye ane bakatwa refu rakapinza, rinocheka nekwese:+ 13 ‘Ndinoziva kwauri kugara, kune chigaro cheumambo chaSatani; asi unoramba wakabatisisa zita rangu,+ uye wakaramba uchitenda mandiri+ kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka+ chakaurayirwa+ kwamunogara, uko kuri kugara Satani.

14 “‘Kunyange zvakadaro, zvishoma zvandinopesana newe ndezvekuti une vaya vari kutevera dzidziso yaBharami,+ uyo akadzidzisa Bharaki+ kuti aite zvinhu zvinotsausa vanakomana vaIsraeri, kuti vadye zvinhu zvakabayirwa zvidhori uye kuti vaite upombwe.*+ 15 Unewo vari kuita zvakafanana naizvozvo, vari kutevera dzidziso yekapoka kaNikorasi.+ 16 Saka pfidza. Kana ukarega, ndiri kukurumidza kuuya kwauri, ndovarwisa nebakatwa refu rinobuda mumuromo mangu.+

17 “‘Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nemweya kuungano uchiti:+ Anokunda+ ndichamupa imwe mana yakavigwa,+ uye ndichamupa hurungudo chena yakanyorwa zita idzva risina mumwe anoriziva kunze kweuya anoripiwa.’

18 “Nyorera ngirozi yeungano iri muTiyatira+ kuti: Izvi ndizvo zvinotaurwa neMwanakomana waMwari, ane maziso akaita serimi remoto,+ uye ane tsoka dzakafanana nemhangura inopenya:+ 19 ‘Ndinoziva mabasa ako, nerudo rwako nekutenda nekushumira kwako nekutsungirira, uye kuti mabasa awava kuita akawanda kupfuura awaiita pakutanga.

20 “‘Kunyange zvakadaro, pandinopesana newe ndepekuti uri kungosiya mukadzi uya Jezebheri+ achiita madiro, uyo anozviti muprofitakadzi, achidzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe*+ uye kuti vadye zvinhu zvakabayirwa zvidhori. 21 Ndakamupa nguva yekuti achinje, asi haasi kuda kusiya upombwe* hwake. 22 Inzwa! Ndava kuda kumurova neurwere hwakakura, uye ndichaita kuti vaya vari kuita upombwe naye vatambudzike zvakanyanya, kunze kwekunge vasiya mabasa ake. 23 Ndichauraya vana vake nedenda rakaipisisa, kuti ungano dzese dzizive kuti ndini iye anoongorora pfungwa dzakadzama* nemwoyo, uye ndichapa munhu mumwe nemumwe zvinoenderana nemabasa ake.+

24 “‘Zvisinei, ndinoti kwamuri imi vamwe vese vari muTiyatira, imi mese musingateveri dzidziso iyi, musingazivi zvavanoti “zvinhu zvakadzama zvaSatani”:+ Handisi kukuwedzerai mumwe mutoro. 25 Kunyange zvakadaro, batisisai zvamuinazvo kusvikira ndauya.+ 26 Uya anokunda uye anoita mabasa angu kusvikira pamugumo, ndichamupa simba pamarudzi,+ 27 sekupiwa kwandakaitwa simba naBaba vangu uye achafudza marudzi netsvimbo yesimbi+ zvekuti achaputswa-putswa semidziyo yevhu. 28 Uye ndichamupa nyeredzi yemangwanani.+ 29 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nemweya kuungano.’

3 “Nyorera ngirozi yeungano iri muSadhisi kuti: Izvi ndizvo zvinotaurwa naiye ane mweya minomwe yaMwari+ nenyeredzi nomwe:+ ‘Ndinoziva mabasa ako, kuti unonzi* uri mupenyu asi iwe wakafa.+ 2 Muka,+ usimbise zvinhu zvasara zvakanga zvava kuda kufa, nekuti ndakaona kuti hausi kunyatsoita mabasa ako* pamberi paMwari wangu. 3 Saka ramba uchifunga* zvawakagamuchira nezvawakanzwa, woramba wakazvibatisisa, uye pfidza zvivi zvako.+ Chokwadi kana ukasamuka, ndichauya sembavha,+ uye hauzombozivi nguva yandichauya kwauri.+

4 “‘Kunyange zvakadaro, une vanhu vashoma* muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo.+ Vanhu ivavo vachafamba neni vakapfeka nguo chena,+ nekuti vakakodzera kuti vadaro. 5 Uya anokunda+ achabva apfeka nguo chena,+ uye handizombodzimi zita rake mubhuku reupenyu,+ asi ndichabvuma kuti ndinoziva zita rake pamberi paBaba vangu nepamberi pengirozi dzavo.+ 6 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nemweya kuungano.’

7 “Nyorera ngirozi yeungano iri muFiradhefiya kuti: Izvi ndizvo zvinotaurwa naiye mutsvene,+ wechokwadi,+ ane kiyi yaDhavhidhi,+ anovhura zvekuti hapana anozovhara uye anovhara zvekuti hapana anovhura: 8 ‘Ndinoziva mabasa ako. Hona, ndavhura suo pamberi pako+ risina anogona kuvhara. Ndinoziva kuti hauna simba rakawanda, wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu. 9 Inzwa! Ndichaita kuti vaya vesinagogi raSatani avo vanonyepa vachizviti vaJudha ivo vasiri,+ vauye. Ndichaita kuti vauye vopfugama pamberi pako,* ndoita kuti vazive kuti ndakakuda. 10 Wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu,*+ saka ndichakuchengetawo panguva yekuedzwa+ ichauya panyika yese kuzoedza vanhu vanogara panyika. 11 Ndiri kukurumidza kuuya.+ Ramba wakabatisisa zvauinazvo, kuti pasava neanotora korona yako.+

12 “‘Anenge akunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, uye haazombobudi mairi; ndichanyora paari zita raMwari wangu+ nezita reguta raMwari wangu, iro Jerusarema Idzva+ rinoburuka kubva kudenga kuna Mwari wangu, uye ndichanyorawo zita rangu idzva paari.+ 13 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nemweya kuungano.’

14 “Nyorera ngirozi yeungano iri muRaodhikiya+ kuti: Izvi ndizvo zvinotaurwa naAmeni,+ chapupu+ chakatendeka uye chechokwadi,+ wekutanga pane zvakasikwa naMwari:+ 15 ‘Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Dai zvako waitonhora kana kupisa. 16 Sezvo uchidziya, usingapisi+ kana kutonhora,+ ndichakusvipa. 17 Nemhaka yekuti unoti, “Ndakapfuma+ uye ndine upfumi, hapana chandinoshaya,” asi usingazivi kuti unosiririsa, unonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu uye hauna kupfeka, 18 ndinokupa zano rekuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nemoto kuti upfume, uye utengewo nguo chena dzekuti upfeke kuti usaonekwa usina kupfeka,+ wotengawo mafuta emaziso kuti uzore maziso+ ako uone.+

19 “‘Vese vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga.+ Saka pfidza zvivi zvako ushumire uchishingaira.+ 20 Inzwa! Ndakamira pasuo uye ndiri kugogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu ovhura suo, ndichapinda mumba make ndodya zvekudya zvemanheru naye, tiri pamwe chete. 21 Ndichaita kuti anokunda+ agare neni pachigaro changu cheumambo,+ sezvandakaita pandakakunda ndikagara+ naBaba vangu pachigaro chavo cheumambo. 22 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nemweya kuungano.’”

4 Pashure peizvi ndakaona suo rakanga rakavhurika kudenga, uye inzwi rekutanga randakanzwa richitaura neni raiita sebhosvo, uye raiti: “Kwidza kuno uye ndichakuratidza zvinhu zvinofanira kuitika.” 2 Pashure peizvi mweya wakabva wauya pandiri, uye paiva nechigaro cheumambo chaiva panzvimbo yacho kudenga, chiine akanga akachigara.+ 3 Uya akanga agere ipapo aipenya sedombo rejaspa+ nedombo resadhiyo,* uye chigaro chacho cheumambo chakanga chakakomberedzwa nemuraraungu wakaita sedombo reemaradhi.+

4 Chigaro chacho chakanga chakakomberedzwa nezvigaro zveumambo 24, uye ndakaona vakuru 24+ vakanga vakagara pazvigaro zvacho vakapfeka nguo chena nekorona dzegoridhe mumisoro yavo. 5 Pachigaro chacho cheumambo paibuda mheni+ nemanzwi nekutinhira;+ uye paiva nemwenje minomwe yaibvira pamberi pechigaro cheumambo, uye mwenje yacho inomiririra mweya minomwe yaMwari.+ 6 Pamberi pechigaro chacho cheumambo paiva nerinenge gungwa rakaita segirazi,+ rakafanana nekristaro.

Nechepakati pechigaro chacho* uye kumativi acho ese, paiva nezvisikwa zvipenyu zvina+ zvainge zvizere maziso mberi neshure. 7 Chisikwa chipenyu chekutanga chakanga chakaita seshumba,+ chechipiri chakanga chakaita semukono wemombe,+ chechitatu+ chakanga chiine chiso chakaita sechemunhu, uye chechina+ chakanga chakaita segondo riri kubhururuka.+ 8 Kana zviri zvisikwa zvipenyu zvina, chimwe nechimwe chazvo chaiva nemapapiro 6; akanga akazara maziso kumativi ese uye nechepasi pawo.+ Siku nesikati zvinoramba zvichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, Jehovha*+ Mwari Wemasimbaose, uyo akanga aripo uye aripo uye achauya.”+

9 Pese panopa zvisikwa zvipenyu rukudzo neruremekedzo nekuonga kuna iye agere pachigaro cheumambo, anorarama nekusingaperi,+ 10 vakuru 24+ vanobva vawira pasi pamberi peuya akagara pachigaro cheumambo vonamata iye anorarama nekusingaperi, uye vanokanda korona dzavo pamberi pechigaro cheumambo, vachiti: 11 “Jehovha,* Mwari wedu, makakodzera kuti mugamuchire kukudzwa+ nekuremekedzwa+ nesimba,+ nekuti makasika zvinhu zvese,+ uye nekuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.”

5 Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rweuya akanga agere pachigaro cheumambo+ muine gwaro* rakanyorwa kumativi ese,* rainge rakanamwa zvakasimba nezvisimbiso* zvinomwe. 2 Ndakaona ngirozi yakasimba ichishevedzera kuti: “Ndiani akakodzera kuvhura gwaro iri uye kubvisa zvisimbiso zvaro?” 3 Asi kudenga nepanyika nepasi penyika pakashayikwa aikwanisa kuvhura gwaro racho kana kuona kuti rakanyorwei. 4 Ndakachema kwazvo nekuti pakashayikwa akakodzera kuvhura gwaro racho uye kuona kuti rakanyorwei. 5 Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.”

6 Ndakaona gwayana raiita kunge rakanga rambourayiwa,+ rimire pedyo nechigaro* cheumambo nepakati pezvisikwa zvina uye pakati pevakuru+ vacho; gwayana+ racho raiva nenyanga nomwe nemaziso manomwe uye maziso acho anomiririra mweya minomwe yaMwari+ yakatumwa munyika yese. 7 Rakabva raenda rikanotora gwaro racho muruoko rwerudyi rwaiye akanga agere pachigaro cheumambo.+ 8 Parakatora gwaro racho, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru 24+ vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nemumwe aine rudimbwa nendiro dzegoridhe dzakanga dzizere nerusenzi. (Rusenzi yacho inomiririra minyengetero yevatsvene.)+ 9 Vanoimba rwiyo rutsva,+ vachiti: “Makakodzera kutora gwaro nekubvisa zvisimbiso zvaro, nekuti makaurayiwa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu+ vemadzinza ese nemitauro nemarudzi,+ 10 uye makaita kuti vave umambo+ nevapristi kuna Mwari wedu.+ Ivo vachatonga semadzimambo+ pamusoro penyika.”

11 Ndakabva ndaona ngirozi zhinji dzakanga dzakapoteredza chigaro cheumambo pamwe chete nezvisikwa zvipenyu nevakuru uye ndakanzwa manzwi adzo; ngirozi dzacho dzakanga dziri makumi ezviuru akapetwa kane makumi ezviuru nezviuru zvezviuru,+ 12 uye dzaishevedzera dzichiti: “Gwayana iro rakaurayiwa,+ rakakodzera kuva nemasimba nepfuma neuchenjeri nesimba nekukudzwa nekubwinya nekurumbidzwa.”+

13 Ndakanzwa zvisikwa zvese zviri kudenga nepanyika nepasi penyika+ nemugungwa, zvese zvazvo, zvichiti: “Kurumbidzwa nekukudzwa+ nekubwinya nesimba ngazvive kuna iye agere pachigaro cheumambo+ nekuGwayana+ nariini nariini.”+ 14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvaiti: “Ameni!” uye vakuru vakawira pasi, vakanamata Mwari.

6 Ndakaona Gwayana+ richivhura chisimbiso chekutanga pazvisimbiso* zvinomwe,+ uye ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina+ chichiti nenzwi raitinhira semabhanan’ana: “Uya!” 2 Ndakaona bhiza jena,+ uye akanga akaritasva aiva neuta; akapiwa korona,+ uye akabuda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.+

3 Parakavhura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu+ chechipiri chichiti: “Uya!” 4 Pakabva pabuda rimwe bhiza raiva neruvara rwakaita serimi remoto, uye akanga akaritasva akabvumirwa kubvisa runyararo panyika kuti vanhu vaurayane, uye akapiwa bakatwa hombe.+

5 Parakavhura chisimbiso chechitatu,+ ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu+ chichiti: “Uya!” Ndakabva ndaona bhiza dema, uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake. 6 Ndakanzwa inzwi* raibva pakati pezvisikwa zvina richiti: “Rita* regorosi richaita dhinari,+ uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta emaorivhi uye waini.”+

7 Parakavhura chisimbiso chechina, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechina+ chichiti: “Uya!” 8 Ndakabva ndaona bhiza rakachenuruka, uye akanga akaritasva aiva nezita rekuti Rufu. Aiteverwa neGuva, riri pedyo naye.* Vakapiwa simba pachikamu chimwe chete chezvikamu zvina zvenyika, kuti vauraye nebakatwa refu nenzara+ nedenda uye nezvikara zvepanyika.+

9 Parakavhura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi peatari+ paine mweya*+ yevaya vakaurayirwa shoko raMwari uye kupupura kwavakanga vaita.+ 10 Vakashevedzera nenzwi guru, vachiti: “Changamire Ishe mutsvene newechokwadi,+ mucharega kutonga uye kutsiva ropa redu pane vaya vanogara panyika kusvikira riini?”+ 11 Mumwe nemumwe wavo akabva apiwa nguo refu chena,+ uye vakaudzwa kuti vamboti mirei kusvikira nhamba yevamwe varanda, idzo hama dzavo dzakanga dzava kuda kuurayiwa sezvavakaitwa, yakwana.+

12 Ndakaona richivhura chisimbiso chechitanhatu, uye pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru; zuva rakasviba semasaga akagadzirwa nemvere,* mwedzi ukatsvuka seropa,+ 13 nyeredzi dzekudenga dzikawira panyika semaonde asina kuibva anodonhera pasi panozunguzwa muonde nemhepo ine simba. 14 Denga rakabva raenda richiita segwaro riri kumonwa,+ uye makomo ese nezvitsuwa zvese zvakabviswa panzvimbo yazvo.+ 15 Madzimambo enyika nemakurukota, nevatungamiriri vehondo, nevapfumi, nevane simba, nevaranda vese, nevanhu vese vakasununguka vakabva vahwanda mumapako nemumatombo emumakomo.+ 16 Uye vanoramba vachiti kumakomo nekumatombo: “Tiwirei+ kuti tisaonekwa naiye agere pachigaro cheumambo+ uye kuti tisaona hasha dzeGwayana,+ 17 nekuti zuva guru rehasha dzavo rasvika,+ uye ndiani anokwanisa kumira?”+

7 Pashure peizvi, ndakaona ngirozi ina dzakamira pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika, kuti parege kuva nemhepo ingavhuvhuta panyika kana mugungwa kana pamuti chero upi zvawo. 2 Ndakaonawo imwe ngirozi ichikwidza ichibva kumabvazuva, iine chisimbiso* chaMwari mupenyu; uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina dzakanga dzabvumirwa kukuvadza nyika negungwa, 3 ichiti: “Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso+ pahuma dzevaranda vaMwari wedu.”+

4 Uye ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vanokwana 144 000,+ avo vakabva mumadzinza ese evanakomana vaIsraeri:+

5 Mudzinza raJudha makaiswa chisimbiso vanhu 12 000;

mudzinza raRubheni 12 000;

mudzinza raGadhi 12 000;

6 mudzinza raAsheri 12 000;

mudzinza raNaftari 12 000;

mudzinza raManase+ 12 000;

7 mudzinza raSimiyoni 12 000;

mudzinza raRevhi 12 000;

mudzinza raIsakari 12 000;

8 mudzinza raZebhuroni 12 000;

mudzinza raJosefa 12 000;

mudzinza raBhenjamini makaiswa chisimbiso vanokwana 12 000.

9 Pashure peizvi, ndakaona boka guru revanhu vakanga vasingakwanisi kuverengwa nemunhu, vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi,*+ vamire pamberi pechigaro cheumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena,+ uye vakabata mapazi emichindwe.+ 10 Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: “Ruponeso rwedu runobva kuna Mwari wedu agere pachigaro cheumambo,+ uye kuGwayana.”+

11 Ngirozi dzese dzainge dzakamira dzakakomberedza chigaro cheumambo nevakuru+ nezvisikwa zvipenyu zvina, uye dzakawira pamberi pechigaro cheumambo nezviso zvadzo dzikanamata Mwari, 12 dzichiti: “Ameni! Kurumbidzwa nekukudzwa neuchenjeri nekuonga nekuremekedzwa nemasimba nesimba ngazvive kuna Mwari wedu nariini nariini.+ Ameni.”

13 Mumwe wevakuru akabva ati kwandiri: “Ko ava vakapfeka nguo refu chena+ ndivanaani uye vakabvepi?” 14 Ndakabva ndangoti kwaari: “Ishe wangu, ndimi munoziva.” Iye akati kwandiri: “Ava ndivo vanobuda mukutambudzika kukuru,+ uye vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.+ 15 Ndokusaka vari pamberi pechigaro cheumambo chaMwari, uye vachimuitira basa dzvene siku nesikati mutemberi yake. Iye agere pachigaro cheumambo+ achatambanudza tende rake pamusoro pavo.+ 16 Havazonzwi nzara kana nyota, uyewo havazopiswi nezuva kana nekumwewo kupisa kukuru,+ 17 nekuti Gwayana,+ iro riri pedyo nechigaro cheumambo,* richavafudza+ uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura yeupenyu.+ Mwari achapukuta misodzi yese pamaziso avo.”+

8 Gwayana+ parakavhura chisimbiso* chechinomwe,+ kudenga kwakabva kwati zii kweinenge hafu yeawa. 2 Ndakabva ndaona ngirozi nomwe+ dzinomira pamberi paMwari, uye dzakapiwa mabhosvo manomwe.

3 Pakabva pauya imwe ngirozi yainge yakabata mudziyo wekupisira rusenzi wegoridhe ikamira pedyo neatari,+ uye yakapiwa rusenzi zhinji kwazvo+ kuti ipise paatari yegoridhe+ yakanga iri pamberi pechigaro cheumambo panguva yaipiwa minyengetero yevatsvene vese. 4 Utsi hwerusenzi hwaibva muruoko rwengirozi hwakakwidza huchienda pamberi paMwari pamwe chete neminyengetero+ yevatsvene. 5 Asi ngirozi yacho yakabva yangotora mudziyo wekupisira rusenzi, ikauzadza nemumwe moto wepaatari, ikakanda moto wacho panyika. Uye kwakava nemabhanan’ana nemanzwi nemheni+ nekudengenyeka kwenyika. 6 Ngirozi dziya nomwe dzaiva nemabhosvo manomwe+ dzakabva dzagadzirira kuaridza.

7 Yekutanga yakaridza bhosvo rayo. Pakabva pava nechimvuramabwe nemoto zvakasangana neropa, uye zvakakandwa panyika;+ chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvenyika chakatsva, uye pakatsvawo chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvemiti, pamwe chete nezvinomera zvese zvakasvibirira.+

8 Ngirozi yechipiri yakaridza bhosvo rayo. Chimwe chinhu chakaita segomo guru raibvira moto chakabva chakandwa mugungwa.+ Uye chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvegungwa chakachinja kuva ropa;+ 9 chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvezvisikwa zvipenyu* zviri mugungwa chakafa,+ uye chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvezvikepe chakaparadzwa.

10 Ngirozi yechitatu yakaridza bhosvo rayo. Uye nyeredzi huru yaibvira semwenje yakawa kubva kudenga, ikawira pachikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvenzizi nepazvitubu zvemvura.+ 11 Nyeredzi yacho inonzi Kamuti Kanovava. Chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvemvura chakabva chavaviswa, uye vanhu vazhinji vakafa nemvura yacho nekuti yakanga yavaviswa.+

12 Ngirozi yechina yakaridza bhosvo rayo. Chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvezuva chakabva charohwa+ pamwe chete nechikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvemwedzi nechikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvenyeredzi, kuti chikamu chimwe chete pazvikamu zvazvo zvitatu chive nerima+ uye kuti chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvemasikati chirege kuva nechiedza, uye kuti usiku huitewo saizvozvo.

13 Zvino ndakaona gondo richibhururuka nepakati pedenga, richiti nenzwi guru: “Mune nhamo, mune nhamo+ imi vanogara panyika, mune nhamo nekurira kuchaita mabhosvo asara engirozi nhatu dzava kuda kuridza mabhosvo adzo!”+

9 Ngirozi yechishanu yakaridza bhosvo rayo.+ Ndakabva ndaona nyeredzi yakanga yadonha kubva kudenga ikawira panyika, uye yakapiwa kiyi yemuromo wegomba rakadzikadzika.+ 2 Yakavhura muromo wegomba rakadzikadzika, utsi hukabuda mugomba huchikwira seutsi huri kubva pachoto chakakura, uye zuva nemhepo zvakasvibiswa+ neutsi hwegomba racho. 3 Muutsi hwacho makabuda mhashu dzichienda panyika,+ uye dzakapiwa simba rakafanana neremarize ari panyika.* 4 Dzakaudzwa kuti dzisakuvadza zvinomera zvepanyika kana uswa hwakasvibirira kana miti, asi vanhu vaya chete vasina chisimbiso* chaMwari pahuma dzavo.+

5 Mhashu dzacho dzakanzi dzisavauraya, asi dzivarwadzise kwemwedzi mishanu, uye kurwadziwa kwavo* kwakanga kwakaita sekwekurumwa nerize.+ 6 Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaga rufu asi vacharushaya, uye vachatoti dai vafa zvavo asi rufu ruchavatiza.

7 Mhashu dzacho dzakanga dzakafanana nemabhiza akagadzirira kuenda kuhondo;+ misoro yadzo yakanga iine dzaiita sekorona dzegoridhe, uye zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezvevanhu, 8 asi dzaiva nebvudzi rakaita serevanhukadzi. Mazino adzo akanga akaita seeshumba,+ 9 uye dzakanga dziine zvinhu zvinovharidzira chipfuva zvakafanana nezviya zvinogadzirwa nesimbi. Mapapiro adzo aitinhira sengoro dzemabhiza dziri kumhanyira kuhondo.+ 10 Mhashu dzacho dzaiva nemiswe inoruma semarize, uye mumiswe yadzo ndimo mune simba rekukuvadza vanhu kwemwedzi mishanu.+ 11 Dzina mambo wadzo, iyo ngirozi yegomba rakadzikadzika.+ MuchiHebheru anonzi Abhadhoni,* asi muchiGiriki anonzi Aporiyoni.*

12 Dambudziko rimwe chete rapfuura. Asi pane mamwe maviri+ ari kuuya pashure pezvinhu izvi.

13 Ngirozi yechitanhatu+ yakaridza bhosvo rayo.+ Uye ndakanzwa inzwi richibva panyanga dzeatari yegoridhe+ iri pamberi paMwari, 14 richiti kungirozi yechitanhatu, yakanga iine bhosvo: “Sunungura ngirozi ina dzakasungwa kurwizi rukuru rwaYufratesi.”+ 15 Ngirozi dzacho ina idzo dzainge dzakagadzirira kusvika kwenguva yacho nezuva nemwedzi negore dzakabva dzasunungurwa kuti dziuraye chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvevanhu.

16 Mauto anotasva mabhiza aisvika makumi maviri ezviuru akapetwa nezviuru gumi;* ndakanzwa kuwanda kwawo. 17 Izvi ndizvo zvakanga zvakaita mabhiza andakaona muchiratidzo, nevaya vakanga vakaatasva: Zvinovharidzira zvipfuva zvavo zvaiva zveruvara rwakatsvuka semoto nerwebhuruu,* neyero yakaita sesarufa; misoro yemabhiza acho yakanga yakaita semisoro yeshumba,+ uye mumiromo yawo maibuda moto neutsi nesarufa. 18 Chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvevanhu chakaurayiwa nematambudziko matatu aya anoti moto neutsi nesarufa izvo zvakabuda mumiromo yawo. 19 Nekuti simba remabhiza acho riri mumiromo yawo nemumiswe yawo, nekuti miswe yawo yakaita senyoka uye ine misoro, uye anokuvadza nemiswe yacho.

20 Asi vamwe vanhu vese vasina kuurayiwa nematambudziko iwaya havana kusiya mabasa emaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni nezvidhori zvegoridhe nezvesirivha nezvemhangura nezvematombo nezvematanda, zvisingaoni kana kunzwa kana kufamba.+ 21 Uye havana kusiya umhondi hwavo kana zvemidzimu zvavaiita kana upombwe* hwavo kana umbavha hwavo.

10 Zvino ndakaona imwe ngirozi yakasimba ichiburuka kudenga, yakashonga gore,* iine muraraungu mumusoro, uye chiso chayo chakanga chakaita sezuva,+ makumbo ayo akaita* sembiru dzemoto, 2 uye muruoko rwayo maiva negwaro* diki rainge ravhurwa. Yakaisa tsoka yayo yekurudyi mugungwa, uye yekuruboshwe panyika, 3 uye yakashevedzera nenzwi guru sezvinoita shumba painodzvova.+ Payakashevedzera, mabhanan’ana manomwe+ akabva ataura.

4 Pakataura mabhanan’ana manomwe, ndakanga ndava kutoda kunyora, asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga+ richiti: “Usataura zvinhu zvataurwa nemabhanan’ana manomwe, uye usazvinyora.” 5 Ngirozi yandakaona yakatsika mugungwa nepanyika yakasimudzira ruoko rwayo rwerudyi kudenga, 6 uye yakapika naiye anorarama nariini nariini,+ akasika denga nezvinhu zviri mariri nenyika nezvinhu zviri mairi negungwa nezvinhu zviri mariri, ichiti:+ “Nguva yekumirira yapera. 7 Asi mumazuva anenge ava kuda kuridzwa bhosvo+ nengirozi yechinomwe+, chakavanzika chitsvene*+ icho chakaziviswa naMwari semashoko akanaka kuvaranda vake ivo vaprofita+ chichatopedziswa.”

8 Ndakabva ndanzwa inzwi kudenga+ richitaurazve neni richiti: “Enda unotora gwaro rakavhurika riri muruoko rwengirozi yakatsika mugungwa nepanyika.”+ 9 Ndakaenda kungirozi yacho ndikaiudza kuti indipe gwaro racho diki. Yakabva yati kwandiri: “Ritore uridye rese,+ uye richaita kuti mudumbu mako muvave, asi richatapira seuchi mukanwa mako.” 10 Ndakatora gwaro racho diki muruoko rwengirozi, ndikaridya,+ uye raitapira seuchi mukanwa mangu,+ asi pandakanga ndaridya, mudumbu mangu makavava. 11 Ndakabva ndaudzwa kuti: “Unofanira kuprofitazve pamusoro pevanhu nemarudzi nendimi* nemadzimambo mazhinji.”

11 Ndakapiwa tsanga yakaita setsvimbo*+ uye ndakaudzwa kuti: “Simuka uyere nzvimbo tsvene yetemberi yaMwari neatari nevaya vanonamatira mairi. 2 Asi kana chiri chivanze chiri kunze kwenzvimbo tsvene yetemberi, chisiye uye usachiyera nekuti chakapiwa mamwe marudzi, uye iwo achatsika-tsika guta dzvene+ kwemwedzi 42.+ 3 Ndichaita kuti zvapupu zvangu zviviri zviprofite kwemazuva 1260 zvakapfeka masaga.” 4 Zvapupu izvi ndizvo miorivhi miviri+ nezvigadziko zvemarambi+ zviviri uye zvakamira pamberi paShe wenyika.+

5 Kana pakaita anoda kuzvikuvadza, mumiromo yazvo munobuda moto woparadza vavengi vazvo. Iwayo ndiwo maurayirwo anofanira kuitwa munhu wese anoda kuzvikuvadza. 6 Zvine simba rekuvhara denga+ kuti mvura irege kunaya+ mumazuva azvinenge zvichiprofita, uye zvine simba rekuchinja mvura kuti ive ropa,+ nerekurova nyika nematambudziko emarudzi ese pazvinenge zvangoda.

7 Pazvinenge zvapedza kupupura, chikara chinobuda mugomba rakadzikadzika chicharwa nazvo chozvikunda, chozviuraya.+ 8 Zvitunha zvazvo zvichava mumugwagwa mukuru weguta guru rinofananidzwa neSodhomu neIjipiti; muguta racho ndimowo makarovererwa Ishe wavo padanda. 9 Vaya vanobva kumarudzi nemadzinza nendimi* nenyika vachatarisa zvitunha zvazvo kwemazuva matatu nehafu,+ uye havazobvumi kuti zvitunha zvacho zvivigwe muguva. 10 Vaya vanogara panyika vachafarira kufa kwazvo uye vachapembera nemufaro, uye vachatumirana zvipo, nekuti vakarwadziswa nevaprofita vaviri ava.

11 Pashure pemazuva matatu nehafu mweya weupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mazviri,+ zvikasimuka zvikamira, uye vaya vakazviona vakatya zvikuru. 12 Zvakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti kwazviri: “Kwirai kuno.” Zvakabva zvakwira kudenga zviri mugore, uye vavengi vazvo vakazviona.* 13 Panguva iyoyo pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, chikamu chimwe chete pazvikamu gumi zveguta chikawa; vanhu 7 000 vakaurayiwa nekudengenyeka kwacho, uye vamwe vese vakatya vakakudza Mwari wekudenga.

14 Dambudziko rechipiri+ rapfuura. Uye rechitatu riri kukurumidza kuuya.

15 Ngirozi yechinomwe yakaridza bhosvo rayo.+ Uye manzwi makuru akanzwika kudenga, achiti: “Umambo hwenyika hwava Umambo hwaShe wedu+ nehwaKristu wake,+ uye iye* achatonga samambo nariini nariini.”+

16 Vakuru 24+ vakanga vakagara pazvigaro zvavo zveushe pamberi paMwari vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari, 17 vachiti: “Tinokutendai Jehovha* Mwari Wemasimbaose, imi muripo+ uye makanga muripo, nekuti matora simba renyu guru, mukatanga kutonga samambo.+ 18 Asi marudzi akava nehasha, uye hasha dzenyu dzakauyawo, uye nguva yakasarudzwa yakasvika yekuti vakafa vatongwe uye yekupa mubayiro+ varanda venyu vaprofita+ nevatsvene nevaya vanotya zita renyu, vadiki nevakuru, uye yekuti muparadze vari kuparadza nyika.”+

19 Nzvimbo tsvene yetemberi yaMwari iri kudenga yakavhurwa, uye areka yesungano yake yakaonekwa iri munzvimbo tsvene yetemberi yake.+ Uye kwaiva nemheni nemanzwi nemabhanan’ana nekudengenyeka kwenyika nechimvuramabwe chikuru.

12 Zvino chiratidzo chikuru chakaoneka kudenga: Kwaiva nemukadzi+ akanga akashonga* zuva, pasi petsoka dzake paine mwedzi, mumusoro make muine korona yakagadzirwa nenyeredzi 12, 2 uye aiva nepamuviri. Aichema, achigomera nemarwadzo ekusununguka.

3 Kudenga kwakabva kwaoneka chimwe chiratidzo. Kwaiva nedhiragoni huru+ yaiva neruvara rwakaita serimi remoto, nemisoro minomwe nenyanga gumi, uye misoro yacho yaiva nekorona nomwe; 4 muswe wayo wakadhonza chikamu chimwe chete chezvikamu zvitatu zvenyeredzi+ dzedenga ukadzikanda panyika.+ Dhiragoni yakaramba yakamira pamberi pemukadzi+ akanga ava kuda kusununguka, ichimirira kuti asununguke yobva yadya mwana wake.

5 Mukadzi wacho akasununguka mwanakomana,+ munhurume, uyo achafudza marudzi ese netsvimbo yesimbi.+ Mwana wake akabva angoendeswa kuna Mwari nekuchigaro chake cheumambo. 6 Mukadzi wacho akatizira kurenje kune nzvimbo yake yaakagadzirirwa naMwari uko kwavaizomupa zvekudya kwemazuva 1 260.+

7 Zvino hondo yakatanga kudenga: Mikaeri*+ nengirozi dzake vakarwisa dhiragoni, uye dhiragoni nengirozi dzayo vakarwisawo 8 asi havana kukunda,* uye havana kuzovazve nenzvimbo kudenga. 9 Saka dhiragoni huru+ yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga,+ inonzi Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ uyo ari kutsausa nyika yese;+ akakandwa panyika,+ uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye. 10 Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:

“Ruponeso+ nesimba neUmambo hwaMwari wedu+ nesimba raKristu wake zvazouya, nekuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, iye anodzipomera siku nesikati pamberi paMwari wedu!+ 11 Vakamukunda+ neropa reGwayana+ uye neshoko ravaipupura,+ uye havana kukoshesa mweya yavo*+ kunyange pavainangana nerufu. 12 Saka farai, imi matenga nemi munogara maari! Mune nhamo imi nyika negungwa,+ nekuti Dhiyabhorosi adzika kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”+

13 Dhiragoni payakaona kuti yakandwa panyika,+ yakatambudza mukadzi+ uya akasununguka mwanakomana. 14 Asi mukadzi uyu akapiwa mapapiro maviri egondo guru,+ kuti abhururukire kunzvimbo yake kurenje, uko kwaachapiwa zvekudya kwenguva imwe chete nedzimwe nguva nehafu yenguva,*+ kure nenyoka.+

15 Nyoka yakabva yabudisa mvura zvine simba mumuromo mayo; yakaibudisa ichiita serwizi ichitevera mukadzi, kuti anyudzwe nerwizi rwacho. 16 Asi nyika yakabatsira mukadzi, uye nyika yakashama muromo wayo ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa nedhiragoni mumuromo mayo. 17 Saka Dhiragoni yakatsamwira mukadzi kwazvo, ikaenda kunorwa nevana* vake vakanga vasara,+ vanochengeta mirayiro yaMwari uye vane basa rekupupura nezvaJesu.+

13 Iyo* yakamira pajecha regungwa.

Uye ndakaona chikara+ chichibuda mugungwa,+ chiine nyanga gumi nemisoro minomwe; panyanga dzacho paiva nekorona gumi, asi pamisoro yacho pakanga paine mazita ekumhura. 2 Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi makumbo acho akanga akaita seemhuka inonzi bheya, muromo wacho wakanga wakaita seweshumba. Dhiragoni+ yakapa chikara masimba nechigaro chacho cheumambo nesimba racho guru.+

3 Ndakaona kuti mumwe musoro wacho waiita sekunge wakuvadzwa zvekufa, asi ronda rawo rinouraya rainge rapora,+ uye nyika yese yakatevera chikara chacho ichichiyemura. 4 Vakanamata dhiragoni nekuti yakapa chikara simba, uye vakanamata chikara nemashoko ekuti: “Ndiani akafanana nechikara, uye ndiani angarwa nacho?” 5 Chakapiwa muromo waitaura zvinhu zvikuru uye zvekumhura, uye chakapiwa simba kuti chirishandise kwemwedzi 42.+ 6 Chakashama muromo wacho chichimhura+ Mwari, kuti chimhure zita rake nenzvimbo yake yaanogara, kunyangewo vaya vanogara kudenga.+ 7 Chakabvumirwa kurwa nevatsvene uye kuvakunda,+ uye chakapiwa simba pamusoro pemadzinza ese nevanhu nendimi* nemarudzi. 8 Vanhu vese vari panyika vachachinamata. Kubvira pakuvambwa kwenyika, hapana zita remumwe wavo rakambonyorwa mugwaro* reupenyu+ reGwayana rakaurayiwa.+

9 Kana paine ane nzeve ngaanzwe.+ 10 Kana paine anofanira kutapwa, achatapwa. Munhu achauraya mumwe nebakatwa,* achaurayiwawo nebakatwa.+ Pano ndipo panoda kuti vatsvene+ vatsungirire+ uye vave nekutenda.+

11 Ndakabva ndaona chimwe chikara chichibuda pasi pevhu, uye chaiva nenyanga mbiri dzakafanana nedzegwayana, asi chakatanga kutaura sedhiragoni.+ 12 Chinoshandisa simba rese rechikara chekutanga,+ chikara chacho chekutanga chichiona. Uye chinoita kuti nyika nevanhu vari pairi vanamate chikara chekutanga, chaiva neronda rinouraya rakazopora.+ 13 Chinoita zviratidzo zvikuru, chichitoita kuti moto udzike panyika uchibva kudenga, vanhu vachizviona.

14 Chinotsausa vaya vanogara panyika nezviratidzo zvachakabvumirwa kuti chiite chichionekwa nechikara chekutanga, chichiudza vaya vanogara panyika kuti vagadzire mufananidzo+ wechikara* chakanga chiine ronda rebakatwa asi chikazorarama.+ 15 Chakabvumirwa kuti chipe mweya wekufema* kumufananidzo wechikara, kuti mufananidzo wechikara utaure uye uurayise vese vanoramba kunamata mufananidzo wechikara.

16 Chinomanikidza vanhu vese, vakuru nevadiki, vapfumi nevarombo, vakasununguka nevaranda, kuti vaiswe chiratidzo paruoko rwavo rwerudyi kana kuti pahuma dzavo,+ 17 uye kuti parege kuva nemunhu anotenga kana kutengesa kunze kwekunge aine chiratidzo, zita+ rechikara kana nhamba yezita racho.+ 18 Pano ndipo panodiwa uchenjeri: Munhu ane ungwaru ngaaongorore kuti nhamba yechikara ndeipi, nekuti inhamba yemunhu; uye nhamba yacho i666.+

14 Ndakabva ndaona Gwayana+ rimire paGomo reZiyoni,+ riine vane 144 000+ vakanyorwa zita raro nezita raBaba+ varo pahuma dzavo. 2 Ndakanzwa ruzha rwaibva kudenga rwaiita semvura zhinji uye semabhanan’ana makuru; uye ruzha rwandakanzwa rwakanga rwakaita serwevaimbi vari kuimba vachiridza udimbwa hwavo. 3 Uye vari kuimba rwiyo runoita serwiyo rutsva+ vari pamberi pechigaro cheumambo nepamberi pezvisikwa zvipenyu zvina+ nepevakuru,+ uye hapana akakwanisa kudzidza rwiyo irworwo kunze kwevaya vane 144 000,+ vakatengwa panyika. 4 Ava ndivo vasina kuzvisvibisa nevakadzi; chokwadi, vakaita semhandara.*+ Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nekwarinoenda.+ Vakatengwa+ pakati pevanhu sezvibereko zvekutanga+ kuna Mwari nekuGwayana, 5 uye hapana unyengeri hwakawanikwa mumiromo yavo; havana chavanopomerwa.+

6 Zvino ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka nepakati pedenga,* uye yaiva nemashoko akanaka anogara nekusingaperi ekuzivisa kuvanhu vanogara panyika, kumarudzi ese nemadzinza nendimi* nevanhu.+ 7 Yaiti nenzwi guru: “Ityai Mwari mumukudze, nekuti nguva* yekuti atonge vanhu yasvika,+ saka namatai iye akasika denga nenyika negungwa+ nezvitubu zvemvura.”

8 Imwe ngirozi yechipiri yakatevera ichiti: “Rawa! Bhabhironi Guru+ rawa,+ iro rakaita kuti marudzi ese anwe waini yechishuwo charo chisingadzorwi chekuita upombwe!”*+

9 Imwe ngirozi yechitatu yakadzitevera ichiti nenzwi guru: “Kana munhu akanamata chikara+ nemufananidzo wacho uye akaiswa chiratidzo pahuma yake kana paruoko rwake,+ 10 achanwawo waini yekutsamwa kwaMwari iyo inodururwa isina kuvhenganiswa mukapu yehasha dzaMwari,+ uye achatambudzwa nemoto nesarufa+ pamberi pengirozi tsvene nepamberi peGwayana. 11 Utsi hwekutambudzwa kwavo* hunoramba huchikwira nariini nariini.+ Uye vaya vanonamata chikara nemufananidzo wacho nevanhu vese vanoiswa chiratidzo chezita racho havana zororo siku nesikati.+ 12 Pano ndipo panoda kuti vatsvene vatsungirire,+ vaya vanochengeta mirayiro yaMwari uye vanoramba vachitenda+ muna Jesu.”*

13 Zvino ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora kuti: Vanofara vaya vanofa vari pamwe naShe+ kubvira panguva ino zvichienda mberi. Mweya unoti chokwadi ngavazorore pabasa ravo guru, nekuti vanobva vangoenda* nemabasa avo.”

14 Ndakabva ndaona gore jena, uye pagore racho painge pakagarwa neaiita semwanakomana wemunhu;+ mumusoro make maiva nekorona yegoridhe, muruoko rwake muine jeko rakapinza.

15 Imwe ngirozi yakabuda munzvimbo tsvene yetemberi, ichishevedzera nenzwi guru kune uya akanga agere pagore ichiti: “Tora jeko rako ukohwe, nekuti nguva yekukohwa yasvika, nekuti zvirimwa zvepanyika zvanyatsoibva.”+ 16 Uya akanga agere pagore akabva atambanudzira jeko rake panyika, nyika ikakohwewa.

17 Munzvimbo tsvene yetemberi iri kudenga makabudazve imwe ngirozi uye yaivawo nejeko rakapinza.

18 Imwezve ngirozi yakabuda paatari, uye yaiva nesimba pamusoro pemoto. Yakashevedzera nenzwi guru kune iya yaiva nejeko rakapinza, ichiti: “Tambanudza jeko rako rakapinza ukohwe masumbu ari pamuzambiringa wepanyika, nekuti mazambiringa awo aibva.”+ 19 Ngirozi yacho yakatambanudzira jeko rayo panyika, ikacheka muzambiringa wepanyika ikaukanda muchisviniro chikuru chewaini chekutsamwa kwaMwari.+ 20 Chisviniro chacho chakatsikwa-tsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro chacho rikakwira zvekusvika mumatomu emabhiza, rikayerera kwechinhambwe chemastadhiya 1 600.*

15 Zvino ndakaona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru uye chinoshamisa; ndakaona ngirozi nomwe+ dziine matambudziko manomwe. Aya ndiwo ekupedzisira, nekuti ndiwo achaita kuti kutsamwa kwaMwari kupere.+

2 Ndakaona chaiita segungwa regirazi+ rakasangana nemoto, uye vaya vanokunda+ chikara nemufananidzo wacho+ nenhamba yezita racho+ vakanga vakamira pedyo negungwa regirazi, vakabata udimbwa hwaMwari. 3 Vaiimba rwiyo rwaMozisi+ muranda waMwari nerwiyo rweGwayana,+ vachiti:

“Jehovha* Mwari Wemasimbaose,+ mabasa enyu makuru uye anoshamisa.+ Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,+ imi Mambo asingagumi.+ 4 Chokwadi ndiani asingazokutyii uye asingazokudzi zita renyu, imi Jehovha,* nekuti ndimi mega makavimbika?+ Marudzi ese achauya kuzokunamatai,+ nekuti akaziviswa mirayiro yenyu yakarurama.”

5 Pashure peizvi ndakatarisa ndikaona nzvimbo tsvene yetende reuchapupu+ ichivhurwa kudenga,+ 6 uye ngirozi nomwe dzaiva nematambudziko manomwe+ dzakabuda munzvimbo tsvene, dzakapfeka nguo dzejira dzakachena uye dzaipenya uye dzainge dzakasunga mabhandi egoridhe pazvipfuva zvadzo. 7 Chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa ngirozi dzacho nomwe ndiro nomwe dzegoridhe dzakanga dzizere nekutsamwa kwaMwari,+ uyo anorarama nariini nariini. 8 Nzvimbo tsvene yakabva yazara neutsi nekuda kwekubwinya kwaMwari+ uye simba rake, uye hapana akakwanisa kupinda munzvimbo tsvene kusvikira matambudziko manomwe+ engirozi dzacho nomwe apera.

16 Zvino ndakanzwa inzwi guru richibva munzvimbo tsvene+ richiti kungirozi nomwe: “Endai munodururira ndiro nomwe dzekutsamwa kwaMwari panyika.”+

2 Yekutanga yakaenda ikadururira ndiro yayo panyika.+ Vanhu vaiva nechiratidzo chechikara+ uye vainamata mufananidzo wacho+ vakabva vaita maronda anorwadza uye akaipisisa.+

3 Yechipiri yakadururira ndiro yayo mugungwa.+ Gungwa rakabva rachinja rikaita seropa+ remunhu akafa, uye zvisikwa zvipenyu zvese zvakafa,* chokwadi zvese zvaiva mugungwa.+

4 Yechitatu yakadururira ndiro yayo munzizi nemuzvitubu zvemvura.+ Uye zvakava ropa.+ 5 Ndakanzwa ngirozi yaiva nesimba pamusoro pemvura ichiti: “Imi, iye aripo uye akanga aripo+ uye akavimbika,+ makarurama, nekuti mapa mitongo iyi,+ 6 nekuti vakadeura ropa revatsvene nerevaprofita,+ uye mavapa ropa kuti vanwe;+ izvozvo ndizvo zvakavakodzera.”+ 7 Uye ndakanzwa atari ichiti: “Ndizvozvo, Jehovha* Mwari Wemasimbaose,+ mitongo yenyu ndeyechokwadi uye yakarurama.”+

8 Yechina yakadururira ndiro yayo pazuva,+ uye zuva rakabvumirwa kuti ripise vanhu semoto. 9 Vanhu vakatsva nekupisa kwacho kukuru, asi vakamhura zita raMwari uyo ane simba pamusoro pematambudziko aya, uye havana kupfidza zvivi zvavo kuti vamukudze.

10 Yechishanu yakadururira ndiro yayo pachigaro cheumambo chechikara. Umambo hwacho hwakabva hwaita rima,+ uye mumwe nemumwe akatanga kutsenga-tsenga rurimi rwake nemhaka yekurwadziwa kwavaiita, 11 asi vakamhura Mwari wekudenga nemhaka yekurwadziwa kwavaiita uye nemhaka yemaronda avo, uye havana kupfidza mabasa avo.

12 Yechitanhatu yakadururira ndiro yayo murwizi rukuru rwaYufratesi,+ mvura yarwo ikaoma+ kuti pave nenzira yemadzimambo+ ekumabvazuva.

13 Ndakabva ndaona kutaura kutatu kwakafemerwa, kusina kuchena,* kwakanga kwakafanana nematatya kuchibuda mukanwa medhiragoni+ nemechikara nememuprofita wenhema. 14 Kutaura kwacho kwakafemerwa nemadhimoni uye kunoita zviratidzo.+ Kunoenda kumadzimambo enyika yese kuti kuaunganidzire kuhondo+ yezuva guru raMwari Wemasimbaose.+

15 “Inzwa! Ndiri kuuya sembavha.+ Anofara uya anoramba akamuka,+ aine nguo dzake dzekunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu voona nyadzi dzake.”+

16 Uye kutaura kwacho kwakaaunganidza kunzvimbo inonzi Amagedhoni*+ muchiHebheru.

17 Yechinomwe yakadururira ndiro yayo mumhepo. Inzwi guru rakabva rabuda munzvimbo tsvene+ richibva pachigaro cheumambo, richiti: “Zvaitika!” 18 Pakabva pava nemheni nemabhanan’ana nemanzwi nekudengenyeka kwenyika kukuru kusati kwamboitika kubvira pakatanga kuva nevanhu panyika;+ kudengenyeka kwacho kwaiva nesimba zvikuru uye kwaisvika kure. 19 Guta guru+ rakatsemuka kuita zvikamu zvitatu, uye maguta emarudzi akaparara; uye Mwari akafunga nezveBhabhironi Guru+ kuti aripe kapu yewaini yekutsamwa kwake kukuru.+ 20 Uyewo zvitsuwa zvese zvakatiza, uye makomo akanyangarika.+ 21 Chimvuramabwe chikuru chaiva nemazigodo airema zvekuda kusvika tarenda* chakabva chatanga kurova vanhu chichibva kudenga,+ uye vanhu vakamhura Mwari nemhaka yedambudziko rechimvuramabwe,+ nekuti dambudziko racho rakanga rakakura kwazvo.

17 Imwe yengirozi nomwe dzakanga dziine ndiro nomwe+ yakauya kwandiri ikati: “Uya ndikuratidze kutongwa kwepfambi huru inogara pamvura zhinji,+ 2 iyo yakaita upombwe*+ nemadzimambo epanyika, uye yakadhakisa vanhu vanogara panyika newaini yeupombwe* hwayo.”+

3 Yakabva yanditakura mumweya ikandiendesa kurenje. Ndakaona mukadzi akanga akagara pachikara chitsvuku chakanga chakazara nemazita ekumhura, chiine misoro minomwe nenyanga gumi. 4 Mukadzi wacho akanga akapfeka nguo dzeruvara rwepepuru+ uye rutsvuku, uye akanga akazvishongedza negoridhe nematombo anokosha nemaparera,+ uye ainge akabata kapu yegoridhe yakanga izere nezvinhu zvinosemesa nezvinhu zvisina kuchena zveupombwe* hwake. 5 Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita risinganzwisisiki rekuti: “Bhabhironi Guru, amai vepfambi+ uye vezvinhu zvinosemesa zvenyika.”+ 6 Ndakaona kuti mukadzi wacho akanga akadhakwa neropa revatsvene uye neropa rezvapupu zvaJesu.+

Pandakamuona ndakashamisika kwazvo. 7 Saka ngirozi yacho yakati kwandiri: “Nei washamisika? Ndichakuudza zvakavanzika nezvemukadzi+ wacho nechikara chakamutakura chine misoro minomwe nenyanga gumi:+ 8 Chikara chawaona chakanga chiripo, asi hachisisipo, asi chava kuda kubuda mugomba rakadzikadzika,+ uye chichaparadzwa. Uye vagari vepanyika, vaya vasina kunyorwa mazita avo mugwaro* reupenyu+ kubvira pakuvambwa kwenyika, vachashamisika pavachaona kuti chikara chaimbovapo, uye hachisisipo, asi chichavapo.

9 “Apa panoda uchenjeri:* Misoro minomwe+ inomiririra makomo manomwe, anogarwa pamusoro pawo nemukadzi wacho. 10 Kune madzimambo manomwe: Mashanu akawa, mumwe aripo, uye mumwe haasati asvika; asi paachasvika anofanira kungoita nguva pfupi aripo. 11 Chikara chiya chekumbovapo icho chisisipo,+ ndichowo mambo wechisere, asi chinobva mumadzimambo manomwe, uye chichaparadzwa.

12 “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi asati agamuchira umambo, asi anogamuchira simba rekutonga semadzimambo kweawa imwe chete pamwe chete nechikara. 13 Aya ari kufunga pfungwa imwe chete, saka anopa chikara simba rawo nechiremera chawo. 14 Iwaya acharwa neGwayana,+ asi Gwayana richaakunda+ nekuti iro ndiShe wemadzishe+ naMambo wemadzimambo. Uye vaya vari pamwe naye vakadanwa, vakasarudzwa uye vakatendeka, vachakundawo.”+

15 Yakati kwandiri: “Mvura yawaona, pakagara pfambi, inomiririra vanhu nemapoka evanhu nemarudzi nendimi.*+ 16 Uye nyanga gumi+ dzawaona, nechikara,+ zvichavenga pfambi+ uye zvichaiparadza nekuipfekenura, uye zvichadya nyama yayo uye zvichairoromesa nemoto.+ 17 Nekuti Mwari akazviisa mumwoyo mavo+ kuti vaite zvaari kufunga, kureva kuti, vaite pfungwa yavo imwe chete kuburikidza nekupa umambo hwavo kuchikara,+ kusvikira mashoko aMwari aitika. 18 Mukadzi+ wawaona anomiririra guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.”

18 Pashure peizvi ndakaona imwe ngirozi yaiva nesimba guru ichidzika kubva kudenga, uye nyika yakavhenekerwa nekubwinya kwayo. 2 Yakashevedzera nenzwi guru, ichiti: “Rawa! Bhabhironi Guru rawa,+ uye rava nzvimbo inogarwa nemadhimoni uye nzvimbo inohwanda mweya yese isina kuchena* neshiri dzese dzisina kuchena uye dzinovengwa!+ 3 Nekuti rakaita kuti marudzi ese adhakwe newaini yechishuwo charo chisingadzorwi chekuita upombwe,*+ uye madzimambo epanyika akaita upombwe naro,+ uye vanhu vanotengesa* panyika vakapfumiswa neupfumi hwaro hwakanyanyisa hwarakaunganidza risingatombonyari.”

4 Ndakanzwa rimwe inzwi richibva kudenga richiti: “Budai mariri vanhu vangu,+ kana musingadi kubatanidzwawo muzvivi zvaro, uye kana musingadi kuwirwa nemamwe matambudziko aro.+ 5 Nekuti zvivi zvaro zvatutirana kusvika kudenga,+ uye Mwari ayeuka mabasa aro asina kururama.*+ 6 Riitireiwo zvarakaitira vamwe,+ chokwadi ritsivei kakapetwa kaviri pane zvarakaita;+ rigadzirirei muvhenganiswa wakapetwa kaviri mukapu+ yarakagadzirirawo muvhenganiswa waro.+ 7 Raizvikudza uye rairarama muumbozha risinganyari, saka ritambudzei murichemedze zvinoenderana naizvozvo. Nekuti rinoramba richiti mumwoyo maro: ‘Ndinogara samambokadzi, handisi chirikadzi, uye handizombochemi.’+ 8 Ndokusaka matambudziko aro achauya nezuva rimwe chete, rufu nekuchema nenzara, uye richaroromeswa nemoto,+ nekuti Jehovha* Mwari uyo akaritonga ane simba.+

9 “Madzimambo epanyika ayo akaita upombwe* naro uye akararama naro muumbozha hwaro hunonyadzisa, acharichema ozvirova neshungu paachaona utsi hwekutsva kwaro. 10 Paachaona kurwadziwa kwaro, achatya, omira nechekure achiti: ‘Iii inga zvakakuomera iwe guta guru,+ iwe Bhabhironi guta rakasimba, nekuti kutongwa kwako kwasvika muawa imwe chete!’

11 “Uyewo vanhu vanotengesa panyika vari kuridza mhere uye vari kurichema, nekuti hapasisina achatenga zvinhu zvavo zvese, 12 izvo zvinhu zvese zvavanotengesa zvinoti goridhe, sirivha, matombo anokosha, maparera, machira machena akanaka, machira epepuru, machira esiriki, nemachira matsvuku; nezvinhu zvese zvakagadzirwa nemiti inonhuhwirira; nezvinhu zvese zvakagadzirwa nenyanga dzenzou nematanda anokosha, nemhangura, nesimbi, nematombo emabhura; 13 uyewo sinamoni, netumwe tunonhuhwirira twekuIndiya, nerusenzi, nemafuta anonhuhwirira, nezvinonhuhwirira zvichena, newaini, nemafuta emaorivhi, nefurawa yakatsetseka, negorosi, nemombe, nemakwai, nemabhiza, nengoro, nevaranda nevamwe vanhu. 14 Hausisina muchero wakanaka wawaifarira,* uye machikichori ako ese nezvinhu zvako zvakanaka kwazvo hazvisisipo, uye hazvizombowanikizve.

15 “Vanhu vaitengesa zvinhu izvi avo vakapfuma naro, vachamira nechekure vachitya kurwadziswa kwarinenge richiitwa uye vacharidza mhere vachirichema 16 vachiti: ‘Iii inga zvakariomera guta guru, iro rakapfeka nguo dzejira rakanaka, nedzepepuru uye tsvuku, uye rakazvishongedza nezvinhu zvegoridhe zvakawanda nematombo anokosha nemaparera,+ 17 nekuti upfumi hwese uhwu hwaparara muawa imwe chete!’

“Vakuru vese vengarava nevanhu vese vanofamba nemugungwa, nevafambisi vezvikepe nevaya vese vanowaniswa cheuviri negungwa, vakamira nechekure, 18 vakaridza mhere pavaiona utsi hwaro richitsva uye vakati: ‘Nderipi guta rakaita seguta guru?’ 19 Vakazvimwaya guruva mumisoro vakaridza mhere vachichema, vachiti: ‘Iii inga guta guru rawirwa nedambudziko rakakura, iro guta riya rekupfumisa vanhu vese vaiva nezvikepe mugungwa, nekuti raparadzwa muawa imwe chete!’+

20 “Fara nezvaitika kwariri, iwe denga,+ nemiwo vatsvene+ nemi vaapostora nemi vaprofita, nekuti Mwari aripa mutongo waro nemhaka yezvarakakuitirai!”+

21 Imwe ngirozi yaiva yakasimba yakabva yasimudza dombo rakaita seguyo guru, ikarikanda mugungwa, ichiti: “Bhabhironi guta guru richawisirwa pasi nesimba seizvi, uye harizombowanikizve.+ 22 Iwe Bhabhironi mauri hamuzombonzwikizve vaimbi vanoimba vachiridza rudimbwa nevaya vanoridza zviridzwa nevanoridza nyere nevanoridza mabhosvo. Uye mhizha dzinoita mabasa akasiyana-siyana hadzizombowanikizve mauri, uye hapana guyo richazombonzwika mauri. 23 Hapana chiedza cherambi chichaonekazve mauri, uye hapana inzwi remurume ari kuroora kana remwenga richazombonzwika mauri; nekuti vanhu vako vaiita zvekutengesa vaiva vanhu vepamusoro panyika, uye wakatsausa marudzi ese nezvinhu zvemidzimu zvawaiita.+ 24 Chokwadi, mariri makawanikwa ropa revaprofita nerevatsvene+ nerevaya vese vakaurayiwa panyika.”+

19 Pashure peizvi, ndakanzwa ruzha rukuru kudenga rwaiita semanzwi eboka guru. Manzwi acho aiti: “Rumbidzai Jah!*+ Ruponeso nekukudzwa nesimba ndezvaMwari wedu, 2 nekuti mitongo yake ndeyechokwadi uye yakarurama.+ Nekuti aranga pfambi huru yakasvibisa nyika neupombwe* hwayo, uye atsiva ropa revaranda vake rayakadeura nemaoko ayo.”+ 3 Akabva ati kechipiri: “Rumbidzai Jah!*+ Utsi hunobva pairi hunoramba huchipwititika nariini nariini.”+

4 Vakuru 24+ nezvisikwa zvipenyu zvina+ vakabva vawira pasi, vakanamata Mwari agere pachigaro cheumambo, vakati: “Ameni! Rumbidzai Jah!”*+

5 Uye pachigaro cheumambo pakabuda inzwi raiti: “Rumbidzai Mwari wedu, imi varanda vake vese+ vanomutya, vadiki nevakuru.”+

6 Ndakanzwa ruzha rwaiita semanzwi eboka guru, uye semvura zhinji uye sekutinhira kwemabhanan’ana ane simba. Akati: “Rumbidzai Jah,*+ nekuti Jehovha* Mwari wedu, iye Wemasimbaose,+ atanga kutonga samambo!+ 7 Ngatipembere tichifara kwazvo, uye ngatimukudzei, nekuti muchato weGwayana wasvika uye mwenga waro agadzirira. 8 Chokwadi, abvumirwa kupfeka nguo yejira rakanaka, inopenya, uye yakachena, nekuti jira rakanaka rinomiririra mabasa akarurama evatsvene.”+

9 Ngirozi yacho yakandiudza kuti, “Nyora kuti: Vanofara vaya vakakokwa kumabiko emanheru emuchato weGwayana.”+ Yakandiudzawo kuti: “Aya mashoko echokwadi aMwari.” 10 Ndakabva ndapfugama pasi pamberi petsoka dzayo kuti ndiinamate. Asi yakandiudza kuti: “Aiwa! Usadaro!+ Ndinongovawo muranda sezvauri iwe nehama dzako dzine basa rekupupura nezvaJesu.+ Namata Mwari!+ Nekuti chinangwa cheuprofita ndechekupupura nezvaJesu.”+

11 Ndakaona denga rakavhurika, paine bhiza jena.+ Ainge akaritasva anonzi Akatendeka+ uye weChokwadi.+ Iye anotonga zvakarurama uye anorwa zvakarurama.+ 12 Maziso ake marimi emoto,+ uye mumusoro make mune korona zhinji.* Akanyorwa zita risina anoriziva kunze kwake iye ega; 13 akapfeka nguo yekunze ine* ropa, uye anonzi Shoko+ raMwari. 14 Uyewo mauto ekudenga akanga achimutevera akatasva mabhiza machena, akapfeka nguo dzejira jena rakanaka uye rakachena. 15 Mukanwa make makabuda bakatwa refu rakapinza+ rekutemesa marudzi, uye achaafudza netsvimbo yesimbi.+ Anotsika-tsikawo muchisviniro chewaini yekutsamwa kukuru kwaMwari Wemasimbaose.+ 16 Panguo yake yekunze, ipo pachidya chake, pakanyorwa zita rekuti, Mambo wemadzimambo naShe wemadzishe.+

17 Ndakaonawo ngirozi imire muzuva, uye yakashevedzera nenzwi guru ikati kushiri dzese dzinobhururuka nepakati pedenga:* “Uyai kuno, unganai pakudya kukuru kwemanheru kwaMwari,+ 18 kuti mudye nyama yemadzimambo nenyama yevatungamiriri vehondo nenyama yevarume vane simba+ nenyama yemabhiza neyevaya vanoatasva,+ nenyama yevanhu vese, vakasununguka nevaranda, uye vadiki nevakuru.”

19 Uye ndakaona chikara nemadzimambo enyika nemauto awo vakaungana kuti varwe neuya akatasva bhiza neuto rake.+ 20 Chikara chakabatwa, pamwe chete nemuprofita wenhema+ aiita zviratidzo pamberi pacho izvo zvaaitsausa nazvo vaya vakaiswa chiratidzo chechikara+ nevaya vanonamata mufananidzo wacho.+ Vese vari vaviri vakakandwa mugungwa remoto unopfutiswa nesarufa vari vapenyu.+ 21 Asi vamwe vese vakaurayiwa nebakatwa refu rakabuda mukanwa meuya agere pabhiza.+ Uye shiri dzese dzakaguta nenyama yavo.+

20 Ndakabva ndaona ngirozi ichiburuka kubva kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika,+ yakabata cheni huru muruoko rwayo. 2 Yakabata dhiragoni,+ nyoka yepakutanga,+ iye Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ ikamusunga kwemakore 1 000. 3 Yakamukanda mugomba rakadzikadzika,+ ikarivhara, ikariisa chisimbiso* iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi zvakare kusvikira makore 1 000 apera. Pashure peizvi anofanira kusunungurwa kwenguva pfupi.+

4 Uye ndakaona zvigaro zveumambo, uye vaya vakanga vakagara pazviri vakapiwa simba rekutonga. Chokwadi, ndakaona mweya* yevaya vakaurayirwa* kupupura nezvaJesu uye kutaura pamusoro paMwari, vakanga vasina kunamata chikara kana mufananidzo wacho kana kuiswa chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKristu+ kwemakore 1 000. 5 (Vamwe vese vakafa+ havana kuva vapenyu kusvikira makore acho 1 000 apera.) Uku ndiko kumuka kwekutanga.+ 6 Munhu wese anomuka pakumuka kwekutanga+ anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri+ haruna simba pana ivava,+ asi vachava vapristi+ vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho 1 000.+

7 Makore acho 1 000 paanenge angopera, Satani achasunungurwa mujeri rake, 8 uye achabuda kuti anotsausa marudzi iwayo ari kumativi* mana enyika, kureva Gogi naMagogi, kuti avaunganidze kuhondo. Ivava vakawanda sejecha regungwa. 9 Vakapararira panyika pese vakakomba musasa wevatsvene neguta rinodiwa. Asi moto wakaburuka kubva kudenga ukavaparadza.+ 10 Dhiyabhorosi uyo akanga achivatsausa akakandwa mugungwa remoto nesarufa, makanga muchitova nechikara+ nemuprofita wenhema;+ uye vacharwadziswa* siku nesikati nariini nariini.

11 Ndakaona chigaro cheumambo chikuru chichena naiye* ainge agere pachiri.+ Denga nenyika zvakatiza pamberi pake,+ uye hazvina kuwanirwa nzvimbo. 12 Uye ndakaona vakafa, vakuru nevadiki, vamire pamberi pechigaro cheumambo, uye magwaro* akavhurwa. Asi pane rimwe gwaro rakavhurwa; iro gwaro reupenyu.+ Vakafa vakatongwa pachishandiswa zviya zvakanga zvakanyorwa mumagwaro acho maererano nemabasa avo.+ 13 Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva* zvakabudisa vakafa vaiva mazviri, uye mumwe nemumwe akatongwa maererano nemabasa ake.+ 14 Rufu neGuva* zvakakandwa mugungwa remoto.+ Gungwa remoto+ rinomiririra rufu rwechipiri.+ 15 Uyezve, munhu wese akawanikwa asina kunyorwa mubhuku reupenyu+ akakandwa mugungwa remoto.+

21 Uye ndakaona denga idzva nenyika itsva;+ nekuti denga rekare nenyika yekare zvakanga zvisisipo,+ uye gungwa+ rakanga risisipo. 2 Ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema Idzva, richiburuka kubva kudenga kuna Mwari,+ rakagadzirira semwenga akashongera murume wake.+ 3 Ndakabva ndanzwa inzwi guru richibva kuchigaro cheumambo richiti: “Tarisa uone! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.+ 4 Achapukuta misodzi yese pamaziso avo,+ uye hapazovi nerufu,+ kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.+ Zvinhu zvekutanga zvapfuura.”

5 Uya akanga agere pachigaro cheumambo+ akati: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.”+ Akatiwo: “Nyora, nekuti mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.” 6 Uye akati kwandiri: “Zvaitika! Ndini Arufa naOmega,* mavambo nemagumo.+ Munhu wese anonzwa nyota ndichamupa mvura inobva muchitubu chemvura yeupenyu asingatengi.+ 7 Munhu wese anokunda achawana zvinhu izvi, uye ndichava Mwari wake iye ova mwanakomana wangu. 8 Asi kana vari vaya vanotya nevaya vasina kutenda+ nevaya vane tsvina uye vanosemesa nemhondi+ nemhombwe*+ nevanoita zvemidzimu nevanonamata zvidhori nevarevi venhema+ vese, vachakandwa mugungwa rinopfuta moto nesarufa,+ iro rinoreva rufu rwechipiri.”+

9 Imwe yengirozi nomwe dzaiva nendiro nomwe dzakanga dzizere nematambudziko manomwe ekupedzisira+ yakauya ikati kwandiri: “Uya ndikuratidze mwenga, mudzimai weGwayana.”+ 10 Saka yakanditakura mumweya ikandiendesa kugomo guru refu refu, uye yakandiratidza guta dzvene Jerusarema richiburuka kubva kudenga kuna Mwari,+ 11 riine kubwinya kwaMwari.+ Raipenya sedombo rinokosha kwazvo, sedombo rejaspa rinopenya zvinoonekera sedombo rekristaro.+ 12 Raiva nerusvingo rwakakura uye rwakareba, nemagedhi 12, uye pamagedhi acho paiva nengirozi 12, uye pakanga pakanyorwa mazita emadzinza 12 evanakomana vaIsraeri. 13 Kumabvazuva kwaiva nemagedhi matatu, kuchamhembe magedhi matatu, kumaodzanyemba magedhi matatu, uye kumavirira magedhi matatu.+ 14 Rusvingo rweguta rwaivawo nematombo 12 efaundesheni,* uye pamatombo acho paiva nemazita 12 evaapostora 12+ veGwayana.

15 Uya ainge achitaura neni akanga akabata tsanga yegoridhe yekushandisa kuyera guta nemagedhi aro nerusvingo rwaro.+ 16 Guta racho rine mativi mana akaenzana, uye kureba kwaro kwakaenzana nekufara kwaro. Uye akayera guta netsanga yacho, rikaita mastadhiya 12 000;* kureba nekufara nekukwirira kwaro zvakaenzana. 17 Akayerawo rusvingo rwaro rukaita makubhiti 144,* achishandisa chekuyeresa chinoshandiswa nemunhu, icho chakashandiswawo nengirozi. 18 Rusvingo rwacho rwaiva rwejaspa,+ uye guta racho raiva regoridhe rakanatswa rakaita segirazi rinoonesa zviri kuseri. 19 Faundesheni* yerusvingo rweguta racho yakanga yakashongedzwa nematombo anokosha emarudzi ese: faundesheni yekutanga yaiva yejaspa, yechipiri safaya, yechitatu karesidhoni, yechina emaradhi, 20 yechishanu sadhonikisi, yechi6 sadhiyo, yechi7 krisoriti, yechi8 bheriri, yechi9 topazi, yechi10 krisoprasi, yechi11 hiyasindi, yechi12 ametesti. 21 Uyewo, magedhi acho 12 aiva emaparera 12; gedhi rimwe nerimwe rainge rakagadzirwa neparera rimwe chete. Mugwagwa mukuru weguta racho waiva wegoridhe rakanatswa, wakaita segirazi rinoonesa zviri kuseri.

22 Handina kuona temberi mariri, nekuti Jehovha* Mwari Wemasimbaose+ neGwayana ndivo temberi yaro. 23 Guta racho haridi chiedza chezuva kana mwedzi, nekuti raivhenekerwa nekubwinya kwaMwari,+ uye Gwayana ndiro raiva rambi raro.+ 24 Marudzi achafamba achivhenekerwa nechiedza charo,+ uye madzimambo enyika achaunza kubwinya kwawo mariri. 25 Magedhi aro haazombovharwi masikati, nekuti mariri munenge musina usiku.+ 26 Uye vachaunza kubwinya nekukudzwa kwemarudzi mariri.+ 27 Asi zvinhu zvese zvisina kuchena nevanhu vese vanoita zvinhu zvinosemesa uye vanonyengera havazombopindi mariri;+ muchangopindwa chete nevaya vakanyorwa mugwaro reupenyu reGwayana.+

22 Zvino yakandiratidza rwizi rwemvura yeupenyu,+ yainge yakachena sedombo rekristaro, ichiyerera ichibva pachigaro cheumambo chaMwari necheGwayana+ 2 ichidzika nepakati pemugwagwa mukuru weguta racho. Mumativi erwizi rwacho maiva nemiti yeupenyu yaibereka michero ka12 pagore, ichibereka michero yayo mwedzi wega wega. Mashizha emiti yacho aiva ekurapa marudzi.+

3 Panenge pasisinazve kutukwa. Asi muguta racho muchava nechigaro cheumambo chaMwari necheGwayana,+ uye varanda vake vachamuitira basa dzvene; 4 vachaona chiso chake,+ uye zita rake richava pahuma dzavo.+ 5 Uyewo, usiku hunenge husisipo,+ uye havazodi chiedza cherambi kana chezuva, nekuti Jehovha* Mwari achavavhenekera,+ uye vachatonga semadzimambo nariini nariini.+

6 Yakati kwandiri: “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi.+ Jehovha* Mwari uyo akafemera vaprofita+ ndiye atuma ngirozi yake kuti iratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika. 7 Inzwa! Ndiri kukurumidza kuuya.+ Anofara munhu anochengeta mashoko euprofita ari mugwaro* iri.”+

8 Ini Johani, ndini ndakanga ndichinzwa nekuona zvinhu izvi. Pandakazvinzwa uye pandakazviona, ndakapfugama pedyo netsoka dzengirozi yakanga ichindiratidza zvinhu izvi ndichida kuinamata. 9 Asi yakati kwandiri: “Aiwa! Usadaro! Ndinongovawo muranda sezvauri iwe nehama dzako vaprofita uye vaya vanochengeta mashoko ari mugwaro iri. Namata Mwari.”+

10 Yakandiudzawo kuti: “Usavanza mashoko euprofita ari mugwaro iri, nekuti nguva yakasarudzwa yava pedyo. 11 Uya asina kururama ngaarambe asina kururama, uya asina kuchena ngaarambe asina kuchena; asi akarurama ngaarambe akarurama, uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.

12 “‘Inzwa! Ndiri kukurumidza kuuya; mubayiro wandinopa ndinawo, uye ndichapa mumwe nemumwe zvinoenderana nebasa rake.+ 13 Ndini Arufa naOmega,*+ wekutanga newekupedzisira, mavambo nemagumo. 14 Vanofara vaya vanogeza nguo dzavo,+ kuti vave nekodzero yekuenda kumiti yeupenyu+ uye kuti vakwanise kupinda muguta nepamagedhi aro.+ 15 Kunze kune imbwa* nevaya vanoita zvemidzimu nemhombwe* nemhondi nevanonamata zvidhori nevanhu vese vanofarira nhema uye vanogara vachidzitaura.’+

16 “‘Ini Jesu, ndakatuma ngirozi yangu kuti ikuzivisei zvinhu izvi kuti ungano ibatsirwe. Ndini mudzi uye mwana waDhavhidhi,+ uye ndini nyeredzi yemangwanani inopenya.’”+

17 Uye mweya nemwenga+ vanoramba vachiti, “Uya!” uye munhu wese anonzwa ngaati, “Uya!” uye munhu wese ane nyota ngaauye;+ munhu wese anoda ngaatore mvura yeupenyu asingatengi.+

18 “Ndiri kuzivisa munhu wese anonzwa mashoko euprofita ari mugwaro iri kuti: Kana munhu akawedzera pazvinhu izvi,+ Mwari achamuwedzerawo matambudziko akanyorwa mugwaro iri;+ 19 uye kana munhu akabvisa chinhu pamashoko ari mugwaro iri reuprofita, Mwari achabvisa mugove wake pazvinhu zvakanyorwa mugwaro iri. Izvi zvinoreva kuti haazomubvumiri kudya michero yemiti yeupenyu+ uye kuva muguta dzvene.+

20 “Iye ari kuzivisa zvinhu izvi anoti, ‘Chokwadi ndiri kukurumidza kuuya.’”+

“Ameni! Uyai Ishe Jesu.”

21 Nyasha dzaShe Jesu ngadzive nevatsvene.

Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Hadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “itsvo.”

Kana kuti “une mukurumbira wekuti.”

Kana kuti “kuita mabasa ako zvizere.”

Kana kuti “Saka yeuka.”

ChiGir., “une mazita mashoma.”

Kana kuti “petsoka dzako.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Wakatevedzera kutsungirira kwangu.”

Kana kuti “nedombo dzvuku rinokosha.”

Kana kuti “Nechepakati, apo paivawo nechigaro chacho cheumambo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “mukati nekunze.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “pakati pechigaro.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “raiita kunge inzwi.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neHadhesi, iri pedyo naye.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Hadhesi.”

Zvinoratidza sekuti pari kureva ropa ravo rakadururirwa paatari. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Panogona kunge pachireva mvere dzembudzi.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nemitauro.”

Kana kuti “pakati pechigaro cheumambo.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “zvezvisikwa zvine mweya.”

Kana kuti “nerezvinyavada zviri panyika.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “kurwadzisa kwadzo.”

Kureva kuti “Kuparadza.”

Kureva kuti “Muparadzi.”

Kana kuti “20 000 x 10 000.” Kureva, 200 000 000.

Kana kuti “nerwebhuruu sehiyasindi.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “yakaputirwa negore.”

ChiGir., “tsoka dzayo dzakaita.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nemitauro.”

Kana kuti “setsvimbo yekuyeresa.”

Kana kuti “nemitauro.”

Kana kuti “vainge vakatarisa.”

Panoita separi kureva Mwari.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “akapfeka.”

Kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?”

Dzimwe shanduro dzinoti, “asi yakakundwa.”

Kana kuti “upenyu hwavo.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, nguva nhatu nehafu.

ChiGir., “nembeu.”

Kureva, dhiragoni.

Kana kuti “nemitauro.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Kana paine anofanira kuurayiwa nebakatwa.”

ChiGir., “vagadzirire chikara mufananidzo.”

Kana kuti, “mweya.”

ChiGir., “ivo imhandara.”

Kana kuti “mumhepo; mudenga.”

Kana kuti “nemitauro.”

ChiGir., “awa.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “hwemujeri mavo.”

ChiGir., “vaine kutenda kwaJesu.”

Kana kuti “nekuti vanoenda.”

Makiromita anenge 296. Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “uye mweya mipenyu yese yakafa.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “mweya mitatu isina kuchena.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti Har Ma·ge·don′, kubva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “Gomo reMegidho.”

Tarenda rechiGiriki rainge rakaenzana nemakirogiramu 20,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “pfungwa dzakapinza neuchenjeri.”

Kana kuti “nemitauro.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mashoko ese akafemerwa asina kuchena.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “vanofamba vachitengesa.”

Kana kuti “mhosva dzaro.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “waifarirwa nemweya wako.”

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Kana kuti “Hareruya!” “Ya” kana kuti “Jah” kupfupikiswa kwezita rekuti Jehovha.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Panogona kunge pachireva zvishongo zvaisungwa mumusoro nemadzimambo.

Dzimwe shanduro dzinoti, “yakasaswa.”

Kana kuti “mumhepo; mudenga.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko uye mashoko emuzasi pana Zva 6:9.

ChiGir., “vakaurayiwa nedemo.”

Kana kuti “kumakona.”

Kana kuti “vachava vasungwa.” Ona mashoko emuzasi ari pana Zva 14:11.

Kureva, Mwari.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gwaro.”

Kana kuti “neHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “neHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

Kana kuti “enheyo.”

Makiromita anenge 2 220. Stadhiya rimwe chete rakanga rakaenzana nemamita 185. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Mamita anenge 64. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “Nheyo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “A naZ.” Arufa ndiro bhii rekutanga uye Omega ndiro rekupedzisira pamabhii emutauro wechiGiriki.

Kureva vaya vanoita zvinhu zvinosemesa Mwari.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe