RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 1 Johani 1:1-5:21
  • 1 Johani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Johani
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Johani

TSAMBA YEKUTANGA YAJOHANI

1 Tiri kukunyorerai nezvaiye akanga aripo kubvira pakutanga, watakanzwa nezvake, watakaona nemaziso edu, watakanyatsotarisa, watakabata nemaoko edu, iye shoko reupenyu,+ 2 (chokwadi upenyu hwacho hwakaratidzwa pachena; takaona uye tiri kupupura kwamuri+ tichikuudzai nezveupenyu husingaperi+ hwaiva kuna Baba uye hwakaratidzwa pachena kwatiri), 3 tiri kukunyorerai nezvaiye watakaona uye watakanzwa,+ kuti nemiwo muwadzane* nesu. Uye mukuwadzana uku kwatiri kuita tiri kuwadzanawo naBaba neMwanakomana wavo Jesu Kristu.+ 4 Uye tiri kunyora zvinhu izvi kuti tive nemufaro uzere.

5 Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari uye ratava kukuzivisai rekuti: Mwari chiedza+ uye maari hamuna kana rima. 6 Kana tichitaura kuti, “Tiri kuwadzana naye,” asi tichiramba tichifamba murima, tiri kureva nhema uye hatisi kuita zvinoenderana nechokwadi.+ 7 Zvisinei, sezvo iye ari muchiedza, kana tichifamba muchiedza tiri kuwadzana pamwe chete, uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pazvivi zvese.+

8 Kana tichitaura kuti, “Hatina chivi,” tiri kuzvinyengera+ uye chokwadi hachisi matiri. 9 Kana tikareurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama zvekuti anotiregerera zvivi zvedu uye anotichenesa pakusarurama kwese.+ 10 Kana tichitaura kuti, “Hatina kutadza,” tiri kumuita murevi wenhema, uye shoko rake harisi matiri.

2 Vana vangu, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine mubatsiri* ari kuna Baba, iye Jesu Kristu,+ akarurama.+ 2 Iye chibayiro chekufukidza*+ zvivi zvedu,+ kwete zvedu chete asiwo zvenyika yese.+ 3 Kana tikaramba tichichengeta mirayiro yake, tinoziva kuti tinenge tasvika pakumuziva. 4 Uya anoti, “Ndasvika pakumuziva,” asi asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, uye haana chokwadi mumwoyo make. 5 Asi munhu wese anochengeta shoko rake, anenge ava kunyatsoda Mwari zvakakwana.+ Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti tiri pamwe naye.+ 6 Uya anoti anoramba ari pamwe naye anofanira kuramba achifamba sekufamba kwaakaitawo.+

7 Vadiwa, handisi kukunyorerai murayiro mutsva, asi murayiro wekare wamanga muinawo kubvira pakutanga.+ Murayiro iwoyo wekare ndiro shoko ramakanzwa. 8 Ndiri kukunyoreraiwo murayiro mutsva, waakazadzisa uye wamakazadzisawo, nekuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutopenya.+

9 Uyo anoti ari muchiedza asi achivenga+ hama yake achiri murima.+ 10 Anoda hama yake anoramba ari muchiedza,+ uye haana chinomugumbura. 11 Asi munhu anovenga hama yake ari murima uye ari kufamba murima,+ uye haazivi kwaari kuenda+ nekuti rima rapofumadza maziso ake.

12 Vana vangu, ndiri kukunyorerai nekuti makaregererwa zvivi zvenyu nekuda kwezita rake.+ 13 Imi vanababa, ndiri kukunyorerai nekuti masvika pakuziva iye agara aripo kubvira pakutanga. Imi majaya, ndiri kukunyorerai nekuti makakunda akaipa.+ Imi vana vadiki, ndinokunyorerai nekuti masvika pakuziva Baba.+ 14 Imi vanababa, ndinokunyorerai nekuti masvika pakuziva iye agara aripo kubvira pakutanga. Imi majaya, ndinokunyorerai nekuti makasimba+ uye shoko raMwari riri kuramba riri mamuri+ uye makakunda akaipa.+

15 Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.+ Kana munhu achida nyika, haadi Baba;+ 16 nekuti zvinhu zvese zviri munyika zvinoti, kuchiva kwenyama,+ nekuchiva kwemaziso+ nekushamisira* nezvinhu zvauinazvo, hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. 17 Uyezve, nyika iri kupfuura pamwe chete nekuchiva kwayo,+ asi munhu anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nekusingaperi.+

18 Vana vadiki, ino iawa yekupedzisira, uye sekunzwa kwamakaita kuti munhu anopesana naKristu ari kuuya,+ kunyange iye zvino patova nevanhu vanopesana naKristu vazhinji,+ uye izvozvo zvinotiratidza kuti ino iawa yekupedzisira. 19 Ivo vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vamwe vedu;*+ nekuti kudai vaiva vamwe vedu, vangadai vakaramba vari pamwe chete nesu. Asi vakabva kwatiri kuti zvionekwe kuti havasi vese vari pamwe chete nesu.+ 20 Mune kuzodzwa kunobva kuna iye mutsvene,+ uye mese zvenyu mune ruzivo. 21 Kukunyorerai kwandiri kuita hakurevi kuti hamuzivi chokwadi,+ asi ndiri kukunyorerai nekuti munochiziva uye nekuti hapana nhema dzinobva muchokwadi.+

22 Ndiani anoreva nhema kunze kweuya anoramba kuti Jesu ndiye Kristu?+ Uya anoramba Baba neMwanakomana ndiye munhu anopesana naKristu.+ 23 Munhu wese anoramba Mwanakomana haasi pamwe naBaba.+ Asi munhu wese anobvuma Mwanakomana+ ari pamwe naBaba.+ 24 Kana muri imi, zvamakanzwa kubvira pakutanga ngazvirambe zviri mamuri.+ Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri, mucharambawo muri pamwe neMwanakomana uye muri pamwe naBaba. 25 Uyezve, iye pachake akativimbisa upenyu husingaperi.+

26 Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi nekuti pane vamwe vari kuedza kukutsausai. 27 Kana muri imi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari+ kunoramba kuri mamuri, uye hamufaniri henyu kudzidziswa nemumwe munhu; asi muri kudzidziswa pamusoro pezvinhu zvese nekuzodza kwake+ uye kuzodza kwacho hakusi kwenhema asi ndekwechokwadi. Semadzidzisirwo amakaitwa nekuzodzwa kwacho, rambai muri pamwe naye.+ 28 Saka imi vana vangu, rambai muri pamwe naye, kuti paanoratidzwa pachena tive nerusununguko rwekutaura+ uye kuti tirege kuzomutiza nekunyara pakuvapo kwake. 29 Kana muchiziva kuti iye akarurama, munozivawo kuti munhu wese anoita zvakarurama akaberekwa naye.+

3 Onai kuti Baba vakatiratidza rudo rwakakura zvakadii+ nekuita kuti tinzi vana vaMwari!+ Uye ndizvo zvatiri. Ndokusaka nyika isingatizivi,+ nekuti haisati yasvika pakumuziva.+ 2 Vadiwa, iye zvino tava vana vaMwari,+ asi zvatichazova hazvisati zvaratidzwa.+ Tinoziva kuti paacharatidzwa tichafanana naye, nekuti tichamuona sezvaari chaizvo. 3 Iye akachena, saka munhu wese ane tariro iyi anozvichenesawo.+

4 Munhu wese anogara achiita chivi anenge achitotyorawo mutemo, uye chivi kusateerera mutemo. 5 Munozivawo kuti Jesu akaratidzwa pachena kuti abvise zvivi zvedu,+ uye iye haana chivi. 6 Munhu wese anoramba ari pamwe naye haarambi achiita chivi;+ hapana munhu anogara achiita chivi akamuona kana akasvika pakumuziva. 7 Vana vangu, ngapasava neanokutsausai; uyo anoramba achiita zvakarurama akarurama, sezvo iyewo* akarurama. 8 Munhu anoramba achiita chivi anobva kuna Dhiyabhorosi, nekuti Dhiyabhorosi agara achitadza kubvira pakutanga.*+ Ndokusaka Mwanakomana waMwari akaratidzwa pachena, kuti aputse* mabasa aDhiyabhorosi.+

9 Munhu wese akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi,+ nekuti mbeu* yaMwari inoramba iri mumunhu akadaro, uye hazviiti kuti arambe achiita chivi, nekuti akaberekwa naMwari.+ 10 Vana vaMwari nevana vaDhiyabhorosi vanoonekwa neizvi: Munhu wese asingarambi achiita zvakarurama haabvi kuna Mwari, uye ndizvo zvimwe chetewo nemunhu asingadi hama yake.+ 11 Nekuti iri ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, rekuti tinofanira kudanana;+ 12 hatifaniri kuita saKaini uyo akabva kune akaipa, akaponda munin’ina wake.+ Akamuponderei? Nekuti mabasa ake akanga akaipa,+ asi emunin’ina wake akanga akarurama.+

13 Hama musashamiswa kuti nyika inokuvengai.+ 14 Tinoziva kuti takabva murufu tikava vapenyu,+ nekuti tinoda hama dzedu.+ Uyo asingadi hama yake anoramba ari murufu.+ 15 Munhu wese anovenga hama yake muurayi,+ uye munoziva kuti hapana muurayi anoramba aine upenyu husingaperi.+ 16 Takasvika pakuziva rudo, nekuti iye akapa upenyu hwake* nekuda kwedu,+ uye isu tinotofanirawo kupa upenyu hwedu* nekuda kwehama dzedu.+ 17 Asi munhu ane zvekurarama nazvo zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, oramba kuinzwira tsitsi, angati anoda Mwari here?+ 18 Vana vangu, hatifaniri kungodanana neshoko kana nerurimi chete,+ asi nezviito+ nechokwadi.+

19 Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti tine chokwadi, uye tichaita kuti mwoyo yedu ive nechokwadi* pamberi pake 20 pamusoro pezvinhu zvese izvo mwoyo yedu ingatipa mhosva, nekuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvese.+ 21 Vadiwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tine rusununguko rwekutaura naMwari;+ 22 uye anotipa zvinhu zvese zvatinomukumbira,+ nekuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinomufadza. 23 Chokwadi, uyu ndiwo murayiro wake: wekuti titende muzita reMwanakomana wake Jesu Kristu+ uye tidanane,+ sekutirayira kwaakaita. 24 Uyewo, munhu anochengeta mirayiro yake anoramba ari pamwe naye, uye iye anoramba ari pamwe nemunhu akadaro.+ Uye nemweya waakatipa tinoziva kuti anoramba ari pamwe nesu.+

4 Vadiwa, musangotenda mashoko ese akafemerwa,*+ asi edzai mashoko akafemerwa* kuti muone kana achibva kuna Mwari,+ nekuti munyika mune vaprofita venhema vakawanda.+

2 Izvi ndizvo zvinoita kuti muzive mashoko akafemerwa anobva kuna Mwari: Mashoko ese akafemerwa anobva kuna Mwari anotsigira kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama.+ 3 Asi mashoko ese akafemerwa asingabvumi Jesu haabvi kuna Mwari.+ Uyezve, iwayo ndiwo mashoko akafemerwa emunhu anopesana naKristu amakanzwa kuti achataurwa,+ uye iye zvino atova munyika.+

4 Vana vangu, imi munobva kuna Mwari, uye makakunda vanhu ivavo+ nekuti uya ari pamwe nemi+ mukuru kune uya ari pamwe nenyika.+ 5 Ivo vanobva munyika;+ ndokusaka vachitaura zvinobva munyika uye nyika ichivateerera.+ 6 Isu tinobva kuna Mwari. Munhu wese anosvika pakuziva Mwari anotiteerera;+ uye munhu wese asingabvi kuna Mwari haatiteereri.+ Iwayo ndiwo maziviro atinoita mashoko akafemerwa echokwadi nemashoko akafemerwa enhema.+

7 Vadiwa, ngatirambei tichidanana,+ nekuti rudo runobva kuna Mwari, uye munhu wese ane rudo akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.+ 8 Munhu wese asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nekuti Mwari rudo.+ 9 Mwari akatiratidza rudo rwake pakuti akatuma Mwanakomana wake panyika, uyo akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.+ 10 Rudo rwacho runooneka pakuti hatisi isu takada Mwari, asi ndiye akatida, akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chekufukidza*+ zvivi zvedu.+

11 Vadiwa, kana Mwari akatida zvakadai, isuwo tinofanira kudanana.+ 12 Hapana munhu akamboona Mwari.+ Kana tikaramba tichidanana, Mwari anoramba ainesu uye tinova nerudo rwake rwakakwana.+ 13 Tinoziva kuti tiri kuramba tiri pamwe naye uye iye ari pamwe nesu nekuti akatipa mweya wake. 14 Uyewo, isu pachedu takaona uye tiri kupupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave muponesi wenyika.+ 15 Munhu wese anobvuma kuti Jesu Mwanakomana waMwari+ anoramba ari pamwe naMwari uye Mwari anoramba ari pamwe nemunhu akadaro.+ 16 Isu takasvika pakuziva uye pakubvuma kuti Mwari anotida.+

Mwari rudo,+ uye munhu anoramba aine rudo anoramba ari pamwe naMwari uye Mwari anoramba ari pamwe naye.+ 17 Nenzira iyi rudo rwakaratidzwa zvakakwana pakati pedu, kuti tive nerusununguko rwekutaura*+ pazuva rekutongwa, nekuti zvaari ndizvo zvatiriwo munyika ino. 18 Munhu ane rudo haatyi.+ Rudo rwakakwana runodzinga kutya, nekuti kutya kunotitadzisa kuita zvakawanda. Chokwadi, uya anotya haana rudo rwakakwana.+ 19 Tine rudo nekuti Mwari ndiye akatanga kutida.+

20 Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asi achivenga hama yake, anenge achireva nhema.+ Nekuti munhu asingadi hama yake+ yaanoona haangadi Mwari waasina kumboona.+ 21 Uye tine murayiro uyu waakatipa wekuti, munhu anoda Mwari anofanira kudawo hama yake.+

5 Munhu wese anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari,+ uye munhu wese anoda baba vakaita kuti mwana aberekwe, anodawo mwana wacho wavakabereka. 2 Tinoziva kuti tinoda vana vaMwari+ kana tichida Mwari uye tichiteerera mirayiro yake. 3 Nekuti kuda Mwari kunooneka nekuchengeta mirayiro yake;+ uye mirayiro yake hairemi,+ 4 nekuti munhu wese akaberekwa naMwari anokunda nyika.+ Uye takakunda nyika nekutenda kwedu.+

5 Ndiani angakunda nyika?+ Haasi uya here anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari?+ 6 Uyu ndiye akauya kuburikidza nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana kuuya nemvura chete,+ asi nemvura neropa.+ Uye mweya uri kupupura nezvazvo,+ nekuti mweya ndiwo chokwadi. 7 Nekuti kune zvapupu zvitatu zvinopupura zvinoti: 8 mweya+ nemvura+ neropa;+ uye zvese zviri zvitatu zvinobvumirana.

9 Kana tichibvuma uchapupu hunopiwa nevanhu, uchapupu hunopiwa naMwari hwakatokura. Nekuti uhwu ndihwo uchapupu hunopiwa naMwari, uchapupu hwaakapa pamusoro peMwanakomana wake. 10 Munhu anotenda muMwanakomana waMwari ane uchapupu hwacho mumwoyo make. Munhu asingatendi muna Mwari anenge amuita murevi wenhema,+ nekuti haana kutenda uchapupu hwakapiwa naMwari pamusoro peMwanakomana wake. 11 Uhwu ndihwo uchapupu hwacho, hwekuti Mwari akatipa upenyu husingaperi,+ uye upenyu uhwu huri muMwanakomana wake.+ 12 Munhu ari pamwe neMwanakomana ane upenyu uhwu; asi munhu asiri pamwe neMwanakomana waMwari haana upenyu uhwu.+

13 Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi imi munotenda muzita reMwanakomana waMwari+ kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.+ 14 Uye ichi ndicho chivimbo chatiinacho maari,*+ kuti pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.+ 15 Uyezve, kana tichiziva kuti anotinzwa pane zvese zvatinokumbira, tinoziva kuti tichawana zvinhu zvatinokumbira, nekuti tinenge tamukumbira zvinhu zvacho.+

16 Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingakonzeri rufu, iye achamunyengeterera, uye Mwari achamupa upenyu,+ chokwadi achahupa vaya vasingaiti chivi chinokonzera rufu.+ Asi kune chivi chinokonzera rufu. Handisi kumuti akumbire pamusoro pechivi chakadaro. 17 Kusarurama kwese chivi,+ asi pane chivi chisingakonzeri rufu.

18 Tinoziva kuti munhu wese akaberekwa naMwari haagari achiita chivi, asi anochengetwa neuya akaberekwa naMwari,* uye haabatwi neakaipa.+ 19 Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yese iri musimba reakaipa.+ 20 Asi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari akauya,+ uye akatipa njere kuti tizive iye wechokwadi. Uye isu tiri pamwe naiye wechokwadi,+ kuburikidza neMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi neupenyu husingaperi.+ 21 Vana vangu, zvichenjererei pazvidhori.+

Kana kuti “mugoverane.”

Kana kuti “mumiririri.”

Kana kuti “chekuti tiyananisirwe.”

Kana kuti “nekuzvikudza.”

Kana kuti “vakanga vakasiyana nesu.”

Kureva, Jesu.

Kana kuti “kubvira paakatanga.”

Kana kuti “aparadze.”

Kureva, mbeu inobereka.

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “mweya yedu.”

Kana kuti “ibvume; igutsikane.”

ChiGir., “mweya yese.”

ChiGir., “mweya yacho.”

Kana kuti “chekuti tiyananisirwe.”

Kana kuti “tisatya.”

Kana kuti “urwu ndirwo rusununguko rwekutaura naye rwatiinarwo.”

Kureva, Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe