TSAMBA YECHIPIRI YAPETRO
1 Simoni Petro, muranda uye muapostora waJesu Kristu, kune vaya vava nekutenda kunokosha sekwatiinako, kwatakawana kuburikidza nekururama kwaMwari wedu neMuponesi wedu Jesu Kristu:
2 Wedzerwai nyasha nerugare kuburikidza neruzivo rwakarurama+ pamusoro paMwari naJesu Ishe wedu, 3 nekuti kuburikidza neruzivo rwakarurama pamusoro paiye Mwari akatidana achishandisa kubwinya kwake nekunaka kwake, simba raMwari rakaita kuti tive nezvinhu zvese* zvinoita kuti tive neupenyu uye tizvipire kwaari.+ 4 Achishandisa zvinhu izvi, akativimbisa* zvinhu zvinokosha uye zvakakura chaizvo,+ kuti kuburikidza neizvi, muve vanhu vakaita saMwari,+ sezvo makabva pakuora kuri munyika kunokonzerwa nezvido zvakaipa.*
5 Nekuda kweizvi, shandai nesimba renyu rese+ kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu,+ pakunaka kwenyu ruzivo,+ 6 paruzivo rwenyu kuzvidzora, pakuzvidzora kwenyu+ kutsungirira, pakutsungirira kwenyu kuzvipira kuna Mwari,+ 7 pakuzvipira kwenyu kuna Mwari kudanana kwazvo sehama, pakudanana kwazvo sehama kuda vanhu vese.+ 8 Nekuti kana zvinhu izvi zviri mamuri uye zvichifashukira, zvichaita kuti murege kuva vanhu vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko+ pakushandisa ruzivo rwakarurama pamusoro paShe wedu Jesu Kristu.
9 Nekuti munhu asina zvinhu izvi ibofu; anotsinzinya maziso ake kuti asaona chiedza,*+ uye anenge akanganwa kucheneswa kwake pazvivi zvake+ zvekare kare. 10 Saka hama, wedzerai kushanda nesimba kuti musarasikirwe nekudanwa+ uye kusarudzwa kwamakaitwa, nekuti kana mukaramba muchiita zvinhu izvi hamungazombowi.+ 11 Izvi ndizvo zvichaita kuti muwane chikomborero chikuru chekupinda muUmambo husingaperi+ hwaShe wedu uye Muponesi wedu Jesu Kristu.+
12 Izvi ndizvo zviri kuita kuti ndide kugara ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makadzika midzi muchokwadi chamuinacho. 13 Asi ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndikukurudzirei nezviyeuchidzo,+ chero bedzi ndiri mutebhenekeri ino,*+ 14 sezvo ndichiziva kuti tebhenekeri yangu yava pedyo nekubviswa, sezvandakaziviswawo zvakajeka naIshe wedu Jesu Kristu.+ 15 Ndichagara ndichiita zvese zvandinogona kuti pashure pekunge ndaenda, mukwanise kuyeuka zvinhu izvi mega.
16 Hatina kukuzivisai simba raShe wedu Jesu Kristu uye kuvapo kwake tichitevera ngano dzakanyatsorukwa, asi takazvionera tega ukuru hwake.+ 17 Nekuti iye akagamuchira kukudzwa nekubwinya kubva kuna Mwari Baba, kubwinya kukuru pakwakamuzivisa mashoko aya ekuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda, wandafarira.”+ 18 Chokwadi, mashoko aya takaanzwa achibva kudenga patakanga tiinaye mugomo dzvene.
19 Saka takawedzera kuvimba kwatinoita neshoko reuprofita, uye muri kuita zvakanaka nekuteerera shoko racho, iro rakaita serambi+ rinovheneka munzvimbo ine rima, imo mumwoyo menyu, (kusvikira ava mambakwedza uye nyeredzi yemangwanani+ yabuda). 20 Nekuti kutanga munoziva izvi, kuti hapana uprofita huri muMagwaro hunobva pakududzira kunongoitwawo nemunhu zvichibva mumusoro make. 21 Nekuti hapana kana pakamboziviswa uprofita huchibva mupfungwa dzevanhu,+ asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.+
2 Zvisinei, pakati penyu pachava nevadzidzisi venhema sezvapakavawo nevaprofita venhema pakati pevanhu.+ Vanhu ava vachamutsa tumapoka tunoparadza vachizviita chinyararire uye vachatoramba tenzi akavatenga,+ zvoita kuti vakurumidze kuparadzwa. 2 Uyewo vazhinji vachatevera tsika dzavo dzakafumuka,*+ uye maitiro avo achashoresa nzira yechokwadi.+ 3 Uyewo vachakunyengerai nemashoko enhema nemhaka yemakaro avo, kuti vawane zvavanoda. Asi mutongo wavo uyo wakapiwa kare kare,+ hausi kunonoka kusvika, uye kuparadzwa kwavo kuchatouya chete.+
4 Chokwadi Mwari haana kurega kuranga ngirozi dzakatadza,+ asi, akadzikanda muTatarosi,*+ akadzisunga necheni dzerima* guru kuti dzichengeterwe kutongwa.+ 5 Haanawo kurega kuranga nyika yekare,+ asi akachengeta Noa muparidzi wekururama+ ari mupenyu, nevamwe vanomwe,+ paakaunza mafashamo panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari.+ 6 Uye paakaita kuti maguta eSodhomu neGomora ave madota, akaapa mhosva,+ achiratidza zvichaitika kuvanhu vasingadi Mwari.+ 7 Uye akanunura Roti uyo aiva akarurama+ uye aishungurudzika chaizvo netsika dzakafumuka dzevanhu* vakanga vasingateereri mutemo, 8 nekuti paaigara pakati pavo, mweya* wemurume akarurama iyeye wairwadziwa zuva nezuva nezvinhu zvaaiona uye zvaainzwa, zvaiitwa nevanhu vasingateereri mutemo. 9 Saka Jehovha* anoziva nzira yekununura nayo mumuedzo vanhu vakazvipira kwaari,+ asi achava nechokwadi chekuti vanhu vasina kururama vaparadzwa pazuva rekutongwa,+ 10 kunyanya vaya vanoda kusvibisa miviri yevamwe+ uye vanozvidza vane simba.*+
Havatombotyi uye havateereri zvinotaurwa nevamwe saka havazezi kushora vaya vanokudzwa, 11 asi ngirozi, kunyange zvazvo dzakasimba kwazvo uye dziine simba kuvapfuura, hadzivapomeri dzichivatuka, nekuti dzinoremekedza Jehovha.*+ 12 Asi vanhu ivava, avo vanoita semhuka dzisingafungi dzinongoita zvinhu semasikirwo adzakaitwa uye dzinongoberekerwa kubatwa uye kuparadzwa, vanotaura mashoko ekuzvidza pamusoro pezvinhu zvavasingazivi.+ Vachaparadzwa nemhaka yemaitiro avo akaipa; 13 vachawana mubayiro wekurwadziswa nemhaka yezvakaipa zvavanoita.
Vanonakidzwa nekurarama upenyu hweumbozha vachifadza nyama yavo+ kunyange masikati machena. Vanhu ava vakaita semavara nemakwapa, uye vanonakidzwa chaizvo nekusimudzira dzidziso dzavo dzinonyengera pavanenge vachidya nemi.+ 14 Maziso avo azere neupombwe+ uye havakwanisi kurega chivi, uye vanonyengera vaya vasina kusimba.* Vane mwoyo yakadzidziswa kukara. Ivo vana vakatukwa. 15 Vakasiya nzira yakarurama vakabva vatsauswa. Vakatevera nzira yaBharami,+ mwanakomana waBheori, uyo akada mubayiro wekuita zvakaipa,+ 16 akatsiurirwa kuita zvisina kururama.+ Mhuka isingatauri inotakuriswa zvinhu yakataura naye nenzwi remunhu ikaita kuti muprofita wacho asaita zvinhu zveupengo zvaaida kuita.+
17 Vanhu ava zvitubu zvisina mvura uye imhute inotakurwa nedutu rine simba, uye vakachengeterwa rima gobvu.+ 18 Vanotaura zvinhu zvinofadza nzeve asi zvisina zvazvinobatsira. Vanoshandisa zvido zvenyama+ uye zvinhu zvakafumuka* kuti vanyengere vanhu vanenge vachangopukunyuka vachibva pane vaya vanoraramira kuita zvakaipa.+ 19 Vanovavimbisa rusununguko, asi ivo pachavo vari varanda vekuora;+ nekuti kana munhu akakundwa nemumwe munhu, anenge ari muranda wake.*+ 20 Kana vakatangazve kuita zvinhu zvinosvibisa zvenyika+ zvavakanga vambosiya vachibatsirwa neruzivo rwakarurama pamusoro paShe uye Muponesi Jesu Kristu, vokurirwa nazvo, chokwadi vanenge vaipa kupfuura zvavaiva pakutanga.+ 21 Zvaizova nani kudai vakanga vasina kuwana ruzivo rwakarurama pamusoro penzira yekururama pane kuti vawane ruzivo rwacho vozotsauka pamurayiro mutsvene wavakapiwa.+ 22 Zvakaitika kwavari zvinozadzisa chirevo chechokwadi chinoti: “Imbwa yadzokera kumarutsi ayo, uye nguruve yakanga yashambidzwa yadzokera kunoumburuka mumatope.”+
3 Vadiwa, iyi yava tsamba yechipiri yandiri kukunyorerai ndichikukurudzirai kuti pfungwa dzenyu dzirambe dzichishanda, ndichiita zvekukuyeuchidzai sezvandakaita mutsamba yekutanga,+ 2 kuti muyeuke mashoko akambotaurwa* nevaprofita vatsvene uye murayiro waIshe, iye Muponesi, wakataurwa pachishandiswa vaapostora venyu. 3 Chekutanga, zivai kuti mumazuva ekupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachiita zvavanoda,+ 4 vachiti: “Ko zvaakanzi achavapo, zvino ari kupi?+ Nekuti kubvira pazuva rakarara madzitateguru edu murufu, zvinhu zvese zviri kungoramba zvakaita sezvazvakanga zviri kubvira pakatanga kusikwa zvinhu.”+
5 Nekuti vanofuratira chokwadi chekuti kare kare kwaiva nedenga nenyika yainge yakamira zvakasimba mumvura, iri pakati pemvura, zvichiitwa neshoko raMwari;+ 6 uye pachishandiswa izvi, nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura.+ 7 Asi neshoko rimwe chete iroro matenga nenyika zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kusiyiwa zviripo kusvikira pazuva rekutongwa nerekuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.+
8 Zvisinei, musakanganwa izvi vadiwa kuti zuva rimwe chete kuna Jehovha* rakaita semakore ane chiuru uye makore ane chiuru akaita sezuva rimwe chete.+ 9 Jehovha* haanonoki kuita zvaakavimbisa+ sezvinofungwa nevamwe kuti anononoka, asi ane mwoyo murefu nemi nekuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakupfidza zvivi zvavo.*+ 10 Asi zuva raJehovha*+ richauya sembavha,+ uye zuva iroro matenga achapfuura+ achitinhira, asi zvinhu zviri mumatenga nepanyika izvo zvichange zvichipisa kwazvo zvichanyungudutswa, uye nyika nemabasa ari mairi zvichava pachena.+
11 Sezvo zvinhu zvese izvi zvichanyungudutswa kudaro, fungai kuti munofanira kuva vanhu vakadii pamararamiro enyu matsvene nepamabasa ekuzvipira kuna Mwari, 12 pamuri kumirira uye kuramba muchifunga* nezvekuvapo kwezuva raJehovha,*+ iro richaparadza matenga+ nemoto, zvinhu zviri mumatenga nepanyika zvichinyungudutswa nekupisa kwacho kukuru! 13 Asi kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira sekuvimbisa kwaakaita,+ uye imomo muchagara muine kururama.+
14 Saka vadiwa, sezvo makamirira zvinhu izvi, itai zvese zvamunogona kuti pakupedzisira muwanikwe naye musina ruvara kana pakasviba, muine rugare.+ 15 Uyewo onai mwoyo murefu waShe wedu seruponeso, sezvamakanyorerwawo naPauro hama yedu inodiwa maererano neuchenjeri hwaakapiwa,+ 16 achitaura pamusoro pezvinhu izvi sezvaanoitawo mutsamba dzake dzese. Zvisinei, zvimwe zvinhu zviri mutsamba dzacho zvakaoma kunzwisisa, uye vaya vasina chavanoziva* uye vasina kusimba pakutenda vanozvimonyanisa, sezvavanoita mamwe Magwaro ese, uye izvozvo zvichaita kuti vaparadzwe.
17 Saka imi vadiwa, zvamunoziva zvinhu izvi zvichaitika, ngwarirai kuti musatsauswa nedzidziso dzenhema dzevanhu ivavo vasingateereri mutemo, mozununguswa pakutenda kwenyu.+ 18 Musatsauswa, asi rambai muchiwedzera kuwana nyasha uye ruzivo pamusoro paIshe, iye Muponesi wedu Jesu Kristu. Iye ngaakudzwe iye zvino uye nekusingaperi. Ameni.
Kana kuti “rakatipa zvinhu zvese pasina mutengo.”
Kana kuti “akativimbisa pasina mutengo.”
Kana kuti “neruchiva.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “ibofu uye maziso ake haaoni zviri kure.”
Kana kuti “mutende rino,” kureva muviri wake ari panyika.
Kana kuti “maitiro avo ekushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akadziisa mumakomba erima.”
Kana kuti “nekushaya nyadzi kwevanhu.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
Kana kuti “vanozvidza ushe.”
Kana kuti “mweya isina kusimba.”
Kana kuti “mabasa anoratidza kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
Kana kuti “akakundwa nechimwe chinhu, anenge ari muranda wechinhu chacho.”
Kana kuti “muyeuke zvinhu zvakagara zvataurwa.”
Kana kuti “vasvike pakutendeuka.”
ChiGir., “muchikurumidzisa.”
Kana kuti “vasina kudzidziswa.”