RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 1 Petro 1:1-5:14
  • 1 Petro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 Petro
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Petro

TSAMBA YEKUTANGA YAPETRO

1 Ini Petro, muapostora+ waJesu Kristu, ndinonyora kuvagari vari kupfuura vakapararira muPontasi, Garatiya, Kapadhokiya,+ Ezhiya, neBhitiniya, kuvanhu vakasarudzwa 2 maererano nekuziva zvichaitika kwaMwari Baba,+ vanhu vakatsveneswa nemweya+ kuti vateerere uye vasaswe ropa raJesu Kristu:+

Wedzerwai nyasha nerugare.

3 Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nekuti maererano netsitsi dzake huru akatibereka patsva+ kuti tive netariro mhenyu+ kuburikidza nekumuka kwaJesu Kristu kuvakafa,+ 4 kuti tive nenhaka isingaori isina kusvibiswa uye inoramba iripo nekusingaperi.+ Makaichengeterwa kudenga,+ 5 imi muri kuchengetedzwa nesimba raMwari kuburikidza nekutenda kuti muwane ruponeso rwakamirira kuratidzwa munguva yekupedzisira. 6 Izvi zviri kuita kuti mufare zvikuru kunyange zvazvo muchitambudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana kwenguva pfupi, pazvinenge zvichifanira kudaro,+ 7 kuti kutenda kwenyu kwakaedzwa,+ uko kunokosha zvikuru kupfuura goridhe rinoparara pasinei nekuti rakanatswa* nemoto, kuzoita kuti pave nekurumbidzwa nekubwinya nekukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.+ 8 Kunyange musina kumbomuona, munomuda. Kunyange musiri kumuona panguva ino, munotenda maari uye muri kufara kwazvo nemufaro usingatsananguriki uye unoshamisa, 9 pamuri kuwana mubayiro wekutenda kwenyu, iko kuponeswa kwenyu.*+

10 Vaprofita vaya vakaprofita nezvenyasha dzamakaitirwa vakanyatsoongorora uye vakashanda nesimba vachitsvaga kunzwisisa nezvekuponeswa uku.+ 11 Vakaramba vachitsvaga kuti inguva ipi kana kuti mwaka upi wakanga uchiratidzwa nemweya waiva mavari nezvaKristu,+ pawaipupura nezvekutambura kwaizoita Kristu+ uye nezvekukudzwa kwaizotevera. 12 Ivo vakaratidzwa kuti vakanga vasingazvishumiri pachavo, asi vaishumira imi pazvinhu zvamaziviswa iye zvino nevaya vakakuzivisai mashoko akanaka vachibatsirwa nemweya mutsvene wakatumirwa kubva kudenga.+ Ngirozi dzinoda kunyatsonzwisisa zvinhu izvi.

13 Saka gadzirirai pfungwa dzenyu kuita basa rakaoma;+ musatombovarairwa;+ tariro yenyu ngaive panyasha dzichaunzwa kwamuri pakuratidzwa kwaJesu Kristu. 14 Sevana vanoteerera, regai kuramba muchitongwa neruchiva* rwamaiva narwo pamakanga musina ruzivo, 15 asi ivai vatsvene pane zvese zvamunoita saiye Mutsvene akakudanai,+ 16 nekuti zvakanyorwa kuti: “Munofanira kuva vatsvene, nekuti ini ndiri mutsvene.”+

17 Uyezve kana muchidana kuna Baba vanotonga zvichienderana nebasa remumwe nemumwe, vasingasaruri,+ zvibatei muchitya+ panguva yamuri vagari vari kupfuura. 18 Nekuti munoziva kuti hamuna kusunungurwa*+ nezvinhu zvinoora, nesirivha kana goridhe, pamararamiro enyu asingabatsiri akabva kumadzitateguru enyu. 19 Asi neropa rinokosha raKristu,+ rakaita seregwayana rakanaka+ uye risina kana pakaipa.+ 20 Chokwadi, akazivikanwa nyika isati yavambwa,+ asi akaratidzwa pachena pamugumo wemazuva acho zvichiitirwa imi.+ 21 Kuburikidza naye, imi muri kutenda muna Mwari,+ uyo akamumutsa kubva kuvakafa+ akamupa kubwinya,+ kuti kutenda kwenyu netariro zvive muna Mwari.

22 Zvino zvamakazvichenesa* kuburikidza nekuteerera kwenyu chokwadi, zvikaita kuti mude hama dzenyu zvisina unyengeri,+ dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.+ 23 Nekuti hamuna kuberekwa patsva nembeu inoora,+ asi nembeu isingaori,*+ pachishandiswa shoko raMwari mupenyu, anogara nekusingaperi.+ 24 Nekuti “vanhu vese vakaita seuswa, uye runako rwavo rwese rwakaita seruva remusango; uswa hunooma, uye ruva rinowira pasi, 25 asi shoko raJehovha* rinogara nekusingaperi.”+ Uye “shoko” racho ndiro mashoko akanaka amakaziviswa.+

2 Saka regai zvakaipa+ zvese nemanomano ese neunyengeri neshanje nekunyeya kwese. 2 Sevacheche vachangobva kuberekwa,+ ivai nenzara yemukaka* usina kushatiswa* weshoko, kuti ukukudzei kusvika maponeswa,+ 3 chero bedzi maravira* kuti Ishe ane mutsa.

4 Pamuri kuuya kwaari, iye dombo benyu rakarambwa nevanhu,+ asi rakasarudzwa, uye rinokosha kuna Mwari,+ 5 imi vacho, sezvo muri matombo mapenyu, muri kuvakwa kuti muve imba yemweya,+ mova vapristi vatsvene, kuti mupe zvibayiro zvemweya+ zvinogamuchirwa naMwari, kuburikidza naJesu Kristu.+ 6 Nekuti Rugwaro runoti: “Onai! Ndiri kuisa muZiyoni dombo rakasarudzwa, dombo rinokosha repakona refaundesheni, uye hapana munhu anotenda mariri achaodzwa mwoyo.”*+

7 Saka kwamuri anokosha nekuti muri vatendi; asi kune vaya vasingatendi, “dombo rakarambwa nevavaki+ ndiro razova dombo guru repakona”*+ 8 uye “dombo rekugumbura nedombo remhosva.”+ Vari kugumburwa nekuti havateereri shoko. Izvi ndizvo zvavakatemerwa. 9 Asi imi muri “vanhu vakasarudzwa, vapristi uye madzimambo, rudzi rutsvene,+ vanhu vake vaanokoshesa,+ kuti muzivise kwese kwese kunaka kukuru”*+ kwaiye akakudanai kubva murima, akakupinzai muchiedza chake chinoshamisa.+ 10 Nekuti makanga musiri rudzi, asi iye zvino mava vanhu vaMwari;+ maimbova vanhu vasina kunzwirwa tsitsi, asi iye zvino makanzwirwa tsitsi.+

11 Vadiwa, ndinokukurudzirai kuti imi sevatorwa uye sevagari vari kupfuura+ murambe muchirega zvido zvenyama,+ izvo zviri kurwisana nemi.*+ 12 Rambai muchiita zvakanaka pakati pemarudzi,+ kuti pavanokupomerai kuti munoita zvakaipa, vaone mabasa enyu akanaka+ vokudza Mwari pazuva rake rekuongorora.

13 Zviisei pasi peutungamiriri hwese hunogadzwa nevanhu,+ muchiitira Ishe, angava mambo+ uyo ane simba pamuri 14 kana magavhuna aanotuma kuti arange vanoita zvakaipa uye kuti arumbidze vanoita zvakanaka.+ 15 Nekuti Mwari anoda kuti zvakanaka zvamunoita zvivhare miromo yevaya vasingafungi vanotaura zvisizvo.+ 16 Muri vanhu vakasununguka,+ asi shandisai rusununguko rwenyu sevaranda vaMwari,+ kwete sechinhu chekuhwanda nacho pakuita zvakaipa.+ 17 Kudzai vanhu vese,+ idai sangano rese rehama,+ ityai Mwari,+ kudzai mambo.+

18 Vashandi ngavazviise pasi pavanatenzi vavo vachiratidza kuti vanovatya sezvavanofanira kuita,+ vasingadaro kune vakanaka nevanonzwisisa chete, asiwo kune vaya vakaoma kufadza. 19 Nekuti kana munhu achitsungirira matambudziko* uye achirwadziswa pasina mhosva yaaita, achizviitira hana yake kuna Mwari, izvozvo zvinofadza.+ 20 Nekuti zvinobatsirei kana mukatsungirira kurohwa nekuti munenge matadza?+ Asi kana mukatsungirira matambudziko nekuti munenge maita zvakanaka, izvozvo zvinofadza Mwari.+

21 Makatodanirwa izvozvo, nekuti Kristu pachake akakutambudzikirai,+ achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.+ 22 Haana kuita chivi,+ uye haana kumbotaura mashoko eunyengeri.+ 23 Paaitukwa+ haana kutukawo.+ Paaitambura+ haana kutyisidzira, asi iye akazviisa mumaoko euya anotonga+ zvakarurama. 24 Iye akatakura zvivi zvedu+ mumuviri wake padanda,*+ kuti tisunungurwe pazvivi,* toraramira kururama. Uye “maronda ake akaita kuti muporeswe.”+ 25 Nekuti makanga makaita semakwai akarasika,+ asi iye zvino madzoka kumufudzi+ nemutariri wemweya yenyu.*

3 Imi madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu,+ kuti kana paine vasingateereri shoko, vasvike pakuteerera pasina shoko rataurwa zvichibva pane zvinoitwa nemadzimai avo,+ 2 nekuti vanenge vaona vega zvinhu zvakanaka* zvamunoita+ uye kuremekedza kwenyu kukuru. 3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwekunze, kwekuruka bvudzi uye kwekupfeka zvishongo zvegoridhe+ kana zvipfeko zvakanaka, 4 asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chekuva munhu akanyarara uye munyoro,+ izvo zvinokosha chaizvo kuna Mwari. 5 Nekuti vakadzi vatsvene vekare avo vaiva netariro muna Mwari vaizvishongedzawo saizvozvo, vachizviisa pasi pevarume vavo, 6 sezvaiitwa naSara uyo aiteerera Abrahamu, achimuti ishe.+ Zvino mava vana vake kana mukaramba muchiita zvakanaka uye musingatyi.+

7 Saizvozvowo imi varume rambai muchigara nemadzimai enyu nekuziva.* Vabatei nerukudzo+ sezvamunoita mudziyo usina kusimba, sezvo vachawanawo upenyu pamwe chete nemi+ nekuda kwenyasha dzaMwari, nekuti mukasadaro minyengetero yenyu hainzwikwi.

8 Ndinopedzisa ndichiti mese ivai nepfungwa dzimwe chete,*+ muchinzwirana tsitsi, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana nyasha kwazvo,+ muchizvininipisa.+ 9 Musatsiva chakaipa nechakaipa+ kana kutuka nekutuka.+ Panzvimbo paizvozvo tsivai nechikomborero,+ nekuti izvozvo ndizvo zvamakadanirwa, kuti muwane chikomborero.

10 Nekuti, “munhu wese anoda upenyu nekuona mazuva akanaka, anofanira kudzora rurimi rwake kuti rusataura zvakaipa+ nemuromo wake kuti usataura zvekunyengera. 11 Ngaasiye zvakaipa+ aite zvakanaka;+ ngaatsvage rugare arutevere.+ 12 Nekuti maziso aJehovha* ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dzinoteerera kuteterera kwavo,+ asi chiso chaJehovha* chinovenga vaya vanoita zvakaipa.”+

13 Chokwadi, ndiani angakuitirai zvakaipa kana mukashingaira kuita zvakanaka?+ 14 Asi kunyange kana mukatambura nekuti muri kuita zvakarurama, muchafara.+ Zvisinei, musatya zvavanotya,* uye musanetseka.+ 15 Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kupindura munhu wese anokubvunzai nezvetariro yamuinayo, asi muchizviita neunyoro+ neruremekedzo rukuru.+

16 Rambai muine hana yakanaka+ kuti pazvinhu zvese zvamunopomerwa, vaya vanokupomerai vanyare+ pavanoona mararamiro enyu akanaka sevateveri vaKristu.+ 17 Nekuti zviri nani kuti mutambure pamusana pekuti muri kuita zvakanaka,+ kana Mwari azvibvumira kuti zviitike, pane kuti mutambure nekuti muri kuita zvakaipa.+ 18 Nekuti Kristu akafira zvivi+ kamwe chete zvikabva zvakwana, iye munhu akarurama achiitira vasina kururama,+ kuti akutungamirirei kuna Mwari.+ Akaurayiwa panyama,+ akaitwa mupenyu pamweya.+ 19 Akabva aenda akanoparidza kumweya yaiva mujeri,+ 20 iyo yakanga isingateereri, Mwari paakanga achimirira nemwoyo murefu mumazuva aNoa,+ areka ichivakwa,+ iyo yakatakura vanhu vashoma, ivo vanhu 8, vachibva vapona* mumvura.+

21 Rubhabhatidzo, urwo rwakafanana neizvi ruri kukuponesaiwo zvino, (kwete nekubviswa kwetsvina panyama, asi nekukumbira hana yakanaka kuna Mwari),+ pachishandiswa kumuka kwaJesu Kristu. 22 Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ uye ngirozi nevanokudzwa nemasimba zvakaiswa pasi pake.+

4 Sezvo Kristu akatambura panyama,+ imiwo zvishongedzei nemafungiro akaita saiwayo; nekuti munhu anenge atambura panyama arega zvivi,+ 2 kuti nguva yake yasara yekurarama panyama, arege kuiraramira kuchiva,+ asi kuita kuda kwaMwari.+ 3 Nekuti nguva yamakapedza muchiita zvaidiwa nevanhu vemamwe marudzi+ yakakwana, yamaigara muchiita mabasa akafumuka,* muine ruchiva rwakanyanya, muchinwa zvakapfurikidza, muchiita mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa, muchiita zvinorambidzwa nemutemo zvekunamata zvidhori.+ 4 Vanhu ivavo vanoshaya kuti sei musingarambi muchiita navo zvinhu izvozvo zvakaipa, saka vanotaura zvakaipa nezvenyu.+ 5 Asi vanhu ava vachazvidavirira kune uya akagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.+ 6 Izvi ndizvo zvakatoita kuti mashoko akanaka aziviswewo kune vakafa,+ kuti kunyange zvazvo vachitongwa sezvavari panyama maererano nezvinoonekwa nevanhu, vararame vachitungamirirwa nemweya mukuona kwaMwari.

7 Asi kuguma kwezvinhu zvese kwava pedyo. Saka ivai nepfungwa dzakanaka,+ uye garai makagadzirira kunyengetera.+ 8 Kupfuura zvese, dananai kwazvo,+ nekuti rudo runovhara zvivi zvizhinji.+ 9 Gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.+ 10 Zvichienderana nekuti mumwe nemumwe wenyu akagamuchira chipo chakaita sei, ngaachishandise pakushumira vamwe semutariri akanaka kwazvo wenyasha dzaMwari dzinoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.+ 11 Kana munhu achitaura, ngaaite izvozvo seari kutaura mashoko anobva kuna Mwari; kana munhu achishumira, ngaaite izvozvo seari kuvimba nesimba rinopiwa naMwari,+ kuti Mwari akudzwe+ muzvinhu zvese kuburikidza naJesu Kristu. Kukudzwa nesimba ndezvake nariini nariini. Ameni.

12 Vadiwa, musashamiswa nemiedzo yakaita semoto yamuinayo,+ sekunge kuti zviri kuitika kwamuri zvitsva. 13 Asi rambai muchifara+ nepamasvika pakutamburawo sezvakaita Kristu,+ kuti mufarewo uye mupembere nemufaro pakuratidzwa kwekubwinya kwake.+ 14 Kana muchishorwa* nekuda kwezita raKristu, munofara,+ nekuti mweya wekubwinya, iwo mweya waMwari, uri pamuri.

15 Zvisinei, ngaparege kuva nemumwe wenyu anotambura nekuti muurayi kana kuti imbavha kana kuti anoita zvakaipa kana kuti anopindira munyaya dzisinei naye.+ 16 Asi kana munhu akatambura nekuti muKristu, ngaarege kunyara,+ asi ngaarambe achikudza Mwari achidanwa nezita iri. 17 Nekuti yava nguva yakasarudzwa yekuti kutonga kutange neimba yaMwari.+ Zvino kana kukatanga nesu,+ zvichamira sei kune vaya vasingateereri mashoko akanaka aMwari?+ 18 “Uye kana zvakaoma kuti munhu akarurama apone, chii chichaitika kumunhu asingadi Mwari uye kumutadzi?”+ 19 Saka vaya vari kutambura nemhaka yekuti vari kuita kuda kwaMwari ngavarambe vachizviisa* mumaoko eMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.+

5 Saka ini semumwe wevakuru uye chapupu chekutambura kwaKristu uye semunhu achawanawo kubwinya kucharatidzwa,+ ndinokumbira* vakuru vari pakati penyu kuti: 2 Fudzai boka raMwari+ riri mumaoko enyu, muchishanda sevatariri,* musingaiti zvekumanikidzwa asi zvichibva pamwoyo sezvinodiwa naMwari;+ musingazviiti nekuda pfuma,+ asi nemwoyo wese; 3 musingazviiti madzishe evaya vari nhaka yaMwari,+ asi muchiva mienzaniso kuboka.+ 4 Uye mufudzi mukuru+ paachange aratidzwa pachena, muchapiwa korona yekubwinya isingasvavi.+

5 Saizvozvowo, imi varume vadiki, zviisei pasi pevarume vakuru.*+ Asi mese zvenyu pfekai kuzvininipisa pane zvamunoitirana, nekuti Mwari anopesana nevanozvikudza, asi ane nyasha kune vanozvininipisa.+

6 Saka zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba, kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera,+ 7 muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo*+ paari, nekuti iye ane hanya nemi.+ 8 Ngwarirai uye chenjererai.+ Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaga wekudya.+ 9 Asi murwisei makasimba pakutenda,+ muchiziva kuti matambudziko amuri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzenyu dzese dziri munyika.*+ 10 Asi pashure pekunge matambura kwenguva diki, Mwari wenyasha dzese, uyo akakudanai kuti mupinde mukubwinya kwake kusingaperi+ pamwe naKristu, iye pachake achapedzisa kukudzidzisai. Achakutsigisai,+ achakusimbisai,+ uye achaita kuti mumire makasimba. 11 Iye ngaave nesimba nekusingaperi. Ameni.

12 Ndakunyorerai nemashoko mashoma ndichishandisa Sirivhano,*+ uyo wandinoona sehama yakatendeka, kuti ndikukurudzirei uye ndipupure nemwoyo wese kuti idzi ndidzo nyasha dzechokwadi dzaMwari. Mirai zvakasimba madziri. 13 Mukadzi ari muBhabhironi, uyo akasarudzwa semi, ari kukukwazisai, uye Mako+ mwanakomana wangu ari kukukwazisaiwo. 14 Kwazisanai muchiratidza rudo rwenyu nekutsvodana.*

Imi mese zvenyu vari pamwe naKristu ivai nerugare.

Kana kuti “rakaedzwa.”

Kana kuti “kwemweya yenyu.”

Kana kuti “muchitevera ruchiva.”

ChiGir., “kudzikinurwa.”

Kana kuti “zvamakachenesa mweya yenyu.”

Kureva, mbeu inobereka.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “pangai mukaka.”

Kana kuti “wakachena.”

Kana kuti “maona.”

ChiGir., “achanyadziswa.”

ChiGir., “musoro wekona.”

Kureva, zvakanaka zvaari nemabasa ake akanaka.

Kana kuti “nemweya yenyu.”

Kana kuti “zvinhu zvinoshungurudza; marwadzo.”

Kana kuti “pamuti.”

Kana kuti “tife pazvivi.”

Kana kuti “weupenyu hwenyu.”

ChiGir., “zvakachena.”

Kana kuti “muchivanzwisisa.”

Kana kuti “bvumiranai pane zvamunofunga.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Dzimwe shanduro dzinoti, “musatya kutyisidzira kwavo.”

Kana kuti “iyo mweya misere, ichibva yapona.”

Kana kuti “mabasa anoratidza kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”

Kana kuti “muchitukwa.”

Kana kuti “vachiisa mweya yavo.”

Kana kuti “ndinokurudzira.”

Kana kuti “muchinyatsorichengetedza.”

Kana kuti “pevakuru.”

Kana kuti “zvese zvinokunetsai.”

Kana kuti “nesangano rese rehama dzenyu munyika.”

Anonziwo Sirasi.

ChiGir., “nekutsvoda kwerudo.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe