RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 2 Timoti 1:1-4:22
  • 2 Timoti

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 Timoti
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Timoti

TSAMBA YECHIPIRI KUNA TIMOTI

1 Pauro, muapostora waKristu Jesu nekuda kwaMwari maererano nevimbiso yeupenyu kuburikidza naKristu Jesu,+ 2 kuna Timoti, mwana anodiwa:+

Nyasha nengoni nerugare zvinobva kuna Mwari Baba nekuna Kristu Jesu Ishe wedu ngazvive newe.

3 Ndinotenda Mwari, uyo wandiri kuitira basa dzvene sezvaiitwa nemadzitateguru angu, ndichizviita nehana yakachena, ndisingambokukanganwi pandinonyengetera ndichiteterera siku nesikati. 4 Ndikangoyeuka misodzi yako ndiri kubva ndati dai ndakuona, ndazadzwa nemufaro. 5 Nekuti ndinoyeuka kutenda kwako kusina unyengeri,+ uko kwakatanga kuva muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi, uye kwandiine chokwadi kuti unakowo.

6 Saka ndiri kukuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri, chiya chawakawana pandakaisa maoko angu pauri.+ 7 Nekuti Mwari haana kutipa mweya weumbwende,+ asi wesimba+ newerudo newekuva nepfungwa dzakanaka. 8 Saka usanyara kupupura pamusoro paIshe wedu,+ kana kuti pangu ini, musungwa nekuda kwake, asi bvuma kutambudzikira+ mashoko akanaka uchivimba nesimba raMwari.+ 9 Iye akatiponesa, akatidana nekudana kutsvene,+ kwete pamusana pemabasa edu, asi nekuda kwechinangwa chake uye nenyasha dzake.+ Takadzipiwa muna Kristu Jesu kubvira kare kare, 10 asi iye zvino dzakaratidzwa pachena pakaratidzwa Muponesi wedu, Kristu Jesu,+ uyo akabvisa rufu,+ akaisa chiedza paupenyu+ nepakusaora+ achishandisa mashoko akanaka,+ 11 anova ndiwo andakagadzwa kuti ndive muparidzi wawo uye muapostora nemudzidzisi.+

12 Ndokusaka ndiri kutambura sezvandiri kuita,+ asi handinyari.+ Nekuti ndinoziva wandakatenda maari, uye ndine chivimbo chekuti anokwanisa kuchengetedza zvandakaisa mumaoko ake kusvikira pazuva iroro.+ 13 Ramba uchitevedzera muenzaniso wemashoko anobatsira*+ awakanzwa kwandiri nekutenda nerudo zvinobva pakuva pamwe naKristu Jesu. 14 Chengetedza zvawakachengeteswa izvi uchibatsirwa nemweya mutsvene, uyo uri kugara matiri.+

15 Unoziva kuti vanhu vese vemunharaunda yeEzhiya+ vakandisiya, kusanganisira Figerasi naHemogenesi. 16 Ngoni dzaShe ngadzive neimba yaOnesiforasi,+ nekuti aigara achindizorodza, uye haana kunyara neni nekuti ndiri musungwa. 17 Paaiva muRoma, akatonditsvaga kusvikira andiwana. 18 Ishe ngaaite kuti awane ngoni dzinobva kuna Jehovha* pazuva iroro. Uye iwe unonyatsoziva mabasa ese aakaita kuEfeso.

2 Saka iwe mwanangu,+ ramba uchiwana simba kuburikidza nenyasha dziri muna Kristu Jesu; 2 uye zvinhu zvawakanzwa kwandiri zvichitsigirwa nezvapupu zvizhinji,+ zvipe vanhu vakatendeka, avo vachanyatsokwanisawo kudzidzisa vamwe. 3 Semurwi akanaka+ waKristu Jesu, bvuma kusangana nematambudziko.+ 4 Hapana munhu anoshanda semurwi anozvibatikanisa mumabasa ekutengeserana eupenyu,* kana achida kufarirwa neanenge akamupinza basa semurwi. 5 Uye kunyange mumitambo, munhu anokwikwidza asingatevedzeri mitemo yacho haapiwi korona.+ 6 Murimi anoshanda nesimba ndiye anofanira kuva wekutanga kudya zvibereko. 7 Ramba uchifunga zvandiri kutaura; Ishe achaita kuti unzwisise zvinhu zvese.

8 Yeuka kuti Jesu Kristu akamutswa kuvakafa+ uye aiva mwana waDhavhidhi,*+ maererano nemashoko akanaka andinoparidza,+ 9 anova ndiwo ari kuita kuti nditambure uye ndisungwe sekunge ndakapara mhosva.+ Kunyange zvakadaro, shoko raMwari harina kusungwa.+ 10 Ndokusaka ndichiramba ndichitsungirira zvinhu zvese ndichiitira vakasarudzwa,+ kuti ivowo vawane ruponeso kuburikidza naKristu Jesu, pamwe chete nekubwinya kusingaperi. 11 Mashoko aya ndeechokwadi: Kana takafa pamwe chete, tichatoraramawo pamwe chete;+ 12 kana tikaramba tichitsungirira, tichatongawo pamwe chete semadzimambo;+ kana tikamuramba, iye achatirambawo;+ 13 kana tisina kutendeka, iye anoramba akatendeka, nekuti haangazvirambi.

14 Ramba uchivayeuchidza zvinhu izvi, uchivarayira* pamberi paMwari kuti varege kuitisana nharo pamusoro pemashoko, zvinova zvinhu zvisina kana zvazvinobatsira, nekuti zvinokanganisa* vaya vanenge vachiteerera. 15 Ita zvese zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari semunhu waanofarira, mushandi asina chekunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.+ 16 Asi ramba kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene,+ nekuti kunoita kuti vanhu varambe vachitowedzera kuita zvinovengwa naMwari, 17 uye shoko ravo richapararira seronda rinonyenga. Vamwe vavo ndiHimeniyo naFiretusi.+ 18 Varume ava vakatsauka pachokwadi, vachiti rumuko rwakatoitika,+ uye vari kuparadza kutenda kwevamwe. 19 Pasinei naizvozvo, faundesheni yaMwari yakasimba inoramba iripo, iine chisimbiso* ichi chekuti: “Jehovha* anoziva kuti vake ndevapi,”+ uye kuti, “Munhu wese anodana zita raJehovha*+ ngaarambe zvinhu zvisina kururama.”

20 Muimba yakakura hamungowanikwi midziyo yegoridhe neyesirivha asi munowanikwawo yemiti neyeivhu, uye mimwe ndeyebasa rinokudzwa asi mimwe ndeyebasa risingakudzwi. 21 Saka kana munhu akaramba ari kure neyebasa risingakudzwi, achava mudziyo webasa rinokudzwa, wakatsveneswa, unobatsira muridzi wawo, unoshandiswa pamabasa ese akanaka. 22 Saka tiza kuchiva kweudiki, asi tevera kururama, kutenda, rudo, rugare, pamwe chete nevaya vanodana panaShe nemwoyo wakachena.

23 Uyezve ramba nharo dzisina basa uye dzisina musoro,+ nekuti dzinokonzera kukakavadzana. 24 Nekuti muranda waShe haafaniri kukakavara, asi anofanira kuva munyoro kuvanhu vese,+ anokwanisa kudzidzisa, anozvidzora kana akatadzirwa,+ 25 anorayiridza neunyoro vaya vasingabvumi zvaanodzidzisa.+ Zvimwe Mwari anogona kuita kuti vapfidze zvivi zvavo,* vowana ruzivo rwakarurama rwechokwadi,+ 26 uye vanogona kupengenuka, vopukunyuka mumusungo waDhiyabhorosi, sezvo anga akavabata vari vapenyu kuti vaite zvido zvake.+

3 Asi ziva kuti mumazuva ekupedzisira,+ nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika. 2 Nekuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, 3 vasina rudo runongobva rwega mumwoyo, vasingatombodi kubvumirana, vanotaura zvenhema nezvevamwe,* vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, 4 vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza, vanoda mafaro panzvimbo pekuda Mwari, 5 vanoita sekunge vanonamata Mwari asi vasingaiti zvinoenderana nekunamata kwacho;+ usiyane naivava. 6 Pakati paivava panobva varume vanoverevedza vachipinda mudzimba, vokwezva vakadzi vasina simba, vakaremerwa nezvivi, vanokurirwa nekuchiva zvinhu zvakasiyana-siyana, 7 vanogara vachidzidza, asi vasingambosviki pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.

8 Vanhu ava vanoshora chokwadi sezvakaitwa naJanesi naJambresi vaipikisa Mozisi. Varume vakadaro vane pfungwa dzakakanganisika zvachose, uye havafarirwi naMwari nekuti havaiti zvinoenderana nekutenda. 9 Kunyange zvakadaro, havana kwavanosvika, nekuti kupusa kwavo kuchava pachena kuvanhu vese, sezvakangoita kwevarume vaviri ivavo.+ 10 Asi iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu,+ chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu, 11 kutambudzwa kwandakaitwa uye nhamo yandakaona kuAndiyoki,+ kuIkoniyumu,+ nekuRistra.+ Ndakatsungirira matambudziko aya, uye Ishe akandinunura maari ese.+ 12 Ndingatoti, vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.+ 13 Asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.+

14 Asi iwe ramba uchiita zvinhu zvawakadzidza uye zvawakabatsirwa kuti utende,+ uchiziva kuti wakazvidzidza kunaani 15 uye kuti kubvira paucheche+ wakaziva zvinyorwa zvitsvene,+ zvinokwanisa kukubatsira kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso nekutenda muna Kristu Jesu.+ 16 Magwaro ese akafemerwa naMwari+ uye anobatsira pakudzidzisa,+ pakutsiura, pakururamisa zvinhu,* pakurayira* zvakarurama,+ 17 kuti munhu waMwari ave nyanzvi, aine zvese zvaanoda pakuita mabasa ese akanaka.

4 Pamberi paMwari naKristu Jesu, uyo achatonga+ vapenyu nevakafa+ paachazviratidza pachena+ uye paachauya muUmambo hwake,+ ndinokuudza zvakasimba kuti: 2 Paridza shoko;+ paridza uchiita zvekukurumidza panguva dzakanaka nedzakaoma; tsiura,+ rayira, kurudzira nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa.+ 3 Nekuti pachava nenguva yavasingazoteereri kudzidzisa kwakanaka,*+ asi maererano nezvido zvavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.*+ 4 Vacharamba kuteerera chokwadi vachida kunzwa ngano. 5 Asi iwe, ngwarira zvinhu zvese, tsungirira matambudziko,+ ita basa remuevhangeri,* ita ushumiri hwako zvizere.+

6 Nekuti ndava kutodururwa semupiro wechinwiwa,+ uye nguva yangu yekusunungurwa+ yava pedyo. 7 Ndarwa kurwa kwakanaka,+ ndamhanya kusvika kumagumo,+ ndachengeta kutenda. 8 Kubvira iye zvino, ndakachengeterwa korona yekururama,+ iyo Ishe, mutongi akarurama,+ achandipa semubayiro pazuva iroro,+ asi kwete ini ndega, asiwo vamwe vese vakada kuratidzwa kwake pachena.

9 Ita zvese zvaunogona kuti ukurumidze kuuya kwandiri. 10 Nekuti Dhemasi+ akandisiya nekuti akada nyika ino,* uye akaenda kuTesaronika, Kresenzi akaenda kuGaratiya, Tito kuDharimatiya. 11 Ruka chete ndiye wandasara naye. Muuye mese naMako, nekuti anondibatsira muushumiri. 12 Asi ndatuma Tikiko+ kuEfeso. 13 Paunouya, uuye nejasi randakasiya riina Kapo kuTroasi, nemabhuku,* kunyanya aya ematehwe.

14 Arekizanda mupfuri wemhangura akandiitira zvakaipa chaizvo. Jehovha* achamutsiva zvinoenderana nezvaakaita.+ 15 Newewo unofanira kumungwarira, nekuti akapikisa mashoko edu zvakasimba.

16 Pandakatongwa kekutanga hapana akanditsigira, asi vese vakandisiya; ngavarege havo kupiwa mhosva. 17 Asi Ishe akamira pedyo neni akandipa simba, kuti kuburikidza neni kuparidza kunyatsoitwa uye kunzwike nemarudzi ese;+ uye ndakanunurwa pamuromo weshumba.+ 18 Ishe achandinunura pamabasa ese akaipa uye achandiponesa nekuda kweUmambo hwake hwekudenga.+ Ngaakudzwe nariini nariini. Ameni.

19 Ndikwazisirewo Priska naAkwira+ neimba yaOnesiforasi.+

20 Erasto+ akasara kuKorinde, asi ndakasiya Trofimo+ kuMireto achirwara. 21 Edza nepaunogona napo kusvika chando chisati chatanga.

Uri kukwaziswa naYubhuro, naPudhenzi, naRino, naKraudhiya, nehama dzese.

22 Ishe ngaave nemafungiro aunoratidza. Nyasha dzake ngadzive nemi.

Kana kuti “anopa utano.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Dzimwe shanduro dzinoti, “anozvibatikanisa mumabasa ezuva nezuva.”

ChiGir., “mbeu yaDhavhidhi.”

ChiGir., “uchivapupurira.”

Kana kuti “zvinoparadza.”

Kana kuti “chidhindo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “vachinje mafungiro avo.”

Kureva, kutaura mashoko ekusvibisa mazita evamwe.

Kana kuti “pakugadziridza zvinhu.”

Kana kuti “pakuranga.”

Kana kuti “kunopa utano; kunobatsira.”

Kana kuti “vavaudze zvavanoda kunzwa.”

Kana kuti “ramba uchiparidza mashoko akanaka.”

Kana kuti “mamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “nemagwaro.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gwaro.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe