RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 2 VaTesaronika 1:1-3:18
  • 2 VaTesaronika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 VaTesaronika
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 VaTesaronika

TSAMBA YECHIPIRI KUVATESARONIKA

1 Pauro, naSirivhano,* naTimoti,+ kuungano yevaTesaronika iri pamwe naMwari Baba vedu naShe Jesu Kristu:

2 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

3 Hama, tinofanira kugara tichitenda Mwari nekuda kwenyu. Izvi zvakakodzera, nekuti kutenda kwenyu kuri kukura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kuwedzera.+ 4 Izvi zviri kuita kuti tidade nemi+ pakati peungano dzaMwari nekuda kwekutsungirira kwenyu uye kutenda kwamuri kuratidza muchitambudzwa uye muchisangana nemamiriro ezvinhu akaoma.+ 5 Izvi zvinoratidza kuti Mwari akatonga zvakarurama, uye zvichaita kuti munzi makakodzera kupinda muUmambo hwaMwari, uhwo hwamuri kutambudzikira.+

6 Kutonga uku kwakarurama nekuti Mwari ari kutambudza vaya vanokonzera kuti mutambure.+ 7 Asi imi muri kutambudzika muchazorodzwa pamwe chete nesu pacharatidzwa Ishe Jesu+ achibva kudenga aine ngirozi dzake dzine simba+ 8 ari murimi remoto, achitsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu.+ 9 Ivava vachatongerwa kuparadzwa zvachose+ vobva pamberi paShe nepamberi pekubwinya kwesimba rake, 10 paachauya kuzokudzwa pamwe nevatsvene vake uye paachayemurwa nevaya vakaratidza kutenda, nekuti makatenda uchapupu hwatakapa.

11 Tinogara tichikunyengetererai nechinangwa ichocho, kuti Mwari wedu ati makakodzera kuti akudanei+ uye kuti nesimba rake, anyatsoita zvese zvinomufadza uye kuti mabasa enyu ese ekutenda abudirire. 12 Izvi zvichaita kuti zita raShe wedu Jesu rikudzwe mamuri, imi muri pamwe naye, maererano nenyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.

2 Asi hama, panyaya yekuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu+ uye yekuunganidzwa kwatichaitwa kwaari,+ tinokukumbirai 2 kuti musatsauswa nyore nyore pakufunga kwenyu kana kuvhundutswa nekutaura kunenge kuchiitwa zvekufemerwa*+ kana neshoko rinoita zvekutaurwa kana netsamba inoita seinobva kwatiri, zvichinzi zuva raJehovha*+ rasvika.

3 Ngaparege kuva nemunhu anotombokutsausai,* nekuti harisi kuzouya kusvikira kutsauka pakutenda+ kwatanga uye munhu asingateereri mutemo,+ mwanakomana wekuparadzwa,+ ava kunyatsozivikanwa. 4 Iye anopikisa uye anozvikwidziridza pamusoro pevese vanozviita vanamwari kana chimwe chinhu chinonamatwa, zvekuti anogara mutemberi yaMwari, achizviratidza pachena kuti iye ndimwari. 5 Makanganwa here kuti pandakanga ndichiinemi, ndaiwanzokuudzai zvinhu izvi?

6 Iye zvino munoziva kuti chii chiri kumudzora kuti asanyanya kuzviita, kuitira kuti azoratidzwa kana nguva yake yakwana. 7 Ichokwadi kuti kusateerera mutemo uku kwava kutoitika kwakavanzika,+ asi kuchazobuda pachena kana uya ari kuita kuti zvisanyanya kuenderera asisipo. 8 Kana zvadaro, munhu asingateereri mutemo achabva abudiswa pachena; achaparadzwa naIshe Jesu nemweya wemuromo wake,+ paacharatidza+ kuvapo kwake. 9 Asi kuti munhu asingateereri mutemo avepo, Satani+ ndiye anenge achiita mabasa esimba, zviratidzo zvenhema nezvishamiso+ 10 achishandisa nzira dzese dzisina kururama kunyengera+ vaya vari kuparara, kuti varangwe nekuti havana kuratidza kuti vanonyatsoda chokwadi kuti vaponeswe. 11 Ndokusaka Mwari achivarega vachizvifurira kuti vabvume nhema dzacho,+ 12 kuti vese vatongwe nekuti havana kubvuma chokwadi asi vakafadzwa nekusarurama.

13 Asi hama dzinodiwa naJehovha,* tinofanira kugara tichitenda Mwari nekuda kwenyu, nekuti kubvira pakutanga Mwari akakusarudzai+ kuti muponeswe nekukutsvenesai+ nemweya wake uye nekutenda kwenyu muchokwadi. 14 Akakudanirai izvozvo achishandisa mashoko akanaka atinozivisa, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 15 Saka hama, mirai makasimba+ uye rambai makabata zvamakadzidziswa,+ mungava makazvidzidziswa nemuromo kana kuti netsamba yakabva kwatiri. 16 Zvakare, Ishe wedu Jesu Kristu naMwari Baba vedu, avo vakatida,+ ndokutipa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka+ vachishandisa nyasha dzavo, 17 ngavanyaradze mwoyo yenyu vachikusimbisai pamabasa uye pamashoko ese akanaka.

3 Hama dzangu, regai ndipedzise ndichiti, rambai muchitinyengeterera+ kuti shoko raJehovha* rirambe richipararira nekukurumidza+ uye richikudzwa, sezvariri kuitwa pakati penyu, 2 uye kuti tinunurwe pavanhu vanotikanganisa uye vakaipa,+ nekuti havasi vanhu vese vane kutenda.+ 3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai, okudzivirirai pane akaipa. 4 Zvakare, tinovimba nemi munaShe, kuti muri kuita zvinhu zvatakakurayirai uye mucharamba muchizviita. 5 Ishe ngaarambe achitungamirira mwoyo yenyu zvakanaka, kuti mude Mwari+ uye kuti mutsungirire+ nekuda kwaKristu.

6 Iye zvino hama, tiri kukupai mirayiro muzita raShe wedu Jesu Kristu, kuti musiyane nehama inofamba zvisina kukodzera+ uye zvisingaenderani nemirayiro* yamakagamuchira* kwatiri.+ 7 Nekuti imi pachenyu munoziva kuti munofanira kutitevedzera sei,+ nekuti hatina kuzvibata zvisina kukodzera pakati penyu, 8 uyewo hatina kudya zvekudya zvemumwe munhu tisingabhadhari.+ Asi taishanda, tichifondoka siku nesikati, kuti pasava nemumwe wenyu watinoremedza.+ 9 Hakusi kuti hatibvumirwi kuwana zvinhu kwamuri,+ asi taida kuti mutevedzere muenzaniso wedu.+ 10 Ndingatoti pataiva nemi, taigara tichikuudzai kuti: “Kana munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”+ 11 Nekuti tiri kunzwa kuti kune vamwe vari kufamba zvisina kukodzera pakati penyu,+ vasingamboshandi asi vachipindira munyaya dzisinei navo.+ 12 Vanhu vakadaro tiri kuvaudza uye tiri kuvakurudzira munaShe Jesu Kristu, kuti vanofanira kushanda vakanyarara vachidya zvekudya zvavanoshandira.+

13 Asi imi hama, musaneta pakuita zvakanaka. 14 Asi kana paine asingateereri mashoko edu ari mutsamba ino, rambai makamuisa mucherechedzo uye musawadzana naye,+ kuti anyare. 15 Asi panzvimbo pekumuona semuvengi, rambai muchimurayira+ sehama.

16 Ishe werugare ngaakupei rugare nguva dzese pazvinhu zvese.+ Ishe ngaave nemi mese.

17 Iyi ndiyo kwaziso yangu ini Pauro, yandanyora neruoko rwangu,+ chiratidzo chetsamba dzangu dzese; aya ndiwo manyorero andinoita.

18 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mese.

Anonziwo Sirasi.

Kana kuti “kutaura kwemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “anotombokunyengerai.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “netsika.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “yavakagamuchira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe