RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 1 VaKorinde 1:1-16:24
  • 1 VaKorinde

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 VaKorinde
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 VaKorinde

TSAMBA YEKUTANGA KUVAKORINDE

1 Pauro, akadanwa kuti ave muapostora+ waKristu Jesu nekuda kwaMwari, uye Sositenesi hama yedu, 2 kuungano yaMwari iri muKorinde,+ imi makatsveneswa muri pamwe naKristu Jesu,+ makadanwa kuti muve vatsvene, pamwe nevanhu vese vari kwese kwese vari kudana pazita raShe wedu Jesu Kristu,+ Ishe wavo newedu:

3 Nyasha nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naShe Jesu Kristu ngazvive nemi.

4 Ndinogara ndichitenda Mwari wangu pamusoro penyu, pandinofunga nezvenyasha dzamakaratidzwa naMwari nekuna Kristu Jesu; 5 nekuti makapfumiswa maari pazvinhu zvese, pakukwanisa kunyatsotaura uye pakuva neruzivo rwakazara,+ 6 sekusimbiswa kwakaitwa uchapupu pamusoro paKristu+ pakati penyu, 7 kuti musava nechipo chamunoshayiwa pamunenge muchimirira nemwoyo wese kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 8 Iye achakusimbisaiwo kusvikira pamugumo, kuti musava nechamunopomerwa pazuva raShe wedu Jesu Kristu.+ 9 Mwari akatendeka,+ uye ndiye akakudanai kuti mubatane* neMwanakomana wake Jesu Kristu, Ishe wedu.

10 Saka ndinokukurudzirai, hama, nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mese munofanira kutaura muchibvumirana uye kuti hamufaniri kupesana pakati penyu,+ asi munofanira kunyatsobatana pamafungiro enyu uye pamaonero amunoita zvinhu.+ 11 Nekuti vamwe vekwaKroe vakandizivisa nezvenyu, hama dzangu, kuti muri kunetsana pakati penyu. 12 Zvandiri kureva ndezvekuti, mumwe nemumwe wenyu anoti: “Ini ndiri waPauro,” “Ini ndiri waAporo,”+ “Ini ndiri waKefasi,”* “Ini ndiri waKristu.” 13 Kristu akakamurwa-kamurwa here? Ko Pauro akakufirai padanda here? Kana kuti makabhabhatidzwa muzita raPauro here? 14 Ndinotenda Mwari kuti hapana mumwe wenyu wandakabhabhatidza kunze kwaKrispo+ naGayo,+ 15 saka hapana angati akabhabhatidzwa muzita rangu. 16 Ichokwadi kuti ndakabhabhatidzawo imba yaStefanasi.+ Asi vamwe vese handizivi kana paine mumwezve wandakabhabhatidza. 17 Nekuti Kristu haana kundituma kunobhabhatidza asi kunozivisa mashoko akanaka,+ kwete nekutaura kweuchenjeri, kuti danda rekutambudzirwa* raKristu rirege kuzoonekwa serisingabatsiri.

18 Nekuti kutaura nezvedanda rekutambudzirwa* upenzi kune vaya vari kuparara,+ asi kwatiri vari kuponeswa, isimba raMwari.+ 19 Nekuti zvakanyorwa kuti: “Ndichaita kuti uchenjeri hwevanhu vakachenjera huparare, uye ndicharamba ungwaru hwevanhu vane pfungwa dzakapinza.”+ 20 Munhu akachenjera ari kupi? Munyori* ari kupi? Munhu ane nharo wenyika ino ari kupi? Mwari haana kuita kuti uchenjeri hwenyika ino huve upenzi here? 21 Nekuti kunyange zvazvo nyika yakatadza kusvika pakuziva Mwari+ neuchenjeri hwayo,+ Mwari neuchenjeri hwake akaona zvakanaka kuti ashandise upenzi+ hunoparidzwa kuti aponese vaya vanotenda.

22 Nekuti vaJudha vanokumbira zviratidzo+ uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri; 23 asi isu tinoparidza Kristu akarovererwa padanda, uye vaJudha vanogumburwa nazvo, mamwe marudzi achizviona seupenzi.+ 24 Asi Kristu isimba raMwari neuchenjeri hwaMwari+ kuvaya vakadanwa, vangava vaJudha kana vaGiriki. 25 Nekuti chinhu chaMwari chinonzi ndecheupenzi chakachenjera kupfuura vanhu, uye chinhu chaMwari chinonzi hachina simba chakasimba kupfuura vanhu.+

26 Nekuti hama, muri kuona pakukudanai kwaakaita, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama,+ havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji veimba huru,*+ 27 asi Mwari akasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika kuti anyadzise zvinhu zvakasimba;+ 28 uye Mwari akasarudza zvinhu zvisingakoshi zvenyika nezvinhu zvinotarisirwa pasi, zvinhu zvisipo, kuti aparadze zvinhu zviripo,+ 29 kuti parege kuva nemunhu angazvirumbidza pamberi paMwari. 30 Asi ndiye akaita kuti muve pamwe naKristu Jesu, uyo azova kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, uyewo kururama+ neutsvene+ nekusunungurwa nerudzikinuro,+ 31 kuti zvive sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Jehovha.”*+

2 Saka pandakauya kwamuri hama, ndichikuzivisai chakavanzika chitsvene*+ chaMwari, handina kuuya ndichishandisa mashoko+ kana uchenjeri zvekushamisira. 2 Nekuti ndakasarudza kusaziva chimwe chinhu pakati penyu kunze kwaJesu Kristu, akarovererwa.+ 3 Uye ndakauya kwamuri ndisina simba, ndichitya uye ndichidedera zvikuru; 4 uye zvandaitaura nezvandaiparidza zvakanga zvisina mashoko ekunyengetedza euchenjeri asi kuti zvairatidza mweya nesimba,+ 5 kuti kutenda kwenyu kuve musimba raMwari, kwete muuchenjeri hwevanhu.

6 Tinotaura uchenjeri pakati pevaya vakura,+ kwete uchenjeri hwenyika ino kana hwevatongi venyika ino, vari kufanira kuparara.+ 7 Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari muchakavanzika chitsvene,+ uchenjeri hwakavanzwa, hwakagara hwaitwa kuti huvepo naMwari nyika ino yakaipa isati yavapo, kuti isu tikudzwe. 8 Uhwu ndihwo uchenjeri hwakatadza kuzivikanwa+ kana nemumwe wevatongi venyika ino, nekuti dai vakanga vahuziva vangadai vasina kuroverera Ishe anokudzwa. 9 Asi sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Ziso harina kuona, nenzeve haina kunzwa, uye mwoyo wemunhu hauna kufunga nezvezvinhu zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”+ 10 Nekuti isu ndisu takazvizarurirwa+ naMwari achishandisa mweya wake,+ nekuti mweya unoongorora zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.+

11 Nekuti pakati pevanhu ndiani anoziva zvinhu zvemunhu, kunze kwemweya* wemunhu uri maari? Sakawo, hapana akasvika pakuziva zvinhu zvaMwari, kunze kwemweya waMwari. 12 Zvino isu hatina kugamuchira mweya wenyika asi mweya unobva kuna Mwari,+ kuti tizive zvinhu zvatakapiwa naMwari nemutsa wake. 13 Tinotaurawo zvinhu izvi, kwete nemashoko anodzidziswa neuchenjeri hwevanhu,+ asi neaya anodzidziswa nemweya,+ tichitsanangura zvinhu zvemweya tichishandisa mashoko emweya.

14 Asi munhu wenyama haabvumi zvinhu zvemweya waMwari, nekuti upenzi kwaari; uye haagoni kusvika pakuzviziva, nekuti zvinoongororwa mumweya. 15 Asi munhu wemweya anoongorora zvinhu zvese,+ asi iye haaongororwi nemunhu. 16 Nekuti “ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha,* zvekuti angamurayiridza?”+ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.+

3 Saka hama, ndakanga ndisingakwanisi kutaura nemi sendiri kutaura nevanhu vemweya,+ asi nevanhu venyama, vacheche+ muna Kristu. 2 Ndakakupai mukaka, kwete zvekudya chaizvo, nekuti makanga musati manyatsosimba. Kunyange nanhasi hamusati manyatsosimba,+ 3 nekuti muchiri venyama.+ Sezvo pakati penyu paine godo nekukakavadzana, hamusi venyama here+ uye hamusi kufamba sezvinoita vanhu here? 4 Nekuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwewo achiti, “Ini ndiri waAporo,”+ hamusi kuita zvinongoitwa nevanhu here?

5 Saka Aporo chii? Ko iye Pauro chii? Vanongovawo vashumiri+ vakaita kuti muve vatendi, sekupiwa kwakaitwa mumwe nemumwe naShe. 6 Ini ndakadyara,+ Aporo akadiridza,+ asi Mwari akaita kuti zvikure, 7 saka anodyara kana anodiridza haasi chinhu, asi Mwari anoita kuti zvikure.+ 8 Munhu anodyara neanodiridza vamwe chete,* asi mumwe nemumwe achawana mubayiro unoenderana nebasa rake.+ 9 Nekuti tinoshanda pamwe chete naMwari. Imi muri munda waMwari uri kurimwa, muri chivakwa chaMwari.+

10 Maererano nenyasha dzaMwari dzandakaratidzwa, ndakaisa faundesheni+ semuvaki ane unyanzvi,* asi mumwe munhu ari kuvakira pairi. Asi mumwe nemumwe ngaarambe achingwarira mavakiro aari kuita pairi. 11 Nekuti hapana munhu anogona kuisa imwe faundesheni kunze kweyakatoiswa, inova ndiyo Jesu Kristu.+ 12 Kana munhu achivaka pafaundesheni yacho negoridhe, nesirivha, nematombo anokosha, nematanda, neuswa, kana mashanga, 13 basa remumwe nemumwe richabudiswa pachena zvariri, nekuti zuva racho richariratidza, nekuti richaratidzwa nemoto,+ uye moto ucharatidza kuti basa rakavakwa nemumwe nemumwe ndererudzii. 14 Kana basa remunhu raakavaka pairi rikaramba riripo, iye achawana mubayiro; 15 kana basa remunhu rikatsva, acharasikirwa, asi iye achaponeswa; asi kana zvikadaro, zvichaita sekunge apfuura nemumoto.

16 Hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari+ uye kuti mweya waMwari unogara mamuri?+ 17 Kana munhu akaparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nekuti temberi yaMwari itsvene, uye imi ndimi temberi yacho.+

18 Ngaparege kuva nemunhu anozvinyepera: Kana pakati penyu paine munhu anofunga kuti akachenjera munyika ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera. 19 Nekuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari, nekuti zvakanyorwa kuti: “Anobata vakachenjera mukunyengera kwavo.”+ 20 Uyezve: “Jehovha* anoziva kuti kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna zvakunobatsira.”+ 21 Saka ngaparege kuva neanozvirumbidza nevanhu; nekuti zvinhu zvese ndezvenyu, 22 angava Pauro kana Aporo kana Kefasi*+ kana nyika kana upenyu kana rufu kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya, zvinhu zvese ndezvenyu; 23 nemiwo muri vanhu vaKristu;+ uye Kristuwo, ndewaMwari.

4 Munhu anofanira kutiona sevashandi vari pasi paKristu uye vatariri vezvakavanzika zvitsvene* zvaMwari.+ 2 Panyaya iyi, chinotarisirwa pavatariri ndechekuti vawanikwe vakatendeka. 3 Saka kwandiri hazvinyanyi kukosha kuti ndiongororwe nemi kana kuti nedare revanhu. Ndingatoti kunyange ini pachangu handizviongorori. 4 Nekuti hana yangu hainzwi iine mhosva. Asi izvi hazvirevi kuti ndinobva ndanzi ndakarurama; anondiongorora ndiJehovha.*+ 5 Saka musatonga+ chinhu nguva yacho isati yakwana, kusvikira Ishe auya. Achaisa pachena zvinhu zvakavanzwa murima uye achaita kuti vavariro dzemwoyo yevanhu dzizivikanwe, uye mumwe nemumwe achabva arumbidzwa naMwari.+

6 Zvino, hama, ndava kushandisa mashoko aya pandiri naAporo+ kuti zvikunakirei imi, kuti mudzidze kwatiri mutemo wekuti: “Musapfuura zvakanyorwa,” kuti murege kuzvitutumadza,+ muchiona mumwe munhu kunge ari nani kupfuura mumwe. 7 Nekuti ndiani anoita kuti usiyane nemumwe? Chii chaungati unacho chausina kupiwa?+ Zvino kana wakaita zvekupiwa, nei uchizvirumbidza sekunge kuti hauna kuchipiwa?

8 Matoguta here? Matopfuma here? Matotanga kutonga semadzimambo+ isu tisipo here? Chokwadi ndingatoti dai matanga kutonga semadzimambo, kuti isuwo titonge nemi semadzimambo.+ 9 Nekuti ndinoona sekuti Mwari akatiita kuti isu vaapostora tive vekupedzisira pakuratidzirwa sevanhu vakatongerwa rufu,+ nekuti tiri kuita setakaiswa mudariro kuti tionekwe nenyika,+ nengirozi, nevanhu. 10 Tiri mapenzi+ nekuda kwaKristu, asi imi makangwara muna Kristu; isu hatina simba, asi imi makasimba; imi munokudzwa, asi isu tinozvidzwa. 11 Nanhasi tichiine nzara+ nenyota,+ uye takapfeka mamvemve,* tichirohwa+ uye tisina pekugara 12 tichifondoka nebasa, tichishanda nemaoko edu.+ Patinotukwa, tinokomborera;+ patinotambudzwa, tinoramba tichitsungirira;+ 13 panotaurwa zvakaipa nezvedu, tinopindura neunyoro;+ nanhasi tichiri kuita semarara enyika, tsvina inobviswa pazvinhu zvese.

14 Handisi kunyora zvinhu izvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurayirei sevana vangu vanodiwa. 15 Nekuti kunyange mungava nevadzidzisi 10 000 muna Kristu, chokwadi ndechekuti hamuna vanababa vazhinji; nekuti ndakava baba venyu muna Kristu Jesu nekukuzivisai mashoko akanaka.+ 16 Saka ndinokukurudzirai kuti muve vatevedzeri vangu.+ 17 Ndokusaka ndiri kukutumirai Timoti, nekuti iye mwana wangu anodiwa uye akatendeka munaShe. Achakuyeuchidzai nezvenzira dzangu pamusoro paKristu Jesu,+ sekudzidzisa kwandiri kuita kwese kwese muungano dzese.

18 Vamwe vari kuzvitutumadza, sekunge kuti handisi kuzouya kwamuri. 19 Asi ndichauya kwamuri munguva pfupi iri kutevera, kana Jehovha* achida, kwete kuti ndizonzwa kutaura kwevaya vari kuzvitutumadza, asi kuti ndione simba ravainaro. 20 Nekuti Umambo hwaMwari haisi nyaya yematauriro emunhu asi yesimba raainaro. 21 Munoda zvipi? Ndiuye kwamuri neshamhu+ here kana kuti nerudo neunyoro?

5 Zviri kutonzi pakati penyu pari kuitwa upombwe,*+ uye upombwe* hwakadaro hautombowanikwi kunyange pakati pemamwe marudzi, hwekuti mumwe murume ari kugara nemudzimai wababa vake.+ 2 Muri kutodada nazvo here? Maisafanira kuchema here,+ kuti murume akaita zvakadai abviswe pakati penyu?+ 3 Kunyange zvazvo ndisiko panyama, ndiriko mumweya, uye ndatotonga murume wacho akaita izvi, sekunge kuti ndinotova nemi. 4 Kana makaungana pamwe chete muzita raShe wedu Jesu, uye muchiziva kuti ndinemi mumweya pamwe nesimba raShe wedu Jesu, 5 munofanira kuisa munhu akadaro kuna Satani+ kuti nyama iparadzwe, maonero eungano azochengetedzwa* pazuva raShe.+

6 Kuzvirumbidza kwamuri kuita hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wese?+ 7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvo imi muri vanhu vasina kuviriswa. Nekuti Kristu, gwayana redu rePaseka,+ akabayirwa.+ 8 Saka ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yeuipi nechivi, asi nechingwa chisina mbiriso chekutendeka nechokwadi.

9 Mutsamba yangu ndakakunyorerai kuti murege kufambidzana nemhombwe,* 10 ndisingarevi kuti murege zvachose kufambidzana nemhombwe* dziri munyika ino+ kana vanhu vanokara kana makororo kana vanonamata zvidhori. Dai zvakadaro maitozofanira kubva panyika.+ 11 Asi iye zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nemunhu wese anonzi hama iye ari mhombwe* kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo.+ Murege kunyange kudya nemunhu akadaro. 12 Nekuti ndinei nekutonga vari kunze? Imi hamutongi vari mukati here, 13 Mwari achitonga vari kunze?+ “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”+

6 Zvingadaro sei kuti kana mumwe wenyu akanetsana nemumwe wake+ ari kushinga kumuendesa kumatare evanhu vasina kururama, asingamuendesi pamberi pevatsvene? 2 Kana kuti hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?+ Uye kana nyika ichizotongwa nemi, hamuna kukodzera kutonga tunyaya tudiki here? 3 Hamuzivi here kuti tichatonga ngirozi?+ Saka munoregererei kutonga nyaya dzeupenyu huno? 4 Saka kana muine nyaya dzeupenyu huno dzinofanira kutongwa,+ vanhu vanozvidzwa neungano ndivo vamungagadza kuva vatongi here? 5 Ndiri kuzvitaura kuti munyare. Pakati penyu hapana munhu akachenjera anogona kutonganisa hama dzake here? 6 Asi hama inoendesa imwe hama kudare, pamberi pevasingatendi chaipo!

7 Kana mava kumhan’arirana zvinoreva kuti matokundikana. Madii zvenyu kungobvuma kuitirwa zvakaipa?+ Madii zvenyu kungobvuma kubiridzirwa? 8 Panzvimbo pekudaro, muri kuita zvakaipa, muchibiridzira, apa muchizviitira hama dzenyu!

9 Kana kuti hamuzivi here kuti vanhu vasina kururama havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari?+ Musatsauswa.* Mhombwe,*+ vanhu vanonamata zvidhori,+ vanhu vasina kuvimbika muwanano,*+ varume vanobvuma kuitwa vakadzi nevamwe varume,+ varume vanoita vamwe varume vakadzi,*+ 10 mbavha, vanhu vane makaro,+ zvidhakwa,+ vanotuka, uye makororo, havazogari nhaka yeUmambo hwaMwari.+ 11 Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena;+ makatsveneswa;+ makanzi makarurama+ muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nemweya waMwari wedu.

12 Zvinhu zvese zvinobvumirwa kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira.+ Zvinhu zvese zvinobvumirwa kwandiri, asi handibvumi kuitwa muranda nechimwe chinhu. 13 Zvekudya ndezvedumbu, uye dumbu nderezvekudya, asi Mwari achaparadza zvese zviri zviviri.+ Muviri hausi weupombwe,* asi ndewaShe,+ uye Ishe ndewemuviri. 14 Asi Mwari akamutsa Ishe+ uye achatimutsawo murufu+ nesimba rake.+

15 Hamuzivi here kuti miviri yenyu inhengo dzaKristu?+ Saka ndingatora nhengo dzaKristu ndodzibatanidza nepfambi here? Hazviiti! 16 Hamuzivi here kuti munhu anobatanidzwa nepfambi anova muviri mumwe chete nayo? Nekuti iye anoti, “vaviri vacho vachava nyama imwe.”+ 17 Asi wese anobatanidzwa naShe ari pamwe naye mumweya.+ 18 Tizai upombwe!*+ Chimwe chivi chese chingaitwa nemunhu chiri kunze kwemuviri wake, asi wese anoita upombwe ari kutadzira muviri wake.+ 19 Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi+ yemweya mutsvene uri mamuri, wakabva kuna Mwari?+ Uyewo, hamusi venyu pachenyu,+ 20 nekuti makatengwa nemutengo.+ Saka kudzai Mwari+ nemiviri yenyu.+

7 Panyaya dzamakanyora nezvadzo, zviri nani kuti murume arege kubata* mukadzi; 2 asi nekupararira kwaita upombwe,* murume mumwe nemumwe ngaave nemudzimai wake+ uye mukadzi mumwe nemumwe ngaave nemurume wake.+ 3 Murume ngaape mudzimai wake zvaanofanira kumupa, uye mudzimai ngaaitirewo murume wake saizvozvo.+ 4 Mudzimai haana simba pamuviri wake, asi murume wake anaro; murumewo haana simba pamuviri wake, asi mudzimai wake anaro. 5 Musanyimana, kunze kwekunge mabvumirana kwenguva yamunenge masarudza, kuti muve nenguva yekunyengetera mozosangana zvakare, kuti Satani arege kuramba achikuedzai nekuda kwekusazvidzora kwenyu. 6 Asi ndiri kutaura izvi ndichikupai mvumo, kwete kuti ndiri kugadza mutemo. 7 Asi ndinoti dai vanhu vese vari sezvandiri. Kunyange zvakadaro, mumwe nemumwe ane chipo chake+ chinobva kuna Mwari, mumwe ane ichi, mumwe ane icho.

8 Saka ndinoti kuvaya vasina kuroora kana kuroorwa nekuchirikadzi, zviri nani kuti varambe vakaita sezvandiri.+ 9 Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavaroore kana kuroorwa, nekuti zviri nani kuroora kana kuroorwa pane kutsva.+

10 Vanhu vakaroora kana kuroorwa ndinovarayira, kwete ini asi Ishe, kuti mudzimai haafaniri kuparadzana nemurume wake.+ 11 Asi zvikaitika kuti aparadzana naye, ngaarambe asina kuroorwa kana kuti angatodzokerana nemurume wake; uye murume haafaniri kusiya mudzimai wake.+

12 Asi kune vamwe ini ndinoti, (ini, kwete Ishe):+ Kana hama iine mudzimai asingatendi uye mudzimai wacho achida hake kugara nayo, ngairege kumusiya; 13 uye kana mukadzi aine murume asingatendi uye murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake. 14 Nekuti murume asingatendi anoitwa kuti ave mutsvene nemudzimai wake, uye mudzimai asingatendi anoitwa kuti ave mutsvene nehama yacho; dai zvisina kudaro, vana venyu vangadai vasina kuchena, asi zvino vatsvene. 15 Asi kana asingatendi akasarudza kuenda,* ngaaende hake; pakadaro hama kana hanzvadzi inenge isina kusungwa. Mwari akakudanirai rugare.+ 16 Nekuti, iwe mudzimai, unoziva sei kana uchaponesa murume wako?+ Kana kuti, iwe murume, unoziva sei kana uchaponesa mudzimai wako?

17 Kunyange zvakadaro, sekupiwa kwakaitwa mumwe nemumwe mugove wake naJehovha,* mumwe nemumwe ngaafambe sekudanwa kwaakaitwa naMwari.+ Saka ndiri kupa mirayiro iyi kuungano dzese. 18 Pane munhu akadanwa akachecheudzwa here?+ Ngaarambe akadaro. Pane munhu akadanwa asina kuchecheudzwa here? Ngaarege kuchecheudzwa.+ 19 Kuchecheudzwa hakuna zvakunoreva, uye kusachecheudzwa hakuna zvakunoreva;+ kuchengeta mirayiro yaMwari ndiko kune basa.+ 20 Mumwe nemumwe ngaarambe ari sezvaakadanwa ari.+ 21 Wakadanwa uri muranda here? Usazvinetsa nezvazvo;+ asi kana uchigona kusununguka, shandisa mukana wacho. 22 Nekuti wese akadanwa munaShe ari muranda, munhu waShe akasunungurwa;+ uyewo munhu wese akadanwa ari munhu akasununguka, muranda waKristu. 23 Makatengwa nemutengo;+ regai kuva varanda vevanhu. 24 Hama, mumwe nemumwe ngaarambe ari sezvaakadanwa ari pamberi paMwari.

25 Pamusoro pevasati vamboroora kana kuroorwa, handina murayiro unobva kunaShe, asi ndinotaura zvandinofunga+ semunhu akanzwirwa tsitsi naShe kuti ave akatendeka. 26 Saka ndinofunga kuti, nedambudziko riripo iye zvino, zvakanaka kuti munhu arambe ari sezvaari. 27 Wakasunganidzwa nemudzimai here? Rega kutsvaga kusunungurwa.+ Wakasunungurwa kumudzimai here? Rega kutsvaga mudzimai. 28 Asi kunyange kana ukaroora kana kuroorwa, unenge usina kutadza. Uye kana munhu asati amboroora kana kuroorwa, akaroora kana kuroorwa, anenge asina kutadza. Asi vanoita izvozvo vachava nedambudziko munyama yavo. Zvino ini ndiri kuedza kukudzivirirai.

29 Zvakare, ndinotaura izvi, hama, kuti pasara nguva shomanana.+ Kubvira iye zvino, vaya vane madzimai ngavave sevasina, 30 nevaya vanochema vave sevasingachemi, nevaya vanofara vave sevasingafari, nevaya vanotenga vaite sevasina chinhu, 31 nevaya vari kushandisa nyika vaite sevasiri kuishandisa zvizere; nekuti zviri kuitika munyika zviri kuchinja. 32 Zvandinoda ndezvekuti musazvidya mwoyo. Murume asina kuroora anozvidya mwoyo nezvinhu zvaShe, kuti angaita sei kuti afadze Ishe. 33 Asi murume akaroora anozvidya mwoyo nezvinhu zvenyika,+ kuti angaita sei kuti afadze mudzimai wake, 34 uye pfungwa dzake hadzisi pachinhu chimwe chete. Uyezve, mukadzi asina kuroorwa, uye mhandara, vanozvidya mwoyo nezvinhu zvaShe,+ kuti vave vatsvene mumuviri nemumweya. Asi mukadzi akaroorwa anozvidya mwoyo nezvinhu zvenyika, kuti angaita sei kuti afadze murume wake. 35 Asi ndiri kutaura izvi kuti zvikunakirei, kwete kuti ndikuomeserei,* asi kuti ndikukurudzirei kuita zvakakodzera uye kuti murambe muchizvipira kunaShe pasina chinokukanganisai.

36 Asi kana munhu achifunga kuti kuramba asina kuroora kana kuroorwa* hakuna kunaka, iye apfuura makore ekuyaruka, izvi ndizvo zvinofanira kuitika: Muregei aite zvaanoda; hapana chaanenge atadza. Regai varoore kana kuroorwa.+ 37 Asi kana munhu akagadzikana mumwoyo make uye asingamanikidzwi, asi aine simba rekuita zvaanoda uye asarudza mumwoyo make kugara asina kuroora kana kuroorwa,* achaita zvakanaka.+ 38 Saka uya anoroorawo* achaita zvakanaka, asi uya asingaroori achatoita zvakanaka kupfuura ipapo.+

39 Mudzimai akasungwa kana murume wake achiri mupenyu.+ Asi kana murume wake arara murufu, iye asununguka kuroorwa newaanoda, munaShe chete.+ 40 Asi maonero angu ndeekuti anofara kana akaramba ari sezvaari; uye ndine chokwadi kuti ndiri kutungamirirwa nemweya waMwari.

8 Panyaya yezvekudya zvakabayirwa kuzvidhori,+ ndinoti: Tinoziva kuti tese tine ruzivo.+ Ruzivo runoita kuti munhu azvitutumadze, asi rudo runovaka.+ 2 Kana paine munhu anofunga kuti ane zvaanoziva nezveimwe nyaya, haasati ava nezvaanoziva nezvayo sezvaanofanira kuziva. 3 Asi kana munhu achida Mwari, munhu iyeye anozivikanwa naye.

4 Panyaya yekudya zvekudya zvakabayirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ panyika uye kuti hakuna mumwe Mwari kunze kwemumwe chete.+ 5 Nekuti kunyange variko vanonzi vanamwari, kungava kudenga kana panyika,+ sezvo kuine “vanamwari” vakawanda uye “madzishe” akawanda, 6 kwatiri kunongova naMwari mumwe chete,+ ivo Baba,+ kunova ndiko kunobva zvinhu zvese, uye isu tiri vake;+ uye kuna Ishe mumwe chete, iye Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo naye,+ nesu tiripo naye.

7 Havasi vese vanoziva izvi.+ Asi vamwe, sezvo vaimbonamata zvidhori, kana vakadya zvekudya zvinenge zvakabayirwa kuchidhori,+ hana dzavo dzisina kusimba dzinosvibiswa.+ 8 Asi zvekudya hazviiti kuti tive pedyo naMwari;+ hatinganzi takaipa kana tikasadya, uye hatinganzi tiri nani kana tikadya.+ 9 Asi rambai muchichenjerera kuti kodzero yenyu yekusarudza haizogumburi vaya vasina simba.+ 10 Nekuti kana mumwe munhu akakuona iwe une ruzivo, uchidya mutemberi yezvidhori, hana yemunhu iyeye asina simba haizoshingiswi here zvekusvika pakudya zvekudya zvakabayirwa kuzvidhori? 11 Saka ruzivo rwako ruri kuita kuti munhu asina simba aparare, hama yako yakafirwa naKristu.+ 12 Kana muchitadzira hama dzenyu saizvozvo muchikuvadza hana dzavo dzisina simba,+ muri kutadzira Kristu. 13 Saka kana zvekudya zvichiita kuti hama yangu igumbuke, handichazombodyi zvakare nyama, kuti ndirege kugumbura hama yangu.+

9 Handina kusununguka here? Handisi muapostora here? Handina kuona Jesu Ishe wedu here?+ Ko imi hamusi basa rangu munaShe here? 2 Kunyange kana ndisiri muapostora kune vamwe, kwamuri zvechokwadi ndiri muapostora! Nekuti imi ndimi chisimbiso* chinosimbisa kuva kwangu muapostora munaShe.

3 Mashoko angu ekuzvipupurira kune vaya vanondiongorora ndeaya: 4 Hatina kodzero yekudya nekunwa here? 5 Hatinawo kodzero yekufamba nemudzimai anotenda here,+ sezvinoita vamwe vaapostora vese nevanin’ina vaShe+ naKefasi?*+ 6 Kana kuti ini naBhanabhasi+ ndisu chete tisinawo kodzero yekurega kuita basa rekuzviriritira here? 7 Pane murwi angashanda asingabhadharwi here? Pane angadyara munda wemizambiringa orega kuzodya mazambiringa acho here?+ Kana kuti pane angafudza zvipfuwo orega kunwawo mukaka wacho here?

8 Ndiri kutaura zvandiri kungofungawo semunhu here? Mutemo hautauriwo izvozvo here? 9 Nekuti Mutemo waMozisi unoti: “Usasunga muromo wenzombe* painenge ichipura zviyo.”+ Ko Mwari ari kuva nehanya nenzombe here? 10 Hakusi kuti ari kutozvitaurira isu here? Zvakatonyorerwa isu, nekuti munhu anorima uye munhu anopura anofanira kudaro aine tariro yekuzowanawo mugove wake.

11 Kana takadyara zvinhu zvemweya pakati penyu, pane chakaipa here kana tikazokohwa zvinhu zvinotitsigira pakurarama kubva kwamuri?+ 12 Kana vamwe vanhu vaine kodzero iyi pamuri, ko isu hatina kodzero inotopfuura yavo here? Kunyange zvakadaro, hatina kushandisa kodzero iyi,+ asi tiri kutsungirira zvinhu zvese, kuti tisambokanganisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 13 Hamuzivi here kuti vanhu vanoita mabasa matsvene vanodya zvinhu zvepatemberi, uye vaya vanogara vachishumira paatari vanodyawo zviri paatari?+ 14 Saka Ishe akarayirawo vaya vanozivisa mashoko akanaka kuti vararame nemashoko akanaka.+

15 Asi zvese izvi handina kumbozvishandisa.+ Hakusi kuti ndiri kunyora zvinhu izvi kuti ndizviitirwe, nekuti zviri nani kuti ndife pane kuti—hapana munhu anogona kumboramba zvandiri kuzvirumbidza nazvo!+ 16 Saka kana ndiri kuzivisa mashoko akanaka, hachisi chikonzero chekuti ndizvirumbidze, nekuti ndinofanira kuzviita. Chokwadi ndechekuti ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!+ 17 Kana ndichiita izvi ndichida, ndine mubayiro; asi kunyange kana ndikazviita ndisingadi, ndine utariri hwandakapiwa.+ 18 Saka mubayiro wangu ndewei? Kuti pandinozivisa mashoko akanaka, ndizivise mashoko akanaka ndisingabhadharisi, kuti ndisashandisa simba rangu* zvisiri izvo pakuzivisa mashoko akanaka.

19 Kunyange zvazvo ndakasununguka kuvanhu vese, ndakazviita muranda wevanhu vese, kuti ndiwane vanhu vakawanda. 20 KuvaJudha ndakava semuJudha, kuti ndiwane vaJudha;+ kune vaya vari pasi pemutemo ndakava semunhu ari pasi pemutemo, kunyange zvazvo ini ndisiri pasi pemutemo, kuti ndiwane vaya vari pasi pemutemo.+ 21 Kune vaya vasina mutemo ndakava semunhu asina mutemo, kunyange zvazvo ndisiri munhu asina mutemo kuna Mwari asi ari pasi pemutemo kuna Kristu,+ kuti ndiwane vaya vasina mutemo. 22 Kune vasina simba ndakava munhu asina simba,+ kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvese kuvanhu vakasiyana-siyana, kuti ndiponese vamwe nenzira dzese dzandaikwanisa. 23 Asi ndinoita zvinhu zvese nekuda kwemashoko akanaka, kuti ndiazivise vamwe.+

24 Hamuzivi here kuti vanomhanya munhangemutange vanomhanya vese, asi mumwe chete ndiye anowana mubayiro? Mhanyai zvinoita kuti muuwane.+ 25 Munhu wese anopinda mumakwikwi* anozvidzora muzvinhu zvese. Zvino ivo vanozviitira kuti vawane korona inoparara,+ asi isu isingaparari.+ 26 Saka mamhanyiro andiri kuita haasi emunhu asina chinangwa;+ makandiro andiri kuita zvibhakera ndeekuti ndisarova mhepo; 27 asi ndinorwadzisa* muviri wangu+ ndichiuita semuranda, kuti pashure pekunge ndaparidzira vamwe, ini wacho ndirege kuzova asingakodzeri.*

10 Hama, ndinoda kuti muzive kuti madzitateguru edu ese akanga ari pasi pegore+ uye ese akapfuura nemugungwa+ 2 uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi negore uye negungwa, 3 uye ese akadya zvekudya zvemweya zvakafanana+ 4 uye ese akanwa zvekunwa zvemweya zvakafanana.+ Nekuti akanwa mvura yakabuda padombo remweya raiatevera, uye dombo iroro raireva* Kristu.+ 5 Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa nevakawanda vavo, saka vakaurayiwa murenje.+

6 Saka zvinhu izvi zvakava mienzaniso kwatiri, kuti tirege kuda zvinhu zvakaipa, sezvavakaita ivo.+ 7 Musanamatawo zvidhori, sezvakaita vamwe vavo; sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: “Vanhu vakagara pasi vakatanga kudya nekunwa. Vakabva vasimuka vakatanga kufara.”+ 8 Ngatiregeiwo kuita upombwe,* sevamwe vavo vakaita upombwe,* vakazofa, 23 000 musi mumwe chete.+ 9 Ngatiregeiwo kuedza Jehovha,*+ sevamwe vavo vakamuedza, vakazoparadzwa nenyoka.+ 10 Regaiwo kugunun’una, sevamwe vavo vakagunun’una,+ vakazoparadzwa nemuparadzi.+ 11 Zvinhu izvi zvakaitika kwavari kuti uve muenzaniso kwatiri, uye zvakanyorwa kuti tiyambirwe isu+ tasvikirwa nemugumo wenyika ino.*

12 Saka anofunga kuti akamira ngaachenjere kuti arege kuwa.+ 13 Hapana muedzo wakauya pamuri kunze kweyagara ichisangana nevanhu.+ Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira,+ asi pamwe chete nemuedzo achaitawo nzira yekubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.+

14 Saka vadiwa vangu, tizai kunamata zvidhori.+ 15 Ndiri kutaura nemi ndichiziva kuti muri vanhu vakachenjera; zvionereiwo mega zvandiri kutaura. 16 Kapu yatinonyengeterera kuti ikomborerwe, hairevi kuti tiri kubatsirwa neropa raKristu here?+ Chingwa chatinomedura, hachirevi kuti tiri kubatsirwa nemuviri waKristu here?+ 17 Sezvo paine chingwa chimwe chete, kunyange zvazvo isu takawanda, tiri muviri mumwe chete,+ nekuti tese tiri kudya chingwa chimwe chete ichocho.

18 Fungai nezvevaIsraeri panyama: Vaya vanodya zvibayiro vanenge vasingagovane neatari yacho here?+ 19 Saka ndiri kutii? Ndiri kureva here kuti chinobayirwa kuchidhori chinokosha, uye kuti chidhori chinokosha? 20 Aiwa; asi ndinoti zvinhu zvinobayirwa nemarudzi, anozvibayira kumadhimoni, kwete kuna Mwari;+ uye handidi kuti mubatane nemadhimoni.+ 21 Hamugoni kunwira mukapu yaJehovha* uye mukapu yemadhimoni; hamugoni kudyira “patafura yaJehovha”*+ uye patafura yemadhimoni. 22 ‘Tiri kuda kuti Jehovha* ave negodo here’?+ Ko isu tine simba kumupfuura here?

23 Zvinhu zvese zvinobvumirwa, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinobvumirwa, asi hazvisi zvinhu zvese zvinovaka.+ 24 Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.+

25 Idyai chero zvinenge zvichitengeswa pamusika wenyama, musingabvunzi nemhaka yehana yenyu, 26 nekuti “nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha.”*+ 27 Kana mukakokwa nemunhu asingatendi uye muchida kuenda, idyai chero zvaanoisa pamberi penyu, musina chamunobvunza nekuda kwehana yenyu. 28 Asi kana mumwe munhu akati kwamuri, “Ichi chakapiwa sechibayiro,” musadya nemhaka yemunhu akuudzai uye nemhaka yehana.+ 29 Handisi kureva hana yenyu, asi yemunhu wacho. Nekuti nei rusununguko rwangu ruchifanira kutongwa nehana yemumwe munhu?+ 30 Kana ndichidya nekuonga, nei ndichifanira kutukwa nekuda kwezvinhu zvandinoonga pamusoro pazvo?+

31 Saka mungava muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu, itai zvinhu zvese kuti Mwari akudzwe.+ 32 Musava zvinhu zvinogumbura kuvaJudha pamwe chete nevaGiriki neungano yaMwari,+ 33 kungofanana neni ndiri kuedza kufadza vanhu vese muzvinhu zvese, ndisingatsvagi zvinobatsira ini chete,+ asi zvinobatsira vakawanda, kuti vaponeswe.+

11 Nditevedzerei sekutevedzera kwandinoita Kristu.+

2 Ndinokurumbidzai nekuti pamunoita zvinhu zvese munondirangarira uye muri kuramba makabatisisa nzira yekuita nayo zvinhu yandakakudzidzisai. 3 Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro wemurume wese ndiKristu;+ uye musoro wemukadzi murume;+ uye musoro waKristu ndiMwari.+ 4 Murume wese anonyengetera kana kuprofita akapfeka chimwe chinhu mumusoro make anonyadzisa musoro wake; 5 asi mukadzi wese anonyengetera kana kuprofita+ musoro wake usina kufukidzwa anonyadzisa musoro wake, nekuti hazvina kumbosiyana nekuti ave nemusoro wakaveurwa. 6 Nekuti kana mukadzi asingazvifukidzi, anofanira kugerwa; asi kana zvichinyadzisa kuti mukadzi agerwe kana kuti aveurwe, anofanira kuzvifukidza.

7 Nekuti murume haafaniri kufukidza musoro wake, nekuti iye mufananidzo+ nekukudzwa kwaMwari, asi mukadzi kukudzwa kwemurume. 8 Nekuti murume haana kubva kumukadzi, asi mukadzi akabva kumurume.+ 9 Uyezve, murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi akasikirwa murume.+ 10 Ndokusaka mukadzi achifanira kuva nechiratidzo chesimba mumusoro make nekuda kwengirozi.+

11 Kunze kwaizvozvo, munaShe, mukadzi haangavipo pasina murume uye murume haangavipo pasina mukadzi. 12 Nekuti sekungobvawo kwakaita mukadzi kumurume,+ murume anovapowo achibva nekumukadzi; asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.+ 13 Paoneiwo mega: Zvingaita here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro? 14 Masikirwo akaitwa vanhu haakuratidzei ega here kuti bvudzi refu rinoshoresa murume? 15 Asi kana mukadzi aine bvudzi refu, zvinoita kuti akudzwe. Nekuti anopiwa bvudzi rake panzvimbo pechekufukidzisa musoro. 16 Asi kana paine anoda kuita nharo achitsigira imwe tsika, isu hatina imwe tsika, kunyange ungano dzaMwari hadzinawo.

17 Asi pandiri kukupai mirayiro iyi, handikurumbidzei nekuti kuungana kwenyu kuri kutokukanganisai panzvimbo pekukubatsirai. 18 Nekuti kutanga, ndiri kunzwa kuti pamunoungana muungano, pane mapoka pakati penyu; uye ndingangozvibvuma. 19 Nekuti zvechokwadi pakati penyu pachavawo nemapoka,+ kuitira kuti vaya vanofarirwa naMwari vari pakati penyu vaoneke kuti ndevapi.

20 Pamunoungana panzvimbo imwe, hamusi kuungana kuti mudye Kudya kwaShe Kwemanheru.+ 21 Nekuti pamunodya, mumwe nemumwe ari kutanga adya kudya kwake kwemanheru, zvekuti mumwe anenge aine nzara asi mumwe akadhakwa. 22 Hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana kuti munozvidza ungano yaMwari here muchiita kuti vaya vasina chinhu vanyare? Ndotiiko kwamuri? Ndokurumbidzai here? Panyaya iyi handikurumbidzei.

23 Nekuti ndakagamuchira kubva kunaShe zviya zvandakapfuudzawo kwamuri, zvekuti Ishe Jesu pausiku+ hwaakazotengeswa, akatora chingwa, 24 uye pashure pekuonga, akachimedura, akati: “Ichi chinomirira muviri wangu+ uri kupiwa kuitira imi. Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”+ 25 Akaitawo saizvozvo nekapu,+ pavakanga vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano itsva+ muropa rangu.+ Rambai muchiita izvi, pese pamunonwira mairi, muchindiyeuka.”+ 26 Nekuti pese pamunodya chingwa ichi nekunwira mukapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira auya.

27 Saka munhu wese anodya chingwa kana kunwira mukapu yaShe zvisina kukodzera achava nemhosva pamusoro pemuviri neropa raShe. 28 Munhu ngaatange azviongorora aone kana akakodzera,+ kana adaro ndipo chete paanozodya chingwa nekunwira mukapu yacho. 29 Nekuti uya anodya nekunwa asinganzwisisi muviri anozvidyira nekuzvinwira kutongwa. 30 Ndokusaka vakawanda pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vakati wandei vakarara murufu.*+ 31 Asi kudai tainzwisisa zvatiri pachedu, taisazotongwa. 32 Asi patinotongwa, tinorangwa naJehovha,*+ kuti tirege kupiwa mhosva pamwe chete nenyika.+ 33 Saka hama dzangu, pamunoungana kuti mudye kudya uku, miriranai. 34 Kana munhu aine nzara, ngaadyire kumba, kuti pamunoungana murege kuunganira kutongwa.+ Kana dziri dzimwe nyaya dzasara, ndichazodzigadzirisa pandinosvika ikoko.

12 Hama, kana pari pamusoro pezvipo zvemweya,+ handidi kuti mugare musingazivi. 2 Munoziva kuti pamaiva vanhu vemamwe marudzi,* mainyengerwa muchitungamirirwa kunonamata zvidhori zvisingatauri,+ muchienda kwese kwazvaikutungamirirai. 3 Saka ndinoda kuti muzive kuti hapana munhu angatauriswe nemweya waMwari kuti: “Jesu akatukwa!” uye hapana munhu angati: “Jesu ndiShe!” kana asingatauriswi nemweya mutsvene.+

4 Kune zvipo zvakasiyana-siyana, asi kune mweya mumwe chete;+ 5 uye kune ushumiri hwakasiyana-siyana,+ asi kuna Ishe mumwe chete; 6 uye kune mabasa akasiyana-siyana, asi Mwari mumwe chete ndiye anoaita ese muvanhu vese.+ 7 Asi mweya unooneka kushanda kwawo pane mumwe nemumwe nechinangwa chakanaka.+ 8 Nekuti mumwe anopiwa nemweya kutaura kweuchenjeri,* mumwe anopiwa nemweya mumwe chetewo kutaura kunoratidza ruzivo, 9 mumwe anopiwa kutenda+ nemweya mumwe chetewo, mumwe anopiwa zvipo zvekurapa+ nemweya iwoyo mumwe chete, 10 mumwewo anopiwa chipo chekuita mabasa esimba,+ mumwe chekuprofita, mumwe chekukwanisa kunzwisisa mashoko akafemerwa,+ mumwe chendimi dzakasiyana-siyana,*+ uye mumwe chekududzira ndimi.+ 11 Asi mweya mumwe chete iwoyo ndiwo unoita mabasa ese aya, uchipa mumwe nemumwe zvaunoda.

12 Sezvo muviri uri mumwe chete asi uine nhengo dzakawanda, uye nhengo dzese dzemuviri iwoyo, kunyange dzakawanda, dziri muviri mumwe chete,+ ndizvo zvakaitawo Kristu. 13 Nekuti tese takabhabhatidzwa nemweya mumwe chete kuti tive muviri mumwe chete, tingava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vanhu vakasununguka, tese takaitwa kuti tinwe mweya mumwe chete.

14 Nekuti muviri hauna nhengo imwe chete, asi une dzakawanda.+ 15 Kana tsoka ikati, “Sezvo ndisiri ruoko, handisi nhengo yemuviri,” izvozvo hazviiti kuti isava nhengo yemuviri. 16 Uye kana nzeve ikati, “Sezvo ndisiri ziso, handisi nhengo yemuviri,” izvozvo hazviiti kuti isava nhengo yemuviri. 17 Kudai muviri wese waiva ziso, kunzwa kungadai kuri kupi? Kudai wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuri kupi? 18 Asi Mwari akaronga nhengo imwe neimwe yemuviri sezvaaida.

19 Kudai dzese dzaiva nhengo imwe chete, muviri ungadai uri kupi? 20 Asi zvino inhengo dzakawanda, iwo muviri uri mumwe chete. 21 Ziso harigoni kuti kuruoko, “Handina basa newe,” uye musoro haugoni kuti kutsoka, “Handina basa newe.” 22 Asi nhengo dzemuviri dzinoita sedzisina simba dzine basa, 23 uye nhengo dzemuviri dzatinofunga kuti dzinokudzwa zvishoma, tinodzikomberedza nekukudzwa kukuru,+ saka nhengo dzedu dzisingaratidziki zvakanaka dzinobatwa neruremekedzo, 24 asi nhengo dzedu dzinoratidzika zvakanaka hadzina chadzinoda. Kunyange zvakadaro, Mwari akagadzira muviri wakadaro, achipa kukudzwa kukuru kunhengo yakanga isingakudzwi, 25 kuti parege kuva nekupesana mumuviri, asi kuti nhengo dzawo dzichengetane.+ 26 Kana nhengo imwe chete ikatambura, dzimwe nhengo dzese dzinotambura pamwe chete nayo;+ kana kuti kana nhengo imwe chete ikakudzwa, dzimwe nhengo dzese dzinofara pamwe chete nayo.+

27 Zvino imi muri muviri waKristu,+ uye mumwe nemumwe wenyu inhengo yawo.+ 28 Uye Mwari akaisa vanhu vakasiyana-siyana muungano: kutanga, vaapostora;+ kechipiri, vaprofita;+ kechitatu, vadzidzisi;+ kwozotevera mabasa esimba;+ achiteverwa nezvipo zvekuporesa;+ mabasa anobatsira; kukwanisa kutungamirira;+ ndimi dzakasiyana-siyana.+ 29 Vese vaapostora here? Vese vaprofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here? 30 Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here?+ Vese vaturikiri* here?+ 31 Asi rambai muchivavarira kuwana* zvipo zvikuru.+ Asi ini ndichakuratidzai nzira inopfuura dzese.+

13 Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzengirozi asi ndisina rudo, ndinenge ndangova sebhero riri kurira kana kuti sezviridzwa zvesimbi zviri kurovaniswa. 2 Uye kana ndiine chipo chekuprofita uye chekunzwisisa zvakavanzika zvitsvene* zvese neruzivo rwese,+ uye kana ndiine kutenda kwakakura zvekuti ndinofambisa makomo, asi ndisina rudo, hapana zvandiri.*+ 3 Uye kana ndikapa zvinhu zvangu zvese kuti ndiwanise vamwe zvekudya,+ uye kana ndikapa muviri wangu sechibayiro kuti ndizvirumbidze, asi ndisina rudo,+ hapana kana chazvinondibatsira.

4 Rudo+ rune mwoyo murefu+ uye rune mutsa.+ Rudo haruna godo.+ Haruzvikudzi, haruzvitutumadzi,+ 5 haruzvibati zvisina kufanira,+ harutsvagi zvakarunakira,+ harutsamwiswi.+ Haruchengeti chigumbu.*+ 6 Harufariri zvisina kururama,+ asi runofara nechokwadi. 7 Runoshingirira zvinhu zvese,+ runotenda zvinhu zvese,+ rune tariro pazvinhu zvese,+ runotsungirira zvinhu zvese.+

8 Rudo harumboperi.* Asi kana paine zvipo zvekuprofita, zvichabviswa; kana paine ndimi,* dzichaguma; kana ruri ruzivo ruchabviswa. 9 Nekuti tine ruzivo rusina kukwana+ uye tinoprofita zvisina kukwana, 10 asi kana zvakakwana zvavapo, zvisina kukwana zvichabviswa. 11 Pandaiva mwana, ndaitaura semwana, ndaifunga semwana, ndaiona zvinhu semwana; asi sezvo iye zvino ndava murume, ndakasiya zvinoitwa nemwana. 12 Nekuti iye zvino tinoona zvisina kunyatsojeka negirazi resimbi, asi panguva iyoyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisina kukwana, asi panguva iyoyo ndichanyatsoziva sekunyatsozivikanwa kwandinoitwa ini. 13 Asi zvitatu izvi zvinoramba zviripo: kutenda, tariro, rudo; asi chikuru pane zvese rudo.+

14 Rambai muchiratidza rudo, uye rambai muchivavarira kuva nezvipo* zvemweya, asi zvikurukuru dai maprofita.+ 2 Nekuti munhu anotaura nendimi haatauri nevanhu, asi naMwari, nekuti hapana anomunzwa,+ asi iye anotauriswa nemweya zvakavanzika zvitsvene.*+ 3 Asi uya anoprofita anovaka, anokurudzira uye anonyaradza vanhu nezvaanenge achitaura. 4 Munhu anotaura nendimi anozvivaka, asi munhu anoprofita anovaka ungano. 5 Ndinoda kuti mese mutaure nendimi,+ asi ndinonyanya kuda kuti muprofite.+ Chokwadi ndechekuti munhu anoprofita mukuru pane uya anotaura nendimi, kunze kwekunge achiturikira,* kuti ungano ivakwe. 6 Asi panguva ino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndinenge ndakubatsirai chii kunze kwekunge ndataura nemi zvandakazarurirwa+ kana kuti zvandinoziva+ kana kuti uprofita kana imwe dzidziso?

7 Zvakangofanana nezvinhu zvisina upenyu zvinorira, ingava nyere* kana chiridzwa chine tambo. Kana nyere kana kuti chiridzwa chine tambo chichiridzwa chisingakwidzwi nekuderedzwa, munhu angaziva sei chiri kuridzwa? 8 Nekuti kana bhosvo rikarira zvisina kujeka, ndiani achagadzirira kunorwa? 9 Saka kana imiwo mukataura zvisinganzwisiswi nyore, munhu angaziva sei zviri kutaurwa? Chokwadi ndechekuti munenge muchitaurira mumhepo. 10 Kungava nematauriro akawanda munyika, asi hapana matauriro asina zvaanoreva. 11 Nekuti kana ndisiri kunzwisisa zviri kutaurwa, ndinenge ndava mutorwa* kumunhu ari kutaura, uye ari kutaura anenge ava mutorwa kwandiri. 12 Saka imi sezvo muchida chaizvo kuva nezvipo zvemweya, vavarirai kuva nezvipo zvakawanda zvinovaka ungano.+

13 Saka munhu anotaura nendimi ngaanyengetere kuti akwanise kuturikira.*+ 14 Nekuti kana ndichinyengetera nendimi, chipo changu chemweya ndicho chinenge chichinyengetera, asi pfungwa dzangu hapana zvadzinenge dzichiita. 15 Saka zvinofanira kuitwa sei? Ndichanyengetera nechipo chemweya, asi ndichanyengeterawo nepfungwa dzangu. Ndichaimba rwiyo rwekurumbidza nechipo chemweya, asi ndichaimbawo rwiyo rwekurumbidza nepfungwa dzangu. 16 Ko kana ukasadaro, worumbidza nechipo chemweya, mumwe munhuwo zvake ari pakati penyu angati sei “Ameni” paunenge wanyengetera, iye asiri kunzwa zvauri kutaura? 17 Ichokwadi kuti uri kunyengetera zvakanaka, asi mumwe munhu haasi kuvakwa. 18 Ndinotenda Mwari kuti ndinotaura nendimi dzakawanda kukupfuurai mese. 19 Kunyange zvakadaro, ndingasva hangu ndataura mashoko mashanu nepfungwa dzangu* muungano, kuti ndidzidzisewo vamwe, pane kutaura nendimi+ mashoko ane zviuru gumi.

20 Hama, musava vana vadiki pakunzwisisa kwenyu,+ asi ivai vana vadiki pane zvakaipa;+ uye nyatsokurai pakunzwisisa kwenyu.+ 21 MuMutemo makanyorwa kuti: “‘Ndichataura nevanhu ava nendimi dzevanhu vane mutauro wekumwe uye nemiromo yevanhu vavasingazivi, asi kunyange panguva iyoyo vacharamba kunditeerera,’ anodaro Jehovha.”*+ 22 Saka ndimi hadzisi dzechiratidzo kuvatendi asi kune vasingatendi;+ kuprofitawo hakusi kwevasingatendi, asi ndekwevanotenda. 23 Saka kana ungano yese ikaungana panzvimbo imwe chete uye vese vakatanga kutaura nendimi, vanhuwo zvavo kana kuti vasingatendi vakapinda, havangati marasika pfungwa here? 24 Asi kana mese muchiprofita uye munhu asingatendi kana kuti munhuwo zvake akapinda, achatsiurwa uye achanyatsoongororwa navo vese. 25 Zviri mumwoyo make zvinobva zvabuda pachena, zvekuti achagwadama onamata Mwari achiti: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.”+

26 Saka hama, zvinofanira kuitwa sei? Pamunoungana pamwe chete, mumwe ane pisarema, mumwe ane dzidziso, mumwe ane chaazarurirwa, mumwe ane chipo chekutaura nendimi, uye mumwe ane chipo chekuturikira.+ Itai zvinhu zvese kuti muvakane. 27 Uye kana paine vanotaura nendimi, havafaniri kupfuura vaviri kana vatatu, uye vanofanira kuita zvekuchinjana, paine anoturikira.*+ 28 Asi kana pasina muturikiri,* anofanira kuramba akanyarara muungano, achitaura nechemumwoyo uye naMwari. 29 Vaprofita+ vaviri kana vatatu ngavataure, uye vamwe ngavanzwisise zviri kurehwa. 30 Asi kana mumwe akava nezvaanozarurirwa paanenge akagara ipapo, wekutanga ngaanyarare. 31 Nekuti mese munogona kuprofita muchipanana mukana, kuti vese vadzidze uye vese vakurudzirwe.+ 32 Uye zvipo zvemweya zvevaprofita zvinofanira kudzorwa nevaprofita. 33 Nekuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi ndewerugare.+

Sezvazvakangoita muungano dzese dzevatsvene, 34 vakadzi ngavarambe vakanyarara muungano, nekuti hazvibvumirwi kuti vataure.+ Asi ngavazviise pasi,+ sezvinotaurwawo neMutemo. 35 Kana vachida kudzidza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba, nekuti zvinonyadzisa kuti mukadzi ataure muungano.

36 Shoko raMwari rakatanga nemi here, kana kuti rakangosvika kwamuri chete here?

37 Kana paine munhu anofunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chemweya, anofanira kubvuma kuti zvinhu zvandiri kukunyorerai murayiro waShe. 38 Asi kana munhu akaramba izvi, iye acharambwawo.* 39 Saka hama dzangu, rambai muchivavarira kuprofita,+ asi musarambidza kutaura nendimi.+ 40 Asi zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.+

15 Iye zvino hama, ndava kukuyeuchidzai nezvemashoko akanaka andakakuzivisai,+ amakagamuchirawo, uye amakaramba muchitsigira. 2 Mashoko aya akanaka andakakuzivisai ari kukuponesai ndokunge maramba makaabatisisa, kunze kwekunge makava vatendi pasina.

3 Nekuti chimwe chezvinhu chandakatanga kupfuudza kwamuri, ndechiya chandakagamuchirawo, chekuti Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro;+ 4 uye kuti akavigwa,+ akamutswa+ pazuva rechitatu+ maererano neMagwaro;+ 5 uye kuti akazviratidza kuna Kefasi,*+ akazozviratidza kune vane Gumi Nevaviri.+ 6 Akabva azozviratidza kuhama dzinopfuura 500 dzakaungana pamwe chete,+ uye vakawanda vavo vachiri vapenyu nanhasi, asi vamwe vavo vakarara murufu. 7 Akabva azozviratidza kuna Jakobho,+ akazozviratidza kuvaapostora vese.+ 8 Asi akazopedzisira nekuzviratidzawo kwandiri+ sekunge ari kuzviratidza kumunhu akaberekwa nguva isati yakwana.

9 Nekuti ini ndiri mudiki pavaapostora vese, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nekuti ndaitambudza ungano yaMwari.+ 10 Asi nyasha dzaMwari dzakaita kuti ndive sezvandiri. Uye haana kundinzwira nyasha pasina, asi ndakashanda kupfuura vamwe vese; kwete kuti ndini, asi inyasha dzaMwari dziri kushanda mandiri. 11 Saka kungava kuti ndini kana kuti ndivo, aya ndiwo maparidziro atinoita, uye ndizvo zvakaita kuti muve vatendi.

12 Saka kana zviri kuparidzwa kuti Kristu akamutswa kuvakafa,+ sei vamwe venyu vachiti hapana kumuka kwevakafa? 13 Chokwadi, kana kusina kumuka kwevakafa, saka Kristu haanawo kumutswa. 14 Asi kana Kristu asina kumutswa, chokwadi kuparidza kwedu hakuna zvakunobatsira, uye kutenda kwenyu hakunawo zvakunobatsira. 15 Zvakare, isu tinganziwo tiri kupupurira Mwari nhema,+ nekuti takapupurira Mwari tichimurevera nhema kuti akamutsa Kristu+ iye asina kumumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havazomutswi. 16 Nekuti kana vakafa vasingazomutswi, Kristu haanawo kumutswa. 17 Uyezve, kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakushandi; munoramba muri muzvivi zvenyu.+ 18 Uyewo vaya vakarara murufu pamwe naKristu vakaparara.+ 19 Kana takava netariro muna Kristu muupenyu huno chete, tinosiririsa kupfuura vanhu vese.

20 Asi zvino Kristu akatomutswa kuvakafa, sechibereko chekutanga pane vaya vakarara murufu.+ 21 Nekuti rufu rwakauya kuburikidza nemunhu,+ saka kumuka kwevakafa kunouyawo kuburikidza nemunhu.+ 22 Nekuti sezvo vese vari kufa muna Adhamu,+ vese vachaitwawo vapenyu muna Kristu.+ 23 Asi mumwe nemumwe panguva yake: Kristu chibereko chekutanga,+ kwozotevera vaya vari vaKristu, panguva yekuvapo kwake.+ 24 Kwozotevera mugumo, paanogamuchidza Umambo kuna Mwari wake uye Baba, paanenge aparadza hurumende dzese, nevanhu vese vane chiremera nemasimba.+ 25 Nekuti anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vese pasi petsoka dzake.+ 26 Uye muvengi wekupedzisira, rufu, achaparadzwa.+ 27 Nekuti Mwari “akaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake.”+ Asi pazvinonzi ‘zvinhu zvese zvakaiswa pasi,’+ zviri pachena kuti hazvisanganisiri wacho akaisa zvinhu zvese pasi pake.+ 28 Asi zvinhu zvese pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana pachake achabva azviisawo pasi peuya akaisa zvinhu zvese pasi pake,+ kuti Mwari ave zvinhu zvese kuvanhu vese.+

29 Kana zvisina kudaro, vaya vari kubhabhatidzwa kuti vazofa vachaitei?+ Kana vakafa vasingazombomutswi, zvinobatsirei kuti munhu abhabhatidzwe kuti azofa? 30 Isuwo tinoisirei upenyu hwedu pangozi nguva dzese?+ 31 Mazuva ese ndinotarisana nerufu. Ichi ichokwadi hama dzangu kungofanana nekudada kwandinoita nemi muna Kristu Jesu Ishe wedu. 32 Kana ndakarwa nezvikara muEfeso+ sezvakaitwa nevamwe vanhu,* izvozvo zvinondibatsirei? Kana vakafa vasingazomutswi, “ngatidye, ngatinwe, nekuti mangwana tichafa.”+ 33 Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunokanganisa* tsika dzakanaka.+ 34 Pengenukai muite zvakarurama uye musaita chivi, nekuti vamwe havazivi Mwari. Ndiri kuzvitaura kuti munyare.

35 Kunyange zvakadaro, mumwe achati: “Vakafa vachamutswa sei? Vachauya nemuviri wakaita sei?”+ 36 Iwe munhu asingafungi! Chaunodyara hachiitwi chipenyu kunze kwekunge chatanga chafa. 37 Uye kana chiri chaunodyara, haudyari muviri unozovapo kana chinhu chichinge chakura, asi unodyara tsanga chete, ingava yegorosi kana yeimwe mbeu; 38 asi Mwari anoipa muviri sezvaanenge ada, uye anopa mbeu imwe neimwe muviri wayo. 39 Nyama yese haina kufanana: kune yevanhu, kune yemombe, kwoitawo nyama yeshiri, neyehove. 40 Uye kune miviri yekudenga+ nemiviri yepanyika;+ asi kubwinya kwemiviri yekudenga ndekumwe, uye kwemiviri yepanyika ndekumwewo. 41 Kubwinya kwezuva ndekumwe, kubwinya kwemwedzi ndekumwewo,+ uye kubwinya kwenyeredzi ndekumwe; nyeredzi imwe neimwe inosiyana neimwe pakubwinya.

42 Ndizvo zvakaitawo kumutswa kwevakafa. Muviri unodyarwa mukuora; unomutswa mukusaora.+ 43 Unodyarwa mukuzvidzwa; unomutsirwa mukubwinya.+ Unodyarwa usina simba; unomutswa wava nesimba.+ 44 Unodyarwa uri muviri wenyama; unomutswa uri muviri wemweya. Kana kuine muviri wenyama, wemweya urikowo. 45 Saka zvakanyorwa kuti: “Munhu wekutanga Adhamu akava munhu* mupenyu.”+ Adhamu wekupedzisira akava mweya unopa upenyu.+ 46 Asi muviri wemweya hausi iwo unotanga. Muviri wenyama ndiwo unotanga kwozotevera wemweya. 47 Munhu wekutanga akabva panyika uye akaitwa neguruva;+ munhu wechipiri akabva kudenga.+ 48 Zvakaita munhu akaitwa neguruva, ndizvo zvakaitawo vaya vakaitwa neguruva; uye zvakaita munhu wekudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vekudenga.+ 49 Uye sezvo takava nemufananidzo weuya akaitwa neguruva,+ tichavawo nemufananidzo weuya wekudenga.+

50 Asi hama ndinokuudzai izvi, kuti nyama neropa hazvingagari nhaka yeUmambo hwaMwari, uye kuora hakugari nhaka yekusaora. 51 Inzwai! Ndinokuudzai chakavanzika chitsvene* chekuti: Tese hatizorari murufu, asi tese tichashandurwa,+ 52 munguva dikidiki, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rekupedzisira. Nekuti bhosvo richarira,+ uye vakafa vachamutswa vasingachaori, uye isu tichashandurwa. 53 Nekuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora,+ uye ichi chinofa chinofanira kupfeka kusafa.+ 54 Asi ichi chinoora pachinopfeka kusaora uye ichi chinofa pachinopfeka kusafa, shoko rakanyorwa richabva raitika rinoti: “Rufu rwaparadzwa zvachose.”+ 55 “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?”+ 56 Kuruma kunobereka rufu chivi,+ uye simba rechivi Mutemo.*+ 57 Asi tinotenda Mwari, nekuti anoita kuti tikunde naShe wedu Jesu Kristu!+

58 Saka hama dzangu dzinodiwa, ivai vakasimba,+ vasingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvekuita+ mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina+ munaShe.

16 Panyaya yekuunganidza mari yekupa vatsvene,+ munogona kutevedzera zvandakati ungano dzeGaratiya dziite. 2 Pazuva rekutanga revhiki rega rega, mumwe nemumwe wenyu anofanira kuisa parutivi chimwe chinhu zvichienderana nemawaniro aanoita, kuitira kuti kuunganidza kusazoitwa kana ndasvika. 3 Asi kana ndasvika ikoko, varume vamunenge mataura mutsamba dzenyu+ kuti vakatendeka ndivo vandichatuma kuti vaende nechipo chenyu chemutsa kuJerusarema. 4 Asi kana zvichiita kuti neniwo ndiende ikoko, ndichaenda navo.

5 Asi ndichauya kwamuri pandinenge ndava kubva kuMakedhoniya, nekuti ndichapfuura nekuMakedhoniya;+ 6 uye zvimwe ndichagara kana kutopedza mwaka wechando ndiinemi, kuti muzondiperekedza kwandinenge ndichienda. 7 Nekuti iye zvino handisi kuda kungokuonai kwenguva pfupi, asi ndinotarisira kuzomboti garei nemi+ kana Jehovha* akabvumira. 8 Asi ndichambogara muEfeso+ kusvikira paMutambo wePendekosti, 9 nekuti ndakazarurirwa suo guru rebasa,+ asi vanopikisa vakawanda.

10 Kana Timoti+ asvika ikoko, musaita kuti pave nechaanotya paanenge ainemi, nekuti ari kuita basa raJehovha,*+ sezvandiri kuitawo. 11 Saka ngapasave nemunhu anomutarisira pasi. Itai kuti apfuurire nerwendo rwake murugare, kuti auye kwandiri, nekuti ini nedzimwe hama takamumirira.

12 Kana ari Aporo+ hama yedu, ndakamukurudzira zvikuru kuti auye kwamuri pamwe chete nedzimwe hama. Akanga asina kuronga kuuya iye zvino, asi achauya kana awana mukana.

13 Rambai makamuka,+ mirai makasimba mukutenda,+ rambai muchiita sevanhu vevarume,*+ ivai nesimba.+ 14 Zvese zvamunoita zviitei nerudo.+

15 Hama, ndinokukurudzirai ndichiti: Munoziva kuti imba yaStefanasi ndiyo zvibereko zvekutanga zveAkaya uye kuti vakazvipira kushumira vatsvene. 16 Saka rambai muchizviisa pasi pevanhu vakadaro uye pevanhu vese vanoita basa iri vachishanda nesimba.+ 17 Asi ndinofara nekuti Stefanasi+ naFochunato naAkaiko vari kuno, nekuti vakatsiva kusavapo kwenyu kuno. 18 Nekuti vakazorodza mweya wangu newenyu. Saka koshesai varume vakadaro.

19 Ungano dzekuEzhiya dzinokukwazisai. Akwira naPriska pamwe chete neungano iri mumba mavo+ vanokukwazisai nemwoyo wese munaShe. 20 Hama dzese dzinokukwazisai. Kwazisanai nekutsvoda kutsvene.

21 Iyi ndiyo kwaziso yangu ini Pauro, yandanyora neruoko rwangu.

22 Kana munhu asingadi Ishe, ngaatukwe. Uyai imi Ishe wedu! 23 Nyasha dzaShe Jesu ngadzive nemi. 24 Rudo rwangu ngaruve nemi mese muri pamwe naKristu Jesu.

Kana kuti “muwadzane.”

Anonziwo Petro.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, nyanzvi yeMutemo.

Kana kuti “vanobva mumhuri dzinokudzwa.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “chinangwa chavo chimwe chete.”

Kana kuti “semutungamiriri webasa akachenjera.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Anonziwo Petro.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “hatina kupfeka.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiGir., “mweya uponeswe.” Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Mweya.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

Kana kuti “Musanyengerwa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Upombwe.”

Kureva, munhu anorara nemurume kana mudzimai asiri wake.

Kana kuti “ngochani.” ChiGir., “varume vanorara nevarume.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kureva, kurara naye.

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “kuparadzana naye.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

ChiGir., “ndikusungei nechishwe.”

Kana kuti “kuramba aine umhandara hwake.”

Kana kuti “ari mhandara.”

Kana kuti “anopa umhandara hwake.”

Kana kuti “chidhindo.”

Anonziwo Petro.

ChiGir., “wemukono wemombe.”

Kana kuti “kodzero dzangu.”

Kana kuti “Mumhanyi wese.”

Kana kuti “ndinoranga.”

Kana kuti “asingafarirwi.”

Kana kuti “raiva.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “wemamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Zvinoratidza sekuti pari kutaurwa kufa panyaya dzekunamata.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kureva, vanhu vasingatendi.

Kana kuti “mashoko euchenjeri.”

Kana kuti “chemitauro yakasiyana-siyana.”

Kana kuti “vashanduri.”

Kana kuti “muchishingairira kutsvaga.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “handibatsiri.”

Kana kuti “zvarwatadzirwa.”

Kana kuti “harumbokundikani.”

Kureva, zvishamiso zvekukwanisa kutaura mimwe mitauro.

Kana kuti “muchishingaira kutsvaga zvipo.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “achishandura.”

Ichi chiridzwa chinoita zvekufuridzwa.

Kureva, munhu anotaura mutauro wausinganzwisisi.

Kana kuti “kushandura.”

Kana kuti “andinoziva.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “anoshandura.”

Kana kuti “mushanduri.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kana munhu asingazivi, acharamba asingazivi.”

Anonziwo Petro.

Dzimwe shanduro dzinoti, “semaonero anoita vanhu.”

Kana kuti “hunoodza.”

Kana kuti “mweya.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Mutemo ndiwo unopa chivi simba rawo.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “rambai makashinga.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe