MABASA EVAAPOSTORA
1 Munhoroondo yekutanga, ndakakunyorerai imi Tiyofiro, pamusoro pezvinhu zvese zvakatanga kuitwa uye kudzidziswa naJesu+ 2 kusvikira zuva raakakwidzwa kudenga,+ pashure pekunge apa vaapostora vaakanga asarudza mirayiro achishandisa mweya mutsvene.+ 3 Pashure pekunge atambura, akazviratidza kwavari ari mupenyu achishandisa uchapupu hwakawanda hunogutsa.+ Akaonekwa navo kwemazuva 40, uye aitaura nezveUmambo hwaMwari.+ 4 Paakanga ainavo, akavarayira kuti: “Musabva muJerusarema,+ asi rambai makamirira zvamakavimbiswa naBaba,+ zvamakanzwa ndichikutaurirai; 5 nekuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa nemweya mutsvene+ mazuva mashomanana ari kuuya.”
6 Saka pavakanga vaungana, vakamubvunza kuti: “Ishe, mava kudzorera umambo kuna Israeri iye zvino here?”+ 7 Iye akati kwavari: “Hamufaniri kuziva nguva kana mwaka izvo zvinofanira kungozivikanwa naBaba chete.*+ 8 Asi muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu,+ uye muchava zvapupu zvangu+ muJerusarema,+ muJudhiya mese nemuSamariya,+ uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.”*+ 9 Paakapedza kutaura izvi, akakwidzwa mudenga vakatarisa uye gore rakamufukidza vakasazomuona.+ 10 Uye pavakanga vakatarisa mudenga kudaro iye achienda, varume vaviri vakapfeka nguo chena+ vakabva vangomira pedyo navo 11 vakati: “Varume vekuGarireya, makamirirei makatarisa mudenga? Uyu Jesu akwidzwa kudenga achibva kwamuri achauya saizvozvo sekumuona kwamaita achienda kudenga.”
12 Vakabva vadzokera kuJerusarema+ vachibva mugomo rinonzi Gomo reMiorivhi, riri pedyo neJerusarema, chinhambwe chingafambwa pazuva resabata. 13 Pavakasvika, vakakwira muimba yepamusoro, mavaigara. Pakanga paina Petro pamwe chete naJohani naJakobho naAndreya, Firipi naTomasi, Bhatoromeyo naMateu, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, naSimoni anoshingaira, naJudhasi mwanakomana waJakobho.+ 14 Ivava vese vairamba vachinyengetera nechinangwa chimwe chete, pamwe chete nevamwe vakadzi+ naMariya amai vaJesu nevanin’ina vake.+
15 Mumwe musi mazuva iwayo Petro akasimuka pakati pehama (vanhu vese vaivamo vaisvika 120), akati: 16 “Varume, hama, zvakanga zvakakodzera kuti rugwaro ruzadziswe rwakataurwa nemweya mutsvene uchiita kuti Dhavhidhi aprofite pamusoro paJudhasi,+ uyo akatungamirira vanhu vakasunga Jesu.+ 17 Nekuti akanga averengerwa pakati pedu+ uye akawana mugove muushumiri uhwu. 18 (Saka murume uyu akatenga munda nemubhadharo wekusarurama,+ uye akadonha nemusoro, muviri wake ukaputika, zvemukati zvese zvikabuda.+ 19 Izvi zvakazivikanwa nevagari vese vemuJerusarema, zvekuti munda iwoyo wakatumidzwa mumutauro wavo kuti Akeridhama, izvo zvinoreva kuti, “Munda Weropa.”) 20 Nekuti zvakanyorwa mubhuku reMapisarema kuti, ‘Nzvimbo yake yekugara ngaive dongo, uye ngaparege kuva nemunhu anogara mairi’+ uye, ‘Mumwe munhu ngaatore basa rake reutariri.’+ 21 Saka zvakakodzera kuti pavarume vaiva nesu nguva yese yaiitwa naIshe Jesu mabasa avo* pakati pedu, 22 kubvira pavakabhabhatidzwa naJohani+ kusvikira zuva ravakakwidzwa kudenga vachibva kwatiri,+ mumwe wevarume ava anofanira kubatana nesu sechapupu cherumuko rwavo.”+
23 Saka vakasarudza vaviri, Josefa ainzi Bhasabhasi, uyo ainziwo Justo, uye Matiyasi. 24 Vakanyengetera vachiti: “Haiwa Jehovha,* imi munoziva mwoyo yevanhu vese,+ pavarume vaviri ava ratidzai kuti ndeupi wamasarudza 25 kuti atore nzvimbo yake muushumiri uhwu uye ave muapostora, zvakasiyiwa naJudhasi achitsauka achienda kwake ega.”+ 26 Saka vakakanda mijenya pamusoro pavo,+ mujenya ukawira pana Matiyasi, uye akabva averengwa pamwe chete nevaapostora 11.
2 Pazuva reMutambo wePendekosti,+ vese vakanga vari panzvimbo imwe chete. 2 Kwakangoerekana kwava nekutinhira kwakaita sekwemhepo inovhuvhuta nesimba kuchibva kudenga, kukazadza imba yese yavakanga vakagara.+ 3 Vakaona aiita semarimi emoto, rimwe nerimwe rakafanana nerurimi achipararira achigara pamusoro pemumwe nemumwe wavo, 4 uye vese vakazadzwa nemweya mutsvene,+ vakatanga kutaura nemitauro yakasiyana-siyana,* sekupiwa kwavaiitwa nemweya kuti vataure.+
5 Mazuva iwayo vaJudha vaitya Mwari vaibva kunyika dzese dziri pasi pedenga vaiva muJerusarema.+ 6 Saka pakaitika kutinhira uku, vanhu vakawanda vakaungana uye vakashamiswa, nekuti mumwe nemumwe akavanzwa vachitaura nemutauro wake. 7 Vakashamisika zvechokwadi vakati: “Tarisai muone! Vese vari kutaura ava havasi vaGarireya+ here? 8 Saka zviri kufamba sei kuti mumwe nemumwe wedu ari kunzwa mutauro wekwaanobva?* 9 VaPatiya, vaMedhiya,+ nevaEramu,+ vagari vekuMesopotamiya, Judhiya neKapadhokiya, Pontasi nenharaunda yeEzhiya,+ 10 Frijiya nePamfiriya, Ijipiti nenharaunda yeRibhiya iri pedyo neKurini, vashanyi vakabva kuRoma, vaJudha nevakatendeukira kuchiJudha,+ 11 vaKrete, nevaArabhiya, tese tiri kuvanzwa vachitaura nemitauro yedu nezvezvinhu zvikuru pamusoro paMwari.” 12 Vese vakashaya neremuromo zvechokwadi uye zvakavanetsa, vachibvunzana kuti: “Zvinoreveiko izvi?” 13 Asi vamwe vaivatsvinyira vachiti: “Vakadhakwa newaini ava.”
14 Asi Petro akasimuka pamwe nevane Gumi Nemumwe,+ akataura kwavari nenzwi guru kuti: “Vanhu vemuJudhiya nemi mese vemuJerusarema, zivai izvi uye nyatsoteererai mashoko angu. 15 Vanhu ava havana kudhakwa, sezvamuri kufunga, nekuti ichiri awa yechitatu.* 16 Asi izvi ndizvo zvakataurwa pachishandiswa muprofita Joeri, zvichinzi: 17 ‘“Mumazuva ekupedzisira,” Mwari anodaro, “ndichadurura mumwe mweya wangu pavanhu vemarudzi ese, uye vanakomana venyu nevanasikana venyu vachaprofita uye majaya enyu achaona zviratidzo uye vakwegura venyu vacharota hope,+ 18 uye kunyange pavarandarume nevarandakadzi vangu ndichadurura mumwe mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita.+ 19 Uye ndichaita zvishamiso kudenga kumusoro uye zviratidzo panyika pasi, ropa nemoto nemakore eutsi. 20 Zuva richasviba uye mwedzi uchava ropa zuva guru nerinoshamisa raJehovha* risati rasvika. 21 Uye munhu wese anodana zita raJehovha* achaponeswa.”’+
22 “Vanhu vaIsraeri, inzwai mashoko aya: Jesu wekuNazareta, aiva munhu wamakaratidzwa pachena naMwari nemabasa esimba nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa naMwari achimushandisa pakati penyu,+ sezvamunonyatsoziva. 23 Murume uyu, uyo akaunzwa kwamuri maererano nekuda kwaMwari uye kuziva kwake zvichaitika,+ makamuturika padanda muchishandisa maoko evanhu vasingateereri mutemo, mukamuuraya.+ 24 Asi Mwari akamumutsa+ nekumusunungura pamarwadzo erufu,* nekuti zvakanga zvisingaiti kuti arambe akabatwa narwo.+ 25 Nekuti Dhavhidhi anoti nezvake: ‘Ndinoita kuti Jehovha* agare ari pamberi pangu, nekuti ari kuruoko rwangu rwerudyi zvekuti handizombozununguswi. 26 Saka mwoyo wangu wakapembera uye rurimi rwangu rwakafara zvikuru. Uye ndichagara ndiine* tariro; 27 nekuti hamuzondisiyi* muGuva,* uye hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona kuora.+ 28 Makaita kuti ndizive nzira dzeupenyu; muchandizadza nemufaro mukuru pamberi penyu.’+
29 “Varume, hama, zvinobvumidzwa kuti nditaure nemi ndakasununguka nezvatateguru Dhavhidhi, kuti iye akafa, akavigwa,+ uye guva rake tinaro nanhasi. 30 Sezvo aiva muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amupikira achiita mhiko yekuti aizogadza mumwe wevana vake pachigaro chake cheumambo,+ 31 akagara aona uye ataura nezverumuko rwaKristu, kuti haana kusiyiwa muGuva* uye nyama yake haina kuora.+ 32 Mwari akamutsa Jesu uyu, uye isu tese tiri zvapupu zvacho.+ 33 Saka adurura zvamuri kuona nekunzwa nekuti akakwidziridzwa kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ akagamuchira mweya mutsvene waakanga avimbiswa naBaba.+ 34 Nekuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye pachake anoti, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi 35 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 36 Saka imba yese yaIsraeri ngaizive kuti chokwadi Mwari akaita kuti Jesu uyu wamakaroverera padanda+ ave Ishe+ uye Kristu.”
37 Pavakanzwa izvi, vakabayiwa mwoyo, uye vakati kuna Petro nevamwe vaapostora vese: “Varume, hama, toita sei?” 38 Petro akati kwavari: “Pfidzai+ zvivi zvenyu, uye mumwe nemumwe wenyu ngaabhabhatidzwe+ muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu,+ uye muchagamuchira chipo chepachena chemweya mutsvene. 39 Nekuti ndimi makavimbiswa+ izvi pamwe nevana venyu, nevamwe vese vari kure, vese vanogona kudaidzwa naJehovha* Mwari wedu kuti vauye kwaari.”+ 40 Uye akaramba achivapupurira nemamwe mashoko akawanda, achivakurudzira, achiti: “Poneswai pachizvarwa chino chisina kururama.”+ 41 Saka vaya vakagamuchira shoko rake nemufaro vakabhabhatidzwa,+ uye musi iwoyo vanhu vangasvika 3 000 vakawedzerwa.+ 42 Uye vakaramba vachizvipira pazvinhu zvaidzidziswa nevaapostora, vachiungana pamwe chete,* nekudya pamwe chete,+ uye vachinyengetera.+
43 Vanhu vese vakatanga kutya zvechokwadi, uye vaapostora vakatanga kuita zvishamiso nezviratidzo.+ 44 Vese vakava vatendi vaiva pamwe chete, vachishandisa zvinhu zvavo zvese pamwe chete, 45 uye vaitengesa zvinhu zvavo+ nepfuma vachigovana nevamwe vese mari yacho, maererano nezvinenge zvichidiwa nemumwe nemumwe.+ 46 Uye vainge vari patemberi zuva rimwe nerimwe nechinangwa chimwe, uye vaidya zvekudya zvavo mudzimba dzakasiyana-siyana, vachipanana zvekudya zvavo nemufaro uye nemwoyo wese, 47 vachirumbidza Mwari uye vachifarirwa nevanhu vese. Ukuwo mazuva ese Jehovha* airamba achivawedzera vaya vakanga vachiponeswa.+
3 Petro naJohani vakanga vachikwidza kutemberi panguva yekunyengetera, paawa yechi9,* 2 uye mumwe murume akaberekwa akaremara akanga akatakurwa. Mazuva ese vaimuisa pedyo nesuo retemberi rainzi Rakanaka, kuti akumbire rubatsiro* kuvanhu vaipinda mutemberi. 3 Paakaona Petro naJohani vava kuda kupinda mutemberi, akatanga kukumbira rubatsiro. 4 Asi Petro naJohani vakanyatsomutarisa, vakati: “Titarise.” 5 Saka akanyatsovatarisa, achifunga kuti vachamupa chimwe chinhu. 6 Asi Petro akati: “Sirivha negoridhe handina, asi ndichakupa zvandiinazvo. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe!”+ 7 Akabva amubata ruoko rwake rwerudyi, akamusimudza.+ Pakarepo, tsoka dzake nemakumbo zvakabva zvasimba;+ 8 uye akakwakuka achibva amira,+ akatanga kufamba, akapinda navo mutemberi, achifamba achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari. 9 Uye vanhu vese vakamuona achifamba, achirumbidza Mwari. 10 Vakabva vamuziva kuti ndiye murume aiwanzogara achimirira kupiwa rubatsiro paGedhi Rakanaka retemberi,+ uye vakashamiswa chaizvo, vakafara nezvakanga zvaitika kwaari.
11 Murume uyu paakanga achakabata Petro naJohani, vanhu vese vakamhanyira kwavari kune rainzi Vharanda raSoromoni,+ vachishamiswa chaizvo. 12 Petro paakazviona, akati kuvanhu vacho: “Vanhu vaIsraeri, nei izvi zviri kukushamisai, uye muri kurambirei makatitarisa sekunge kuti simba redu kana kuti kuzvipira kwedu kuna Mwari ndizvo zvaita kuti murume uyu afambe? 13 Mwari waAbrahamu newaIsaka newaJakobho,+ Mwari wemadzitateguru edu, akakudza Mushumiri wake,+ iye Jesu,+ wamakaisa mumaoko+ aPirato, mukamuramba pamberi pake, kunyange zvazvo akanga asarudza kumusunungura. 14 Makaramba munhu mutsvene iyeye, akarurama, mukakumbira kuti mhondi isunungurwe,+ 15 ndokuuraya Mumiririri Mukuru weupenyu.+ Asi Mwari akamumutsa kuvakafa, uye isu tiri zvapupu zvacho.+ 16 Uye zita rake nekutenda kwedu mariri, ndizvo zvaita kuti murume uyu wamuri kuona uye wamunoziva asimbiswe. Kutenda kwatinoita maari kwaita kuti murume uyu anyatsopora mese makatarisa. 17 Kunyange zvakadaro hama, ndinoziva kuti makaita nekusaziva,+ sezvakaitwawo nevatongi venyu.+ 18 Asi nenzira iyi Mwari akazadzisa zvinhu zvaakagara azivisa achishandisa miromo yevaprofita vese, kuti Kristu wake aizotambura.+
19 “Saka pfidzai+ zvivi zvenyu, mutendeuke+ kuti zvivi zvenyu zvidzimwe,+ kuti nguva yekuzorodzwa iuye ichibva kuna Jehovha pachake* 20 uye kuti atume Kristu, iye Jesu, waakagadza kuitira imi. 21 Denga rinofanira kumuchengeta kusvikira nguva ichadzorerwa zvinhu zvese zvakataurwa nezvazvo naMwari kare kare achishandisa miromo yevaprofita vake vatsvene. 22 Mozisi akatoti: ‘Jehovha* Mwari achakumutsirai muprofita akaita seni anobva pakati pehama dzenyu akafanana neni.+ Munofanira kuteerera zvese zvaanokuudzai.+ 23 Zvechokwadi munhu wese asingateereri Muprofita iyeye achaparadzwa zvachose pakati pevanhu.’+ 24 Uye vaprofita vese, kubvira pana Samueri nevaya vakamutevera, vese vakataura vachizivisawo pachena mazuva iwaya.+ 25 Ndimi vanakomana vevaprofita nevesungano yakaitwa naMwari nemadzitateguru enyu,+ achiti kuna Abrahamu: ‘Uye mhuri dzese dzepanyika dzichakomborerwa nekumwana wako.’*+ 26 Mwari paakamutsa Mushumiri wake, akatanga kumutuma kwamuri+ kuti akukomborerei achiita kuti mumwe nemumwe wenyu abve pamabasa ake akaipa.”
4 Vaviri ava vachitaura nevanhu kudaro, vapristi, mukuru mukuru wetemberi, nevaSadhusi+ vakauya kwavari. 2 Ava vakanga vachirwadziwa nekuti vaapostora vaidzidzisa vanhu uye vaizivisa pachena nezvekumuka kwaJesu kuvakafa.*+ 3 Saka vakavasunga,+ vakavachengeta kusvikira mangwana acho, nekuti akanga atova manheru. 4 Asi vakawanda vakanga vateerera mashoko acho vakatenda, uye varume vacho vakasvika 5 000.+
5 Mangwana acho vatongi vavo, vakuru, nevanyori vakaungana muJerusarema, 6 pamwe naAnasi+ mutungamiriri wevapristi, Kayafasi,+ Johani, Arekizanda, nevamwe vese vaiva neukama nemutungamiriri wevapristi. 7 Vakamisa Petro naJohani pakati pavo vakatanga kuvabvunza kuti: “Ndiani akakupai simba rekuita izvi uye muri kuzviita muzita raani?” 8 Petro akabva azadzwa nemweya mutsvene+ ndokuti kwavari:
“Vatongi vevanhu nevakuru, 9 kana tiri kubvunzurudzwa nhasi uno nezvezvakanaka zvatakaitira murume akaremara,+ muchida kuziva kuti murume uyu akaporeswa naani, 10 zivai imi mese nevanhu vese vaIsraeri kuti nezita raJesu Kristu wekuNazareta,+ wamakaroverera padanda+ akamutswa naMwari kuvakafa,+ iyeye ndiye aita kuti murume uyu akamira pano pamberi penyu ave neutano. 11 Iri ndiro ‘dombo rakabatwa serisingakoshi nevavaki razova dombo guru repakona.’*+ 12 Uyezve, hapana mumwe angaponesa vanhu, nekuti hapana rimwe zita+ pasi pedenga rakapiwa vanhu ratinofanira kuponeswa naro.”+
13 Pavakaona kutaura kwaPetro naJohani vasingatyi, vachiziva kuti vaiva vanhu vasina kudzidza,* vari vanhuwo zvavo,+ vakashamisika. Vakabva vaziva kuti vaimbova naJesu.+ 14 Sezvo vakanga vachitoona murume wacho akanga arapwa akamira navo,+ vakashaya chekuvapindura.+ 15 Saka vakavati vabude muimba yeSanihedrini, uye vakatanga kubvunzana 16 kuti: “Toita sei nevarume ava?+ Nekuti zvechokwadi vaita chiratidzo chinoshamisa, chiri kuonekwa nevagari vese vemuJerusarema,+ chatisingagoni kuramba. 17 Kuti nyaya iyi irege kuramba ichipararira muvanhu, ngativatyisidzirei, tovaudza kuti varege kuramba vachitaura nevanhu vachishandisa zita iri.”+
18 Saka vakavashevedza vakavaudza kuti vasatombotaura kana kudzidzisa vachishandisa zita raJesu. 19 Asi Petro naJohani vakapindura kuti: “Kana muchifunga kuti zvakarurama pamberi paMwari kuti titeerere imi panzvimbo paMwari, zviri kwamuri. 20 Asi kana tiri isu, hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.”+ 21 Saka vakavatyisidzira zvakare, vakavasunungura, nekuti vakashaya mhosva yekuvawanira kuti vavarange uye vaitya vanhu,+ sezvo vanhu vese vakanga vachikudza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika. 22 Nekuti murume akanga aitirwa chishamiso ichi chekuporeswa akanga aine makore anopfuura 40.
23 Pavakasunungurwa, vakaenda kune vamwe vavo, vakavaudza zvavakanga vaudzwa nevatungamiriri vevapristi nevakuru. 24 Pavakanzwa izvi vakashevedzera nechinangwa chimwe chete kuna Mwari, vachiti:
“Changamire Ishe, ndimi makaita denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri,+ 25 uye ndimi makashandisa mweya mutsvene kuita kuti muromo watateguru wedu Dhavhidhi,+ mushumiri wenyu uti: ‘Marudzi akaitirei zhowezhowe uye vanhu vakafungireiko zvisina musoro? 26 Madzimambo epanyika akamira akagadzirira uye vatongi vakaungana pamwe chete kuti varwe naJehovha* uye kuti varwe nemuzodziwa wake.’*+ 27 Nekuti chokwadi Herodhi naPondiyo Pirato+ nevanhu vemamwe marudzi nevanhu vaIsraeri vakaungana muguta rino kuti varwe nemushumiri wenyu mutsvene Jesu, wamakazodza,+ 28 kuti vaite zvakagara zvasarudzwa neruoko rwenyu uye nekuda kwenyu kuti zviitike.+ 29 Saka Jehovha,* inzwai kutyisidzira kwavo, muite kuti varanda venyu varambe vachitaura shoko renyu neushingi, 30 pamunenge muchitambanudza ruoko rwenyu muchiporesa uye panenge pachiitika zviratidzo nezvishamiso+ nezita remushumiri wenyu mutsvene Jesu.”+
31 Pavakanga vanyengetera nemwoyo wese,* nzvimbo yavakanga vakaungana yakazununguka, vese vakazadzwa nemweya mutsvene+ uye vakanga vachitaura shoko raMwari neushingi.+
32 Zvakare, vanhu vese vakanga vatenda vakanga vaine mwoyo nemweya* mumwe, uye hapana kana mumwe wavo aiti zvinhu zvaaiva nazvo ndezvake ega, asi kuti zvese zvavaiva nazvo zvaiva zvavo vese.+ 33 Uye vaapostora vakaramba vachipupura nesimba guru pamusoro perumuko rwaIshe Jesu,+ uye nyasha dzaMwari dzakawanda dzaiva pavari vese. 34 Pakati pavo pakanga pasina aishayiwa,+ nekuti vese vaiva neminda kana dzimba vaizvitengesa vouya nemari yavainge vawana, 35 voipa vaapostora.+ Mari yacho yaizogoverwa mumwe nemumwe zvichienderana nezvaainge achishayiwa.+ 36 Saka Josefa, uyo ainzi nevaapostora Bhanabhasi+ (zvinoreva kuti, “Mwanakomana Wekunyaradza”), muRevhi aibva kuSaipurasi, 37 akatengesa munda wake, ndokuuya nemari yacho, akaipa vaapostora.+
5 Asi mumwe murume ainzi Ananiyasi, pamwe chete nemudzimai wake Safira, vakatengesa munda wavo. 2 Asi murume wacho akavanza imwe mari yacho, mudzimai wake achizviziva, uye akauya neimwe yacho, akaipa vaapostora.+ 3 Petro akabva ati: “Ananiyasi, nei Satani akushingisa kuti uedze kunyepera+ mweya mutsvene+ ukavanza imwe mari yemunda wawatengesa? 4 Pawanga usati wautengesa, wanga usiri wako here? Uye pawautengesa, wanga usina kusununguka kuita zvaunoda nemari yacho here? Saka wafungirei kuita zvakadaro mumwoyo mako? Hauna kunyepera vanhu, asi Mwari.” 5 Paakanzwa mashoko aya, Ananiyasi akadonha, akafa. Uye vese vakazvinzwa vakatya zvikuru. 6 Majaya akabva asimuka akamuputira nemachira, akamutakura akabuda naye, akanomuviga.
7 Papfuura maawa anenge matatu, mudzimai wake akapinda, asingazivi zvakanga zvaitika. 8 Petro akati kwaari: “Ndiudze, ndiyo mari yamatengesa nayo munda here iyi?” Iye akati: “Hongu, ndiyoyo.” 9 Saka Petro akati kwaari: “Nei mabvumirana kuti muedze mweya waJehovha?* Inzwa mutsindo wevanhu vaviga murume wako vava kutosvika pasuo! Vachakutakurawo vobuda newe.” 10 Pakarepo, akabva adonha pamberi paPetro, akafa. Majaya acho paakapinda, akamuwana afa, akamutakura achibuda naye, akanomuviga parutivi pemurume wake. 11 Saka vanhu vese vemuungano nevamwe vese vainzwa nyaya idzi vakatanga kutya.
12 Zvakare, zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaramba zvichiitwa nemaoko evaapostora pakati pevanhu;+ uye vese vaiungana muVharanda raSoromoni.+ 13 Kunyange zvazvo pasina aiita ushingi hwekubatana navo, vanhu vaitaura zvakanaka nezvavo. 14 Uyezve varume nevakadzi vakawanda vaitenda munaShe, vakaramba vachiwedzerwa.+ 15 Vaitobudisa vairwara kunze mumigwagwa mikuru, vachivaradzika patumibhedha nepamaponde, kuti Petro paanenge achipfuura, zvimwe mumvuri wake upfuure nepamusoro pavo.+ 16 Uyewo, vanhu vakawanda vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vairamba vachiuya vakatakura vanhu vairwara nevaya vainetswa nemweya isina kuchena, uye vese vakarapwa.
17 Asi mupristi mukuru, pamwe nevese vaiva naye veboka revaSadhusi, vakasimuka vabatwa negodo. 18 Uye vakasunga vaapostora, vakavaisa mujeri.+ 19 Asi ngirozi yaJehovha* yakavhura masuo ejeri usiku,+ ikavabudisa kunze, ikati: 20 “Endai munomira mutemberi, murambe muchitaura nevanhu mashoko ese nezveupenyu uhwu.” 21 Pavakanzwa izvi, vakapinda mutemberi kuchingoedza, vakatanga kudzidzisa.
Pakasvika mupristi mukuru nevamwe vaakanga ainavo, vakaunganidza Sanihedrini neungano yese yevakuru vevanakomana vaIsraeri, vakatumira vanhu kujeri kuti vauye navo. 22 Asi varindi pavakasvika ikoko, vakavashaya mujeri. Saka vakadzoka kuzovaudza, 23 vachiti: “Tasvika jeri rakanyatsokiyiwa, uye varindi vanga vakamira pamasuo, asi patavhura tawana musina munhu.” 24 Mukuru mukuru wetemberi nevatungamiriri vevapristi pavakanzwa mashoko aya, vakanetseka kuti zvichaguma sei. 25 Asi mumwe munhu akasvika, akavaudza kuti: “Varume vamakaisa mujeri ndavaona vakamira mutemberi vachidzidzisa vanhu.” 26 Mukuru mukuru wetemberi nevarindi vake vakabva vaenda, vakauya navo, asi vasingavarwisi, nekuti vaitya kutemwa nematombo nevanhu.+
27 Saka vakauya navo, vakavamisa pamberi peSanihedrini. Mupristi mukuru akabva avabvunzurudza, 28 achiti: “Takanyatsokuudzai kuti murege kuramba muchidzidzisa nezvezita iri,+ asi onai! mazadza Jerusarema nekudzidzisa kwenyu, uye muri kuda kuunza ropa remunhu uyu pamusoro pedu.”+ 29 Petro nevamwe vaapostora vakapindura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.+ 30 Mwari wemadzitateguru edu akamutsa Jesu, wamakauraya, muchiturika padanda.*+ 31 Mwari akamukwidziridza kuruoko rwake rwerudyi+ seMumiririri Mukuru+ neMuponesi,+ kuti Israeri apfidze zvivi zvake okanganwirwa.+ 32 Uye isu tiri zvapupu zvezvinhu izvi,+ pamwe chete nemweya mutsvene,+ uyo Mwari akapa vaya vanomuteerera semutongi.”
33 Pavakanzwa izvi, vakashatirwa zvekuti vaida kuvauraya. 34 Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri+ akasimuka muSanihedrini; akanga ari mudzidzisi weMutemo airemekedzwa nevanhu vese, uye akati varume vacho vambobudiswa panze. 35 Akabva ati kwavari: “Varume vaIsraeri, ngwarirai zvamuri kuda kuita nevarume ava. 36 Nekuti kwakambouya murume ainzi Tudhasi, aizviti munhu anokosha, uye vamwe varume vanoda kusvika 400 vakatsigira bato rake. Asi akaurayiwa, uye vese vaimutevera vakapararira, zvikashaya basa. 37 Kwakazouyawo Judhasi wekuGarireya, mumazuva ekunyoresa, uye akava nevanhu vaimutevera. Murume iyeye akapararawo, uye vese vaimutevera vakapararira. 38 Saka panyaya iyi ini ndinoti kwamuri, musapindira munyaya dzevarume ava; siyanai navo. Nekuti kana izvi zviri zvirongwa zvevanhu kana kuti riri basa revanhu, zvichaparara; 39 asi kana zvichibva kuna Mwari, hamukwanisi kuvaparadza.+ Mukadaro munogona kunge mava kutorwisana naMwari.”+ 40 Saka vakateerera zano rake, vakashevedza vaapostora, vakavarova,+ vakavaudza kuti varege kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda.
41 Saka vakabva pamberi peSanihedrini vachifara+ nekuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake. 42 Uye vakaramba vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu Jesu+ mazuva ese, mutemberi uye paimba neimba+ vasingaregi.
6 Mumazuva iwayo, vadzidzi pavakanga vachiwedzera, vaJudha vaitaura chiGiriki vakatanga kunyunyuta pamusoro pevaJudha vaitaura chiHebheru, nekuti chirikadzi dzavo dzakanga dzichidarikwa paigoverwa vanhu zvekudya zuva nezuva.+ 2 Saka vane Gumi Nevaviri vakashevedza vadzidzi vese vakavaunganidza, vakati: “Hazvina kunaka* kuti tisiye shoko raMwari tichiisira vanhu zvekudya patafura.+ 3 Saka hama, sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane mukurumbira wakanaka,*+ vazere nemweya neuchenjeri,+ tovagadza kuti vaite basa iri rinofanira kuitwa;+ 4 isu nguva yedu yese nepfungwa dzedu zvichange zviri pakunyengetera nepaushumiri hweshoko.” 5 Zvavakataura zvakafadza vanhu vese, saka vakasarudza Stefani, murume akanga azere nekutenda nemweya mutsvene, pamwe naFiripi,+ Prokorasi, Nikanori, Timoni, Paminasi, naNikorasi, aibva kuAndiyoki uye akanga akambotendeukira kuchiJudha. 6 Vakauya navo kuvaapostora, avo vakanyengetera, vakaisa maoko avo pavari.+
7 Izvi zvakaita kuti shoko raMwari rirambe richipararira,+ uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru+ muJerusarema; uye vapristi vakawanda vakatanga kuva vatendi.+
8 Stefani akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, achiita zvishamiso nezviratidzo pakati pevanhu. 9 Asi vamwe varume verimwe rainzi Sinagogi reVakasununguka vakauya kuzoitisana nharo naStefani, vaine vamwe vekuKurini nevekuArekizandriya, nevamwe vekuKirikiya neEzhiya. 10 Asi vakatadza kumukunda pamusana peuchenjeri nemweya zvaiva paari paaitaura.+ 11 Vakabva vafurira vanhu pachivande kuti vataure kuti: “Takamunzwa achitaura zvekumhura Mozisi naMwari.” 12 Uye vakakusvudzira vanhu, nevakuru, nevanyori, vakabva vangomuunganira, ndokumubata nechisimba vakaenda naye kuSanihedrini. 13 Vakabva vauya nezvapupu zvenhema, zvikati: “Munhu uyu anongogara achitaura zvakaipa nezvenzvimbo ino tsvene uye Mutemo. 14 Semuenzaniso, takamunzwa achiti uyu Jesu wekuNazareta achaparadza nzvimbo ino ochinja tsika dzatakapiwa naMozisi.”
15 Vese vakanga vagere muSanihedrini vakaramba vakamutarisa, vakaona kuti chiso chake chakanga chakaita sechengirozi.
7 Asi mupristi mukuru akati: “Ichokwadi here ichi?” 2 Stefani akapindura kuti: “Varume, hama, navanababa, teererai. Mwari wekubwinya akazviratidza kuna tateguru wedu Abrahamu paakanga ari kuMesopotamiya, asati ava kugara kuHarani,+ 3 uye akati kwaari: ‘Buda munyika yako usiye hama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’+ 4 Akabva abuda munyika yevaKadheya, akanogara kuHarani. Baba vake pavakafa,+ Mwari akaita kuti abve ikoko auye kuzogara munyika ino yamava kugara.+ 5 Asi haana kumupa nhaka mairi, kunyange panokwana tsoka yake; asi akavimbisa kuzomupa kuti ive yake, pamwe nevana* vake vaizomutevera,+ kunyange zvazvo akanga asati ava nemwana. 6 Zvakare, Mwari akamuudza kuti vana* vake vachava vatorwa munyika isiri yavo uye kuti vanhu vemo vachavaita varanda vovatambudza* kwemakore 400.+ 7 ‘Uye ndichatonga nyika iyoyo ichavaita varanda,’+ Mwari akadaro, ‘uye pashure pacho vachabuda, vondiitira basa dzvene munzvimbo ino.’+
8 “Akamupawo sungano yekuchecheudzwa,+ uye akabereka Isaka,+ akamuchecheudza pazuva rechi8,+ Isaka akabereka* Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru edu 12. 9 Uye madzitateguru edu akava negodo naJosefa,+ akamutengesera kuIjipiti.+ Asi Mwari akanga ainaye,+ 10 uye akamununura mumatambudziko ake ese, akamuita kuti anzwirwe nyasha uye aratidze uchenjeri pamberi paFarao mambo weIjipiti. Uye akamugadza kuti atungamirire Ijipiti neimba yake yese.+ 11 Asi muIjipiti yese nemuKenani yese makava nenzara, pakava nedambudziko guru chairo, uye madzitateguru edu akashaya chekudya.+ 12 Asi Jakobho akanzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezvekudya, akatuma madzitateguru edu kekutanga.+ 13 Pavakaenda kechipiri, Josefa akaita kuti vakoma vake vamuzive, uye Farao akabva aziva mhuri yaJosefa.+ 14 Saka Josefa akavatuma kunoshevedza baba vake Jakobho nehama dzake dzese,+ vese vari 75.+ 15 Saka Jakobho akadzika kuIjipiti,+ akazofira ikoko,+ uye madzitateguru edu akafirawo ikoko.+ 16 Vakaendwa navo kuShekemu, vakanovigwa muguva rakanga rakatengwa naAbrahamu nemari yesirivha kuvanakomana vaHamori kuShekemu.+
17 “Kuzoti nguva yaswedera yekuti zvakanga zvaziviswa Abrahamu naMwari zvizadziswe, vanhu vakawedzera, vakawanda muIjipiti, 18 kusvikira muIjipiti mava nemumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa.+ 19 Uyu akanyengera vanhu vedu, akabata vanababa vedu zvisina kunaka achivamanikidza kuti varase vana vavo vacheche kuti varege kusiyiwa vari vapenyu.+ 20 Iyi ndiyo nguva yakaberekwa Mozisi, uyo akazvarwa akanaka, kunyange mukuona kwaMwari. Uye akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake.+ 21 Asi paakasiyiwa,+ mwanasikana waFarao akamunhonga, akamurera semwanakomana wake.+ 22 Saka Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwese hwevaIjipiti. Mashoko ake nemabasa ake zvaiva nesimba.+
23 “Paakazosvitsa makore 40, akafunga kushanyira* hama dzake, vanakomana vaIsraeri.+ 24 Paakaona mumwe wavo achibatwa zvisina kunaka, akamurwira, akatsiva muIjipiti wacho nekumuuraya. 25 Aifunga kuti hama dzake dzaizonzwisisa kuti Mwari akanga ari kudzipa ruponeso achishandisa ruoko rwake, asi idzo hadzina kuzvinzwisisa. 26 Zuva rakatevera akauya kwavari akavawana vachirwa, akaedza kuvayananisa, achiti: ‘Varume, muri hama nehama. Muri kurwirei?’ 27 Asi uya airwisa muvakidzani wake akamusundidzira, achiti: ‘Ndiani akakugadza kuti uve mutungamiriri uye mutongi wedu? 28 Asi uri kuda kundiuraya sezvawakaita muIjipiti uya nezuro?’ 29 Paakanzwa izvi, Mozisi akatiza, akanogara semutorwa munyika yeMidhiyani, kwaakabereka vanakomana vaviri.+
30 “Papera makore 40, ngirozi yakazviratidza kwaari murenje reGomo reSinai iri murimi mugwenzi reminzwa raibvira.+ 31 Mozisi paakazviona zvakamushamisa. Asi paaiswedera pedyo kuti anyatsoona, inzwi raJehovha* rakanzwika richiti: 32 ‘Ndini Mwari wemadzitateguru ako, Mwari waAbrahamu newaIsaka newaJakobho.’+ Mozisi akatanga kudedera uye haana kuzova neushingi hwekuramba achiongorora. 33 Jehovha* akati kwaari: ‘Bvisa shangu dzako, nekuti nzvimbo yaumire itsvene. 34 Ndaona zvechokwadi kuti vanhu vangu vari kudzvinyirirwa muIjipiti, uye ndanzwa kugomera kwavo,+ saka ndauya kuzovanunura. Iye zvino chiuya ndikutume kuIjipiti.’ 35 Mozisi uya wavakaramba, vachiti: ‘Ndiani akakugadza kuti uve mutungamiriri uye mutongi wedu?’+ ndiye wacho akatumwa naMwari+ semutungamiriri uye mununuri achishandisa ngirozi yakazviratidza kwaari iri mugwenzi reminzwa. 36 Murume uyu akavatungamirira vachibuda,+ achiita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti+ nepaGungwa Dzvuku+ nemurenje kwemakore 40.+
37 “Uyu ndiye Mozisi akati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Mwari achakumutsirai muprofita anobva pakati pehama dzenyu akafanana neni.’+ 38 Uyu ndiye akanga ari pakati peungano murenje nengirozi+ iya yakataura naye+ paGomo reSinai nemadzitateguru edu, uye akagamuchira mashoko matsvene mapenyu kuti atipe.+ 39 Madzitateguru edu akaramba kumuteerera, asi vakamusundira parutivi,+ vakadzokera kuIjipiti mumwoyo mavo,+ 40 vachiti kuna Aroni: ‘Tigadzirire vanamwari kuti vatitungamirire. Nekuti hatizivi kuti chii chakaitika kuna Mozisi uyu, wekutibudisa munyika yeIjipiti.’+ 41 Saka vakagadzira mhuru mumazuva iwayo, vakaunza chibayiro kuchidhori chacho, vakatanga kufarira mabasa emaoko avo.+ 42 Saka Mwari akavafuratira, akavasiya vachiitira uto rekudenga basa dzvene,+ sekunyorwa kwazvakaitwa mubhuku reVaprofita, kuti: ‘Nhai imi imba yaIsraeri, pamaiva murenje kwemakore 40, ndini here wamaipa zvibayiro nemipiro? 43 Maizvipira kutende raMoroki,+ nekunyeredzi yamwari anonzi Refani, zvifananidzo zvamakagadzira zvamaitakura kuti muzvinamate. Saka ndichakudzingirai kure, kumberi kweBhabhironi.’+
44 “Madzitateguru edu aiva netende reuchapupu murenje, sekurayira kwaakaita* paaitaura naMozisi kuti arigadzire achitevedzera zvaakanga aratidzwa.+ 45 Madzitateguru edu akarigamuchira, akariunza naJoshua munyika yaiva yemamwe marudzi+ akadzingwa naMwari pamberi pemadzitateguru edu.+ Rakaramba riri muno kusvikira mazuva aDhavhidhi. 46 Iye akanzwirwa nyasha naMwari, akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yekugara.+ 47 Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.+ 48 Kunyange zvakadaro, Wekumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa nemaoko,+ sezvakataurwa nemuprofita kuti: 49 ‘Denga ndiro chigaro changu cheumambo,+ uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.+ Mungandivakira imba yakaita sei? anodaro Jehovha.* Kana kuti nzvimbo yangu yekuzororera iri kupi? 50 Harusi ruoko rwangu here rwakagadzira zvinhu zvese izvi?’+
51 “Imi vanhu vakaoma musoro vane mwoyo nenzeve zvisina kuchecheudzwa, munogara muchipikisana nemweya mutsvene; munoita sezvaingoitwa nemadzitateguru enyu.+ 52 Ndeupi muprofita asina kutambudzwa nemadzitateguru enyu?+ Vakatouraya vaya vakazivisa nezvekuuya kweuya akarurama,+ uyo wamazova vatengesi vake nemhondi dzake,+ 53 imi vakagamuchira Mutemo pachishandiswa ngirozi+ mukasauchengeta.”
54 Pavakanzwa izvi vakashatirwa chaizvo, vakatanga kumurumanisira mazino. 55 Asi iye, azere nemweya mutsvene, akaramba akatarisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari nekwaJesu amire kuruoko rwerudyi rwaMwari,+ 56 akati: “Onai! Ndiri kuona denga rakavhurika uye Mwanakomana wemunhu+ amire kuruoko rwerudyi rwaMwari.”+ 57 Ivo vakabva vashevedzera nemanzwi ari pamusoro vakavhara nzeve dzavo, vakakurumidza kumumomotera vese. 58 Vakamukanda kunze kweguta, ndokutanga kumutema nematombo.+ Zvapupu zvacho+ zvakaisa nguo dzazvo dzekunze patsoka dzejaya rainzi Sauro.+ 59 Pavaitema Stefani nematombo iye akakumbira achiti: “Ishe Jesu, gamuchirai simba rangu reupenyu.”* 60 Akapfugama, akashevedzera zvakasimba kuti: “Jehovha,* musavatongera chivi ichi.”+ Paakataura izvi, akabva arara murufu.
8 Sauro aivapowo achibvumirana nekupondwa kwake.+
Musi iwoyo ungano yemuJerusarema yakatanga kutambudzwa zvikuru; vanhu vese vakapararira neJudhiya yese neSamariya, kukasara vaapostora chete.+ 2 Asi varume vaitya Mwari vakatakura Stefani vakanomuviga, uye vakamuchema kwazvo. 3 Asi Sauro akatanga kuparadza ungano. Aitevedza dzimba dzese achipinda nechisimba, ozvuzvurudza varume nevakadzi, achiita kuti vaiswe mujeri.+
4 Asi vaya vakapararira vakaenda nenyika yese vachizivisa mashoko akanaka eshoko raMwari.+ 5 Firipi akadzika kuguta reSamariya,*+ akatanga kuvaparidzira nezvaKristu. 6 Vanhu vaiteerera nemwoyo mumwe zvavainzwa Firipi achitaura uye vaiona zviratidzo zvaaiita. 7 Nekuti vakawanda vaiva nemweya isina kuchena, uye yaishevedzera nenzwi guru yobva yabuda.+ Uye vakawanda vakanga vakaoma mutezo nevakaremara vakarapwa. 8 Saka muguta iroro makava nemufaro mukuru.
9 Muguta racho maiva nemumwe murume ainzi Simoni aimboita zvemashiripiti, achishamisa vaSamariya, achizviti akanga ari munhu anokosha. 10 Vanhu vese, vakakwirira nevakaderera, vaimuteerera vachiti: “Murume uyu ndiye Simba Guru raMwari.” 11 Saka vaimuteerera nekuti akanga ava nenguva refu achivashamisa nemashiripiti ake. 12 Asi pavakatenda zvaitaurwa naFiripi, uyo aizivisa mashoko akanaka pamusoro peUmambo hwaMwari+ uye pamusoro pezita raJesu Kristu, vese varume nevakadzi vakabhabhatidzwa.+ 13 Simoni pachake akavawo mutendi, uye paakabhabhatidzwa akaramba aina Firipi;+ aishamiswa paaiona zviratidzo nemabasa esimba makuru achiitika.
14 Vaapostora vaiva muJerusarema pavakanzwa kuti Samariya yakanga yagamuchira shoko raMwari,+ vakavatumira Petro naJohani, 15 vakadzika ikoko, ndokuvanyengeterera kuti vawane mweya mutsvene.+ 16 Nekuti wakanga usati wauya pana ani naani wavo, asi vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu.+ 17 Vakabva vaisa maoko avo pavari,+ vakatanga kugamuchira mweya mutsvene.
18 Simoni paakaona kuti mweya mutsvene waipiwa nekuiswa kwemaoko evaapostora, akada kuvapa mari, 19 achiti: “Ndipeiwo simba iri, kuti munhu wese wandinoisa maoko angu paari agamuchire mweya mutsvene.” 20 Asi Petro akati kwaari: “Sirivha yako ngaiparare newe, nekuti wafunga kuti unogona kuwana chipo chaMwari chepachena uchishandisa mari.+ 21 Hauna chauchawana kana mugove mubasa iri, nekuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. 22 Saka pfidza uipi hwako uhwu, uteterere Jehovha* kuti, kana zvichiita, ukanganwirwe pfungwa dzakaipa dziri mumwoyo mako; 23 nekuti ndiri kuona kuti uri muchetura unovava* uye uri muranda wezvinhu zvisina kururama.” 24 Simoni akavapindura achiti: “Ndinyengeterereiwo kuna Jehovha* kuti zvinhu zvese zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”
25 Saka pavakanga vapupura kwazvo uye vataura shoko raJehovha,* vakapinda munzira vachidzokera kuJerusarema, vachizivisa mashoko akanaka mumisha mizhinji yevaSamariya.+
26 Asi ngirozi yaJehovha*+ yakataura naFiripi, ichiti: “Simuka uende kumaodzanyemba kumugwagwa unobva kuJerusarema uchidzika kuGaza.” (Uyu mugwagwa wemugwenga.) 27 Akabva asimuka, akaenda, ndokuona mumwe mukuru mukuru wekuItiopiya, murume aiva nechinzvimbo pasi paKandase mambokadzi wevaItiopiya, aichengeta pfuma yake yese. Akanga aenda kuJerusarema kunonamata,+ 28 saka akanga ava kudzokera uye akanga agere mungoro yake, achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya. 29 Saka mweya wakati kuna Firipi: “Enda uko uswedere pedyo nengoro iyo.” 30 Firipi akamhanya ari parutivi payo, akamunzwa achiverenga zvinonzwika bhuku remuprofita Isaya, akati: “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?” 31 Iye akati: “Ndinganzwisisa sei pasina ari kunditsanangurirawo?” Saka akakumbira Firipi kuti akwire azogara naye. 32 Ndima yemuMagwaro yaaiverenga inoti: “Akaunzwa segwai kuzourayiwa, uye segwayana rakanyarara pamberi pemuveuri waro, saka haashami muromo wake.+ 33 Paainyadziswa, kutongwa zvakarurama kwakabviswa kwaari.+ Ndiani achataura mashoko nezvedzinza rake? Nekuti upenyu hwake hwabviswa panyika.”+
34 Mukuru mukuru wacho akabva ati kuna Firipi: “Mungandiudzawo here kuti muprofita ari kutaura izvi pamusoro paani? Pamusoro pake pachake here kana kuti pamusoro pemumwe munhu?” 35 Firipi akatanga kutaura, uye akatangira parugwaro urwu, ndokumuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu. 36 Pavaifamba mumugwagwa kudaro, vakasvika paiva nemvura zhinji, mukuru mukuru wacho akati: “Onai pano pane mvura! Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?” 37* —— 38 Akabva aita kuti ngoro imiswe, uye vese, Firipi nemukuru mukuru wacho, vakapinda mumvura akamubhabhatidza. 39 Pavakabuda mumvura, mweya waJehovha* wakakurumidza kubvisa Firipi ipapo, uye mukuru mukuru wacho haana kuzomuona, asi iye akapfuurira nerwendo rwake achifara. 40 Asi Firipi akazoona ava kuAshdhodhi, uye akapfuura nemunharaunda yacho, achingozivisa mashoko akanaka kumaguta ese kusvikira asvika kuKesariya.+
9 Asi Sauro, achiine shungu dzekutyisidzira nekuponda vadzidzi vaIshe,+ akaenda kumupristi mukuru, 2 ndokumukumbira tsamba dzekuenda nadzo kumasinagogi ekuDhamasiko, kuti auye kuJerusarema akasunga vese vaaiwana vari veNzira Iyi,+ varume nevakadzi.
3 Paakanga ari munzira ava kusvika pedyo neDhamasiko, akaerekana apenyerwa kumativi ese nechiedza chakabva kudenga,+ 4 akabva awira pasi, ndokunzwa inzwi richiti kwaari: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko?” 5 Akabvunza kuti: “Ndimi ani, Ishe?” Iye akati: “Ndini Jesu,+ wauri kutambudza.+ 6 Asi simuka upinde muguta, wonoudzwa zvaunofanira kuita.” 7 Varume vaaifamba navo vakangomira vasingatauri, vachinzwa inzwi, asi vasingaoni munhu wacho.+ 8 Sauro akabva asimuka, asi hapana chaaiona kunyange zvazvo maziso ake akanga akasvinura. Saka vakamubata ruoko, vakapinda naye muDhamasiko. 9 Akaita mazuva matatu asingaoni,+ uye hapana chaakadya kana kunwa.
10 MuDhamasiko maiva nemumwe mudzidzi ainzi Ananiyasi,+ uye Ishe akataura naye muchiratidzo achiti: “Ananiyasi!” Iye akati: “Ndiri pano, Ishe.” 11 Ishe akati kwaari: “Simuka uende kumugwagwa unonzi Wakarurama, kunotsvaga murume anonzi Sauro anobva kuTaso,+ ari pamba paJudhasi. Nekuti ari kutonyengetera izvozvi, 12 uye muchiratidzo chaapiwa aona murume anonzi Ananiyasi achipinda ndokuisa maoko ake paari kuti aonezve.”+ 13 Asi Ananiyasi akapindura kuti: “Ishe, ndakanzwa nevakawanda nezvemurume uyu, zvese zvakaipa zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. 14 Uye akauya kuno apiwa simba nevatungamiriri vevapristi kuti asunge vanhu vese vanodana zita renyu.”+ 15 Asi Ishe akati kwaari: “Enda! nekuti kwandiri murume uyu mudziyo wakasarudzwa+ kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi+ nekumadzimambo nekuvanakomana vaIsraeri.+ 16 Nekuti ndichanyatsomuratidza matambudziko akawanda aachasangana nawo nekuda kwezita rangu.”+
17 Saka Ananiyasi akaenda, akanopinda mumba macho, ndokuisa maoko ake paari, akati: “Sauro hama yangu, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri mumugwagwa pawakanga uchiuya, andituma kuti uonezve uye uzadzwe nemweya mutsvene.”+ 18 Pakarepo mumaziso ake makabva madonha zvinhu zvinenge makwati, uye akatanga kuonazve. Akabva asimuka akabhabhatidzwa, 19 ndokuzodya achibva awana simba.
Akagara muDhamasiko nevadzidzi kwemamwe mazuva,+ 20 uye akabva atanga kuparidza nezvaJesu mumasinagogi, kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari. 21 Asi vese vaimunzwa vaishamiswa uye vaiti: “Uyu haasi iye here murume aiparadza vaya vemuJerusarema vanodana zita iri?+ Haana kuuya kuno achida kuvasunga oenda navo kuvatungamiriri vevapristi here?”+ 22 Asi Sauro akaramba achiwana simba uye aishamisa vaJudha vaigara muDhamasiko paaitsanangura zvinogutsa kuti Jesu ndiye Kristu.+
23 Papera mazuva akati wandei, vaJudha vakarangana kumuuraya.+ 24 Asi Sauro akaziva kuti vakanga vachimurongera zvakaipa. Uye vaigara vakanyatsotarisa pamagedhi siku nesikati vachida kumuuraya. 25 Saka vadzidzi vake vakamutora, ndokumudzikisa usiku, vachimuburutsa ari mudengu neparusvingo pakanga pakavhurika.+
26 Paakasvika muJerusarema,+ akaedza kubatana nevadzidzi, asi vese vaimutya, nekuti vakanga vasingabvumi kuti akanga ari mudzidzi. 27 Saka Bhanabhasi+ ndiye akazomubatsira, akaenda naye kuvaapostora, ndokuvaudza pamusoro pekuti akaona sei Ishe mumugwagwa,+ uye kuti akanga ataura naye. Akavaudzawo nezvekutaura kwaakaita neushingi muzita raJesu kuDhamasiko.+ 28 Saka akaramba ainavo, achifamba hake akasununguka* muJerusarema, achitaura neushingi muzita raShe. 29 Aitaura achiitisana nharo nevaJudha vaitaura chiGiriki, asi vakaedza kumuuraya.+ 30 Hama padzakazviziva, dzakadzika naye kuKesariya dzikamutumira kuTaso.+
31 Ungano dzese muJudhiya yese nemuGarireya nemuSamariya+ dzakabva dzava nenguva yerugare, dzichivakwa; uye dzakaramba dzichiwedzera nekuti dzaifamba dzichitya Jehovha* uye dzichinyaradzwa nemweya mutsvene.+
32 Petro paaifamba munharaunda yacho yese, akasvika kuvatsvene vaigara muRidha.+ 33 Akawana imomo mumwe murume ainzi Eniyasi, akanga ava nemakore 8 akangorara pakamubhedha kake, nekuti akanga akaoma mutezo. 34 Petro akati kwaari: “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa.+ Simuka upete mubhedha wako.”+ Iye akabva asimuka pakarepo. 35 Vese vaigara muRidha nemuBani reSharoni pavakamuona, vakatendeukira kuna Ishe.
36 MuJopa maiva nemumwe mudzidzi ainzi Tabhita, zvinoreva kuti “Dhokasi.”* Aiita mabasa akawanda akanaka uye aibatsira varombo nezvipo zvaaigadzira. 37 Asi mumazuva iwayo akarwara, akafa. Saka vakamugeza, vakamuradzika muimba yepamusoro. 38 Sezvo Ridha yakanga iri pedyo neJopa, vadzidzi vakanzwa kuti Petro akanga ari ikoko, vakatuma varume vaviri kunomukumbira vachiti: “Ungasvikawo here kuno nekukurumidza?” 39 Petro akabva asimuka, ndokuenda navo. Paakasvika, vakapinda naye muimba yepamusoro; uye chirikadzi dzese dzakauya kwaari dzichichema uye dzakamuratidza zvipfeko zvakawanda nezvekufuka zvakanga zvakagadzirwa naDhokasi paakanga achiinavo. 40 Petro akabva abudisa vanhu vese panze,+ uye akapfugama, ndokunyengetera. Akabva atendeukira kuchitunha chacho, akati: “Tabhita, muka!” Iye akavhura maziso ake, uye paakaona Petro, akamuka ndokugara.+ 41 Akamubata ruoko rwake, ndokumusimudza, akashevedza vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.+ 42 Izvi zvakazivikanwa muJopa yese, uye vakawanda vakatenda muna Ishe.+ 43 Akaramba ari muJopa kwemazuva akati wandei aine mumwe musukuti wematehwe ainzi Simoni.+
10 MuKesariya maiva nemumwe murume ainzi Koniriyasi, mukuru weuto* wechikwata chainzi cheItari.* 2 Aiva murume akazvipira pakunamata uye aitya Mwari pamwe chete nemhuri yake yese, uye aipa zvipo zvakawanda zvekubatsira varombo* uye aigara achinyengetera kuna Mwari. 3 Mumwe musi paawa yechi9,*+ akanyatsoona zvakajeka muchiratidzo ngirozi yaMwari ichiuya kwaari, ichiti: “Koniriyasi!” 4 Koniriyasi akaramba akaitarisa, achitya, ndokubvunza kuti: “Chii, Ishe?” Iyo ikati kwaari: “Minyengetero yako nezvipo zvako zvekubatsira varombo zvakwira sechiyeuchidzo pamberi paMwari.+ 5 Saka iye zvino chituma vanhu kuJopa vanoshevedza mumwe murume anonzi Simoni, achinziwo Petro. 6 Murume uyu muenzi kumba kwaSimoni, musukuti wematehwe ane imba iri pedyo negungwa.” 7 Pakangoenda ngirozi yakataura naye, akashevedza pakati pevashandi vake varanda vaviri nemurwi akanga akazvipira kuna Mwari, 8 akavarondedzera zvese zvakanga zvaitika, akavatuma kuJopa.
9 Mangwana acho vari parwendo rwavo uye vava kusvika muguta racho, Petro akakwira pamusoro pemba paawa yechi6* kuti anyengetere. 10 Asi nzara yakamubata kwazvo, akatanga kufunga zvekudya. Pavakanga vachibika zvekudya, akatanga kuona chiratidzo,+ 11 ndokuona denga richizaruka uye chimwe chinhu chichiburuka chakaita sejira guru riri kudzikiswa panyika nemativi aro mana; 12 uye machiri makanga muine mhuka dzemarudzi ese dzine makumbo mana nezvinhu zvinokambaira zvepanyika neshiri dzekudenga. 13 Akabva anzwa inzwi richiti: “Petro, simuka uuraye, udye!” 14 Asi Petro akati: “Hazviiti Ishe, nekuti handina kumbobvira ndadya chinhu chakasviba, chisina kuchena.”+ 15 Inzwi racho rakataurazve naye kechipiri richiti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” 16 Izvi zvakaitika kechitatu, uye chakabva* chakwidzwa kudenga.
17 Petro achiri kuvhiringidzika pamusoro pekuti zvaakanga aratidzwa zvairevei, varume vakatumwa naKoniriyasi vakabva vasvika vachibvunza pamba paSimoni uye vakamira pagedhi racho.+ 18 Vakashevedzera vachibvunza kana pari ipo paigara Simoni, ainziwo Petro. 19 Petro paakanga achiri kufunga nezvechiratidzo chacho, mweya+ wakati: “Ona! Pane varume vatatu vari kukutsvaga. 20 Saka simuka, udzike pasi uende navo; usazeza nekuti ndini ndavatuma.” 21 Petro akabva adzika kuvarume vacho, akati: “Ndini wamuri kutsvaga. Muri kudei?” 22 Ivo vakati: “Mumwe mukuru weuto anonzi Koniriyasi,+ murume akarurama, anotya Mwari, anopupurirwa zvakanaka nerudzi rwese rwevaJudha, akatumirwa ngirozi tsvene naMwari ikamuudza kuti akushevedzei kuti muuye kumba kwake, onzwa zvamuchataura.” 23 Saka akavati vapinde mumba, vakarara ipapo.
Mangwana acho akasimuka, akaenda navo, uye dzimwe hama dzaibva kuJopa dzakabatana naye. 24 Zuva rakazotevera, akapinda muKesariya. Koniriyasi akanga achitovatarisira uye akanga aunganidza hama dzake neshamwari dzake dzepedyo. 25 Petro paakapinda, Koniriyasi akamutambira, akawira pasi patsoka dzake, akamupfugamira. 26 Asi Petro akamusimudza, achiti: “Simuka; ndiri munhuwo sewe.”+ 27 Paaitaura naye, akapinda mukati akawana vanhu vakawanda vakaungana. 28 Akati kwavari: “Munonyatsoziva kuti Mutemo haubvumiri kuti muJudha adyidzane nemunhu werumwe rudzi+ kana kuti aende kwaari, asi Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandinofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena.+ 29 Saka pandakatumirwa vanhu handina kumboramba; ndakabvuma kuuya. Chindiudzai zvenyu zvamandishevedzera.”
30 Koniriyasi akabva ati: “Mazuva mana apfuura kana tichiverenga kubva panguva ino, ndakanga ndichinyengetera ndiri mumba mangu paawa yechi9;* ndakabva ndaona mumwe murume akanga akapfeka zvipfeko zvinopenya akamira pamberi pangu, 31 akati: ‘Koniriyasi, Mwari anzwa munyengetero wako uye ayeuka zvipo zvako zvekubatsira varombo. 32 Saka tuma vanhu kuJopa vanoshevedza Simoni anonzi Petro. Murume uyu muenzi mumba maSimoni, musukuti wematehwe anogara pedyo negungwa.’+ 33 Ndakabva ndakutumira vanhu ipapo, uye waita zvakanaka nekuuya. Saka iye zvino tese tiri pamberi paMwari kuti tinzwe zvese zvawakarayirwa naJehovha* kuti utaure.”
34 Petro akabva atanga kutaura achiti: “Iye zvino ndava kunyatsonzwisisa kuti Mwari haasaruri,+ 35 asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.+ 36 Akatumira shoko kuvanakomana vaIsraeri kuti avazivise mashoko akanaka ekuva nerugare+ naye kuburikidza naJesu Kristu, Ishe wevanhu vese.+ 37 Munoziva nyaya yaitaurwa nezvayo muJudhiya yese, kutangira kuGarireya+ pashure perubhabhatidzo rwakaparidzwa naJohani yekuti: 38 Jesu wekuNazareta, akazodzwa naMwari nemweya mutsvene+ nesimba, akatenderera nenyika yacho yese achiita zvakanaka uye achiporesa vese vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi,+ nekuti Mwari akanga ainaye.+ 39 Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvese zvaakaita munyika yevaJudha nemuJerusarema; asi ivo vakamuuraya vachiita zvekumuturika padanda.* 40 Mwari akamumutsa pazuva rechitatu+ akaita kuti aonekwe, 41 kwete nevanhu vese, asi nezvapupu zvakagara zvasarudzwa naMwari, isu vacho, vakadya nekunwa naye pashure pekumutswa kwake kuvakafa.+ 42 Akatirayirawo kuti tiparidzire vanhu uye tipupure kwazvo+ kuti uyu ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu nevakafa.+ 43 Vaprofita vese vanomupupurira+ kuti munhu wese anotenda maari anoregererwa zvivi muzita rake.”+
44 Petro achiri kutaura nyaya iyi, mweya mutsvene wakauya pavanhu vese vainzwa shoko.+ 45 Uye vatendi* vakachecheudzwa vakanga vauya naPetro vakashamiswa, nekuti chipo chepachena chemweya mutsvene chakanga chichidururirwawo pavanhu vemamwe marudzi. 46 Nekuti vakavanzwa vachitaura nemitauro isiri yavo* vachikudza Mwari.+ Petro akabva ati: 47 “Pane munhu angarambidza kuti ava vagamuchira mweya mutsvene sezvatakangoitawo isu vasabhabhatidzwa mumvura here?”+ 48 Saka akati vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu.+ Vakabva vamukumbira kuti agare navo mamwe mazuva.
11 Vaapostora nehama dzaiva muJudhiya vakanzwa kuti vanhu vemamwe marudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari. 2 Saka Petro paakasvika kuJerusarema, vanhu vaitsigira nyaya yekuchecheudzwa+ vakatanga kumutsoropodza,* 3 vachiti: “Wakapinda mumba mevanhu vasina kuchecheudzwa ukadya navo.” 4 Petro akabva atanga kuvatsanangurira zvese zvakaitika, achiti:
5 “Ndaiva muguta reJopa ndichinyengetera, uye muchiratidzo chandakapiwa, ndakaona chimwe chinhu chichiburuka kubva kudenga chakaita sejira guru riri kudzikiswa nemativi aro mana, chikauya pandakanga ndiri chaipo.+ 6 Ndakanyatsochitarisa ndikaona mhuka dzepanyika dzine makumbo mana, mhuka dzemusango, zvinhu zvinokambaira, neshiri dzekudenga. 7 Ndakanzwawo inzwi richiti kwandiri: ‘Petro, simuka uuraye, udye!’ 8 Asi ndakati: ‘Hazviiti Ishe, nekuti handisati ndamboisa mukanwa mangu chinhu chakasviba, chisina kuchena.’ 9 Inzwi rakabva kudenga kechipiri rikati: ‘Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.’ 10 Izvi zvakaitika kechitatu, uye zvinhu zvese zvakabva zvakwidzwa kudenga zvakare. 11 Uye panguva iyoyo chaiyo, pane varume vatatu vakanga vakamira pamba pataiva, vatumwa kwandiri vachibva kuKesariya.+ 12 Mweya wakabva wandiudza kuti ndisazeza kuenda navo. Saka hama idzi 6 dzakaendawo neni, uye takapinda mumba memurume wacho.
13 “Iye akatiudza kuti akaona ngirozi yakamira mumba make ikati: ‘Tuma vanhu kuJopa, vanoshevedza Simoni anonzi Petro,+ 14 uye achakuudza zvichaponesa iwe neimba yako yese.’ 15 Asi pandakatanga kutaura, mweya mutsvene wakauya pavari sezvawakaitawo patiri pakutanga.+ 16 Ndakabva ndayeuka zvakataurwa naShe, paaiti: ‘Johani akabhabhatidza nemvura,+ asi imi muchabhabhatidzwa nemweya mutsvene.’+ 17 Saka kana Mwari akavapa chipo chepachena chakafanana nechaakatipawo isu takatenda munaShe Jesu Kristu, ini ndaiva ani zvangu kuti ndidzivise Mwari?”+
18 Pavakanzwa izvi, havana kuzoramba vachiita nharo,* uye vakakudza Mwari, vachiti: “Saka kureva kuti Mwari apawo vanhu vemamwe marudzi mukana wekupfidza zvivi vozowana upenyu.”+
19 Vaya vakanga vaparadzirwa+ nekutambudzwa kwakamuka pamusoro paStefani vakasvika kuFenikiya, Saipurasi, nekuAndiyoki, asi vaingotaura shoko kuvaJudha chete.+ 20 Asi vamwe vevarume vacho vaibva kuSaipurasi uye kuKurini vakauya kuAndiyoki vakatanga kutaura nevanhu vaitaura chiGiriki, vachizivisa mashoko akanaka aShe Jesu. 21 Uyezve, ruoko rwaJehovha* rwakanga ruinavo, uye vakawanda vakava vatendi vakatendeukira kunaShe.+
22 Mashoko pamusoro pavo akasvika munzeve dzeungano yemuJerusarema, uye ungano yakatuma Bhanabhasi+ kuti asvike kuAndiyoki. 23 Paakasvika, akaona nyasha dzaMwari pavari, akafara, akatanga kuvakurudzira vese kuti varambe vari munaShe nemwoyo wese;+ 24 nekuti aiva munhu akanaka akazara nemweya mutsvene uye kutenda. Uye vanhu vakawanda vakawedzerwa kunaShe.+ 25 Saka akaenda kuTaso kuti anotsvaga Sauro kusvikira amuwana.+ 26 Paakamuwana, akauya naye kuAndiyoki. Saka kwegore rese vaisangana nevamwe muungano, uye vakadzidzisa vanhu vakawanda. Uye muAndiyoki ndimo makatanga kushevedzwa vadzidzi kuti vaKristu, zvichitungamirirwa naMwari.+
27 Mazuva iwayo kuAndiyoki kwakauya vaprofita+ vachibva kuJerusarema. 28 Mumwe wavo ainzi Agabhasi,+ akasimuka, akataura achiratidzwa nemweya kuti kwakanga kwava kuda kuitika nzara huru munyika yese,+ iyo yakazoitikawo zvechokwadi munguva yaKraudhiyo. 29 Saka vadzidzi vakasarudza kutumira zvinhu zvekuyamura+ hama dzaigara muJudhiya, mumwe nemumwe achibvisa zvaaikwanisa;+ 30 uye ndizvo zvavakaita, vakazvipa Bhanabhasi naSauro kuti vazviendese kuvakuru.+
12 Mumazuva iwayo, mambo Herodhi akatanga kubata zvakaipa vamwe vanhu vemuungano.+ 2 Akauraya Jakobho mukoma waJohani+ nebakatwa.+ 3 Paakaona kuti vaJudha vakafara nazvo, akabva asungawo Petro. (Aya akanga ari mazuva eChingwa Chisina Mbiriso.)+ 4 Akamubata, akamuisa mujeri,+ achichengetwa nemapoka mana evarwi aiita zvekuchinjana, boka rimwe nerimwe riine varwi vana, achida kuzomubudisa* pamberi pevanhu Paseka yapera. 5 Saka Petro akanga akavharirwa mujeri, asi ungano yaimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.+
6 Usiku hwainzi naHerodhi achafuma achimubudisa, Petro akanga akarara akasungwa necheni mbiri ari pakati pevarwi vaviri, uye pasuo pakanga paine varindi vachichengeta jeri. 7 Ngirozi yaJehovha* yakabva yamira imomo,+ chiedza chikavheneka mujeri. Yakabva yarova Petro parutivi, ikamumutsa ichiti: “Kurumidza kumuka!” Uye cheni dzakadonha pamaoko ake.+ 8 Ngirozi yakati kwaari: “Pfeka zvipfeko zvako neshangu dzako.” Iye akaita izvozvo. Yakazoti kwaari: “Chipfeka nguo yako yekunze, unditevere.” 9 Akabuda, akaramba achiitevera, asi haana kuziva kuti zvaiitwa nengirozi zvakanga zvichinyatsoitika. Iye aitofunga kuti ari kuona chiratidzo. 10 Vakapfuura varindi vekutanga nevechipiri, ndokusvika pagedhi resimbi raipinda muguta, rikabva ravhurika rega kuti vabude. Pavakabuda, vakadzika nemumwe mugwagwa, uye ngirozi yacho yakabva yamusiya. 11 Petro akabva apengenuka, akati: “Iye zvino ndava kunyatsoziva kuti Jehovha* atuma ngirozi yake, akandinunura mumaoko aHerodhi uye pazvinhu zvese zvanga zvichitarisirwa nevaJudha.”+
12 Paakaziva izvi, akabva aenda kumba kwaMariya amai vaJohani ainzi Mako,+ kwainge kwakaungana vanhu vakawanda vachinyengetera. 13 Paakagogodza pagedhi, mushandi wechisikana ainzi Rodha akauya kuzoona kuti ndiani. 14 Paakanzwa kuti inzwi racho nderaPetro, akafara zvekutadza kuvhura gedhi, akamhanya mukati kunotaura kuti Petro akanga akamira pagedhi. 15 Ivo vakati kwaari: “Wava kupenga.” Asi iye akaramba achiti ndiye. Vakatanga kuti: “Ingirozi yake.” 16 Asi Petro akaramba aripo, achigogodza. Pavakavhura suo, vakamuona vakashamiswa. 17 Asi akavanyararidza achishandisa ruoko, akavaudza zvese zvakanga zvaitwa naJehovha* kuti abude mujeri, uye akati: “Muudze Jakobho+ nedzimwe hama zvinhu izvi.” Akabva abuda, akaenda kune imwe nzvimbo.
18 Kuzoti kwaedza, varwi vakatanga kuita mheremhere pamusoro pekuti chii chaitika kuna Petro. 19 Herodhi akamutsvaga nemaziso matsvuku, akamushaya, ndokubvunzurudza varindi, akarayira kuti vaendeswe kunorangwa;+ uye Herodhi akabva kuJudhiya akadzika kuKesariya, akagara ikoko kwekanguva.
20 Akanga akatsamwira* vanhu vekuTire neSidhoni. Saka vakauya kwaari vakabatana, uye vakanyengetedza Brasto, uyo aiva mukuru weimba yamambo, kuti avabatsire kuva nerugare namambo, nekuti nyika yavo yaipiwa zvekudya nenyika yamambo. 21 Rimwe zuva rakanga rasarudzwa, Herodhi akapfeka zvipfeko zveumambo, ndokugara pachigaro chekutonga, akatanga kutaura nevanhu vese. 22 Vanhu vakanga vakaungana vakabva vatanga kushevedzera vachiti: “Inzwi ramwari, kwete remunhu!” 23 Pakarepo ngirozi yaJehovha* yakamurova, nekuti haana kukudza Mwari, uye akadyiwa nehonye, akafa.
24 Asi shoko raJehovha* rakaramba richikura uye richipararira.+
25 Bhanabhasi+ naSauro pavakapedza kuita basa rekuyamura muJerusarema,+ vakadzokera uye vakatorawo Johani,+ uyo anonziwo Mako.
13 Muungano yemuAndiyoki maiva nevaprofita nevadzidzisi: Bhanabhasi,+ Simiyone ainzi Nigeri,* Rusiyasi wekuKurini, Manaeni akadzidza pamwe chete naHerodhi mutongi weruwa, naSauro. 2 Pavakanga vachishumira Jehovha* uye vachitsanya, mweya mutsvene wakati: “Ndisarudzirei Bhanabhasi naSauro+ vaite basa randakavashevedzera.”+ 3 Pashure pekutsanya nekunyengetera, vakabva vaisa maoko avo pavari, vakaita kuti vaende.
4 Saka varume ava, vachitumwa nemweya mutsvene, vakadzika kuSerukiya, vakazobva ikoko vakaenda kuSaipurasi nechikepe. 5 Pavakasvika muSaramisi, vakatanga kuzivisa shoko raMwari mumasinagogi evaJudha. Vaivawo naJohani achivabatsira.*+
6 Pavakanga vafamba nemuchitsuwa chese kusvika kuPafosi, vakasangana nemumwe murume wechiJudha ainzi Bha-Jesu, aiva n’anga, uye muprofita wenhema. 7 Aiva pamwe chete nagavhuna weruwa* rwacho, Segiyo Paurosi, murume aiva nepfungwa dzakapinza. Murume uyu akashevedza Bhanabhasi naSauro, nekuti aiva nechido chekunzwa shoko raMwari. 8 Asi n’anga iya, Erimasi, (nekuti iwayo ndiwo mashandurirwo anoitwa zita rake) yakatanga kuvapikisa, ichiedza kuita kuti gavhuna wacho asatenda. 9 Sauro, anonziwo Pauro, akazadzwa nemweya mutsvene, akaramba akamutarisa, 10 akati: “Iwe murume azere nekubiridzira kwemarudzi ese neunyengeri hwemarudzi ese, iwe mwanakomana waDhiyabhorosi,+ iwe muvengi wezvinhu zvese zvakarurama, nei uri kukanganisa nzira dzakarurama dzaJehovha?* 11 Iye zvino chiona! Jehovha* aisa ruoko rwake pamusoro pako, uye uchava bofu, wombotadza kuona zuva.” Pakarepo akafukidzwa nezimhute nerima, akatanga kutenderera achiedza kutsvaga munhu angamutungamirira akamubata ruoko. 12 Gavhuna wacho weruwa paakaona zvakanga zvaitika, akabva ava mutendi, nekuti akanga ashamiswa nekudzidzisa kwaJehovha.*
13 Pauro nevamwe vake vakapinda mugungwa vachibva kuPafosi, vakasvika kuPega muPamfiriya. Asi Johani+ akavasiya, akadzokera kuJerusarema.+ 14 Asi ivo vakaenderera mberi vachibva kuPega, vakasvika kuAndiyoki yekuPisidhiya. Uye vakapinda musinagogi+ musi weSabata, vakagara pasi. 15 Mutemo+ neVaprofita pazvakanga zvaverengerwa vanhu vese, vakuru vaitungamirira sinagogi vakatumira shoko kwavari, vachiti: “Varume, hama, kana muine mashoko ekukurudzira vanhu, ataurei.” 16 Saka Pauro akasimuka, uye akasimudza ruoko rwake achikumbira kuti vanhu vateerere, akati:
“Varume, vaIsraeri, nemi vamwe vanotya Mwari, teererai. 17 Mwari wevanhu ava vaIsraeri akasarudza madzitateguru edu, uye akakwidziridza vanhu vacho pavaigara munyika yeIjipiti vari vatorwa, akavabudisa mairi neruoko rune simba.+ 18 Kwemakore angasvika 40, akavaitira mwoyo murefu vari murenje.+ 19 Akaparadza marudzi 7 munyika yeKenani, akagova nyika yawo kuti ive nhaka yavo.+ 20 Zvese izvi zvakaitika mumakore angasvika 450.
“Zvadaro, akavapa vatongi kusvikira kumuprofita Samueri.+ 21 Asi kubvira ipapo vakati vanoda mambo,+ uye Mwari akavapa Sauro mwanakomana waKishi, murume werudzi rwaBhenjamini,+ kwemakore 40. 22 Paakamubvisa, akasarudza Dhavhidhi kuti ave mambo,+ uya waakapupura nezvake achiti: ‘Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese,+ munhu anodiwa nemwoyo wangu;+ achaita zvinhu zvese zvandinoda.’ 23 Maererano nezvaakavimbisa, Mwari akaunzira Israeri muponesi, iye Jesu, achibva kumwana* wemurume uyu.+ 24 Iyeye asati asvika, Johani akanga aparidzira vanhu vese vaIsraeri rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza zvivi.+ 25 Asi Johani paakanga ava kupedza basa rake, aiti: ‘Munofunga kuti ndini ani? Handisi iye. Asi onai! Kune ari kuuya pashure pangu ane tsoka dzine shangu dzandisina kukodzera kusunungura.’+
26 “Varume, hama, imi vana vaAbrahamu nevamwe vari pakati penyu vanotya Mwari, shoko reruponeso urwu rakatumirwa kwatiri.+ 27 Nekuti vagari vemuJerusarema nevatongi vavo havana kuziva uyu, asi pavakazviita vatongi, vakazadzisa zvakataurwa neVaprofita,+ izvo zvinogara zvichiverengwa zvinonzwika pamasabata ese. 28 Kunyange zvazvo vakamushayira mhosva yekuti afe,+ vakaudza Pirato kuti aite kuti aurayiwe.+ 29 Uye pavakanga vapedza kuita zvese zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa padanda,* vakamuviga muguva.*+ 30 Asi Mwari akamumutsa kuvakafa,+ 31 uye kwemazuva akawanda akaonekwa nevaya vaakanga abva navo kuGarireya achikwidza kuJerusarema. Ava ndivo vava zvapupu zvake kuvanhu.+
32 “Saka tiri kukuzivisai mashoko akanaka ezvakavimbiswa madzitateguru edu. 33 Mwari akazvizadzisa zvizere kwatiri, isu vana vavo, nekumutsa Jesu;+ sekunyorwa kwazvakaitwa mupisarema rechipiri kuti: ‘Ndiwe mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.’+ 34 Uye akaratidza kuti akamumutsa kuvakafa kuti asazoora zvakare nekutaura mashoko aya: ‘Ndichakuratidza rudo rusingachinji rwandakavimbisa Dhavhidhi urwo rwakatendeka.’*+ 35 Rimwe pisarema rinotiwo: ‘Hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona kuora.’+ 36 Dhavhidhi akaita basa raMwari* muchizvarwa chake, akarara murufu, ndokuvigwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akaona kuora.+ 37 Asi uya akamutswa naMwari haana kuona kuora.+
38 “Saka hama, zivai kuti muri kuziviswa nezvekuregererwa kwezvivi kunouya nekwaari,+ 39 uye kuti pazvinhu zvese zvamakanga musingakwanisi kunzi hamuna mhosva pazviri neMutemo waMozisi,+ munhu wese anotenda achanzi haana mhosva kuburikidza naiyeye.+ 40 Saka ngwarirai kuti zvakataurwa neVaprofita hazviitiki kwamuri, zvekuti: 41 ‘Tarisai, imi vaseki, mushamiswe nazvo, muparare, nekuti ndiri kuita basa mumazuva enyu, basa ramusingazombobvumi kunyange munhu akakuudzai zvese nezvaro.’”+
42 Pavakanga vava kubuda, vanhu vakavakumbira kuti vazotaura nyaya iyoyi paSabata raitevera. 43 Saka pakapera musangano wepasinagogi, vaJudha vakawanda nevanhu vakatendeukira kuchiJudha vainamata Mwari vakatevera Pauro naBhanabhasi, avo vakataura navo vachivakurudzira kuramba vari munyasha dzaMwari.+
44 PaSabata rakatevera, rinenge guta rese rakaungana kuti rinzwe shoko raJehovha.* 45 VaJudha pavakaona vanhu vacho, vakanzwa godo vakatanga kumhura vachipikisa zvaitaurwa naPauro.+ 46 Pauro naBhanabhasi vakabva vataura navo neushingi vachiti: “Zvakanga zvakakodzera kuti shoko raMwari ritange kutaurwa kwamuri.+ Asi sezvo muri kuriramba uye mazviti hamuna kukodzera upenyu husingaperi, iye zvino tava kutendeukira kune mamwe marudzi.+ 47 Nekuti Jehovha* akatiudza mashoko aya: ‘Ndakakugadzai sechiedza chemamwe marudzi, kuti imi muve ruponeso kusvikira kumigumo yenyika.’”+
48 Vemamwe marudzi pavakanzwa izvi, vakatanga kufara vachikudza shoko raJehovha,* uye vese vaiva nechido chekuwana upenyu husingaperi vakava vatendi. 49 Uye shoko raJehovha* rairamba richiparadzirwa munyika yese. 50 Asi vaJudha vakafurira vakadzi vakakurumbira vaitya Mwari nevarume vakuru veguta, vakaita kuti Pauro naBhanabhasi vatambudzwe,+ ndokuvadzingira kunze kwemiganhu yavo. 51 Saka vakavazunzira guruva raiva patsoka dzavo, vakaenda kuIkoniyumu.+ 52 Uye vadzidzi vakaramba vachizadzwa nemufaro+ nemweya mutsvene.
14 Vava muIkoniyumu vakapinda vese musinagogi revaJudha uye vakataura zvekuti vanhu vakawanda vechiJudha nevechiGiriki vakava vatendi. 2 Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakakusvudzira vanhu vemamwe marudzi vakavafurira kupandukira hama.+ 3 Saka vakatora nguva yakawanda vachitaura neushingi nesimba raJehovha,* uyo akapupurira shoko renyasha dzake nekubvumira kuti vaite zviratidzo nezvishamiso.+ 4 Asi vanhu vakawanda veguta iri vakatadza kuwirirana; vamwe vaitsigira vaJudha, vamwe vachitsigira vaapostora. 5 Vanhu vemamwe marudzi nevaJudha nevatongi vavo pavakaedza kuvanyadzisa uye kuvatema nematombo,+ 6 vakaudzwa nezvazvo, vakatizira kumaguta eRikaoniya, Ristra neDhebhe, nenyika yakapoteredza.+ 7 Vava ikoko vakaramba vachizivisa mashoko akanaka.
8 MuRistra maiva nemumwe murume akanga akagara pasi. Akazvarwa akaremara makumbo, uye akanga asati ambofamba. 9 Murume uyu akanga akateerera Pauro achitaura. Pauro akaramba akamutarisa, akaona kuti aitenda kuti aigona kuporeswa,+ 10 ndokuti nenzwi guru: “Simuka umire.” Saka murume wacho akati kwanyanu, akatanga kufamba.+ 11 Vanhu pavakaona zvakanga zvaitwa naPauro, vakashevedzera mumutauro wechiRikaoniya vachiti: “Vanamwari vava sevanhu uye vadzika kwatiri!”+ 12 Vakabva vatanga kudana Bhanabhasi kuti Zeusi, Pauro vakamuti Hemesi, sezvo ari iye aitungamirira pakutaura. 13 Uye mupristi waZeusi, uyo aiva netemberi yaiva pagedhi reguta, akauya kumagedhi nemikono yemombe nezvishongo zvemashizha zvemumusoro achida kupa zvibayiro aine vanhu vakawanda.
14 Asi muapostora Bhanabhasi nemuapostora Pauro pavakazvinzwa, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira mukati mevanhu, vachishevedzera kuti: 15 “Varume, muri kuitirei zvinhu izvi? Isu tiri vanhu vakangoitawo semi.+ Uye tiri kukuzivisai mashoko akanaka, kuti imi mubve pazvinhu izvi zvisina zvazvinobatsira mutendeukire kuna Mwari mupenyu, akasika denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri.+ 16 Muzvizvarwa zvakapfuura akabvumira marudzi ese kuti afambe munzira dzawo,+ 17 kunyange zvazvo asina kurega kuzvipupurira+ pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura yekudenga nemwaka inobereka zvibereko,+ achikugutsai nezvekudya uye achizadza mwoyo yenyu nemufaro.”+ 18 Asi pasinei nezvavaitaura, vakatadza kudzora vanhu kuti varege kuvabayira zvibayiro.
19 Asi vaJudha vakasvika vachibva kuAndiyoki neIkoniyumu ndokufurira vanhu,+ uye vakatema Pauro nematombo, vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta, vachifunga kuti afa.+ 20 Asi paakaunganirwa nevadzidzi akamuka, akapinda muguta. Mangwana acho akasimuka naBhanabhasi vakaenda kuDhebhe.+ 21 Pashure pekuzivisa mashoko akanaka muguta iroro nekuita kuti vakawanda vave vadzidzi, vakadzokera kuRistra, kuIkoniyumu, uye kuAndiyoki. 22 Vakasimbisa vadzidzi ikoko,+ vachivakurudzira kuramba vari mukutenda vachiti: “Tinofanira kupinda muUmambo hwaMwari nemumatambudziko akawanda.”+ 23 Vakagadzawo vakuru muungano imwe neimwe,+ vachinyengetera pamwe nekutsanya,+ uye vakavaisa mumaoko aJehovha,* uyo wavakanga vava kutenda maari.
24 Vakabva vapfuura nekuPisidhiya, vakasvika kuPamfiriya,+ 25 uye pashure pekuzivisa shoko muPega, vakadzika kuAtariya. 26 Vakabva ikoko vakananga nechikepe kuAndiyoki, kwavakanga vanyengetererwa kuti Mwari avakomborere pabasa ravakanga vapedza iye zvino.+
27 Pavakanga vasvika uye vaunganidza ungano, vakarondedzera zvinhu zvakawanda zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa, uye kuti akanga avhurira vemamwe marudzi suo rekutenda.+ 28 Saka vakamboti garei nevadzidzi.
15 Vamwe varume vakauya vachibva kuJudhiya vakatanga kudzidzisa hama vachiti: “Kana mukasachecheudzwa maererano netsika yaMozisi,+ hamuponeswi.” 2 Asi pashure pekunge Pauro naBhanabhasi vanetsana navo vachiitirana nharo navo, pakazorongwa kuti Pauro, Bhanabhasi, nevamwe varume vaende nenyaya iyi kuvaapostora nevakuru kuJerusarema.+
3 Saka pashure pekunge vamboperekedzwa neungano, varume ava vakaenderera nerwendo rwavo vakapfuura nemuFenikiya nemuSamariya, vachinyatsorondedzera nezvekutendeuka kwevanhu vemamwe marudzi vachiita kuti hama dzese dzifare chaizvo. 4 Pavakasvika muJerusarema, vakatambirwa zvakanaka neungano nevaapostora nevakuru, uye vakarondedzera zvinhu zvakawanda zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa. 5 Asi vamwe vaimbova veboka revaFarisi avo vakanga vava vatendi, vakasimuka vakati: “Vanofanira kuchecheudzwa uye kurayirwa kuti vachengete Mutemo waMozisi.”+
6 Saka vaapostora nevakuru vakaungana kuti vaongorore nyaya iyi. 7 Pashure pekunge vakurukura zvakadzama,* Petro akasimuka, akati kwavari: “Varume, hama, munonyatsoziva kuti kubva pakutanga ndini ndakasarudzwa naMwari pakati penyu kuti vanhu vemamwe marudzi vanzwe mashoko akanaka ndichivaparidzira, votenda.+ 8 Uye Mwari, uyo anoziva mwoyo,+ akaratidza kuti anovagamuchira nekuvapa mweya mutsvene,+ sezvaakaitawo kwatiri. 9 Haana kuita kuti pakati pedu navo patombova nemusiyano,+ asi akanatsa mwoyo yavo nekutenda.+ 10 Saka nei mava kuedza Mwari nekuisa pamitsipa yevadzidzi joko+ rakatadza kutakurwa nemadzitateguru edu kana nesu?+ 11 Isu tine kutenda kwekuti tinoponeswa nenyasha dzaIshe Jesu+ sekuponeswa kwavanoitwawo.”+
12 Vanhu vese vakabva vanyarara, vakatanga kuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa pakati pemamwe marudzi. 13 Pavakapedza kutaura, Jakobho akati: “Varume, hama, ndinzweiwo. 14 Simiyone+ anyatsorondedzera matangiro akaita Mwari kufunga mamwe marudzi kuti atore vanhu vezita rake pakati pawo.+ 15 Uye izvi zvinoenderana nemashoko eVaprofita, sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: 16 ‘Pashure pezvinhu izvi ndichadzoka, ndomutsa zvakare tende* raDhavhidhi rakawa; ndichavakazve matongo aro rova sezvaraiva, 17 kuti vanhu vanosara vatsvage Jehovha* nemwoyo wese, pamwe chete nevanhu vemarudzi ese, vanhu vanoshevedzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaurwa naJehovha,* iye ari kuita zvinhu izvi,+ 18 zvakazivikanwa kubvira kare.’+ 19 Saka ndiri kufunga* kuti tisaomesera vemamwe marudzi vari kutendeukira kuna Mwari,+ 20 asi kuti tivanyorere kuti varege zvinhu zvakasvibiswa nezvidhori,+ upombwe,*+ zvinhu zvakadzipwa,* uye ropa.+ 21 Nekuti zvakanyorwa naMozisi zvagara zviine vanozviparidza muguta neguta kubvira kare, uye zvichiri kuverengwa zvinonzwika mumasinagogi pamasabata ese.”+
22 Vaapostora nevakuru, pamwe chete neungano yese, vakabva vasarudza varume pakati pavo ndokuvatuma kuAndiyoki vaina Pauro naBhanabhasi; vakatuma Judhasi ainzi Bhasabhasi naSirasi,+ avo vaitungamirira pakati pehama. 23 Zvavakanyora ndeizvi uye vakavatuma nazvo:
“Vaapostora nevakuru, hama dzenyu; kuhama dzedu dzinobva kune mamwe marudzi dziri kuAndiyoki,+ Siriya, neKirikiya, tinoti: Kwaziwai! 24 Sezvo takanzwa kuti pane vamwe vanhu vakauya ikoko vachibva kuno vakakuvhiringidzai nezvavaitaura,+ vachiedza kukukanganisai, kunyange zvazvo tisina kumbovaudza kuti vadaro, 25 tabvumirana tese kuti tisarudze varume vekukutumirai pamwe chete nehama dzedu dzatinoda, Bhanabhasi naPauro, 26 varume vakaisa upenyu hwavo* pangozi nekuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.+ 27 Saka tatuma Judhasi naSirasi, kuti naivowo vataure nemiromo yavo zvinhu zvatakakunyorerai.+ 28 Nekuti mweya mutsvene+ nesu tasarudza kusakuremedzai nemimwe mitoro, kunze kwezvinhu izvi zvamunofanira kuita: 29 kuramba muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori,+ ropa,+ zvinhu zvakadzipwa,*+ uye upombwe.*+ Kana mukangwarira kuti musaita zvinhu izvi, zvichakufambirai zvakanaka. Sarai zvakanaka!”*
30 Saka varume ava pavakanzi vachienda, vakasvika kuAndiyoki, vakaunganidza vanhu vacho vese, vakavapa tsamba yacho. 31 Pavakaiverenga, vakafara nekukurudzirwa kwavakaitwa. 32 Uye sezvo Judhasi naSirasi vaivawo vaprofita, vakataura zvinhu zvakawanda zvekukurudzira nekusimbisa hama.+ 33 Pashure pekunge vamboti garei ikoko, hama dzakazoonekana navo zvakanaka vakadzokera kune vaya vakanga vavatuma. 34* —— 35 Asi Pauro naBhanabhasi vakasara muAndiyoki vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka eshoko raJehovha,* vaine vamwe vakawanda.
36 Pashure pemazuva, Pauro akati kuna Bhanabhasi: “Iye zvino ngatishanyirei zvakare hama mumaguta ese atakazivisa shoko raJehovha,* tinoona kuti dzakadii.”+ 37 Bhanabhasi aida chaizvo kuenda naJohani, ainzi Mako.+ 38 Asi Pauro akanga asingadi kuti vaende naye, nekuti akanga ambovasiya kuPamfiriya, akarega kuenda navo kubasa.+ 39 Izvi zvakaita kuti vapopotedzane zvikuru, zvekuti vakaparadzana; uye Bhanabhasi+ akaenda naMako kuSaipurasi nechikepe. 40 Pauro akasarudza Sirasi ndokuenda naye pashure pekunge anyengetererwa nehama kuti akomborerwe naJehovha.*+ 41 Akapfuura nekuSiriya nekuKirikiya, achisimbisa ungano.
16 Saka akasvika kuDhebhe uyewo kuRistra.+ Ikoko kwaiva nemumwe mudzidzi ainzi Timoti,+ amai vake vaiva vechiJudha uye vari mutendi, asi baba vake vari muGiriki, 2 uye aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzemuRistra neIkoniyumu. 3 Pauro akataura kuti aiva nechido chekufamba naTimoti, uye akamutora akamuchecheudza achiitira vaJudha vaiva munzvimbo idzodzo,+ nekuti vese vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. 4 Pavaifamba mumaguta, vaivaudza mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevakuru vaiva muJerusarema kuti vaichengete.+ 5 Saka ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda uye dzichiwedzera zuva nezuva.
6 Uyewo vakapfuura nemuFrijiya nemuGaratiya,+ nekuti vakarambidzwa nemweya mutsvene kuparidza shoko munharaunda yeEzhiya. 7 Zvakare, pavakadzika kuMisiya vakaedza kupinda muBhitiniya,+ asi mweya waJesu hauna kuvabvumira. 8 Saka vakapfuura Misiya* vakadzika kuTroasi. 9 Uye Pauro akaona chiratidzo usiku chemumwe murume wekuMakedhoniya akanga akamira achimukumbira achiti: “Yambukirai kuno kuMakedhoniya mutibatsirewo.” 10 Paakangoona chiratidzo ichi, takapinda munzira takananga kuMakedhoniya, taona kuti Mwari akanga atishevedza kuti tizivise mashoko akanaka kwavari.
11 Saka takapinda mugungwa tichibva kuTroasi, tikananga kuSamotrasi, mangwana acho tikaenda kuNeaporisi; 12 uye takabva ikoko tikaenda kuFiripi,+ guta raitorwa sereumambo hweRoma, riri guta rinokosha muruwa rweMakedhoniya. Takagara muguta iri kwemazuva. 13 Musi weSabata takabuda kunze kwegedhi pedyo nerwizi, pataifunga kuti paiva nenzvimbo yekunyengeterera, uye takagara pasi, ndokutanga kutaura nevakadzi vakanga vaungana ipapo. 14 Uye mumwe mukadzi ainzi Ridhiya, mutengesi wemachira epepuru, aibva kuguta reTiyatira+ ari munamati waMwari, akanga achiteerera, uye Jehovha* akanyatsovhura mwoyo wake kuti ateerere zvaitaurwa naPauro. 15 Iye neveimba yake pavakanga vabhabhatidzwa,+ akatikumbira kuti: “Kana muchindiona sendakatendeka kuna Jehovha,* uyai mugare pamba pangu.” Uye akaramba achitinyengetedza, tikaenda.
16 Zvakaitika kuti pataifamba tichienda kunzvimbo yekunyengeterera, takasangana nemumwe mushandi wechisikana aiva nemweya wekuuka.+ Aiwanisa vanatenzi vake pfuma yakawanda nekufembera. 17 Musikana uyu akaramba achitevera Pauro nesu achishevedzera mashoko ekuti: “Varume ava varanda vaMwari Wekumusorosoro+ uye vari kukuzivisai nzira yeruponeso.” 18 Akaramba achidaro kwemazuva akawanda. Pauro akazopedzisira aneta nazvo, akatendeuka, ndokuti kumweya wacho: “Ndinokurayira nezita raJesu Kristu kuti ubude maari.” Wakabva wangobuda maari ipapo.+
19 Vanatenzi vake pavakaona kuti vakanga vasisina kwekuwana pfuma,+ vakabata Pauro naSirasi, vakavazvuzvurudzira kumusika kuvatongi.+ 20 Vakavaendesa kuvatongi vehurumende, vakati: “Varume ava vaJudha, uye vari kukanganisa guta redu zvisingaiti,+ 21 vachizivisa zvinhu zvatisingabvumirwi nemutemo kuita kana kutevedzera, sezvo tiri vaRoma.” 22 Vanhu vese vakabva vavapandukira, uye vatongi vehurumende vakavabvisa nguo vachiita zvekudzibvarura, vakaita kuti varohwe neshamhu.+ 23 Pavakanga vavarova shamhu dzakawanda, vakavakanda mujeri, vakaita kuti murindi wejeri anyatsovachengetedza.+ 24 Nemhaka yekuti akanga audzwa izvi, akavakanda mujeri remukatikati ndokuvasunga tsoka dzavo zvakasimba muzvisungo zvematanda.*
25 Asi nechepakati peusiku, Pauro naSirasi vainyengetera vachiimba vachirumbidza Mwari,+ uye vamwe vasungwa vaivanzwa. 26 Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kwakaitika zvekuti faundesheni yejeri yakazununguswa. Zvakare, masuo ese akabva angovhurika, uye zvisungo zvevanhu vese zvakasununguka.+ 27 Murindi wejeri paakamuka ndokuona masuo ejeri akavhurika, akavhomora bakatwa rake uye akanga ava kuda kuzviuraya, achifunga kuti vasungwa vakanga vatiza.+ 28 Asi Pauro akashevedzera nenzwi guru achiti: “Usazvikuvadza, tiri muno tese!” 29 Saka akakumbira zvekuvhenekesa, akamhanyira imomo uye akawira pamberi paPauro naSirasi achidedera. 30 Akavabudisa kunze, akati: “Madzishe, ndingaitei kuti ndiponeswe?” 31 Ivo vakati: “Tenda munaShe Jesu, uye uchaponeswa, iwe neimba yako.”+ 32 Vakabva vamuparidzira shoko raJehovha* nevamwe vese vaiva mumba make. 33 Uye akaenda navo panguva iyoyo yeusiku, akavageza maronda avo. Iye neimba yake vakabva vangobhabhatidzwa.+ 34 Akavapinza mumba make, ndokuvaisira zvekudya patafura, uye akafara chaizvo neimba yake yese sezvo akanga atenda muna Mwari.
35 Pakwakaedza, vatongi vehurumende vakatuma mapurisa kunoti: “Sunungura varume vaya.” 36 Murindi wejeri akasvitsa mashoko avo kuna Pauro achiti: “Vatongi vehurumende vatuma vanhu kuti imi vaviri musunungurwe. Saka chibudai henyu iye zvino muende nerugare.” 37 Asi Pauro akati kwavari: “Vakatirova pamberi pevanhu vese tisina kuwanirwa mhosva,* isu tiri vaRoma,+ vakatikanda mujeri. Iye zvino vava kutibudisa kunze pachivande! Aiwa, hazviiti! Ivo ngavauye vatibudise.” 38 Mapurisa akanoudza vatongi vehurumende mashoko aya. Vatongi vacho vakatya pavakanzwa kuti varume vacho vaiva vaRoma.+ 39 Saka vakauya vakavanyengetedza, ndokuvabudisa, vakavakumbira kubva muguta iroro. 40 Asi vakabuda mujeri, vakaenda kumba kwaRidhiya; uye pavakaona hama, vakadzikurudzira,+ ndokuenda.
17 Vakapfuura nemuAmfiporisi nemuAporoniya, vakasvika kuTesaronika,+ kwaiva nesinagogi revaJudha. 2 Saka Pauro akapinda mavaiva sezvaaiwanzoita,+ uye akakurukura navo achivabatsira kunzwisisa Magwaro kwemasabata matatu,+ 3 achitsanangura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti Kristu aifanira kutambura+ uye kumuka kuvakafa,+ achiti: “Jesu uyu wandiri kukuzivisai nezvake ndiye Kristu.” 4 Izvi zvakaita kuti vamwe vavo vave vatendi, ndokubatana naPauro naSirasi,+ uye vanhu vakawanda vechiGiriki vainamata Mwari pamwe chete nevamwe vakadzi vakati wandei vakakurumbira, vakabatanawo navo.
5 Asi vaJudha vakanzwa godo,+ vakaunganidza vanhu vakaipa vaingofamba-famba pamusika ndokuita kuti muguta muve nemhomho yaikonzera mhirizhonga. Vakapinda mumba maJasoni nechisimba, vachida kuti Pauro naSirasi vabudiswe panze varwiswe nemhomho. 6 Pavakavashaya, vakazvuzvurudzira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta, vachishevedzera kuti: “Varume vaya vari kunyonganisa nyika yese vari munowo,+ 7 uye vanotova vaenzi vaJasoni. Varume ava vese vanoita zvinopesana nemirayiro yaKesari, vachiti kune mumwe mambo, anonzi Jesu.”+ 8 Vanhu vese nevatongi veguta vakashamiswa pavakanzwa mashoko aya; 9 uye vakasunungura Jasoni nevamwe vake pashure pekuvabvisisa mari yechibatiso.
10 Hama dzakabva dzakurumidza kuendesa Pauro naSirasi kuBheriya usiku. Pavakasvika, vakapinda musinagogi revaJudha. 11 Ava vakanga vaine pfungwa dzakanaka kupfuura vekuTesaronika, nekuti vakagamuchira shoko nechido, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kuti vaone kana zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi. 12 Saka vakawanda vavo vakava vatendi, uye vakadzi vazhinji vechiGiriki vakakurumbira nevamwe varume vakavawo vatendi. 13 Asi vaJudha vekuTesaronika pavakanzwa kuti shoko raMwari raiziviswawo muBheriya naPauro, vakaenda ikoko kunofurira mhomho yevanhu kuti iite mhirizhonga.+ 14 Hama dzakabva dzakurumidza kuendesa Pauro kugungwa,+ asi Sirasi naTimoti vakasara imomo. 15 Vaya vaiperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene, vakadzokera pashure pekunge avaudza kuti Sirasi naTimoti+ vakurumidze kuuya kwaari.
16 Pauro paakanga akavamirira muAtene, zvakamurwadza zvikuru paakaona kuti guta racho rakanga rakazara nezvidhori. 17 Saka akatanga kukurukura nevaJudha musinagogi nevamwe vanhu vainamata Mwari uye mazuva ese aikurukura nevaaiwana pamusika. 18 Asi vamwe vachenjeri vechiEpikuro nevechiStoiki vakatanga kumuitisa nharo, uye vamwe vaiti: “Ari kutiiko munhu uyu anongowawata?” Vamwe vachiti: “Anenge muparidzi wavanamwari vekune imwe nyika.” Vaidaro nekuti aizivisa mashoko akanaka aJesu nezverumuko.+ 19 Saka vakamubata, vakaenda naye kuAreyopago, vachiti: “Ungatiudzawo here kuti dzidziso iyi itsva yauri kutaura nezvayo ndeyei? 20 Nekuti uri kutitaurira zvatisati tambonzwa, saka tiri kuda kuziva kuti zvinorevei.” 21 VaAtene vese nevamwe vaibva kune dzimwe nyika vaigara imomo* vaipedza nguva yavo yekuzorora vachingotaura kana kuteerera chimwe chinhu chitsva. 22 Pauro akabva amira pakati peAreyopago+ ndokuti:
“Vanhu vemuAtene, ndinoona kuti pazvese zvamunoita munenge munofarira zvekunamata* kupfuura zvinoita vamwe.+ 23 Nekuti pandaipfuura ndichinyatsocherechedza zvinhu zvamunonamata, ndakaona kunyange neatari yakanyorwa kuti ‘Kuna Mwari Asingazivikanwi.’ Saka chamuri kunamata musingazivi, ndicho chandiri kukuzivisai. 24 Mwari akaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi ndiye Ishe wedenga nenyika,+ saka haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko;+ 25 uye haashandirwi nemaoko evanhu sekunge kuti pane chaanoshayiwa,+ nekuti ndiye anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema+ nezvinhu zvese. 26 Uye akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete,+ kuti agare panyika yese,+ uye akatara nguva akaisa miganhu yepaizogara vanhu,+ 27 kuti vatsvage Mwari, pamwe vachitoita zvekumutsvanzvadzira, vomuwana,+ kunyange zvazvo asiri kure nemumwe nemumwe wedu. 28 Nekuti ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo, sezvakatotaurwa nevamwe vadetembi venyu kuti, ‘Nekuti tiri vana vakewo.’
29 “Sezvo tiri vana vaMwari,+ hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana negoridhe kana nesirivha kana nedombo, sechimwe chinhu chakafungwa nemunhu akachiveza.+ 30 Ichokwadi kuti Mwari akafuratira nguva dzekusaziva kwakadaro;+ asi iye zvino ari kuzivisa vanhu vese kwese kwese kuti vanofanira kupfidza zvivi zvavo. 31 Nekuti akatara zuva raanoda kutonga+ nyika nekururama achishandisa munhu waakagadza, uye akaratidza vanhu vese kuti achazviita nekumumutsa kuvakafa.”+
32 Pavakanzwa nezvekumutswa kwevakafa, vamwe vakatanga kuseka,+ uye vamwe vaiti: “Tozokunzwa zvakare uchitaura izvozvo.” 33 Saka Pauro akavasiya, 34 asi vamwe vanhu vakabatana naye, vakava vatendi. Vamwe vavo vaiva Dhiyonisiyo, mutongi wedare reAreyopago, nemumwe mukadzi ainzi Dhamarisi, nevamwewo.
18 Pashure peizvi akabva muAtene, akaenda kuKorinde. 2 Uye akawana mumwe muJudha ainzi Akwira,+ chizvarwa chekuPontasi, akanga achangosvika achibva kuItari aine mudzimai wake Prisira, nekuti Kraudhiyo akanga ataura kuti vaJudha vese vabve muRoma. Saka akaenda kwavari, 3 uye sezvo vaishanda mabasa akafanana, akagara pamba pavo vachishanda vese,+ nekuti vaiita basa rekugadzira matende. 4 Aikurukura nevanhu musinagogi+ pamasabata ese+ achinyengetedza vaJudha nevaGiriki.
5 Sirasi+ naTimoti+ pavakazosvika vachibva kuMakedhoniya, Pauro akabva anyura mubasa rekuparidza shoko, achipupurira kuvaJudha kuti avaratidze kuti Jesu ndiye Kristu.+ 6 Asi pavakaramba vachimupikisa uye vachimutuka, akazunza nguo dzake,+ akati kwavari: “Ropa renyu ngarive pamisoro yenyu.+ Ini ndakachena.+ Kubva iye zvino ndichaenda kuvanhu vemamwe marudzi.”+ 7 Saka akabva ipapo,* akanopinda mumba memumwe murume ainzi Titiyo Justo, munamati waMwari, aiva nemba yakanga yakabatana nesinagogi. 8 Asi Krispo,+ mukuru aitungamirira sinagogi, akatenda munaShe, pamwe neimba yake yese. Uye vaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa. 9 Uyewo Ishe akataura naPauro usiku muchiratidzo, akati kwaari: “Usatya, asi ramba uchitaura uye usaramba wakanyarara, 10 nekuti ndinewe+ uye hapana munhu achakurwisa kuti akukuvadze; nekuti ndine vanhu vakawanda muguta rino.” 11 Saka akagara imomo kwegore nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12 Gariyo paakanga ari gavhuna weruwa* rweAkaya, vaJudha vakabatana pakurwisa Pauro, vakamuendesa kuchigaro chekutonga, 13 vachiti: “Murume uyu ari kufurira vanhu kuti vanamate Mwari zvinopesana nemutemo.” 14 Asi Pauro paakanga ava kuda kutaura, Gariyo akati kuvaJudha: “Imi vaJudha, dai paine chimwe chinhu chakanganiswa kana kuti mhosva yakakura yaparwa, ndingadai ndatombokuteererai. 15 Asi kana dziri nharo dzemashoko nemazita nemutemo wenyu,+ zvionerei mega. Handidi kuva mutongi wenyaya dzakadaro.” 16 Akabva avadzinga pamberi pechigaro chekutonga. 17 Saka vese vakabva vabata Sositenesi,+ mukuru aitungamirira sinagogi, vakatanga kumurova vari pamberi pechigaro chekutonga. Asi Gariyo haana kana kumbopindira zvese izvi.
18 Asi, pashure pemazuva akawanda, Pauro akaonekana nehama, akabva aenda nechikepe kuSiriya aina Prisira naAkwira. Akaita kuti bvudzi rake ridimburirwe kuKenkreya,+ nekuti akanga aita mhiko. 19 Saka vakasvika kuEfeso, akavasiya ikoko; asi iye akapinda musinagogi, akakurukura nevaJudha.+ 20 Kunyange zvazvo vakaramba vachimukumbira kuti agare kwenguva refu, akaramba 21 asi akavaoneka, ndokuvaudza kuti: “Ndichadzokazve kwamuri, kana Jehovha* achida.” Akabva muEfeso, akatanga rwendo rwemugungwa, 22 akasvika kuKesariya. Uye akakwidza,* akanokwazisa ungano, ndokuzodzika kuAndiyoki.+
23 Akamboti garei ikoko, akazobva achienda nzvimbo nenzvimbo munyika yeGaratiya neFrijiya,+ achisimbisa vadzidzi vese.+
24 Mumwe muJudha ainzi Aporo,+ chizvarwa chekuArekizandriya, akasvika muEfeso; aigona kutaura chaizvo, achinyatsoziva Magwaro. 25 Murume uyu akanga akadzidziswa nzira yaJehovha,* uye aipisa nemweya, achitaura nekudzidzisa zvakarurama pamusoro paJesu, asi aingoziva rubhabhatidzo rwaJohani chete. 26 Akatanga kutaura neushingi musinagogi, uye Prisira naAkwira+ pavakamunzwa, vakamutora vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama. 27 Uye sezvo aida kuenda kuAkaya, hama dzakanyorera vadzidzi, dzichivakurudzira kuti vamugamuchire zvakanaka. Saka paakasvika ikoko, akabatsira chaizvo vaya vakanga vava vatendi nenyasha dzaMwari; 28 nekuti akanyatsoratidza pamberi pevanhu vese uye zvine simba kuti vaJudha vakanga vakarasika, achivaratidza kubva muMagwaro kuti Jesu ndiye Kristu.+
19 Aporo+ paakanga achiri muKorinde, Pauro akapfuura nemugwagwa waipinda mukati menyika, akadzika kuEfeso.+ Ikoko akawana vadzidzi 2 akati kwavari: “Makagamuchira mweya mutsvene here pamakava vatendi?”+ Vakamupindura kuti: “Aiwa, hatisati tambonzwa nezvemweya mutsvene isu.” 3 Akabva ati: “Saka makabhabhatidzwa rubhabhatidzo rupi?” Ivo vakati: “Rubhabhatidzo rwaJohani.”+ 4 Pauro akati: “Johani aibhabhatidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza zvivi,+ achiudza vanhu kuti vatende mune uya akanga achizouya shure kwake,+ kureva Jesu.” 5 Pavakanzwa izvi, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu. 6 Pauro paakaisa maoko ake pavari, mweya mutsvene wakauya pavari,+ vakatanga kutaura mitauro isiri yavo uye kuprofita.+ 7 Vese pamwe chete vaiva varume vangasvika 12.
8 Akapinda musinagogi,+ akataura neushingi kwemwedzi mitatu, achikurukura nevanhu achivanyengetedza nekuvabatsira kunzwisisa pamusoro peUmambo hwaMwari.+ 9 Asi vamwe pavakaomesa musoro vachiramba kutenda, vachitaura zvakaipa pamusoro peNzira Iyi+ pamberi peruzhinji, akavasiya+ akaparadzanisa vadzidzi nevanhu ivavo, achikurukura navo zuva nezuva muimba yechikoro chaTirano. 10 Izvi zvakaitika kwemakore maviri, zvekuti vese vaigara munharaunda yeEzhiya vakanzwa shoko raShe, vaJudha nevaGiriki.
11 Uye Mwari akaramba achiita mabasa anoshamisa esimba achishandisa Pauro,+ 12 zvekuti kunyange machira nemaepuroni anenge agumha muviri wake, aiendeswa kuvanhu vanorwara,+ zvirwere zvavo zvopera, uye mweya yakaipa yaibuda.+ 13 Asi vamwe vaJudha vaifamba vachidzinga madhimoni vakaedzawo kushandisa zita raShe Jesu pane vaya vaiva nemweya yakaipa; vaiti: “Muzita raJesu anoparidzwa naPauro ndinokuudza kuti ubude.”+ 14 Kwaiva nevanakomana vanomwe vemumwe mutungamiriri wevapristi wechiJudha ainzi Skevha vaiita izvi. 15 Asi mweya wakaipa wakavapindura uchiti: “Jesu ndinomuziva+ uye Pauro ndinomuziva;+ asi imi ndimi vanaani?” 16 Murume aiva nemweya wakaipa akabva avasvetukira, akavarwisa akakurira mumwe nemumwe wavo, zvekuti vakatiza mumba imomo vasina kupfeka, vakuvara. 17 Izvi zvakazivikanwa nevanhu vese, vaJudha nevaGiriki vaigara muEfeso; uye vese vakatya, zita raShe Jesu rikaramba richikudzwa. 18 Uye vakawanda vakanga vava vatendi vaiuya vachireurura uye vachitaura pachena mabasa avo. 19 Uye vanhu vakawanda vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vese.+ Vakaverenga ukoshi hwawo vakaona achisvika mutengo wemasirivha 50 000. 20 Saka shoko raJehovha* rakaramba richikura zvine simba uye richikunda.+
21 Pashure pacho Pauro akafunga mumwoyo make kuti aizopfuura nekuMakedhoniya+ neAkaya, achienda kuJerusarema.+ Akati: “Kana ndaenda ikoko, ndichafanira kuzoendawo kuRoma.”+ 22 Saka akatuma kuMakedhoniya vanhu vaviri vaimubatsira, Timoti+ naErasto,+ asi iye akambosara munharaunda yeEzhiya kwekanguva.
23 Mazuva iwayo kwakaita bongozozo+ chairo pamusoro peNzira Iyi.+ 24 Nekuti mumwe murume ainzi Dhemetriyo, mupfuri wesirivha, aigadzira tutemberi twesirivha twaAtemisi achiwanisa mhizha pfuma yakawanda.+ 25 Akadziunganidza pamwe chete nevamwe vaigadzirawo zvinhu zvakadaro, akati: “Varume, munonyatsoziva kuti basa iri ndiro rinotipfumisa. 26 Asi iye zvino muri kuona uye muri kunzwa kuti Pauro akafurira vanhu vakawanda, kwete muEfeso+ chete asi muruwa rwese rweEzhiya, achiita kuti vave nedzimwe pfungwa, achiti vanamwari vakagadzirwa nemaoko havasi vanamwari chaivo.+ 27 Uye dambudziko riripo harisi rekukanganiswa kwebhizimisi redu chete, asiwo kuti temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi ichaonekwa seisina basa, uye mwari uyu anonamatwa muruwa rwese rweEzhiya nemunyika yese achabva abviswa kukudzwa kwake.” 28 Pavakanzwa izvi vakatsamwa kwazvo, vakatanga kushevedzera, vachiti: “Atemisi wevaEfeso mukuru!”
29 Saka guta rese rakaita nyonganyonga, uye vanhu vese vakamhanyira kunzvimbo yemitambo, vachizvuzvurudza Gayo naAristako,+ vaMakedhoniya vaifamba pamwe chete naPauro. 30 Pauro aida kupinda mukati maiva nevanhu, asi vadzidzi havana kumubvumira. 31 Kunyange vamwe vakuru vakuru vemitambo vaiwirirana naye, vakamutumira shoko vachimukumbira kuti asazvipinza pangozi nekupinda munzvimbo yemitambo. 32 Vanhu vakanga vava kuti uyu achidaidzira chino uyo achidaidzira icho; nekuti mhomho yese yakanga yangova nyonganyonga uye vakawanda vakanga vasingazivi kuti vakanga vaunganirei. 33 Saka vakabudisa Arekizanda pakati pevanhu, vaJudha vachimusundira mberi, uye Arekizanda akaedza kunyararidza vanhu neruoko rwake achida kuzvipindurira pamberi pavo. 34 Asi pavakaziva kuti akanga ari muJudha, vese vakatanga kushevedzera pamwe chete kwemaawa angasvika maviri vachiti: “Atemisi wevaEfeso mukuru!”
35 Munyori wezvaiitika muguta paakazonyararidza vanhu, akati: “Vanhu veEfeso, pavanhu vese ndiani asingazivi kuti guta revaEfeso ndiro rinochengeta temberi yaAtemisi mukuru nemufananidzo wakadonha uchibva kudenga? 36 Sezvo zvinhu izvi zvisingarambiki, munofanira kuramba makadzikama, musingaiti zvinhu musina kunyatsofunga. 37 Nekuti varume vamauya navo havasi mbavha dzetemberi kana kuti vanhu vanomhura mwarikadzi wedu. 38 Saka kana Dhemetriyo+ nemhizha dzaainadzo vaine nyaya yavari kupomera mumwe munhu, mazuva edare aripo uye magavhuna eruwa* aripo; ngavamhan’arirane. 39 Asi kana muri kutsvaga zvinopfuura izvozvo, zvinofanira kutongwa pakuungana kuri pamutemo. 40 Nekuti tinogona kupiwa mhosva yekupandukira hurumende nezvaitika nhasi izvi, sezvo tisina zvikonzero chaizvo zvekutaura kuti nei paita mhirizhonga iyi.” 41 Paakapedza kutaura mashoko aya, akaita kuti vanhu vaparare.
20 Mheremhere payakanga yapera, Pauro akatumira shoko kuti vadzidzi vauye, uye akavakurudzira ndokuvaoneka, akabva apinda munzira akananga kuMakedhoniya. 2 Akapfuura nemunharaunda dzemo achitaurira vaivamo mashoko akawanda ekukurudzira, ndokuzosvika kuGirisi. 3 Akaita mwedzi mitatu ari imomo, asi sezvo vaJudha+ vakanga vamurongera zvakaipa paakanga ava kuda kukwira chikepe kuti aende kuSiriya, akachinja pfungwa akabva adzokera nekuMakedhoniya. 4 Varume vaifamba naye ndiSopata mwanakomana waPairasi wekuBheriya, Aristako+ naSekundo vekuTesaronika, naGayo wekuDhebhe, naTimoti,+ nevamwe vaibva kunharaunda yeEzhiya, Tikiko+ naTrofimo.+ 5 Varume ava vakafanotungamira, vakanotimirira kuTroasi; 6 asi isu takapinda muchikepe tikabva kuFiripi pashure pemazuva eChingwa Chisina Mbiriso,+ uye takasvika kuTroasi kwavaiva, taita mazuva mashanu tichifamba, ndokuzogarako kwemazuva manomwe.
7 Pazuva rekutanga revhiki, patakanga takaungana kuti tidye, Pauro akatanga kutaura vakateerera, sezvo aizoenda mangwana acho; akaramba achitaura kusvikira pakati peusiku. 8 Saka muimba yepamusoro matakanga takaungana maiva nemarambi akawanda. 9 Mumwe mukomana ainzi Yutiko akanga akagara pahwindo, akabatwa nehope Pauro achingotaura, uye akundwa nehope, akawira pasi achibva panhurikidzwa yechitatu, akanhongwa afa. 10 Asi Pauro akadzika pasi, akazviwisira pamusoro pake, akamumbundira,+ akati: “Regai kuita mheremhere nekuti ava mupenyu.”*+ 11 Akabva akwira muimba yepamusoro, akaita kuti vanhu vatange kudya,* iye akadyawo. Akaenderera mberi achitaura navo kusvikira kwaedza, achibva azoenda. 12 Saka vakaenda nemukomana wacho ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.
13 Isu takafanotungamira kuAsosi nengarava, kwataida kuti Pauro azokwirira, nekuti akanga atiudza kuti tidaro iye achienda ikoko netsoka. 14 Saka paakazosangana nesu kuAsosi, takamukwidza, tikaenda kuMitirene. 15 Uye takasimuka mangwana acho, tikasvika pedyo neKiyosi, asi zuva rakazotevera takasvika kuSamosi, uye mangwana acho takazosvika kuMireto. 16 Pauro akanga asarudza kusapfuura nemuEfeso+ kuti arege kunyanya kugara munharaunda yeEzhiya nekuti aida kukurumidza kusvika kuJerusarema+ pazuva reMutambo wePendekosti kana zvaibvira.
17 Asi ari muMireto, akatumira shoko kuEfeso, akashevedza vakuru veungano. 18 Pavakanga vasvika kwaari, akati kwavari: “Munonyatsoziva kuti ndakazvibata sei pakati penyu kubvira pazuva rekutanga randakapinda munharaunda yeEzhiya,+ 19 ndichishandira Ishe semuranda nekuzvininipisa,*+ nemisodzi yaikonzerwa nemiedzo yaibva kuvaJudha vaindirongera zvakaipa, 20 asi ndisingaregi kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai* kana kukudzidzisai paruzhinji+ nepaimba neimba.+ 21 Asi ndakapa uchapupu hwakasimba kuvaJudha nevaGiriki nezvekupfidza zvivi+ pamberi paMwari uye kutenda munaShe wedu Jesu.+ 22 Iye zvino ndiri kuenda kuJerusarema ndichitungamirirwa nemweya kuti ndidaro,* kunyange zvazvo ndisingazivi zvichaitika kwandiri ikoko, 23 kunze kwezvandiri kuramba ndichipupurirwa nemweya mutsvene muguta neguta, uchiti jeri nematambudziko zvakandimirira.+ 24 Kunyange zvakadaro, handioni upenyu hwangu* sehunokosha kwandiri kana ndisina kupedza nhangemutange yangu+ neushumiri hwandakapiwa naShe Jesu, kuti ndipe uchapupu hwakasimba hwemashoko akanaka enyasha dzaMwari.
25 “Iye zvino ndinoziva kuti pakati penyu imi vandakaparidzira Umambo hapana kana mumwe chete achaona chiso changu zvakare. 26 Saka nhasi uno kana paine anoramba kuti ini ndakachena paropa revanhu vese ngaapupure,+ 27 nekuti handina kumborega kukuudzai zvinhu zvese nezvechinangwa chaMwari.+ 28 Zvichengetedzei imi,+ pamwe neboka rese remakwai ramakagadzwa pakati paro nemweya mutsvene kuti muve vatariri varo,+ kuti mufudze ungano yaMwari,+ yaakatenga neropa reMwanakomana wake.+ 29 Ndinoziva kuti kana ndaenda mhumhi dzinotyisa dzichapinda pakati penyu+ uye hadzizobati makwai neunyoro, 30 uye pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.+
31 “Saka rambai makamuka, muchiyeuka kuti kwemakore matatu,+ siku nesikati, handina kurega kurayira mumwe nemumwe wenyu nemisodzi. 32 Uye iye zvino ndinokuisai mumaoko aMwari nekushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai nekukupai nhaka pakati pevakatsveneswa vese.+ 33 Handina kuchiva sirivha, kana goridhe, kana chipfeko chemunhu.+ 34 Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya akashandira zvinhu zvandaida+ nezvevaya vandaiva navo. 35 Ndakakuratidzai muzvinhu zvese kuti kana muchishanda nesimba saizvozvo,+ munofanira kubatsira vaya vasina simba uye kuyeuka mashoko aShe Jesu, paakati: ‘Kupa kune mufaro+ kupfuura kugamuchira.’”
36 Uye paakapedza kutaura mashoko aya akapfugama navo vese, akanyengetera. 37 Vese vakatanga kuchema chaizvo vachimbundira Pauro* nekumutsvoda, 38 nekuti vakanyanya kurwadziwa neshoko raakanga ataura rekuti vakanga vasingazoonizve chiso chake.+ Vakabva vamuperekedza kungarava.
21 Patakazokwanisa kuparadzana navo, takapinda mungarava, tikananga kuKosi, tikazoenda kuRodzi mangwana acho, ndokubva ikoko tikasvika kuPatara. 2 Patakawana ngarava yaienda kuFenikiya, takakwira tikaenda. 3 Patakanga tava kuona chitsuwa cheSaipurasi, takachinyenyeredza tikachipfuura tichichisiya chiri kuruboshwe takananga kuSiriya, tikamira pamahombekombe eTire, paida kuburutsirwa zvinhu zvaiva mungarava. 4 Takatsvaga vadzidzi tikavawana uye takagara muTire kwemazuva manomwe. Asi vakaramba vachiudza Pauro zvavaiudzwa nemweya kuti arege kumbotsika muJerusarema.+ 5 Saka nguva yedu yekuti tibve ipapo payakakwana, takaenderera mberi nerwendo rwedu, asi vese, kusanganisira vakadzi nevana, vakatiperekedza kusvikira tabuda muguta racho. Uye takapfugama pamahombekombe, tikanyengetera, 6 tikaonekana navo. Takabva takwira mungarava, ivo vakadzokera kudzimba dzavo.
7 Takaenderera mberi nerwendo rwedu rwekubva kuTire nengarava tikasvika kuToremai, ndokukwazisa hama, tikagara nadzo zuva rimwe chete. 8 Mangwana acho takasimuka tikasvika kuKesariya, ndokuenda kumba kwaFiripi, muevhangeri, akanga ari mumwe wevarume vaya vanomwe,+ tikagara naye. 9 Murume uyu aiva nevanasikana vana, vakanga vasina kuroorwa,* vaiprofita.+ 10 Asi patakanga tamboti garei ikoko kwemazuva, mumwe muprofita ainzi Agabhasi+ akauya achibva kuJudhiya. 11 Uye akauya kwatiri akatora bhandi raPauro, akazvisunga makumbo nemaoko, ndokuti: “Izvi ndizvo zvinotaurwa nemweya mutsvene, ‘Muridzi webhandi iri achasungwa seizvi nevaJudha kuJerusarema,+ uye vachamuisa mumaoko evanhu vemamwe marudzi.’”+ 12 Patakanzwa izvi, isu nevaya vakanga varipo takatanga kumuteterera kuti arege kukwidza kuJerusarema. 13 Pauro akabva apindura kuti: “Muri kudarireiko nhai, kuchema muchindipedza simba? Handina kungogadzirira kusungwa chete, asiwo kutofira zita raShe Jesu kuJerusarema.”+ 14 Paakaramba kunyengetedzwa kuti asaenda, takabva tanyarara tikati: “Kuda kwaJehovha* ngakuitike.”
15 Pashure pemazuva aya takagadzirira rwendo, ndokuzopinda munzira takananga kuJerusarema. 16 Vamwe vadzidzi vekuKesariya vakaendawo nesu vakatiperekedza kwaMinasoni wekuSaipurasi, mumwe wevadzidzi vekutanga ane kumba kwataizogara. 17 Patakasvika muJerusarema, hama dzakatitambira nemufaro. 18 Asi mangwana acho Pauro akaenda nesu kuna Jakobho,+ uye vakuru vese vaivapo. 19 Akavakwazisa, akatanga kurondedzera zvese zvakaitwa naMwari pakati pemamwe marudzi muushumiri hwake.
20 Pavakanzwa izvi vakatanga kukudza Mwari, asi vakati kwaari: “Hama yedu, uri kuona kuti pakati pevaJudha pane zviuru zvevatendi, uye vese vanoshingairira Mutemo.+ 21 Asi vakanzwa runyerekupe nezvako kuti wanga uchidzidzisa vaJudha vese vari pakati pemamwe marudzi kuti vatsauke kubva pana Mozisi, uchivaudza kuti varege kuchecheudza vana vavo kana kutevedzera tsika dzinofanira kuchengetwa.+ 22 Saka toita sei? Vachatozvinzwa chete kuti wasvika. 23 Saka wotoita zvatinokuudza: Tine varume vana vakaita mhiko. 24 Enda nevarume ava, uzvichenese pamwe navo maererano neMutemo, wovabhadharira zvinenge zvichidiwa, kuti misoro yavo iveurwe. Munhu wese achabva aziva kuti zvese zvavakaudzwa nezvako ndezvekunyepa, asi kuti uri kufamba zvakanaka uye kuti uri kuchengetawo Mutemo.+ 25 Kana vari vatendi vanobva pakati pemamwe marudzi, takatumira shoko tichivaudza zvatakasarudza, kuti vanofanira kusiyana nezvinhu zvakabayirwa zvidhori,+ ropa,+ zvinhu zvakadzipwa,*+ uye upombwe.”*+
26 Mangwana acho Pauro akabva aenda nevarume vacho, akazvichenesa pamwe nevaaiva navo+ maererano neMutemo, uye akapinda mutemberi kuti anozivisa paizopera mazuva ekuzvichenesa kwacho, uye paifanira kuzobviswa mupiro wemumwe nemumwe.
27 Mazuva acho manomwe paakanga ava kupera, vaJudha vekuEzhiya vakamuona mutemberi vakakusvudzira mhomho yese, uye vakamubata, 28 vachishevedzera vachiti: “Vanhu vaIsraeri, tibatsireiwo! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu kwese kwese achishora vanhu vedu, Mutemo wedu nenzvimbo ino. Iye zvino atouyawo mutemberi nevaGiriki uye asvibisa nzvimbo ino tsvene.”+ 29 Nekuti vakanga vamboona Trofimo+ wekuEfeso ainaye muguta, saka vakafunga kuti Pauro akanga auya naye mutemberi. 30 Guta rese rakaita zhowezhowe, uye vanhu vakauya vachimhanya pamwe chete ndokubata Pauro, vakamuzvuzvurudzira kunze kwetemberi, uye masuo akabva avharwa pakarepo. 31 Pavakanga vava kuda kuedza kumuuraya, shoko rakasvika kumutungamiriri weboka revarwi kuti Jerusarema rese rakanga ranyongana; 32 akabva angotora varwi nevakuru veuto, ndokudzika vachimhanyira kwavaiva. Pavakaona mutungamiriri weuto nevarwi, vakarega kurova Pauro.
33 Mutungamiriri weuto akabva asvika pedyo, akamutora, akarayira kuti asungwe necheni mbiri;+ akabva abvunza kuti aiva ani uye kuti akanga aitei. 34 Asi vamwe vaiva mumhomho yevanhu vakanga vava kuti uyu achidaidzira chino uyo achidaidzira icho. Saka paakatadza kunzwa pane nyaya yacho pamusana pemheremhere, akati aunzwe kudzimba dzevarwi. 35 Asi paakasvika pamatanho, akatozoita zvekutakurwa nevarwi nemhaka yekupenga kwainge kwava kuita vanhu, 36 nekuti mhomho yevanhu yakaramba ichitevera, ichishevedzera kuti: “Muurayei!”
37 Paakanga ava kuda kupindwa naye mudzimba dzevarwi, Pauro akati kumutungamiriri weuto: “Ndinobvumirwawo kutaura nemi here?” Iye akati: “Unogona kutaura chiGiriki? 38 Saka hausi iwe here muIjipiti akambokonzera vanhu kuti vapandukire hurumende akaenda musango nevarume 4 000 vaiva nemapakatwa?” 39 Pauro akabva ati: “Ini ndinotova muJudha,+ wekuTaso+ kuKirikiya, chizvarwa cheguta rakakurumbira. Saka ndinokumbirawo kuti mundibvumire kutaura nevanhu.” 40 Paakamubvumira, Pauro akamira pamatanho, akanyararidza vanhu achishandisa ruoko rwake. Vanhu vese pavakati zii, akataura navo nechiHebheru,+ achiti:
22 “Varume, hama, navanababa, teererai ndichizvipindurira pamhosva yamuri kundipomera.”+ 2 Pavakanzwa kuti aitaura navo nechiHebheru vakabva vatoramba vakanyarara, iye akati: 3 “Ndiri muJudha,+ akaberekerwa kuTaso yeKirikiya,+ asi ndakadzidza muguta rino ndiri patsoka dzaGamarieri,+ ndichirayiridzwa kuti ndinyatsotevedzera Mutemo wemadzitateguru,+ uye ndaishingairira Mwari sezvamuri kuita imi mese nhasi.+ 4 Ndaitambudza vanhu veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga nekuisa mujeri varume nevakadzi,+ 5 izvo zvingatopupurirwawo nemupristi mukuru neungano yese yevakuru. Vakandipa tsamba dzandaida dzekuenda nadzo kuhama dzeDhamasiko, ndikapinda munzira kuti ndiende kunotora vakanga vari ikoko, kuti ndiuye navo kuJerusarema vakasungwa kuti varangwe.
6 “Asi pandaiva munzira ndava kusvika kuDhamasiko, nechekumasikati, ndakangoerekana ndapenyerwa nechiedza chikuru chaibva kudenga,+ 7 uye ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri: ‘Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?’ 8 Ndakapindura kuti: ‘Ndimi ani, Ishe?’ Iye akati kwandiri: ‘Ndini Jesu wekuNazareta, wauri kutambudza.’ 9 Varume vandaiva navo vakaona chiedza asi havana kunzwa inzwi raitaura neni. 10 Ndakabva ndati: ‘Ndinofanira kuita sei, Ishe?’ Ishe akati kwandiri: ‘Simuka upinde muDhamasiko, imomo uchaudzwa zvese zvaunofanira kuita.’+ 11 Asi sezvo ndakanga ndisiri kukwanisa kuona nemhaka yekubwinya kwechiedza chiya, ndakasvika kuDhamasiko ndakabatwa ruoko nevaya vandaiva navo.
12 “Mumwe murume ainzi Ananiyasi, murume aitya Mwari maererano neMutemo, aipupurirwa zvakanaka kwazvo nevaJudha vese vaigara imomo, 13 akauya kwandiri. Akamira pedyo neni, akati kwandiri: ‘Sauro, hama yangu, maziso ako ngaaonezve!’ Pakarepo ndakamutarisa ndikabva ndamuona.+ 14 Iye akati: ‘Mwari wemadzitateguru edu akusarudza kuti usvike pakuziva kuda kwake uye kuti uone uyo akarurama+ uye kuti unzwe inzwi remuromo wake, 15 nekuti uchava chapupu chake kuvanhu vese nezvezvinhu zvawaona nekunzwa.+ 16 Saka uri kunonokerei? Simuka, ubhabhatidzwe, ugeze zvivi zvako+ kuburikidza nekudana zita rake.’+
17 “Asi pandakanga ndadzoka kuJerusarema,+ ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakaona muchiratidzo 18 iye achiti kwandiri: ‘Kurumidza kubuda muJerusarema, nekuti havazobvumi zvaunopupura nezvangu.’+ 19 Uye ndakati: ‘Ishe, ivo vanonyatsoziva kuti ndaiisa mujeri nekurova vaya vaitenda mamuri ndichitevedza sinagogi rimwe nerimwe;+ 20 uye paideurwa ropa raStefani chapupu chenyu, ini ndakanga ndakamira pedyo ndichibvumirana nazvo, ndakachengeta nguo dzekunze dzevaya vaimuuraya.’+ 21 Asi iye akati kwandiri: ‘Enda, nekuti ndichakutuma kumamwe marudzi ari kure.’”+
22 Vaimuteerera kusvikira paakazotaura mashoko aya. Vakabva vashevedzera vachiti: “Bvisai munhu akadai panyika; haakodzeri kurarama!” 23 Vaishevedzera vachikanda nguo dzavo dzekunze mudenga, uye vachimwaya guruva mumhepo,+ 24 saka mutungamiriri weuto akarayira kuti Pauro apinzwe mudzimba dzevarwi, akati aifanira kubvunzurudzwa achiita zvekurohwa, kuti anyatsoziva kuti nei vanhu vakanga vachipengera Pauro kudaro. 25 Asi pavakanga vamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru weuto akanga akamira ipapo: “Munobvumirwa here nemutemo kurova chizvarwa cheRoma chisina kubatwa nemhosva?”*+ 26 Mukuru weuto paakanzwa izvi, akaenda kunoudza mutungamiriri weuto, achiti: “Muri kuronga kuita sei? Munhu uyu chizvarwa cheRoma.” 27 Saka mutungamiriri weuto akauya, akati kwaari: “Ndiudze, uri chizvarwa cheRoma here?” Iye akati: “Hongu.” 28 Mutungamiriri weuto akabva ati: “Ini ndakatenga kodzero idzodzo nemari yakawanda chaizvo.” Pauro akati: “Ini ndakatoberekwa ndiinadzo.”+
29 Pakarepo, varume vakanga vava kuda kumubvunzurudza vachimurova vakabva vasuduruka paari; uye mutungamiriri weuto akatya paakaziva kuti aiva chizvarwa cheRoma uye kuti akanga amusunga necheni.+
30 Saka mangwana acho, sezvo aida kunyatsoziva kuti nei akanga achipomerwa nevaJudha, akamusunungura, akaudza vatungamiriri vevapristi neSanihedrini yese kuti vaungane. Akabva adzika naPauro, akamumisa pakati pavo.+
23 Pauro akanyatsotarisa dare reSanihedrini akati: “Varume, hama, ndakazvibata nehana yakanyatsochena pamberi paMwari+ kusvikira nhasi.” 2 Mupristi mukuru Ananiyasi akabva audza vakanga vakamira pedyo naye kuti vamurove pamuromo. 3 Pauro akabva ati kwaari: “Mwari achakurova, iwe madziro akadzururwa nevhu jena. Ungagara pasi kuti unditonge maererano neMutemo, wotyora Mutemo wacho zvakare nekurayira kuti ndirohwe?” 4 Vaya vakanga vakamira pedyo vakati: “Uri kutuka mupristi mukuru waMwari here?” 5 Pauro akati: “Hama, handina kuziva kuti ndiye mupristi mukuru. Nekuti zvakanyorwa kuti, ‘Usataura zvakaipa pamusoro pemutongi wevanhu vekwako.’”+
6 Pauro aiziva kuti vamwe vavo vaiva vaSadhusi vamwe vavo vari vaFarisi, saka akashevedzera mudare reSanihedrini achiti: “Varume, hama, ini ndiri muFarisi,+ mwanakomana wevaFarisi. Ndiri kutongerwa kuti ndine tariro yekuti vakafa vachamuka.” 7 Paakataura izvi, vaFarisi nevaSadhusi vakatanga kukakavadzana, dare rikabva rapesana. 8 Nekuti vaSadhusi vanoti hakuna rumuko kana ngirozi kana mweya, asi vaFarisi vanobvuma kuti zvese zviriko.+ 9 Saka pakaitika zhowezhowe, uye vamwe vanyori vaiva vaFarisi vakasimuka vakatanga kuita nharo dzinotyisa, vachiti: “Hapana chakaipa chatiri kuona pamurume uyu, asi kana mweya kana kuti ngirozi yakataura naye+—.” 10 Nharo dzacho padzakawedzera, mutungamiriri weuto akatya kuti Pauro aizoitwa kanyama kanyama, saka akarayira varwi kuti vauye kuzomubvisa pakati pavo, vopinda naye mudzimba dzevarwi.
11 Asi usiku hwakatevera Ishe akamira pedyo naye, akati: “Usatya!+ Nekuti unofanirawo kupa uchapupu hwakasimba nezvangu kuRoma sezvawanga uchiita muJerusarema.”+
12 Pakwakaedza, vaJudha vakarangana, vakaita mhiko yekuti vatukwe kana vakadya kana kunwa vasati vauraya Pauro. 13 Paiva nevarume vanopfuura 40 vakabatana mukurangana uku kwaisimbiswa nemhiko. 14 Varume ava vakaenda kuvatungamiriri vevapristi nevakuru, vakati: “Taita mhiko yekuti tisadya kana chii zvacho kusvikira tauraya Pauro. 15 Saka imi neSanihedrini udzai mutungamiriri weuto kuti auye naye kwamuri sekunge kuti muri kuda kunyatsoongorora nyaya yake. Asi asati atombosvika, isu tichange tatogadzirira kumuuraya.”
16 Asi mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa kuti vairangana kumuhwandira, akabva apinda mudzimba dzevarwi, ndokuudza Pauro nezvazvo. 17 Pauro akabva ashevedza mumwe wevarwi, akati: “Perekedza mukomana uyu kumutungamiriri weuto, nekuti ane zvaari kuda kumuudza.” 18 Saka akamutora akaenda naye kumutungamiriri weuto, akati: “Musungwa uya Pauro andishevedza akakumbira kuti ndiuye nemukomana uyu kwamuri nekuti ane zvaari kuda kukuudzai.” 19 Mutungamiriri weuto akamubata ruoko akaenda naye pake ega ndokumubvunza kuti: “Chiiko chauri kuda kundiudza?” 20 Iye akati: “VaJudha vabvumirana kuti vakukumbirei kuti muende naPauro kuSanihedrini mangwana sekunge kuti vari kuda kunyatsoziva nezvenyaya yake.+ 21 Asi musavarega vachikunyengetedzai, nekuti varume vavo vanopfuura 40 vakamuhwandira, uye vaita mhiko yekuti vasadya kana kunwa kana vasina kumuuraya;+ uye vatomirira kunzwa zvamuchataura.” 22 Mutungamiriri weuto akazoita kuti mukomana wacho aende hake, pashure pekumuudza kuti: “Usaudza mumwe munhu kuti wanditaurira nyaya iyi.”
23 Akashevedza vakuru veuto vaviri, akati: “Itai kuti varwi 200 vagadzirire kuenda kuKesariya netsoka, nevatasvi vemabhiza 70 nevarume 200 vane mapfumo, paawa yechitatu manheru.* 24 Muitewo kuti Pauro ave nemabhiza ekutasva, kuti asvike zvakanaka kuna gavhuna Ferikisi.” 25 Uye akanyora tsamba ine mashoko aya:
26 “Kraudhiyo Risiyasi kuna Gavhuna Ferikisi Vanoremekedzwa: Kwaziwai! 27 Murume uyu akabatwa nevaJudha uye vakanga vava kuda kumuuraya, asi ndakakurumidza kusvika nevarwi vangu ndikamununura,+ nekuti ndakanzwa kuti chizvarwa cheRoma.+ 28 Ndakadzika naye kudare ravo reSanihedrini ndichida kuziva mhosva yavaimupomera.+ 29 Ndakaona kuti aipomerwa nyaya dzine chekuita neMutemo wavo,+ asi pasina mhosva yaari kupomerwa ingaita kuti aurayiwe kana kuti asungwe. 30 Asi ndakaudzwa kuti vakarangana kumuuraya,+ saka ndabva ndangomutumira kwamuri, uye ndaudza vari kumupomera kuti vataure nyaya yavo pamberi penyu.”
31 Saka varwi ava vakatora Pauro+ sezvavakanga varayirwa, vakaenda naye kuAndipatrisi usiku. 32 Mangwana acho vakaita kuti vatasvi vemabhiza vaende naye, ivo ndokudzokera kudzimba dzevarwi. 33 Vatasvi vemabhiza vakasvika muKesariya, vakasvitsa tsamba kuna gavhuna, ndokuisa Pauro mumaoko ake. 34 Saka akaiverenga akamubvunza kuti aibva mudunhu ripi, akaudzwa kuti aibva kuKirikiya.+ 35 Iye akati, “Ndichanyatsonzwa nyaya yako kana vari kukupomera vasvika.”+ Uye akarayira kuti achengetedzwe mumuzinda waHerodhi.
24 Pashure pemazuva mashanu, mupristi mukuru Ananiyasi+ akasvika nevakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, ndokupira kuna gavhuna nyaya yavaipomera Pauro.+ 2 Paakanzi ataure, Teturo akatanga nyaya yacho achiti:
“Tinoona kuti imi muri kuita kuti tinyatsogara murunyararo uye kungwara kwenyu kuri kuita kuti zvinhu zvakawanda zvichinje munyika muno 3 izvo zvatinobvuma nguva dzese uye munzvimbo dzese, tichikutendai zvikuru imi Changamire Vanoremekedzwa Ferikisi. 4 Asi kuti ndirege kukupedzerai nguva yenyu, ndinokumbirawo kuti mumbotiteererawo netsitsi dzenyu. 5 Nekuti takaona kuti murume uyu anetsa+ uye ari kufurira+ vanhu vechiJudha kupandukira hurumende munyika yese, uye ari kutungamirira kamwe kapoka kevaNazareta.+ 6 Akaedzawo kusvibisa temberi, saka takamubata.+ 7* —— 8 Kana mukamubvunzurudza, muchaona kuti zvese zvatiri kumupomera ndezvechokwadi.”
9 VaJudha vakabva vapindirawo mukupomera kwacho, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi. 10 Pakatarisa gavhuna kuna Pauro achimugutsurira musoro kuti ataure, Pauro akapindura achiti:
“Ndinonyatsoziva kuti mava nemakore akawanda muri mutongi wenyika ino, saka ndinofara kutaura ndichizvidavirira panyaya yandiri kupomerwa.+ 11 Haasati atombopfuura mazuva 12 kubvira pandakakwidza kuJerusarema kunonamata;+ munogona kubvunza mozvinzwira mega. 12 Uye havana kundiwana ndichiita nharo nemunhu mutemberi kana kuti ndichifurira vanhu kuita zhowezhowe, mungava mumasinagogi kana kuti muguta rese. 13 Uye havagoni kukupai uchapupu hwezvinhu zvavari kundipomera iye zvino. 14 Asi chandinobvuma kwamuri ndechekuti, pandiri kufamba nenzira iyi yavanoti kapoka ndiri kutoitira Mwari wemadzitateguru angu basa dzvene,+ sezvo ndichitenda zvinhu zvese zvakanyorwa muMutemo nezvakanyorwa neVaprofita.+ 15 Uye ndine tariro kuna Mwari, tariro ine varume avawo, yekuti kuchava nekumuka+ kwevakarurama nevasina kururama.+ 16 Saka ndinoedza nguva dzese kuva nehana yakachena* pamberi paMwari nevanhu.+ 17 Pashure pemakore akawanda ndisipo ndakazosvika kuvanhu vekwangu ndichizopa zvipo zvekubatsira varombo*+ uye kupa mipiro. 18 Pandakanga ndichiita izvi vakandiwana ndiri mutemberi ndakachena maererano neMutemo,+ asi ndisina kuunganirwa nevanhu uye ndisingakonzeri mhirizhonga. Asi pane vamwe vaJudha vaibva kunharaunda yeEzhiya 19 vanofanira kunge vauyawo pamberi penyu kuti vandipomere kana vaine mhosva yacho yekundipomera.+ 20 Kana kuti varume vari pano ngavataure vega kana paine chakaipa chavakawana pandakamira pamberi peSanihedrini, 21 kunze kwechinhu chimwe chete chandakashevedzera ndakamira pakati pavo ndichiti: ‘Nhasi ndiri kutongwa pamberi penyu pamusoro pekumuka kwevakafa!’”+
22 Asi sezvo Ferikisi ainyatsoziva zvese nezveNzira iyi,+ akambovamisa achiti: “Kana Risiyasi mutungamiriri weuto auya, ndichazopa mutongo panyaya yenyu.” 23 Uye akaudza mukuru weuto kuti murume wacho achengetwe muusungwa asi achibvumirwa kuita zvimwe zvinhu, uye kuti abvumirwe kuitirwa zvaanenge achida nevanhu vake.
24 Pashure pemazuva, Ferikisi akauya nemudzimai wake Drusira, uyo aiva muJudha, ndokushevedza Pauro kuti amuteerere achitaura nezvekutenda muna Kristu Jesu.+ 25 Asi Pauro paaitaura nezvekururama nekuzvidzora uye kutongwa kuchauya,+ Ferikisi akatya, akati: “Iye zvino chimboenda hako, ndozokushevedzazve kana ndawana mumwe mukana.” 26 Ukuwo aitarisira kupiwa mari naPauro. Saka airamba achingomushevedza achikurukura naye. 27 Asi pakapfuura makore maviri, Ferikisi akatsiviwa naPokiyo Festo; uye sezvo Ferikisi aida kufarirwa nevaJudha,+ akasiya Pauro akasungwa.
25 Saka Festo+ paakasvika mudunhu racho, akakwidza kuJerusarema achibva kuKesariya pashure pemazuva matatu atanga kutonga. 2 Uye vatungamiriri vevapristi nevarume vakuru vevaJudha vakamuudza zvavaipomera Pauro.+ Saka vakatanga kukumbira Festo 3 kuti avabatsire nekuita kuti Pauro aunzwe kuJerusarema. Asi vakanga vachironga kuhwandira Pauro munzira, vomuuraya.+ 4 Asi Festo akapindura kuti Pauro aifanira kuchengetwa muKesariya uye kuti iye wacho akanga ava kuda kutodzokerako. 5 Akati, “Saka vatungamiriri venyu ngavauye tiende tese vanomupomera kana paine chaakatadza zvechokwadi.”+
6 Saka paakanga apedza mazuva angasvika 8 kana kuti 10 ainavo, akadzika kuKesariya, uye mangwana acho akagara pachigaro chekutonga, akarayira kuti Pauro aunzwe. 7 Paakapinda, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamukomba, vachimupomera mhosva dzakakura dzakawanda asi vachitadza kupa uchapupu hwekuti ndedzechokwadi.+
8 Asi Pauro akapindura kuti: “Handina kutyora Mutemo wevaJudha kana kutadzira temberi kana Kesari.”+ 9 Festo, achida kunzi akanaka nevaJudha,+ akapindura Pauro achiti: “Unoda here kukwidza kuJerusarema wonotongerwa nyaya idzi pamberi pangu?” 10 Asi Pauro akati: “Ndakamira pamberi pechigaro chekutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa. Handina zvandakatadzira vaJudha sezvamava kuzvionerawo. 11 Kana ndiine mhosva yandakapara uye ndakaita chimwe chinhu chakakodzera rufu,+ handisi kukumbira kuti ndirege kufa; asi kana nyaya dzandiri kupomerwa nevanhu ava dzisina chokwadi, hapana munhu ane kodzero yekundiisa mumaoko avo kuti avafadze. Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!”+ 12 Festo akabva ataura nedare remakurukota, ndokupindura kuti: “Wakwidza nyaya yako kuna Kesari, saka uchaenda kuna Kesari.”
13 Pashure pemazuva, Mambo Agripa naBhenisi vakasvika muKesariya vachishanyira Festo kuzomukwazisa. 14 Sezvo vaizomboti garei ikoko kwemazuva, Festo akabva asuma mambo nyaya yaPauro achiti:
“Pane mumwe murume akasiyiwa ari musungwa naFerikisi, 15 uye pandaiva kuJerusarema vatungamiriri vevapristi nevakuru vevaJudha vakauya kuzondiudza nezvake,+ vachikumbira kuti arangwe. 16 Asi ndakavapindura kuti hausiri iwo mutemo weRoma kuti vanhu vapiwe munhu wavari kupomera mhosva kuti vafare, iye munhu wacho asati aonana chiso nechiso nevari kumupomera vacho, kuti apiwe mukana wekuratidza kuti zvavari kumupomera hazvisi zvechokwadi.+ 17 Saka pavakasvika pano, handina kunonoka, asi mangwana acho ndakagara pachigaro chekutonga, ndikati murume wacho aunzwe. 18 Pavakasimuka vachitaura, vanhu vacho havana kumupomera mhosva dzakaipa dzandaifunga kuti ndidzo dzaakaita.+ 19 Vaingoitisana nharo nezvekunamata kwavo mumwe mwari*+ uye pamusoro pemurume ainzi Jesu, akanga afa asi uyo Pauro akaramba achiti mupenyu.+ 20 Pandakashaya kuti ndogadzirisa sei nharo idzi, ndakamubvunza kana aida kuenda kuJerusarema kunotongwa ikoko pamusoro penyaya idzi.+ 21 Asi Pauro paakakumbira kuti achengetwe muusungwa kuti nyaya yake izotongwa naMambo Mukuru,+ ndakataura kuti arambe akachengetwa kusvikira ndamutumira kuna Kesari.”
22 Agripa akabva ati kuna Festo: “Ndinoda kumunzwawo ndega murume wacho.”+ Akati, “Uchamunzwa mangwana.” 23 Saka mangwana acho Agripa naBhenisi vakapinda muimba yaitongerwa mhosva vachizvikudza vaine vatungamiriri veuto nevarume vakakurumbira vemuguta; uye Festo akarayira kuti Pauro aunzwe, ndokubva apindwa naye. 24 Festo akati: “Mambo Agripa nemi mese muri pamwe nesu, murume wamuri kuona uyu ndiye wandakakumbirwa nezvake nevaJudha vese vekuJerusarema nevekuno, vachishevedzera kuti haafaniri kuramba ari mupenyu.+ 25 Asi ndakaona kuti hapana chaakaita chingaita kuti akodzere kuurayiwa.+ Saka murume uyu paakakwidza nyaya yake kuna Mambo Mukuru, ndakasarudza kumutumira. 26 Asi ndashaya chinhu chine musoro chekunyora nezvake kunaShe wangu. Saka ndamuunza pamberi penyu mese, kunyanya imi Mambo Agripa, kuti kana dare raongorora, zvimwe ndingawana chekunyora. 27 Nekuti ndiri kuona zvisina musoro kuti nditumire musungwa asi ndisingatauri mhosva dzaari kupomerwa.”
26 Agripa+ akati kuna Pauro: “Unobvumirwa kutaura uchizvimiririra.” Pauro akabva atambanudza ruoko rwake, akatanga kutaura nyaya yake achiti:
2 “Ndiri kufara kuti pazvinhu zvese zvandiri kupomerwa nevaJudha,+ nhasi ndakamira pamberi penyu imi Mambo Agripa kuti ndizvipindurire, 3 sezvo imi muchinyatsoziva tsika dzese dzevaJudha nenyaya dzese dzavanonetsana. Saka ndinokumbira kuti munyatsonditeererawo.
4 “Mararamiro andaiita kubvira ndichiri mudiki, pakati pevanhu vekwangu* uye muJerusarema, anonyatsozivikanwa nevaJudha vese+ 5 vaizivana neni, kana vachida havo kupupurira kuti ndairarama semuFarisi,+ boka risingatombotsaudziri pamanamatiro edu.+ 6 Asi iye zvino ndakamira pamberi pedare ndichitongerwa tariro yezvakavimbiswa madzitateguru edu naMwari;+ 7 iyi ndiyo vimbiso iri kutarisirwa nemadzinza edu 12 kuti izadziswe, paari kushingaira kuita basa dzvene siku nesikati. Tariro iyoyi ndiyo yandiri kupirwa mhosva nevaJudha,+ Mambo wangu.
8 “Nei musingabvumi kuti Mwari anokwanisa kumutsa vakafa? 9 Ini ndini munhu aifunga kuti ndaitofanira kuita zvinhu zvakawanda ndichirwisana nezita raJesu wekuNazareta. 10 Izvi ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema, uye ndakapfigira vatsvene vakawanda mumajeri,+ nekuti ndakanga ndapiwa simba racho nevatungamiriri vevapristi;+ uye pavaida kuurayiwa, ndaibvumirana nazvo. 11 Ndaivaranga kakawanda mumasinagogi ese ndichiedza kuvamanikidza kuti varambe zvavanotenda; uye sezvo ndakanga ndakavatsamwira kwazvo, ndakatosvika pakuvatambudza kunyange mune mamwe maguta.
12 “Pandaiita izvi ndichienda kuDhamasiko ndapiwa mvumo uye ndatumwa nevatungamiriri vevapristi, 13 ava masikati, Mambo wangu, ndakaona chiedza chaibva kudenga ndiri mumugwagwa, chichipenya kupfuura zuva, chikatipoteredza, ini nevamwe vandaifamba navo.+ 14 Tese patakanga tawira pasi, ndakanzwa inzwi richiti kwandiri muchiHebheru: ‘Sauro, Sauro, uri kunditambudzireiko? Kuramba uchikava zvibayiso* kunoita kuti zvikuomere.’ 15 Ndakabva ndati: ‘Ndimi ani, Ishe?’ Ishe akati: ‘Ndini Jesu, wauri kutambudza. 16 Asi simuka umire. Ndazviratidza kwauri nekuti ndakusarudza kuti uve mushumiri uye chapupu chezvinhu zvawaona nezvinhu zvandichaita kuti uone pamusoro pangu.+ 17 Uye ndichakununura pavanhu ava nepamarudzi andiri kukutuma kwaari+ 18 kuti usvinudze maziso avo,+ uvatendeutse kubva murima+ uchivaendesa kuchiedza+ uye kubva pasimba raSatani+ uchivaendesa kuna Mwari, kuti varegererwe zvivi zvavo+ uye vawane nhaka pakati pevaya vakatsveneswa nekutenda kwavo mandiri.’
19 “Saka Mambo Agripa, handina kurega kuteerera chiratidzo ichi chekudenga, 20 asi ndakatangira kune vaya vari muDhamasiko,+ ndikazoenda kune vaya vari muJerusarema,+ nenharaunda yese yeJudhiya, uye kumamwe marudzi, ndichivaendesera mashoko ekuti vaifanira kupfidza zvivi zvazvo votendeukira kuna Mwari nekuita mabasa anoratidza kupfidza zvivi.+ 21 Izvi ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya.+ 22 Asi nekuti ndakabatsirwa naMwari, nanhasi ndichiri kupupurira vakuru nevadiki, pasina chimwe chandinozivisa kunze kwezvakanyorwa muVaprofita nezvakanyorwa naMozisi kuti zvaizoitika,+ 23 zvekuti Kristu aizotambura+ ova wekutanga kumutswa kuvakafa,+ achizozivisa chiedza kuvanhu ava nekumamwe marudzi.”+
24 Pauro paakanga achiri pakati pekutaura zvinhu izvi achizvimiririra, Festo akashevedzera kuti: “Wava kupenga Pauro! Kunyanya kudzidza kwava kukupengesa!” 25 Asi Pauro akati: “Handisi kupenga, Changamire Vanoremekedzwa Festo. Ndiri kutaura mashoko echokwadi uye ane musoro. 26 Kutaura chokwadi mambo wandiri kutaura naye ndakasununguka kudai anonyatsoziva zvinhu izvi; ndinonyatsotenda kuti hapana kana chaasingazivi pazvinhu izvi, nekuti hapana kana chimwe chete chazvo chakaitwa pachivande.+ 27 Mambo Agripa, munotenda zvakanyorwa muVaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” 28 Asi Agripa akati kuna Pauro: “Unenge uchatondinyengetedza kuva muKristu nenguva pfupi pfupi iwe.” 29 Pauro akati: “Ndinonyengetera kuna Mwari kuti kunyange zvikaitika munguva pfupi kana kuti yakareba, musangova imi chete, asiwo vamwe vese vari kundinzwa nhasi, mese mufanane neni, asi musina zvisungo izvi.”
30 Mambo akabva asimuka uye gavhuna naBhenisi nevarume vakanga vagere navo vakasimukawo. 31 Asi pavakanga vava kuenda, vakataurirana vachiti: “Murume uyu haana chaari kuita chakakodzera rufu kana kusungwa.”+ 32 Agripa akabva ati kuna Festo: “Dai murume uyu asina kukwidza nyaya yake kuna Kesari angadai asunungurwa.”+
27 Pazvakasarudzwa kuti tiende kuItari nechikepe,+ vakaisa Pauro nevamwe vasungwa mumaoko emukuru weuto ainzi Juriyasi, wechikwata chaAgasto. 2 Takakwira ngarava yaibva kuAdramitiyumu ichienda kuzviteshi zvakatevedza mhenderekedzo yenharaunda yeEzhiya, ngarava ikatanga kufamba; mumwe aiva nesu ndiAristako+ muMakedhoniya aibva kuTesaronika. 3 Mangwana acho takasvika kuSidhoni, uye Juriyasi akabata Pauro zvakanaka,* akamubvumira kuenda kushamwari dzake kuti dzinomubatsira.
4 Takabva ipapo tikapinda mugungwa, tikaenda takadzivirirwa neSaipurasi, nekuti mhepo yaibva kwatakanga takatarisa. 5 Takabva tafamba nemugungwa takatevedza Kirikiya nePamfiriya tikasvika pachiteshi chezvikepe chepaMaira muRikiya. 6 Ikoko mukuru weuto akawana ngarava yaibva kuArekizandriya ichienda kuItari, akaita kuti tikwire iyoyo. 7 Takafamba zvishoma nezvishoma kwemazuva, ndokuzosvika kuKinidho tatambura. Sezvo mhepo yakatitadzisa kuramba tichienda mberi, takafamba takadzivirirwa neKrete tichipfuura nepaSarimoni. 8 Uye takafamba tichiita zvekutamburira tichitevedza mahombekombe ndokusvika panzvimbo yainzi Pekuzororera Pakanaka, yaiva pedyo neguta reRaseya.
9 Nguva yakareba yakanga yapfuura uye iye zvino zvakanga zvava nengozi kuti tifambe nemugungwa, nekuti kunyange kutsanya kwepaZuva Rekuyananisira+ kwakanga kwatopfuura, saka Pauro akataura 10 navo achiti: “Varume, zvandiri kuona ndezvekuti rwendo urwu ruchaguma nekuparara nekurasikirwa kukuru nezvinhu zvakatakurwa nengarava, pamwe nengarava yacho. Isuwo vacho tinogona kurasikirwa neupenyu hwedu.”* 11 Asi mukuru weuto akateerera mufambisi wengarava nemuridzi wayo panzvimbo pezvaitaurwa naPauro. 12 Sezvo chiteshi chengarava chakanga chisingaiti kuti vapedze mwaka wechando vari ipapo, vakawanda vakati tibve ipapo kuitira kuti kana zvichiita vapedze mwaka wechando vari kuFonikisi, chiteshi chengarava cheKrete chinopindwa nekuchamhembe kwakatarisa kumabvazuva uye nekumaodzanyemba kwakatarisa kumabvazuva.
13 Pakavhuvhuta mhepo yekumaodzanyemba zvinyoronyoro, vakafunga kuti vakanga vabudirira pachinangwa chavo, saka vakasimudza zvinomisa ngarava ndokutanga kufamba vachitevedza Krete vari pedyo nemahombekombe. 14 Asi pashure pekanguva, kwakauya mhepo yakasimba, yainzi Yuroakwiro* ikarova ngarava. 15 Ngarava payakarohwa nemhepo zvine simba, isisakwanisi kuramba yakatarisa kuri kubva mhepo, takazongotevedzera kwayaida kuenda ndokutanga kuendwa nesu. 16 Takabva tafamba takadzivirirwa nekamwe kachitsuwa kanonzi Kaudha, asi taiomerwa nekudzikamisa kachikepe* kakanga kakatakurwa kumashure kwengarava. 17 Asi pashure pekukakwidza mukati, vakatanga kushandisa tambo dzacho kusunga ngarava nepadumbu payo, uye vachitya kurovera pajecha kuSitisi,* vakaita kuti zvinobata mhepo kuti ngarava ifambe zvidzike, vakabva vatanga kungoendwa navo. 18 Sezvo taisundwa zvakasimba nedutu, mangwana acho vakatanga kuita kuti ngarava irerukirwe. 19 Uye pazuva rechitatu, vakarasira kunze nemaoko avo zvavaishandisa kufambisa ngarava.
20 Patakaona mazuva akawanda apfuura tisina kuona zuva kana nyeredzi, dutu rine simba richingotirova, tariro yedu yekupona yakatanga kupera. 21 Pashure penguva yakareba tisingadyi, Pauro akasimuka pakati pavo, akati: “Varume, dai makateerera zvandakataura kuti musapinda mugungwa kubva kuKrete mungadai musina kuparadza zvinhu uye kurasikirwa zvakadai.+ 22 Kunyange zvakadaro, ndinokukurudzirai kuti mushinge, nekuti hapana kana mumwe wenyu achaparara, kunze kwengarava chete. 23 Usiku huno ngirozi+ yaMwari wangu wandinoitira basa dzvene yamira pedyo neni, 24 ikati, ‘Pauro, usatya. Unofanira kumira pamberi paKesari,+ uye Mwari achakuponesera vese vauri kufamba navo mungarava.’ 25 Saka farai varume, nekuti ndinotenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvandaudzwa chaizvo. 26 Asi tinofanira kurasirwa panyika pane chimwe chitsuwa.”+
27 Pahwakanga hwava usiku hwechi14 tichingokandwa kwese kwese muGungwa reAdriya, pakati peusiku vafambisi vengarava vakatanga kufungidzira kuti vakanga vava kuswedera pedyo neimwe nyika. 28 Vakayera kudzika kwacho vakaona kuti paiva nemafatomu 20,* saka vakati fambei ndokuyera zvakare vakaona kuti paiva nemafatomu 15.* 29 Vachitya kuti taigona kurovera pamatombo, vakakanda zvinotsigisa ngarava zvina vari shure, uye vakatanga kungoti dai kwachiedza. 30 Asi vafambisi vengarava pavakanga vava kuda kutiza vachisiya ngarava vachinyepedzera kunge vari kudzikisa zvinotsigisa ngarava asi ivo vachidzikisa kachikepe vari nechekumberi kwengarava, 31 Pauro akati kumukuru weuto nekuvarwi: “Kana varume ava vakasaramba vari mungarava, hamusi kuzoponeswa.”+ 32 Varwi vakabva vacheka tambo dzakanga dzakabata kachikepe vakakarega kachidonha.
33 Pakwakanga kwava kuedza, Pauro akavakurudzira vese kuti vadye achiti: “Nhasi rava zuva rechi14 musingazivi zvichaitika, musina kana chamuri kudya. 34 Saka ndinokukurudzirai kuti mudye; izvi zvichakubatsirai kuti mupone, nekuti hapana kana mumwe wenyu acharasikirwa nebvudzi remumusoro make.” 35 Pashure pekutaura izvi, akatora chingwa, akatenda Mwari pamberi pavo vese, akachimedura, ndokutanga kudya. 36 Saka vese vakanzwa vasimbiswa, vakatanga kudya. 37 Tese takanga tiri 276 mungarava macho. 38 Pavakanga vadya vakaguta, vakarerutsira ngarava nekukanda gorosi mugungwa.+
39 Pakwakachena, vakatadza kuziva nyika yacho,+ asi vakaona mamwe mahombekombe aiva nejecha, saka vaida kuti kana zvichiita vanomisa ngarava ipapo. 40 Saka vakacheka zvinotsigisa ngarava, vakazvirega zvichiwira mugungwa, uku vachisunungura tambo dzezvikwasviso zvepachidzoreso; pashure pekusimudza zvinobata mhepo zvekumberi, vakananga kumahombekombe acho ane jecha. 41 Vakarovera pajecha rakanga rakaungana mumvura, ngarava ikatungira mujecha nemuromo wayo zvekutadza kubvapo, ikabva yatanga kutyorwa-tyorwa nechekumashure nemasaisai ane simba.+ 42 Varwi vakabva vafunga zvekuuraya vasungwa, kuti parege kuva nevanoshambira, vakatiza. 43 Asi mukuru weuto aiva nechido chekusvitsa Pauro zvakanaka, saka akavarambidza kuita zvavakanga varonga. Akati vaya vaikwanisa kushambira vasvetukire mugungwa, vatange kusvika pachitsuwa, 44 uye vamwe vese vaifanira kutevera, vamwe vari pamapuranga, vamwe pazvimedu zvakanga zvabva pangarava. Saka vese vakasvika pachitsuwa zvakanaka.+
28 Patakasvika kumahombekombe zvakanaka, takazoziva kuti chitsuwa chacho chainzi Marita.+ 2 Vanhu veko* vakatibata zvakanaka chaizvo.* Vakabatidza moto vakatigamuchira tese zvakanaka nekuti kwainaya uye kwaitonhora. 3 Asi Pauro paakaunganidza tsotso ndokudziisa pamoto, makabva mabuda nyoka ine uturu payakanzwa kupisa, ikamuruma ndokuramba yakanamatira paruoko rwake. 4 Vanhu vaya pavakaona nyoka iyi ine uturu yakarembera paruoko rwake, vakatanga kutaurirana vachiti: “Murume uyu imhondi chaiyo, kunyange zvazvo atadza kufira mugungwa, Kutongwa Kwakarurama* kwaratidza kuti haana kukodzera kuti arambe ari mupenyu.” 5 Asi akazunzira nyoka yacho mumoto, uye hapana chakaitika kwaari. 6 Asi vaitarisira kuti achazvimba kana kuti achangoerekana awira pasi ofa. Vakamira kwenguva refu, uye hapana chakaitika kwaari, saka vakachinja pfungwa, vakatanga kuti aiva mwari.
7 Pedyo nenzvimbo iyoyo paiva nemutongi wechitsuwa ichi aiva neminda ainzi Pabriyo, uye akatitambira zvakanaka, akagara nesu kwemazuva matatu. 8 Zvakangoitikawo kuti baba vaPabriyo vakanga vakarara vachirwara nefivha nemanyoka, uye Pauro akapinda mavaiva, akanyengetera, akaisa maoko ake pavari, ndokuvaporesa.+ 9 Izvi pazvakaitika, vanhu vese vakanga vachirwara vaiva pachitsuwa ichi vakatangawo kuuya kwaari, vachiporeswa.+ 10 Vakatipawo zvipo zvakawanda zvekutitenda, uye patakanga tava kuenda nengarava, vakatirongedzera zvese zvataida.
11 Pashure pemwedzi mitatu takasimuka tiri mungarava yaiva nemufananidzo wakanzi “Vanakomana vaZeusi.” Ngarava yacho yaibva kuArekizandriya uye yakanga yapedza mwaka wechando iri pachitsuwa ichi. 12 Takasvika pachiteshi chepaSirakusi, tikagara ipapo kwemazuva matatu; 13 takabva ipapo tikafamba tikasvika kuRegiyumu. Mangwana acho mhepo yekumaodzanyemba yakasimuka, tikazosvika kuPuteori zuva rechipiri. 14 Pano takawana hama uye dzakatikumbira kuti timbogara nadzo kwemazuva manomwe, ndokubva tazoenda takananga kuRoma. 15 Hama dzaiva kuRoma, padzakanzwa nezvedu, dzakauya kuzotichingura tichiri kure chaizvo, kuMusika weApiyo neHotera Nhatu. Pauro paakadziona, akaonga Mwari, akanzwa asimbiswa.+ 16 Patakazosvika muRoma, Pauro akabvumirwa kugara ega aine murwi aimuchengetedza.
17 Asi pashure pemazuva matatu akadana varume vakuru vevaJudha. Pavakanga vaungana, akati kwavari: “Varume, hama, kunyange ndisina kuita chinhu chinopesana nevanhu kana chinopesana netsika dzemadzitateguru edu,+ ndakasungwa kuJerusarema ndikaiswa mumaoko evaRoma.+ 18 Uye pashure pekunge vandibvunzurudza,+ vaida kundisunungura, nekuti pakanga pasina chikonzero chekuti ndiurayiwe.+ 19 Asi vaJudha pavakaramba kuti ndisunungurwe, ndaitofanira kukwidza nyaya yacho kuna Kesari,+ asi kwete nekuti ndaiva nechimwe chinhu chekupomera rudzi rwangu. 20 Saka izvi ndizvo zvaita kuti ndikumbire kukuonai ndotaura nemi, nekuti ndakasungwa necheni idzi nekuda kwetariro yaIsraeri.”+ 21 Ivo vakati kwaari: “Hatina kumbotambira tsamba dziri kutaura nezvako kubva kuJudhiya, uye hapana kana mumwe wehama dzakabva ikoko akatiudza kana kutaura chinhu chakaipa nezvako. 22 Asi tinofunga kuti zvakanaka kuti tinzwe uchitaura wega zvaunofunga, nekuti chokwadi ndechekuti tinoziva kuti kapoka aka+ kanoshorwa kwese kwese.”+
23 Vakabva varonga zuva rekuzoonana naye, uye vakauya vatowanda kumba kwaaigara. Uye kubvira mangwanani kusvikira manheru akavatsanangurira nyaya yacho achivapa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari, kuti avanyengetedze nezvaJesu+ kubva muMutemo waMozisi+ nezvakanyorwa neVaprofita.+ 24 Vamwe vakatanga kutenda zvaaitaura; vamwe vakanga vasingatendi. 25 Saka sezvo vakanga vasingabvumirani, vakatanga kuenda, uye Pauro akataura shoko iri rimwe chete, achiti:
“Mweya mutsvene wakareva pawakataura kumadzitateguru enyu uchishandisa muprofita Isaya 26 uchiti, ‘Enda kuvanhu ava unoti: “Kunzwa muchanzwa, asi hamuzombonzwisisi, uye kutarisa muchatarisa, asi hamuzombooni.+ 27 Nekuti mwoyo yevanhu ava haichateereri, uye nzeve dzavo dzakanzwa asi havana zvavakaita, uye vakatsinzina maziso avo, kuti varege kuzomboona nemaziso avo uye kunzwa nenzeve dzavo vachinzwisisa nemwoyo yavo, votendeuka, ndovaporesa.”’+ 28 Saka zivai kuti ruponeso urwu rwakabva kuna Mwari rwakatumirwa kune mamwe marudzi;+ iwo achatoruteerera.”+ 29* ——
30 Saka akagara ipapo kwemakore maviri akazara ari mumba yake ega yaibhadharwa,+ uye aigamuchira zvakanaka vese vaimushanyira, 31 achivaparidzira Umambo hwaMwari uye achivadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu, achitaura akasununguka,*+ pasina anomurambidza.
Kana kuti “zviri musimba raBaba.”
Kana kuti “kumugumo wenyika.”
ChiGir., “yaipinda Ishe Jesu nekubuda.”
Kana kuti “nendimi dzakasiyana-siyana.”
Kana kuti “waakaberekwa achitaura.”
Kureva, kuma9:00 dzemangwanani.
Dzimwe shanduro dzinoti, “patambo dzerufu.”
ChiGir., “nyama yangu ichagara iine.”
Kana kuti “hamuzosiyi mweya wangu.”
Kana kuti “muHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “muHadhesi.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “vachishandisa zvinhu zvavo pamwe chete.”
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kana kuti “zvipo zvengoni.”
ChiGir., “ichibva kuchiso chaJehovha.” Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
ChiGir., “nekumbeu yako.”
Kana kuti “nezvekumuka kwevakafa vachishandisa muenzaniso waJesu.”
ChiGir., “musoro wekona.”
Kureva, kudzidza kuzvikoro zvavanarabhi; kwete kuti vakanga vasingagoni kuverenga nekunyora.
Kana kuti “naKristu wake.”
Kana kuti “vanyengetera vachiteterera.”
Kana kuti “pamuti.”
ChiGir., “Hazvitifadzi.”
Kana kuti “vanopupurirwa zvakanaka.”
ChiGir., “mbeu.”
ChiGir., “mbeu.”
Kana kuti “vovabata zvisina kunaka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “akachecheudzawo.”
Kana kuti “kunoongorora.”
Kureva, Mwari.
Kana kuti “mweya wangu.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “kune rimwe guta riri muSamariya.”
ChiGir., “nduru inovava.”
ChiGir., “achipinda nekubuda.”
Zita rechiGiriki rekuti Dhokasi uye rechiAramaiki rekuti Tabhita, ese anoreva kuti “Mhara.”
Kana kuti “mutungamiriri wevarwi 100.”
Ichi chaiva chikwata cheuto reRoma chaiva nevarwi 600.
Kana kuti “zvipo zvengoni zvakawanda.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
Kureva, chinhu chiya chakaita sejira.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kana kuti “pamuti.”
Kana kuti “vakatendeka.”
ChiGir., “nendimi.”
Kana kuti “kuitisana nharo naye.”
ChiGir., “vakabva vanyarara.”
Kana kuti “achida kuzomutonga.”
Kana kuti “achida kurwisa.”
Kana kuti “Mutema.”
Kana kuti “achivashandira.”
ChiGir., “mbeu.”
Kana kuti “pamuti.”
Kana kuti “muguva rekuyeukwa.”
Kana kuti “rwakavimbika.”
Kana kuti “kuda kwaMwari.”
Kana kuti “vaitisana nharo dzakaoma.”
Kana kuti “dumba; imba.”
Kana kuti “ndasarudza.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “zvakaurayiwa zvisingabudiswi ropa.”
Kana kuti “mweya yavo.”
Kana kuti “zvakaurayiwa zvisingabudiswi ropa.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Muve neutano hwakanaka.”
Kana kuti “vakapfuura nemuMisiya.”
Kana kuti “tisina kutongwa.”
Kana kuti “vainge vashanya.”
Kana kuti “munotya vanamwari.”
Kureva, pasinagogi.
Kunofanira kunge kuri kukwidza kuJerusarema.
Kana kuti “mweya wake uri maari.”
ChiGir., “akamedura chingwa.”
Kana kuti “nepfungwa dzinozvininipisa.”
Kana kuti “zvakakunakirai.”
Kana kuti “ndichimanikidzwa nemweya.”
Kana kuti “mweya wangu.”
ChiGir., “vachiwira pamutsipa waPauro.”
ChiGir., “mhandara.”
Kana kuti “zvakaurayiwa zvisingabudiswi ropa.”
Kana kuti “chisina kutongwa.”
Kureva, kuma9:00 dzemanheru.
Kana kuti “isina mhosva.”
Kana kuti “zvipo zvengoni.”
Kana kuti “nezvechitendero chavo.”
Kana kuti “perudzi rwangu.”
Chibayiso chinhu chakapinza chaishandiswa kuita kuti mhuka isiri kuda kufamba ifambe.
Kana kuti “akaratidza Pauro mutsa.”
Kana kuti “nemweya yedu.”
Kureva, mhepo yekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva.
Aka kachikepe kekuwedzera kaifambwa nako kaigona kushandiswa pakununura vanhu kana ngarava yapinda munjodzi.
Angasvika mamita 36. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Angasvika mamita 27. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “Vanhu vacho vaitaura mumwe mutauro.”
Kana kuti “vakatiratidza mutsa wakakura.”
Shoko racho rechiGiriki nderekuti Di′ke. Zvichida vaitaura nezvamwarikadzi wekutsiva kana kuti vaingotaurawo pfungwa yekuti atsiviwa.
Kana kuti “neushingi.”