RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Johani 1:1-21:25
  • Johani

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Johani
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Johani

MASHOKO AKANAKA AKANYORWA NAJOHANI

1 Pakutanga Shoko rakanga riripo,+ uye Shoko rakanga riina Mwari,+ uye Shoko rakanga riri mwari.+ 2 Pakutanga uyu akanga aina Mwari. 3 Zvinhu zvese zvakavapo pachishandiswa iye,+ uye kunze kwake hapana kunyange chinhu chimwe chete chakavapo.

4 Upenyu ndihwo hwakavapo pachishandiswa iye, uye upenyu hwakanga huri chiedza chevanhu.+ 5 Uye chiedza chiri kupenya murima,+ asi rima harina kuchikunda.

6 Kwaiva nemumwe murume akatumwa semumiririri waMwari; iye ainzi Johani.+ 7 Murume uyu akauya sechapupu, kuti apupure pamusoro pechiedza,+ kuti aite kuti vanhu vemarudzi ese vatende. 8 Akanga asiri chiedza chacho,+ asi aifanira kupupura pamusoro pechiedza chacho.

9 Chiedza chechokwadi, icho chinovhenekera vanhu vemarudzi ese, chakanga chava kuda kuuya munyika.+ 10 Iye akanga ari munyika,+ uye nyika yakavapo pachishandiswa iye,+ asi nyika haina kumuziva. 11 Akauya kumusha kwake, asi vanhu vekwake havana kumugamuchira. 12 Asi akapa vese vakamugamuchira kodzero yekuva vana vaMwari,+ nekuti vaitenda muzita rake.+ 13 Uye havana kuberekwa neropa kana kuti nekuda kwenyama kana kuti kwemunhu, asi naMwari.+

14 Saka Shoko rakava nyama+ rikagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya kwakaita sekuya kwemwanakomana akaberekwa ari mumwe oga+ akabva kuna baba; uye akanga akazara nenyasha dzaMwari nechokwadi. 15 (Johani akapupura nezvake, uye aishevedzera achiti: “Uyu ndiye wandakataura nezvake kuti, ‘Uyo anouya shure kwangu ndiye akatanga, nekuti akavapo ini ndisati ndavapo.’”)+ 16 Nekuti tese takagamuchira nyasha pamusoro pedzimwe nyasha, kubva panyasha dzake nechokwadi zvakazara. 17 Nekuti Mutemo wakapiwa pachishandiswa Mozisi,+ nyasha+ nechokwadi zvikavapo pachishandiswa Jesu Kristu.+ 18 Hapana munhu akambobvira aona Mwari;+ mwari akaberekwa ari mumwe oga+ ari parutivi paBaba*+ ndiye akamutsanangura.+

19 Izvi ndizvo zvakataurwa naJohani pakauya vapristi nevaRevhi vatumwa nevaJudha kubva kuJerusarema kuzomubvunza kuti: “Ndiwe ani?”+ 20 Iye akabuda pachena uye haana kuramba kutaura. Akati: “Handisi Kristu.” 21 Uye vakamubvunza kuti: “Saka uri ani? Eriya here?”+ Iye akati: “Handisi.” “Ndiwe Muprofita here?”+ Iye akapindura kuti: “Aiwa!” 22 Saka vakati kwaari: “Ndiwe ani? Tiudze kuitira kuti tikwanise kunopindura vakatituma. Ungatiudza kuti chii nezvako?” 23 Iye akati: “Ndiri inzwi remumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Itai kuti nzira yaJehovha* iti twasu,’+ sezvakataurwa nemuprofita Isaya.”+ 24 Vaya vakanga vatumwa vaibva kuvaFarisi. 25 Saka vakamubvunza vachiti: “Saka nei uchibhabhatidza kana iwe usiri Kristu kana kuti Eriya kana kuti Muprofita?” 26 Johani akavati: “Ini ndinobhabhatidza nemvura. Pakati penyu pakamira mumwe munhu wamusingazivi, 27 uyo ari kuuya pashure pangu, ane tambo dzeshangu dzandisina kukodzera kusunungura.”+ 28 Zvinhu izvi zvakaitika muBhetani mhiri kwaJodhani, kwaibhabhatidzira Johani.+

29 Zuva rakatevera racho akaona Jesu achiuya kwaari, uye akati: “Onai, Gwayana+ raMwari rinobvisa chivi+ chenyika!+ 30 Uyu ndiye wandakati nezvake: ‘Anouya shure kwangu ndiye akatanga, nekuti akavapo ini ndisati ndavapo.’+ 31 Neniwo ndakanga ndisingamuzivi, asi chakaita kuti ndiuye kuzobhabhatidza nemvura ndechekuti iye aratidzwe pachena kuna Israeri.”+ 32 Johani akapupurawo, achiti: “Ndakaona mweya uchidzika senjiva uchibva kudenga, uye wakaramba uri pamusoro pake.+ 33 Neniwo ndakanga ndisingamuzivi, asi iye wacho akandituma kuzobhabhatidza nemvura akati kwandiri: ‘Munhu waunoona mweya uchidzika paari woramba uripo,+ iyeye ndiye anobhabhatidza nemweya mutsvene.’+ 34 Uye ini ndakazviona, uye ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”+

35 Zvakare, zuva rakatevera racho Johani akanga akamira aine vadzidzi vake vaviri, 36 uye paakaona Jesu achifamba, akati: “Onai, Gwayana+ raMwari!” 37 Vadzidzi vacho vaviri pavakamunzwa achitaura izvi, vakabva vatevera Jesu. 38 Jesu akabva acheuka, uye paakaona vachimutevera akati kwavari: “Muri kutsvagei?” Ivo vakati kwaari: “Rabhi (zvinoreva kuti, “Mudzidzisi”), muri kugara kupi?” 39 Iye akati kwavari: “Uyai muone.” Saka vakaenda naye vakaona kwaaigara, uye vakagara naye zuva iroro; yakanga yava kusvika awa yechi10.* 40 Andreya,+ munin’ina waSimoni Petro, akanga ari mumwe wevaviri vakanzwa zvakataurwa naJohani, akatevera Jesu. 41 Akatanga anotsvaga mukoma wake Simoni, akati kwaari: “Tawana Mesiya”+ (zvinoreva kuti, “Kristu”), 42 uye akaenda naye kuna Jesu. Jesu paakamuona, akati: “Ndiwe Simoni,+ mwanakomana waJohani; iwe uchanzi Kefasi” (zvinoshandurwa kuti “Petro”).+

43 Mangwana acho Jesu aida kuenda kuGarireya. Akabva aona Firipi,+ akati kwaari: “Iva muteveri wangu.” 44 Firipi aibva kuBhetisaidha, guta raibva Andreya naPetro. 45 Firipi akaona Natanieri,+ akati kwaari: “Tawana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMutemo neVaprofita: Jesu, mwanakomana waJosefa,+ wekuNazareta.” 46 Asi Natanieri akati kwaari: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” Firipi akati kwaari: “Uya uone.” 47 Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari, akati nezvake: “Onai, muIsraeri wechokwadi asina unyengeri.”+ 48 Natanieri akati kwaari: “Munondiziva sei?” Jesu akamupindura kuti: “Usati watomboshevedzwa naFiripi, pawanga uri pasi pemuonde, ndakuona.” 49 Natanieri akabva ati: “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari, ndimi Mambo waIsraeri.”+ 50 Jesu akamupindura kuti: “Uri kutenda nekuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pemuonde here? Uchaona zvinhu zvikuru kupfuura izvi.” 51 Iye akabva ati kwaari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muchaona denga richizaruka uye ngirozi dzaMwari dzichikwira nekudzika dzichiuya kuMwanakomana wemunhu.”+

2 Uye pazuva rechitatu, muKana kuGarireya, makaitwa mabiko emuchato, uye amai vaJesu vaivepo. 2 Jesu nevadzidzi vake vakakokwawo kumabiko acho emuchato.

3 Waini payakanga yapera, amai vaJesu vakati kwaari: “Havasisina waini.” 4 Asi Jesu akati kwavari: “Ko nyaya yacho ineiko nesu?* Nguva yangu haisati yakwana.” 5 Amai vake vakati kune vaya vaishanda: “Itai zvese zvaanokuudzai.” 6 Zvino paiva nemakate ematombo 6 ekuisira mvura sezvaidiwa nemitemo yekuzvichenesa yevaJudha,+ rimwe nerimwe richikwana zviyero* zviviri kana zvitatu. 7 Jesu akati kwavari: “Zadzai makate acho nemvura.” Saka vakaazadza kusvika pamuromo. 8 Iye akabva ati kwavari: “Cherai imwe yacho muende nayo kumutungamiriri wemabiko.” Saka vakaenda nayo. 9 Mutungamiriri wemabiko paakaravira mvura yacho yakanga yachinjwa kuva waini, asingazivi kuti yakanga yabva kupi, (kunyange zvazvo vashandi vakanga vachera mvura yacho vaiziva), akashevedza murume aichata, 10 akati kwaari: “Vamwe vese vanotanga kubudisa waini inonaka, vozobudisa isinganaki kana vanhu vadhakwa. Iwe wachengeta yakanaka yacho ukazoibudisa iye zvino.” 11 Jesu akaita izvi muKana, kuGarireya, chiri chiratidzo chake chekutanga, uye akaita kuti kubwinya kwake kubude pachena,+ vadzidzi vake vakabva vatanga kutenda maari.

12 Pashure peizvi, iye naamai vake nevanin’ina vake+ nevadzidzi vake vakadzika kuKapenaume,+ asi havana kugara ikoko mazuva mazhinji.

13 Paseka+ yevaJudha yakanga yava pedyo, uye Jesu akakwidza kuJerusarema. 14 Akawana mutemberi muine vaya vaitengesa mombe nemakwai nenjiva,+ uye vanhu vaichinja mari vari pazvigaro zvavo. 15 Saka akagadzira tyava yetambo ndokudzingira kunze kwetemberi vese vaiva nemakwai nemombe, uye akakutura mari yevaichinja mari, akapidigura tafura dzavo.+ 16 Uye akati kune vaya vaitengesa njiva: “Bvisai zvinhu izvi muno! Regai kuita imba yaBaba vangu imba yekutengesera!”*+ 17 Vadzidzi vake vakayeuka kuti zvakanyorwa kuti: “Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.”+

18 Saka vaJudha vakabva vati kwaari: “Ungatipa chiratidzo chei,+ sezvo uri kuita zvinhu izvi?” 19 Jesu akavapindura kuti: “Putsai temberi iyi, ndiimise mumazuva matatu.”+ 20 VaJudha vakabva vati: “Temberi ino yakatora makore 46 ichivakwa, iwe woti uchaimisa mumazuva matatu?” 21 Asi iye aitaura nezvetemberi yemuviri wake.+ 22 Asi paakamutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakayeuka kuti aigara achitaura izvi,+ uye vakatenda rugwaro rwacho nezvakanga zvataurwa naJesu.

23 Asi paaiva muJerusarema pamutambo wePaseka, vanhu vakawanda vakatenda muzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita. 24 Asi Jesu akanga asingavimbi navo nekuti aivaziva vese 25 uye akanga asingafaniri kuita zvekuudzwa zvakaita munhu, nekuti aiziva zviri mumwoyo memunhu.+

3 Kwaiva nemumwe murume muFarisi, ainzi Nikodhimo,+ mutongi wevaJudha. 2 Iyeyu akauya kwaari usiku,+ akati: “Rabhi,+ tinoziva kuti imi makabva kuna Mwari semudzidzisi, nekuti hapana anokwanisa kuita zviratidzo izvi+ zvamunoita kunze kwekunge Mwari ainaye.”+ 3 Jesu akamupindura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, kana munhu asina kuberekwazve,*+ haagoni kuona Umambo hwaMwari.”+ 4 Nikodhimo akati kwaari: “Munhu angaberekwa sei iye akura? Zvingaita here kuti apinde mudumbu raamai vake kechipiri oberekwazve?” 5 Jesu akapindura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, kana munhu asina kuberekwa nemvura+ nemweya,+ haagoni kupinda muUmambo hwaMwari. 6 Chakaberekwa nenyama, inyama, uye chakaberekwa nemweya, mweya. 7 Usashamiswa nekuti ndakuudza kuti: Imi munofanira kuberekwazve. 8 Mhepo inovhuvhutira kwainoda, uye unonzwa kuvhuvhuta kwayo, asi hauzivi kwainobva nekwairi kuenda. Ndizvo zvakaita munhu wese akaberekwa nemweya.”+

9 Nikodhimo akamupindura achiti: “Zvingaitika sei izvozvo?” 10 Jesu akapindura kuti: “Uri mudzidzisi waIsraeri here usingazivi zvinhu izvi? 11 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, tinotaura zvatinoziva, uye tinopupura zvatakaona, asi imi hamugamuchiri uchapupu hwatinopa. 12 Kana ndakuudza zvinhu zvepanyika asi usingatendi, uchatenda sei kana ndikakuudza zvinhu zvekudenga? 13 Zvakare, hapana munhu akakwira kudenga+ kunze kweuya akaburuka achibva kudenga,+ iye Mwanakomana wemunhu. 14 Uye sekusimudza kwakaita Mozisi nyoka murenje,+ Mwanakomana wemunhu anofanirawo kusimudzwa,+ 15 kuti munhu wese anotenda maari ave neupenyu husingaperi.+

16 “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.+ 17 Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.+ 18 Munhu wese anotenda maari haafaniri kutongwa.+ Munhu wese asingatendi atotongwa, nekuti haana kutenda muzita reMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.+ 19 Kutongwa kuchabva pane izvi: kuti chiedza chakauya munyika,+ asi vanhu vakada rima panzvimbo pechiedza, nekuti mabasa avo akanga akaipa. 20 Nekuti munhu wese anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauyi kuchiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.* 21 Asi munhu wese ari pachokwadi anouya kuchiedza,+ kuti mabasa ake aratidzwe pachena kuti aitwa maererano nekuda kwaMwari.”

22 Pashure peizvi Jesu nevadzidzi vake vakaenda munharaunda yeJudhiya, uye akamboti garei navo uye aibhabhatidza.+ 23 Asi Johani akanga achibhabhatidzawo ari paAinoni pedyo neSarimu, nekuti ipapo pakanga paine mvura yakawanda chaizvo.+ Vanhu vairamba vachiuya, vachibhabhatidzwa;+ 24 nekuti panguva iyoyo Johani akanga asati akandwa mujeri.+

25 Vadzidzi vaJohani vakaitisana nharo nemumwe muJudha nezvenyaya yekunatswa. 26 Saka vakauya kuna Johani, vakati kwaari: “Rabhi, onai murume uya wamakapupura nezvake wamakanga muinaye mhiri kwaJodhani,+ ari kubhabhatidza, uye vese vari kuenda kwaari.” 27 Johani akapindura achiti: “Hapana munhu anogamuchira chinhu kunze kwekunge achipiwa chichibva kudenga. 28 Imi pachenyu makandinzwa ndichiti, ‘Handisi ini Kristu,+ asi ndakafanotumwa asati auya.’+ 29 Munhu wese ane mwenga ndiye murume ari kuchata.+ Asi shamwari yemurume ari kuchata painosimuka yomunzwa, inofara chaizvo nekuti inenge yanzwa inzwi rake. Saka mufaro wangu wazadziswa. 30 Iyeye anofanira kuramba achiwedzera, asi ini ndinofanira kuramba ndichiderera.”

31 Uya anobva kumusoro+ ari pamusoro pevamwe vese. Wepanyika ndewepanyika uye anotaura zvinhu zvepanyika. Uya anobva kudenga ari pamusoro pevamwe vese.+ 32 Anopupura zvaakaona nezvaakanzwa,+ asi hapana munhu ari kugamuchira uchapupu hwake.+ 33 Munhu wese akagamuchira uchapupu hwake, ari kubvuma* kuti Mwari ndewechokwadi.+ 34 Nekuti uya akatumwa naMwari anotaura mashoko aMwari,+ nekuti haapi* mweya zvekunyima.* 35 Baba vanoda Mwanakomana+ uye vakaisa zvinhu zvese muruoko rwake.+ 36 Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi;+ asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu,+ asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.+

4 Jesu* paakaziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti akanga achiita vadzidzi vakawanda kupfuura Johani, achivabhabhatidza,+ 2 kunyange zvazvo Jesu asiri iye aibhabhatidza pachake asi vari vadzidzi vake, 3 akabva kuJudhiya akaendazve kuGarireya. 4 Asi aifanira kupfuura nemuSamariya. 5 Saka akasvika kuguta reSamariya rainzi Sikari, pedyo nemunda waJakobho waakanga apa mwanakomana wake Josefa.+ 6 Tsime raJakobho raitova ipapo.+ Zvino Jesu, nekuneta kwaakanga aita nerwendo, akanga akagara patsime racho. Yaiva awa yechi6.*

7 Mumwe mukadzi muSamariya akauya kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: “Ndipeiwo mvura yekunwa.” 8 (Nekuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kunotenga zvekudya.) 9 Saka mukadzi wacho muSamariya akati kwaari: “Sei muchindikumbira mvura yekunwa imi muri muJudha, ini ndiri muSamariya?” (Nekuti vaJudha havadyidzani nevaSamariya.)+ 10 Jesu akamupindura achiti: “Kudai manga muchiziva chipo chaMwari*+ uye kuti ndiani ari kuti kwamuri, ‘Ndipeiwo mvura yekunwa,’ mungadai mamukumbira, akupai mvura mhenyu.”+ 11 Iye akati kwaari: “Ishe, hamuna kana mugomo wekucheresa mvura, uye tsime racho rakadzika. Saka mvura iyi mhenyu munoitora kupi? 12 Muri mukuru here kuna tateguru vedu Jakobho, vakatipa tsime racho uye vakanwa mariri pamwe chete nevanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” 13 Jesu akamupindura achiti: “Munhu wese anonwa mvura iyi achanzwazve nyota. 14 Munhu wese anonwa mvura yandichamupa haazonzwizve nyota,+ asi mvura yandichamupa ichava chitubu chemvura chiri maari chinotubuka chichipa upenyu husingaperi.”+ 15 Mukadzi wacho akati kwaari: “Ishe, ndipeiwo mvura iyoyo, kuti ndirege kunzwazve nyota uye ndisaramba ndichiuya kuno kuzochera mvura.”

16 Akati kwaari: “Endai munoshevedza murume wenyu muuye naye pano.” 17 Mukadzi wacho akamupindura kuti: “Handina murume.” Jesu akati kwaari: “Mataura chokwadi pamati, ‘Handina murume.’ 18 Nekuti makava nevarume vashanu, uye wamuinaye iye zvino haasi murume wenyu. Apa mataura chokwadi.” 19 Mukadzi wacho akati kwaari: “Ishe, ndaona kuti muri muprofita.+ 20 Madzitateguru edu ainamatira mugomo iri, asi imi munoti vanhu vanofanira kunamatira muJerusarema.”+ 21 Jesu akati kwaari: “Ndiri kukuudzai chokwadi, imi amai, nguva iri kuuya pamusingazonamati Baba mugomo iri kana kuti muJerusarema. 22 Imi munonamata chamusingazivi;+ isu tinonamata chatinoziva, nekuti ruponeso runotangira kuvaJudha.+ 23 Kunyange zvakadaro, nguva iri kuuya, uye yatosvika, yekuti vanamati vechokwadi vanamate Baba mumweya nemuchokwadi, nekuti zvechokwadi, Baba vari kutsvaga vanhu vakadaro kuti vavanamate.+ 24 Mwari mweya,+ uye vanomunamata vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.”+ 25 Mukadzi wacho akati kwaari: “Ndinoziva kuti Mesiya ari kuuya, iye anonzi Kristu. Kana iyeye angouya, achabva atizivisa zvinhu zvese pachena.” 26 Jesu akati kwaari: “Ndini wacho ndiri kutotaura nemi izvozvi.”+

27 Vadzidzi vake vakabva vasvika panguva iyoyo, vakashamisika kuti akanga achitaura nemukadzi. Asi hapana akati: “Muri kutsvagei?” kana kuti, “Muri kutaurirei naye?” 28 Saka mukadzi wacho akasiya chirongo chake, akapinda muguta, akanoudza vanhu kuti: 29 “Uyai muone mumwe murume andiudza zvese zvandakaita. Haangadaro ari iye Kristu?” 30 Vakabuda muguta, vakatanga kuuya kwaari.

31 Vanhu ava vachiuya kudaro, vadzidzi vaiti kwaari: “Rabhi,+ chimbodyai.” 32 Asi iye akati kwavari: “Ndine zvekudya zvamusingazivi.” 33 Saka vadzidzi vakataurirana vachiti: “Asi pane munhu amuvigira zvekudya kani?” 34 Jesu akati kwavari: “Zvekudya zvangu ndiko kuita kuda kwaiye akandituma+ uye kupedza basa rake.+ 35 Handiti munoti kwasara mwedzi mina kuti kukohwa kusvike? Onai! Ndinoti kwamuri: Simudzai maziso enyu muone kuti minda yachenera kukohwa.+ Iye zvino 36 mukohwi ava kutogamuchira mubhadharo uye ari kuunganidza zvibereko zveupenyu husingaperi, kuti mudyari nemukohwi vafare pamwe chete.+ 37 Nekuti panyaya iyi chirevo ichi ndechechokwadi chinoti: Mumwe mudyari, mumwe mukohwi. 38 Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakashanda, uye imi mapinda kuti muwane zvavakashandira.”

39 VaSamariya vazhinji vemuguta iroro vakatenda maari nekuda kwezvakataurwa nemukadzi akapupura achiti: “Andiudza zvese zvandakaita.”+ 40 Saka vaSamariya pavakauya kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, uye akagara ikoko mazuva maviri. 41 Izvi zvakaita kuti vamwe vakatowanda vatende nekuda kwezvaakataura, 42 uye vakati kumukadzi wacho: “Hatichangotendi nekuda kwezvawataura chete; nekuti tazvinzwira tega, uye tinoziva kuti murume uyu zvechokwadi ndiye muponesi wenyika.”+

43 Pashure pemazuva acho maviri, akasimuka ndokuenda kuGarireya. 44 Asi Jesu pachake akapupura kuti muprofita haakudzwi kumusha kwake.+ 45 Saka paakasvika kuGarireya, vaGarireya vakamutambira, nekuti vakanga vaona zvese zvaakaita kuJerusarema pamutambo,+ sezvo vakanga vaendawo kumutambo wacho.+

46 Akabva aendazve kuKana muGarireya, kwaakambochinja mvura ikava waini.+ Kwaiva nerimwe gurukota ramambo raiva nemwanakomana airwara kuKapenaume. 47 Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga abuda muJudhiya akapinda muGarireya, akaenda kwaari, akamukumbira kuti auye kuzoporesa mwanakomana wake, nekuti akanga ava kufa. 48 Asi Jesu akati kwaari: “Vanhu imi hamufi makatenda kunze kwekunge maona zviratidzo nezvishamiso.”+ 49 Gurukota racho rakati kwaari: “Ishe, uyai mwana wangu asati afa.” 50 Jesu akati kwariri: “Enda; mwanakomana wako mupenyu.”+ Murume wacho akatenda shoko raakaudzwa naJesu, ndokubva aenda. 51 Asi achiri munzira, akasangana nevaranda vake vakamuudza kuti mwanakomana wake aiva mupenyu.* 52 Saka akavabvunza kuti akanga apora nguvai. Vakamupindura kuti: “Fivha yacho yakapera nezuro paawa yechi7.”* 53 Baba vacho vakabva vaziva kuti zvakaitika panguva chaiyo yakanzi naJesu kwavari: “Mwana wako mupenyu.”+ Saka ivo nemhuri yavo yese vakatenda. 54 Ichi ndicho chiratidzo chechipiri+ chakaitwa naJesu paakabuda muJudhiya achipinda muGarireya.

5 Pashure pacho, kwaiva nemutambo+ wevaJudha, uye Jesu akakwidza kuJerusarema. 2 MuJerusarema, paGedhi reMakwai+ pane dziva rine mavharanda mashanu, rinonzi muchiHebheru Bhetizata. 3 Ipapo paiva nevanhu vakawanda vainge vakarara vachirwara, mapofu, vanokamhina, nevaya vaiva nemakumbo kana maoko akakokonyara. 4* —— 5 Asi paiva nemumwe murume aivapo akanga ava nemakore 38 achirwara. 6 Paakaona murume uyu akarara ipapo, achiziva kuti akanga atova nenguva refu achirwara, Jesu akati kwaari: “Unoda kupora here?”+ 7 Murume wacho airwara akamupindura kuti: “Ishe, handina anondiisawo mudziva mvura painenge yabvongodzwa, saka pandinenge ndichienda mumwe munhu anonditangira kupinda.” 8 Jesu akati kwaari: “Simuka! Tora mubhedha wako ufambe.”+ 9 Murume wacho akabva angopora, uye akatora kamubhedha kake akatanga kufamba.

Musi iwoyo raiva Sabata. 10 Saka vaJudha vakatanga kuti kumurume wacho akanga arapwa: “Nhasi iSabata, haubvumirwi nemutemo kutakura kamubhedha.”+ 11 Asi akavapindura kuti: “Munhu andiporesa ndiye anditi, ‘Tora mubhedha wako ufambe.’” 12 Vakamubvunza kuti: “Ndiani munhu wacho akuudza kuti, ‘Utore ufambe’?” 13 Asi murume akanga aporeswa haana kuziva kuti aiva ani, nekuti Jesu akanga apinda muvanhu vakawanda vaivapo.

14 Jesu akazomuwana ari mutemberi, akati kwaari: “Iye zvino zvawapora kudai, chirega kutadza zvakare, kuti pasava nechimwe chinhu chakaipa kupfuura izvi chingaitika kwauri.” 15 Murume wacho akaenda akanoudza vaJudha vacho kuti Jesu ndiye akanga amuporesa. 16 Izvi zvakaita kuti vaJudha vatambudze Jesu, nekuti aiita zvinhu izvi paSabata. 17 Asi akavapindura kuti: “Baba vangu vachiri kushanda nanhasi, uye ini ndinoramba ndichishanda.”+ 18 Ndokusaka vaJudha vakatowedzera kutsvaga nzira yekumuuraya, nekuti akanga asingangotyori mutemo weSabata chete asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake,+ achizviita akaenzana naMwari.+

19 Saka Jesu akavapindura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Mwanakomana haagoni kuita chinhu chaanozvitangira ega, asi anongoita zvaanoona Baba vachiita.+ Nekuti zvese zvavanoita, Mwanakomana anoitawo izvozvo. 20 Nekuti Baba vanoda Mwanakomana+ uye vanomuratidza zvinhu zvese zvavanoita, uye vachamuratidza mabasa makuru pane aya, kuti mushamiswe.+ 21 Nekuti sekumutsa kunoita Baba vanhu vakafa vachiita kuti vave vapenyu,+ Mwanakomana anopawo upenyu wese waanoda kupa.+ 22 Nekuti Baba havatombotongi munhu, asi vakapa Mwanakomana basa rese rekutonga,+ 23 kuti vese vakudze Mwanakomana sekukudza kwavanoita Baba. Munhu wese asingakudzi Mwanakomana haakudzi Baba vakamutuma.+ 24 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anonzwa shoko rangu otenda iye akandituma, ane upenyu husingaperi,+ uye haatongwi, asi anenge abva murufu achienda kuupenyu.+

25 “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, nguva iri kuuya, uye yatosvika, yekuti vakafa vanzwe inzwi reMwanakomana waMwari uye vaya vanenge vateerera vachararama. 26 Nekuti Baba vane upenyu mavari,*+ saka vakaitawo kuti Mwanakomana ave neupenyu maari.+ 27 Uye vakamupa simba rekutonga,+ nekuti iye ndiye Mwanakomana wemunhu.+ 28 Musashamiswa neizvi, nekuti nguva iri kuuya yekuti vese vari mumakuva evanoyeukwa vachanzwa inzwi rake,+ 29 vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, uye vaya vaiita zvakaipa vachamukira kutongwa.+ 30 Handikwanisi kuita chinhu chandinozvitangira ndega. Ndinotonga sekunzwa kwandinenge ndaita, uye mutongo wangu wakarurama+ nekuti handitsvagi kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.+

31 “Kana ndichizvipupurira ndega, kupupura kwangu hakusi kwechokwadi.+ 32 Kune mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti kundipupurira kwaanoita ndekwechokwadi.+ 33 Makatuma vanhu kuna Johani, uye akapupurira chokwadi.+ 34 Kunyange zvakadaro, ini handidi uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinotaura zvinhu izvi kuti muponeswe. 35 Murume iyeye akanga ari rambi rinobvira uye rinopenya, uye kwekanguva maida kufara chaizvo muchiedza chake.+ 36 Asi ndine uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani, nekuti mabasa andakanzi naBaba vangu ndiite, mabasa aya andiri kuita, anopupura kuti Baba vakandituma.+ 37 Uye Baba pachavo vakandituma vakandipupurira.+ Hamuna kana pamakambonzwa inzwi ravo kana kuona zvavakaita,+ 38 uye hamuna shoko ravo rinogara mamuri, nekuti hamutendi iye wavakatuma.

39 “Munoongorora Magwaro+ nekuti munofunga kuti achaita kuti muwane upenyu husingaperi; uye iwayo ndiwo chaiwo anondipupurira.+ 40 Asi hamudi kuuya kwandiri+ kuti muve neupenyu. 41 Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu, 42 asi ndinonyatsoziva kuti kuda Mwari hakusi mamuri. 43 Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri. Kudai mumwe munhu aiuya muzita rake ega, maimugamuchira. 44 Mungatenda sei, imi muchigamuchira kukudzwa kwamunopanana pakati penyu muchirega kutsvaga kukudzwa kunobva kuna Mwari mumwe chete?+ 45 Musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba; anokupomerai mhosva ariko, Mozisi,+ wamakaisa tariro yenyu maari. 46 Ndingatoti kudai maitenda Mozisi mungadai mainditendawo, nekuti akanyora nezvangu.+ 47 Asi kana musingatendi zvaakanyora, muchatenda sei zvandinotaura?”

6 Jesu akazoenda mhiri kweGungwa reGarireya, kana kuti reTibheriyasi.+ 2 Uye vanhu vakawandisa vairamba vachimutevera,+ nekuti vaiona zvishamiso zvaaiita achiporesa vairwara.+ 3 Saka Jesu akakwira mugomo, ndokugara pasi nevadzidzi vake. 4 Mutambo wevaJudha wePaseka+ wakanga waswedera. 5 Jesu paakasimudza maziso ake ndokuona kuti kwaiva nevanhu vakawandisa vaiuya kwaari, akati kuna Firipi: “Tichatenga kupi chingwa chekuti vanhu ava vadye?”+ 6 Asi aitaura izvi kuti amuedze, nekuti aiziva zvaakanga ava kuda kuita. 7 Firipi akamupindura kuti: “Chingwa chemadhinari* 200 hachikwani kuti mumwe nemumwe awane kunyange chidikidiki.” 8 Mumwe wevadzidzi vake, Andreya munin’ina waSimoni Petro, akati kwaari: 9 “Pane kakomana aka kane zvingwa zvebhari zvishanu netuhove tuviri. Asi panei chiripo ipapa nekuwanda kwakaita vanhu uku?”+

10 Jesu akati: “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Sezvo paiva neuswa hwakawanda panzvimbo iyoyo, vakagara pasi. Paiva nevarume vaigona kusvika 5 000.+ 11 Jesu akatora chingwa, akaonga, ndokuchipa vanhu vakanga vakagara pasi; akaitawo izvozvo netuhove twuya, uye vakadya vakaguta. 12 Asi pavakanga vaguta, akati kuvadzidzi vake: “Unganidzai zvasara, kuti parege kuva nezvinopambadzwa.” 13 Saka vakazviunganidza, vakazadza tswanda 12 nezvakanga zvasiyiwa nevanhu vakadya zvingwa zviya zvishanu zvebhari.

14 Vanhu pavakaona chiratidzo chaakaita, vakatanga kuti: “Zvechokwadi uyu ndiye Muprofita aitarisirwa kuuya munyika.”+ 15 Jesu paakaziva kuti vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo, akabva aenda+ zvakare mugomo ari ega.+

16 Ava manheru, vadzidzi vake vakaenda kugungwa,+ 17 uye vakakwira chikepe ndokuyambuka gungwa vachienda kuKapenaume. Pari zvino kwakanga kwasviba, uye Jesu akanga asati auya kwavari.+ 18 Uyewo, gungwa rakanga rava kuita masaisai aityisa nekuti kwaiva nemhepo ine simba.+ 19 Asi pavakanga vafamba makiromita angasvika 5 kana 6,* vakaona Jesu achifamba pamusoro pegungwa achiswedera pedyo nechikepe, vakatya. 20 Asi iye akati kwavari: “Ndini; musatya!”+ 21 Saka vakabva vamukwidza muchikepe, uye chikepe chakasvika munguva pfupi kwavaienda.+

22 Mangwana acho, vanhu vaya vakasara mhiri kwegungwa vakaona kuti pakanga pasina chikepe. Kachikepe kadiki ndiko kaimbenge karipo, asi Jesu akanga asina kuenda nako pamwe nevadzidzi vake, nekuti vadzidzi vake vakanga vaenda vega. 23 Zvisinei, zvikepe zvaibva kuTibheriyasi zvakasvika pedyo nepaya pavakadyira chingwa pashure pekunge Ishe aonga. 24 Saka vanhu pavakaona kuti Jesu nevadzidzi vake vakanga vasisipo, vakakwira zvikepe zvacho vakasvika kuKapenaume kuti vatsvage Jesu.

25 Pavakamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: “Rabhi,+ masvika kuno riini?” 26 Jesu akavapindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, hamusi kunditsvaga nekuti makaona zviratidzo, asi nekuti makadya chingwa mukaguta.+ 27 Musashandira zvekudya zvinoparara, asi shandirai zvekudya zvinoramba zviripo kweupenyu husingaperi,+ zvamuchapiwa neMwanakomana wemunhu; nekuti Baba, iye Mwari pachake, vakaisa paari chisimbiso chavo chekuratidza kufadzwa kwavo naye.”+

28 Saka vakati kwaari: “Tinofanira kuita sei kuti tiite mabasa aMwari?” 29 Jesu akavapindura achiti: “Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende muna iye waakatuma.”+ 30 Vakabva vati kwaari: “Muri kuita chiratidzo chipi,+ kuti tichione titende mamuri? Muri kuita basa rei? 31 Madzitateguru edu akadya mana murenje,+ sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’”+ 32 Jesu akabva ati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga, asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. 33 Nekuti chingwa chaMwari ndiye uya anoburuka achibva kudenga opa upenyu kunyika.” 34 Saka vakati kwaari: “Ishe, garai muchitipa chingwa ichi.”

35 Jesu akati kwavari: “Ndini chingwa cheupenyu. Wese anouya kwandiri haazombonzwi nzara, uye wese anotenda mandiri haazombonzwi nyota.+ 36 Asi sezvandakakuudzai, makatondiona asi hamutendi.+ 37 Vese vandinopiwa naBaba vachauya kwandiri, uye handizombodzingi munhu anouya kwandiri;+ 38 nekuti ndakabva kudenga+ kuzoita kuda kwaiye akandituma, kwete kuda kwangu.+ 39 Uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa nemumwe chete pavese vaakandipa, asi kuti ndinofanira kuvamutsa+ pazuva rekupedzisira. 40 Nekuti uku ndiko kuda kwaBaba vangu, kuti munhu wese anobvuma Mwanakomana otenda maari ave neupenyu husingaperi,+ uye ini ndichamumutsa+ pazuva rekupedzisira.”

41 VaJudha vakabva vatanga kunyunyuta nezvake nekuti akanga ati: “Ndini chingwa chakabva kudenga.”+ 42 Uye vakatanga kuti: “Uyu haasi Jesu here mwanakomana waJosefa, ana baba naamai vatinoziva?+ Saka sei ava kuti, ‘Ndakabva kudenga’?” 43 Jesu akavapindura achiti: “Regai kunyunyuta. 44 Hapana munhu angauya kwandiri, kana Baba vakandituma vasina kumuunza kwandiri,*+ uye ini ndichamumutsa pazuva rekupedzisira.+ 45 Muzvinyorwa zveVaprofita makanzi: ‘Vese vachadzidziswa naJehovha.’*+ Munhu wese anoteerera Baba odzidza, anouya kwandiri. 46 Hakusi kuti pane munhu akamboona Baba,+ kunze kweuya akabva kuna Mwari; iyeyu ndiye akaona Baba.+ 47 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, wese anotenda ane upenyu husingaperi.+

48 “Ndini chingwa cheupenyu.+ 49 Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi akafa.+ 50 Ichi ndicho chingwa chinobva kudenga, kuti munhu anoda achidye orega kufa. 51 Ndini chingwa chipenyu chakabva kudenga. Kana munhu akadya chingwa ichi achararama nekusingaperi; uye chokwadi ndechekuti chingwa chandichapa inyama yangu kuti nyika iwane upenyu.”+

52 VaJudha vakabva vatanga kuitisana nharo, vachiti: “Munhu uyu angati sei anotipa nyama yake kuti tidye?” 53 Saka Jesu akati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana mukasadya nyama yeMwanakomana wemunhu nekunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.+ 54 Wese anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa+ pazuva rekupedzisira; 55 nekuti nyama yangu kudya kwechokwadi uye ropa rangu chinwiwa chechokwadi. 56 Wese anodya nyama yangu nekunwa ropa rangu anoramba ari pamwe neni, neni ndiri pamwe naye.+ 57 Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nekuda kwaBaba, uya anondidya achararamawo nekuda kwangu.+ 58 Ichi ndicho chingwa chakabva kudenga. Hazvina kuita sepaya pakadya madzitateguru enyu asi akafa. Wese anodya chingwa ichi achararama nekusingaperi.”+ 59 Akataura zvinhu izvi paakanga achidzidzisa mune rimwe sinagogi* muKapenaume.

60 Vakawanda vevadzidzi vake pavakanzwa izvi, vakati: “Mashoko aya anotyisa; ndiani angateerera zvakadaro?” 61 Asi Jesu, achiziva kuti vadzidzi vake vakanga vachinyunyuta nezvazvo, akati kwavari: “Zvakugumburai here? 62 Ko zvino mukazoona Mwanakomana wemunhu achikwira kwaaiva pakutanga muchaita sei?+ 63 Mweya ndiwo unopa upenyu;+ nyama haina kana zvainobatsira. Mashoko andakuudzai ndeemweya uye anopa upenyu.+ 64 Asi pane vamwe venyu vasingatendi.” Nekuti Jesu aiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomutengesa.+ 65 Akaenderera mberi achiti: “Ndokusaka ndati kwamuri, hapana angauya kwandiri kana asina kubvumirwa naBaba.”+

66 Nekuda kweizvi, vadzidzi vake vakawanda vakadzokera kuzvinhu zvavakasiya+ uye vakanga vasingachafambizve naye. 67 Saka Jesu akati kune vane Gumi Nevaviri: “Ko imi hamudiwo kuenda?” 68 Simoni Petro akamupindura kuti: “Ishe, tingaenda kuna ani?+ Ndimi mune mashoko eupenyu husingaperi.+ 69 Takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”+ 70 Jesu akavapindura kuti: “Handiti ndakakusarudzai imi vane gumi nevaviri?+ Asi mumwe wenyu ndidhiyabhorosi.”*+ 71 Akanga achitotaura nezvaJudhasi mwanakomana waSimoni Iskariyoti, nekuti iyeyu akanga achizomutengesa, kunyange zvazvo aiva mumwe wevane Gumi Nevaviri.+

7 Jesu akabva aramba achifambira muGarireya, nekuti akanga asingadi kufambira muJudhiya, nekuti vaJudha vakanga vachitsvaga kumuuraya.+ 2 Asi Mutambo wevaJudha Wematebhenekeri*+ wakanga wava pedyo. 3 Saka vanin’ina vake+ vakati kwaari: “Ibva muno uende muJudhiya, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa auri kuita. 4 Nekuti hapana munhu anoita chinhu pachivande achida kuti azivikanwe pachena. Kana uri kuita zvinhu izvi, ita kuti nyika ikuone.” 5 Vanin’ina vake vakanga vasingatotendiwo maari.+ 6 Saka Jesu akati kwavari: “Nguva yangu haisati yasvika,+ asi yenyu inogara iripo. 7 Nyika haina chikonzero chekukuvengai, asi inondivenga, nekuti ndinopupura nezvayo kuti mabasa ayo akaipa.+ 8 Kwidzai imimi kumutambo; ini handisati ndava kuenda kumutambo uyu, nekuti nguva yangu haisati yanyatsosvika.”+ 9 Saka paakanga avaudza zvinhu izvi, akaramba ari muGarireya.

10 Asi vanin’ina vake pavakanga vakwidza kumutambo, iye akabva akwidzawo pachivande, kwete pachena. 11 Saka vaJudha vakatanga kumutsvaga pamutambo vachiti: “Munhu uya ari kupi?” 12 Uye vanhu vakanga vachingozevezerana nezvake. Vamwe vaiti: “Iye munhu akanaka.” Vamwe vachiti: “Haasi. Anotsausa vanhu.”+ 13 Hapana hapo aitaura nezvake pachena nekuti vaitya vaJudha.+

14 Mutambo pawakanga wava pakati, Jesu akapinda mutemberi, akatanga kudzidzisa. 15 Uye vaJudha vaishamiswa, vachiti: “Munhu uyu anoziva sei Magwaro,*+ iye asina kudzidza?”*+ 16 Jesu akavapindurawo achiti: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.+ 17 Kana munhu achida kuita kuda kwake,* achaziva kana dzidziso yacho ichibva kuna Mwari+ kana kuti ini ndiri kutaura zvangu ndega. 18 Wese anotaura zvake ega ari kutsvaga kukudzwa kwake ega; asi wese anotsvaga kukudzwa kwemunhu akamutuma,+ iyeye ndewechokwadi uye maari hamuna kusarurama. 19 Handiti Mozisi akakupai Mutemo?+ Asi hapana kana mumwe wenyu anoteerera Mutemo wacho. Muri kutsvagirei kundiuraya?”+ 20 Vanhu vacho vakapindura kuti: “Une dhimoni iwe. Ndiani ari kutsvaga kukuuraya?” 21 Jesu akavapindura achiti: “Ndakangoita chinhu chimwe chete, uye mese muri kushamiswa. 22 Ndokusaka Mozisi akakupai mutemo wekuchecheudza,+ (kunyange zvazvo usina kubva kuna Mozisi, asi kumadzitateguru)+ uye munochecheudza munhu pasabata. 23 Kana munhu achichecheudzwa pasabata kuti Mutemo waMozisi urege kutyorwa, nei muri kundipengera kuti ndaporesa munhu pasabata?+ 24 Regai kutonga nekutarisa kunze, asi tongai nekutonga kwakarurama.”+

25 Vamwe vagari vemuJerusarema vakabva vatanga kuti: “Ko haasi iye here munhu wavari kuti vari kuda kuuraya uyu?+ 26 Asi onai! ari kutaura pachena, uye hapana chavari kutaura kwaari. Kungava kuti here vatongi vatova nechokwadi kuti uyu ndiye Kristu? 27 Kunobva munhu uyu tinokuziva; asi kana Kristu achiuya,+ hapana anofanira kuziva kwaanobva.” 28 Jesu paakanga achidzidzisa mutemberi akabva ashevedzera kuti: “Munondiziva uye munoziva kwandinobva. Uye handina kuzvisarudzira ndega kuuya,+ asi iye akandituma ariko zvechokwadi, uye hamumuzivi.+ 29 Ini ndinomuziva,+ nekuti ndiri mumiririri akabva kwaari, uye ndiye akandituma.” 30 Saka vakatanga kutsvaga kumubata,+ asi hapana akaisa ruoko rwake paari, nekuti nguva yake yakanga isati yakwana.+ 31 Kunyange zvakadaro, vanhu vakawanda vakatenda maari,+ uye vaiti: “Kristu paanouya, angazoita zviratidzo zvinopfuura zvaitwa nemunhu uyu here?”

32 VaFarisi pavakanzwa vanhu vachizevezera mashoko aya nezvake, vatungamiriri vevapristi nevaFarisi vakatuma varindi kuti vanomubata. 33 Jesu akabva ati: “Ndichamboramba ndiinemi ndisati ndaenda kuna iye akandituma.+ 34 Muchanditsvaga, asi hamuzondiwani, uye hamukwanisi kuzouya kwandinenge ndiri.”+ 35 VaJudha vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Munhu uyu ari kuda kuenda kupi, zvekuti hatizomuwani? Kuti ari kuda kuenda kuvaJudha vakapararira pakati pevaGiriki onodzidzisa vaGiriki vacho? 36 Ari kurevei kana achiti, ‘Muchanditsvaga, asi hamuzondiwani, uye hamukwanisi kuuya kwandinenge ndiri’?”

37 Pazuva rekupedzisira, zuva guru remutambo,+ Jesu akasimuka, akashevedzera kuti: “Kana munhu aine nyota, ngaauye kwandiri anwe.+ 38 Munhu wese anotenda mandiri, sezvakataurwa nerugwaro: ‘Hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukatikati make.’”+ 39 Asi akataura izvi pamusoro pemweya uyo vaya vanotenda maari vakanga vava kuda kugamuchira; nekuti kusvikira panguva iyoyo pakanga pasati pava nemweya,+ nekuti Jesu akanga asati akudzwa.+ 40 Vamwe vanhu vaivapo pavakanzwa mashoko aya vakatanga kuti: “Chokwadi uyu ndiye Muprofita.”+ 41 Vamwe vakanga vachiti: “Uyu ndiye Kristu.”+ Asi vamwe vaiti: “Ko Kristu anobva kuGarireya here?+ 42 Rugwaro harwuti here Kristu anouya achibva kuvana vaDhavhidhi+ uye achibva kuBhetrehema,+ musha waigara Dhavhidhi?”+ 43 Saka vanhu vakabva vatanga kupesana pamusoro pake. 44 Asi vamwe vavo vaida kumubata, asi hapana akaisa maoko ake paari.

45 Varindi vacho vakabva vadzokera kuvatungamiriri vevapristi nevaFarisi, avo vakavabvunza kuti: “Nei musina kuuya naye?” 46 Varindi vacho vakapindura kuti: “Hakuna munhu akambotaura zvakadai.”+ 47 VaFarisi vakavapindura vachiti: “Asi nemiwo matotsauswa? 48 Pane mutongi kana muFarisi akambotenda maari here?+ 49 Kunze kwevanhu ava vasingazivi Mutemo, vanhu vakatukwa.” 50 Nikodhimo, uyo akanga amboenda kwaari, uye akanga ari mumwe wavo, akati kwavari: 51 “Ko Mutemo wedu unotonga munhu kana usina kutanga wanzwa munhu wacho uye waziva zvaari kuita here?”+ 52 Vakamupindura kuti: “Asi newewo unobva kuGarireya? Ongorora uye uchaona kuti hapana muprofita achamutswa achibva kuGarireya.”*

8 12 Jesu akabva ataurazve navo, achiti: “Ndini chiedza chenyika.+ Wese anonditevera haazombofambi murima, asi achava nechiedza+ cheupenyu.” 13 Saka vaFarisi vakati kwaari: “Unozvipupurira; uchapupu hwako hahusi hwechokwadi.” 14 Jesu akavapindura achiti: “Kunyange kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu ndehwechokwadi, nekuti ndinoziva kwandakabva nekwandiri kuenda.+ Asi imi hamuzivi kwandakabva nekwandiri kuenda. 15 Munotonga maererano nenyama;*+ ini handina kana munhu wandinotonga. 16 Asi kunyange ndikatonga, mutongo wangu ndewechokwadi, nekuti handisi ndega, asi Baba vakandituma vaneni.+ 17 Uyewo muMutemo wenyu makanyorwa kuti: ‘Uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.’+ 18 Ndini ndinozvipupurira, uye Baba vakandituma vanondipupurira.”+ 19 Ivo vakabva vati kwaari: “Baba vako vari kupi?” Jesu akapindura kuti: “Hamundizivi uye hamuziviwo Baba vangu.+ Kudai maindiziva, mungadai muchizivawo Baba vangu.”+ 20 Akataura mashoko aya ari munzvimbo yaiiswa pfuma+ achidzidzisa mutemberi. Asi hapana akamubata, nekuti nguva yake yakanga isati yakwana.+

21 Saka akatizve kwavari: “Ndiri kuenda, uye muchanditsvaga, asi imi muchafira muchivi chenyu.+ Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda.”+ 22 VaJudha vakabva vatanga kuti: “Asi ari kuda kuzviuraya? Nekuti ari kuti, ‘Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda.’” 23 Iye akabva ati kwavari: “Imi muri vepasi; ini ndiri wekumusoro.+ Imi muri vepanyika pano; ini handisi wepanyika pano. 24 Ndokusaka ndati kwamuri: Muchafira muzvivi zvenyu. Nekuti kana musingatendi kuti ndini wacho, muchafira muzvivi zvenyu.” 25 Saka vakatanga kuti kwaari: “Ndiwe ani?” Jesu akavapindura kuti: “Ndiri kumbotaurirei nemi? 26 Ndine zvinhu zvakawanda zvekutaura nezvenyu uye zvekupa mutongo pamusoro pazvo. Chokwadi ndechekuti uya akandituma ndewechokwadi, uye ndiri kutaura munyika zvinhu chaizvo zvandakanzwa kwaari.”+ 27 Havana kunzwisisa kuti akanga achitaura navo nezvaBaba. 28 Jesu akabva ati: “Pamunenge masimudza Mwanakomana wemunhu+ ndipo pamuchaziva kuti ndini wacho,+ uye kuti handiiti chinhu chandinozvitangira ndega;+ asi ndinotaura zvinhu izvi sekudzidziswa kwandakaitwa naBaba. 29 Uye uya akandituma aneni; haana kundisiya ndiri ndega, nekuti ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.”+ 30 Paaitaura zvinhu izvi, vakawanda vakatenda maari.

31 Jesu akabva ati kuvaJudha vakanga vatenda maari: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo, 32 uye muchaziva chokwadi,+ uye chokwadi chichakusunungurai.”+ 33 Ivo vakamupindura kuti: “Tiri vana vaAbrahamu uye hatina kumbobvira tava varanda vemunhu. Saka sei uchiti, ‘Muchasunungurwa’?” 34 Jesu akavapindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anoita chivi muranda wechivi.+ 35 Zvakare, muranda haarambi ari pamba patenzi wake nekusingaperi; mwanakomana anoramba aripo nekusingaperi. 36 Saka kana Mwanakomana akakusunungurai, munenge masunungurwa zvechokwadi. 37 Ndinoziva kuti muri vana vaAbrahamu. Asi muri kutsvaga kundiuraya, nekuti shoko rangu haripindi mamuri. 38 Ndinotaura zvinhu zvandakaona pandaiva naBaba vangu,+ asi imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” 39 Ivo vakamupindura kuti: “Baba vedu ndiAbrahamu.” Jesu akati kwavari: “Kudai muri vana vaAbrahamu,+ mungadai muchiita mabasa aAbrahamu. 40 Asi zvino muri kutsvaga kundiuraya, ini munhu akakuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari.+ Abrahamu haana kumbodaro. 41 Muri kuita mabasa ababa venyu.” Ivo vakati kwaari: “Hatisi vana veupombwe;* tina Baba vamwe chete, iye Mwari.”

42 Jesu akati kwavari: “Dai Mwari ari Baba venyu, maindida,+ nekuti ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano. Handina kuzvisarudzira ndega kuuya, asi ndiye akandituma.+ 43 Nei musiri kunzwisisa zvandiri kutaura? Nekuti hamugoni kuteerera shoko rangu. 44 Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvido zvababa venyu.+ Iye akanga ari muurayi paakatanga,*+ uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nekuti chokwadi hachisi maari. Paanotaura nhema, anotaura maererano nezvaari, nekuti iye murevi wenhema nababa venhema.+ 45 Asi ini hamunditendi, nekuti ndinokutaurirai chokwadi. 46 Ndiani wenyu angaratidza pachena kuti ndine chivi? Kana ndichitaura chokwadi, nei musinganditendi? 47 Uya anobva kuna Mwari anoteerera mashoko aMwari.+ Chinoita kuti musateerera, ndechekuti hamubvi kuna Mwari.”+

48 VaJudha vakamupindura vachiti: “Hatina kutaura chokwadi here patataura kuti, ‘Uri muSamariya+ uye une dhimoni’?”+ 49 Jesu akapindura kuti: “Handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu, uye imi munondizvidza. 50 Asi handisi kuzvitsvagira kukudzwa;+ ariko anoda kuti ndikudzwe uye ndiye anotonga. 51 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni rufu.”+ 52 VaJudha vakati kwaari: “Iye zvino tava kunyatsoziva kuti une dhimoni. Abrahamu akafa, uye vaprofita vakafawo, asi iwe unoti, ‘Kana munhu akachengeta shoko rangu, haazomboraviri rufu.’ 53 Uri mukuru here kuna baba vedu Abrahamu vakafa? Vaprofita vakafawo. Unoda kuzviita ani?” 54 Jesu akapindura achiti: “Kana ndikazvipa rukudzo, rukudzo rwangu harubatsiri. Baba vangu ndivo vanondikudza,+ ivo vamunoti ndiye Mwari wenyu. 55 Asi hamusati mavaziva,+ asi ini ndinovaziva.+ Kudai ndati handivazivi ndinenge ndangofanana nemi, ndava murevi wenhema. Asi ini ndinovaziva uye ndiri kuchengeta shoko ravo. 56 Abrahamu baba venyu vakafara chaizvo vachitarisira kuona zuva rangu, uye vakariona, vakafara.”+ 57 VaJudha vakabva vati kwaari: “Iwe hausati wasvitsa makore 50, saka uri kuti wakaona Abrahamu chirudzii?” 58 Jesu akati kwavari: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Abrahamu asati avako, ini ndakanga ndavako.”+ 59 Saka vakanhonga matombo vachida kumutema, asi Jesu akahwanda, akabuda mutemberi.

9 Paakanga achipfuura, akaona mumwe murume akaberekwa ari bofu. 2 Vadzidzi vake vakamubvunza kuti: “Rabhi,+ ndiani akatadza, munhu uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” 3 Jesu akapindura kuti: “Munhu uyu nevabereki vake hapana akatadza, asi zvakaitika kuti mabasa aMwari aratidzwe pachena paari.+ 4 Tinofanira kuita mabasa aiye akandituma, achiri masikati;+ usiku huri kuuya zvekuti panenge pasisina munhu angaita basa. 5 Kana ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”+ 6 Paakanga ataura izvi, akasvipira mate pasi, akakanya ivhu nawo, uye akazora dhaka racho pamaziso emunhu wacho,+ 7 akati kwaari: “Enda unogeza mudziva reSiroami” (zvinoreva kuti “Kutumwa”). Saka akaenda akanogeza, akadzoka ava kuona.+

8 Vavakidzani nevamwe vaiwanzomuona achipemha vakatanga kuti: “Uyu haasi iye here murume aiwanzogara pasi achipemha?” 9 Vamwe vaiti: “Ndiye.” Vamwe vachiti: “Aiwa, asi vakada kufanana.” Murume wacho aingoti: “Ndini.” 10 Saka vakamubvunza kuti: “Saka maziso ako asvinudzwa sei?” 11 Akapindura kuti: “Murume anonzi Jesu akanya dhaka, akarizora pamaziso angu, akati kwandiri, ‘Enda kuSiroami unogeza.’+ Saka ndaenda ndikanogeza, ndikatanga kuona.” 12 Vakabva vati kwaari: “Ari kupi murume iyeye?” Iye akati: “Handizivi.”

13 Vakaenda nemurume wacho anga ari bofu kuvaFarisi. 14 Zvakangoitikawo kuti Jesu paakakanya dhaka akasvinudza maziso ake,+ raiva Sabata.+ 15 Saka iye zvino vaFarisi vakatangawo kubvunza murume wacho kuti zvafamba sei kuti aone. Iye akati kwavari: “Aisa dhaka pamaziso angu, uye ndageza ndikatanga kuona.” 16 Vamwe vaFarisi vakabva vatanga kuti: “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nekuti haachengeti Sabata.”+ Vamwe vachiti: “Mutadzi angagona sei kuita zviratidzo zvakadai?”+ Saka pakanga pava nekupesana pakati pavo.+ 17 Vakatizve kumurume uya bofu: “Ko iwe unotii nezvake, sezvo uri iwe wasvinudzwa maziso?” Murume wacho akati: “Ndinoti muprofita.”

18 Asi vaJudha havana kubvuma kuti aimbova bofu uye kuti akanga ava kuona, kusvikira vashevedza vabereki vemurume wacho akanga ava kuona. 19 Uye vakavabvunza kuti: “Uyu ndiye mwanakomana wenyu wamunoti akaberekwa ari bofu here? Saka iye zvino sei ava kuona?” 20 Vabereki vake vakapindura kuti: “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu uye kuti akaberekwa ari bofu. 21 Asi kuti zvafamba sei kuti aone, hatizivi; kuti ndiani amusvinudza, hatizivi. Mubvunzei. Ava munhu mukuru. Anofanira kuzvitaurira.” 22 Vabereki vake vakataura zvinhu izvi nekuti vaitya vaJudha,+ nekuti vaJudha vakanga vatobvumirana kuti munhu wese anoti uyu ndiye Kristu, anofanira kudzingwa musinagogi.+ 23 Ndokusaka vabereki vake vakati: “Ava munhu mukuru. Mubvunzei.”

24 Saka vakashevedzazve murume uya aimbova bofu, vakati kwaari: “Kudza Mwari; tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” 25 Akapindura kuti: “Zvekuti mutadzi, ini handizvizivi. Chandinongoziva ndechekuti ndanga ndiri bofu, asi iye zvino ndava kuona.” 26 Vakabva vati kwaari: “Akuita sei? Asvinudza sei maziso ako?” 27 Iye akavapindura kuti: “Ndambokuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Asi mava kudawo kuva vadzidzi vake?” 28 Vakabva vamunyomba vachiti: “Iwe ndiwe mudzidzi wake; isu tiri vadzidzi vaMozisi. 29 Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi murume uyu hatizivi kwaakabva.” 30 Murume wacho akavapindura kuti: “Inga zvinoshamisa! Kuti hamuzivi kwaanobva, asi iye asvinudza maziso angu. 31 Tinoziva kuti Mwari haateereri vatadzi,+ asi kana munhu achitya Mwari uye achiita kuda kwake, anomuteerera.+ 32 Kubvira kare nakare hazvina kumbonzwika kuti kune munhu akasvinudza maziso emunhu akaberekwa ari bofu. 33 Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.”+ 34 Vakamupindura vachiti: “Iyewe wakaberekerwa muzvivi, ungatidzidzisei?” Vakabva vamudzingira kunze!+

35 Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye paakamuwana, akati: “Unotenda muMwanakomana wemunhu here?” 36 Murume wacho akapindura kuti: “Ishe, ndiani iyeye nditendewo maari?” 37 Jesu akati kwaari: “Wamuona, uye ndiye ari kutotaura newe.” 38 Akati: “Ndinotenda maari, Ishe.” Uye akamupfugamira. 39 Jesu akabva ati: “Ndakauya munyika ino nekuda kwemutongo uyu, kuti vaya vasingaoni vaone+ uye vaya vanoona vave mapofu.”+ 40 VaFarisi vakanga vainaye vakanzwa zvaaitaura, vakati kwaari: “Tiri mapofuwo here isu?” 41 Jesu akati kwavari: “Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi munoti, ‘Tinoona.’ Chivi chenyu chinoramba chiripo.”+

10 “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, munhu asingapindi mudanga remakwai nepasuo achipinda nepamwewo, munhu iyeye imbavha uye mupambi.+ 2 Asi uya anopinda nepasuo ndiye mufudzi wemakwai.+ 3 Muchengeti wesuo anomuvhurira,+ uye makwai anoteerera inzwi rake.+ Anoshevedza makwai ake nemazita, oatungamirira achibuda nawo. 4 Paanenge abudisa makwai ake ese, anofamba ari kumberi kwawo, uye anomutevera, nekuti anoziva inzwi rake. 5 Haateveri munhu waasingazivi asi anototiza, nekuti iwo haazivi inzwi revanhu vaasingazivi.” 6 Jesu akavaudza muenzaniso uyu, asi havana kunzwisisa zvaaivataurira.

7 Saka Jesu akatizve: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, ndini suo remakwai.+ 8 Vese vakauya munzvimbo yangu imbavha uye vapambi; asi makwai haana kuvateerera. 9 Ndini suo; munhu wese anopinda nepandiri achaponeswa, uye munhu iyeye achapinda nekubuda uye achawana mafuro.+ 10 Mbavha haiuyi kunze kwekunge ichida kuba nekuponda nekuparadza.+ Ini ndakauya kuti iwo ave neupenyu uye ave nahwo hwakazara. 11 Ndini mufudzi akanaka;+ mufudzi akanaka anopa upenyu hwake* nekuda kwemakwai.+ 12 Munhu anenge apinzwa basa, asiri mufudzi uye muridzi wemakwai, akaona mhumhi ichiuya, anosiya makwai, otiza, mhumhi yoabata, yoaparadzira, 13 nekuti iye munhu webasa uye haana hanya nemakwai. 14 Ndini mufudzi akanaka. Ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,+ 15 sekundiziva kunoita Baba, neni ndichiziva Baba;+ uye ndinopa upenyu hwangu* nekuda kwemakwai.+

16 “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino;+ ndinofanirawo kuuya nawo, uye achateerera inzwi rangu, ova boka rimwe chete, aine mufudzi mumwe chete.+ 17 Baba vanondida+ nekuti ndinopa upenyu hwangu,*+ kuti ndihugamuchirezve. 18 Hapana munhu anohutora kwandiri, asi ndinozvisarudzira ndega kuhupa. Ndine mvumo yekuhupa, uye ndine mvumo yekuhugamuchirazve.+ Murayiro uyu ndakauwana kubva kuna Baba vangu.”

19 VaJudha vakapesana zvakare+ nemhaka yemashoko aya. 20 Vakawanda vavo vaiti: “Ane dhimoni uye akarasika pfungwa. Nei muchimuteerera?” 21 Vamwe vaiti: “Aya haasi mashoko emunhu akagarwa nedhimoni. Dhimoni ringagona kusvinudza maziso emapofu here?”

22 Panguva iyoyo Mutambo Wekukumikidza* wakaitwa muJerusarema. Yakanga iri nguva yechando, 23 uye Jesu akanga achifamba mutemberi muvharanda raSoromoni.+ 24 VaJudha vakabva vamukomba, vakatanga kuti kwaari: “Uchaita kuti tirambe tisingazivi kusvikira riini? Kana uri Kristu, tiudze pachena.” 25 Jesu akavapindura kuti: “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Mabasa andiri kuita muzita raBaba vangu ndiwo anondipupurira.+ 26 Asi hamutendi, nekuti hamusi makwai angu.+ 27 Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ini ndinoaziva, uye anonditevera.+ 28 Ndinoapa upenyu husingaperi,+ uye haazoparadzwi, uye hapana achaabvuta muruoko rwangu.+ 29 Baba vangu vakandipa chinhu chikuru kupfuura zvimwe zvinhu zvese, uye hapana angagona kuabvuta muruoko rwaBaba.+ 30 Ini naBaba tiri vamwe.”*+

31 VaJudha vakanhongazve matombo kuti vamuteme. 32 Jesu akavapindura kuti: “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka akabva kuna Baba. Pamabasa iwayo, nderipi ramuri kunditemera nematombo?” 33 VaJudha vakamupindura kuti: “Hatisi kukutema nematombo pamusana pekuti waita basa rakanaka, asi nemhaka yekuti wamhura;+ nekuti kunyange zvazvo uri munhu, unozviita mwari.” 34 Jesu akavapindura kuti: “Hazvina kunyorwa muMutemo wenyu here kuti, ‘Ndakati: “Muri vanamwari”’?*+ 35 Kana iye akashevedza vaya vaishorwa neshoko raMwari kuti ‘vanamwari,’+ asi rugwaro rusingagoni kushayiswa simba, 36 sei muchiti kwandiri ini, munhu akatsveneswa naBaba, akatumwa panyika, ‘Unomhura,’ nekuti ndati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?+ 37 Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu, musanditenda. 38 Asi kana ndiri kuaita, kunyange zvazvo musinganditendi, tendai mabasa acho,+ kuti musvike pakuziva uye murambe muchiziva kuti Baba vari pamwe neni uye ini ndiri pamwe naBaba.”+ 39 Saka vakaedzazve kumubata, asi iye akavanzvenga.

40 Uye akayambukazve mhiri kwaJodhani kunzvimbo yaibhabhatidzira Johani pakutanga,+ akagara ikoko. 41 Uye vanhu vakawanda vakauya kwaari vakatanga kuti: “Johani haana kana chiratidzo chaakamboita, asi zvese zvakataurwa naJohani nezvemurume uyu zvaiva zvechokwadi.”+ 42 Vazhinji vakatenda maari ipapo.

11 Mumwe murume ainzi Razaro airwara; aibva kuBhetani, musha waigara Mariya nemukoma wake Marita.+ 2 Uyu ndiye Mariya uya akadira mafuta anonhuhwirira pana Ishe, akapukuta tsoka dzaIshe nebvudzi rake;+ hanzvadzi yake Razaro ndiyo yairwara. 3 Saka hanzvadzi dzake dzakatumira shoko kwaari, dzichiti: “Ishe, shamwari yenyu yepamwoyo iri kurwara.” 4 Asi Jesu paakazvinzwa akati: “Kurwara uku hakusi kwekuti apedzisire afa; ndekwekuti Mwari akudzwe,+ kwoita kuti Mwanakomana waMwari akudzwe.”

5 Jesu aida Marita nemunin’ina wake naRazaro. 6 Asi paakanzwa kuti Razaro airwara, akatoramba ari munzvimbo yaakanga ari kwemamwe mazuva maviri. 7 Akabva azoti kuvadzidzi vake: “Ngatiendeizve kuJudhiya.” 8 Vadzidzi vakati kwaari: “Rabhi,+ nguva ichangobva kupfuura iyi vanhu vemuJudhiya vaida kukutemai nematombo,+ zvino mava kuda kudzokera ikoko zvakare?” 9 Jesu akapindura kuti: “Handiti kunze kunoita maawa 12 kwakachena?+ Kana munhu akafamba kwakachena hapana chinomupiringisha, nekuti anoona chiedza chenyika ino. 10 Asi kana munhu akafamba usiku, anopiringishwa, nekuti chiedza hachisi maari.”

11 Pashure pekutaura mashoko aya, akawedzera kuti: “Razaro shamwari yedu arara,+ asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa.” 12 Vadzidzi vakabva vati kwaari: “Ishe, kana akarara, achapora hake.” 13 Jesu akanga achitaura nezverufu rwake. Asi ivo vakafunga kuti aitaura kuti ari kumbozorora zvake akakotsira. 14 Jesu akabva avabudira pachena kuti: “Razaro afa,+ 15 uye ndinofara nekuda kwenyu kuti ndanga ndisiko, kuti mutende. Asi ngatiendei kwaari.” 16 Saka Tomasi, ainzi Mumwe Wemapatya, akati kuvamwe vadzidzi: “Ngatiendeiwo, kuti tinofawo naye.”+

17 Jesu paakasvika, akawana kuti Razaro akanga atova nemazuva mana ari muguva.* 18 Bhetani yaiva pedyo neJerusarema nemakiromita angasvika matatu.* 19 Uye vaJudha vakawanda vakanga vauya kuna Marita naMariya kuzovanyaradza pakufirwa kwavakanga vaitwa nehanzvadzi yavo. 20 Marita paakanzwa kuti Jesu akanga achiuya, akanomuchingura; asi Mariya+ akaramba agere pamba. 21 Marita akabva ati kuna Jesu: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. 22 Asi kunyange iye zvino ndinoziva kuti zvese zvamunokumbira Mwari, Mwari anokupai.” 23 Jesu akati kwaari: “Hanzvadzi yako ichamuka.” 24 Marita akati kwaari: “Ndinoziva kuti achamuka parumuko+ pazuva rekupedzisira.” 25 Jesu akati kwaari: “Ndini rumuko neupenyu.+ Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu; 26 uye munhu wese mupenyu anotenda mandiri haachazofi.+ Unotenda izvi here?” 27 Iye akati kwaari: “Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu Mwanakomana waMwari, uya akanzi achauya munyika.” 28 Paakanga ataura izvi, akaenda akanoshevedza Mariya munin’ina wake pachivande, achiti: “Mudzidzisi+ auya uye ari kukushevedza.” 29 Paakanzwa izvi, akasimuka nekukurumidza ndokuenda kwaari.

30 Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri paakachingurirwa naMarita. 31 VaJudha vaiva naMariya mumba vachimunyaradza pavakaona achisimuka nekukurumidza achibuda, vakamutevera, vachifunga kuti akanga ava kuenda kuguva+ kunochema ikoko. 32 Mariya paakasvika kwakanga kuina Jesu akamuona, akawira patsoka dzake, achiti kwaari: “Ishe, kudai makanga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” 33 Jesu paakamuona achichema uye vaJudha vakanga vauya naye vachichema, akashushikana mumwoyo, akatambudzika. 34 Akati: “Makamuviga kupi?” Ivo vakati kwaari: “Ishe, uyai muone.” 35 Misodzi yaJesu yakatanga kuyerera.+ 36 VaJudha pavakazviona vakatanga kuti: “Onai madiro aaimuita!” 37 Asi vamwe vavo vakati: “Munhu uyu zvaakasvinudza maziso ebofu+ aisakwanisa here kuita kuti uyu arege kufa?”

38 Jesu akashushikana zvakare mumwoyo make, ndokuzosvika paguva racho. Iro raiva bako, uye rakanga rakavharwa nedombo. 39 Jesu akati: “Bvisai dombo.” Marita, hanzvadzi yemufi, akati kwaari: “Ishe, iye zvino anofanira kunge ava kunhuhwa, nekuti ratova zuva rechina.” 40 Jesu akati kwaari: “Handina kukuudza here kuti kana ukatenda uchaona kubwinya kwaMwari?”+ 41 Saka vakabvisa dombo racho. Jesu akabva atarisa kudenga+ ndokuti: “Baba, ndinokutendai kuti mandinzwa. 42 Chokwadi, ndanga ndichiziva kuti munogara muchindinzwa; asi ndataura ndichiitira vanhu vakaungana pano, kuti vatende kuti makandituma.”+ 43 Paakanga ataura izvi, akashevedzera nenzwi guru achiti: “Razaro, buda!”+ 44 Murume wacho akanga akafa akabuda akamonererwa machira mumakumbo nemaoko, uye chiso chake chakanga chakamonererwa nejira. Jesu akati kwavari: “Musunungurei mumurege aende.”

45 Saka vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Mariya vakatenda muna Jesu pavakaona zvaakaita,+ 46 asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, vakanovaudza zvakanga zvaitwa naJesu. 47 Saka vatungamiriri vevapristi nevaFarisi vakaunganidza Sanihedrini, vakati: “Toita sei, nekuti munhu uyu ari kuita zviratidzo zvizhinji?+ 48 Kana tikamurega achienderera kudai, vese vachatenda maari, uye vaRoma vachauya, votora nzvimbo yedu* nerudzi rwedu.” 49 Asi mumwe wavo, Kayafasi,+ uyo aiva mupristi mukuru gore iroro, akati kwavari: “Chamusiri kutomboziva 50 uye chamusiri kufunga ndechekuti zvingatokubatsirai kuti munhu mumwe chete afire vanhu pane kuti rudzi rwese ruparadzwe.” 51 Izvi haana kuzvitaura iye pachake, asi nekuti akanga ari mupristi mukuru gore iroro, akaprofita kuti Jesu akanga achifanira kufira rudzi irworwo, 52 kwete rudzi irworwo chete, asi kuti aunganidzewo vana vaMwari vakapararira kuti vave pamwe chete. 53 Saka kubvira zuva iroro vakarangana kuti vamuuraye.

54 Saka Jesu akanga asingachafambi achionekwa nevanhu vese pakati pevaJudha, asi akabva ikoko, akaenda kunharaunda yaiva pedyo nerenje, muguta rainzi Efremu,+ akagara ikoko nevadzidzi. 55 Paseka+ yevaJudha yakanga yava pedyo, uye vanhu vazhinji vaibva kuruwa vakakwidza kuJerusarema Paseka isati yatanga kuti vazvichenese sezvaidiwa neMutemo. 56 Vaitsvaga Jesu, uye vaitaurirana vakamira mutemberi, vachiti: “Munofungei? Kuti angarega kuuya kumutambo?” 57 Asi vatungamiriri vevapristi nevaFarisi vakanga vataura kuti kana paine munhu ainge aziva kwaari, aifanira kuuya kuzovaudza, kuti vamubate.

12 Paseka yasarirwa nemazuva 6 kuti isvike, Jesu akasvika kuBhetani, kwaiva naRazaro+ uya waakanga amutsa kuvakafa. 2 Saka vakamugadzirira kudya kwemanheru ikoko, uye Marita akanga achivaunzira zvekudya,+ asi Razaro akanga ari pakati pevamwe vaaidya navo. 3 Mariya akabva atora mafuta anonhuhwirira angasvika hafu yerita,* nadhi chaiyo, inodhura kwazvo, akaadira patsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake achishandisa bvudzi rake. Imba yese yakazara nekunhuhwirira kwemafuta acho.+ 4 Asi Judhasi Iskariyoti,+ mumwe wevadzidzi vake, uyo akanga ava kuda kumutengesa, akati: 5 “Nei mafuta aya anonhuhwirira asina kutengeswa madhinari* 300, mari yacho yapiwa varombo?” 6 Haana kutaura izvi nekuti aiva nehanya nevarombo, asi nekuti aiva mbavha uye aigara nebhokisi remari, achiwanzoba mari yaiiswa imomo. 7 Jesu akabva ati: “Musiye akadaro, kuti aite izvi achindigadzirira zuva rekuvigwa kwangu.+ 8 Nekuti varombo munogara muinavo,+ asi hamusi kuzogara muineni.”+

9 Izvi zvichiitika kudaro, vaJudha vakawanda vakazoziva kuti akanga aripo, saka vakauya kuzoona Jesu, nekuonawo Razaro, waakamutsa kuvakafa.+ 10 Vatungamiriri vevapristi vakabva varangana kuurayawo Razaro wacho, 11 sezvo vaJudha vakawanda vaienda ikoko pamusana pake, vachitenda muna Jesu.+

12 Mangwana acho, vanhu vakawanda vakanga vauya kumutambo vakanzwa kuti Jesu akanga achiuya kuJerusarema. 13 Saka vakatora mapazi emichindwe, vakabuda kunomuchingura uye vakatanga kushevedzera vachiti: “Tinokumbira kuti mumuponese!* Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha,*+ Mambo waIsraeri!”+ 14 Jesu akawana mwana wedhongi, akamutasva,+ sekunyorwa kwazvakaitwa kuti: 15 “Usatya, mwanasikana weZiyoni. Ona! Mambo wako ari kuuya, akatasva mwana wedhongi.”+ 16 Vadzidzi vake havana kunzwisisa zvinhu izvi pakutanga, asi Jesu paakakudzwa,+ vakabva vayeuka kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvavakamuitira.+

17 Vanhu vaiva naye paakashevedza Razaro kuti abude muguva,*+ achimumutsa kuvakafa, vakaramba vachipupura.+ 18 Ichi ndicho chimwe chikonzero chakaita kuti vabude vachinomuchingura. Vanhu vakanga vanzwa nezvechiratidzo ichi chaakaita. 19 Saka vaFarisi vakataurirana vachiti: “Muri kuona kuti hapana kwamuri kutombosvika. Onai! Nyika yese yava kumutevera.”+

20 Pakati pevaya vakanga vauya kuzonamata pamutambo paiva nevaGiriki. 21 Saka vakasvika kuna Firipi,+ aibva kuBhetisaidha yekuGarireya, uye vakati kwaari: “Vakuru, tiri kudawo kuona Jesu.” 22 Firipi akaenda akanoudza Andreya. Andreya naFiripi vakaenda vakanoudza Jesu.

23 Asi Jesu akavapindura achiti: “Nguva yekuti Mwanakomana wemunhu akudzwe yasvika.+ 24 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu yofa, inoramba ichingova tsanga imwe chete; asi kana ikafa,+ inobva yabereka zvibereko zvizhinji. 25 Munhu wese anoda upenyu hwake* anohuparadza, asi munhu wese anovenga upenyu hwake*+ munyika ino achahuchengetedza kuti awane upenyu husingaperi.+ 26 Kana munhu achida kundishumira, ngaanditevere, uye pandinenge ndiri, ndipo pachavawo nemushumiri wangu.+ Kana munhu achida kundishumira, Baba vachamukudza. 27 Ndiri* kunetseka,+ uye handizivi kuti ndoti chii? Baba, ndiponesei panguva iyi.+ Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika panguva ino. 28 Baba, kudzai zita renyu.” Inzwi+ rakabva rabva kudenga rikati: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”+

29 Vanhu vakawanda vakanga vakamira ipapo vakazvinzwa, vakatanga kutaura kuti kwakanga kwatinhira. Vamwe vakati: “Ngirozi yataura naye.” 30 Jesu akapindura akati: “Inzwi iri harina kunzwika nekuda kwangu, asi nekuda kwenyu. 31 Pane kutongwa kwenyika ino; mutongi wenyika ino+ achadzingwa.+ 32 Asi ini, kana ndasimudzwa kubva panyika,+ ndichaita kuti vanhu vakasiyana-siyana vauye kwandiri.” 33 Paaitaura izvi aitoratidza nzira yaaizofa nayo.+ 34 Vanhu vakabva vamupindura kuti: “Takanzwa muMutemo kuti Kristu anoramba aripo nekusingaperi.+ Saka sei muchiti Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa?+ Ndiani iyeye anonzi Mwanakomana wemunhu?” 35 Saka Jesu akati kwavari: “Masarirwa nenguva shomanana muchiine chiedza. Fambai muchiine chiedza, kuti rima rirege kukukundai; munhu wese anofamba murima haazivi kwaari kuenda.+ 36 Pamunenge muchiine chiedza, ivai nekutenda muchiedza, kuti muve vanakomana vechiedza.”+

Jesu akataura zvinhu izvi ndokubva aenda, akanovahwanda. 37 Kunyange zvazvo akanga aita zviratidzo zvakawanda pamberi pavo, vakanga vasingatendi maari, 38 kuti shoko remuprofita Isaya rizadziswe, uyo akati: “Jehovha,* ndiani akatenda zvaakanzwa kwatiri?+ Uye kana ruri ruoko rwaJehovha,* rwakaratidzwa kuna ani?”+ 39 Chikonzero chaiita kuti vasakwanisa kutenda ndicho chakataurwazve naIsaya chekuti: 40 “Akapofumadza maziso avo uye akaomesa mwoyo yavo, kuti varege kuona nemaziso avo vonzwisisa nemwoyo yavo vatendeuke, ndivaporese.”+ 41 Isaya akataura mashoko aya nekuti akaona kubwinya kwake, ndokutaura nezvake.+ 42 Kunyange zvakadaro, vatongi vakawanda vakatenda maari,+ asi nemhaka yevaFarisi, vakanga vasingadi kubuda pachena vachitya kudzingwa musinagogi;+ 43 nekuti vaida kukudzwa nevanhu kutopfuura kukudzwa naMwari.+

44 Asi Jesu akashevedzera achiti: “Munhu wese anotenda mandiri anenge asingatendi mandiri chete, asi anotendawo iye akandituma;+ 45 uye wese anondiona anoonawo iye akandituma.+ 46 Ndakauya sechiedza munyika,+ kuti munhu wese anotenda mandiri arege kuramba ari murima.+ 47 Asi kana munhu akanzwa mashoko angu orega kuachengeta, handimutongi; nekuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuzoponesa nyika.+ 48 Munhu wese asinganditeereri uye asingagamuchiri mashoko angu, ane anomutonga. Shoko randakataura ndiro richamutonga pazuva rekupedzisira. 49 Nekuti handina kutaura zvangu ndega, asi Baba vakandituma ndivo pachavo vakandirayira kuti ndezvipi zvandinofanira kutaura uye kudzidzisa.+ 50 Uye ndinoziva kuti murayiro wavo unotungamirira kuupenyu husingaperi.+ Saka zvese zvandinotaura, ndinozvitaura sekuzviudzwa kwandakaitwa naBaba.”+

13 Jesu akaziva mutambo wePaseka usati wasvika kuti nguva yake yakanga yakwana+ yekuti abve munyika ino aende kuna Baba.+ Sezvo aida vake vaiva panyika, akaramba achivada kusvikira pamugumo.+ 2 Pavaidya zvekudya zvemanheru, Dhiyabhorosi akanga atoisa pfungwa yekumutengesa mumwoyo maJudhasi Iskariyoti,+ mwanakomana waSimoni.+ 3 Jesu aiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvese mumaoko ake uye kuti akabva kuna Mwari uye kuti aienda kuna Mwari,+ 4 saka akasimuka pavaidya, akabvisa nguo dzake dzekunze. Akatora jira, akarimonera* muchiuno make.+ 5 Akabva aisa mvura mumudziyo wekugezera, akatanga kugeza tsoka dzevadzidzi achidzipukuta nejira raakanga akamonera* muchiuno. 6 Akabva asvika pana Simoni Petro. Iye akati kwaari: “Ishe, muri kuda kugeza tsoka dzangu here?” 7 Jesu akamupindura kuti: “Zvandiri kuita hausi kuzvinzwisisa iye zvino, asi kana zvapfuura uchazozvinzwisisa.” 8 Petro akati kwaari: “Hazvitomboiti kuti mugeze tsoka dzangu.” Jesu akamupindura kuti: “Kana ndikasakugeza,+ hauna mugove neni.” 9 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, musageza tsoka dzangu chete. Chibvai magezawo maoko angu nemusoro.” 10 Jesu akati kwaari: “Munhu anenge akageza muviri anofanira kugezwa tsoka chete, nekuti muviri wese wakachena. Imi makachena, asi kwete mese.” 11 Nekuti aiziva munhu ari kumutengesa.+ Ndokusaka akati: “Hamusi mese makachena.”

12 Paakanga ageza tsoka dzavo, apfeka nguo dzake dzekunze, uye agara zvakare patafura, akati kwavari: “Manzwisisa here zvandakuitirai? 13 Munonditi, ‘Mudzidzisi’ uye ‘Ishe,’ uye ndizvozvo chaizvo, nekuti ndizvo zvandiri.+ 14 Saka kana ini, Ishe uye Mudzidzisi, ndageza tsoka dzenyu,+ nemiwo munofanira kugezana tsoka.+ 15 Nekuti ndakuratidzai muenzaniso, kuti zvandakuitirai, muitewo saizvozvo.+ 16 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye anotumwa haasi mukuru kune akamutuma. 17 Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.+ 18 Handisi kutaura pamusoro penyu mese; ndinoziva vandakasarudza. Asi izvi zviri kuitika kuti rugwaro ruzadziswe+ runoti: ‘Uya aidya chingwa changu, andisimudzira chitsitsinho chake.’*+ 19 Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuti pazvinozoitika mutende kuti ndini wacho.+ 20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, wese anogamuchira munhu wandinotuma anondigamuchirawo,+ uye wese anondigamuchira anogamuchirawo akandituma.”+

21 Pashure pekutaura izvi, Jesu akashungurudzika, uye akapupura achiti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achanditengesa.”+ 22 Vadzidzi vakatanga kutarisana, vachishaya kuti akanga achireva ani.+ 23 Mumwe wevadzidzi aidiwa naJesu+ akanga akagara pedyo naJesu.* 24 Simoni Petro akabva anongedza nemusoro kwaari, akati: “Tiudze kuti ari kutaura nezvaani.” 25 Saka mudzidzi wacho akazendamira pachipfuva chaJesu, akati kwaari: “Ishe, ndiani?”+ 26 Jesu akapindura kuti: “Ndeuyo wandichapa chimedu chechingwa chandinoseva.”+ Saka akaseva chingwa chacho, akachipa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskariyoti. 27 Judhasi paakanga atora chingwa chacho, Satani akabva apinda maari.+ Saka Jesu akati kwaari: “Kurumidza kuita zvauri kuita.” 28 Asi vamwe vese vakanga vakagara patafura havana kuziva kuti akazvitaurirei kwaari. 29 Vamwe vaitofunga kuti sezvo Judhasi ari iye aichengeta bhokisi remari,+ Jesu akanga achimuudza kuti, “Tenga zvinhu zvatinoda kushandisa pamutambo,” kana kuti aifanira kupa varombo chimwe chinhu. 30 Saka paakatambira chingwa chacho akabva abuda pakarepo. Uye hwaiva usiku.+

31 Saka paakanga aenda, Jesu akati: “Iye zvino Mwanakomana wemunhu ava kukudzwa,+ uye ava kuita kuti Mwari akudzwe. 32 Mwari pachake achamukudza,+ uye achamukudza pakarepo. 33 Vana,* ndasarirwa nenguva shomanana ndiinemi. Muchanditsvaga; uye sezvandakataura kuvaJudha kuti, ‘Hamukwanisi kuuya kwandiri kuenda,’+ ndinozvitaurawo kwamuri iye zvino. 34 Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita,+ imiwo dananai.+ 35 Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”+

36 Simoni Petro akati kwaari: “Ishe, muri kuenda kupi?” Jesu akapindura kuti: “Kwandiri kuenda haukwanisi kunditevera iye zvino, asi uchatevera gare gare.”+ 37 Petro akati kwaari: “Ishe, nei ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichapa upenyu hwangu* nekuda kwenyu.”+ 38 Jesu akapindura kuti: “Une chokwadi here kuti uchapa upenyu hwako* nekuda kwangu? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”+

14 “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka.+ Tendai muna Mwari;+ tendaiwo mandiri. 2 Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzekugara. Dai zvisina kudaro, ndingadai ndakuudzai, nekuti ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo.+ 3 Uye kana ndaenda, ndanokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutambirai kuti muve kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.+ 4 Uye munoziva nzira yekwandiri kuenda.”

5 Tomasi+ akati kwaari: “Ishe, hatizivi kwamuri kuenda. Nzira yacho tingaiziva sei?”

6 Jesu akati kwaari: “Ndini nzira+ nechokwadi+ neupenyu.+ Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.+ 7 Kudai maindiziva, mungadai muchizivawo Baba vangu; kubvira iye zvino mava kuvaziva uye makavaona.”+

8 Firipi akati kwaari: “Ishe, tiratidzei Baba, tobva tangogutsikana.”

9 Jesu akati kwaari: “Nenguva yese iyi yandanga ndiinemi, nanhasi hausati wava kundiziva here Firipi? Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.+ Zvino sei uri kuti, ‘Tiratidzei Baba’? 10 Hautendi here kuti ndiri pamwe naBaba uye Baba vari pamwe neni?+ Zvandinokutaurirai hazvisi zvangu ndega,+ asi kuti Baba, vanoramba vari pamwe neni, ndivo vari kuita mabasa avo. 11 Nditendei kuti ndiri pamwe naBaba uye Baba vari pamwe neni; kana musingatendi izvozvo, tendai nekuda kwemabasa ega.+ 12 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita; uye achaita mabasa makuru kupfuura aya,+ nekuti ndiri kuenda kuna Baba.+ 13 Uye zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Mwanakomana aite kuti Baba vakudzwe.+ 14 Chese chamunenge makumbira muzita rangu ndichachiita.

15 “Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu.+ 16 Uye ndichakumbira Baba, vokupai mumwe mubatsiri* kuti ave nemi nekusingaperi,+ 17 iwo mweya wechokwadi,+ uyo nyika isingagoni kugamuchira, nekuti haiuoni kana kuuziva.+ Imi munouziva, nekuti unoramba uinemi uye uri mamuri. 18 Handisi kuzokusiyai mega.* Ndichauya kwamuri.+ 19 Kwangosara nguva shomanana, uye nyika haichazondioni, asi imi muchandiona,+ nekuti ndiri mupenyu uye muchava vapenyu. 20 Pazuva iroro muchaziva kuti ndiri pamwe naBaba vangu uye imi muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi.+ 21 Munhu wese ane mirayiro yangu uye anoichengeta ndiye anondida. Uye munhu wese anondida achadiwawo naBaba vangu, uye ini ndichamuda ndozviratidza pachena kwaari.”

22 Judhasi,+ asiri Iskariyoti, akati kwaari: “Ishe, chii chaitika zvekuti munoda kuzviratidza pachena kwatiri, kwete kunyika?”

23 Jesu akamupindura achiti: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu,+ uye Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari togara naye.+ 24 Munhu wese asingandidi haachengeti mashoko angu. Shoko ramuri kunzwa harisi rangu, asi nderaBaba vakandituma.+

25 “Ndakutaurirai izvi ndichiinemi. 26 Asi mubatsiri, iwo mweya mutsvene uchatumirwa naBaba muzita rangu, uchakudzidzisai zvinhu zvese nekukuyeuchidzai zvinhu zvese zvandakakuudzai.+ 27 Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu.+ Handikupii rugare semapiro anoita nyika. Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuti ichitya. 28 Manzwa ndichiti kwamuri, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzoka kwamuri.’ Kudai maindida, maitofara kuti ndiri kuenda kuna Baba, nekuti Baba vakuru kwandiri.+ 29 Saka ndakuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuti mutende kana zvazoitika.+ 30 Handichatauri zvakawanda nemi, nekuti mutongi wenyika+ ari kuuya, asi haana simba pandiri.+ 31 Asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, ndava kuita zvandakaudzwa chaizvo naBaba kuti ndiite.+ Simukai, ngatibvei pano.

15 “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu ndivo murimi. 2 Vanobvisa bazi rese riri pandiri risingabereki, uye vanochenesa ese anobereka, kuti abereke zvakawanda.+ 3 Makatochena nekuda kweshoko randakataura kwamuri.+ 4 Rambai muri pamwe neni, uye ini ndicharamba ndiri pamwe nemi. Sezvo bazi risingagoni kubereka riri rega kunze kwekunge raramba riri pamuzambiringa, imiwo hamugoni kubereka kunze kwekunge maramba muri pamwe neni.+ 5 Ndini muzambiringa; imi muri mapazi. Wese anoramba ari pamwe neni uye ini ndiri pamwe naye, anobereka zvakawanda;+ nekuti hapana chamunokwanisa kuita musiri pamwe neni. 6 Kana munhu asingarambi ari pamwe neni, anokandwa kunze sebazi, ooma. Uye vanhu vanounganidza mapazi iwayo voakanda mumoto, otsva. 7 Kana mukaramba muri pamwe neni uye mashoko angu akaramba ari mamuri, kumbirai chero chamunoda uye muchachiitirwa.+ 8 Baba vangu vanokudzwa neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye kuti munoratidza kuti muri vadzidzi vangu.+ 9 Sekudiwa kwandakaitwa naBaba,+ ini ndakakudaiwo; rambai muri murudo rwangu. 10 Kana mukachengeta mirayiro yangu, mucharamba muri murudo rwangu, sekuchengetawo kwandakaita mirayiro yaBaba ndikaramba ndiri murudo rwavo.

11 “Ndakutaurirai zvinhu izvi kuti mufaro wangu uve mamuri uye mufaro wenyu uzadziswe.+ 12 Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudanane sekuda kwandakakuitai.+ 13 Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake* achifira shamwari dzake.+ 14 Imi muri shamwari dzangu kana muchiita zvandiri kukurayirai.+ 15 Handichakutiizve varanda, nekuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndava kukutii shamwari, nekuti ndakakuzivisai zvinhu zvese zvandakanzwa kuna Baba vangu. 16 Hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai, uye ndakakugadzai kuti muende, moramba muchibereka zvibereko uye kuti zvibereko zvenyu zvirambe zviripo, kuti chese chamunokumbira Baba muzita rangu vakupei.+

17 “Ndinokurayirai zvinhu izvi, kuti mudanane.+ 18 Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai.+ 19 Kudai maiva venyika, nyika ingadai ichida vayo. Asi sezvo musiri venyika,+ uye ndakakusarudzai munyika, nyika inokuvengai nechikonzero ichi.+ 20 Rambai muchifunga nezveshoko randakakuudzai rekuti: Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo;+ kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. 21 Asi vachakuitirai zvese izvi nekuda kwezita rangu, nekuti havazivi akandituma.+ 22 Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura navo, vangadai vasina chivi.+ Asi iye zvino havana chikonzero chavangapa pachivi chavo.+ 23 Wese anondivenga anovengawo Baba vangu.+ 24 Dai ndakanga ndisina kuita mabasa asina kumboitwa nemumwe munhu pakati pavo, vangadai vasina chivi;+ asi zvino vakandiona uye vakandivenga pamwe naBaba vangu. 25 Asi izvi zvakaitika kuti shoko rakanyorwa muMutemo wavo rizadziswe, rekuti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’+ 26 Pachasvika mubatsiri wandichakutumirai kubva kuna Baba, iwo mweya wechokwadi,+ unobva kuna Baba, iwoyo uchandipupurira;+ 27 uye imiwo munofanira kupupura,+ nekuti manga muineni kubvira pandakatanga.

16 “Ndakutaurirai zvinhu izvi kuti murege kuzosiya kutenda.* 2 Vanhu vachakudzingai musinagogi.+ Ndingatoti ichasvika nguva yekuti munhu wese anenge akuurayai+ achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene. 3 Asi vachaita zvinhu izvi nekuti havasati vava kuziva Baba kana ini.+ 4 Kunyange zvakadaro, ndataura zvinhu izvi kwamuri kuti kana nguva yekuti zviitike yasvika, muyeuke kuti ndakakuudzai.+

“Handina kukuudzai zvinhu izvi pakutanga, nekuti ndaiva nemi. 5 Asi iye zvino ndava kuenda kune uya akandituma;+ asi hapana kana mumwe wenyu ari kundibvunza kuti, ‘Muri kuenda kupi?’ 6 Asi nekuti ndakuudzai zvinhu izvi, mwoyo yenyu iri kushungurudzika.+ 7 Kunyange zvakadaro, chokwadi ndechekuti kuenda kwangu kuchakubatsirai. Nekuti kana ndikasaenda, mubatsiri+ haazouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri. 8 Uye kana iyeye auya, achapa nyika uchapupu hunogutsa pamusoro pechivi nepamusoro pekururama nepamusoro pekutongwa: 9 kutanga, pamusoro pechivi,+ nekuti havasi kutenda mandiri;+ 10 uye pamusoro pekururama, nekuti ndiri kuenda kuna Baba uye hamuchazondionizve; 11 uye pamusoro pekutongwa, nekuti mutongi wenyika ino atongwa.+

12 “Ndichiine zvinhu zvakawanda zvekukuudzai, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa iye zvino. 13 Asi panouya iyeye,* mweya wechokwadi,+ achakutungamirirai muchokwadi chese, nekuti haazotauri zvake ega, asi achataura zvaanonzwa, uye achakuzivisai zvinhu zvichauya.+ 14 Iyeye achandikudza,+ nekuti achakuzivisai zvinhu zvaanogamuchira kwandiri.+ 15 Zvinhu zvese zvina Baba ndezvangu.+ Ndokusaka ndati iyeye anokuzivisai zvinhu zvaanogamuchira kwandiri. 16 Kwangosara nguva shomanana, uye hamuzondionizve,+ uyezve, kana papfuura nguva shomanana muchandiona.”

17 Vamwe vadzidzi vake vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Ari kurevei paari kuti kwatiri, ‘Kwangosara nguva shomanana, uye hamuzondioni, uyezve, kana papfuura nguva shomanana muchandiona,’ uye paari kuti, ‘nekuti ndiri kuenda kuna Baba’?” 18 Saka vaiti: “Ari kurevei paari kuti, ‘nguva shomanana’? Hatizivi zvaari kutaura.” 19 Jesu aiziva kuti vaida kumubvunza, saka akati kwavari: “Muri kubvunzana izvi here, nekuti ndati: ‘Kwangosara nguva shomanana, uye hamuzondionizve, uyezve, kana papfuura nguva shomanana muchandiona’? 20 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, muchachema uye mucharidza mhere, asi nyika ichafara; muchashungurudzwa, asi shungu dzenyu dzichachinja kuva mufaro.+ 21 Kana mukadzi achisununguka, anonzwa kurwadziwa nekuti nguva yake inenge yakwana, asi kana asununguka mwana wake, haazoyeuki kutambudzika kwacho nekuda kwemufaro wekuti mwana aberekwa panyika. 22 Saka nemiwo muri kurwadziwa iye zvino; asi ndichakuonai zvakare, mwoyo yenyu yofara,+ uye hapana achakutorerai mufaro wenyu. 23 Musi iwoyo hapana mubvunzo wamuchandibvunza. Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, kana paine chamuchakumbira Baba,+ vachakupai muzita rangu.+ 24 Kusvikira iye zvino hamuna kana chinhu chamakakumbira muzita rangu. Kumbirai uye muchagamuchira, kuti mufaro wenyu uzadziswe.

25 “Ndakutaurirai zvinhu izvi nemienzaniso. Nguva iri kuuya pandisingazotauri nemi nemienzaniso, asi ndichakuudzai pachena nezvaBaba. 26 Zuva iroro muchakumbira Baba muzita rangu; pandiri kutaura izvi handisi kureva kuti ndini ndichakukumbirirai. 27 Nekuti ivo Baba pachavo vanokudai, pamusana pekuti munondida+ uye makatenda kuti ndakauya semumiririri waMwari.+ 28 Ndakauya semumiririri waBaba ndichiuya panyika. Iye zvino ndava kubva panyika ndichienda kuna Baba.”+

29 Vadzidzi vake vakati: “Iye zvino mava kutaura zvakajeka, musingashandisi mienzaniso. 30 Tava kuziva kuti munoziva zvinhu zvese uye hapana munhu anofanira kukubvunzai. Nekuda kweizvi tinotenda kuti makabva kuna Mwari.” 31 Jesu akavapindura kuti: “Mava kutenda here iye zvino? 32 Onai! Nguva iri kuuya, uye ndingati, yatosvika, pamuchapararira mumwe nemumwe achienda kumba kwake muchindisiya ndega.+ Asi handisi ndega, nekuti Baba vaneni.+ 33 Ndakutaurirai zvinhu izvi kuti muve nerugare+ kuburikidza neni.* Muchasangana nematambudziko munyika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.”+

17 Jesu akataura zvinhu izvi, akatarisa kudenga ndokuti: “Baba, nguva yakwana. Kudzai mwanakomana wenyu, kuti mwanakomana wenyu akukudzei,+ 2 sezvo makamupa simba pamusoro pevanhu vese,*+ kuti ape upenyu husingaperi+ vanhu vese vamakamupa.+ 3 Kuti vawane upenyu husingaperi,+ vanofanira kusvika pakukuzivai,* imi Mwari mumwe chete wechokwadi,+ naJesu Kristu wamakatuma.+ 4 Ndakakukudzai panyika,+ sezvo ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.+ 5 Saka iye zvino Baba, ndikudzei parutivi rwenyu nekukudzwa kwandaiva nako parutivi rwenyu nyika isati yavapo.+

6 “Ndakaita kuti vanhu vamakandipa panyika vazive zita renyu.+ Vakanga vari venyu, mukandipa, uye vakachengeta* shoko renyu. 7 Iye zvino vasvika pakuziva kuti zvinhu zvese zvamakandipa zvinobva kwamuri; 8 nekuti ndakavapa mashoko amakandipa,+ uye vakaabvuma, vakasvika pakuziva kuti zvechokwadi ndakauya semumiririri wenyu,+ uye vakatenda kuti makandituma.+ 9 Ndinovakumbirira; handikumbiriri nyika, asi vaya vamakandipa, nekuti ndevenyu; 10 uye zvinhu zvangu zvese ndezvenyu uye zvenyu ndezvangu,+ uye ndakakudzwa pakati pavo.

11 “Handisisiri munyika, asi ivo vari munyika,+ uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vachengetedzei+ nekuda kwezita renyu, iro ramakandipa, kuti vave vamwe* sezvo isu tiri vamwe.*+ 12 Pandaiva navo ndaivachengetedza+ nekuda kwezita renyu, iro ramakandipa; ndakavadzivirira, uye hapana kana mumwe chete wavo akaparadzwa+ kunze kwemwanakomana wekuparadzwa,+ kuti rugwaro ruzadziswe.+ 13 Asi iye zvino ndava kuuya kwamuri, uye ndiri kutaura zvinhu izvi munyika, kuti mufaro wangu uve wakazara mavari.+ 14 Ndakavapa shoko renyu, asi nyika yakavavenga, nekuti havasi venyika,+ seni ndisiri wenyika.

15 “Handisi kukumbira kuti muvabvise munyika, asi kuti muvachengetedze pane akaipa.+ 16 Havasi venyika,+ seni ndisiri wenyika.+ 17 Vaitei vatsvene* muchishandisa chokwadi;+ shoko renyu ichokwadi.+ 18 Sekundituma kwamakaita munyika, iniwo ndakavatuma munyika.+ 19 Uye ndiri kuzvitsvenesa nekuda kwavo, kuti ivowo vatsveneswe nechokwadi.

20 “Handikumbiriri ivava chete, asiwo vaya vanotenda mandiri neshoko ravo, 21 kuti vese vave vamwe,+ semi Baba muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi,+ kuti ivowo vave pamwe nesu, kuti nyika itende kuti makandituma. 22 Ndakavapa kukudzwa kwamakandipa, kuti vave vamwe, sesu tiri vamwe.+ 23 Ini ndiri pamwe navo uye imi muri pamwe neni, kuti vabatanidzwe zvakakwana, kuti nyika izive kuti makandituma uye kuti makavada sekundida kwamakaita. 24 Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri,+ kuti vakwanise kutarisa kubwinya kwamakandipa, nekuti makandida nyika isati yavambwa.+ 25 Baba Vakarurama, nyika haina kusvika pakukuzivai,+ asi ini ndinokuzivai,+ uye ava vakasvika pakuziva kuti makandituma. 26 Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa,+ kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari uye ini ndive pamwe navo.”+

18 Paakanga ataura izvi, Jesu akabuda nevadzidzi vake akayambuka Bani reKidroni*+ akapinda mumunda waiva* mhiri kwacho nevadzidzi vake.+ 2 Judhasi, mutengesi wake, aizivawo nzvimbo yacho, nekuti Jesu aiwanzoenda ikoko nevadzidzi vake. 3 Saka Judhasi akauya neboka revarwi nevarindi vevatungamiriri vevapristi nevevaFarisi, vakaenda ikoko nemazhenje emoto nemarambi nezvombo.+ 4 Jesu aiziva zvese zvakanga zvava kuda kuitika, saka akamira pamberi pavo akati: “Muri kutsvaga ani?” 5 Vakamupindura kuti: “Jesu wekuNazareta.”+ Iye akati kwavari: “Ndini.” Mutengesi wake Judhasi, akanga akamirawo navo.+

6 Jesu paakati kwavari, “Ndini,” vakasudurukira shure, vakawira pasi.+ 7 Saka akavabvunzazve kuti: “Muri kutsvaga ani?” Ivo vakati: “Jesu wekuNazareta.” 8 Jesu akapindura kuti: “Ndakuudzai kuti ndini. Saka kana muri kutsvaga ini, regai varume ava vaende.” 9 Izvi akazviita achizadzisa zvaakanga ataura zvekuti: “Pane vaya vamakandipa handina kurasikirwa kana nemumwe chete.”+

10 Simoni Petro, uyo aiva nebakatwa, akabva arivhomora, akacheka nzeve yekurudyi yemuranda wemupristi mukuru, ikabva.+ Muranda wacho ainzi Makosi. 11 Asi Jesu akati kuna Petro: “Dzorera bakatwa rako mumuhara maro.+ Ndingarega here kunwira mukapu yandakapiwa naBaba?”+

12 Varwi uye mutungamiriri weuto nevarindi vaishandira vaJudha vakabva vabata Jesu, vakamusunga. 13 Vakatanga kumuendesa kuna Anasi, nekuti aiva tezvara vaKayafasi,+ uyo akanga ari mupristi mukuru gore iroro.+ 14 Kayafasi ndiye uya wekupa vaJudha zano rekuti zvaizovabatsira kuti munhu mumwe chete afire vanhu.+

15 Simoni Petro akanga achitevera Jesu aine mumwe mudzidzi.+ Mudzidzi iyeye aizivikanwa nemupristi mukuru, uye akapinda naJesu muchivanze chemupristi mukuru, 16 asi Petro akanga akamira kunze, pedyo nepasuo. Saka mumwe mudzidzi wacho, uya aizivikanwa nemupristi mukuru, akabuda akataura nemuchengeti wesuo, ndokupinza Petro mukati. 17 Mushandi wechisikana uyo aiva muchengeti wesuo, akabva ati kuna Petro: “Hausi mumwe wevadzidzi vemurume uyu here iwe?” Iye akati: “Handisi.”+ 18 Varanda nevarindi vakanga vakamira vachidziya mazimbe emoto wavakanga vabatidza, nekuti kwaitonhora. Petro akanga akamirawo navo achidziya moto.

19 Saka mupristi mukuru akabvunza Jesu nezvevadzidzi vake uye nezvekudzidzisa kwake. 20 Jesu akamupindura kuti: “Ndakataura kunyika pachena. Ndaigara ndichidzidzisa musinagogi nemutemberi,+ munoungana vaJudha vese, uye handina chandakataura pachivande. 21 Muri kundibvunzirei? Bvunzai vaya vainzwa zvandaivataurira. Ivava vanoziva zvandaitaura.” 22 Paakanga ataura izvozvo, mumwe murindi akanga akamira pedyo akarova Jesu nembama kumeso,+ akati: “Ndiwo mapinduriro aunoita mupristi mukuru iwayo?” 23 Jesu akamupindura kuti: “Kana ndataura zvakaipa, pupura zvakaipa zvacho; asi kana zvandataura zvakarurama, uri kundiroverei?” 24 Anasi akabva amuendesa akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.+

25 Simoni Petro akanga akamira ipapo achidziya moto. Vakabva vati kwaari: “Iwe hausi mumwe wevadzidzi vake here?” Iye akaramba, akati: “Handisi.”+ 26 Mumwe wevaranda vemupristi mukuru, hama yemurume uya wekuchekwa nzeve naPetro,+ akati: “Hausiri iwe here wandaona mumunda uinaye?” 27 Asi Petro akarambazve, jongwe rikabva rarira pakarepo.+

28 Vakabva vabva naJesu kuna Kayafasi, vakaenda naye kumuzinda wagavhuna.+ Iye zvino kwakanga kwava kuchena. Asi ivo pachavo havana kupinda mumuzinda magavhuna, kuti vasasvibiswa,+ vazokwanisa kudya Paseka. 29 Saka Pirato akabuda panze pavaiva, akati: “Munhu uyu muri kumupomera mhosva yei?” 30 Vakamupindura vachiti: “Dai munhu uyu anga asina mhosva yaakapara tingadai tisina kuuya naye kwamuri.” 31 Saka Pirato akati kwavari: “Mutorei imi mumutonge maererano nemutemo wenyu.”+ VaJudha vakati kwaari: “Isu hatibvumirwi nemutemo kuuraya munhu.”+ 32 Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naJesu zvairatidza mafiro aakanga ava kuda kuita.+

33 Saka Pirato akadzokerazve mumuzinda, akashevedza Jesu, akati kwaari: “Ndiwe Mambo wevaJudha here?”+ 34 Jesu akapindura kuti: “Uri kubvunza izvi iwe pachako here, kana kuti pane vanhu vakuudza nezvangu?” 35 Pirato akapindura kuti: “Ndiri muJudha here ini? Vanhu verudzi rwako nevatungamiriri vevapristi ndivo vakuunza kwandiri. Wakaitei?” 36 Jesu akapindura kuti:+ “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.+ Dai Umambo hwangu hwaiva hwenyika ino, vateveri vangu vangadai varwa kuti vaJudha varege kundisunga.+ Asi zviripo ndezvekuti, Umambo hwangu hahubvi panyika ino.” 37 Saka Pirato akati kwaari: “Saka uri mambo here?” Jesu akapindura kuti: “Iwe ndiwe uri kutaura kuti ndiri mambo.+ Nekuti izvi ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupure chokwadi.+ Munhu wese ari kudivi rechokwadi anoteerera inzwi rangu.” 38 Pirato akati kwaari: “Chii chinonzi chokwadi?”

Paakanga ataura izvi, akabuda zvakare akaenda kuvaJudha, akati kwavari: “Ndiri kumushayira mhosva ini.+ 39 Zvakare, mune tsika yekuti ndinofanira kukusunungurirai mumwe munhu paPaseka.+ Saka munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?” 40 Vakabva vashevedzerazve vachiti: “Hatidi munhu uyu; toda Bharabhasi!” Bharabhasi wacho akanga ari gororo.+

19 Pirato akabva atora Jesu, akamurova zvakasimba.+ 2 Uye varwi vakaruka korona yeminzwa, vakaiisa mumusoro make, vakamupfekedza nguo yepepuru,+ 3 uye vaiuya kwaari vachiti: “Kwaziwai, imi Mambo wevaJudha!” Uye vairamba vachimurova mbama kumeso.+ 4 Pirato akabudazve panze akati kwavari: “Onai! Ndiri kumubudisa kwamuri kuti muzive kuti ndamushayira mhosva.”+ 5 Saka Jesu akauya panze akapfeka korona yeminzwa nenguo yepepuru. Pirato akati kwavari: “Onai! Murume wacho uyu!” 6 Asi vatungamiriri vevapristi nevarindi pavakamuona, vakashevedzera vachiti: “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!”+ Pirato akati kwavari: “Mutorei imi mumuroverere, nekuti ini handina kana mhosva yandamuwanira.”+ 7 VaJudha vakamupindura kuti: “Tine mutemo, uye maererano nemutemo iwoyo anofanira kufa,+ nekuti akazviita mwanakomana waMwari.”+

8 Pirato paakanzwa zvavaitaura akabva atonyanya kutya, 9 uye akapindazve mumuzinda, akati kuna Jesu: “Unobva kupi?” Asi Jesu haana kumupindura.+ 10 Saka Pirato akati kwaari: “Hausi kuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukusunungura uye rekuita kuti urovererwe?” 11 Jesu akamupindura kuti: “Kudai usina kupiwa simba kubva kumusoro ungadai usina simba pandiri. Ndokusaka munhu andiunza kwauri aine chivi chakakura kupfuura chako.”

12 Izvi zvakaita kuti Pirato arambe achitsvaga nzira yekumusunungura nayo, asi vaJudha vakashevedzera vachiti: “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari. Munhu wese anozviita mambo anopikisana* naKesari.”+ 13 Pirato paakanzwa izvi, akabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga pachivanze chakagadzirwa nematombo chinonzi Gabhata, muchiHebheru. 14 Rakanga riri zuva reKugadzirira+ Paseka, yava awa inenge yechi6.* Uye iye akati kuvaJudha: “Onai! Mambo wenyu!” 15 Asi vakashevedzera kuti: “Mubvisei pano! Mubvisei pano! Ngaarovererwe!” Pirato akati kwavari: “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vatungamiriri vevapristi vakapindura kuti: “Hatina mumwe mambo kunze kwaKesari.” 16 Akabva avapa Jesu wacho kuti anorovererwa padanda.+

Saka akanga ava mumaoko mavo. 17 Akazvitakurira danda rake rekutambudzirwa,* akaenda kunzvimbo yavaiti Nzvimbo yeDehenya,+ inonzi Gorogota muchiHebheru.+ 18 Vasvika ikoko, vakamuroverera padanda,+ pamwe chete nevamwe varume vaviri, mumwe kudivi iri, mumwe kune rimwe racho, Jesu ari pakati.+ 19 Pirato akanyorawo mashoko, akaaisa padanda racho.* Pakanga pakanyorwa kuti: “Jesu wekuNazareta Mambo wevaJudha.”+ 20 VaJudha vakawanda vakaverenga mashoko aya, nekuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye akanga akanyorwa muchiHebheru, muchiRatini, nemuchiGiriki. 21 Asi vatungamiriri vevapristi vevaJudha vakati kuna Pirato: “Musanyora kuti, ‘Mambo wevaJudha,’ asi nyorai kuti akati, ‘Ndiri Mambo wevaJudha.’” 22 Pirato akapindura kuti: “Zvandanyora ndanyora.”

23 Varwi pavakanga varoverera Jesu, vakakamura nguo dzake dzekunze kuita migove mina, murwi mumwe nemumwe aine mugove wake, uye vakatorawo nguo yake yemukati. Asi nguo yemukati yakanga isina musono, nekuti yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvikira pasi. 24 Saka vakataurirana kuti: “Ngatiregei kuibvarura, tikande mijenya tione kuti ichava yaani.”+ Izvi zvakaitika kuti zvizadzise rugwaro runoti: “Vakagovana nguo dzangu, uye vakakandira zvipfeko zvangu mijenya.”+ Saka varwi vakaita zvinhu izvi.

25 Asi pedyo nedanda rekutambudzirwa* raJesu, pakanga pakamira amai vake nemunin’ina waamai vake+ naMariya mudzimai waKropasi naMariya Magadharini.+ 26 Saka Jesu paakaona amai vake nemudzidzi waaida+ vakamira pedyo, akati kuna amai vake: “Amai onai mwanakomana wenyu!” 27 Akabva atiwo kumudzidzi wacho: “Ona amai vako!” Kubvira ipapo, mudzidzi wacho akatanga kugara navo kumba kwake.

28 Pashure peizvi, Jesu akaziva kuti iye zvino zvinhu zvese zvakanga zvaitika, saka kuti azadzise rugwaro, akati: “Ndine nyota.”+ 29 Paiva nemudziyo wakanga uripo waiva wakazara vhiniga. Saka vakaisa siponji yakazara nevhiniga pashanga rehisopi,* vakaiisa pamuromo wake.+ 30 Paakanga agamuchira vhiniga yacho, Jesu akati: “Zvaitika!”+ uye musoro wake wakabva warereka, akabudisa simba rake reupenyu.*+

31 Sezvo rakanga riri zuva reKugadzirira,+ vaJudha vakakumbira Pirato kuti varume vacho vatyorwe makumbo, zvitunha zvavo zvobviswa, kuti zvirege kuramba zviri pamatanda+ paSabata, (nekuti Sabata iroro rakanga riri guru.)+ 32 Saka varwi vakauya, vakatyora makumbo emurume wekutanga neemumwe murume wacho akanga arovererwa pamwe chete naye. 33 Asi pavakasvika pana Jesu, vakaona kuti akanga atofa, saka havana kutyora makumbo ake. 34 Asi mumwe murwi akamubaya parutivi pake nepfumo,+ ropa nemvura zvikabva zvabuda. 35 Uya akazviona akapa uchapupu uhwu uye uchapupu hwake ndehwechokwadi, uye anoziva kuti zvaanotaura ndezvechokwadi, kuti imiwo mutende.+ 36 Zvinhu izvi zvakatoitika kuti rugwaro ruzadziswe runoti: “Hapana kana pfupa rake richatyorwa.”+ 37 Uyezve rumwe rugwaro runoti: “Vachatarisa uya wavakabaya.”+

38 Pashure pezvinhu izvi, Josefa wekuArimatiya, uyo akanga ari mudzidzi waJesu asi ari wepachivande nekuti aitya vaJudha,+ akakumbira Pirato kuti atore chitunha chaJesu, uye Pirato akamupa mvumo. Saka akauya akatora chitunha chacho.+ 39 Nikodhimo,+ murume uya akambouya kwaari usiku pakutanga, akauyawo nemusanganiswa wemura nearosi, wairema makirogiramu angasvika 30.*+ 40 Saka vakatora chitunha chaJesu, vakachimonera nemachira ane zvinonhuhwirira,+ maererano nezvaiitwa nevaJudha pakuviga munhu. 41 Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine munda, uye mumunda macho maiva neguva idzva+ rakanga risati rambovigwa munhu. 42 Sezvo raiva zuva reKugadzirira+ revaJudha uye sezvo guva racho raiva pedyo, vakaviga Jesu imomo.

20 Pazuva rekutanga revhiki Mariya Magadharini akasvika kuguva* mangwanani-ngwanani,+ kuchakasviba, ndokuona dombo ratobviswa paguva.+ 2 Saka akaenda achimhanya kuna Simoni Petro nemumwe mudzidzi aidiwa kwazvo naJesu,+ akati kwavari: “Vabvisa Ishe muguva,+ uye hatizivi kwavamuisa.”

3 Petro nemudzidzi wacho vakabva vananga kuguva kwacho. 4 Vakatanga kumhanya vari vaviri, asi mudzidzi uya akasiya Petro, akatanga kusvika paguva. 5 Akadongorera, akaona machira ari pasi,+ asi haana kupinda. 6 Simoni Petro, uyo akanga achimutevera, akazosvikawo akapinda muguva. Akaona machira ari pasi. 7 Jira rakanga riri mumusoro make rakanga risiri pane mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro rega. 8 Mudzidzi uya wekutanga kusvika paguva akabva apindawo, uye akaona, akatenda. 9 Nekuti vakanga vasati vava kunzwisisa rugwaro runoti anofanira kumuka kuvakafa.+ 10 Saka vadzidzi vakadzokera kumisha yavo.

11 Asi Mariya akaramba akamira kunze pedyo neguva, achingochema. Achichema kudaro, akadongorera muguva, 12 ndokuona ngirozi mbiri+ dzakapfeka zvichena dzakagara paimbova nechitunha chaJesu, imwe kumusoro, imwe kumakumbo. 13 Dzakati kwaari: “Muri kuchemei nhai amai?” Iye akati kwadziri: “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kwavamuisa.” 14 Pashure pekutaura izvi, akatendeuka, akaona Jesu akamira ipapo, asi haana kuziva kuti aiva Jesu.+ 15 Jesu akati kwaari: “Muri kuchemei nhai amai? Muri kutsvaga ani?” Iye akafunga kuti akanga ari mushandi wemumunda wacho, saka akati kwaari: “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei kwamamuisa ndinomutora.” 16 Jesu akati kwaari: “Mariya!” Paakatendeuka, akati kwaari, muchiHebheru: “Rabhoni!” (zvinoreva kuti “Mudzidzisi!”) 17 Jesu akati kwaari: “Usaramba wakandibata, nekuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu+ unoti kwadziri, ‘Ndiri kukwira kuna Baba vangu+ naBaba venyu uye kuna Mwari wangu+ naMwari wenyu.’” 18 Mariya Magadharini akaenda akanoudza vadzidzi kuti: “Ndaona Ishe!” Uye akavaudza zvaakanga audzwa.+

19 Paakanga ava manheru pazuva iroro rekutanga revhiki, masuo emaiva nevadzidzi akanga akakiyiwa vachitya vaJudha, uye Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari: “Rugare ngaruve nemi.”+ 20 Pashure pekutaura izvi, akavaratidza maoko ake nerutivi rwake.+ Vadzidzi vakabva vafara kuti vakanga vaona Ishe.+ 21 Jesu akati kwavari zvakare: “Rugare ngaruve nemi.+ Ndiri kukutumai+ sekutumwa kwandakaitwawo naBaba.”+ 22 Pashure pekutaura mashoko aya, akafuridzira kwavari, akati: “Gamuchirai mweya mutsvene.+ 23 Kana mukaregerera zvivi zvemunhu, zvinenge zvaregererwa; kana mukasazviregerera, hazviregererwi.”

24 Asi Tomasi,+ mumwe wevane Gumi Nevaviri, ainzi Mumwe Wemapatya, akanga asipo pakauya Jesu. 25 Saka vamwe vadzidzi vaimuudza kuti: “Taona Ishe!” Asi akati kwavari: “Kana ndikasaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake, ndopinza munwe wangu paiva nezvipikiri, nekupinza ruoko rwangu parutivi rwake,+ handizvibvumi zvachose.”

26 Kuzoti papfuura mazuva 8, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi aiva navo. Jesu akauya, akamira pakati pavo, kunyange zvazvo masuo akanga akakiyiwa, akati: “Rugare ngaruve nemi.”+ 27 Akabva ati kuna Tomasi: “Isa munwe wako apa, uone maoko angu, uye pinza ruoko rwako parutivi rwangu, urege kuva munhu asina chokwadi, asi utende.” 28 Tomasi akamupindura kuti: “Ishe wangu naMwari wangu!” 29 Jesu akati kwaari: “Watenda here nekuti wandiona? Vanofara vasina kuona asi vachitenda.”

30 Jesu akaitawo zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi, zvisina kunyorwa mubhuku rino.+ 31 Asi izvi zvakanyorwa kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye nekuda kwekutenda, muve neupenyu muzita rake.+

21 Pashure peizvi, Jesu akazviratidza zvakare kuvadzidzi vake paGungwa reTibheriyasi. Akazviratidza seizvi. 2 Simoni Petro, naTomasi (ainzi Mumwe Wemapatya),+ naNatanieri+ wekuKana kuGarireya, nevanakomana vaZebhedhi,+ nevamwe vadzidzi vake vaviri, vakanga vari vese. 3 Simoni Petro akati kwavari: “Ndichambonobata hove.” Ivo vakati kwaari: “Handei tese.” Vakaenda, vakakwira muchikepe, asi usiku ihwohwo hapana kana chavakabata.+

4 Asi pakwakanga kwava kuedza, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti aiva Jesu.+ 5 Jesu akabva ati kwavari: “Vanangu, mune chekudya here?” Vakapindura kuti: “Hatina!” 6 Akati kwavari: “Kandai mambure kudivi rekurudyi rechikepe mubate.” Saka vakaakanda, asi vakazotadza kuadhonzera mukati nekuti akanga azara nehove.+ 7 Mudzidzi uya aidiwa naJesu+ akabva ati kuna Petro: “NdiIshe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti akanga ari Ishe, akapfeka* nguo yake yekunze, nekuti akanga asina kupfeka,* akasvetukira mugungwa. 8 Asi vamwe vadzidzi vakauya vari muchikepe, vachidhonza mambure ainge akazara nehove, nekuti vakanga vasiri kure nemahombekombe, pachingova nechinhambwe chemamita angasvika 90.*

9 Pavakasvika pamahombekombe, vakaona paine mazimbe emoto uye pamoto pacho paine hove nechingwa. 10 Jesu akati kwavari: “Unzai dzimwe hove dzamuchangobva kubata.” 11 Saka Simoni Petro akakwira muchikepe, akadhonza achibvisa muchikepe mambure ainge akazara nehove hombe dzaisvika 153. Uye kunyange zvazvo dzainge dzakawanda kudaro, mambure acho haana kubvaruka. 12 Jesu akati kwavari: “Chiuyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akashinga kumubvunza kuti: “Ndimi ani?” nekuti vaiziva kuti akanga ari Ishe. 13 Jesu akatora chingwa, akavapa, pamwe nehove dzacho. 14 Aka kakanga kava kechitatu+ Jesu achizviratidza kuvadzidzi pashure pekumutswa kuvakafa.

15 Pavakanga vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here kupfuura idzi?” Akamupindura achiti: “Hongu Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Iye akati kwaari: “Ipa makwayana angu zvekudya.”+ 16 Akatizve kwaari kechipiri: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Akapindura kuti: “Hongu Ishe, munoziva kuti ndinokudai.” Iye akati kwaari: “Fudza makwai angu madiki.”+ 17 Akati kwaari kechitatu: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akanetseka nekuti akanga amubvunza kechitatu kuti: “Unondida here?” Saka akati kwaari: “Ishe, munoziva zvinhu zvese; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari: “Ipa makwai angu madiki zvekudya.+ 18 Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, pawaiva mudiki, waipfeka wega uchifamba uchienda kwawaida. Asi kana wakwegura, uchatambanudza maoko ako uchipfekedzwa nemumwe munhu, okutakura achikuendesa kwausingadi.” 19 Akataura izvi achiratidza kuti aizokudza Mwari nemafiro aaizoita. Paakanga ataura izvi, akati kwaari: “Ramba uchinditevera.”+

20 Petro akatendeuka, akaona mudzidzi aidiwa naJesu+ achitevera, uya wekumbozendamira pachipfuva chake pakudya kwemanheru achiti: “Ishe, ndiani ari kukutengesai?” 21 Saka paakamuona, Petro akati kuna Jesu: “Ishe, ko murume uyu?” 22 Jesu akati kwaari: “Kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndauya, zvinei newe? Iwe ramba uchinditevera.” 23 Saka shoko racho rakafamba pakati pehama kuti mudzidzi uyu akanga asingazofi. Asi Jesu haana kumuudza kuti akanga asingazofi. Akati: “Kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndauya, zvinei newe?”

24 Uyu ndiye mudzidzi+ anopupura pamusoro pezvinhu izvi uye akanyora zvinhu izvi, uye tinoziva kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi.

25 Ndingatoti pane zvimwewo zvakawanda zvakaitwa naJesu, zvekuti kudai zvakanyorwa zvese chimwe nechimwe, ndinofunga kuti mabhuku acho aitadza kukwana panyika.+

Kana kuti “panzvimbo yepachipfuva chaBaba.” Izvi zvinoreva kuva pachinzvimbo chinoratidza kufarirwa chaizvo.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kureva, kuma4:00 dzemasikati.

ChiGir., “Zvinei neni uye newe, mukadzi.” Iri idimikira rinoreva kuramba zvataurwa. Kushandisa kwaakaita shoko rekuti “mukadzi” hakurevi kuti akanga asingaremekedzi.

Chiyero chacho rinofanira kunge raiva bhati, iro rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “musika.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuberekwa achibva kumusoro.”

ChiGir., “kutsiurwa.”

ChiGir., “ari kuisa chisimbiso.”

Kureva, Mwari.

Kana kuti “achiita zvekuyera.”

ChiGir., “Ishe.”

Kureva, kuma12:00 dzemasikati.

Kana kuti “chipo chaMwari chepachena.”

Kana kuti “akanga apora.”

Kureva, kuma1:00 dzemasikati.

Ona Mashoko Ekuwedzera A3.

Kana kuti “vane chipo cheupenyu mavari.”

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiGir., “masitadhiya 25 kana 30.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “kumukwevera kwandiri.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Dzimwe shanduro dzinoti, “pakanga pakaungana vanhu.”

Shoko rechiGiriki rekuti “dhiyabhorosi” rinoreva munhu anosvibisa zita remumwe.

Kana kuti “Wematumba.”

ChiGir., “zvinyorwa.”

Kureva, kudzidza kuzvikoro zvavanarabhi.

Kureva, kuda kwaMwari.

Zvinyorwa zvakawanda zvakare zvinovimbwa nazvo zvinosiya vhesi 53 kusvika kuchitsauko 8 vhesi 11.

Kana kuti “nezvinofungwa nevanhu.”

Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “kubvira pakutanga.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “mweya wangu.”

Kana kuti “mweya wangu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “takabatana.”

Kana kuti “Makafanana navanamwari.”

Kana kuti “muguva rekuyeukwa.”

ChiGir., “masitadhiya angasvika 15.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, temberi.

Kana kuti “paundi.” Shoko racho rechiGiriki rinoreva uremu hunowanzonzi hwakaenzana nepaundi yeRoma yemagiramu 327. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiGir., “Hosana.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “muguva rekuyeukwa.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “mweya wake.”

Kana kuti “Mweya wangu uri.”

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Ona Mashoko Ekuwedzera A5.

Kana kuti “akarisunga.”

Kana kuti “akasunga.”

Kana kuti “andipandukira.”

ChiGir., “pachipfuva paJesu.”

ChiGir., “Vana vadiki.” Iri ishoko raishandiswa kumunhu waunoda.

Kana kuti “mweya wangu.”

Kana kuti “mweya wako.”

Kana kuti “munyaradzi.”

Kana kuti “muri nherera.”

Kana kuti “mweya wake.”

ChiGir., “kuzogumburwa.”

Muvhesi 13 ne14, shoko rekuti “iyeye” riri kureva “mubatsiri” ambotaurwa nezvake muvhesi 7. Jesu akashandisa shoko rekuti “mubatsiri” achitaura nezvemweya mutsvene achiutora semunhu. Shoko racho mumutauro wechiGiriki rinoshandiswa pamunhu wemurume asi mweya mutsvene isimba risiri munhu uye shoko rinoshandiswa pauri muchiGiriki rinenge richitaura chinhu kwete munhu.

Kana kuti “pamwe chete neni.”

Kana kuti “penyama yese.”

Kana kuti “kuwana ruzivo pamusoro penyu.”

Kana kuti “vakateerera.”

Kana kuti “vabatane.”

Kana kuti “takabatana.”

Kana kuti “Vatsaurei.”

Kana kuti “rwizi rweKidroni.”

Kana kuti “mubindu raiva.”

Kana kuti “anopesana.”

Kureva, kuma12:00 dzemasikati.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “danda racho rekutambudzirwa.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “akabva afa.”

Kana kuti “mapaundi 100.” Ona mashoko emuzasi ari pana Johani 12:3.

Kana kuti “kuguva rekuyeukwa.”

Kana kuti “akasungira.”

Kana kuti “kunyatsopfeka.”

ChiGir., “angasvika makubhiti 200.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe