RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Hagai 1:1-2:23
  • Hagai

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hagai
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Hagai

HAGAI

1 Mugore rechipiri raMambo Dhariyasi, mumwedzi wechi6, pazuva rekutanga remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya nekumuprofita Hagai*+ richienda kuna gavhuna weJudha Zerubhabheri,+ mwanakomana waSheatiyeri, uye kumupristi mukuru Joshua mwanakomana waJehozadhaki, richiti:

2 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Vanhu ava vari kuti, “Nguva yekuti imba* yaJehovha ivakwe* haisati yasvika.”’”+

3 Shoko raJehovha rakauyazve kumuprofita Hagai,+ richiti: 4 “Ino inguva yekuti mugare mudzimba dzenyu dzakanamirirwa mapuranga akanaka, muchisiya imba iyi iri dongo here?+ 5 Zvino zvanzi naJehovha wemauto, ‘Nyatsofungai nezvenzira dzenyu. 6 Makadyara mbeu zhinji, asi muri kukohwa zvishoma.+ Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hapana chamunonzwa kuti manwa. Munopfeka asi hapana anodziyirwa. Munhu wemaricho anoisa mubhadharo wake muchihomwe chakabooka-booka.’”

7 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Nyatsofungai nezvenzira dzenyu.’

8 “‘Kwirai mugomo muuye nematanda.+ Vakai imba yangu+ kuti ndiifarire uye ndikudzwe,’+ anodaro Jehovha.”

9 “‘Maitarisira kuti muchawana zvizhinji, asi makawana zvishoma; uye pamakauya nazvo mudzimba dzenyu ndakazvifuridza zvikaenda.+ Ndakaitirei izvozvo?’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. ‘Nekuti imba yangu idongo, asi imi muri kumhanya-mhanya kugadzirisa dzimba dzenyu.+ 10 Saka denga rakakunyimai dova raro, uye nyika haina kukuberekerai chinhu. 11 Ndakaramba ndichiita kuti mvura isanaya panyika nemumakomo, zvikaita kuti mushaye goho, newaini itsva, nemafuta, nezvinomera panyika. Iye zvino mese vanhu nezvipfuwo muri kutambura uye imi muri kushandira mahara.’”

12 Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri,+ nemupristi mukuru Joshua mwanakomana waJehozadhaki,+ nevamwe vanhu vese vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo, uye mashoko emuprofita Hagai, nekuti akanga atumwa naJehovha Mwari wavo; uye vanhu vakatanga kutya Jehovha.

13 Hagai uyo aiva nhume yaJehovha akabva audza vanhu mashoko aya sekurayirwa kwaakaitwa naJehovha. Akati: “‘Ndinemi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

14 Saka Jehovha akaita kuti Zerubhabheri mwanakomana waSheatiyeri, gavhuna weJudha,+ nemupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki, nevamwe vanhu vese vave nechido+ chekuita basa; uye vakauya vakatanga kuita basa paimba yaJehovha wemauto Mwari wavo.+ 15 Iri raiva zuva rechi24 remwedzi wechi6, mugore rechipiri raMambo Dhariyasi.+

2 Mumwedzi wechi7, pazuva rechi21 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kumuprofita Hagai,+ richiti, 2 “Bvunza Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri, gavhuna weJudha,+ nemupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki,+ nevamwe vanhu vese kuti: 3 ‘Pakati penyu ndivanaani vachiripo vakaona kunaka kwaiva kwakaita imba* iyi pakutanga?+ Mava kuiona sei iye zvino? Ichiri chinhu here kana ichienzaniswa nezvayakanga yakaita?’+

4 “‘Zvino simba iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye simba iwe mupristi mukuru Joshua mwanakomana waJehozadhaki.’

“‘Simbai imi vanhu vese vemunyika ino, muite basa,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

“‘Nekuti ndinemi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. 5 ‘Yeukai zvandakakuvimbisai pamakabuda muIjipiti,+ uye iye zvino mweya wangu uchiri nemi.*+ Musatya.’”+

6 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, ‘Munguva pfupi iri kuuya ndichazunungusa zvakare denga nenyika negungwa nepasi.’+

7 “‘Ndichazunungusa marudzi ese, uye zvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese zvichauya;+ uye ndichazadza imba ino nekubwinya,’+ anodaro Jehovha wemauto.

8 “‘Sirivha ndeyangu, negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.

9 “‘Imba iyi ichange ichikudzwa kupfuura zvayaiva pakutanga,’+ anodaro Jehovha wemauto.

“‘Ndichaita kuti munzvimbo ino muve nerugare,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”

10 Pazuva rechi24 remwedzi wechi9, mugore rechipiri raDhariyasi, shoko raJehovha rakauya kumuprofita Hagai,+ richiti: 11 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Bvunza vapristi zvinotaurwa nemutemo, uchiti:+ 12 “Kana munhu akatakura nyama tsvene muhomwe yenguo yake, nguo yake yogunzva chingwa kana zvekudya zvakabikwa kana waini kana mafuta kana zvimwewo zvekudya, zvinobva zvavawo zvitsvene here?”’”

Vapristi vakabva vati: “Kwete!”

13 Hagai akabva ati: “Kana zvinhu izvi zvikabatwa nemunhu anenge asvibiswa nekubata chitunha,* zvinenge zvisisina kuchena here?”+

Vapristi vakapindura kuti: “Ehe, zvinenge zvisisina kuchena.”

14 Saka Hagai akati: “‘Ndizvo zvakaita vanhu ava, uye ndiwo maonero andiri kuita rudzi urwu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndizvo zvakaitawo basa rese ravanoita nemaoko avo; zvinhu zvese zvavanopa ipapo hazvina kuchena.’

15 “‘Asi iye zvino, ndapota, nyatsofungai izvi kubvira nhasi zvichienda mberi: Temberi yaJehovha isati yatanga kuvakwa,+ 16 zvinhu zvainge zvakamira sei? Munhu aienda pamurwi wezviyo* achitarisira kuwana masaga 20, owana 10 chete; uye mumwe aienda kuchisviniro chewaini achifunga kuti achawana zvirongo 50 zvewaini, owana 20 chete;+ 17 ndakaparadza basa rese remaoko enyu ndichiita kuti zvirimwa zvenyu zvitsve nemhepo inopisa, zviore+ uye zvirohwe nechimvuramabwe, asi hapana kana mumwe chete wenyu akadzoka kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

18 “‘Kubvira nhasi, zuva rechi24 remwedzi wechi9, zuva ravakwa faundesheni yetemberi yaJehovha,+ kubvira nhasi zvichienda mberi nyatsofungai izvi: 19 Mudura mati mava nembeu here?+ Muzambiringa nemuonde nemupomegraneti* nemuorivhi yati yabereka here? Kubvira nhasi ndichakukomborerai.’”+

20 Shoko raJehovha rakauya kuna Hagai kechipiri, pazuva rechi24 remwedzi wacho,+ richiti: 21 “Iti kuna Zerubhabheri gavhuna weJudha, ‘Ndichazunungusa denga nenyika.+ 22 Ndichaparadza zvigaro zveumambo, ndotsakatisa simba reumambo hwemarudzi;+ uye ndichaparadza ngoro nevanoitasva, uye mabhiza nevatasvi vawo vachafa, mumwe nemumwe achiurayiwa nebakatwa rehama yake.’”+

23 “‘Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘ndichakutora iwe mushumiri wangu Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndichaita kuti uite serin’i ine chidhindo,* nekuti ndiwe wandakasarudza,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”

Kureva kuti “Kuberekwa Pamutambo.”

Kana kuti “temberi.”

Kana kuti “ivakwezve.”

Kana kuti “temberi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “mweya wangu pawaiva wakamira pakati penyu.”

Kana kuti “nemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Kana kuti “chisimbiso.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe