RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Zefaniya 1:1-3:20
  • Zefaniya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zefaniya
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zefaniya

ZEFANIYA

1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Zefaniya* mwanakomana waKushi mwanakomana waGedhariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waHezekiya mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone+ mambo weJudha:

 2 “Ndichaparadza zvinhu zvese panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+

 3 “Ndichaparadza vanhu nemhuka.

Ndichaparadza shiri dzedenga nehove dzegungwa;+

Ndichaparadza zvinhu zvinotsausa,*+ pamwe chete nevanhu vakaipa;

Uye ndichabvisa vanhu panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.

 4 “Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha

Nevagari vese vemuJerusarema,

Uye ndichabvisa munzvimbo ino kanhu kese kane chekuita naBhaari,+

Pamwe chete nevapristi, nezita revapristi vamwari wekune imwe nyika,+

 5 Nevaya vanokotamira mauto ekudenga vari pamatenga edzimba,+

Nevaya vanopfugama vachipika kuti havasiyi Jehovha+

Ukuwo vachipika kuti havasiyi Marikamu;+

 6 Nevaya vanorega kutevera Jehovha,+

Uye vasingatsvagi Jehovha kana kumubvunza.”+

 7 Nyararai pamberi paChangamire Ishe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedyo.+

Jehovha agadzirira chibayiro; atsvenesa vaya vaakakoka.

 8 “Pazuva rechibayiro chaJehovha ndichatonga machinda,

Nevanakomana vamambo,+ nevanhu vese vakapfeka nguo dzekune imwe nyika.

 9 Zuva iroro ndichatonga vanhu vese vanokwira pachikuva,*

Vaya vanozadza imba yatenzi wavo nemhirizhonga nekunyengera.

10 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

“KuGedhi reHove kuchanzwika inzwi richishevedzera,+

KuRutivi Rutsva rweguta kucharidzwa mhere,+

Uye kuzvikomo kuchava neruzha rukuru.

11 Chemai imi vagari vemuMakteshi,*

Nekuti vanhu vese vanotengesa zvinhu vaparadzwa;

Vese vaya vanoyera sirivha vaparadzwa.

12 Panguva iyoyo ndichanyatsotarisa muJerusarema ndiine marambi,

Uye ndichatonga vanhu vasingatirimuki,* vaya vanoti mumwoyo mavo,

‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+

13 Pfuma yavo ichapambwa uye dzimba dzavo dzichaparadzwa.+

Vachavaka dzimba, asi havazodzigari;

Uye vachadyara minda yemizambiringa, asi havazonwi waini yacho.+

14 Zuva guru raJehovha rava pedyo!+

Rava pedyo, uye riri kukurumidza kusvika!+

Ruzha rwezuva raJehovha runoshungurudza.+

Pazuva iroro murwi ane simba achachema.+

15 Zuva iroro izuva rekushatirwa kukuru,+

Zuva rekutambudzika uye rekunetseka,+

Zuva redutu uye rekuparadzwa,

Zuva rerima uye rakasviba,+

Zuva remakore uye rerima gobvu,+

16 Zuva rekuridzwa kwehwamanda nerekushevedzera kwevarwi,+

Vachirwisa maguta akakomberedzwa nemasvingo uye shongwe refu dzemumakona.+

17 Ndichaita kuti vanhu vatambudzike,

Uye vachafamba semapofu,+

Nekuti vakatadzira Jehovha.+

Ropa ravo richadururwa sevhu,

Uye nyama yavo* sendove.+

18 Sirivha yavo negoridhe ravo hazvizokwanisi kuvaponesa pazuva rekushatirwa kwaJehovha;+

Nekuti nyika yese ichaparadzwa nekushingaira kwake kwakaita semoto,+

Achaparadza vagari vese vepanyika, achavaparadza zvinotyisa.”+

2 Unganai, chokwadi unganai,+

Imi rudzi rusinganyari.+

 2 Zvinhu zvakasarudzwa zvisati zvaitika,

Zuva racho risati rapfuura sehundi,

Kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamuri,+

Zuva rekutsamwa kwaJehovha risati rauya pamuri,

 3 Tsvagai Jehovha,+ imi vanyoro* vese vari panyika,

Imi munochengeta mirau yake yakarurama.*

Tsvagai kururama, tsvagai unyoro.*

Zvimwe mungavanzwa pazuva rekutsamwa kwaJehovha.+

 4 Nekuti guta reGaza richasara risina vanhu;

Uye Ashkeroni ichaitwa dongo.+

Vanhu veAshdhodhi vachabviswa munzvimbo yavo masikati machena,*

Uye Ekroni ichadzurwa.+

 5 “Vane nhamo vaya vanogara pamhenderekedzo yegungwa, irwo rudzi rwevaKereti!+

Jehovha akutongai.

Iwe Kenani, nyika yevaFiristiya, ndichakuparadza,

Zvekuti hapana achasara achigara mauri.

 6 Mhenderekedzo yegungwa ichava mafuro

Ane matsime evafudzi nematanga emakwai akavakwa nematombo.

 7 Ichava nzvimbo yevanhu veimba yaJudha vachasara;+

Ichava mafuro.

Vacharara mudzimba dzemuAshkeroni manheru.

Nekuti Jehovha Mwari wavo achavafunga,

Uye achadzosa hama dzavo dzakatapwa.”+

 8 “Ndakanzwa kuzvidza kweMoabhi+ uye kutuka kwevaAmoni,+

Avo vakashora vanhu vangu uye vakazvikudza vachiti vachatora nharaunda yavo.+

 9 Saka neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri,

“Moabhi ichaita seSodhomu,+

Uye nyika yevaAmoni ichaita seGomora,+

Ichava nzvimbo inomera rukato, gomba remunyu, uye ichagara iri dongo.+

Vanhu vangu vachasara vachavapamba,

Vaya vachasara pavanhu vangu vachavatorera nyika yavo.

10 Izvi ndizvo zvavachawana nemhaka yekuzvikudza kwavo,+

Nekuti vaizvikudza uye vaishora vanhu vaJehovha wemauto.

11 Jehovha achavatyisa;

Nekuti achaparadza vanamwari vese vepanyika,

Uye marudzi ese anogara muzvitsuwa achamukotamira,*+

Rumwe nerumwe ruri munzvimbo yarwo.

12 Nemiwo vaItiopiya muchaurayiwa nebakatwa rangu.+

13 Achatambanudzira ruoko rwake kuchamhembe, oparadza Asiriya,

Achaita kuti Ninivhi ive dongo,+ nzvimbo yakaoma segwenga.

14 Mhuka dzicharara imomo, mhuka dzesango dzakasiyana-siyana.

Dhadha remuromo murefu nenungu zvicharara pakati pemisoro yembiru dzayo.

Inzwi richaimba pahwindo.

Chidimbati* chichaparadzwa;

Nekuti achasiya mapuranga emisidhari ava pachena.

15 Iri ndiro guta riya rekuzvikudza rainge risina chekutya,

Riya raiti mumwoyo maro, ‘Ndini wacho, hakuna mumwe.’

Iye zvino rava kutotyisa,

Rava nzvimbo yekuti mhuka dzesango dzirare!

Munhu wese anopfuura nemariri acharidza muridzo; orisimudzira chibhakera.”+

3 Rine nhamo guta rekupanduka, guta rakasvibiswa uye rine udzvinyiriri!+

 2 Harina kuteerera;+ harina kubvuma kurayirwa.+

Harina kuvimba naJehovha;+ harina kuswedera pedyo naMwari waro.+

 3 Machinda aro ishumba dzinodzvova.+

Vatongi varo imhumhi dzinovhima usiku;

Kunze kunozoyedza vasisina kana pfupa rekun’en’ena.

 4 Vaprofita varo varume vanozvikudza uye vanonyengera.+

Vapristi varo vanosvibisa zvinhu zvitsvene;+

Vanotyora mutemo.+

 5 Jehovha akarurama pakati pavo;+ haaiti zvakaipa.

Anozivisa mitongo yake mangwanani ega ega,+

Iyo yakaita sechiedza chezuva chisingaregi kuuya.

Asi munhu asina kururama haatombonyari.+

 6 “Ndakaparadza marudzi; uye shongwe dzawo dzepamakona dzakasara dzava matongo.

Ndakaparadza migwagwa yawo, zvekuti hapana munhu aipfuura nemo.

Maguta awo akasiyiwa ava matongo, asina munhu anogara maari.+

 7 Ndakati kuguta racho, ‘Chokwadi uchanditya wobvuma kutsiurwa,’*+

Ndichiitira kuti rirege kuparadzwa;+

(Nekuti ndinofanira kuritonga* nemhaka yezvinhu zvese izvi.)

Asi ivo ndipo pavakatowedzera kuita zvakaipa.+

 8 ‘Saka rambai makandimirira,’*+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,

‘Kusvikira pazuva randichasimuka kuti ndipambe,*

Nekuti ndakasarudza kuti ndiunganidze marudzi neumambo,

Kuti ndidururire hasha dzangu paari, iko kutsamwa kwangu kwese;+

Nekuti nyika yese ichaparadzwa nekushingaira kwangu kwakaita semoto.+

 9 Nekuti panguva iyoyo ndichachinja mutauro wemarudzi, ndoapa mutauro wakachena,

Kuti ese zvawo adane zita raJehovha,

Uye kuti amushumire akabatana.’+

10 Kubva kunharaunda yenzizi dzeItiopiya,

Vaya vanoteterera kwandiri, iye mwanasikana wevanhu vangu vakapararira, vachandiunzira chipo.+

11 Pazuva iroro hauzonyadziswi

Nezvinhu zvese zvawakaita uchindipandukira,+

Nekuti panguva iyoyo ndichabvisa vanhu vanozvikudza pakati pako;

Uye hauzombozvikudzizve mugomo rangu dzvene.+

12 Ndichaita kuti vanhu vanozvininipisa nevakaderera varambe vari pakati pako,+

Uye vachapotera muzita raJehovha.

13 Vanhu vachasara pavaIsraeri+ havazoiti zvakaipa;+

Havazorevi nhema, kana kutaura mashoko ekunyengera;

Vachadya vorara pasi, uye hapana achavatyisa.”+

14 Shevedzera uchifara, iwe mwanasikana weZiyoni!

Shevedzera nemufaro, iwe Israeri!+

Fara, upembere nemufaro nemwoyo wako wese, iwe mwanasikana weJerusarema!+

15 Jehovha abvisa mitongo yawakapiwa.+

Adzinga muvengi wako.+

Jehovha Mambo weIsraeri anewe.+

Hauzotyizve dambudziko.+

16 Zuva iroro Jerusarema richaudzwa kuti:

“Usatya iwe Ziyoni.+

Maoko ako ngaarege kupera simba.

17 Jehovha Mwari wako anewe.+

Achaponesa nekuti ane simba.

Achakufarira zvikuru.+

Achazorodzwa* nekuti anenge akuratidza rudo.

Achakufarira achishevedzera nemufaro.

18 Ndichaunganidza vaya vari kurwadziwa nekuti havana kuuya kumitambo yako;+

Vakatadza kuuya nekuti vainge vatapwa, vachizvidzwa kune imwe nyika.+

19 Panguva iyoyo ndicharwisa vese vari kukudzvinyirira;+

Ndichaponesa ari kukamhina,+

Uye ndichaunganidza vakapararira.+

Ndichaita kuti varumbidzwe uye kuti vave nemukurumbira

Munyika dzese dzavainyadziswa.

20 Panguva iyoyo ndichakudzosai,

Ndichakuunganidzai.

Nekuti ndichaita kuti muve nemukurumbira uye kuti murumbidzwe+ nemarudzi ese epanyika,

Pamuchaona ndichidzosa hama dzenyu dzakatapwa,” anodaro Jehovha.+

Kureva kuti “Jehovha Avanza (Achengetedza).”

Zvinoratidza sekuti pari kureva zvinhu kana kuti mabasa ane chekuita nekunamata zvidhori.

Zvingava zvichireva chikuva chaiva nechigaro chamambo.

Zvinoita sekuti ichi chaiva chikamu cheJerusarema chaiva pedyo neGedhi reHove.

Kana kuti “vaya vakaita sewaini yakagadzikana pamasese.”

ChiHeb., “ura hwavo.”

Kana kuti “vanozvininipisa.”

ChiHeb., “mutongo wake.”

Kana kuti “zvininipisei.”

Kana kuti “zuva rakacheka nyika.”

Kana kuti “achamunamata.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Kana kuti “kurayirwa.”

Kana kuti “kuriranga.”

Kana kuti “ndimirirei nemwoyo murefu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “randichasimuka kuti ndive chapupu.”

Kana kuti “Achanyarara; Achafara.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe