RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt 2 Makoronike 1:1-36:23
  • 2 Makoronike

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 Makoronike
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Makoronike

BHUKU RECHIPIRI REMAKORONIKE

1 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akaramba achiwedzera kuva nesimba paumambo hwake. Jehovha Mwari wake aiva naye uye akaita kuti ave mukuru chaizvo.+

2 Soromoni akashevedza vaIsraeri vese, vakuru vezviuru nevemazana, vatongi, nemachinda ese emuIsraeri yese, vakuru vedzimba dzemadzibaba. 3 Soromoni neungano yese vakabva vaenda kunzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ nekuti ikoko ndiko kwaiva netende rekusanganira raMwari wechokwadi, tende rakanga ragadzirwa murenje naMozisi mushumiri waJehovha. 4 Asi Dhavhidhi akanga atora Areka yaMwari wechokwadi kuKiriyati-jearimu,+ akaiendesa kunzvimbo yaakanga aigadzirira. Dhavhidhi akanga aidzikira tende muJerusarema.+ 5 Uye atari+ yemhangura yakanga yagadzirwa naBhezareri+ mwanakomana waUrai mwanakomana waHeri yakanga yaiswa pamberi petebhenekeri yaJehovha; uye Soromoni neungano vainyengetera vari pamberi payo.* 6 Soromoni akapa mipiro ipapo pamberi paJehovha, akapa zvibayiro zvinopiswa 1 000 paatari+ yemhangura patende rekusanganira.

7 Usiku ihwohwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni akati kwaari: “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.”+ 8 Soromoni akabva ati kuna Mwari: “Makaratidza rudo rukuru rusingachinji kuna baba vangu Dhavhidhi,+ uye makandigadza kuti ndive mambo panzvimbo yavo.+ 9 Haiwa Jehovha Mwari, vimbiso yamakaita kuna baba vangu Dhavhidhi ngaizadziswe,+ nekuti makandigadza kuti ndive mambo wevanhu vakawanda seguruva renyika.+ 10 Saka ndipei uchenjeri neruzivo+ kuti nditungamirire vanhu ava,* nekuti ndiani angatonga vanhu venyu vakawanda kudai?”+

11 Mwari akabva ati kuna Soromoni: “Nekuti izvi ndizvo zvauri kuda mumwoyo mako uye hauna kukumbira zvinhu zvizhinji, pfuma nekukudzwa, kana rufu rwevanokuvenga,* kana kukumbira kuti urarame kwenguva refu,* asi wakumbira uchenjeri neruzivo kuti utonge vanhu vangu vandakakugadza kuti uve mambo wavo,+ 12 uchapiwa uchenjeri neruzivo; asi ndichakupawo zvinhu zvakawanda nepfuma nekukudzwa zvisina kumbova nemadzimambo akakutangira, uye zvisingazovi namambo chero upi zvake anokutevera.”+

13 Saka Soromoni akabva pamberi petende rekusanganira, panzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ akaenda kuJerusarema; uye akatonga Israeri. 14 Soromoni akaramba achiunganidza ngoro nemabhiza;* aiva nengoro 1 400 nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro+ uye pedyo namambo muJerusarema.+ 15 Mambo akaita kuti sirivha negoridhe zvaiva muJerusarema zviwande sematombo,+ uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+ 16 Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti,+ uye boka revatengesi vamambo rainotenga mabhiza* acho akawanda richibhadhara mutengo waaitengeswa nawo.+ 17 Ngoro imwe neimwe yaitengwa kuIjipiti yaiita masirivha 600, uye bhiza raiita 150; vaibva vazvitengesa kumadzimambo ese evaHiti nemadzimambo eSiriya.

2 Zvino Soromoni akarayira kuti pavakwe imba yezita raJehovha+ neimba yeumambo* hwake.+ 2 Soromoni akatora varume 70 000 kuti vaite mabasa asingadi unyanzvi,* nevarume 80 000 kuti vacheke matombo mumakomo,+ uye 3 600 kuti vave vatariri vavo.+ 3 Soromoni akatumirawo shoko kuna Hiramu+ mambo weTire, achiti: “Ndiitireiwo zvamakaitira baba vangu Dhavhidhi, pamakavatumira matanda emusidhari kuti vavake imba yekugara.*+ 4 Iye zvino ndiri kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba kuti ndiikumikidze* kwaari, kuti ndipisire rusenzi+ inonhuhwirira pamberi pake, nekuisa imomo zvingwa zvinoturikidzaniswa* zvinogara zvirimo+ nekupa zvibayiro zvinopiswa, mangwanani nemanheru,+ pamaSabata,+ pakugara kwemwedzi,+ nepamwaka yemitambo+ yaJehovha Mwari wedu. Izvi zvichagara zvichiitwa nevaIsraeri. 5 Imba yandichavaka ichava huru, nekuti Mwari wedu mukuru kupfuura vamwe vanamwari vese. 6 Ndiani angakwanisa kumuvakira imba? Nekuti haangakwani mumatenga, mumatenga ekumatenga,+ saka ndini ani kuti ndimuvakire imba kunze kwekungoti ive nzvimbo yekukwidzira utsi hwezvibayiro pamberi pake? 7 Nditumireiwo murume ane unyanzvi hwekugadzira zvinhu zvegoridhe, zvesirivha, zvemhangura,+ zvesimbi, zveshinda yepepuru, zveshinda tsvuku, nezveshinda yebhuruu, uye anogona kutemerera mifananidzo yekushongedza. Achashandira muJudha nemuJerusarema nenyanzvi dzangu dzekugadzira zvinhu dzakatsvagwa nababa vangu Dhavhidhi.+ 8 Munditumirewo matanda emusidhari, mujunipa,+ nemuarigamu+ kubva kuRebhanoni, nekuti ndinonyatsoziva kuti varanda venyu vane ruzivo rwekutema miti yekuRebhanoni.+ Varanda vangu vachashanda pamwe chete nevaranda venyu+ 9 kuti vandigadzirire matanda akawanda, nekuti imba yandichavaka ichange yakakura uye yakanaka chaizvo. 10 Ndichapa varanda venyu vanotema miti zvekudya zvinotevera:+ makori* 20 000 egorosi, makori 20 000 ebhari, mabhati* 20 000 ewaini, nemabhati 20 000 emafuta.”

11 Hiramu mambo weTire akabva atumira tsamba kuna Soromoni yaiva nemashoko ekuti: “Jehovha anoda vanhu vake, ndokusaka akakugadza kuti uve mambo wavo.” 12 Hiramu akabva ati: “Jehovha Mwari waIsraeri akasika denga nenyika ngaarumbidzwe, nekuti akapa Mambo Dhavhidhi mwanakomana akachenjera,+ uyo ane ungwaru nekunzwisisa,+ achavakira Jehovha imba uye achavakira umambo hwake imba. 13 Zvino ndiri kutuma murume ane unyanzvi hwekugadzira zvinhu, anonzwisisa, iye Hiramu-abhi,+ 14 mwanakomana wemukadzi wekuvaDhani, asi baba vake vaiva vekuTire; ane ruzivo rwekugadzira zvinhu zvegoridhe, zvesirivha, zvemhangura, zvesimbi, zvematombo, zvematanda, zveshinda yepepuru, zveshinda yebhuruu, zvemachira akanaka chaizvo, nezveshinda tsvuku.+ Anogona kutemerera mifananidzo yese yekushongedza uye kugadzira chero chinhu chaanenge anzi agadzire.+ Achashanda nevashandi vako vane unyanzvi hwekugadzira zvinhu nevashandi vane unyanzvi vashe wangu baba vako Dhavhidhi. 15 Ishe wangu ngaatumire gorosi, bhari, mafuta, newaini zvaavimbisa varanda vake.+ 16 Tichatema miti yekuRebhanoni,+ yese yaunoda, uye tichaiunza kwauri tichiita zvekuiyeredza nemugungwa, yakasungwa pamwe chete ichiuya kuJopa;+ uye iwe uchazoiendesa kuJerusarema.”+

17 Soromoni akabva averenga varume vese vakanga vari vatorwa munyika yeIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nababa vake Dhavhidhi,+ uye vakawana vanhu 153 600. 18 Saka akaita kuti 70 000 vavo vaite mabasa asingadi unyanzvi,* uye kuti 80 000 vacheke matombo+ mumakomo uye akaita kuti 3 600 vave vatariri vaitungamirira vanhu pabasa.+

3 Soromoni akabva atanga kuvaka imba yaJehovha+ muJerusarema muGomo reMoriya,+ umo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi,+ panzvimbo yakanga yagadzirwa naDhavhidhi paburiro raOrinani+ muJebhusi. 2 Akatanga kuvaka pazuva rechipiri remwedzi wechipiri, mugore rechina rekutonga kwake. 3 Faundesheni yeimba yaMwari wechokwadi yakaiswa naSoromoni yaiva yakareba makubhiti 60 yakafara makubhiti 20+ pachishandiswa kuyera kwekare.* 4 Vharanda raiva pamberi raiva rakareba makubhiti 20, rakaenzana nekufara kweimba yacho, uye rakanga rakakwirira makubhiti 20;* uye akariisa goridhe rakanatswa+ mukati maro mese. 5 Akanamirira mapuranga emujunipa muimba huru, achibva azonamirira goridhe rakanatswa pamusoro,+ akazoishongedza nemifananidzo yemiti yemichindwe+ necheni.+ 6 Akanamirirawo matombo anokosha akanaka+ muimba yacho yese; uye goridhe+ raakashandisa raibva kuPavhaimu. 7 Akanamirira goridhe+ paimba yacho, matanda ayo, zvidimbati,* madziro ayo, nemasuo ayo; uye akatemerera mifananidzo yemakerubhi pamadziro acho.+

8 Akabva avaka imba Tsvenetsvene+ mairi; urefu hwayo hwakanga hwakaenzana nekufara kweimba yacho, makubhiti 20, uye yaiva yakafara makubhiti 20. Akaiisa matarenda* 600 egoridhe rakanatswa.+ 9 Uremu hwegoridhe rezvipikiri hwaiva mashekeri* 50; uye dzimba dzayo dzepadenga akadziisa goridhe.

10 Akabva agadzira mifananidzo yemakerubhi maviri muimba Tsvenetsvene, akaaisa goridhe ese.+ 11 Mapapiro emakerubhi+ acho ese pamwe chete aiva akareba makubhiti 20; bapiro rekerubhi rekutanga raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha kumadziro eimba yacho, uye rimwe bapiro raro raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha bapiro rerimwe kerubhi. 12 Bapiro rerimwe kerubhi raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha kune mamwe madziro eimba yacho, uye rimwe bapiro raro raiva rakareba makubhiti mashanu richinogumha bapiro rekerubhi rekutanga. 13 Mapapiro emakerubhi acho akanga akatambanudzwa uye aisvika makubhiti 20; uye akanga akamira netsoka dzawo akatarisa mukati.*

14 Akagadzirawo keteni+ achishandisa shinda yebhuruu, neshinda yepepuru, neshinda tsvuku, nejira rakanaka chaizvo, uye akamenda makerubhi pariri.+

15 Akabva agadzira mbiru mbiri+ pamberi peimba yacho, dzakanga dzakareba makubhiti 35, uye musoro wembiru imwe neimwe waiva makubhiti mashanu.+ 16 Akagadzirawo cheni dzakaita sezvishongo zvemuhuro, akadziisa pamusoro pembiru dzacho, uye akagadzira mapomegraneti* 100, akaaisa pacheni dzacho. 17 Akamisa mbiru dzacho pamberi petemberi, imwe kurudyi,* imwe kuruboshwe;* akatumidza yekurudyi kuti Jakini* uye yekuruboshwe kuti Bhoazi.*

4 Akabva agadzira atari yemhangura+ yakanga yakareba makubhiti 20, yakafara makubhiti 20, uye yakakwirira makubhiti 10.

2 Akagadzira Dziva*+ achishandisa simbi yakanyungudutswa. Rakanga riri reraundi, riine makubhiti 10 kubva kune rimwe divi remuromo waro kusvika kune rimwe divi remuromo waro, uye rakanga rakadzika makubhiti 5, uye paida tambo yakareba makubhiti 30 kuti uripoteredze.+ 3 Nechepazasi paro paiva nezvinhu zvekushongedza+ zvakaita semanwiwa madiki zvakanga zvakaripoteredza rese zvaro, pakubhiti rimwe nerimwe paine 10, zvichipoterera Dziva racho rese. Zvekushongedza zvacho zvakaumbwa zviri paDziva racho, zviri mumitsara miviri. 4 Rakanga rakagadzikwa pamikono 12 yemombe,+ nhatu dzakatarisa kuchamhembe, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa kumaodzanyemba, nhatu dzakatarisa kumabvazuva; uye Dziva racho rakanga rakagara pamusoro padzo, dzese dzakafuratira pakati. 5 Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita seupamhi hwechanza;* uye muromo waro wakanga wakagadzirwa semuromo wekapu, seruva rakatumbuka. Raipinda mabhati* 3 000.

6 Akagadzirawo mabheseni 10 ekusukira uye akaisa mashanu kurudyi uye mashanu kuruboshwe.+ Vaisukira maari zvinhu zvaishandiswa pakupa chibayiro chinopiswa.+ Asi Dziva ndiro raigezerwa nevapristi.+

7 Akabva agadzira zvigadziko 10 zvemarambi zvegoridhe+ semagadzirirwo azvaifanira kuitwa,+ akazviisa mutemberi, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe.+

8 Akagadzirawo matafura 10 akaaisa mutemberi, mashanu kurudyi uye mashanu kuruboshwe;+ uye akagadzira ndiro 100 dzegoridhe.

9 Akabva agadzira chivanze+ chevapristi+ nechivanze chikuru*+ nemasuo echivanze chacho, achibva aaisa mhangura. 10 Akaisa Dziva racho kudivi rekurudyi, kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva.+

11 Hiramu akagadzirawo makeni, mafoshoro, nendiro.+

Saka Hiramu akapedza basa raakaitira Mambo Soromoni paimba yaMwari wechokwadi.+ Izvi ndizvo zvaakagadzira: 12 mbiru mbiri+ nemisoro miviri yakaita sehari yaiva pamusoro pembiru dzacho mbiri; mambure maviri+ ekufukidza misoro miviri yakaita sehari yaiva pamusoro pembiru dzacho; 13 mapomegraneti* 400+ emambure acho maviri, mitsara miviri yemapomegraneti pamambure mamwe nemamwe, kuti ifukidze misoro miviri yakaita sehari yaiva pambiru dzacho;+ 14 zvingoro 10* nemabheseni 10 aiva pazvingoro zvacho;+ 15 Dziva nemikono 12 yemombe yaiva pasi paro;+ 16 nemakeni, mafoshoro, maforogo,+ nemimwe midziyo yese yakagadzirirwa Mambo Soromoni naHiramu-abhivhi+ achishandisa mhangura yakakweshwa kuti ipenye, zveimba yaJehovha. 17 Mambo akaumbira zvinhu izvi mudunhu reJodhani achishandisa ivhu gobvu riri pakati peSukoti+ neZaretani. 18 Soromoni akagadzira midziyo yese iyi yakawanda chaizvo; kurema kwemhangura yacho hakuna kuzivikanwa.+

19 Soromoni akagadzira midziyo yese+ yeimba yaMwari wechokwadi inoti: atari yegoridhe;+ matafura+ aiva nechingwa chekuratidza;+ 20 zvigadziko zvemarambi nemarambi azvo achishandisa goridhe rakanatswa,+ kuti abvire pamberi peimba yemukati sezvaifanira kuitwa; 21 nemaruva akatumbuka, marambi, nezvekubvisisa tambo yapera kubvira,* achishandisa goridhe, goridhe rakanatswa kupfuura rimwe rese; 22 zvekudzimisa moto, ndiro, makapu, nemidziyo yekuisira moto, achishandisa goridhe rakanatswa; suo reimba yacho, masuo ayo emukati eNzvimbo Tsvenetsvene,+ nemasuo etemberi,* achishandisa goridhe.+

5 Saka Soromoni akapedza basa rese raaifanira kuita reimba yaJehovha.+ Soromoni akabva aunza zvinhu zvakanga zvatsveneswa+ nababa vake Dhavhidhi; uye akaisa sirivha, goridhe, nemidziyo yese maichengeterwa pfuma yeimba yaMwari wechokwadi.+ 2 Panguva iyoyo Soromoni akaunganidza vakuru vaIsraeri, vakuru vese vemadzinza, machinda edzimba dzemadzibaba evaIsraeri. Vakauya kuJerusarema kuti vakwidze neareka yesungano yaJehovha kubva muGuta raDhavhidhi,+ kureva Ziyoni.+ 3 Varume vese veIsraeri vakaungana pamberi pamambo pamutambo* unoitwa mumwedzi wechi7.+

4 Saka vakuru vese vaIsraeri vakauya, uye vaRevhi vakasimudza Areka.+ 5 Vakakwidza neAreka yacho, netende rekusanganira,+ nemidziyo yese mitsvene yaiva mutende racho. Vapristi nevaRevhi* vakakwidza nazvo. 6 Mambo Soromoni neungano yese yevaIsraeri, avo vainge vashevedzwa kuti vauye kwaari vaiva pamberi peAreka. Pakanga pachibayirwa makwai nemombe+ zvakawanda chaizvo zvekusagona kuverengwa kana kuzivikanwa kuti zvingani. 7 Vapristi vakabva vaisa areka yesungano yaJehovha munzvimbo yayo, muimba yemukati yeimba yacho, iyo Nzvimbo Tsvenetsvene, pasi pemapapiro emakerubhi.+ 8 Saka mapapiro emakerubhi acho aiva akatambanudzwa pamusoro penzvimbo yaiva neAreka, zvekuti makerubhi acho akanga akavhara Areka yacho nemapango+ ayo nechepamusoro. 9 Mapango acho akanga akareba zvekuti kunoperera mapango acho kwaioneka uri muNzvimbo Tsvene pamberi peimba yemukati, asi akanga asingaoneki uri kunze. Uye nanhasi achiri imomo. 10 MuAreka yacho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri akaiswa imomo naMozisi kuHorebhi,+ Jehovha paakaita sungano+ nevaIsraeri pavaibuda muIjipiti.+

11 Pakabuda vapristi munzvimbo tsvene (nekuti vapristi vese vaivapo vakanga vazvitsvenesa+ pasinei nekuti vaiva veboka ripi),+ 12 panguva iyoyo vaRevhi vese vaiva vaimbi+ vekwaAsafi,+ kwaHemani,+ kwaJedhutuni+ nevekuvanakomana vavo nehama dzavo, vainge vakapfeka nguo dzemachira akanaka chaizvo, vakabata zviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo neudimbwa. Vakanga vakamira kumabvazuva kweatari, vaine vapristi 120 vairidza mabhosvo.+ 13 Varidzi vemabhosvo nevaimbi pavakanga vachirumbidza uye vachitenda Jehovha pamwe chete, mabhosvo, nesimbi dzinorovaniswa, nezvimwe zviridzwa zvichirira, vachirumbidza Jehovha, “nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,”+ imba yacho, iyo imba yaJehovha yakazadzwa negore.+ 14 Vapristi havana kukwanisa kumira kuti vashumire nemhaka yegore racho, nekuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaMwari wechokwadi.+

6 Panguva iyoyo Soromoni akati: “Jehovha akati aizogara murima guru.+ 2 Zvino ndakuvakirai imba yakakwirira, nzvimbo isingachinji yekuti mugare nekusingaperi.”+

3 Mambo akabva atendeuka, akatanga kukomborera ungano yese yaIsraeri, ungano yese yaIsraeri yakamira.+ 4 Akati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe, uyo azadzisa nemaoko ake zvaakavimbisa baba vangu Dhavhidhi nemuromo wake achiti, 5 ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu munyika yeIjipiti, handina kusarudza guta pamadzinza ese aIsraeri rekuti zita rangu rivakirwe imba kuti rirambe riri ipapo,+ uye hapana murume wandakasarudza kuti ave mutungamiriri wevanhu vangu vaIsraeri. 6 Asi ndakasarudza Jerusarema+ kuti zita rangu rirambe riri ipapo, uye ndakasarudza Dhavhidhi kuti atungamirire vanhu vangu vaIsraeri.’+ 7 Baba vangu Dhavhidhi vaiva nechido mumwoyo mavo chekuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.+ 8 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Waiva nechido mumwoyo mako chekuvakira zita rangu imba, uye wakaita zvakanaka nekuva nechido ichi mumwoyo mako. 9 Zvisinei, iwe hauzovaki imba yacho, asi mwanakomana wako wauchabereka* ndiye achavakira zita rangu imba.’+ 10 Jehovha azadzisa vimbiso yaakaita, nekuti ndatevera baba vangu Dhavhidhi pakutonga ndikagara pachigaro cheumambo chaIsraeri+ sezvakavimbiswa naJehovha.+ Ndavakirawo zita raJehovha Mwari waIsraeri imba, 11 uye ndaisa Areka imomo ine sungano+ yaJehovha yaakaita nevaIsraeri.”

12 Akabva amira pamberi peatari yaJehovha ari pamberi peungano yese yaIsraeri, uye akatambanudza maoko ake.+ 13 (Nekuti Soromoni akanga agadzira chikuva chemhangura akachiisa pakati pechivanze.*+ Chakanga chakareba makubhiti* mashanu, chakafara makubhiti mashanu, uye chakakwirira makubhiti matatu; uye akamira pamusoro pacho.) Akabva apfugama pamberi peungano yese yaIsraeri, akatambanudzira maoko ake kudenga,+ 14 akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga nepanyika, anochengeta sungano uye anoratidza rudo rusingachinji kuvaranda venyu vari kufamba pamberi penyu nemwoyo yavo yese.+ 15 Mazadzisa vimbiso yamakaitira muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi.+ Makataura vimbiso yacho nemuromo wenyu, uye nhasi maizadzisa neruoko rwenyu.+ 16 Iye zvino Jehovha Mwari waIsraeri, chizadzisai zvamakavimbisa muranda wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, pamakati: ‘Pamberi pangu hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri, chero bedzi vanakomana vako vakangochenjerera nzira yavo nekufamba mumutemo wangu,+ sekufamba kwawakaita pamberi pangu.’+ 17 Zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, zadzisai vimbiso yamakaita kumuranda wenyu Dhavhidhi.

18 “Asi chokwadi Mwari angagara nevanhu panyika here?+ Onai! Hamungakwani mumatenga, mumatenga ekumatenga;+ ko kuzoti muimba iyi yandavaka!+ 19 Jehovha Mwari wangu teererai munyengetero wemuranda wenyu nekukumbira kwake kunzwirwa nyasha, uye teererai kuchemera kubatsirwa kwemuranda wenyu uye munyengetero wake waari kunyengetera pamberi penyu. 20 Maziso enyu ngaagare akatarisa kuimba iyi siku nesikati, kunzvimbo yamakati muchaisa zita renyu,+ kuti muteerere munyengetero unopiwa nemuranda wenyu akatarisa kunzvimbo ino. 21 Uye teererai kuteterera kwemuranda wenyu achikumbira kubatsirwa nekuteterera kwevanhu venyu vaIsraeri pavanonyengetera vakatarisa kunzvimbo ino,+ uye inzwai muri kunzvimbo yenyu yamunogara, iko kudenga;+ vanzweiwo muvakanganwire.+

22 “Kana munhu akatadzira mumwe wake, onzi apike mhiko* obva ava pasi pemhiko* yacho, uye paanenge ari pasi pemhiko* yacho akauya pamberi peatari yenyu iri muimba iyi,+ 23 inzwai muri kudenga muwane zvamunoita, motonga varanda venyu nekutsiva munhu akaipa uye nekuita kuti zvakaipa zvaakaita zvimudzokere uye nekuzivisa kuti munhu akarurama haana mhosva*+ momupa mubayiro unoenderana nekururama kwake.+

24 “Uye kana vanhu venyu vaIsraeri vakakundwa nemuvengi nekuti vanenge varamba vachikutadzirai,+ asi vodzoka vokudza zita renyu,+ vonyengetera+ uye voteterera kunzwirwa nyasha pamberi penyu muimba iyi,+ 25 inzwai muri kudenga,+ mukanganwire chivi chevanhu venyu vaIsraeri, muvadzose kunyika yamakavapa ivo nemadzitateguru avo.+

26 “Kana denga rikavharwa, mvura yorega kunaya+ nekuti vanenge varamba vachikutadzirai,+ uye vakanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, vokudza zita renyu, votendeuka pachivi chavo nekuti munenge mavaranga,*+ 27 inzwai muri kudenga, mukanganwire chivi chevaranda venyu, ivo vanhu venyu vaIsraeri, nekuti muchavadzidzisa nezvenzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo;+ uye nayisai mvura+ panyika yenyu yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.

28 “Kana munyika mukaita nzara,+ kana denda,+ kana kutsva kwezvirimwa, kana kuora kwezvirimwa,+ mhashu dzinobhururuka dzakawanda kana mhashu+ dzinodya dzisingasiye chinhu; uye kana vavengi vavo vakavakomba mune rimwe remaguta emunyika yacho*+ kana kuti pakava nedambudziko ripi zvaro kana chirwere,+ 29 chero munyengetero upi zvawo,+ chero kukumbira kunzwirwa nyasha kupi zvako+ kungaitwa nemunhu chero upi zvake kana nevanhu venyu vese vaIsraeri (nekuti mumwe nemumwe anoziva zvinomunetsa uye zvinomurwadza)+ pavanotambanudzira maoko avo kuimba iyi,+ 30 inzwai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara,+ mukanganwire;+ mupe mumwe nemumwe mubayiro unoenderana nenzira dzake dzese, nekuti munoziva mwoyo wake (imi mega ndimi munonyatsoziva mwoyo wemunhu),+ 31 kuti vakutyei nekufamba munzira dzenyu mazuva ese avanogara panyika yamakapa madzitateguru edu.

32 “Uyewo munhu wekune imwe nyika, asiri wevanhu venyu vaIsraeri, uya anouya kubva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu guru*+ uye nekuda kweruoko rwenyu rune simba neruoko rwenyu rwakatambanudzwa, akauya akanyengetera akatarisa kuimba iyi,+ 33 teererai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara, muite zvese zvamunokumbirwa nemunhu wacho wekune imwe nyika, kuti marudzi ese epanyika azive zita renyu+ okutyai, sezvinoitwa nevanhu venyu vaIsraeri, uye kuti azive kuti zita renyu riri paimba iyi yandavaka.

34 “Kana vanhu venyu vakaenda kunorwisana nevavengi vavo chero kwamunenge mati vaende,+ uye vakanyengetera+ kwamuri vakatarisa kuguta rino ramakasarudza nekuimba yandavakira zita renyu,+ 35 inzwai munyengetero wavo nekukumbira kwavo kunzwirwa nyasha muri kudenga, muvabatsire.+

36 “Kana vakakutadzirai (nekuti hapana munhu asingatadzi),+ imi movatsamwira chaizvo movaisa mumaoko emuvengi, vanhu vanenge vavatapa vobva vaenda navo kunyika iri kure kana iri pedyo,+ 37 vobva vazopengenuka vari munyika yavakatapwa, vodzoka kwamuri voteterera kwamuri kuti muvanzwire nyasha vari munyika yavanenge vatapwa, vachiti, ‘Takatadza uye takakanganisa; takaita zvakaipa,’+ 38 uye vodzoka kwamuri nemwoyo yavo yese+ nemweya* yavo yese vari munyika yavakatapwa,+ yavakaendeswa vari nhapwa, vonyengetera vakatarisa kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, nekuguta ramakasarudza+ nekuimba yandavakira zita renyu, 39 inzwai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara, munyengetero wavo nekukumbira kwavo kunzwirwa nyasha, muvabatsire,+ uye mukanganwire vanhu venyu vanenge vakutadzirai.

40 “Ndapota, Mwari wangu, maziso enyu ngaaone uye nzeve dzenyu ngadziteerere munyengetero unopiwa munzvimbo* ino.+ 41 Haiwa Jehovha Mwari, endai kunzvimbo yenyu yekuzororera,+ imi neAreka yesimba renyu. Haiwa Jehovha Mwari, vapristi venyu ngavapfekedzwe ruponeso, uye vakavimbika venyu ngavafare nekunaka kwenyu.+ 42 Haiwa Jehovha Mwari, musaramba muzodziwa* wenyu.+ Yeukai rudo rwenyu rusingachinji kuna Dhavhidhi muranda wenyu.”+

7 Soromoni paakangopedza kunyengetera,+ moto wakaburuka kubva kudenga,+ ukapisa mupiro unopiswa nezvibayiro, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yacho.+ 2 Vapristi havana kukwanisa kupinda muimba yaJehovha nekuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaJehovha.+ 3 VaIsraeri vese vakanga vakatarisa pakaburuka moto kubwinya kwaJehovha kuri paimba yacho, uye vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo vari pauriri hwematombo, vakaonga Jehovha, “nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”

4 Mambo nevanhu vese vakabva vapa zvibayiro pamberi paJehovha.+ 5 Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe 22 000 nemakwai 120 000. Saka mambo nevanhu vese vakakumikidza imba yaMwari wechokwadi.+ 6 Vapristi vakanga vakamira panzvimbo dzavo dzebasa, sezvakanga zvakaita vaRevhi vaiva nezviridzwa zvaishandiswa pakuimbira Jehovha.+ (Mambo Dhavhidhi akanga agadzira zviridzwa izvi kuti zvishandiswe pakuonga Jehovha, “nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,” Dhavhidhi paairumbidza pamwe chete navo.*) Uye vapristi vakanga vachiridza mabhosvo,+ achiririra pamusoro vari pamberi pevaRevhi, vaIsraeri vese vakamira.

7 Soromoni akabva atsvenesa pakati pechivanze chaiva pamberi peimba yaJehovha, nekuti ipapo ndipo paakanga ava kuda kupira zvibayiro zvinopiswa,+ nemafuta ezvibayiro zverugare, nekuti atari yemhangura+ yakanga yagadzirwa naSoromoni yakanga isingakwani zvibayiro zvinopiswa, mipiro yezviyo,*+ nemafuta.+ 8 Panguva iyoyo Soromoni akaita mutambo kwemazuva 7+ nevaIsraeri vese, ungano huru chaizvo yevanhu vakauya vachibva kuRebhohamati* kusvika kuRwizi* rweIjipiti.+ 9 Asi pazuva rechi8* vakava negungano dzvene,+ nekuti vakanga vakumikidza atari kwemazuva 7 uye vaita mutambo kwemazuva 7. 10 Pazuva rechi23 remwedzi wechi7 akabva aita kuti vanhu vachienda kudzimba dzavo, vachifara chaizvo+ uye vaine mwoyo yaifara, vachifarira zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nevanhu vake vaIsraeri.+

11 Saka Soromoni akapedza imba yaJehovha neimba yamambo;*+ uye Soromoni akabudirira kuita zvese zvakanga zviri mumwoyo make zvaaida kuitira imba yaJehovha neimba yake.+ 12 Jehovha akabva azviratidza kuna Soromoni+ usiku, akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako, uye ndasarudza nzvimbo ino kuti ive imba yangu yekubayira zvibayiro.+ 13 Kana ndikavhara denga mvura yorega kunaya uye kana ndikarayira hwiza kuti dziparadze nyika uye kana ndikatumira denda pakati pevanhu vangu, 14 vanhu vangu vanodanwa+ nezita rangu vozvininipisa,+ vonyengetera, votsvaga chiso changu, votendeuka panzira dzavo dzakaipa,+ ndichabva ndanzwa ndiri kudenga ndokanganwira chivi chavo, ndoporesa nyika yavo.+ 15 Kubva zvino maziso angu achange achiona, nzeve dzangu dzichiteerera munyengetero unopiwa panzvimbo ino.+ 16 Ndasarudza uye ndatsvenesa imba ino kuti zita rangu rirambe riri pairi,+ uye maziso angu nemwoyo wangu zvichagara zviri pairi.+

17 “Uye kana iwe ukafamba pamberi pangu, sekufamba kwakaita baba vako Dhavhidhi, uchiita zvese zvandakakurayira, uye uchiteerera mirau yangu nemitongo yangu,+ 18 ndichabva ndasimbisa chigaro cheumambo hwako,+ maererano nesungano yandakaita nababa vako Dhavhidhi+ ndichiti, ‘Hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anotonga Israeri.’+ 19 Asi kana mukatsauka, mosiya mirau yangu nemirayiro yangu zvandakaisa pamberi penyu, moenda kunoshumira vamwe vanamwari, movakotamira,+ 20 ndichadzurawo vaIsraeri panyika yangu yandakavapa,+ uye ndicharasira kure neni imba iyi yandakatsvenesera zita rangu, uye ndichaiita chiseko* uye chinhu chinoshorwa pakati pemarudzi ese.+ 21 Imba iyi ichasara yangova matongo. Munhu wese anopfuura nepairi acharamba akatarisa achishamisika,+ uye achati, ‘Nei Jehovha akaita zvakadai panyika iyi nepaimba iyi?’+ 22 Ivo vachabva vati, ‘Imhaka yekuti vakasiya Jehovha+ Mwari wemadzitateguru avo uyo akanga avabudisa munyika yeIjipiti,+ vakatanga kunamata vamwe vanamwari, vakavakotamira nekuvashumira.+ Ndokusaka akaunza dambudziko rese iri pavari.’”+

8 Pakazopera makore 20, Soromoni akanga avaka imba yaJehovha neimba yake,*+ 2 uye Soromoni akavakazve maguta aakanga apiwa naHiramu,+ akagarisa vaIsraeri* imomo. 3 Uyezve, Soromoni akaenda kuHamati-zobha akaitora. 4 Akabva avaka* Tadmori murenje nemaguta ese ekuchengetera zvinhu+ aakanga avaka muHamati.+ 5 Uye akavakazve Bheti-horoni Yekumusoro+ neBheti-horoni Yezasi,+ maguta akakomberedzwa nemasvingo, aiva nemagedhi nemazariro,* 6 neBhaarati+ nemaguta ese aSoromoni ekuchengetera zvinhu, nemaguta ese engoro,+ nemaguta evatasvi vemabhiza, nezvinhu zvese zvaida kuvakwa naSoromoni muJerusarema, muRebhanoni nemunyika yese yaaitonga.

7 Asi kana vari vanhu vese vakanga vasara pavaHiti, vaAmori, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi,+ avo vakanga vasiri vaIsraeri,+ 8 zvizvarwa zvavo izvo zvakanga zvasara munyika yacho, vaya vakanga vasina kuparadzwa nevaIsraeri,+ vakatorwa naSoromoni kuti vaite basa rekumanikidzwa kusvikira nhasi.+ 9 Asi pavaIsraeri hapana vakaitwa varanda naSoromoni kuti vamushandire pabasa rake,+ nekuti vaiva varwi vake, vakuru vemakurukota ake, nevakuru vevatyairi vake vengoro nevevatasvi vake vemabhiza.+ 10 Mambo Soromoni aiva nevakuru 250 vevatariri, avo vaiva maforomani evanhu.+

11 Soromoni akabvisawo mwanasikana waFarao+ muGuta raDhavhidhi akamuendesa kuimba yaakanga amuvakira,+ nekuti akati: “Kunyange ari mudzimai wangu, haafaniri kugara muimba yaMambo Dhavhidhi weIsraeri, nekuti nzvimbo dzakasvikwa neAreka yaJehovha itsvene.”+

12 Uye Soromoni akapa zvibayiro zvinopiswa+ kuna Jehovha paatari+ yaJehovha yaakanga avaka pamberi pevharanda.+ 13 Aiita zvaifanira kuitwa zuva nezuva achipa mipiro maererano nemurayiro waMozisi pamusoro pemaSabata,+ pekugara kwemwedzi,+ nemitambo yakanzi iitwe katatu pagore,+ kureva Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso,+ Mutambo Wemavhiki,+ neMutambo Wematumba.+ 14 Akagadzawo mapoka evapristi+ kuti aite mabasa awo maererano nemurau wababa vake Dhavhidhi, nevaRevhi panzvimbo dzavo dzebasa, kuti varumbidze+ uye vashumire vari pamberi pevapristi sezvaifanira kuitwa zuva nezuva uye akagadza varindi vepamagedhi mumapoka avo pamagedhi akasiyana-siyana,+ nekuti ndizvo zvakanga zvarayirwa naDhavhidhi, munhu waMwari wechokwadi. 15 Havana kutsauka pamurayiro wamambo wakapiwa vapristi nevaRevhi pamusoro penyaya chero ipi zvayo kana pamusoro pematura. 16 Saka basa raSoromoni rese rakanga rakarongwa zvakanaka kubvira pazuva rakavakwa faundesheni+ yeimba yaJehovha kusvikira basa racho rapera. Saka imba yaJehovha yakapera.+

17 Panguva iyoyo Soromoni akaenda kuEziyoni-gebheri+ nekuEroti+ kumahombekombe egungwa munyika yeEdhomu.+ 18 Hiramu+ akaita kuti varanda vake vamuendesere ngarava nevarume vaiziva nezvemugungwa. Vakaenda nevaranda vaSoromoni kuOfiri,+ vakatora goridhe+ raisvika matarenda* 450 vakauya naro kuna Mambo Soromoni.+

9 Mambokadzi weShebha+ akanzwa mashoko pamusoro paSoromoni, saka akauya kuJerusarema kuzoedza Soromoni nemibvunzo yakaoma.* Aiva nevanhu vakawanda vaimuperekedza, nengamera dzakanga dzakatakura mafuta ebharisamu negoridhe rakawanda chaizvo+ nematombo anokosha. Akapinda maiva naSoromoni akamubvunza zvese zvaiva mumwoyo make.+ 2 Soromoni akabva amupindura mibvunzo yake yese. Hapana chakanga chakaomera* Soromoni kuti amutsanangurire.

3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni,+ neimba yaakavaka,+ 4 nezvekudya zvaiiswa patafura yake,+ nekugara kwevashandi vake patafura, nebasa revashandi vake vaiuya nezvekudya patafura, nezvipfeko zvavo, nevadiri vake nezvipfeko zvavo, nezvibayiro zvake zvinopiswa zvaaigara achipa paimba yaJehovha,+ akashaya neremuromo.* 5 Saka akati kuna mambo: “Mashoko andakanzwa nezvenyu ndiri kunyika yangu pamusoro pemabasa amakaita* uye pamusoro peuchenjeri hwenyu aiva echokwadi. 6 Asi handina kutenda mashoko acho kusvikira ndauya ndikazvionera nemaziso angu.+ Zvandakaudzwa hazvitombosviki pahafu yeuchenjeri hwenyu hukuru.+ Munopfuura nekure mashoko andakanzwa.+ 7 Vanofara varume vanoita basa renyu, uye vanofara vashandi venyu vanomira pamberi penyu nguva dzese, vachiteerera uchenjeri hwenyu! 8 Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, uyo akakufarirai akakugadzai pachigaro chake cheumambo kuti muve mambo anomiririra Jehovha Mwari wenyu. Mwari wenyu anoda vaIsraeri,+ ndokusaka akakugadzai kuti muve mambo wavo anotonga zvakanaka uye zvakarurama kuti vaIsraeri varambe varipo nekusingaperi.”

9 Akabva apa mambo matarenda* 120 egoridhe+ nemafuta ebharisamu akawanda chaizvo nematombo anokosha akawanda chaizvo. Hakuna kuzombounzwa mafuta ebharisamu akaita seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.+

10 Uyewo, varanda vaHiramu nevashandi vaSoromoni avo vakauya negoridhe kubva kuOfiri,+ vakauyawo nematanda emiarigamu nematombo anokosha.+ 11 Achishandisa matanda acho emiarigamu, mambo akagadzira masitepisi eimba yaJehovha+ neeimba yamambo,*+ uyewo udimbwa nezviridzwa zvine tambo zvevaimbi.+ Matanda akadaro akanga asati amboonekwa munyika yeJudha.

12 Mambo Soromoni akapawo mambokadzi weShebha zvese zvaaida uye zvaakakumbira, zvaipfuura zvaakanga* aunza kuna mambo. Akabva asimuka akadzokera kunyika yake, pamwe chete nevaranda vake.+

13 Uremu hwegoridhe raiuya kuna Soromoni mugore rimwe chete hwaiva matarenda 666,+ 14 tisingabatanidzi raiunzwa nevanhu vaifamba vachitengesa nevamwe vaiita zvekuchinjanisa zvinhu, nemadzimambo ese evaArabhu nemagavhuna enyika aiunza goridhe nesirivha kuna Soromoni.+

15 Mambo Soromoni akagadzira nhoo huru 200 achishandisa goridhe rakanga rakasanganiswa nedzimwe simbi+ (nhoo imwe neimwe yakaiswa mashekeri* 600 egoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi),+ 16 nenhoo diki* 300 dzegoridhe rakasanganiswa nedzimwe simbi (nhoo diki imwe neimwe yakaiswa mamaina* matatu egoridhe). Mambo akabva adziisa muImba yeSango reRebhanoni.+

17 Mambo akagadzirawo chigaro chikuru cheumambo nenyanga dzenzou, akachiisa goridhe rakanatswa.+ 18 Paiva nemasitepisi 6 aikwira kuchigaro chacho, uye paiva nechekutsika chegoridhe chaiva chakabatana nechigaro chacho, uye kumativi ese echigaro chacho kwaiva nezvekutsamidzira maoko, uye shumba mbiri+ dzakanga dzakamira pedyo nezvekutsamidzira maoko. 19 Paiva neshumba 12+ dzakanga dzakamira pamasitepisi acho 6, sitepi rimwe nerimwe riine shumba kumativi aro maviri, pamasitepisi acho ese 6. Hapana humwe umambo hwakanga hwambogadzira chigaro chakadaro. 20 Midziyo yese yekunwira yaMambo Soromoni yaiva yegoridhe, uye midziyo yese yeImba yeSango reRebhanoni yaiva yegoridhe rakanatswa. Pakanga pasina chakagadzirwa nesirivha, nekuti sirivha yaisamboonekwa sechinhu mumazuva aSoromoni.+ 21 Nekuti ngarava dzamambo dzaienda kuTashishi+ dziine varanda vaHiramu.+ Kamwe chete pamakore matatu ega ega, ngarava dzeTashishi dzaiuya dzakatakura goridhe nesirivha, nyanga dzenzou,+ tsoko, nemapikoko.

22 Saka Mambo Soromoni aiva nepfuma neuchenjeri+ kupfuura mamwe madzimambo ese epanyika. 23 Uye madzimambo ese epanyika aida kutaura naSoromoni* kuti anzwe uchenjeri hwake, hwakanga hwaiswa mumwoyo make naMwari.+ 24 Mumwe nemumwe aiuya nechipo: zvinhu zvesirivha, zvinhu zvegoridhe, nguo,+ zvombo, mafuta ebharisamu, mabhiza, nemanyurusi, uye izvi zvairamba zvichiitika gore negore. 25 Soromoni aiva nematanga 4 000 emabhiza ake nengoro, nemabhiza* 12 000,+ uye akaita kuti zvirambe zviri mumaguta engoro uye pedyo namambo muJerusarema.+ 26 Aitonga madzimambo ese kubva kuRwizi* kusvika kunyika yevaFiristiya uye kusvika kumuganhu weIjipiti.+ 27 Mambo akaita kuti sirivha yaiva muJerusarema iwande sematombo, uye akaita kuti matanda emusidhari awande semiti yemitsamvi iri muShefera.+ 28 Vaiunza mabhiza kuna Soromoni vachibva nawo kuIjipiti+ nekune dzimwe nyika dzese.

29 Kana iri nhoroondo yese yaSoromoni,+ kubva painotangira kusvika painoperera, haina kunyorwa here pamashoko emuprofita Natani,+ muuprofita hwaAhija+ wekuShiro, uye muzvinyorwa zvezvinhu zvakaratidzwa muoni Idho+ pamusoro paJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati? 30 Soromoni akatonga Israeri yese muJerusarema kwemakore 40. 31 Soromoni akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake. Saka vakamuviga muguta rababa vake Dhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Rehobhoamu akava mambo panzvimbo pake.+

10 Rehobhoamu akaenda kuShekemu,+ nekuti vaIsraeri vese vakanga vaenda kuShekemu kuti vamugadze kuti ave mambo.+ 2 Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati paakangozvinzwa, (akanga achiri kuIjipiti, nekuti akanga atiza Mambo Soromoni),+ Jerobhoamu akabva adzoka achibva kuIjipiti. 3 Vakabva vatumira shoko kuti anoshevedzwa, uye Jerobhoamu nevaIsraeri vese vakaenda kuna Rehobhoamu vakati: 4 “Baba venyu vakaita kuti joko redu rirwadze.+ Asi kana mukaita kuti basa rinorwadza rataiitiswa nababa venyu rive nyore uye mukarerutsa joko rinorema* ravakaisa patiri, tichakushandirai.”

5 Iye akabva ati kwavari: “Dzokai kwandiri papera mazuva matatu.” Saka vanhu vakaenda.+ 6 Mambo Rehobhoamu akabva abvunza varume vakuru* vakanga vashandira baba vake Soromoni pavakanga vachiri vapenyu, achiti: “Mungandipa zano ripi rekuti ndipindure vanhu ava?” 7 Vakamupindura kuti: “Kana ukaitira vanhu ava zvakanaka wovafadza, wovapindura zvakanaka, vachagara vari varanda vako.”

8 Zvisinei, haana kuteerera zano raakapiwa nevarume vakuru,* akanobvunza majaya aakakura nawo, akanga ava kumushandira.+ 9 Akavabvunza kuti: “Nderipi zano ramungapa kuti tipindure vanhu ava vati kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa patiri nababa venyu’?” 10 Majaya acho aakanga akura nawo akati kwaari: “Izvi ndizvo zvaunofanira kuudza vanhu vati kwauri, ‘Baba venyu vakaita kuti joko redu rireme, asi imi tirerutsirei’; vaudze kuti, ‘Munwe wangu mudiki uchava mukobvu kupfuura hudyu dzababa vangu. 11 Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu. Baba vangu vaikurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.’”

12 Jerobhoamu nevanhu vese vakaenda kuna Rehobhoamu pazuva rechitatu, sezvakanga zvataurwa namambo kuti: “Dzokai kwandiri pazuva rechitatu.”+ 13 Asi mambo akavapindura nehasha. Saka Mambo Rehobhoamu haana kuteerera zano revarume vakuru.* 14 Akataura navo achitevedzera zano remajaya, achiti: “Ndichaita kuti joko renyu riwedzere kurema, uye ndichapamhidzira pariri. Baba vangu vakakurangai netyava, asi ini ndichakurangai netyava dzine zvinobaya.” 15 Saka mambo haana kuteerera vanhu, nekuti Mwari wechokwadi+ ndiye akaita kuti zvinhu zviende nenzira iyoyo, kuti azadzise shoko rakanga rataurwa naJehovha kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuburikidza naAhija+ wekuShiro.

16 VaIsraeri vese pavakaona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vachiti: “Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hatina nhaka kumwanakomana waJese. Imi vaIsraeri, mumwe nemumwe ngaaende kuna vanamwari vake! Chizvichengetera imba yako, iwe Dhavhidhi.”+ VaIsraeri vese vakabva vadzokera kudzimba* dzavo.+

17 Asi Rehobhoamu akaramba achitonga vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha.+

18 Mambo Rehobhoamu akabva atuma Hadhoramu,+ uyo aitungamirira vaya vakanga vatorwa kuti vaite basa rekumanikidzwa, asi vaIsraeri vakamutema nematombo vakamuuraya. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+ 19 Saka vaIsraeri vakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

11 Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, akabva angounganidza imba yaJudha neyaBhenjamini,+ varwi 180 000 vakadzidziswa hondo,* kuti vanorwisa vaIsraeri vodzosa umambo kuna Rehobhoamu.+ 2 Shoko raJehovha rakabva rasvika kuna Shemaya+ munhu waMwari wechokwadi, richiti: 3 “Iti kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha nekuvaIsraeri vese vari muJudha nevari kwaBhenjamini, 4 ‘Zvanzi naJehovha: “Musaenda kunorwisa hama dzenyu. Mumwe nemumwe wenyu ngaadzokere kumba kwake, nekuti ndini ndakaita kuti zvidaro.”’”+ Saka vakateerera shoko raJehovha vakadzokera uye havana kuzorwisa Jerobhoamu.

5 Rehobhoamu aigara muJerusarema, uye akavaka maguta akaakomberedza nemasvingo muJudha. 6 Saka akavaka* Bhetrehema,+ Etamu, Tekoa,+ 7 Bheti-zuri, Soko,+ Adhuramu,+ 8 Gati,+ Marisha, Zifi,+ 9 Adhoraimu, Rakishi,+ Azeka,+ 10 Zora, Aijaroni,+ neHebroni,+ maguta akanga akakomberedzwa nemasvingo aiva muJudha nekwaBhenjamini. 11 Uyewo akawedzera kusimbisa nhare,* akaisa vatungamiriri vehondo madziri uye aivapa zvekudya nemafuta newaini, 12 uye akapa vaiva mumaguta acho ese nhoo huru nemapfumo; uye akasimbisa maguta acho zvikuru. Akaramba achitonga vaJudha nevaBhenjamini.

13 Vapristi nevaRevhi vakanga vari muIsraeri yese vakauya kuzomutsigira vachibva kunharaunda dzavo dzese. 14 VaRevhi vakasiya mafuro avo nezvinhu zvavo+ vakaenda kuJudha nekuJerusarema, nekuti Jerobhoamu nevanakomana vake vakanga vavadzinga pabasa rekushumira sevapristi vaJehovha.+ 15 Jerobhoamu akabva agadza vapristi vake venzvimbo dzakakwirira+ nevemadhimoni akaita sembudzi*+ nevemhuru dzaakanga agadzira.+ 16 Vaya vekumadzinza ese aIsraeri avo vakanga vaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha Mwari waIsraeri vakavatevera kuJerusarema kuti vanobayira kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+ 17 Kwemakore matatu vakasimbisa umambo hwaJudha uye vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, nekuti vakafamba munzira yaDhavhidhi naSoromoni kwemakore matatu.

18 Rehobhoamu akabva atora Maharati mwanasikana waJerimoti mwanakomana waDhavhidhi kuti ave mudzimai wake; Maharati aivawo mwanasikana waAbhihairi uyo aiva mwanasikana waEriyabhi+ mwanakomana waJese. 19 Nekufamba kwenguva akamuberekera vanakomana vaiti: Jeushi, Shemariya, naZahamu. 20 Akazoroora Maaka muzukuru waAbsaromu.+ Uyu akamuberekera Abhija,+ Atai, Ziza, naSheromiti. 21 Rehobhoamu aida Maaka muzukuru waAbsaromu kupfuura mamwe madzimai ake ese nevarongo* vake;+ aiva nemadzimai 18 nevarongo 60 uye akabereka vanakomana 28 nevanasikana 60. 22 Saka Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave mukuru uye mutungamiriri wevanakomana vake, nekuti aida kumuita mambo. 23 Asi akaratidza kunzwisisa achibva aendesa* vamwe vanakomana vake kunyika dzese dzaJudha naBhenjamini, kumaguta ese akakomberedzwa nemasvingo,+ akavapa zvekudya zvakawanda, akavawanira madzimai akawanda.

12 Umambo hwaRehobhoamu pahwakangosimbiswa+ uye paakanga ava nesimba, akasiya Mutemo waJehovha,+ pamwe chete nevaIsraeri vese. 2 Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Mambo Shishaki+ weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema, nekuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha. 3 Aiva nengoro 1 200 nevatasvi vemabhiza 60 000, nemauto asingaverengeki aakabva nawo kuIjipiti, evaRibhiya, vaSukiimu, nevaItiopiya.+ 4 Akatora maguta eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, achibva azosvika kuJerusarema.

5 Muprofita Shemaya+ akaenda kwaiva naRehobhoamu nemachinda eJudha ayo akanga aungana kuJerusarema nekuti aitya Shishaki, uye akati kwavari: “Zvanzi naJehovha, ‘Makandisiya, saka ini ndakusiyaiwo+ kuti muve muruoko rwaShishaki.’” 6 Machinda evaIsraeri namambo wacho vakabva vazvininipisa,+ vakati: “Jehovha akarurama.” 7 Jehovha paakaona kuti vakanga vazvininipisa, shoko raJehovha rakasvika kuna Shemaya, richiti: “Vazvininipisa. Handichavaparadzi,+ uye ndichavanunura munguva pfupi iri kutevera. Handizodururi kutsamwa kwangu paJerusarema ndichishandisa Shishaki. 8 Asi vachava varanda vake, kuti vazive musiyano wekundishumira nekushumira madzimambo edzimwe* nyika.”

9 Saka Mambo Shishaki weIjipiti akauya kuzorwisa Jerusarema. Akatora pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo.* Akatora zvinhu zvese, kusanganisira nhoo dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.+ 10 Saka Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzemhangura kuti atsive nhoo dzacho, uye akaita kuti dzichengetwe nevakuru vevarindi,* avo vairinda musuo weimba yamambo. 11 Pese paiuya mambo kuimba yaJehovha, varindi vaipinda vodzitakura, vobva vazodzidzorera kuimba yevarindi. 12 Mambo akazvininipisa saka kutsamwa kwaJehovha kwakabva paari,+ uye haana kuzovapedza vese.+ Uyewo pane zvinhu zvakanaka zvakawanikwa muJudha.+

13 Mambo Rehobhoamu akasimbisa chinzvimbo chake muJerusarema, uye akaramba achitonga; Rehobhoamu aiva nemakore 41 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 17 muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha pamadzinza ese aIsraeri kuti rive nzvimbo yekuisa zita rake. Amai vamambo vainzi Naama vari vechiAmoni.+ 14 Asi iye akaita zvakaipa, nekuti akanga asina kuzvipira mumwoyo make kuti atsvage Jehovha.+

15 Nhoroondo yaRehobhoamu, kubva painotangira kusvika painoperera, haina kunyorwa here mumashoko emuprofita Shemaya+ neemuoni Idho+ muzvinyorwa zvemadzinza? Rehobhoamu naJerobhoamu+ vaigara vachirwisana. 16 Rehobhoamu akabva azoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi;+ uye mwanakomana wake Abhija+ akava mambo panzvimbo yake.

13 Mugore rechi18 raMambo Jerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha.+ 2 Akatonga muJerusarema kwemakore matatu. Amai vake vainzi Mikaya+ mwanasikana waUrieri wekuGibhiya.+ Uye paiva nehondo pakati paAbhija naJerobhoamu.+

3 Saka Abhija akaenda kunorwa aine uto revarwi 400 000 vaiva nesimba uye vakadzidziswa hondo.*+ Jerobhoamu akaronga uto rake raiva nevarume 800 000 vaiva nesimba uye vakadzidziswa hondo* kuti arwisane naye. 4 Abhija akabva amira pamusoro peGomo reZemaraimu, riri munyika ine makomo yaEfremu, akati: “Ndinzwei, haiwa Jerobhoamu nevaIsraeri vese. 5 Ko hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri akapa Dhavhidhi umambo kuti atonge vaIsraeri nekusingaperi,+ iye nevanakomana vake,+ achishandisa sungano yemunyu?*+ 6 Asi Jerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, mushandi waSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, akasimuka, akapandukira ishe wake.+ 7 Uye varume vasingabatsiri vakanga vasina zvekuita vakaramba vachiungana kwaari. Vakabudirira kupandukira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, Rehobhoamu paakanga achiri mudiki, asina ushingi, uye haana kukwanisa kuvadzivisa.

8 “Zvino mava kufunga kuti munokwanisa kumirisana neumambo hwaJehovha huri muruoko rwevanakomana vaDhavhidhi, nekuti muri boka guru revanhu uye mune mhuru dzegoridhe dzamakagadzirirwa naJerobhoamu kuti dzive vanamwari venyu.+ 9 Hamuna here kudzinga vapristi vaJehovha,+ ivo vazukuru vaAroni, nevaRevhi, uye hamuna kugadza mega vapristi venyu sezvinoita marudzi edzimwe nyika here?+ Chero munhu aiuya* nemukono mudiki wemombe nemakondohwe manomwe aikwanisa kuva mupristi wevaya vasiri vanamwari. 10 Asi isu, Jehovha ndiye Mwari wedu,+ uye hatina kumusiya; vapristi vedu, ivo vazukuru vaAroni, vari kushumira Jehovha, uye vaRevhi vari kubatsira pabasa racho. 11 Vari kuita kuti utsi hwezvibayiro zvinopiswa hupfungaire kuna Jehovha mangwanani ega ega nemanheru ega ega+ pamwe chete nerusenzi inonhuhwirira,+ uye patafura yegoridhe rakanatswa pane zvingwa zvinoturikidzaniswa,*+ uye manheru ega ega vari kubatidza chigadziko chemarambi chegoridhe+ nemarambi acho, nekuti isu tiri kuita zvatinofanira kuitira Jehovha Mwari wedu; asi imi makamusiya. 12 Inzwai! Mwari wechokwadi anesu achititungamirira uye vapristi vake vane mabhosvo ekuridza pakurwa nemi. Haiwa imi varume veIsraeri, musarwa naJehovha Mwari wemadzibaba enyu, nekuti hamuzokundi.”+

13 Asi Jerobhoamu akatuma vanhu kuti vavahwandire kumashure kwavo, zvekuti Jerobhoamu neuto rake vakanga vava pamberi pevarume veJudha, vaya vakanga vakahwandira vari kumashure kwavo. 14 Varume veJudha pavakatendeuka, vakaona kuti vaifanira kurwisana nevanhu vaiva kumberi kwavo nevaiva kumashure kwavo. Saka vakatanga kuchema kuna Jehovha,+ ukuwo mabhosvo evapristi achiririra pamusoro. 15 Varume veJudha vakabva vashevedzera zvinotyisa. Varume veJudha pavakashevedzera zvinotyisa, Mwari wechokwadi akakunda Jerobhoamu nevaIsraeri vese pamberi paAbhija nevanhu veJudha. 16 VaIsraeri vakatiza varume veJudha, uye Mwari akavaisa mumaoko avo. 17 Abhija nevanhu vake vakauraya vaIsraeri vakawanda chaizvo, uye vakaramba vachivauraya zvekuti pakafa varume 500 000 vakadzidziswa hondo.* 18 Saka varume veIsraeri vakaninipiswa panguva iyoyo, asi varume veJudha vakavakunda nekuti vakavimba naJehovha* Mwari wemadzitateguru avo.+ 19 Abhija akaramba achidzingirira Jerobhoamu, akamutorera maguta aiti, Bheteri+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, Jeshana nemaguta madiki aiva akaipoteredza, uye Efraini+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza. 20 Panguva yaAbhija, Jerobhoamu haana kuzovazve nesimba raaimbova naro; Jehovha akabva amurova akafa.+

21 Asi Abhija akawedzera kuva nesimba. Nekufamba kwenguva, akawana madzimai 14,+ uye akava nevanakomana 22 nevanasikana 16. 22 Imwe nhoroondo yese yaAbhija, zvaakaita uye zvaakataura, zvakanyorwa muzvinyorwa zvemuprofita* Idho.+

14 Abhija akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ uye mwanakomana wake Asa akava mambo panzvimbo yake. Mumazuva ake nyika yakava nerunyararo kwemakore gumi.

2 Asa akaita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake. 3 Akabvisa atari+ dzavanamwari vekune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe dzinoyera,+ uye akatema mapango anoyera.*+ 4 Akaudzawo vaJudha kuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete Mutemo nemurayiro. 5 Saka akabvisa nzvimbo dzakakwirira nezvigadziko zvekupisira rusenzi+ mumaguta ese eJudha, uye paaitonga hapana chainetsa muumambo hwacho. 6 Akavaka maguta akakomberedzwa nemasvingo muJudha,+ sezvo munyika makanga musina chainetsa uye pasina akamurwisa mumakore aya, nekuti Jehovha akamupa zororo.+ 7 Akati kuvaJudha: “Ngativakei maguta aya tiakomberedze nemasvingo neshongwe,+ magedhi* nemazariro.* Nyika ichiri mumaoko medu, nekuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu. Takamutsvaga, uye akatipa zororo kumativi ese.” Saka vakavaka vakabudirira.+

8 Asa aiva neuto revarume 300 000 vekwaJudha vaiva nenhoo huru nemapfumo. KwaBhenjamini kwakabva varwi vaiva nesimba 280 000 vaiva nenhoo diki* neuta.*+

9 Gare gare Zera muItiopiya akauya kuzovarwisa aine uto revarume 1 000 000 nengoro 300.+ Paakasvika kuMarisha,+ 10 Asa akabuda kuti anorwa naye, uye vakaronga mauto avo muBani reZefata kuMarisha. 11 Asa akabva ashevedzera kuna Jehovha Mwari wake,+ akati: “Haiwa Jehovha, hazvina basa kwamuri kuti vamuri kubatsira vakawanda here kana kuti havana simba.+ Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi,*+ uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu.+ Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu. Musarega munhu achikukundai.”+

12 Saka Jehovha akakunda vaItiopiya pamberi paAsa nevaJudha, uye vaItiopiya vakatiza.+ 13 Asa nevanhu vaaiva navo vakavatevera kusvika kuGerari,+ uye vaItiopiya vakaramba vachiurayiwa kusvikira pasisina kana mumwe chete wavo akasara ari mupenyu, nekuti vakaparadzwa naJehovha neuto rake. Pashure paizvozvo vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakanga vapamba. 14 Vakaparadzawo maguta ese akanga akapoteredza Gerari, nekuti akanga ava kutya Jehovha zvikuru; uye vakapamba maguta acho ese, nekuti maari maiva nezvakawanda zvekupamba. 15 Vakarwisawo vafudzi vaiva mumatende, uye vakatora zvipfuwo zvakawanda nengamera, vachibva vadzokera kuJerusarema.

15 Zvino mweya waMwari wakauya pana Azariya mwanakomana waOdhedhi. 2 Saka akaenda kunosangana naAsa akati kwaari: “Asa nemi vaJudha vese nevaBhenjamini, ndinzwei! Jehovha anemi kana imi mukangoramba muinaye;+ uye kana mukamutsvaga, achaita kuti mumuwane,+ asi kana mukamusiya, achakusiyaiwo.+ 3 Kwenguva refu* vaIsraeri vakanga vasina Mwari wechokwadi, vasina mupristi aidzidzisa, uye vasina mutemo.+ 4 Asi pavakanga vava mumatambudziko, vakadzokera kuna Jehovha Mwari waIsraeri, vakamutsvaga, iye akaita kuti vamuwane.+ 5 Munguva iyoyo hapana aikwanisa kufamba pasina njodzi inomuwira,* nekuti zvinhu zvakanga zvisina kutombogadzikana pavagari vese vemunyika dzacho. 6 Rudzi rwaiparadzwa nerumwe rudzi, guta richiparadzwa nerimwe guta, nekuti Mwari akaita kuti varambe vasina kugadzikana vachiwirwa nematambudziko akasiyana-siyana.+ 7 Asi imi shingai uye musaora mwoyo,*+ nekuti muchapiwa mubayiro webasa renyu.”

8 Asa paakangonzwa mashoko aya neuprofita hwemuprofita Odhedhi, akava neushingi, akabvisa zvifananidzo zvaisemesa munyika yese yevaJudha+ nevaBhenjamini nemumaguta aakanga atora munyika ine makomo yaEfremu, uye akadzorera atari yaJehovha pamberi pevharanda raJehovha payaimbova.+ 9 Akaunganidza vaJudha nevaBhenjamini vese nevatorwa vavaiva navo vainge vabva kwaEfremu nekwaManase nekwaSimiyoni,+ nekuti vakanga vatizira kwaari vachibva kuvaIsraeri vari vazhinji chaizvo pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye. 10 Saka vakaungana kuJerusarema mumwedzi wechitatu wegore rechi15 rekutonga kwaAsa. 11 Pazuva iroro vakabayira kuna Jehovha mombe 700 nemakwai 7 000 vachitora pane zvavakanga vapamba. 12 Vakaitawo sungano yekuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo nemwoyo yavo yese nemweya* yavo yese.+ 13 Chero munhu aizorega kutsvaga Jehovha Mwari waIsraeri aifanira kuurayiwa, angava mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi.+ 14 Saka vakaita mhiko kuna Jehovha nenzwi guru, vachishevedzera nemufaro, vachiridza mabhosvo nehwamanda. 15 VaJudha vese vakafarira mhiko yacho, nekuti vakanga vaita mhiko yacho nemwoyo yavo yese uye vakamutsvaga nechido, iye akaita kuti vamuwane,+ uye Jehovha akaramba achivapa zororo kumativi ese.+

16 Mambo Asa akatobvisawo ambuya vake Maaka+ pachinzvimbo chavo chepamusoro,* nekuti vakanga vagadzira chidhori chaisemesa chaishandiswa pakunamata bango rinoyera.*+ Asa akatema chidhori chavo chaisemesa, akachikuya-kuya, akachipisira muBani reKidroni.+ 17 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa+ muIsraeri.+ Kunyange zvakadaro, mwoyo waAsa wakanga wakanyatsozvipira kweupenyu hwake hwese.*+ 18 Akaunza muimba yaMwari wechokwadi zvinhu zvavakanga vatsvenesa iye nababa vake zvinoti, sirivha, goridhe, nemimwe midziyo.+ 19 Hakuna kuzova nehondo kusvikira mugore rechi35 rekutonga kwaAsa.+

16 Mugore rechi36 rekutonga kwaAsa, Mambo Bhaasha+ weIsraeri akaenda kunorwisa Judha, akatanga kuvaka* Rama+ kuti pasava nemunhu aibuda kana kupinda munyika yaMambo Asa weJudha.+ 2 Asa akabva atora sirivha negoridhe kubva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo,* akazvitumira kuna Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya,+ uyo aigara muDhamasiko, achiti: 3 “Pane chibvumirano* pakati pangu newe uye pakati pababa vangu nababa vako. Ndiri kukutumira sirivha negoridhe. Saka putsa chibvumirano chako* naBhaasha mambo weIsraeri, kuti abve kwandiri.”

4 Bheni-hadhadhi akateerera Mambo Asa, akatuma vakuru vemauto ake kunorwisa maguta eIsraeri, uye vakakunda Ijoni,+ Dhani,+ Abheri-maimu nenzvimbo dzese dzekuchengetera zvinhu dzemaguta aNaftari.+ 5 Bhaasha paakazvinzwa, akabva angomira kuvaka* Rama, akasiya basa raaiita paguta racho. 6 Mambo Asa akabva atora vaJudha vese, uye vakatakura matombo nematanda zveRama+ zvakanga zvichivakiswa naBhaasha,+ achibva azvishandisa kuvaka* Gebha+ neMizpa.+

7 Panguva iyoyo muoni Hananai+ akaenda kuna Mambo Asa weJudha akati kwaari: “Zvawakavimba namambo* weSiriya, ukarega kuvimba naJehovha* Mwari wako, uto ramambo weSiriya rapukunyuka muruoko rwako.+ 8 VaItiopiya nevaRibhiya vakanga vasiri here uto guru chaizvo rine ngoro dzakawanda nevatasvi vemabhiza? Asi Jehovha akavaisa muruoko rwako+ nekuti wakavimba naye. 9 Nekuti maziso aJehovha ari kutarisa-tarisa pasi pese+ kuti aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera* kwaari.+ Waita zveupenzi panyaya iyi; kubvira zvino uchagara uchirwiswa.”+

10 Zvisinei, Asa akagumbukira muoni wacho, akamuisa mujeri* nekuti akanga amutsamwira zvikuru nemhaka yeizvi. Asa akatanga kuitira vamwe vanhu utsinye panguva iyoyo. 11 Nhoroondo yaAsa, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa muBhuku reMadzimambo eJudha neeIsraeri.+

12 Mugore rechi39 rekutonga kwake, Asa akava nechirwere mutsoka kusvikira ava kurwara zvakanyanya; asi kunyange mukurwara kwake haana kuenda kuna Jehovha asi akaenda kuvarapi. 13 Asa akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake.+ Akafa mugore rechi41 rekutonga kwake. 14 Saka vakamuviga muguva guru raakanga azvicherera muGuta raDhavhidhi,+ uye vakamuradzika pahwanyanza* yakanga izere nemafuta ebharisamu nemafuta akagadzirwa nemusanganiswa wezvinhu zvakasiyana-siyana.+ Vakamupisirawo moto wakakura chaizvo wekumukudza.*

17 Zvino mwanakomana wake Jehoshafati+ akava mambo panzvimbo yake, uye akasimbisa chinzvimbo chake pana Israeri. 2 Akaisa mauto mumaguta ese eJudha akanga akakomberedzwa nemasvingo, uye akaisa mapoka evarwi munyika yeJudha nemumaguta aEfremu akanga atorwa nababa vake Asa.+ 3 Jehovha akaramba aina Jehoshafati nekuti akafamba nenzira dzakanga dzafambwa natateguru vake Dhavhidhi+ uye haana kutsvaga vanaBhaari. 4 Nekuti akatsvaga Mwari wababa vake,+ uye akatevera murayiro* wake, asingaiti zvaiitwa nevaIsraeri.+ 5 Jehovha akaita kuti umambo hurambe hwakasimba muruoko rwake;+ uye vaJudha vese vakaramba vachipa Jehoshafati zvipo, uye akava nepfuma yakawanda chaizvo, achikudzwa zvikuru.+ 6 Mwoyo wake wakashinga kufamba munzira dzaJehovha, uye akatobvisa nzvimbo dzakakwirira+ nemapango anoyera*+ muJudha.

7 Mugore rechitatu rekutonga kwake, akashevedza machinda ake aiti Bheni-hairi, Obhadhiya, Zekariya, Netaneri, naMikaya, kuti vadzidzise mumaguta eJudha. 8 Vaiva nevaRevhi vaiti: Shemaya, Netaniya, Zebhadhiya, Asaheri, Shemiramoti, Jehonatani, Adhonija, Tobhija, naTobhi-adhonija, uye vaivawo nevapristi vaiti Erishama naJehoramu.+ 9 Vakatanga kudzidzisa munyika yeJudha, vaine bhuku reMutemo waJehovha,+ uye vakatenderera mumaguta ese eJudha vachidzidzisa vanhu.

10 Umambo hwese hwenyika dzakanga dzakapoteredza Judha hwakatya Jehovha, uye hahuna kurwisa Jehoshafati. 11 Uye vaFiristiya vakaunzira Jehoshafati mutero wezvipo nemari. VaArabhu vakamuunzira makondohwe 7 700 uye nhongo 7 700 kubva pazvipfuwo zvavo.

12 Jehoshafati akaramba achingowedzera kuva nesimba,+ uye akaramba achivaka nhare*+ nemaguta ekuchengetera zvinhu+ muJudha. 13 Akaita mabasa akawanda mumaguta eJudha, uye aiva nemauto muJerusarema, ayo aiva varwi vane simba. 14 Vakanga vakarongwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo: kwaJudha vakuru vezviuru vaiva Adnaa uyo aiva mukuru wavo, uye aiva nevarwi 300 000 vaiva nesimba.+ 15 Pasi pake paiva naJehohanani uyo aiva mukuru, uye aiva nevarwi 280 000. 16 Pasi pake paivawo naAmasiya mwanakomana waZikri uyo akazvipira kuita basa raJehovha, uye aiva nevarwi 200 000 vaiva nesimba. 17 KwaBhenjamini+ kwaiva naEriyadha, murwi aiva nesimba, uyo aiva nevarume 200 000 vaiva neuta nenhoo.+ 18 Pasi pake paiva naJehozabhadhi, uyo aiva nevarume 180 000 vakanga vakagadzirira kurwa. 19 Varume ava vaishandira mambo, kuwedzera pane vaya vakaiswa namambo mumaguta akanga akakomberedzwa nemasvingo aiva muJudha yese.+

18 Jehoshafati aiva nepfuma yakawanda chaizvo uye aikudzwa zvikuru,+ asi akava neukama hwekuroorerana naAhabhi.+ 2 Saka kwapera makore akati, akaenda kuna Ahabhi kuSamariya,+ uye Ahabhi akapa chibayiro chemakwai nemombe zvakawanda achiitira mambo wacho nevanhu vaaiva navo. Akamunyengetedza kuti vaende kunorwisa Ramoti-giriyedhi.+ 3 Mambo Ahabhi weIsraeri akabva ati kuna Mambo Jehoshafati weJudha: “Uchaenda neni kuRamoti-giriyedhi here?” Iye akamupindura kuti: “Ini newe tiri vanhu vamwe chete uye vanhu vangu nevanhu vako vamwe chete uye ndichakutsigira muhondo yacho.”

4 Asi Jehoshafati akati kuna mambo weIsraeri: “Ndapota, tanga wabvunza kuti Jehovha anoti chii.”+ 5 Saka mambo weIsraeri akaunganidza vaprofita, varume 400, akati kwavari: “Tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndorega?” Ivo vakati: “Endai, uye Mwari wechokwadi achaiisa muruoko rwamambo.”

6 Jehoshafati akabva ati: “Pano hapana muprofita waJehovha here?+ Ngatibvunzeiwo nekwaari.”+ 7 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Kuchiine murume mumwe chete+ watinogona kubvunza Jehovha nekwaari; asi ini ndinomuvenga, nekuti haatomboprofiti zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete.+ NdiMikaya mwanakomana waImra.” Asi Jehoshafati akati: “Mambo haafaniri kutaura zvakadaro.”

8 Saka mambo weIsraeri akashevedza mumwe wevakuru vemumuzinda akati: “Kurumidza kuuya naMikaya mwanakomana waImra.”+ 9 Mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakanga vakagara mumwe nemumwe pachigaro chake cheumambo, vakapfeka nguo dzeumambo; vakanga vakagara paburiro* pagedhi reSamariya, vaprofita vese vachiprofita vari pamberi pavo. 10 Zedhekiya mwanakomana waKenaana akabva agadzira nyanga dzake dzesimbi akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Muchatunga* vaSiriya neidzi kusvikira mavaparadza.’” 11 Vamwe vaprofita vese vakanga vachiprofitawo saizvozvo, vachiti: “Kwidzai kuRamoti-giriyedhi uye muchakunda;+ Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

12 Saka nhume yakanga yaenda kunoshevedza Mikaya yakati kwaari: “Inzwa! Mashoko ari kutaurwa nevaprofita vese akanaka kuna mambo. Ndapota, shoko rako ngarifanane neravo,+ utaure zvinhu zvakanaka.”+ 13 Asi Mikaya akati: “NaJehovha mupenyu, chero zvandichaudzwa naMwari wangu ndizvo zvandichataura.”+ 14 Akabva apinda maiva namambo, uye mambo akamubvunza kuti: “Mikaya, tiende kunorwisa Ramoti-giriyedhi here, kana kuti ndorega?” Akabva apindura achiti: “Endai uye muchakunda; vachaiswa mumaoko enyu.” 15 Mambo akabva ati kwaari: “Ndinofanira kukuita kuti upike kangani kuti ungondiudza chokwadi chega muzita raJehovha?” 16 Saka akati: “Ndiri kuona vaIsraeri vese vakapararira mumakomo semakwai asina mufudzi.+ Jehovha ati: ‘Ava havana tenzi. Mumwe nemumwe ngaadzokere kumba kwake nerugare.’”

17 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Handina here kukuudza kuti, ‘Haasi kuzoprofita zvinhu zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete’?”+

18 Mikaya akabva ati: “Saka inzwai shoko raJehovha: Ndaona Jehovha akagara pachigaro chake cheumambo,+ uto rese rekudenga+ rakamira kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.+ 19 Jehovha abva ati, ‘Ndiani achanyengedza Mambo Ahabhi weIsraeri, kuti aende anofira kuRamoti-giriyedhi?’ Zvino mumwe anga achitaura izvi, mumwe achitaura zvimwewo. 20 Mumwe mweya+ wabva waenda ukamira* pamberi paJehovha ndokuti, ‘Ini ndichamunyengedza.’ Jehovha achibva ati kwauri, ‘Uchazviita sei?’ 21 Iwo ukati, ‘Ndichaenda, ndova mweya unonyengedza mumiromo yevaprofita vake vese.’ Iye achibva ati, ‘Uchamunyengedza, uye uchabudirira. Enda uite saizvozvo.’ 22 Jehovha aisa mweya unonyengera mumiromo yevaprofita venyu ava,+ asi Jehovha ataura nezvedambudziko pamusoro penyu.”

23 Zedhekiya+ mwanakomana waKenaana akabva aswedera pedyo, akarova Mikaya+ padama+ akati: “Zvakatanga riini kuti mweya waJehovha unondipfuura uchienda kunotaura newe?”+ 24 Mikaya akapindura kuti: “Uchaziva kuti zvakatanga riini pazuva rauchapinda muimba yemukatikati kuti uhwande.” 25 Mambo weIsraeri akabva ati: “Tora Mikaya umuendese kuna Amone mukuru weguta nekuna Joashi mwanakomana wamambo. 26 Vaudze kuti, ‘Zvanzi namambo: “Isai munhu uyu mujeri+ uye mupei chingwa chakatapudzwa nemvura shoma kusvikira ndadzoka nerugare.”’” 27 Asi Mikaya akati: “Kana mukadzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni.”+ Akabva ati: “Mucherechedze, imi vanhu vese.”

28 Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakakwidza kuRamoti-giriyedhi.+ 29 Mambo weIsraeri akabva ati kuna Jehoshafati: “Ndichachinja nguo dzangu kuti ndirege kuzivikanwa, ndoenda kunorwa, asi iwe unofanira kupfeka nguo dzako dzeumambo.” Saka mambo weIsraeri akachinja nguo dzake kuti arege kuzivikanwa vachibva vaenda kunorwa. 30 Mambo weSiriya akanga arayira vakuru vengoro dzake achiti: “Musarwa nemumwe munhu, mudiki kana mukuru, kunze kwamambo weIsraeri chete.” 31 Vakuru vengoro dzacho pavakangoona Jehoshafati, vakati nechemumwoyo: “Uyu ndiye mambo weIsraeri.” Saka vakatsaukira kwaari kuti vamurwise; asi Jehoshafati akatanga kushevedzera kuti abatsirwe,+ Jehovha achibva amubatsira, uye Mwari akabva angoita kuti vamusiye. 32 Vakuru vengoro pavakaona kuti akanga asiri mambo weIsraeri, vakabva varega kumutevera.

33 Asi mumwe murume akangopfurawo neuta hwake asina kuzvironga, akabaya mambo weIsraeri nepanobatana nguo yake yesimbi. Saka mambo akati kumutyairi wake wengoro: “Tendeutsa ngoro, undibudise muhondo,* nekuti ndakuvadzwa zvakanyanya.”+ 34 Hondo yakaramba ichipisa zuva racho rese, uye mambo weIsraeri akamira akaita zvekutsigirwa nevamwe mungoro akatarisana nevaSiriya kusvikira ava manheru; uye akafa pakuvira kwezuva.+

19 Mambo Jehoshafati weJudha akabva adzokera kumba kwake*+ kuJerusarema asina kukuvadzwa.* 2 Jehu+ mwanakomana wemuoni Hananai+ akaenda kunosangana naye, akati kuna Mambo Jehoshafati: “Munofanira kubatsira vakaipa+ uye kuda vanovenga Jehovha here?+ Jehovha akutsamwirai nemhaka yeizvi. 3 Kunyange zvakadaro, pane zvinhu zvakanaka zvawanikwa pamuri,+ nekuti makabvisa mapango anoyera* munyika uye makagadzirira mwoyo wenyu* kuti mutsvage Mwari wechokwadi.”+

4 Jehoshafati akaramba achigara muJerusarema uye akaendazve kuvanhu, kubva kuBheeri-shebha kusvika kunyika ine makomo yaEfremu,+ kuti avadzose kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+ 5 Akagadzawo vatongi munyika yese mumaguta ese eJudha aiva akakomberedzwa nemasvingo, muguta neguta.+ 6 Akati kuvatongi vacho: “Nyatsofungai pane zvamunoita, nekuti hamutongeri munhu asi Jehovha, uye iye anemi pamunotonga.+ 7 Zvino ityai Jehovha.+ Chenjererai pane zvamunoita, nekuti Jehovha Mwari wedu haadi zvisina kururama,+ kana rusarura,+ kana kugamuchira chiokomuhomwe.”+

8 Jehoshafati akagadzawo vamwe vaRevhi nevapristi nevamwe vakuru vedzimba dzemadzibaba evaIsraeri muJerusarema kuti vatonge vachimiririra Jehovha uye kuti vagadzirise nyaya dzevagari vemuJerusarema.+ 9 Akavarayirawo kuti: “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita muchitya Jehovha, makatendeka, muine mwoyo wakaperera* kwaari: 10 Pese panouya hama dzenyu dziri kugara mumaguta adzo nenyaya ine chekuita nekudeurwa kweropa+ kana kuti nemubvunzo pamusoro pemumwe mutemo, murayiro, murau, kana zvakatongwa, munofanira kudziyambira kuti dzirege kuva nemhosva pamberi paJehovha; nekuti mukasadaro anokutsamwirai imi nehama dzenyu. Izvi ndizvo zvamunofanira kuita kuti murege kuva nemhosva. 11 Pano mune mutungamiriri wevapristi Amariya ari kukutungamirirai pazvinhu zvese zvaJehovha.+ Zebhadhiya mwanakomana waIshmaeri ndiye mutungamiriri weimba yaJudha panyaya dzese dzine chekuita namambo. Uye vaRevhi vachava vatariri venyu. Shingai, muone zvekuita uye Jehovha ngaave nevanoita zvakanaka.”*+

20 Pashure paizvozvo vaMoabhi+ nevaAmoni+ vakauya kuzorwisa Jehoshafati vaine vamwe vanhu vekuvaAmonimu.* 2 Saka Jehoshafati akaudzwa kuti: “Kune boka guru revanhu vauya kuzokurwisai vabva kunharaunda yekugungwa,* kuEdhomu,+ uye iye zvino vari muHazazoni-tamari, iyo Eni-gedhi.”+ 3 Jehoshafati akabva atya, akazvipira kutsvaga* Jehovha.+ Saka akazivisa kuti vaJudha vese vatsanye. 4 Vanhu veJudha vakabva vaungana kuti vabvunze Jehovha;+ vakauya kuzobvunza Jehovha vachibva kumaguta ese eJudha.

5 Jehoshafati akabva asimuka pakati peungano yeJudha neJerusarema muimba yaJehovha, pamberi pechivanze chitsva, 6 akati:

“Haiwa Jehovha Mwari wemadzitateguru edu, hamusi Mwari kudenga here;+ hamusi imi mune simba paumambo hwese hwemarudzi here?+ Muruoko rwenyu mune simba neukuru, uye hapana angamirisana nemi.+ 7 Haiwa Mwari wedu, hamuna here kudzinga vagari vemunyika ino pamberi pevanhu venyu vaIsraeri, mukapa vana* veshamwari yenyu Abrahamu nyika ino kuti igare iri yavo?+ 8 Vakagara mairi, vakakuvakirai nzvimbo tsvene yezita renyu imomo,+ vachiti, 9 ‘Kana tikawirwa nedambudziko, ringava rebakatwa, mutongo wakaoma, denda, kana nzara, ngatimirei pamberi peimba iyi nepamberi penyu (nekuti zita renyu riri muimba iyi)+ toshevedzera kwamuri kuti mutibatsire pakutambudzika kwedu, uye inzwai mutiponese.’+ 10 Chionai zviri kuitwa nevarume veAmoni neveMoabhi nevemunyika ine makomo yeSeiri,+ vamakarambidza vaIsraeri kupinda pakati pavo nechisimba paya pavakabuda munyika yeIjipiti. Vakavarega uye havana kuvaparadza.+ 11 Iye zvino vava kutitsiva nekuuya kuzotidzinga panyika yenyu yamakatipa kuti ive nhaka yedu.+ 12 Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here?+ Nekuti isu hatina simba rekurwa neboka guru revanhu iri riri kuuya kuzotirwisa; uye hatizivi kuti toita sei,+ asi maziso edu akatarisa kwamuri.”+

13 Panguva iyi vanhu vese vekwaJudha vakanga vakamira pamberi paJehovha, pamwe chete nepwere dzavo, madzimai avo, nevana* vavo.

14 Mweya waJehovha wakabva wauya pana Jahazieri mwanakomana waZekariya mwanakomana waBhenaya mwanakomana waJeyieri mwanakomana waMataniya muRevhi wekuvanakomana vaAsafi ari pakati peungano yacho. 15 Akati: “Inzwai, imi vaJudha vese nemi vagari vemuJerusarema naMambo Jehoshafati! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya kana kuvhundutswa neboka iri guru revanhu, nekuti kurwa hakusi kwenyu, asi ndekwaMwari.+ 16 Endai munovarwisa mangwana. Vachauya nekumupata weZizi, uye muchavawana panogumira bani,* pakatarisana nerenje reJerueri. 17 Hamufaniri zvenyu kurwa hondo yacho. Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira,+ muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.*+ Usatya iwe Judha newe Jerusarema, usatya kana kuvhunduka.+ Endai munovarwisa mangwana, uye Jehovha achava nemi.’”+

18 Jehoshafati akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, uye vaJudha vese nevagari vemuJerusarema vakapfugama vakadzikisa misoro yavo pamberi paJehovha kuti vanamate Jehovha. 19 VaRevhi vekwaKohati+ nevekwaKora vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo.+

20 Vakafumomuka mangwanani akatevera vakaenda kurenje reTekoa.+ Sezvavaienda, Jehoshafati akamira akati: “Inzwai, haiwa imi vaJudha nemi vagari vemuJerusarema! Tendai muna Jehovha Mwari wenyu kuti mugone kumira makasimba. Tendai muvaprofita vake,+ uye muchakunda.”

21 Pashure pekunge abvunza mazano kuvanhu, akagadza varume kuti vaimbire+ Jehovha uye kuti vamurumbidze vakapfeka zvishongo zvitsvene pavaienda vari pamberi pevarume vaiva nezvombo, vachiti: “Ongai Jehovha, nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.”+

22 Pavakatanga kuimba nziyo dzekurumbidza vachifara, Jehovha akaisa varume kuti vahwandire varume veAmoni, neveMoabhi nevemunyika ine makomo yeSeiri vakanga vachipinda muJudha nechisimba, uye vakaurayana pachavo.+ 23 VaAmoni nevaMoabhi vakabva vapandukira vagari vemunyika ine makomo yeSeiri+ kuti vavaparadze vovatsvaira; uye pavakapedza nevagari vekuSeiri, vakaurayana pachavo.+

24 Asi vaJudha pavakasvika kunharire* yekurenje,+ vakatarisa kwaiva neboka revanhu, vakaona zvitunha zvavo zvakati katakata pasi;+ hapana akapukunyuka. 25 Saka Jehoshafati nevanhu vake vakaenda kunopamba zvinhu zvavo, uye vakawana zvinhu zvakawanda, nezvipfeko nezvimwewo zvinhu zvakanaka zvakawanda, vakazvitora kusvikira vasingachakwanisi kutakura zvimwe.+ Zvakavatorera mazuva matatu kutakura zvinhu zvacho, nekuti zvakanga zvakawanda. 26 Pazuva rechina vakaungana kuBani reBheraka, nekuti vakarumbidza* Jehovha ikoko. Ndokusaka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bani reBheraka*+ uye ndiro zita rayo nanhasi.

27 Varume vese veJudha neveJerusarema vakabva vadzokera kuJerusarema vachifara chaizvo, vachitungamirirwa naJehoshafati, nekuti Jehovha akanga aita kuti vafare chaizvo nezvakanga zvaitwa kuvavengi vavo.+ 28 Saka vakapinda muJerusarema vaine zviridzwa zvine tambo,+ udimbwa nemabhosvo+ uye vakaenda kuimba yaJehovha.+ 29 Umambo hwese hwenyika hwakatya Mwari pahwakanzwa kuti Jehovha akanga arwa nevavengi vaIsraeri.+ 30 Saka muumambo hwaJehoshafati makanga musina chainetsa, uye Mwari wake akaramba achimupa zororo kumativi ese.+

31 Jehoshafati akaramba achitonga Judha. Aiva nemakore 35 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 25 muJerusarema. Amai vake vainzi Azubha mwanasikana waShirihi.+ 32 Akaramba achifamba munzira yababa vake Asa.+ Haana kutsauka pairi, uye akaita zvakarurama pamberi paJehovha.+ 33 Zvisinei, nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa,+ uye vanhu vakanga vasati vagadzirira mwoyo yavo kuti vatsvage Mwari wemadzitateguru avo.+

34 Kana iri nhoroondo yese yaJehoshafati, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa pamashoko aJehu+ mwanakomana waHananai,+ ayo akaiswa muBhuku reMadzimambo eIsraeri. 35 Pashure peizvi, Mambo Jehoshafati weJudha akabatana naMambo Ahaziya weIsraeri, uyo aiita zvakaipa.+ 36 Akabatana naye pakugadzira ngarava dzaienda kuTashishi,+ uye vakagadzira ngarava dzacho muEziyoni-gebheri.+ 37 Zvisinei, Eriyezeri mwanakomana waDhodhavhahu wekuMaresha akaprofitira Jehoshafati, achiti: “Nemhaka yekuti wabatana naAhaziya, Jehovha achaparadza mabasa ako.”+ Saka ngarava dzacho dzakaparadzwa,+ dzikatadza kuenda kuTashishi.

21 Jehoshafati akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi; uye mwanakomana wake Jehoramu akava mambo panzvimbo yake.+ 2 Vanin’ina vake, ivo vanakomana vaJehoshafati, vaiva Azariya, Jehieri, Zekariya, Azariya, Mikaeri, naShefatiya; vese ava vaiva vanakomana vaMambo Jehoshafati weIsraeri. 3 Baba vavo vakanga vavapa zvipo zvakawanda zvesirivha negoridhe nezvinhu zvinokosha, pamwe chete nemaguta aiva akakomberedzwa nemasvingo aiva muJudha;+ asi vakapa Jehoramu+ umambo, nekuti ndiye aiva dangwe.

4 Umambo hwababa vaJehoramu pahwakanga hwava mumaoko ake, akauraya vanin’ina vake vese+ nebakatwa, pamwe chete nemamwe machinda eIsraeri kuti asimbise chigaro chake. 5 Jehoramu aiva nemakore 32 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 8 muJerusarema.+ 6 Akafamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ sezvakanga zvaitwa nevaya veimba yaAhabhi, nekuti akanga aroora mwanasikana waAhabhi;+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. 7 Asi Jehovha haana kuda kuparadza imba yaDhavhidhi, achifunga sungano yaakanga aita naDhavhidhi,+ nekuti akanga avimbisa kuti achaita kuti agare aine rambi nguva dzese, iye nevanakomana vake.+

8 Mumazuva ake, Edhomu yakapandukira Judha,+ ikabva yagadza mambo wayo.+ 9 Saka Jehoramu nevakuru veuto rake vakayambuka nengoro dzake dzese, uye akamuka usiku, akakunda vaEdhomu vakanga vakamupoteredza iye nevakuru vengoro. 10 Asi Edhomu yakaramba ichipandukira Judha uye ndizvo zvaichiri kungoita nanhasi. Ribna+ yakamupandukirawo panguva iyoyo, nekuti akanga asiya Jehovha Mwari wemadzitateguru ake.+ 11 Akanga agadzirawo nzvimbo dzakakwirira+ mumakomo eJudha, kuti aite kuti vagari vemuJerusarema vaite unzenza hwekunamata, uye akatsausa vaJudha.

12 Kwakazouya tsamba kwaari yakabva kumuprofita Eriya,+ yaiti: “Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi, ‘Hauna kufamba nenzira dzababa vako Jehoshafati+ kana nenzira dzaMambo Asa+ weJudha. 13 Asi uri kufamba nenzira yemadzimambo eIsraeri,+ uye uri kuita kuti vanhu veJudha nevagari vemuJerusarema vaite unzenza hwekunamata+ sehweimba yaAhabhi,+ uye wakatouraya vanin’ina vako,+ iyo imba yababa vako, avo vaiva nani panewe. 14 Saka Jehovha acharova vanhu vako zvakasimba nevanakomana vako, nemadzimai ako nezvinhu zvako zvese. 15 Uchabatwa nezvirwere zvakawanda, kusanganisira chirwere chemuura, kusvikira ura hwako hwabuda nemhaka yechirwere chacho, uye zvichadaro zuva nezuva.’”

16 Jehovha akabva aita kuti+ vaFiristiya+ nevaArabhu+ avo vaiva pedyo nevaItiopiya varwe naJehoramu. 17 Saka vakapinda muJudha nechisimba, vakatakura zvinhu zvese zvaiva muimba yamambo,*+ pamwe chete nevanakomana vake nemadzimai ake; uye Jehoahazi*+ ndiye ega mwanakomana waakasara naye, uye aiva mudiki pavanakomana vake vese. 18 Pashure pezvinhu izvi zvese, Jehovha akamurova nechirwere chisingarapiki chemuura.+ 19 Nekufamba kwenguva, papera makore maviri akazara, chirwere chake chakaita kuti abude ura, uye akafa achirwadziwa chaizvo nechirwere chake; uye vanhu vake havana kumupisira moto wekumukudza sezvakanga zvaitirwa madzitateguru ake.+ 20 Aiva nemakore 32 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 8 muJerusarema. Paakafa hapana munhu akarwadziwa nazvo. Saka vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ asi kwete munzvimbo yemakuva emadzimambo.+

22 Vagari vemuJerusarema vakabva vagadza mwanakomana wake Ahaziya uyo aiva mudiki pavanakomana vake vese kuti ave mambo panzvimbo yake, nekuti boka revapambi iro rainge rauya kumusasa nevaArabhu rakanga rauraya vakoma vake vese.+ Saka Ahaziya mwanakomana waJehoramu akatanga kutonga samambo weJudha.+ 2 Ahaziya aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwegore rimwe chete muJerusarema. Amai vake vainzi Atariya,+ vari muzukuru* waOmri.+

3 Akafambawo nenzira dzeimba yaAhabhi,+ nekuti amai vake ndivo vaimufurira kuita zvakaipa. 4 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvaiitwa neveimba yaAhabhi, nekuti ndivo vaimupa mazano baba vake pavakanga vafa, zvikazoita kuti aparare. 5 Akateerera zano ravo, akaenda naJehoramu mwanakomana waMambo Ahabhi weIsraeri kunorwa naMambo Hazaeri+ weSiriya kuRamoti-giriyedhi,+ uye Jehoramu akakuvadzwa nevanopfura neuta ikoko. 6 Akadzokera kuJezreeri+ kuti apore maronda avakanga vamukuvadza kuRama paakarwa naMambo Hazaeri weSiriya.+

Ahaziya* mwanakomana waJehoramu+ mambo weJudha akadzika kuJezreeri kuti anoona Jehoramu+ mwanakomana waAhabhi, nekuti akanga akuvadzwa.*+ 7 Asi Mwari akaita kuti Ahaziya aparare nekuenda kwaakaita kuna Jehoramu; uye paakasvika, akaenda naJehoramu kunosangana naJehu+ muzukuru* waNimshi, uyo akanga azodzwa naJehovha kuti aparadze imba yaAhabhi.+ 8 Jehu paakatanga kuita zvakanga zvatongwa pamusoro peimba yaAhabhi, akawana machinda eJudha nevanakomana vehama dzaAhaziya, vashandi vaAhaziya, akavauraya.+ 9 Akabva atsvaga Ahaziya; vakamutora paakanga akahwanda muSamariya, vakaenda naye kuna Jehu. Vakabva vamuuraya vakamuviga,+ nekuti vakati: “Iye muzukuru waJehoshafati, uyo akatsvaga Jehovha nemwoyo wake wese.”+ Hapana weimba yaAhaziya aiva nesimba rekutora umambo hwacho.

10 Atariya+ amai vaAhaziya pavakaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakasimuka, vakaparadza veimba yeumambo yekwaJudha vese.*+ 11 Zvisinei, Jehoshabheyati mwanasikana wamambo akatora Jehoashi+ mwanakomana waAhaziya, akamuba pakati pevanakomana vamambo vakanga vachizourayiwa, akamuisa iye nemureri wake muimba yekurara yaiva mukati. Jehoshabheyati mwanasikana waMambo Jehoramu+ (aiva mudzimai wemupristi Jehoyadha,+ ari hanzvadzi yaAhaziya) akakwanisa kuramba akamuviga kuti asaonekwa naAtariya, saka haana kumuuraya.+ 12 Jehoashi akaramba ainavo kwemakore 6 akahwandiswa paimba yaMwari wechokwadi, Atariya paakanga achitonga nyika.

23 Mugore rechi7, Jehoyadha akaratidza ushingi, akaita chibvumirano* nevakuru vemazana+ vaiti, Azariya mwanakomana waJerohamu, Ishmaeri mwanakomana waJehohanani, Azariya mwanakomana waObhedhi, Maaseya mwanakomana waAdhaya, naErishafati mwanakomana waZikri. 2 Vakabva vatenderera neJudha yese, vakaunganidza vaRevhi+ kubva mumaguta ese eJudha nevakuru vedzimba dzemadzibaba evaIsraeri. Pavakasvika kuJerusarema, 3 ungano yese yakaita sungano+ namambo muimba yaMwari wechokwadi, Jehoyadha achibva ati kwavari:

“Inzwai! Mwanakomana wamambo achatonga, sezvakavimbiswa naJehovha pamusoro pevanakomana vaDhavhidhi.+ 4 Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Munofanira kuisa vapristi nevaRevhi vanenge vari pabasa+ paSabata mumapoka matatu. Rimwe boka richachengeta pamasuo;+ 5 rimwe richava paimba yamambo,*+ uye rimwe richava paGedhi reNheyo, uye vanhu vese vachava muzvivanze zveimba yaJehovha.+ 6 Musarega chero munhu achipinda muimba yaJehovha kunze kwevapristi nevaRevhi vari kushumira.+ Ava vanobvumidzwa kupinda nekuti ivo iboka dzvene, uye vanhu vese vachaita zvavanotarisirwa naJehovha kuti vaite. 7 VaRevhi vanofanira kukomba mambo kumativi ese, mumwe nemumwe akabata zvombo zvake. Kana pakava nemunhu anopinda mumba macho anofanira kuurayiwa. Rambai muina mambo kwese kwaanoenda.”*

8 VaRevhi nevaJudha vese vakaita zvese zvakanga zvarayirwa nemupristi Jehoyadha. Saka mumwe nemumwe akatora varume vake vaiva pabasa paSabata, pamwe chete nevaya vakanga vasiri pabasa paSabata,+ nekuti mupristi Jehoyadha akanga asina kubvumira mapoka+ acho kubva pabasa. 9 Mupristi Jehoyadha akabva apa vakuru vemazana+ mapfumo nenhoo diki,* nenhoo dzeraundi izvo zvaiva zvaMambo Dhavhidhi,+ zvaiva muimba yaMwari wechokwadi.+ 10 Akabva aita kuti vanhu vese vamire, mumwe nemumwe akabata chombo chake,* kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba yacho, pedyo neatari uye pedyo neimba, vakakomberedza mambo. 11 Vakabva vabudisa mwanakomana wamambo,+ vakamupfekedza korona uye vakaisa Chipupuriro*+ paari, vakamugadza kuti ave mambo, uye Jehoyadha nevanakomana vake vakamuzodza. Vakabva vati: “Mambo ngaarambe achirarama!”+

12 Atariya paakanzwa ruzha rwevanhu vaimhanya vachirumbidza mambo, akabva angoenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+ 13 Akabva aona mambo amire pedyo nembiru yake ari panopindwa napo. Mambo aiva nemachinda+ nevaridzi vemabhosvo, uye vanhu vese vemunyika yacho vakanga vachipembera nemufaro,+ vachiridza mabhosvo, uye vaimbi vane zviridzwa vaitungamirira* pakurumbidza kwacho. Atariya akabva abvarura nguo dzake akashevedzera achiti: “Ndapandukirwa! Ndapandukirwa!” 14 Asi mupristi Jehoyadha akabudisa vakuru vemazana, vaya vakagadzwa kuti vatungamirire uto, akati kwavari: “Mubvisei pakati pemauto, uye kana pakava neanomutevera, muurayei nebakatwa!” Nekuti mupristi akanga ati: “Musamuurayira muimba yaJehovha.” 15 Saka vakamubata, uye paakasvika paipindwa napo, paGedhi Remabhiza reimba yamambo,* vakabva vamuurayira ipapo.

16 Jehoyadha akabva aita sungano nevanhu vese namambo yekuti vaizoramba vari vanhu vaJehovha.+ 17 Pashure paizvozvo, vanhu vese vakaenda kuimba* yaBhaari vakaiputsa,+ uye vakapwanya-pwanya atari dzake nemifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho. 18 Jehoyadha akabva agadza vapristi nevaRevhi kuti vatungamirire paimba yaJehovha, vaya vakanga vaiswa mumapoka naDhavhidhi kuti vashande paimba yaJehovha vachipa zvibayiro zvinopiswa zvaJehovha+ maererano nezvakanyorwa muMutemo waMozisi,+ vachifara chaizvo uye vachiimba, sezvakarayirwa naDhavhidhi. 19 Akaisawo varindi pamagedhi+ eimba yaJehovha kuti pasatombova nemunhu asina kuchena anopinda. 20 Akabva atora vakuru vemazana,+ nevakuru vakuru, nevatongi vevanhu, nevanhu vese vemunyika yacho, vakaperekedza mambo kubva kuimba yaJehovha. Vakabva vaenda kuimba yamambo nepagedhi rekumusoro, vakaita kuti mambo agare pachigaro cheumambo.+ 21 Saka vanhu vese vemunyika yacho vakafara chaizvo uye guta rakava nerunyararo, nekuti vakanga vauraya Atariya nebakatwa.

24 Jehoashi aiva nemakore 7 paakava mambo,+ uye akatonga kwemakore 40 muJerusarema. Amai vake vainzi Zibhiya uye vaiva vekuBheeri-shebha.+ 2 Jehoashi akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha mazuva ese emupristi Jehoyadha.+ 3 Jehoyadha akamusarudzira madzimai maviri, uye akava nevanakomana nevanasikana.

4 Pashure peizvi, Jehoashi akava nechido mumwoyo make chekugadziridza imba yaJehovha.+ 5 Saka akaunganidza vapristi nevaRevhi, akati kwavari: “Endai kumaguta eJudha muunganidze mari kubva kuvaIsraeri vese yekugadzirisa imba yaMwari+ wenyu gore negore; uye munofanira kuita zvekukurumidza panyaya iyi.” Asi vaRevhi havana kuita zvinhu nekukurumidza.+ 6 Saka mambo akashevedza Jehoyadha mupristi mukuru, akati kwaari:+ “Nei usina kuita kuti vaRevhi vaunze mutero mutsvene kubva kuJudha nekuJerusarema, uyo wakarayirwa naMozisi+ muranda waJehovha, mutero mutsvene weungano yaIsraeri, wetende reChipupuriro?+ 7 Nekuti vanakomana vaAtariya,+ mukadzi uya akaipa, vakapinda nechisimba muimba yaMwari wechokwadi,+ uye vakashandisa zvinhu zvese zvitsvene zveimba yaJehovha pakunamata vanaBhaari.” 8 Pakabva pagadzirwa bhokisi+ sezvakanga zvarayirwa namambo rikaiswa kunze, pagedhi reimba yaJehovha.+ 9 Pashure paizvozvo, shoko rakabva raziviswa muJudha yese nemuJerusarema kuti vaunzire Jehovha mutero mutsvene+ wakanga warayirwa vaIsraeri murenje naMozisi muranda waMwari wechokwadi. 10 Machinda ese nevanhu vese vakafara chaizvo,+ uye vakaramba vachiunza mipiro vachiiisa mubhokisi kusvikira razara.*

11 Pese paiuya vaRevhi vaine bhokisi kuti ripiwe mambo, pavaiona kuti mava nemari yakawanda, munyori wamambo nemubatsiri wemutungamiriri wevapristi vaiuya vokutura zvaiva mubhokisi,+ vobva varidzorera panzvimbo yaro. Ndizvo zvavaiita zuva nezuva, uye vakaunganidza mari zhinji. 12 Mambo naJehoyadha vaibva vaipa vanhu vaitungamirira basa repaimba yaJehovha, uye vaibhadhara vanhu vaicheka matombo nemhizha kuti vagadziridze imba yaJehovha,+ nevapfuri vesimbi nemhangura kuti vagadziridze imba yaJehovha. 13 Vaya vaitungamirira basa racho vakaita kuti basa ritange uye basa rekugadziridza imba yacho rakaenderera mberi vachiritungamirira, uye vakaita kuti imba yaMwari wechokwadi idzokere pane zvayainge yakamboita, vakaisimbisa. 14 Pavakangopedza, vakaunza mari yakanga yasara kuna mambo naJehoyadha, uye vakaishandisa kugadzira midziyo yeimba yaJehovha, midziyo yaishandiswa pakushumira uye pakupa mipiro, makapu, nemidziyo yegoridhe neyesirivha.+ Uye vaigara vachipa zvibayiro zvinopiswa+ paimba yaJehovha mazuva ese aJehoyadha.

15 Jehoyadha paakanga akwegura uye agutswa nemakore, akafa. Akafa aine makore 130. 16 Saka vakamuviga muGuta raDhavhidhi pamwe chete nemadzimambo,+ nekuti akanga aita zvakanaka muIsraeri+ pazvinhu zvine chekuita naMwari wechokwadi neimba yake.

17 Pashure pekufa kwaJehoyadha, machinda eJudha akauya akakotama pamberi pamambo, uye mambo akaateerera. 18 Vakasiya imba yaJehovha Mwari wemadzitateguru avo, vakatanga kushumira mapango anoyera* nezvidhori, zvikaita kuti kutsamwa kwaMwari kuuye* paJudha neJerusarema pamusana pemhosva yavo. 19 Akaramba achituma vaprofita pakati pavo kuti vavadzose kuna Jehovha, uye vakaramba vachivayambira, asi havana kuteerera.+

20 Mweya waMwari wakauya pana Zekariya mwanakomana wemupristi Jehoyadha,+ akamira pamberi pevanhu ari pakakwirira, akati kwavari: “Zvanzi naMwari wechokwadi, ‘Sei muri kutyora mirayiro yaJehovha? Hamusi kuzobudirira! Zvamakasiya Jehovha, iye achakusiyaiwo.’”+ 21 Asi vakamupandukira+ uye vakamutema nematombo muchivanze cheimba yaJehovha+ vachitevera murayiro wamambo. 22 Saka Mambo Jehoashi haana kuyeuka rudo rusingachinji rwaakanga aratidzwa nababa vake* Jehoyadha, uye akauraya mwanakomana wake, uyo akataura paakanga ava kufa, kuti: “Jehovha ngaaone, akutonge.”+

23 Pakutanga kwegore, uto reSiriya rakauya kuzorwisa Jehoashi, uye vakapinda nechisimba muJudha nemuJerusarema.+ Vakabva vauraya machinda ese+ evanhu, uye vakatumira zvinhu zvese zvavakapamba kuna mambo weDhamasiko. 24 Nekuti kunyange zvazvo uto reSiriya raiva nevarume vashoma parakapinda nechisimba, Jehovha akaisa uto guru kwazvo+ muruoko rweuto racho, nekuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wemadzitateguru avo; saka vakaitira* Jehoashi zvakanga zvatongwa. 25 Pavakamusiya (nekuti vakamusiya akuvara zvakaipisisa*), vashandi vake vakamupandukira nekuti akanga adeura ropa revanakomana* vemupristi Jehoyadha.+ Vakamuurayira pamubhedha wake.+ Saka akafa uye vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ asi havana kumuviga munzvimbo yemakuva emadzimambo.+

26 Ava ndivo vakamupandukira:+ Zabhadhi mwanakomana waShimeyati mukadzi wechiAmoni naJehozabhadhi mwanakomana waShimriti mukadzi wechiMoabhi. 27 Kana vari vanakomana vake, nemitongo yakawanda yakataurwa pamusoro pake,+ nekugadziridzwa* kweimba yaMwari wechokwadi,+ zvese izvi zvakanyorwa muzvinyorwa zveBhuku* reMadzimambo. Uye mwanakomana wake Amaziya akava mambo panzvimbo yake.

25 Amaziya aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jehoadhani.+ 2 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, asi mwoyo wake wakanga usina kunyatsozvipira. 3 Paakangosimbisa umambo hwake, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo, ivo baba vake.+ 4 Asi haana kuuraya vanakomana vavo, nekuti akaita zvakanyorwa muMutemo, mubhuku raMozisi, umo Jehovha akarayira kuti: “Vanababa havafaniri kufira mhosva yevanakomana vavo, uyewo vanakomana havafaniri kufira mhosva yavanababa vavo; asi mumwe nemumwe anofanira kufira chivi chake.”+

5 Amaziya akaunganidza vaJudha, akaita kuti vamire maererano nedzimba dzemadzibaba, maererano nevakuru vezviuru uye maererano nevakuru vemazana pavaJudha vese nevaBenjamini.+ Akavanyora kubvira pane vaiva nemakore 20 zvichikwira,+ akawana kuti paiva nevarwi 300 000 vainge vakadzidziswa hondo* kuti vapinde muuto, vachikwanisa kurwa nepfumo nenhoo huru. 6 Akabhadharawo vaIsraeri matarenda* 100 esirivha, akapiwa varwi 100 000 vaiva nesimba. 7 Asi munhu waMwari wechokwadi akauya kwaari, akati: “Haiwa mambo, musarega uto revaIsraeri richienda nemi, nekuti Jehovha haasi pakati pevaIsraeri,+ haasi pakati pevaEfremu vese. 8 Asi endai mega, muone zvekuita, uye ivai neushingi pakurwa. Kana mukasadaro Mwari wechokwadi angaita kuti muwe pamberi pemuvengi, nekuti Mwari ane simba rekubatsira+ nerekuita kuti munhu awe.” 9 Amaziya akabva ati kumunhu waMwari wechokwadi: “Ko matarenda 100 andakapa mauto evaIsraeri?” Munhu waMwari wechokwadi akati: “Jehovha anokwanisa kukupai zvakatowanda kupfuura ipapo.”+ 10 Saka Amaziya akadzosa varwi vakanga vauya kwaari vachibva kwaEfremu, akaita kuti vaende kudzimba dzavo. Asi ivo vakatsamwira Judha zvikuru, saka vakadzokera kudzimba dzavo vakatsamwa kwazvo.

11 Amaziya akabva ashinga, akaenda nevarwi vake kuBani reMunyu,+ uye akauraya varume 10 000 vekuSeiri.+ 12 Varume veJudha vakabata vanhu 10 000 vari vapenyu. Vakabva vaenda navo pamusoro pedombo guru, vakavakanda kubva pamusoro pedombo racho, uye vese zvavo vakasara vava zvidimbu zvidimbu. 13 Asi varwi vakanga vadzoswa naAmaziya kuti varege kuenda naye kuhondo+ vakanga vachipamba mumaguta eJudha, kubva kuSamariya+ kusvika kuBheti-horoni.+ Vakauraya vanhu 3 000 vemo, vakapamba zvinhu zvakawanda.

14 Asi Amaziya paakadzoka kubva kunouraya vaEdhomu, akauya navanamwari vevarume vekuSeiri, akavaita vanamwari vake,+ akatanga kukotama pamberi pavo, achivakwidzira utsi hwezvibayiro. 15 Saka Jehovha akatsamwira Amaziya chaizvo, uye akamutumira muprofita, akati kwaari: “Nei uri kutevera vanamwari vemamwe marudzi vasina kununura vanhu vavo muruoko rwako?”+ 16 Paaitaura naye, mambo akati kwaari: “Takakugadza kuti uve chipangamazano wamambo here?+ Nyarara!+ Ndinogona kuita kuti uurayiwe izvozvi.” Muprofita wacho akabva anyarara, asi akati: “Ndinoziva kuti Mwari asarudza kukuparadzai pamusana pezvamaita izvi uye nekuti hamuna kuteerera zano rangu.”+

17 Pashure pekubvunza vanachipangamazano vake, Mambo Amaziya weJudha akatumira shoko kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo weIsraeri, achiti: “Uya tirwisane.”*+ 18 Mambo Jehoashi weIsraeri akatumira shoko kuna Mambo Amaziya weJudha, achiti: “Utumbambeva* hwemuRebhanoni hwakatumira shoko kumuti wemusidhari wemuRebhanoni, huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’ Asi imwe mhuka yesango yemuRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho. 19 Wakati, ‘Onai ndakaparadza* Edhomu.’+ Saka mwoyo wako wava kuzvikudza, uchitsvaga kukudzwa. Asi iye zvino gara mumba mako.* Unodirei kutsvaga dambudziko woparara, iwe pamwe chete nevaJudha?”

20 Asi Amaziya haana kuteerera,+ nekuti izvi zvakabva kuna Mwari wechokwadi kuti avaise muruoko rwemuvengi,+ nekuti vakanga vatevera vanamwari veEdhomu.+ 21 Saka Mambo Jehoashi weIsraeri akaenda, uye akarwisana naMambo Amaziya weJudha paBheti-shemeshi+ yeJudha. 22 Judha yakakundwa neIsraeri, saka mumwe nemumwe akatizira kumba kwake.* 23 Mambo Jehoashi weIsraeri akabata Mambo Amaziya weJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waJehoahazi* kuBheti-shemeshi. Akabva aenda naye kuJerusarema, akaputsa rusvingo rweJerusarema, kubva paGedhi raEfremu+ kusvika kuGedhi Repakona,+ makubhiti 400.* 24 Akatora goridhe rese nesirivha nemidziyo yese yaiva muimba yaMwari wechokwadi izvo zvaiva* naObhedhi-edhomu nezvaiva maichengeterwa pfuma yeimba yamambo,+ uye akatorawo vasungwa. Akabva adzokera kuSamariya.

25 Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo weJudha akararama kwemakore 15 pashure pekufa kwaJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.+ 26 Kana iri nhoroondo yese yaAmaziya, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, haina kunyorwa here muBhuku reMadzimambo eJudha neIsraeri? 27 Kubvira panguva yakatsauka Amaziya pakutevera Jehovha, vakamupandukira+ muJerusarema, achibva atizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko. 28 Saka vakamutakura nemabhiza vakadzoka naye, uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muguta raJudha.

26 Vanhu vese veJudha vakabva vatora Uziya,+ uyo aiva nemakore 16, vakamugadza kuva mambo panzvimbo yababa vake Amaziya.+ 2 Akavakazve Eroti,+ akaidzorera kuna Judha pashure pekunge mambo* aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake.+ 3 Uziya+ aiva nemakore 16 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 52 muJerusarema. Amai vake vaiva vemuJerusarema uye vainzi Jekoriya.+ 4 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Amaziya.+ 5 Uye akaramba achitsvaga Mwari mumazuva aZekariya, uyo akamudzidzisa kutya Mwari wechokwadi. Panguva yaaitsvaga Jehovha, Mwari wechokwadi akaita kuti abudirire.+

6 Akabuda akanorwa nevaFiristiya,+ akaputsa rusvingo rweGati,+ nerusvingo rweJabhune,+ nerusvingo rweAshdhodhi+ achipinda mumaguta acho. Akabva avaka maguta munharaunda yeAshdhodhi neyevaFiristiya. 7 Mwari wechokwadi akaramba achimubatsira kurwisa vaFiristiya, nevaArabhiya+ vaigara muGubhaari, nevaMeunimu. 8 VaAmoni+ vakatanga kubhadhara mutero kuna Uziya. Nekufamba kwenguva mukurumbira wake wakasvika kuIjipiti, nekuti akava nesimba guru kwazvo. 9 Uziya akavakawo shongwe+ muJerusarema pedyo neGedhi Repakona,+ Gedhi rekuBani,+ nepaChitsigiso cheRusvingo, akadzisimbisa. 10 Akavakawo shongwe+ murenje, uye akachera* migodhi yemvura yakawanda (nekuti aiva nezvipfuwo zvakawanda chaizvo); ndizvo zvaakaitawo muShefera nemunyika yakati sandara. Aiva nevarimi nevashandi vemuminda yemizambiringa vaiva mumakomo nemuKameri, nekuti aida zvekurima.

11 Uziya akavawo neuto rainge rakagadzirira hondo. Vaibuda vachienda kunorwa vakarongwa mumapoka. Vakaverengwa vakanyorwa+ nemunyori Jeyieri+ nemutariri Maaseya, avo vaitungamirirwa naHananiya mumwe wemachinda amambo. 12 Vakuru vese vedzimba dzemadzibaba, avo vaitungamirira varwi ava vaiva nesimba, vaiva 2 600. 13 Uto raiva nezvombo ravaitungamirira raiva nevarume 307 500 vakagadzirira kurwa, uye raiva uto rine simba rekubatsira mambo pakurwisa muvengi.+ 14 Uziya akapa uto racho rese nhoo, mapfumo,+ ngowani, nguo dzesimbi,+ uta, nematombo ezvipfuramabwe.+ 15 Akagadzirawo michina yehondo muJerusarema, yakafungwa nemainjiniya. Michina yacho yakaiswa pashongwe+ nepamakona emasvingo uye yaikwanisa kupfura miseve nekupotsera matombo makuru. Saka mukurumbira wake wakasvika kure chaizvo, nekuti akawana rubatsiro rwakakura, akava nesimba.

16 Zvisinei, paakangova nesimba, mwoyo wake wakazvikudza zvikaita kuti aparare uye akaita zvisina kutendeka pamberi paJehovha Mwari wake, nekupinda kwaakaita mutemberi yaJehovha kuti apise rusenzi paatari yerusenzi.+ 17 Mupristi Azariya pamwe chete nevamwe vapristi vaJehovha 80 vainge vakashinga vakabva vapinda mukati vachimutevera. 18 Vakaenda pana Mambo Uziya vakati kwaari: “Imi Mambo Uziya hamufaniri kupisira Jehovha rusenzi!+ Vapristi chete ndivo vanofanira kupisa rusenzi, nekuti ndivo vazukuru vaAroni,+ vaya vakatsveneswa. Budai munzvimbo tsvene, nekuti maita zvisina kutendeka, uye Jehovha Mwari haasi kuzokukudzai nezvamaita.”

19 Asi Uziya, uyo ainge akabata mudziyo wekupisira zvinonhuhwirira kuti apise rusenzi, akatsamwa chaizvo;+ uye panguva yaakanga akatsamwira vapristi, akazara maperembudzi+ pahuma yake ari pamberi pevapristi muimba yaJehovha pedyo neatari yerusenzi. 20 Azariya mutungamiriri wevapristi nevamwe vapristi vese pavakamutarisa, vakaona kuti ainge arohwa nemaperembudzi pahuma yake! Saka vakakurumidza kumubudisa imomo, naiyewo akabuda nekukurumidza, nekuti Jehovha akanga amurova.

21 Mambo Uziya akaramba aine maperembudzi kusvikira pazuva raakafa, uye akaramba achigara muimba yake ega sezvo aiva nemaperembudzi,+ nekuti akanga asisabvumirwi kuenda kuimba yaJehovha. Mwanakomana wake Jotamu ndiye aitungamirira imba yamambo,* achitonga vanhu vemunyika yacho.+

22 Imwe nhoroondo yese yaUziya, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa nemuprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi. 23 Uziya akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake, asi mumunda wemakuva emadzimambo, nekuti vakati: “Ane maperembudzi.” Uye mwanakomana wake Jotamu+ akava mambo panzvimbo yake.

27 Jotamu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Amai vake vainzi Jerushaa, mwanasikana waZadhoki.+ 2 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha sezvakanga zvaitwa nababa vake Uziya,+ asi iye haana kuzopinda mutemberi yaJehovha+ nechisimba. Zvisinei vanhu vakanga vachiri kuita zvakaipa. 3 Akavaka gedhi rekumusoro reimba yaJehovha,+ uye akaitawo basa guru rekuvaka parusvingo rweOferi.+ 4 Akavakawo maguta+ munyika ine makomo yaJudha,+ uye akavaka nhare*+ neshongwe+ mumasango. 5 Akarwa namambo wevaAmoni,+ uye akazovakunda, zvekuti mugore iroro vaAmoni vakamupa matarenda* 100 esirivha, nemakori* 10 000 egorosi, ne10 000 ebhari. VaAmoni vakamubhadharawo zvinhu izvi gore rechipiri nerechitatu.+ 6 Saka Jotamu akaramba achiwedzera kuva nesimba, nekuti akazvipira kufamba munzira dzaJehovha Mwari wake.

7 Kana iri nhoroondo yese yaJotamu, kurwa kwake kwese uye nzira dzake, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri neeJudha.+ 8 Aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema.+ 9 Jotamu akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muGuta raDhavhidhi.+ Uye mwanakomana wake Ahazi akava mambo panzvimbo yake.+

28 Ahazi+ aiva nemakore 20 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 16 muJerusarema. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha zvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 2 Asi akafamba nenzira dzemadzimambo eIsraeri,+ uye akatogadzirawo mifananidzo yesimbi*+ yavanaBhaari. 3 Akakwidzawo utsi hwezvibayiro muBani reMwanakomana waHinomu,* akapisa vanakomana vake mumoto,+ achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi+ akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri. 4 Akarambawo achibayira zvibayiro nekukwidza utsi hwezvibayiro panzvimbo+ dzakakwirira, nepazvikomo, nepasi pemiti yese yakasvibirira.+

5 Saka Mwari wake Jehovha akamuisa muruoko rwamambo weSiriya,+ zvekuti vakamukunda vakatora nhapwa dzakawanda vakaenda nadzo kuDhamasiko.+ Akaiswawo muruoko rwamambo weIsraeri, uyo akauraya vanhu vake vazhinji. 6 Peka+ mwanakomana waRemariya akauraya vanhu 120 000 muJudha zuva rimwe chete, vese vari varume vakashinga, nekuti vakanga vasiya Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.+ 7 Uye Zikri, murwi aiva nesimba wekwaEfremu, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo naAzrikamu uyo aitungamirira pamuzinda,* naErikana uyo aiva mutevedzeri wamambo. 8 VaIsraeri vakatapawo hama dzavo 200 000, vakadzi, vanakomana, nevanasikana. Vakapambawo zvinhu zvakawanda chaizvo, uye vakaenda nezvinhu zvacho zvavakapamba kuSamariya.+

9 Asi ikoko kwaiva nemuprofita waJehovha ainzi Odhedhi. Akaenda pamberi peuto rakanga richiuya kuSamariya, akati kwavari: “Inzwai! Jehovha Mwari wemadzitateguru enyu akaisa vaJudha mumaoko enyu nekuti akanga avatsamwira,+ uye makavauraya nehasha uye hasha dzacho dzakasvika kudenga. 10 Iye zvino mava kuda kuita vanhu veJudha neJerusarema varandakadzi nevarandarume venyu.+ Asi imi hamunawo mhosva pamberi paJehovha Mwari wenyu here? 11 Zvino nditeererei mudzorere nhapwa dzamakatapa kuhama dzenyu, nekuti Jehovha akutsamwirai zvikuru.”

12 Vamwe vakuru vevaEfremu vaiti Azariya mwanakomana waJehohanani, Bherekiya mwanakomana waMeshiremoti, Jehizkiya mwanakomana waSharumu, naAmasa mwanakomana waHadrai, vakabva vaenda kune vaya vakanga vachibva kuhondo, 13 vakati kwavari: “Musapinza nhapwa muno, nekuti zvichaita kuti tive nemhosva pamberi paJehovha. Zvamuri kuda kuita zvichaita kuti zvivi zvedu nemhosva yedu zviwedzere, nekuti mhosva yedu yakatokura nechekare, uye Israeri akatsamwirwa chaizvo.” 14 Saka mauto acho aiva nezvombo akapa machinda neungano yese nhapwa dzacho nezvavakanga vapamba.+ 15 Varume vakanga vasarudzwa nemazita vakabva vasimuka vakatora nhapwa dzacho vakapa vese vakanga vasina kupfeka vaiva pakati pavo zvipfeko zvavakatora pazvinhu zvainge zvapambwa. Saka vakavapa zvipfeko, shangu, zvekudya nezvekunwa, nemafuta ekuzora. Vakatakurawo vakanga vasina simba pamadhongi vakaenda navo kuhama dzavo kuJeriko, guta remichindwe. Pashure paizvozvo vakadzokera kuSamariya.

16 Panguva iyoyo Mambo Ahazi akakumbira madzimambo eAsiriya kuti amubatsire.+ 17 VaEdhomu vakapindazve nechisimba vakarwisa Judha, vakatora nhapwa. 18 VaFiristiya+ vakarwisawo maguta emuShefera+ neekuNegebhu yeJudha, vakatora Bheti-shemeshi,+ Aijaroni,+ Gedheroti, Soko nemaguta madiki aiva akaipoteredza, Timna+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, Gimzo nemaguta madiki aiva akaipoteredza; uye vakagara imomo. 19 Jehovha akaninipisa Judha nemhaka yaMambo Ahazi weIsraeri, nekuti akanga arega vanhu veJudha vachingoita madiro, zvikaguma nekusatendeka kukuru kuna Jehovha.

20 Mambo Tirigati-pirineseri+ weAsiriya akazouya akamurwisa, akamutambudza+ pane kuti amusimbise. 21 Nekuti Ahazi akanga atora zvaiva muimba yaJehovha nemuimba yamambo*+ nemudzimba dzemachinda, akazvipa mambo weAsiriya sechipo; asi izvozvo hazvina kumubatsira. 22 Uye panguva yekutambudzika kwake, Mambo Ahazi akatowedzera kusatendeka kuna Jehovha. 23 Akatanga kubayira kuna vanamwari veDhamasiko+ vakanga vamukunda,+ uye akati: “Nekuti vanamwari vemadzimambo eSiriya vari kuvabatsira, ndichabayira kwavari kuti vandibatsire.”+ Asi izvi zvakaita kuti iye nevaIsraeri vese vaparare. 24 Ahazi akaunganidzawo midziyo yeimba yaMwari wechokwadi; akabva atema midziyo yeimba yaMwari wechokwadi+ kuita zvidimbu zvidimbu, akavhara masuo eimba yaJehovha,+ akagadzira atari dzake mumakona ese eJerusarema. 25 Akagadzira nzvimbo dzakakwirira mumaguta ese eJudha dzekukwidzira vamwe vanamwari utsi hwezvibayiro,+ uye akagumbura Jehovha Mwari wemadzitateguru ake.

26 Imwe nhoroondo yake yese, zvese zvaakaita kubva pakutanga kusvika pakupedzisira, yakanyorwa muBhuku reMadzimambo eJudha neeIsraeri.+ 27 Ahazi akabva azoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga muguta, imo muJerusarema, nekuti havana kumuisa munzvimbo yemakuva emadzimambo eIsraeri.+ Uye mwanakomana wake Hezekiya akava mambo panzvimbo yake.

29 Hezekiya+ akava mambo aine makore 25, uye akatonga kwemakore 29 muJerusarema. Amai vake vainzi Abhija mwanasikana waZekariya.+ 2 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha+ sezvakanga zvaitwa natateguru vake Dhavhidhi.+ 3 Mugore raakatanga kutonga, mumwedzi wekutanga, akavhura masuo eimba yaJehovha akaagadziridza.+ 4 Akabva aunza vapristi nevaRevhi akavaunganidza panzvimbo yakanga isina chinhu kumabvazuva. 5 Akati kwavari: “Inzwai imi vaRevhi. Zvitsvenesei+ iye zvino, mutsvenese imba yaJehovha Mwari wemadzitateguru enyu, mubvise zvisina kuchena munzvimbo tsvene.+ 6 Nekuti vanababa vedu havana kutendeka uye vakaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wedu.+ Vakamusiya, vakaita kuti zviso zvavo zvifuratire tebhenekeri yaJehovha, uye vakamupira makotsi.+ 7 Vakavharawo masuo evharanda+ uye vakadzima marambi.+ Vakamira kupisa rusenzi+ nekupa zvibayiro zvinopiswa+ munzvimbo tsvene kuna Mwari waIsraeri. 8 Saka Jehovha akatsamwira Judha neJerusarema,+ akavaita chinhu chinotyisa uye chinokatyamadza uye chinhu chinoridzisa vanhu muridzo,* sezvamuri kuona nemaziso enyu.+ 9 Onai, madzitateguru edu akaurayiwa nebakatwa,+ uye vanakomana vedu, nevanasikana vedu, nemadzimai edu vakatapwa nemhaka yeizvi.+ 10 Zvino ndine chido mumwoyo mangu chekuti ndiite sungano naJehovha Mwari waIsraeri,+ kuti kutsamwa kwake kukuru kubve patiri. 11 Vanakomana vangu, ino haisi nguva yekurega kuita basa renyu,* nekuti ndimi makasarudzwa naJehovha kuti mumire pamberi pake, kuti mumushumire+ uye muite kuti zvibayiro zvake zvipfungaire.”+

12 Saka vaRevhi vakabva vasimuka: Mahati mwanakomana waAmasai naJoeri mwanakomana waAzariya vekuvaKohati;+ kuvaMerari,+ Kishi mwanakomana waAbdhi naAzariya mwanakomana waJeharereri; kuvaGeshoni,+ Joa mwanakomana waZima naEdheni mwanakomana waJoa; 13 kuvanakomana vaErizafani, Shimri naJeueri; kuvanakomana vaAsafi,+ Zekariya naMataniya; 14 kuvanakomana vaHemani,+ Jehieri naShimei; kuvanakomana vaJedhutuni,+ Shemaya naUzieri. 15 Vakabva vaunganidza hama dzavo, vakazvitsvenesa, vakauya kuzochenesa imba yaJehovha, sezvakanga zvarayirwa namambo maererano nemashoko aJehovha.+ 16 Vapristi vakabva vapinda muimba yaJehovha kuti vaichenese, vakabudisa zvinhu zvese zvakanga zvisina kuchena zvavakawana mutemberi yaJehovha, vakazviendesa pachivanze+ cheimba yaJehovha. VaRevhi vakabva vazvitora vakaenda nazvo kunze kuBani reKidroni.+ 17 Saka vakatanga basa rekutsvenesa pazuva rekutanga remwedzi wekutanga, uye pazuva rechi8 remwedzi wacho vakasvika pavharanda raJehovha.+ Vakatsvenesa imba yaJehovha kwemazuva 8, uye vakapedza pazuva rechi16 remwedzi wekutanga.

18 Pashure paizvozvo vakapinda maiva naMambo Hezekiya, vakati: “Tachenesa imba yaJehovha yese, atari yekupisira zvibayiro+ nemidziyo yayo+ yese, netafura yezvingwa+ zvinoturikidzaniswa* nemidziyo yayo yese. 19 Uye midziyo yese yakabviswa naMambo Ahazi nguva yaaitonga, paaiita zvisina kutendeka,+ taigadzira tikaitsvenesa,+ uye iri pamberi peatari yaJehovha.”

20 Zvino Mambo Hezekiya akafumomuka, akaunganidza machinda eguta, vakaenda kuimba yaJehovha. 21 Vakaenda nemikono minomwe yemombe, nemakondohwe manomwe, nemakwayana makono manomwe, nenhongo nomwe kuti zvive chibayiro chechivi cheumambo, chenzvimbo tsvene, nechaJudha.+ Saka akaudza vapristi, ivo vazukuru vaAroni kuti vazvipisire paatari yaJehovha. 22 Vakabva vauraya mombe dzacho,+ uye vapristi vakatora ropa racho vakarisasa paatari;+ pashure paizvozvo vakauraya makondohwe vakasasa ropa racho paatari, uye vakauraya makwayana makono, vakasasa ropa racho paatari. 23 Vakazounza nhongo dzechibayiro chechivi pamberi pamambo neungano, vakaisa maoko avo padziri. 24 Vapristi vakadziuraya, vakapa chibayiro chechivi neropa radzo paatari, kuti vayananisire vaIsraeri vese, nekuti mambo akati chibayiro chinopiswa nechibayiro chechivi zvinofanira kuva zvevaIsraeri vese.

25 Munguva iyi, akaita kuti vaRevhi vamire paimba yaJehovha vaine zviridzwa zvesimbi dzinorovaniswa, nezviridzwa zvine tambo, neudimbwa,+ maererano nemurayiro waDhavhidhi+ newaGadhi+ muoni wamambo newemuprofita Natani,+ nekuti murayiro wacho wakabva kuna Jehovha achishandisa vaprofita vake. 26 Saka vaRevhi vakanga vakamira vaine zviridzwa zvaDhavhidhi, vapristi vaine mabhosvo.+

27 Hezekiya akabva arayira kuti chibayiro chinopiswa chipiwe paatari.+ Pakatanga kupiwa chibayiro chinopiswa, rwiyo rwaJehovha rwakatanga pamwe chete nemabhosvo, zviridzwa zvaMambo Dhavhidhi weIsraeri zvichitungamirira. 28 Uye ungano yese yakakotama paiimbwa rwiyo mabhosvo achiridzwa kusvikira chibayiro chinopiswa chapera. 29 Pavakangopedza kupa chibayiro chacho, mambo nevanhu vese vaaiva navo vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo. 30 Mambo Hezekiya nemachinda vakabva vaudza vaRevhi kuti varumbidze Jehovha nemashoko aDhavhidhi+ neemuoni Asafi.+ Saka vakarumbidza vachifara chaizvo, uye vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo.

31 Hezekiya akabva ati: “Iye zvino zvamatsaurwa* kuti muite basa raJehovha, unzai zvibayiro nemipiro yekuonga kuimba yaJehovha.” Saka ungano yakatanga kuunza zvibayiro nemipiro yekuonga, uye munhu wese aiva nemwoyo unoda akaunza zvibayiro zvinopiswa.+ 32 Zvibayiro zvinopiswa zvakaunzwa neungano yacho zvaiva mombe 70, makondohwe 100, makwayana makono 200, zvese izvi zvaiva chibayiro chinopiswa kuna Jehovha,+ 33 uye mipiro mitsvene yaiva mombe 600 nemakwai 3 000. 34 Asi pakanga pasina vapristi vakakwana vekuvhiya zvibayiro zvinopiswa zvese, saka hama dzavo vaRevhi dzakavabatsira+ kusvikira basa rapera, uye kusvikira vapristi vazvitsvenesa,+ nekuti vaRevhi vakanga vakangwarira chaizvo* kupfuura vapristi panyaya yekuzvitsvenesa. 35 Paivawo nezvibayiro zvinopiswa+ zvakawanda chaizvo pamwe chete nemafuta ezvibayiro zverugare+ uyewo mipiro yezvinwiwa yezvibayiro zvinopiswa.+ Saka basa rakatangwazve* paimba yaJehovha. 36 Hezekiya nevanhu vese vakafara chaizvo nezvakanga zvaitirwa vanhu naMwari wechokwadi,+ nekuti zvese izvi zvakaitika nekukurumidza zvisingatarisirwi.

30 Hezekiya akatumira shoko kuIsraeri yese+ neJudha, uye akatonyorerawo Efremu naManase+ tsamba, kuti vauye kuimba yaJehovha muJerusarema kuzochengeta Paseka inoitirwa Jehovha Mwari waIsraeri.+ 2 Zvisinei, mambo nemachinda ake neungano yese yaiva muJerusarema vakasarudza kuti vachengete Paseka mumwedzi wechipiri,+ 3 nekuti vakanga vasina kukwanisa kuichengeta panguva yayaifanira kuchengetwa,+ nekuti paingova nevapristi vashoma vakanga vazvitsvenesa,+ uye vanhu vakanga vasati vaungana muJerusarema. 4 Urongwa uhwu hwakafarirwa namambo neungano yese. 5 Saka vakasarudza kuzivisa Israeri yese, kubva kuBheeri-shebha kusvika kuDhani,+ kuti vanhu vauye kuzochengeta Paseka inoitirwa Jehovha Mwari waIsraeri muJerusarema, nekuti vakanga vasina kumboungana kuti vaichengete maererano nezvakanyorwa.+

6 Saka nhume* dzakatenderera muIsraeri yese nemuJudha dziine tsamba dzaibva kuna mambo nemachinda ake, sezvakanga zvarayirwa namambo, achiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbrahamu, Isaka, naIsraeri, kuti iye adzokerewo kuvanhu vashoma vakapukunyuka muruoko rwemadzimambo eAsiriya.+ 7 Musaita semadzitateguru enyu nehama dzenyu avo vasina kutendeka kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo, iye achibva aita kuti vanhu vanovaona vatye, sezvamuri kuona.+ 8 Zvino regai kuomesa misoro sezvakaitwa nemadzitateguru enyu.+ Zviisei pasi paJehovha, muuye kunzvimbo yake tsvene+ yaakatsvenesa nekusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kukuru kubve pamuri.+ 9 Nekuti pamunodzokera kuna Jehovha, hama dzenyu nevanakomana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa,+ uye vachabvumirwa kudzoka munyika ino,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ane tsitsi* nengoni,+ uye kana mukadzokera kwaari haazokupirai gotsi.”+

10 Saka nhume* dzacho dzakaenda muguta neguta munyika yese yaEfremu naManase,+ kunyangewo kwaZebhuroni, asi vanhu vaidziseka, vachidzinyomba.+ 11 Zvisinei, vamwe vanhu vekwaAsheri, nevekwaManase, nevekwaZebhuroni vakazvininipisa, vakauya kuJerusarema.+ 12 Ruoko rwaMwari wechokwadi rwaivawo muJudha kuti ruvabatanidze* kuti vachengete zvakanga zvarayirwa namambo nemachinda vachitevera shoko raJehovha.

13 Vanhu vakawanda chaizvo vakaungana muJerusarema kuti vachengete Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso+ mumwedzi wechipiri;+ yaiva ungano huru chaizvo. 14 Vakasimuka, vakabvisa atari dzaiva muJerusarema,+ uye vakabvisa atari dzese dzerusenzi+ vakadzikanda muBani reKidroni. 15 Vakabva vauraya chibayiro chePaseka pazuva rechi14 remwedzi wechipiri. Vapristi nevaRevhi vakanyara, saka vakazvitsvenesa, vakaunza zvibayiro zvinopiswa kuimba yaJehovha. 16 Vakaenda munzvimbo dzavo, maererano neMutemo waMozisi munhu waMwari wechokwadi, vapristi vachibva vasasa ropa+ rakabva muruoko rwevaRevhi. 17 Paiva nevakawanda muungano yacho vakanga vasina kuzvitsvenesa, uye vaRevhi ndivo vaiona nezvekuurayiwa kwezvibayiro zvePaseka zvevaya vese vakanga vasina kuchena,+ kuti vavatsvenese kuna Jehovha. 18 Nekuti vanhu vakawanda, kunyanya vaya vekwaEfremu, Manase,+ Isakari, naZebhuroni, vakanga vasina kuzvichenesa, asi vakangodya Paseka zvakadaro, zvichipesana nezvakanyorwa. Asi Hezekiya akavanyengeterera achiti: “Jehovha, uyo akanaka,+ ngaaregerere 19 munhu wese akagadzirira mwoyo wake kuti atsvage Mwari wechokwadi,+ Jehovha, Mwari wemadzitateguru ake, kunyange zvazvo asina kunatswa maererano nemutemo wekutsveneswa.”+ 20 Jehovha akabva ateerera Hezekiya, akaregerera* vanhu vacho.

21 Saka vaIsraeri vaiva muJerusarema vakachengeta Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso+ kwemazuva 7 vachifara chaizvo,+ uye vaRevhi nevapristi vairumbidza Jehovha zuva nezuva vachiridzira Jehovha zviridzwa zvavo, zvichiririra pamusoro.+ 22 Hezekiya akataurawo nevaRevhi vese vairatidza ungwaru pakushumira Jehovha uye akavakurudzira. Vakadya pamutambo wacho wese kwemazuva 7,+ vachibayira zvibayiro zverugare,+ vachitenda Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.

23 Ungano yese yakabva yasarudza kuuchengeta kwemamwe mazuva 7, saka vakauchengeta kwemamwe mazuva 7 vachifara chaizvo.+ 24 Mambo Hezekiya weJudha akapa mikono 1 000 yemombe nemakwai 7 000 zveungano, uye machinda akapa mikono 1 000 yemombe nemakwai 10 000 zveungano;+ uye vapristi vakawanda chaizvo vakanga vachizvitsvenesa.+ 25 Ungano yese yeJudha, vapristi, vaRevhi, ungano yese yakabva kuvaIsraeri,+ nevatorwa+ vakabva kunyika yeIsraeri nevaya vaigara muJudha vakaramba vachifara chaizvo. 26 MuJerusarema maiva nemufaro mukuru, nekuti kubvira pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri, muJerusarema makanga musina kumboitwa zvakadai.+ 27 Vapristi avo vaiva vaRevhi vakazosimuka vakakomborera vanhu;+ uye Mwari akanzwa inzwi ravo, uye munyengetero wavo wakasvika kunzvimbo yake tsvene yaanogara, iko kudenga.

31 Pavakangopedza zvese izvi, vaIsraeri vese vaivapo vakaenda kumaguta eJudha, vakaputsa shongwe dzinoyera,+ vakatema mapango anoyera*+ uye vakaparadza nzvimbo dzakakwirira+ neatari+ dzacho muJudha yese nekwaBhenjamini, uyewo kwaEfremu nekwaManase+ kusvikira vazviparadza zvese. VaIsraeri vese vakabva vadzokera kumaguta avo, mumwe nemumwe kunhaka yake.

2 Hezekiya akabva aisa vapristi mumapoka avo+ nevaRevhi mumapoka avo,+ mupristi nemuRevhi mumwe nemumwe kuti aite basa rake,+ kuti vape zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zverugare, kuti vashumire, vaonge uye varumbidze vari pamagedhi ezvivanze* zvaJehovha.+ 3 Pakapiwawo zvimwe zvakabva pazvinhu zvamambo kuti zvive zvibayiro zvinopiswa,+ kusanganisira zvibayiro zvemangwanani nemanheru,+ uyewo zvibayiro zvinopiswa zvemaSabata,+ nezvekugara kwemwedzi,+ nezvemitambo,+ maererano nezvakanyorwa muMutemo waJehovha.

4 Akarayirawo vanhu vaigara muJerusarema kuti vape vapristi nevaRevhi zvavaifanira kupiwa,+ kuitira kuti vakwanise kunyatsotevedzera* zvaiva mumutemo waJehovha. 5 Murayiro wacho pawakangopiwa, vaIsraeri vakapa zvibereko zvekutanga zvezviyo,* waini itsva, mafuta,+ uchi, nezvibereko zvese zvekutanga zvemumunda+ uye vakazviunza zvakawanda. Vakaunza chegumi chezvinhu zvese uye zvainge zvakawanda.+ 6 Uye vanhu veIsraeri neveJudha vaigara mumaguta eJudha vakauyawo nechegumi chemombe nemakwai nechegumi chezvinhu zvitsvene+ zvakatsaurirwa Jehovha Mwari wavo. Vakauya nazvo, zvikaita mirwi yakawanda. 7 Mumwedzi wechitatu+ vakatanga kuunganidza mipiro yavo ichiitwa mirwi; uye vakapedza mumwedzi wechi7.+ 8 Hezekiya nemachinda pavakauya vachibva vaona mirwi yacho, vakarumbidza Jehovha uye vakakomborera vanhu vake vaIsraeri.

9 Hezekiya akabvunza vapristi nevaRevhi nezvemirwi yacho, 10 uye Azariya mutungamiriri wevapristi weimba yaZadhoki akati kwaari: “Kubvira pavakatanga kuunza mipiro muimba yaJehovha,+ vanhu vari kudya vachiguta uye pachiine zvakawanda zvasara, nekuti Jehovha akakomborera vanhu vake, uye pane zvakawanda izvi zvasara.”+

11 Hezekiya akavaudza kuti vagadzire dzimba dzekuchengetera zvinhu*+ muimba yaJehovha, saka ndizvo zvavakaita. 12 Vakaramba vakatendeka pakuunza mipiro, nezvegumi,+ nezvinhu zvitsvene; uye Konaniya muRevhi ndiye aiona nezvezvinhu izvi zvese ari mutungamiriri, uye munin’ina wake Shimei ndiye aiva wechipiri. 13 Jehieri, Azaziya, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Ismakiya, Mahati, naBhenaya ndivo vaiva vatariri vaibatsira Konaniya nemunin’ina wake Shimei, sezvakanga zvarayirwa naMambo Hezekiya, uye Azariya ndiye aitungamirira paimba yaMwari wechokwadi. 14 Kore mwanakomana waImnaa muRevhi uyo aiva murindi wepagedhi kumabvazuva,+ ndiye aiona nezvemipiro yaipiwa nekuzvidira+ yaMwari wechokwadi, uye ndiye aigova mupiro waJehovha+ uye zvinhu zvitsvenetsvene.+ 15 Pasi pake paiva naEdheni, Miniyamini, Jeshua, Shemaya, Amariya, naShekaniya, avo vaiva mumaguta evapristi,+ vachiita basa ravo ravakapiwa nekuti vakanga vakavimbika, rekugova zvinhu kuhama dzavo dzaiva mumapoka vachidzipa zvakaenzana,+ vachidaro kumukuru nemudiki. 16 Vaigovawo zvinhu izvi kune vaya vainge vakanyorwa muzvinyorwa zvemadzinza, kureva varume vaiuya zuva nezuva kuzoshumira muimba yaJehovha vachiita mabasa emapoka avo uye vaizvipawo vanakomana vavo vaiva nemakore matatu zvichikwira.

17 Vapristi vakanyorwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo,+ sezvakangoitwawo vaRevhi vaiva nemakore 20 zvichikwira,+ maererano nemabasa emapoka avo.+ 18 Vakanyorwa pamwe chete nevana vavo vese, madzimai avo, vanakomana vavo, nevanasikana vavo, ungano yavo yese, nekuti vaigara vakazvitsvenesa kuti vaite basa ravo dzvene ravakapiwa nekuti vakanga vakavimbika, 19 uye pakanyorwawo vazukuru vaAroni, ivo vapristi vaigara munzvimbo yemafuro ainge akapoteredza maguta avo.+ Mumaguta ese maiva nevarume vakanga vakasarudzwa nemazita avo, kuti vape migove kumunhurume wese aiva pakati pevapristi uye kune vese vakanga vakanyorwa muzvinyorwa zvedzinza revaRevhi.

20 Hezekiya akaita izvi muJudha yese, uye akaramba achiita zvakanaka nezvakarurama, akatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. 21 Uye pabasa rese raakaita kuti atsvage Mwari wake, ringava rine chekuita neimba yaMwari wechokwadi+ kana rine chekuita neMutemo nemurayiro, akariita nemwoyo wese, uye akabudirira.

32 Pashure pezvinhu izvi uye mabasa aya airatidza kutendeka,+ Mambo Saniheribhi weAsiriya akauya akapinda muJudha nechisimba. Akakomba maguta akanga akakomberedzwa nemasvingo, achida kupinda maari kuti aatore.+

2 Hezekiya paakaona kuti Saniheribhi akanga auya achida kurwisa Jerusarema, 3 akabvunza mazano kumachinda ake nevarwi vake vaiva nesimba, ndokubva asarudza kuvhara zvitubu zvemvura zvaiva kunze kweguta,+ uye ivo vakamutsigira. 4 Vanhu vakawanda vakaungana, vakavhara zvitubu zvese nerukova rwaiyerera nemunyika yacho, vachiti: “Hatidi kuti madzimambo eAsiriya awane mvura yakawanda paanouya.”

5 Uyewo akashinga kuvakazve rusvingo rwese rwakanga rwakaputsika, akamisa shongwe parwuri, uye akavaka rumwe rusvingo kunze. Akagadziridzawo Murwi Wevhu*+ weGuta raDhavhidhi, uye akagadzira zvombo* zvakawanda nenhoo. 6 Akagadza vakuru vehondo kuti vatungamirire vanhu, uye akavaunganidza panzvimbo yaiungana vanhu pagedhi reguta, akavakurudzira achiti: 7 “Shingai, musimbe. Musatya kana kuvhunduka mambo weAsiriya+ neboka guru revanhu raainaro, nekuti vari kwatiri vazhinji kupfuura vaainavo.+ 8 Iye ane ruoko rwenyama,* asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye kuti arwe hondo dzedu.”+ Vanhu vakabva vasimbiswa nemashoko aMambo Hezekiya weJudha.+

9 Pashure peizvi, Mambo Saniheribhi weAsiriya paakanga ari kuRakishi+ aine simba rake rese reumambo,* akatuma varanda vake kuJerusarema kuna Mambo Hezekiya weJudha nekuvaJudha vese vaiva muJerusarema,+ achiti:

10 “Zvanzi naMambo Saniheribhi weAsiriya, ‘Muri kuvimba nei zvamuri kuramba muri muJerusarema iro rakakombwa?+ 11 Hezekiya haasi kukufurirai here kuti mufe nenzara nenyota, achiti: “Jehovha Mwari wedu achatinunura paruoko rwamambo weAsiriya”?+ 12 Hezekiya haasi iye here akabvisa nzvimbo dzaMwari wenyu*+ dzakakwirira neatari dzake,+ achibva ati kuvanhu veJudha neJerusarema: “Munofanira kukotama pamberi peatari imwe chete uye munofanira kukwidza utsi hwezvibayiro zvenyu pairi”?+ 13 Hamuzivi here zvandakaita ini nemadzitateguru angu kumarudzi ese enyika?+ Vanamwari vemarudzi enyika dzacho vakakwanisa kununura nyika yavo muruoko rwangu here?+ 14 Pakati pavanamwari vese vemarudzi aya akaparadzwa nemadzitateguru angu, ndeupi akakwanisa kununura vanhu vake muruoko rwangu, zvekuti Mwari wenyu angakwanisa kukununurai muruoko rwangu?+ 15 Musarega Hezekiya achikunyengerai kana kukufurirai zvakadai!+ Musatenda maari, nekuti hakuna mwari werudzi chero rupi zvarwo kana umambo, akakwanisa kununura vanhu vake muruoko rwangu nemuruoko rwemadzitateguru angu. Saka Mwari wenyu ndiye angakwanisa kukununurai muruoko rwangu here?’”+

16 Varanda vake vakatowedzera kutaura zvakashata pamusoro paJehovha Mwari wechokwadi uye pamusoro pemushumiri wake Hezekiya. 17 Akanyorawo tsamba+ dzekutuka Jehovha Mwari waIsraeri+ achitaura zvakashata nezvake, achiti: “Mwari waHezekiya haazonunuri vanhu vake muruoko rwangu kufanana navanamwari vemarudzi enyika dzacho vakatadza kununura vanhu vavo muruoko rwangu.”+ 18 Vakaramba vachishevedzera nenzwi guru nemutauro wevaJudha kuvanhu vemuJerusarema vaiva parusvingo, kuti vavatyisidzire nekuvavhundutsa, kuti vatore guta racho.+ 19 Vakataura zvakashata nezvaMwari weJerusarema sezvavakaita kuna vanamwari vemarudzi epanyika, avo vakagadzirwa nemaoko evanhu. 20 Asi Mambo Hezekiya nemuprofita Isaya,+ mwanakomana waAmozi, vakaramba vachinyengeterera nyaya iyi, vachishevedzera kudenga kuti vabatsirwe.+

21 Jehovha akabva atuma ngirozi, ikaparadza varwi vese vaiva nesimba,+ vatungamiriri, nevakuru vaiva mumusasa wamambo weAsiriya, zvekuti iye akadzokera kunyika yake anyadziswa. Gare gare akapinda muimba* yamwari wake uye vamwe vanakomana vake vakamuurayira imomo nebakatwa.+ 22 Saka Jehovha akaponesa Hezekiya nevagari vemuJerusarema paruoko rwaMambo Saniheribhi weAsiriya nepamaoko evamwe vese, akavapa zororo kumativi ese. 23 Uye vakawanda vakauya nezvipo kuna Jehovha kuJerusarema nezvinhu zvemhando yepamusoro kuna Mambo Hezekiya weJudha,+ uye pashure peizvi akanga ava kuremekedzwa chaizvo nemarudzi ese.

24 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa, uye akanyengetera kuna Jehovha+ uyo akamupindura, akamupa chiratidzo.+ 25 Asi Hezekiya haana kutenda zvakanaka zvaakaitirwa, nekuti mwoyo wake wakazvikudza, zvikaita kuti iye neJudha neJerusarema vatsamwirwe. 26 Zvisinei, Hezekiya akazvininipisa pakuzvikudza kwemwoyo wake,+ iye nevagari vemuJerusarema, uye kutsamwa kwaJehovha hakuna kuuya pavari mumazuva aHezekiya.+

27 Hezekiya akava nepfuma yakawanda chaizvo uye aikudzwa zvikuru;+ uye akagadzira matura+ ake ekuisa sirivha, goridhe, matombo anokosha, mafuta ebharisamu, uye nhoo nezvinhu zvese zvakanaka. 28 Akagadzirawo nzvimbo dzekuchengetera goho rezviyo newaini itsva nemafuta, nematanga ezvipfuwo zvakasiyana-siyana pamwe chete nematanga emakwai nembudzi. 29 Akavawo nemaguta ake, nezvipfuwo zvakawanda, makwai nembudzi, nemombe, nekuti Mwari akamupa upfumi hwakawanda chaizvo. 30 Hezekiya ndiye akavhara paibuda nemvura+ yeGihoni,+ akaita kuti idzike yakananga kumavirira kuGuta raDhavhidhi,+ uye Hezekiya akabudirira mumabasa ake ese. 31 Zvisinei, panguva yakatumwa vatauriri vemachinda eBhabhironi kuti vamubvunze nezvechiratidzo+ chakanga chaitika munyika,+ Mwari wechokwadi akamusiya kuti amuedze,+ kuti azive zvese zvaiva mumwoyo make.+

32 Kana iri nhoroondo yese yaHezekiya nemabasa ake erudo,*+ zvakanyorwa mune zvakaratidzwa muprofita Isaya,+ mwanakomana waAmozi, muBhuku reMadzimambo eJudha neeIsraeri.+ 33 Hezekiya akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye vakamuviga pamukwidza unoenda kunzvimbo yemakuva evanakomana vaDhavhidhi;+ uye vaJudha vese nevagari vemuJerusarema vakamukudza pakufa kwake. Mwanakomana wake Manase akabva ava mambo panzvimbo yake.

33 Manase+ aiva nemakore 12 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 55 muJerusarema.+

2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevedzera zvinhu zvinosemesa zvaiitwa nemarudzi akanga adzingwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.+ 3 Akavakazve nzvimbo dzakakwirira dzakanga dzaparadzwa nababa vake Hezekiya,+ akavakira vanaBhaari atari, akagadzira mapango anoyera,* uye akapfugamira uto rese rekudenga achirishumira.+ 4 Anewo atari dzaakavaka muimba yaJehovha,+ makanga manzi naJehovha: “Zita rangu richava muJerusarema nekusingaperi.”+ 5 Akavakawo atari dzeuto rese rekudenga muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.+ 6 Akaitawo kuti vanakomana vake vapfuure nemumoto+ muBani reMwanakomana waHinomu;+ aiita zvemashiripiti,+ zvekushopera, nezveuroyi, uye akagadza masvikiro nevafemberi.+ Akaita zvakaipa zvizhinji chaizvo pamberi paJehovha, achimugumbura.

7 Akatora mufananidzo wakavezwa waakagadzira akauisa muimba yaMwari wechokwadi,+ yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi uye kumwanakomana wake Soromoni: “Ndichaisa zita rangu kuti rigare riri muimba iyi nemuJerusarema, iro guta randakasarudza pamadzinza ese aIsraeri.+ 8 Uye handichazobvisizve tsoka dzevaIsraeri panyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjerera kuita zvese zvandakavarayira, Mutemo wese, mirau, nezvakatongwa, izvo zvakapiwa pachishandiswa Mozisi.” 9 Manase akaramba achitsausa vaJudha nevagari vemuJerusarema, achiita kuti vaite zvakaipa kupfuura marudzi akanga aparadzwa naJehovha pamberi pevaIsraeri.+

10 Jehovha akaramba achitaura naManase nevanhu vake, asi ivo havana kuteerera.+ 11 Saka Jehovha akaunza vakuru veuto ramambo weAsiriya kuti vavarwise, uye vakabata Manase nezvekukochekeresa,* vakamusunga nezvisungo zviviri zvemumakumbo zvemhangura, vakaenda naye kuBhabhironi. 12 Pakutambudzika kwake, akateterera Jehovha Mwari wake kuti amunzwire nyasha,* uye akaramba achizvininipisa zvikuru pamberi paMwari wemadzitateguru ake. 13 Akaramba achinyengetera kwaari, uye iye akabayiwa mwoyo nekuteterera kwake, akanzwa kukumbira kwake kunzwirwa nyasha, akamudzorera kuJerusarema kuumambo hwake.+ Manase akabva aziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.+

14 Pashure peizvi, akavakira Guta raDhavhidhi+ rusvingo rwekunze kumavirira kweGihoni+ mubani* uye kusvika kuGedhi reHove,+ akaita kuti rupoterere kusvika kuOferi,+ uye akaita kuti ruende mudenga chaizvo. Akagadzawo vakuru veuto mumaguta ese akanga akakomberedzwa nemasvingo muJudha. 15 Akabva abvisa vanamwari vekune dzimwe nyika nechidhori muimba yaJehovha,+ neatari dzese dzaakanga avaka mugomo reimba yaJehovha+ nemuJerusarema, akaita kuti zvikandwe kunze kweguta. 16 Akagadziridzawo atari yaJehovha,+ akatanga kubayira zvibayiro zverugare+ nezvibayiro zvekuonga+ pairi, uye akaudza vaJudha kuti vashumire Jehovha Mwari waIsraeri. 17 Asi vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira, kunyange zvazvo vakanga vachizvibayira kuna Jehovha Mwari wavo chete.

18 Kana iri nhoroondo yese yaManase, munyengetero wake kuna Mwari wake, nemashoko evaoni vakataura naye muzita raJehovha Mwari waIsraeri, zvakanyorwa munhoroondo yemadzimambo eIsraeri. 19 Uyewo munyengetero wake+ nekupindurwa kwezvaakakumbira achiteterera, zvivi zvake zvese nekusatendeka kwake,+ uye paakavakira nzvimbo dzakakwirira akamisa mapango anoyera*+ nemifananidzo yakavezwa asati azvininipisa, zvakanyorwa pamashoko evaoni vake. 20 Manase akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, vakamuviga pamba pake; uye mwanakomana wake Amone akava mambo panzvimbo yake.+

21 Amone+ aiva nemakore 22 paakava mambo, uye akatonga kwemakore maviri muJerusarema.+ 22 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Manase;+ uye Amone akabayira kumifananidzo yese yakavezwa yakanga yagadzirwa nababa vake Manase,+ uye akaramba achiishumira. 23 Asi haana kuzvininipisa pamberi paJehovha,+ sekuzvininipisa kwakaita baba vake Manase;+ pane kudaro Amone akatoita kuti mhosva yake ikure. 24 Varanda vake vakazomupandukira,+ vakamuurayira mumba make. 25 Asi vanhu vemunyika yacho vakauraya vanhu vese vakapandukira Mambo Amone+ vachibva vagadza mwanakomana wake Josiya+ kuti ave mambo panzvimbo yake.

34 Josiya+ aiva nemakore 8 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 31 muJerusarema.+ 2 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha uye akafamba nenzira dzese dzatateguru vake Dhavhidhi, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

3 Mugore rechi8 rekutonga kwake, paakanga achiri mukomana, akatanga kutsvaga Mwari watateguru vake Dhavhidhi;+ uye mugore rechi12 akatanga kuchenesa Judha neJerusarema+ achibvisa nzvimbo dzakakwirira+ nemapango anoyera,* nemifananidzo yakavezwa,+ nemifananidzo yesimbi.* 4 Akaitawo kuti vanhu vaputse atari dzavanaBhaari iye aripo, uye akagura zvigadziko zvekupisira rusenzi zvakanga zviri pamusoro padzo. Akatema-temawo mapango anoyera,* mifananidzo yakavezwa, nemifananidzo yesimbi,* akazvikuya-kuya kuita upfu, akabva ahumwaya pamakuva evaya vaisibayira kwazviri.+ 5 Akapisa mapfupa evapristi paatari dzavo.+ Saka akachenesa Judha neJerusarema.

6 Uye mumaguta aManase, Efremu,+ Simiyoni, kusvika kwaNaftari, nemumatongo akaapoteredza, 7 akaputsa atari akadimbura-dimbura mapango anoyera* nemifananidzo yakavezwa,+ akazvikuya-kuya kuita upfu; uye akagura zvigadziko zvese zvekupisira rusenzi munyika yese yeIsraeri,+ achibva azodzokera kuJerusarema.

8 Mugore rechi18 rekutonga kwake, paakanga achenesa nyika uye temberi,* akatuma Shafani+ mwanakomana waAzaria, naMaaseya mukuru weguta, naJoa mwanakomana waJoahazi aiva munyori wezvaiitika kuti vagadziridze imba yaJehovha Mwari wake.+ 9 Vakauya kumupristi mukuru Hirikiya, vakamupa mari yakaunzwa kuimba yaMwari, yakanga yaunganidzwa nevaRevhi vaiva vachengeti vemasuo ichibva kuna Manase, Efremu, uye kune vamwe vaIsraeri vese,+ neyaibvawo kuvaJudha, vaBhenjamini, nevagari vemuJerusarema. 10 Vakabva vaipa vaya vakagadzwa kuti vatungamirire basa muimba yaJehovha. Vanhu vaishanda muimba yaJehovha vakabva vaishandisa kugadziridza imba yacho. 11 Vakaipa mhizha nevavaki kuti vatenge matombo akavezwa nematanda ekutsigira uye kuti vavake nematanda dzimba dzakanga dzasiyiwa nemadzimambo eJudha dzichiita matongo.+

12 Varume vacho vakaita basa racho nekutendeka.+ VaRevhi vaiti Jahati naObhadhiya vekuvaMerari,+ naZekariya naMeshuramu vekuvaKohati,+ ndivo vakagadzwa kuti vave vatariri vavo. Uye vaRevhi vese, avo vaigona kuridza zviridzwa,+ 13 ndivo vaitungamirira vaya vaiita mabasa asingadi unyanzvi,* uye vaiva vatariri vevaya vese vaiita mabasa akasiyana-siyana; uye vamwe vaRevhi vaiva vanyori, vakuru, uye varindi vepamagedhi.+

14 Pavaibudisa mari yakanga yaunzwa kuimba yaJehovha,+ mupristi Hirikiya akawana bhuku reMutemo waJehovha+ wakapiwa pachishandiswa Mozisi.*+ 15 Saka Hirikiya akati kumunyori Shafani: “Ndawana bhuku reMutemo muimba yaJehovha.” Hirikiya akabva apa Shafani bhuku racho. 16 Shafani akabva aenda nebhuku racho kuna mambo, akamuudza kuti: “Varanda venyu vari kuita zvese zvavakanzi vaite. 17 Vadurura mari yakawanikwa muimba yaJehovha, vakaipa kuvarume vakagadzwa uye kune vaya vari kuita basa.” 18 Munyori Shafani akaudzawo mambo kuti: “Pane bhuku randapiwa nemupristi Hirikiya.”+ Shafani akabva atanga kuriverenga pamberi pamambo.+

19 Mambo paakangonzwa mashoko eMutemo wacho, akabvarura nguo dzake.+ 20 Mambo akabva arayira Hirikiya, Ahikamu+ mwanakomana waShafani, Abdhoni mwanakomana waMika, munyori Shafani, naAsaya mushandi wamambo, achiti: 21 “Endai munondibvunzira Jehovha, ini nevaya vakasara muIsraeri nemuJudha pamusoro pemashoko ebhuku rawanikwa; nekuti kutsamwa kwaJehovha uko kuchadururwa patiri kukuru nekuti madzitateguru edu haana kuita zvakataurwa naJehovha kuburikidza nekuchengeta zvese zvakanyorwa mubhuku iri.”+

22 Saka Hirikiya nevaya vakatumwa namambo vakaenda kumuprofitakadzi Huridha.+ Aiva mudzimai waSharumu mwanakomana waTikvha mwanakomana waHahasi, uyo aiona nezvenzvimbo yaichengeterwa nguo. Aigara kuRutivi Rutsva rweJerusarema; uye vakataura naye ikoko.+ 23 Akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Udzai murume akutumai kwandiri kuti: 24 “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichaunza dambudziko panzvimbo ino nevagari+ vayo, iko kutukwa kwese kwakanyorwa mubhuku+ ravakaverenga pamberi pamambo weJudha. 25 Kutsamwa kwangu kuchadururwa panzvimbo ino uye hakuzodzimwi+ nemhaka yekuti vakandisiya+ uye vari kuita kuti zvibayiro zvipfungaire kune vamwe vanamwari, vachindigumbura+ nebasa rese remaoko avo.’” 26 Asi muti kuna mambo weJudha akutumai kuzobvunza Jehovha, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: ‘Kana ari mashoko awanzwa,+ 27 mwoyo wako zvawateerera,* ukazvininipisa pamberi paMwari pawanzwa mashoko ake pamusoro penzvimbo ino nevagari vayo, ukazvininipisa pamberi pangu, ukabvarura nguo dzako, ukachema pamberi pangu, iniwo ndakunzwa,+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 28 Ndokusaka ndichakuisa kwakaiswa madzitateguru ako,* uye ucharadzikwa muguva rako nerugare, uye maziso ako haazooni dambudziko rese randichaunza panzvimbo ino nevagari vayo.’”’”+

Vakabva vadzokera nemhinduro yacho kuna mambo. 29 Saka mambo akatumira shoko, akaunganidza vakuru vese veJudha neveJerusarema.+ 30 Pashure paizvozvo mambo akakwidza kuimba yaJehovha aine varume vese veJudha, vagari vemuJerusarema, vapristi, vaRevhi, vanhu vese zvavo kubvira kuvadiki kusvika kuvakuru. Akaverenga mashoko ese ebhuku resungano rakanga rawanikwa muimba yaJehovha+ vanhu vachinzwa. 31 Mambo akamira panzvimbo yake, akaita sungano*+ pamberi paJehovha, yekuti aizotevera Jehovha uye aizochengeta mirayiro yake, zviyeuchidzo zvake, nemirau yake nemwoyo wake wese nemweya* wake wese,+ kuburikidza nekuchengeta mashoko esungano akanga akanyorwa mubhuku iri.+ 32 Akaitawo kuti vese vaiva muJerusarema nevekwaBhenjamini vabvumiranewo nesungano yacho. Uye vagari vemuJerusarema vakaita maererano nesungano yaMwari, iye Mwari wemadzitateguru avo.+ 33 Josiya akabva abvisa zvinhu* zvese zvaisemesa munyika dzese dzevaIsraeri,+ uye akaita kuti vanhu vese vemuIsraeri vashumire Jehovha Mwari wavo. Panguva yese yaakararama* havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.

35 Josiya akaitira Jehovha Paseka+ muJerusarema, uye vakauraya chibayiro chePaseka+ pazuva rechi14 remwedzi wekutanga.+ 2 Akapa vapristi mabasa avo uye akavakurudzira kuita basa ravo repaimba yaJehovha.+ 3 Akabva ati kuvaRevhi, avo vaiva varayiridzi vevaIsraeri vese,+ vari vatsvene vaJehovha: “Pinzai Areka tsvene muimba yakavakwa naSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri;+ hamuchafaniri kuitakura pamapfudzi enyu.+ Zvino shumirai Jehovha Mwari wenyu uye vanhu vake vaIsraeri. 4 Gadzirirai maererano nedzimba dzemadzibaba enyu mumapoka enyu, muchitevera zvakanyorwa naMambo Dhavhidhi+ weIsraeri uye nemwanakomana wake Soromoni.+ 5 Mirai munzvimbo tsvene muri mumapoka edzimba dzemadzibaba ehama dzenyu, ivo vanhu vese,* boka rimwe nerimwe riine boka raro reimba yemadzibaba evaRevhi. 6 Urayai chibayiro chePaseka,+ muzvitsvenese, uye mugadzirire muchiitira hama dzenyu kuti shoko raJehovha rakapiwa pachishandiswa Mozisi riitwe.”

7 Josiya akapa vanhu vese vaivapo zvipfuwo zvaiti, makwayana makono nembudzi diki hono zvaisvika 30 000 nemombe 3 000 kuti zvive zvibayiro zvePaseka. Izvi zvakabva pazvinhu zvamambo.+ 8 Machinda ake anewo zvaakapa kuti zvive mupiro wekungopawo nekuzvidira wevanhu nevapristi nevaRevhi. Hirikiya,+ Zekariya naJehieri, vatungamiriri veimba yaMwari wechokwadi, vakapa vapristi zvibayiro zvePaseka 2 600 nemombe 300. 9 Konaniya nehama dzake Shemaya naNetaneri, pamwe chete naHashabhiya, Jeyieri, naJozabhadhi, vakuru vevaRevhi, vakapa vaRevhi zvibayiro zvePaseka 5 000 nemombe 500.

10 Basa racho rakagadzirirwa, uye vapristi vakamira panzvimbo dzavo, nevaRevhi mumapoka avo,+ sezvakanga zvarayirwa namambo. 11 Vakauraya zvibayiro zvePaseka,+ uye vapristi vakasasa ropa ravakagamuchira kwavari,+ vaRevhi vacho pavakanga vachivhiya mhuka dzacho.+ 12 Vakabva vagadzirira zvibayiro zvinopiswa kuti zvigoverwe kune vamwe vanhu vese, avo vainge vakaiswa mumapoka edzimba dzemadzibaba, kuti zvipiwe kuna Jehovha sezvakanyorwa mubhuku raMozisi; uye vakaitawo saizvozvo nemombe dzacho. 13 Vakabika* chibayiro chePaseka pamoto maererano netsika yacho;+ uye vakabikira mipiro mitsvene muhari, mumakate, nemumapani. Vakabva vakurumidza kuuya nacho kune vamwe vanhu vese. 14 Vakabva vagadzira chibayiro chavo nechevapristi, nekuti vapristi, ivo vazukuru vaAroni, vakanga vachipa zvibayiro zvinopiswa nemafuta kusvikira usiku, saka vaRevhi vakagadzira chavo nechevapristi, ivo vazukuru vaAroni.

15 Uye vaimbi, ivo vanakomana vaAsafi,+ vaiva panzvimbo dzavo sezvakarayirwa naDhavhidhi,+ Asafi,+ Hemani, naJedhutuni+ muoni wamambo; uye varindi vepamagedhi vaiva pamagedhi akasiyana-siyana.+ Pakanga pasina chikonzero chekuti vabve pabasa ravo, nekuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirirawo chibayiro chavo. 16 Saka basa rese raJehovha rakagadzirirwa pazuva iroro kuti vachengete Paseka+ nekupa zvibayiro zvinopiswa paatari yaJehovha, sezvakarayirwa naMambo Josiya.+

17 VaIsraeri vaiva ipapo vakachengeta Paseka panguva iyoyo uye Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso kwemazuva 7.+ 18 Kwakanga kusati kwamboitwa Paseka yakaita saiyoyo muIsraeri kubvira mumazuva emuprofita Samueri; uye hakuna mumwe mambo weIsraeri akanga amboita Paseka yakafanana neyakaitwa naJosiya+ nevapristi, nevaRevhi, nevaJudha vese nevaIsraeri vaiva ipapo, nevagari vemuJerusarema. 19 Paseka iyi yakaitwa mugore rechi18 rekutonga kwaJosiya.

20 Zvese izvi zvapera, Josiya paakanga agadzira temberi,* Mambo Neko+ weIjipiti akauya kuzorwa kuKakemishi pedyo neRwizi rwaYufratesi. Josiya akabva aenda kunorwisana naye.+ 21 Saka akatuma nhume kwaari, achiti: “Izvi zvinei newe, haiwa iwe mambo weJudha? Nhasi handina kuuya kuzorwa newe, asi kuzorwa neimwe imba uye Mwari ati ndikurumidze. Kuti zvikunakire, rega kupikisana naMwari uyo aneni, nekuti angakuparadza.” 22 Zvisinei, Josiya haana kubva kwaari, asi akaita kuti vanhu varege kumuziva+ kuti arwe naye, uye haana kuteerera mashoko aNeko, ayo aibva mumuromo maMwari. Saka akaenda kunorwa muBani reMegidho.+

23 Zvino vaipfura neuta vakapfura Mambo Josiya, uye mambo akati kuvaranda vake: “Ndibvisei pano, nekuti ndakuvadzwa zvakaipisisa.” 24 Saka varanda vake vakamuburutsa mungoro, vakamukwidza mungoro yake yehondo yechipiri, vakaenda naye kuJerusarema. Saka akafa akavigwa muguva remadzitateguru ake,+ uye vanhu vese veJudha nevemuJerusarema vakachema Josiya. 25 Jeremiya+ akaimbira Josiya, uye nanhasi vaimbi vese vechirume nevechikadzi+ vachiri kuimba nezvaJosiya munziyo dzavo dzekuchema; uye pakasarudzwa kuti dziimbwe muIsraeri, uye dzakanyorwa panziyo dzekuchema.

26 Kana iri nhoroondo yese yaJosiya nemabasa ake erudo rusingachinji achitevedzera zvakanyorwa muMutemo waJehovha, 27 uye zvaakaita, kubva kwekutanga kusvika kwekupedzisira, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri neeJudha.+

36 Vanhu vemunyika yacho vakabva vatora Jehoahazi+ mwanakomana waJosiya, vakamugadza kuti ave mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake.+ 2 Jehoahazi aiva nemakore 23 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu muJerusarema. 3 Zvisinei, mambo weIjipiti akamubvisa pachigaro muJerusarema, akabhadharisa nyika yacho matarenda* 100 esirivha netarenda rimwe chete regoridhe.+ 4 Mambo weIjipiti akagadzawo Eriyakimu mukoma waJehoahazi kuti ave mambo weJudha neJerusarema, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; asi Neko+ akatora munin’ina wake Jehoahazi, akaenda naye kuIjipiti.+

5 Jehoyakimu+ aiva nemakore 25 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema. Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.+ 6 Mambo Nebhukadhinezari+ weBhabhironi akauya kuzorwa naye kuti amusunge nezvisungo zvemumakumbo zviviri zvemhangura kuti aende naye kuBhabhironi.+ 7 Nebhukadhinezari akatora mimwe midziyo yeimba yaJehovha akaenda nayo kuBhabhironi, akaiisa mumuzinda wake muBhabhironi.+ 8 Kana iri nhoroondo yese yaJehoyakimu, zvinhu zvinosemesa zvaakaita nezvakaipa zvakawanikwa paari, zvakanyorwa muBhuku reMadzimambo eIsraeri neeJudha; uye mwanakomana wake Jehoyakini akava mambo panzvimbo yake.+

9 Jehoyakini+ aiva nemakore 18 paakava mambo, uye akatonga kwemwedzi mitatu nemazuva gumi muJerusarema; uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+ 10 Pakutanga kwegore,* Mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kuti vanomutora vauye naye kuBhabhironi+ pamwe chete nezvinhu zvinokosha zveimba yaJehovha.+ Akabva agadza Zedhekiya munin’ina wababa vake kuti ave mambo weJudha neJerusarema.+

11 Zedhekiya+ aiva nemakore 21 paakava mambo, uye akatonga kwemakore 11 muJerusarema.+ 12 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. Haana kuzvininipisa pamberi pemuprofita Jeremiya,+ uyo aitaura zvaairayirwa naJehovha. 13 Akapandukirawo Mambo Nebhukadhinezari,+ uyo akanga aita kuti apike naMwari, uye akaramba achiomesa musoro,* achiomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri. 14 Vakuru vese vevapristi nevanhu vakaratidza kusatendeka kukuru, vachiita zvinhu zvese zvinosemesa zvemamwe marudzi, uye vakasvibisa imba yaJehovha+ yaakanga atsvenesa muJerusarema.

15 Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivayambira achishandisa nhume dzake, achivayambira avayambirazve, nekuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yekugara. 16 Asi vakaramba vachiseka nhume dzaMwari wechokwadi,+ uye vakazvidza mashoko ake,+ vakanyomba vaprofita vake,+ kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake zvikuru,+ kusvikira vasisabatsiriki.*

17 Saka akaita kuti mambo wevaKadheya+ auye kuzovarwisa, uyo akabva auraya majaya avo nebakatwa+ munzvimbo yavo tsvene;+ haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana anorwara.+ Mwari akaisa zvese muruoko rwake.+ 18 Midziyo yese yeimba yaMwari wechokwadi, mikuru nemidiki, nepfuma yeimba yaJehovha nepfuma yamambo nemachinda ake, akaenda nazvo zvese kuBhabhironi.+ 19 Akapisa imba yaMwari wechokwadi,+ akaputsa rusvingo rweJerusarema,+ akapisa shongwe dzaro dzese dzakavakwa zvakasimba, uye akaparadza zvinhu zvese zvaikosha.+ 20 Akatapawo vaya vakapona pabakatwa,+ akaenda navo kuBhabhironi, uye vakava varanda vake+ nevevanakomana vake kusvikira umambo hwePezhiya hwatanga kutonga,+ 21 kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, kusvikira nyika yabhadhara masabata ayo.+ Mazuva ese ayaiva dongo, yakachengeta sabata, kuti makore 70 azadziswe.+

22 Mugore rekutanga raMambo Koreshi+ wePezhiya, kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremiya+ rizadziswe, Jehovha akaisa pfungwa mumwoyo maMambo Koreshi wePezhiya yekuti azivise shoko muumambo hwake hwese, iro raakabva anyorawo,+ achiti: 23 “Zvanzi naMambo Koreshi wePezhiya, ‘Jehovha Mwari wedenga akandipa umambo hwese hwenyika,+ uye akandirayira kuti ndimuvakire imba muguta reJerusarema, riri muJudha.+ Munhu wese ari pakati penyu anomushumira, Jehovha Mwari wake ngaave naye uye ngaakwidze aende ikoko.’”+

Kana kuti “vaibvunza kwaari ipapo.”

ChiHeb., “kuti ndibude uye ndipinde ndiri pamberi pevanhu ava.”

Kana kuti “rwemweya yevanokuvenga.”

ChiHeb., “mazuva akawanda.”

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kubva kuIjipiti nekuKuwe; vanhu vamambo vaitengesa vainoatenga kuKuwe,” zvimwe kureva kuKirikiya.

Kana kuti “nemuzinda weumambo.”

Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”

Kana kuti “muzinda wekugara.”

Kana kuti “ndiitsvenese.”

Kureva, zvingwa zvekuratidza.

Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”

Kubhiti raishandiswa rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5 asi vamwe vanoti pakanzi “kuyera kwekare” pari kureva kubhiti refu rakanga rakaenzana nemasendimita 51,8. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Zvimwe zvinyorwa zvekare zvinoti “120,” asi mune zvimwe zvinyorwa nemune mamwe maBhaibheri makanzi “makubhiti 20.”

Kureva, pamusuo panotsikwa nevanhu kana vachipinda mumba.

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, Nzvimbo Tsvene.

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Kana kuti “kumaodzanyemba.”

Kana kuti “kuchamhembe.”

Kureva kuti “Ngaasimbise [kureva Jehovha] Kwazvo.”

Zvinogona kunge zvichireva kuti “Musimba.”

Kana kuti “tengi remvura.”

Angasvika masendimita 7,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Bhati rakanga rakaenzana nemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “nenzvimbo huru yakakomberedzwa.”

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Kana kuti “zvingoro 10 zvekutakurisa mvura.”

Kana kuti “nembato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.

Apa pari kureva Nzvimbo Tsvene.

Kureva, Mutambo Wematumba.

Kana kuti “Vapristi vedzinza raRevhi.”

ChiHeb., “mwanakomana wako, achabuda muchiuno chako.”

Kana kuti “penzvimbo yakakomberedzwa.”

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “mumwe wake akaisa kutukwa paari.” Kureva, mhiko inozoguma nekutukwa kana munhu apika achinyepa kana kuti akaityora.

ChiHeb., “pekutukwa.”

ChiHeb., “pekutukwa.”

ChiHeb., “akarurama.”

Kana kuti “mavaderedza.”

ChiHeb., “munyika yemagedhi ake.”

Kana kuti “kwemukurumbira wenyu.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “une chekuita nenzvimbo.”

ChiHeb., “musafuratidza chiso chemuzodziwa.”

Zvichida pari kureva vaRevhi.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Zuva rakatevera mutambo, kana kuti zuva rechi15.

Kana kuti “nemuzinda wamambo.”

ChiHeb., “chirevo.”

Kana kuti “nemuzinda wake.”

ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”

Kana kuti “avakazve.”

Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “nezvirahwe.”

ChiHeb., “hapana chakanga chakavanzika kuna.”

ChiHeb., “akasara asina mweya maari.”

Kana kuti “pemashoko enyu.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neemuzinda wamambo.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kuwedzera pazvipo zvaiva neukoshi hwakaenzana nezvaakanga.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

MuMagwaro echiHebheru, maina rakaenzana nemagiramu 570. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “aitsvaga chiso chaSoromoni.”

Kana kuti “nevatasvi vemabhiza.”

Kureva, Yufratesi.

Kana kuti “reudzvinyiriri.”

Kana kuti “abvunza vakuru.”

Kana kuti “nevakuru.”

Kana kuti “revakuru.”

ChiHeb., “kumatende.”

ChiHeb., “vakasarudzwa.”

Kana kuti “akavaka masvingo ekukomberedza.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

ChiHeb., “nevembudzi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “aparadzira.”

ChiHeb., “umambo hwedzimwe.”

Kana kuti “yemuzinda wamambo.”

ChiHeb., “vevamhanyi.”

ChiHeb., “vakasarudzwa.”

ChiHeb., “vakasarudzwa.”

Kureva sungano isingaputswi uye isingachinji.

ChiHeb., “aizadza ruoko rwake.”

Kureva, zvingwa zvekuratidza.

ChiHeb., “vakasarudzwa.”

ChiHeb., “vakatsamira pana Jehovha.”

Kana kuti “mududziro dzemuprofita.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “masuo ane madhoo maviri.”

Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

ChiHeb., “vachikombamisa uta.”

ChiHeb., “tinotsamira pamuri.”

ChiHeb., “Kwemazuva mazhinji.”

ChiHeb., “kwakanga kusina rugare kune uya aibuda kana aipinda.”

ChiHeb., “musarega maoko enyu achirembera.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “pachinzvimbo chavo samambokadzi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “kwemazuva ake ese.”

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”

Kana kuti “yemuzinda wamambo.”

Kana kuti “sungano.”

Kana kuti “sungano yako.”

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”

Kana kuti “kuvaka rusvingo rwekudzivirira; kuvakazve.”

ChiHeb., “Zvawakatsamira pana mambo.”

ChiHeb., “kutsamira pana Jehovha.”

Kana kuti “wakanyatsozvipira.”

ChiHeb., “muimba yezvisungo zvematanda.”

Hwanyanza kana kuti banda chinhu chaigadzirirwa kutakurisa chitunha.

Zvinoratidza sekuti wakanga usiri moto wekupisa mutumbi waAsa, asi wekupisa zvinhu zvinonhuwirira.

ChiHeb., “akafamba mumurayiro.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Muchasunda.”

Kana kuti “Imwe ngirozi yabva yaenda ikanomira.”

ChiHeb., “mumusasa.”

Kana kuti “kumuzinda wake.”

Kana kuti “nerugare.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “uye mwoyo wenyu wakazvipira.”

Kana kuti “wakanyatsozvipira.”

Kana kuti “ngaave nezvakanaka.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vekuvaMeuni.”

Zvinoratidza sekuti pari kureva Gungwa Rakafa.

ChiHeb., “akaisa chiso chake pakutsvaga.”

ChiHeb., “mbeu.”

ChiHeb., “nevanakomana.”

Kana kuti “rwizi.”

Kana kuti “kununurwa kwamuchaitwa naJehovha.”

Iyi inzvimbo yakakwirira inoshandiswa kuona zviri kure.

ChiHeb., “vakakomborera.”

Kureva kuti “Kukomborera.”

Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

Anonziwo Ahaziya.

ChiHeb., “mwanasikana.”

Zvimwe zvinyorwa zvechiHebheru zvinoti “Azariya.”

Kana kuti “achirwara.”

ChiHeb., “mwanakomana.”

ChiHeb., “mbeu yese yeumambo yekwaJudha.”

Kana kuti “sungano.”

Kana kuti “pamuzinda wamambo.”

ChiHeb., “paanobuda nepaanopinda.”

Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

Kana kuti “chombo chake chinoita zvekukandwa.”

Zvichida iri raiva gwaro raiva neMutemo waMwari.

Kana kuti “vaipa chiratidzo.”

Kana kuti “remuzinda wamambo.”

Kana kuti “kutemberi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “kusvikira vese vapa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “pave nekutsamwa.”

Kureva, baba vaZekariya.

Kureva, vaSiriya.

Kana kuti “aine zvirwere zvakawanda.”

Kana kuti “mwanakomana.” Zvichida paiswa muuzhinji zvichiratidza kuti aiva munhu akanaka chaizvo.

ChiHeb., “nekugadzirwa kwenheyo.”

Kana kuti “mududziro yeBhuku.”

ChiHeb., “vakasarudzwa.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “tisangane chiso nechiso.”

Izvi zvakaita semasora uye zvine minzwa.

ChiHeb., “wakaparadza.”

Kana kuti “mumuzinda wako.”

ChiHeb., “kumatende ake.”

Anonziwo Ahaziya.

Mamita anenge 178. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “zvaichengetwa.”

Kureva, baba vake Amaziya.

Kana kuti “akaboora,” anofanira kunge aizviita pamatombo.

Kana kuti “muzinda wamambo.”

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kori uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”

ChiHeb., “imba.”

Kana kuti “nemumuzinda wamambo.”

Kana kuti “uye chiseko.”

Kana kuti “yekuti muzorore.”

Kureva, zvingwa zvekuratidza.

ChiHeb., “zvamazadza ruoko rwenyu.”

ChiHeb., “vane mwoyo wakarurama.”

Kana kuti “rakagadzirirwa.”

ChiHeb., “vamhanyi.”

Kana kuti “nyasha.”

ChiHeb., “vamhanyi.”

ChiHeb., “kuti ruvape mwoyo mumwe.”

ChiHeb., “akarapa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “emisasa.”

Kana kuti “kunyatsozvipira pane.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “dzimba dzekudyira.”

Kana kuti “Miro.” Iri ishoko rechiHebheru rinoreva kuti “zadza.”

Kana kuti “zvombo zvinoita zvekukandwa.”

Kana kuti “ane simba revanhu.”

Kana kuti “simba rake rese rehondo nekubwinya.”

ChiHeb., “nzvimbo dzake.”

Kana kuti “mutemberi.”

Kana kuti “erudo rusingachinji.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Dzimwe shanduro dzinoti, “mumakomba.”

Kana kuti “akapfavisa chiso chaJehovha Mwari wake.”

Kana kuti “murwizi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “yesimbi yakanyungudutswa.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “imba.”

Kana kuti “basa rekutakura zvinorema.”

ChiHeb., “neruoko rwaMozisi.”

ChiHeb., “zvawapfava.”

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.

Kana kuti “akamutsidzira sungano.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “zvidhori.”

ChiHeb., “Pamazuva ake ese.”

ChiHeb., “ivo vanakomana vevanhu.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Vakagocha.”

ChiHeb., “imba.”

Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Zvimwe mumasutso.

ChiHeb., “akaomesa mutsipa wake.”

Kana kuti “vasisarapiki.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe