RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Joshua 1:1-24:33
  • Joshua

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Joshua
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Joshua

JOSHUA

1 Pashure pekufa kwaMozisi muranda waJehovha, Jehovha akati kuna Joshua*+ mwanakomana waNuni, mushumiri+ waMozisi: 2 “Mozisi muranda wangu afa.+ Saka simuka uyambuke Rwizi rwaJodhani, iwe nevanhu vese ava, vaIsraeri,+ mupinde munyika yandiri kuvapa. 3 Ndichakupai nzvimbo dzese dzamuchatsika netsoka dzenyu, sezvandakavimbisa Mozisi.+ 4 Nyika yenyu ichabva kurenje kusvika kuRebhanoni uye kurwizi rukuru, Rwizi rwaYufratesi, iyo nyika yese yevaHiti,+ kusvika kuGungwa Guru* riri kumavirira.+ 5 Hapana munhu achakwanisa kumirisana newe mazuva ese eupenyu hwako.+ Ndichava newe,+ sezvandakava naMozisi. Handizokurasi kana kukusiya.+ 6 Shinga, usimbe,+ nekuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakapikira madzitateguru avo kuti ndichavapa.+

7 “Ingoshinga, usimbe kwazvo, unyatsochengeta Mutemo wese wawakarayirwa nemuranda wangu Mozisi. Usausiya uchienda kurudyi kana kuruboshwe,+ kuti uve akachenjera pane zvaunoita, kwese kwaunoenda.+ 8 Bhuku iri reMutemo harifaniri kubva pamuromo wako,+ unofanira kuriverenga nenzwi riri pasi pasi* siku nesikati, kuti unyatsochengeta zvese zvakanyorwa mariri;+ nekuti kana ukadaro zvinhu zvichakufambira zvakanaka,* uye uchava akachenjera+ pane zvaunoita. 9 Handina kukurayira here? Shinga, usimbe. Usavhunduka kana kutya, nekuti Jehovha Mwari wako anewe kwese kwaunoenda.”+

10 Joshua akabva arayira vatungamiriri vevanhu, achiti: 11 “Tendererai mumusasa wese muchipa vanhu murayiro uyu wekuti, ‘Gadzirai zvekudya zvekutakura, nekuti pashure pemazuva matatu muchayambuka Jodhani kuti mupinde uye mutore nyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.’”+

12 Uye Joshua akati kuvaRubheni, nevaGadhi, nehafu yedzinza raManase: 13 “Yeukai zvamakarayirwa+ naMozisi muranda waJehovha, achiti: ‘Jehovha Mwari wenyu ari kukupai zororo uye akupai nyika ino. 14 Madzimai enyu, vana venyu, nezvipfuwo zvenyu zvichagara munyika yamakapiwa naMozisi mhiri kuno* kwaJodhani,+ asi imi mese varwi vane simba+ munofanira kuyambuka uto renyu rakarongwa, muri pamberi pehama dzenyu.+ Munofanira kuvabatsira 15 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo, sezvaakaitawo kwamuri, uye vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Pashure paizvozvo, dzokai kunyika yamakapiwa kuti mugare uye kuti ive yenyu, nyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha kumabvazuva kwaJodhani.’”+

16 Vakapindura Joshua vachiti: “Tichaita zvese zvamataura, uye tichaenda kwese kwamunenge matituma.+ 17 Tichakuteererai sekuteerera kwatakaita zvese zvakataurwa naMozisi. Kudai Jehovha Mwari wenyu akangova nemi sezvaakava naMozisi.+ 18 Munhu wese anopandukira zvamunotaura uye asingateereri murayiro wese wamunomupa, achaurayiwa.+ Ingoshingai, musimbe.”+

2 Zvino Joshua mwanakomana waNuni akatuma varume vaviri pachivande kubva kuShitimu+ kuti vanosora* nyika. Akavaudza kuti: “Endai munoongorora zvakaita nyika yacho, kunyanya Jeriko.” Saka vakaenda vakasvika pamba peimwe pfambi yainzi Rakabhi,+ vakagara ipapo. 2 Mambo weJeriko akaudzwa kuti: “Varume vechiIsraeri vapinda muno usiku huno kuti vasore nyika.” 3 Mambo weJeriko akabva atumira shoko kuna Rakabhi, achiti: “Budisa varume vauya mumba mako, nekuti vauya kuzosora nyika yese.”

4 Asi mukadzi wacho akatora varume vaya vaviri, akavahwandisa. Akabva ati: “Chokwadi, varume vacho vauya kwandiri, asi handina kuziva kuti vanga vachibva kupi. 5 Asi pakwasviba, gedhi reguta rava kuda kuvharwa, varume vacho vabva vabuda. Handizivi kuti vaenda kupi, asi kana mukakurumidza kuvatevera, muchavabata.” 6 (Zvisinei, iye akanga avakwidza padenga remba, akavahwandisa pakati pemashanga emufurakisi* akanga akarongwa ipapo.) 7 Saka varume vacho vakavatevera vakananga kumazambuko+ eJodhani, uye gedhi reguta rakavharwa varume ivavo vaivatevera pavakangobuda.

8 Vasori vacho vasati varara, Rakabhi akakwira padenga remba pavaiva. 9 Akati kuvarume vacho: “Ndinoziva kuti Jehovha achakupai nyika,+ uye tiri kukutyai.+ Vagari vese vemunyika vapera simba nemhaka yenyu,+ 10 nekuti takanzwa nezvekuomesa kwakaita Jehovha mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu pamakabva kuIjipiti+ uye zvamakaita kumadzimambo maviri evaAmori, Sihoni+ naOgi,+ avo vamakaparadza mhiri* kwaJodhani. 11 Patakazvinzwa, takatya, uye hapana munhu achine ushingi hwekukurwisai, nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari kumusoro kudenga nepasi pano.+ 12 Zvino ndapota, ndipikirei naJehovha, kuti zvandakuitirai mutsa,* muchaitirawo mutsa imba yababa vangu, uye munofanira kundipa chiratidzo chekuti muchaita zvamataura.* 13 Munofanira kuponesa baba naamai vangu, nevana vese vemumba medu nevanhu vese vavainavo, uye munofanira kutinunura kuti tirege kufa.”*+

14 Varume vacho vakabva vati kwaari: “Tingatofa hedu isu panzvimbo penyu!* Kana mukasaudza vanhu zvatafambira, tichakuratidzai rudo rusingachinji uye tichatendeka kwamuri patichapiwa nyika yacho naJehovha.” 15 Pashure paizvozvo akaita kuti vaburuke netambo nepahwindo, nekuti imba yake yaiva parusvingo rweguta. Aitogara nechepamusoro perusvingo.+ 16 Akabva ati kwavari: “Endai kumakomo muhwande ikoko kwemazuva matatu, kuti vaya vari kukutsvagai vasakuwanai. Kana vadzoka, munogona kuenda henyu.”

17 Varume vacho vakati kwaari: “Mhiko iyi yawaita kuti tipike+ tichangoichengeta chete 18 kana patichapinda munyika ukasungirira tambo iyi yeshinda tsvuku pahwindo rawaita kuti tiburuke naro. Unofanira kuita kuti baba vako, amai vako, hanzvadzi dzako, nevanhu vese veimba yababa vako, vave newe mumba mako.+ 19 Kana pakaita anobuda mumba mako achienda panze, inenge iri mhosva yake,* uye isu tinenge tisina mhosva. Asi kana pakaita anokuvadzwa pavanhu vanoramba vainewe mumba mako, inenge iri mhosva yedu. 20 Asi kana ukataura zvatafambira,+ isu hatizovi nemhosva pamusoro pemhiko yako yawaita kuti tipike.” 21 Iye akati: “Ngazviitike sekutaura kwamaita.”

Akabva aita kuti vaende, ivo vachibva vaenda. Pashure peizvi, akasungirira tambo tsvuku pahwindo racho. 22 Saka vakasimuka vakaenda kumakomo, vakagara ikoko kwemazuva matatu, kusvikira vaya vaivatevera vadzoka. Vaivatevera vacho vakanga vachivatsvaga mumigwagwa yese asi vakavashaya. 23 Varume vaya vaviri vakabva vaburuka vachibva kumakomo, vakayambuka rwizi, vakasvika kwaiva naJoshua mwanakomana waNuni. Vakamuudza zvinhu zvese zvakanga zvaitika kwavari. 24 Vakabva vati kuna Joshua: “Jehovha atipa nyika yacho yese.+ Vagari vese vemunyika yacho vatopera simba nemhaka yedu.”+

3 Zvino Joshua akamuka mangwanani-ngwanani, akasimuka nevaIsraeri* vese kubva paShitimu+ vakasvika paRwizi rwaJodhani. Vakarara ipapo vasati vayambuka.

2 Papera mazuva matatu, vatungamiriri+ vakatenderera nemusasa wese, 3 vakarayira vanhu vachiti: “Pamunongoona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu yakatakurwa nevapristi vedzinza raRevhi,+ munofanira kubva panzvimbo yenyu, moitevera. 4 Asi munofanira kufamba muri kure nayo nemakubhiti anenge 2 000;* musatomboswedera pedyo nayo, kuitira kuti muzive nzira yamuchaenda nayo, nekuti hamusati mambofamba nenzira yacho.”

5 Zvino Joshua akati kuvanhu: “Zvitsvenesei,+ nekuti mangwana Jehovha achakuitirai zvinhu zvinoshamisa.”+

6 Joshua akabva ati kuvapristi: “Simudzai areka+ yesungano mutungamirire vanhu.” Saka vakasimudza areka yesungano vakatungamirira vanhu.

7 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Nhasi ndichatanga kukukudza vaIsraeri vese vachiona,+ kuti vazive kuti ndichava newe+ sezvandakava naMozisi.+ 8 Unofanira kurayira vapristi vanotakura areka yesungano, uchiti: ‘Pamunosvika panotangira mvura yaJodhani, munofanira kupinda, moramba makamira muJodhani.’”+

9 Zvino Joshua akati kuvaIsraeri: “Huyai munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.” 10 Joshua akabva ati: “Izvi ndizvo zvichaita kuti muzive kuti Mwari mupenyu ari pakati penyu,+ uye kuti chokwadi achadzinga vaKenani, vaHiti, vaHivhi, vaPerizi, vaGigashi, vaAmori, nevaJebhusi+ pamberi penyu. 11 Onai! Areka yesungano yaShe wenyika yese iri kukutungamirirai ichipinda muJodhani. 12 Zvino torai varume 12 pamadzinza aIsraeri, murume mumwe chete padzinza rimwe nerimwe,+ 13 uye tsoka dzevapristi vakatakura Areka yaJehovha, Ishe wenyika yese, padzinongotsika mvura yaJodhani, mvura yaJodhani yekumusoro ichamiswa, uye ichaita semadziro.”+

14 Saka vanhu pavakasimuka pavakanga vakadzika matende avo vava kuda kuyambuka Jodhani, vapristi vakanga vakatakura areka+ yesungano vakavatungamirira. 15 Vapristi vacho vakanga vakatakura Areka pavakangosvika paJodhani, uye pavakanyudza tsoka dzavo nechekumucheto kwemvura (Rwizi rwaJodhani runofashukira+ munguva yese yekukohwa), 16 mvura yekumusoro yakabva yamira. Yakaungana semvura yakamiswa nemadziro edhamu, kure kwazvo kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani, ukuwo mvura yaiyerera yakananga kuGungwa reArabha, iro Gungwa reMunyu,* yakayerera yese ikapera. Mvura yakamiswa, uye vanhu vakayambuka nepakatarisana neJeriko. 17 Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vakamira vakatsika pavhu rakaoma+ pakati peRwizi rwaJodhani, uku vaIsraeri vese vachiyambuka nepakaoma,+ kusvikira rudzi rwese rwayambuka Jodhani.

4 Rudzi rwacho rwese parwakangoyambuka Jodhani, Jehovha akati kuna Joshua: 2 “Tora varume 12 kubva pavanhu, murume mumwe chete padzinza rimwe nerimwe,+ 3 uvaudze kuti: ‘Torai matombo 12 pakati paJodhani, panzvimbo yakamira vapristi,+ muyambuke nawo moaisa panzvimbo yamucharara nhasi manheru.’”+

4 Saka Joshua akashevedza varume 12 vaakanga agadza kubva pavaIsraeri, murume mumwe chete padzinza rimwe nerimwe, 5 uye Joshua akati kwavari: “Endai pakati paJodhani, pamberi peAreka yaJehovha Mwari wenyu, uye mumwe nemumwe wenyu ngaatakure dombo papfudzi rake, maererano nekuwanda kwemadzinza evaIsraeri, 6 kuti ave chiratidzo pakati penyu. Kana vana* venyu vakazokubvunzai kuti, ‘Makaisirei matombo aya apa?’+ 7 munofanira kuvaudza kuti: ‘Akaiswa nekuti mvura yaJodhani yakamiswa pamberi peareka+ yesungano yaJehovha. Payakayambuka Jodhani, mvura yaJodhani yakamiswa. Matombo aya achava chiyeuchidzo kuvaIsraeri kwenguva refu.’”+

8 Saka vaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa naJoshua. Vakatora matombo 12 pakati paJodhani, sezvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha, matombo aienderana nekuwanda kwemadzinza evaIsraeri. Vakaatakura ndokuenda nawo panzvimbo yavaizorara, vakaaisa ipapo.

9 Joshua akaisawo matombo 12 pakati paJodhani panzvimbo yakanga yakamira vapristi vakanga vakatakura areka yesungano,+ uye matombo acho achiripo nanhasi.

10 Vapristi vakanga vakatakura Areka vakaramba vakamira pakati paJodhani kusvikira zvese zvakanga zvarayirwa Joshua naJehovha kuti vanhu vaite zvapera, maererano nezvese zvakanga zvarayirwa Joshua naMozisi. Panguva yese iyi vanhu vaiyambuka vachiita zvekukurumidza. 11 Vanhu vese pavakangopedza kuyambuka, vapristi vakabva vayambuka neAreka yaJehovha, vanhu vachiona.+ 12 Uye vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase vakayambuka vakagadzirira kurwa+ vari pamberi pevamwe vaIsraeri, sezvavakanga varayirwa naMozisi.+ 13 Varwi vanenge 40 000 vaiva nezvombo zvehondo vakayambuka pamberi paJehovha vakaenda kurenje riri pedyo neJeriko.

14 Pazuva iroro Jehovha akakudza Joshua pamberi pevaIsraeri vese,+ uye vaimuremekedza zvikuru* mazuva ese eupenyu hwake, sekuremekedza kwavainge vaita Mozisi.+

15 Jehovha akabva ati kuna Joshua: 16 “Udza vapristi vakatakura areka+ yeChipupuriro kuti vabude muJodhani.” 17 Saka Joshua akati kuvapristi: “Budai muJodhani.” 18 Vapristi vakanga vakatakura areka+ yesungano yaJehovha pavakabva pakati peRwizi rwaJodhani uye tsoka dzavo padzakatsika kumahombekombe, mvura yaJodhani yakabva yatangazve kuyerera, ikatanga zvakare kufashukira kumahombekombe.+

19 Vanhu vakayambuka Jodhani pazuva rechi10 remwedzi wekutanga, uye vakadzika musasa paGirigari,+ pamuganhu weJeriko wekumabvazuva.

20 Joshua akatora matombo 12 avakanga vatora muJodhani, akaaisa paGirigari.+ 21 Akabva ati kuvaIsraeri: “Mune ramangwana, vana venyu pavachabvunza vanababa vavo kuti, ‘Matombo aya ndeei?’+ 22 munofanira kuvatsanangurira kuti: ‘Israeri akayambuka Rwizi rwaJodhani nepavhu rakaoma+ 23 Jehovha Mwari wenyu paakaomesa mvura yaJodhani pamberi pavo kusvikira vayambuka rwizi rwacho, sezvakaitwa Gungwa Dzvuku naJehovha Mwari wenyu paakariomesa pamberi pedu kusvikira tariyambuka.+ 24 Akaita izvozvo kuti marudzi ese epanyika azive kuti ruoko rwaJehovha rune simba zvakadii+ uye kuti mugare muchitya Jehovha Mwari wenyu.’”

5 Madzimambo ese evaAmori+ aiva kumavirira kwaJodhani, nemadzimambo ese evaKenani+ aiva pedyo negungwa, paakangonzwa kuti Jehovha akanga aomesa mvura yaJodhani pamberi pevaIsraeri kusvikira vayambuka, akatanga kutya,+ uye akanga asisina ushingi* nemhaka yevaIsraeri.+

2 Panguva iyoyo Jehovha akati kuna Joshua: “Gadzira mapanga uchishandisa dombo rakaomarara, uchecheudze+ varume vechiIsraeri kechipiri.” 3 Saka Joshua akagadzira mapanga achishandisa dombo rakaomarara, akachecheudza varume vechiIsraeri paGibhiyati-haararoti.*+ 4 Joshua akavachecheudza nekuti varume vese vakabva kuIjipiti, ivo varume vese vehondo,* vainge vafira murenje vari parwendo, pashure pekunge vabva kuIjipiti.+ 5 Vanhu vese vakabva kuIjipiti vakanga vachecheudzwa, asi vanhu vese vakaberekerwa murenje parwendo rwekubva kuIjipiti vakanga vasina kuchecheudzwa. 6 VaIsraeri vakanga vafamba murenje kwemakore 40,+ kusvikira chizvarwa chacho chese chapera kufa, kureva varume vese vehondo vakabva kuIjipiti vasina kuteerera inzwi raJehovha.+ Jehovha akapika kwavari kuti aisazomboita kuti vaone nyika+ yakanga yapikirwa madzitateguru avo naJehovha kuti atipe,+ nyika inoyerera uchi nemukaka.+ 7 Saka akaita kuti vanakomana vavo vatore nzvimbo yavo.+ Ava ndivo vakachecheudzwa naJoshua. Vakanga vasina kuchecheudzwa nekuti pavaiva parwendo havana kunge vavachecheudza.

8 Pavakapedza kuchecheudza rudzi rwacho rwese, vakaramba vari pavakanga vari mumusasa kusvikira vapora.

9 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Nhasi ndabvisa kushora kweIjipiti pamuri.” Saka nzvimbo iyoyo yakapiwa zita rekuti Girigari*+ uye nanhasi ndiro zita rayo.

10 VaIsraeri vakaramba vakadzika musasa paGirigari, uye vakachengeta Paseka pazuva rechi14 remwedzi wacho,+ ari manheru, murenje riri pedyo neJeriko. 11 Vakatanga kudya zvibereko zvenyika yacho zuva rakatevera Paseka. Pazuva iroro vakadya chingwa chisina mbiriso+ nezviyo zvakakangwa. 12 Mana yakabva yaguma pazuva iroro, pavakanga vadya zvimwe zvibereko zvenyika yacho; vaIsraeri havana kuzowana mana zvakare,+ asi vakatanga kudya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro.+

13 Joshua paakanga ari pedyo neJeriko, akasimudza musoro ndokuona mumwe murume+ akamira pamberi pake, akabata bakatwa rakavhomorwa.+ Joshua akafamba achienda kwaaiva akati kwaari: “Uri mumwe wedu here kana kuti uri mumwe wevavengi vedu?” 14 Iye akati: “Aiwa, ndauya semukuru weuto raJehovha.”+ Joshua akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, akati kwaari: “Ishe wangu ane shoko rekuti chii kumuranda wake?” 15 Mukuru weuto raJehovha akati kuna Joshua: “Bvisa shangu dzako, nekuti nzvimbo yaumire itsvene.” Joshua akabva aita saizvozvo.+

6 Guta reJeriko rakanga rakavharwa zvakasimba nemhaka yevaIsraeri; hapana aibuda uye hapana aipinda.+

2 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Ona, ndakupa Jeriko namambo waro, nevarwi varo vane simba.+ 3 Imi mese varume vehondo munofanira kufora muchitenderera guta, munofanira kuritenderera kamwe chete. Ndizvo zvamunofanira kuita kwemazuva 6. 4 Itai kuti vapristi 7 vatakure hwamanda 7 dzenyanga dzemakondohwe vari pamberi peAreka. Asi pazuva rechi7 munofanira kufora muchitenderera guta ka7 uye vapristi vanofanira kuridza hwamanda.+ 5 Panoridzwa hwamanda, pamunongonzwa kurira kwehwamanda,* vanhu vese vanofanira kushevedzera zvinotyisa. Rusvingo rweguta racho ruchabva rwaondomoka rwese,+ uye vanhu vanofanira kupinda, mumwe nemumwe nepaakatarisana napo.”

6 Saka Joshua mwanakomana waNuni akashevedza vapristi akavaudza kuti: “Simudzai areka yesungano, uye vapristi 7 ngavatakure hwamanda 7 dzenyanga dzemakondohwe, vari pamberi peAreka yaJehovha.”+ 7 Akabva audza vanhu kuti: “Tangai kufamba, mufore muchitenderera guta racho, uye varwi vakapakata zvombo+ ngavafambe vari pamberi peAreka yaJehovha.” 8 Sezvakanga zvaudzwa vanhu naJoshua, vapristi 7 vakanga vakatakura hwamanda 7 dzenyanga dzemakondohwe vakaenda mberi, vakaridza hwamanda dzacho pamberi paJehovha, uye areka yesungano yaJehovha yakanga ichivatevera. 9 Varwi vakapakata zvombo vaifamba vari pamberi pevapristi vairidza hwamanda, uye varwi vaiva kumashure vaitevera Areka, uku hwamanda dzichiridzwa.

10 Joshua akanga arayira vanhu achiti: “Musashevedzera kana kuita kuti manzwi enyu anzwike. Hapafaniri kuva neshoko rinobuda mumiromo yenyu kusvikira zuva randichati kwamuri, ‘Shevedzerai!’ Imi mubve mashevedzera.” 11 Joshua akaita kuti Areka yaJehovha itenderere guta racho. Yakatenderera kamwe chete, vachibva vadzokera kumusasa vakanorara ikoko.

12 Mangwana acho, Joshua akamuka mangwanani-ngwanani, vapristi vachibva vatakura Areka+ yaJehovha, 13 uye vapristi 7 vakanga vakatakura hwamanda 7 dzenyanga dzemakondohwe vaifamba vari pamberi peAreka yaJehovha vachiramba vachiridza hwamanda. Varwi vakapakata zvombo vaifamba vari pamberi pavo, uye varwi vaiva kumashure vaitevera Areka yaJehovha, uku hwamanda dzichiridzwa. 14 Pazuva rechipiri, vakafora vachitenderera guta racho kamwe chete, vachibva vadzokera kumusasa. Ndizvo zvavakaita kwemazuva 6.+

15 Pazuva rechi7 vakamukira, utonga huchangotsvuka, vakafora vachitenderera guta sezvavakanga vamboita, asi apa vakatenderera ka7. Pazuva iroro ndipo chete pavakafora vachitenderera guta racho ka7.+ 16 Pavakatenderera kechi7 vapristi vakaridza hwamanda, uye Joshua akaudza vanhu kuti: “Shevedzerai,+ nekuti Jehovha akupai guta! 17 Guta racho nezvinhu zvese zviri mariri ngazviparadzwe zvachose;+ zvese ndezvaJehovha. Rakabhi+ chete, pfambi iya, ngaasiyiwe ari mupenyu, iye nevanhu vese vaainavo mumba, nekuti akahwandisa nhume dzatakatuma.+ 18 Asi tambirai kure nezvinhu zvinofanira kuparadzwa,+ kuti murege kuda chero chinhu chinofanira kuparadzwa, mochitora,+ moita kuti musasa waIsraeri uparadzwe, kuburikidza nekuuunzira dambudziko.+ 19 Asi sirivha yese negoridhe nezvinhu zvemhangura nesimbi, zvitsvene kuna Jehovha.+ Zvinofanira kuiswa munochengeterwa pfuma yaJehovha.”+

20 Hwamanda padzakaridzwa, vanhu vakabva vashevedzera.+ Vanhu pavakangonzwa kurira kwehwamanda vachibva vashevedzera zvinotyisa, rusvingo rwakabva rwaondomoka.+ Pashure peizvi vanhu vakapinda muguta, mumwe nemumwe nepaakanga akatarisana napo, vakatora guta racho. 21 Vakaparadza nebakatwa zvinhu zvese zvaiva muguta, varume nevakadzi, vakuru nevadiki, mombe, makwai, nemadhongi.+

22 Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vasora nyika yacho: “Pindai mumba mepfambi iya, mubudise mukadzi wacho nevanhu vese vaainavo, sezvamakamupikira.”+ 23 Saka vasori vaya vechidiki vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, naamai vake, nehanzvadzi dzake, nevanhu vese vaaiva navo; vakabudisa mhuri yacho yese,+ vakavaendesa kunzvimbo yaiva kunze kwemusasa waIsraeri pasina kana akuvadzwa.

24 Vakabva vapisa guta racho nemoto nezvinhu zvese zvaiva mariri. Asi sirivha, negoridhe, nezvinhu zvemhangura nesimbi, vakazviisa maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha.+ 25 Joshua akangosiya Rakabhi pfambi iya chete neimba yababa vake nevanhu vese vaaiva navo vari vapenyu;+ uye nanhasi Rakabhi achiri kugara muIsraeri,+ nekuti akahwandisa nhume dzakatumwa naJoshua kunosora Jeriko.+

26 Panguva iyoyo Joshua akaita mhiko* yekuti: “Munhu anoedza kuvaka guta iri reJeriko ngaatukwe pamberi paJehovha. Paanovaka faundesheni* yaro achafirwa nedangwe rake, uye paachaisa masuo aro achafirwa negotwe rake.”+

27 Saka Jehovha aiva naJoshua,+ uye mukurumbira waJoshua wakapararira munyika yese.+

7 Asi vaIsraeri vakaita zvisina kutendeka pazvinhu zvaifanira kuparadzwa, nekuti Akani+ mwanakomana waKami, mwanakomana waZabdhi, mwanakomana waZera, wedzinza raJudha, akatora zvimwe zvinhu zvaifanira kuparadzwa.+ Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo.+

2 Joshua akabva atuma varume kubva kuJeriko kuti vaende kuAi,+ iri pedyo neBheti-avheni, kumabvazuva kweBheteri,+ akati kwavari: “Endai munosora* nyika.” Saka varume vacho vakaenda, vakasora Ai. 3 Pavakadzokera kuna Joshua vakamuudza kuti: “Ngapasaenda hapo vanhu vese. Varume vanenge 2 000 kana kuti 3 000 vanokwanisa kukunda Ai. Usanetesa vanhu vese nekuita kuti vaende ikoko, nekuti kunongova nevanhu vashomanana.”

4 Saka varume vanenge 3 000 vakaenda ikoko, asi vakatiza varume veAi.+ 5 Varume veAi vakauraya varume 36, uye vakavatevera kubva kunze kwegedhi reguta kusvika kuShebharimu,* vakaramba vachivauraya pamateru. Saka vanhu vakanga vasisina ushingi.*

6 Joshua akabva abvarura nguo dzake, ndokuzvambarara akaisa chiso chake pasi, pamberi peAreka yaJehovha kusvikira manheru, iye nevakuru vaIsraeri, uye vakaramba vachiisa guruva mumisoro yavo. 7 Joshua akati: “Haiwa, Changamire Ishe Jehovha, makayambutsirei vanhu ava Jodhani, kuti muzongotiisa mumaoko evaAmori kuti tiparadzwe here? Kudai hedu takangogutsikana nekuramba tichigara mhiri* kwaJodhani! 8 Pamusoroi, haiwa Jehovha, zvino ndingatii Israeri zvaatiza vavengi vake? 9 VaKenani nevagari vese vemunyika pavachazvinzwa, vachatikomba vodzima zita redu panyika uyewo muchaitei nezita renyu guru?”+

10 Jehovha akapindura Joshua achiti: “Simuka! Wararireiko wakaisa chiso chako pasi? 11 VaIsraeri vatadza. Vaputsa sungano+ yangu yandakavarayira kuti vachengete. Vakatora chimwe chinhu chaiva pazvinhu zvaifanira kuparadzwa,+ vakachiba,+ vakachiviga pazvinhu zvavo.+ 12 Saka vaIsraeri havazokwanisi kumirisana nevavengi vavo. Vachatendeuka votiza vavengi vavo, nekuti vava kufanira kuparadzwa. Handizovi nemi zvakare kusvikira maparadza chinhu chaifanira kuparadzwa+ chiri pakati penyu. 13 Simuka utsvenese vanhu!+ Vaudze kuti, ‘Zvitsvenesei kuitira mangwana, nekuti Jehovha Mwari waIsraeri ari kuti: “Pakati penyu pane chinhu chinofanira kuparadzwa, haiwa imi vaIsraeri. Hamuzokwanisi kukunda vavengi venyu kusvikira mabvisa chinhu chinofanira kuparadzwa pakati penyu. 14 Munofanira kuuya mangwanani, dzinza nedzinza, uye dzinza richabatwa naJehovha+ richauya pamberi, mhuri nemhuri, uye mhuri ichabatwa naJehovha ichauya pamberi, imba neimba, uye imba ichabatwa naJehovha ichauya pamberi, murume mumwe nemumwe. 15 Anobatwa aine chinhu chinofanira kuparadzwa achapiswa nemoto,+ iye nezvinhu zvake zvese, nekuti aputsa sungano+ yaJehovha uye nekuti aita zvinonyadzisa muIsraeri.”’”

16 Saka mangwana acho Joshua akamukira mangwanani, akaita kuti vaIsraeri vauye pedyo, dzinza nedzinza, uye dzinza raJudha rakabatwa. 17 Akaita kuti mhuri dzaJudha dziuye pamberi, uye mhuri yekwaZera+ yakabatwa, achibva azoita kuti mhuri yekwaZera iuye pamberi, murume mumwe nemumwe, Zabdhi akabatwa. 18 Akazoita kuti imba yaZabdhi iuye pamberi, murume mumwe nemumwe, uye Akani mwanakomana waKami, mwanakomana waZabdhi, mwanakomana waZera, wedzinza raJudha, akabatwa.+ 19 Joshua akabva ati kuna Akani: “Ndapota, mwanakomana wangu, kudza Jehovha Mwari waIsraeri ureurure kwaari. Ndapota, ndiudze zvawakaita. Usandivanzira.”

20 Akani akapindura Joshua achiti: “Chokwadi ndini ndakatadzira Jehovha Mwari waIsraeri, uye izvi ndizvo zvandakaita. 21 Pandakaona nguo yakanaka yekuShinari+ yaiva pazvinhu zvataipamba, uye mashekeri* 200 esirivha nechigodo chimwe chete chegoridhe chinorema mashekeri 50, ndakazvida, ndikazvitora. Iye zvino zvakavigwa muvhu mutende rangu, uye mari iri pasi pazvo zvese.”

22 Joshua akabva angotuma nhume, dzikamhanyira kutende raAkani, dzikaona nguo yacho yakavigwa imomo, mari iri pasi payo. 23 Saka vakatora zvinhu zvacho mutende, vakaenda nazvo kuna Joshua nevaIsraeri vese, vakazviisa pamberi paJehovha. 24 Joshua nevaIsraeri vese vaaiva navo vakabva vatora Akani+ mwanakomana waZera, nesirivha yacho, nenguo yacho yakanaka, nechigodo chacho chegoridhe,+ nevanakomana vake, nevanasikana vake, nemombe dzake, nemadhongi ake, nemakwai ake, nembudzi dzake, netende rake, nezvinhu zvake zvese, vakaenda nazvo kuBani reAkori.+ 25 Joshua akabva ati: “Nei watiunzira dambudziko?* Jehovha achakuunzira dambudziko nhasi.”+ VaIsraeri vese vakabva vavatema nematombo,+ vachibva vavapisa nemoto.+ Saka vakavatema vese nematombo. 26 Vakatutira murwi wakakura wematombo pamusoro pake uye nanhasi uchiripo. Jehovha akabva adzora hasha dzake huru.+ Ndokusaka nanhasi nzvimbo iyoyo ichinzi Bani reAkori.*

8 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usatya kana kuvhunduka.+ Tora varume vese vehondo, muende kunorwisa Ai. Ona, ndaisa mambo weAi, nevanhu vake, neguta rake, nenyika yake, mumaoko ako.+ 2 Itira guta reAi namambo waro sezvawakaitira guta reJeriko namambo waro,+ asi munogona kupamba zvinhu zvemuguta iroro nezvipfuwo kuti zvive zvenyu. Ita kuti pave nevanhu vanohwandira guta kuseri kwaro.”

3 Saka Joshua nevarume vese vehondo vakaenda kunorwisa Ai. Joshua akasarudza varwi vane simba 30 000 akaita kuti vaende usiku. 4 Akavarayira achiti: “Onai, munofanira kuhwandira guta racho muri seri kwaro. Musanyanya kuenda kure neguta racho, uye mese zvenyu garai makagadzirira. 5 Ini nevanhu vese vandiinavo tichaenda kuguta racho, uye kana vakabuda kuti vatirwise sezvavakamboita,+ tichabva tavatiza. 6 Pavachabuda vachitidzingirira, tichaita kuti vaende kure neguta racho, nekuti vachati, ‘Vari kutitiza sezvavakamboita.’+ Uye isu tichavatiza. 7 Ibvai masimuka pamunenge makavahwandira, motora guta racho; Jehovha Mwari wenyu achariisa mumaoko enyu. 8 Pamunenge mangotora guta racho, ripisei nemoto.+ Munofanira kuita zvakataurwa naJehovha. Onai, ndakuudzai zvamunofanira kuita.”

9 Joshua akabva avati vaende, ivo ndokuenda kunzvimbo yavaifanira kunohwanda; vakaramba vari pakati peBheteri neAi, kumavirira kweAi, asi Joshua akarara kwaiva nevanhu usiku ihwohwo.

10 Pashure pekunge Joshua amuka mangwanani-ngwanani uye aunganidza uto, iye nevakuru vaIsraeri vakatungamirira uto racho kuenda kuAi. 11 Varume vese vehondo+ vaaiva navo vakaenda nechepamberi peguta racho. Vakadzika musasa kuchamhembe kweAi, pakati pavo neAi paine bani. 12 Munguva iyi, akanga atora varume vanenge 5 000 akaita kuti vahwandire+ pakati peBheteri+ neAi, kumavirira kweguta racho. 13 Saka vanhu vakadzika musasa mukuru kuchamhembe kweguta racho,+ kumavirira kuine vaya vakanga vakahwandira guta racho,+ uye Joshua akaenda pakati pebani usiku ihwohwo.

14 Mambo weAi paakangozviona, akabva akurumidza kuenda mangwanani-ngwanani nevarume veguta racho kuti vanorwisana nevaIsraeri pane imwe nzvimbo yakatarisana negwenga. Asi haana kuziva kuti paiva nevakanga vakamuhwandira kuseri kweguta racho. 15 Varume veAi pavakatanga kurwisa, Joshua nevaIsraeri vese vakatiza nenzira yainanga kurenje.+ 16 Vanhu vese vaiva muguta racho vakabva vanzi vavadzingirire; uye pavaidzingirira Joshua, vaitoenda kure neguta. 17 Pavarume vese vemuAi neBheteri hapana asina kuenda kunodzingirira vaIsraeri. Vakasiya guta rakashama, vakatevera vaIsraeri.

18 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Tambanudzira pfumo* riri muruoko rwako kuAi,+ nekuti ndichakupa guta racho.”+ Saka Joshua akatambanudzira pfumo raiva muruoko rwake kuguta racho. 19 Paakangotambanudza ruoko rwake, varume vakanga vakahwandira vakakurumidza kusimuka pavakanga vari, vakamhanyira muguta, vakaritora. Vakabva vangopisa guta racho nemoto.+

20 Varume veAi pavakacheuka, vakaona utsi hweguta racho huchipwititika mudenga, uye vakapera simba, vakashaya kwekutizira. Vanhu vaya vakanga vachitizira kurenje vakabva vatendeukira vanhu vaivatevera. 21 Joshua nevaIsraeri vese pavakaona kuti vaya vakanga vakahwandira vainge vatora guta, uye pavakaona utsi hweguta huchipwititika, vakatendeuka ndokurwisa varume veAi. 22 Vamwe vavo vakabva vabuda muguta kuti vanosangana navo, zvekuti varume veAi vakanga vavharirwa pakati, vamwe vaIsraeri vari kuno vamwe uko, uye vakavauraya zvekuti hapana akapona kana akatiza.+ 23 Asi vakabata mambo weAi+ ari mupenyu vakamuunza kuna Joshua.

24 VaIsraeri pavakapedza kuuraya vanhu vese vemuAi murenje mavakanga vavatevera, vavauraya vese nebakatwa, vaIsraeri vese vakabva vadzokera kuAi, vakaiparadza nebakatwa. 25 Vanhu vese vakaurayiwa zuva iroro kubvira kumurume kusvikira kumukadzi vakasvika 12 000, vanhu vese veAi. 26 Joshua haana kudzosa ruoko rwake rwaakanga atambanudza narwo pfumo+ kusvikira aparadza vagari vese vemuAi.+ 27 Zvisinei, vaIsraeri vakatora zvipfuwo nezvinhu zvemuguta iroro kuti zvive zvavo, sezvakanga zvataurwa naJehovha kuna Joshua.+

28 Joshua akabva apisa guta reAi, akariita dongo nekusingagumi,+ sezvarichiri nanhasi. 29 Akaturika mambo weAi padanda* kusvikira manheru, uye zuva parakanga rava kudoka Joshua akarayira kuti vaburutse chitunha chake padanda.+ Vakabva vachikanda pagedhi reguta racho, vakatutira murwi wematombo pamusoro pake, uyo uchiripo nanhasi.

30 Panguva iyoyo Joshua ndipo paakavakira Jehovha Mwari waIsraeri atari, paGomo reEbhari,+ 31 sezvakanga zvarayirwa vaIsraeri naMozisi muranda waJehovha, uye sekunyorwa kwazvakaitwa mubhuku reMutemo+ waMozisi kuti: “Atari yematombo asina kuvezwa, asina kumboshandisirwa mudziyo wesimbi.”+ Vakapa Jehovha zvibayiro zvinopiswa pairi nezvibayiro zverugare.+

32 Akabva anyora pamatombo ipapo Mutemo+ wakanga wanyorwa naMozisi pamberi pevaIsraeri.+ 33 VaIsraeri vese, nevakuru vavo, nevatungamiriri, nevatongi vavo vakanga vakamira kumativi maviri eAreka pamberi pevapristi vedzinza raRevhi, avo vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha. Paiva nevatorwa nevaIsraeri.+ Hafu yavo yakamira pamberi peGomo reGerizimu, uye imwe hafu yakamira pamberi peGomo reEbhari+ (sezvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha),+ kuti vaIsraeri vakomborerwe. 34 Pashure peizvi akaverenga mashoko ese eMutemo zvinonzwika,+ makomborero+ nekutukwa,+ maererano nezvese zvakanyorwa mubhuku reMutemo. 35 Hapana shoko pane ese akanga arayirwa naMozisi risina kuverengwa zvinonzwika naJoshua pamberi peungano yese yaIsraeri,+ kusanganisira vakadzi nevana nevatorwa+ vaigara* pakati pavo.+

9 Madzimambo ese aiva kumavirira kwaJodhani+ paakanzwa zvakanga zvaitika, aya aiva munyika ine makomo, muShefera, nemumhenderekedzo mese meGungwa Guru,*+ uye pakatarisana neRebhanoni, kureva vaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi nevaJebhusi,+ 2 akabva abatana kuti arwise Joshua nevaIsraeri.+

3 Vagari vemuGibhiyoni+ vakanzwawo zvakanga zvaitwa naJoshua kuJeriko+ neAi.+ 4 Saka vakashandisa njere, vakaisa mbuva mumasaga akasakara pamadhongi avo, nezvihomwe zvematehwe zvekuisira waini zvakasakara, zvainge zvabvaruka zvikasonwa; 5 uyewo vakanga vakapfeka shangu dzakasakara dzine zvigamba nenguo dzakasakara. Chingwa chese chavaiva nacho chakanga chaoma, chava kuita mafufu. 6 Vakabva vaenda kuna Joshua kumusasa kuGirigari+ vakati kwaari nekuvarume veIsraeri: “Tabva kunyika iri kure. Tinokumbirawo kuti muite sungano nesu.” 7 Asi varume veIsraeri vakati kuvaHivhi+ vacho: “Pamwe muri kugara pedyo nesu. Saka tingaita sei sungano nemi?”+ 8 Ivo vakapindura Joshua vachiti: “Tiri varanda* venyu.”

Joshua akabva ati kwavari: “Muri vanaani, uye munobva kupi?” 9 Ivo vakati kwaari: “Varanda venyu vabva kunyika iri kure kwazvo+ nekuda kwezita raJehovha Mwari wenyu, nekuti takanzwa nezvemukurumbira wake nezvese zvaakaita muIjipiti+ 10 nezvese zvaakaita kumadzimambo maviri evaAmori aiva mhiri* kwaJodhani, anoti Mambo Sihoni+ weHeshbhoni naMambo Ogi+ weBhashani, aiva muguta reAshtaroti. 11 Saka vakuru vedu nevagari vese vemunyika yedu vakati kwatiri, ‘Takurai mbuva yerwendo muende kunosangana navo. Muti kwavari: “Tichava varanda venyu;+ zvino itai sungano nesu.”’+ 12 Chingwa ichi chatakatakura kuti tifambe tichidya chaipisa pazuva ratakabuda mudzimba dzedu kuti tiuye kuno kwamuri. Iye zvino chionai chaoma uye chava kuita mafufu.+ 13 Uye homwe idzi dzewaini dzaiva itsva patakadzizadza, asi iye zvino dzabvaruka.+ Uye nguo dzedu neshangu zvasakara nekurebesa kwerwendo rwacho.”

14 Varume vacho vakabva vatora* imwe mbuva yavo, asi havana kubvunza Jehovha.+ 15 Saka Joshua akaita rugare navo,+ akaita sungano navo kuti vavasiye vari vapenyu, uye ndizvo zvavakapikirwa nemachinda eungano.+

16 Papera mazuva matatu, pashure pekunge vaita sungano navo, vakanzwa kuti vaigara pedyo navo, munharaunda yavo. 17 VaIsraeri vakabva vasimuka, vakasvika kumaguta avo pazuva rechitatu; maguta avo aiva Gibhiyoni,+ Kefira, Bheeroti, neKiriyati-jearimu.+ 18 Asi vaIsraeri havana kuvarwisa, nekuti machinda eungano akanga apika kwavari naJehovha+ Mwari waIsraeri. Saka ungano yese yakatanga kugunun’unira machinda acho. 19 Machinda acho ese akabva ati kuungano yese: “Sezvo takapika kwavari naJehovha Mwari waIsraeri, hatibvumirwi kuvaitira zvakaipa. 20 Izvi ndizvo zvatichaita: Tichavasiya vari vapenyu, kuti tirege kutsamwirwa nekuda kwemhiko yatakavapikira.”+ 21 Machinda acho akaenderera mberi achiti: “Vasiyei vari vapenyu, asi ngavaitire ungano yese basa rekutsvaga huni nekuchera mvura.” Izvi ndizvo zvavakavimbiswa nemachinda.

22 Joshua akabva avashevedza akati kwavari: “Makatinyengedzerei muchiti, ‘Tinobva kunzvimbo iri kure kwazvo nemi,’ asi imi muchigara pakati pedu chaipo?+ 23 Kubva iye zvino matukwa,+ uye muchagara muri varanda, muchiita basa rekutsvaga huni nekuchera mvura zveimba yaMwari wangu.” 24 Vakapindura Joshua vachiti: “Nekuti varanda venyu vakaudzwa pachena kuti Jehovha Mwari wenyu akarayira muranda wake Mozisi kuti akupei nyika yese uye kuti aparadze vagari vese vemunyika yacho pamberi penyu.+ Saka takatya kuti mungatiuraya.*+ Ndizvo zvakaita kuti tidaro.+ 25 Iye zvino tava mumaoko enyu. Tiitirei zvamunofunga kuti zvakanaka uye zvakarurama.” 26 Izvozvo ndizvo zvaakavaitira; akavanunura kubva mumaoko evaIsraeri, uye havana kuvauraya. 27 Asi pazuva iroro Joshua akavapa basa rekutsvaga huni nekuchera mvura, vachiitira ungano+ neatari yaJehovha panzvimbo yaizosarudzwa naMwari,+ uye ndizvo zvavachiri kuita nanhasi.+

10 Adhoni-zedheki mambo weJerusarema paakangonzwa kuti Joshua akanga atora guta reAi akariparadza, kuti akanga aitira Ai namambo waro+ sezvaakanga aitira Jeriko namambo waro,+ uye kuti vagari vemuGibhiyoni vakanga vaita rugare nevaIsraeri+ vakaramba vari pakati pavo, 2 akatya kwazvo,+ nekuti Gibhiyoni rakanga riri guta guru, kungofanana nemamwe maguta akakura aitongwa nemadzimambo. Rakanga rakakura kupfuura Ai,+ uye varume varo vese vaiva varwi vakashinga. 3 Saka Adhoni-zedheki mambo weJerusarema akatumira shoko kuna Hohamu mambo weHebroni,+ Piramu mambo weJamuti, Jafiya mambo weRakishi, uye kuna Dhebhiri mambo weEgroni,+ achiti: 4 “Uyai mundibatsire; ngatirwisei guta reGibhiyoni, nekuti raita rugare naJoshua nevaIsraeri.”+ 5 Madzimambo mashanu evaAmori,+ anoti mambo weJerusarema, mambo weHebroni, mambo weJamuti, mambo weRakishi, namambo weEgroni, akabva aungana nemauto awo, uye akaenda akanodzika musasa pakatarisana neGibhiyoni kuti arirwise.

6 Varume vemuGibhiyoni vakabva vatumira shoko kuna Joshua kumusasa kuGirigari,+ vachiti: “Musaregerera varanda venyu.+ Kurumidzai kuuya! Tibatsirei mutinunure! Madzimambo ese evaAmori emunyika ine makomo aungana kuti atirwise.” 7 Saka Joshua akabva kuGirigari akaenda nevarume vese vehondo nevarwi vakashinga.+

8 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usavatya,+ nekuti ndavaisa mumaoko ako.+ Hapana kana mumwe chete wavo achamirisana newe.”+ 9 Joshua akavarwisa vakavarairwa pashure pekunge afamba usiku hwese kubva kuGirigari. 10 Jehovha akavavhiringidza pamberi pevaIsraeri,+ uye vaIsraeri vakauraya vanhu vakawanda kwazvo kuGibhiyoni, vakavatevera nenzira yekumukwidza weBheti-horoni, vachivauraya kusvikira kuAzeka nekuMakedha. 11 Pavakanga vachitiza vaIsraeri uye vava pamateru eBheti-horoni, Jehovha akanayisa pavari chimvuramabwe chikuru chichibva kudenga, chikanaya kusvikira kuAzeka, chikavauraya. Vaya vakafa nechimvuramabwe vakanga vakatowanda kupfuura vakaurayiwa nebakatwa nevaIsraeri.

12 Pazuva iroro rakakundwa vaAmori naJehovha pamberi pevaIsraeri, Joshua ndipo paakataura naJehovha ari pamberi pevaIsraeri achiti:

“Zuva, mira+ paGibhiyoni,+

Uye mwedzi, paBani reAijaroni!”

13 Saka zuva rakaramba rakamira, uye mwedzi hauna kufamba kusvikira rudzi rwacho rwatsiva vavengi varwo. Hazvina kunyorwa mubhuku raJashari+ here? Zuva rakaramba rakamira pakati pedenga, rikanonoka kunyura kwenguva ingaita zuva rese. 14 Zuva iri risati rasvika hakuna kumbova nerimwe rakafanana naro uye hapana kuzombova nerimwe rakadaro rakateererwa inzwi remunhu naJehovha,+ nekuti Jehovha akanga achirwira vaIsraeri.+

15 Joshua nevaIsraeri vese vakazodzokera kumusasa kuGirigari.+

16 Munguva iyi, madzimambo mashanu aya akatiza, akahwanda mubako kuMakedha.+ 17 Joshua akabva audzwa kuti: “Madzimambo aya mashanu awanikwa akahwanda mubako kuMakedha.”+ 18 Saka Joshua akati: “Kungurutsirai matombo makuru pamuromo webako racho muise varume ipapo kuti vavarinde. 19 Asi vamwe vese musamira. Dzingirirai vavengi venyu, muchivauraya.+ Musavarega vachipinda mumaguta avo, nekuti Jehovha Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu.”

20 Pashure pekunge Joshua nevaIsraeri vauraya vanhu vakawanda chaizvo zvekuda kuvapedza vese, kunze kwevamwe vakatiza vachipinda mumaguta akakomberedzwa nemasvingo, 21 vanhu vese vakadzokera kwaiva naJoshua kumusasa kuMakedha pasina akuvara. Hapana kana murume akamboti bufu* kuvaIsraeri. 22 Joshua akabva ati: “Vhurai muromo webako, mubudise madzimambo acho mashanu mubako muuye nawo kwandiri.” 23 Saka vakabudisa madzimambo acho mashanu mubako vakaenda nawo kwaaiva. Madzimambo acho ndeaya: mambo weJerusarema, mambo weHebroni, mambo weJamuti, mambo weRakishi, uye mambo weEgroni.+ 24 Pavakauya nemadzimambo acho kuna Joshua, akashevedza varume vese veIsraeri akati kuvatungamiriri vevarume vehondo vaakanga aenda navo: “Uyai kuno. Tsikai mitsipa yemadzimambo aya nechekugotsi.” Saka vakauya vakatsika mitsipa yawo.+ 25 Joshua akabva ati kwavari: “Musatya kana kuvhunduka.+ Shingai, musimbe, nekuti izvi ndizvo zvichaitwa naJehovha kuvavengi venyu vese vamuri kurwa navo.”+

26 Joshua akabva avauraya, akavaturika pamatanda mashanu,* uye vakaramba vakarembera pamatanda acho kusvikira manheru. 27 Zuva rava kunyura, Joshua akarayira kuti vavaburutse pamatanda+ acho, uye kuti vavakande mubako ravakanga vambohwanda. Vakabva vaisa matombo makuru pamuromo webako racho uye achiripo nanhasi.

28 Joshua akatora Makedha+ zuva iroro, akaiparadza nebakatwa. Akaparadza mambo wayo uye munhu wese aiva mairi,* hapana waakasiya ari mupenyu.+ Akaitira mambo weMakedha+ sezvaakanga aitira mambo weJeriko.

29 Joshua nevaIsraeri vese vakabva kuMakedha vakaenda kuRibna,+ vakairwisa. 30 Jehovha akaisawo Ribna namambo wayo+ mumaoko evaIsraeri, vakaiparadza nebakatwa pamwe chete nemunhu wese aiva mairi,* hapana kana mumwe chete akapona. Saka vakaitira mambo wayo sezvavakanga vaitira mambo weJeriko.+

31 Achibva kuRibna, Joshua nevaIsraeri vese vakaenda kuRakishi+ vakadzika musasa ikoko, vakairwisa. 32 Jehovha akaisa Rakishi mumaoko evaIsraeri, uye vakaitora pazuva rechipiri. Vakaiparadza nebakatwa pamwe chete nemunhu wese aiva mairi,*+ sezvavakanga vaita Ribna.

33 Horamu mambo weGezeri+ akabva aenda kunobatsira Rakishi, asi Joshua akamuuraya uye akaurayawo vanhu vake zvekuti hapana kana akapona.

34 Joshua nevaIsraeri vese vakabva kuRakishi vakaenda kuEgroni,+ vakadzika musasa ikoko, vakairwisa. 35 Vakaitora zuva iroro, vakaiparadza nebakatwa. Vakaparadza munhu wese aiva mairi* zuva iroro, sezvavakanga vaita Rakishi.+

36 Joshua nevaIsraeri vese vakabva kuEgroni vakaenda kuHebroni,+ vakairwisa. 37 Vakaitora, vakaiparadza nebakatwa, vakaparadzawo mambo wayo, maguta ayo, uye munhu wese aiva mairi,* hapana kana akapona. Akaiparadza pamwe nemunhu wese aiva mairi,* sezvaakanga aita Egroni.

38 Joshua nevaIsraeri vese vakazonanga kuDhebhiri,+ vakairwisa. 39 Akaitora iyo namambo wayo nemaguta ayo ese, akazviparadza nebakatwa, akaparadza munhu wese aiva mairi*+ uye hapana kana akapona.+ Akaitira Dhebhiri namambo wayo sezvaakanga aitira Hebroni neRibna namambo wayo.

40 Joshua akakunda nyika yese ine makomo, Negebhu, Shefera,+ nenzvimbo dzine materu, nemadzimambo adzo ese, hapana kana akapona; akaparadza chinhu chese chipenyu,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha Mwari waIsraeri.+ 41 Joshua akavakunda kubvira kuKadheshi-bhaneya+ kusvikira kuGaza+ nenyika yese yeGosheni+ kusvikira kuGibhiyoni.+ 42 Joshua akakunda madzimambo aya ese nenyika dzawo panguva imwe chete, nekuti Jehovha Mwari waIsraeri ndiye akanga achirwira vaIsraeri.+ 43 Joshua akabva adzokera nevaIsraeri vese vaaiva navo kumusasa kuGirigari.+

11 Jabhini mambo weHazori paakangozvinzwa, akatumira shoko kuna Jobhabhu mambo weMadhoni,+ nekuna mambo weShimroni, namambo weAkshafu,+ 2 madzimambo aiva kuchamhembe munyika ine makomo, aya aiva mumapani* kumaodzanyemba kweKinereti, neaya aiva muShefera neaiva munzvimbo dzine materu dzeDhori+ kumavirira, 3 vaKenani+ vaiva kumabvazuva nekumavirira, vaAmori,+ vaHiti, vaPerizi, vaJebhusi vaiva munyika ine makomo, nevaHivhi+ vaiva mujinga meHemoni+ munyika yeMizpa. 4 Vakabva vabuda nemauto avo ese, vanhu vakawanda kwazvo sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa, nemabhiza akawanda kwazvo nengoro dzehondo. 5 Madzimambo ese aya akarangana kuti asangane, uye akauya, akadzika musasa pamwe chete pamvura yeMeromu kuti arwise vaIsraeri.

6 Jehovha akabva ati kuna Joshua: “Usavatya,+ nekuti mangwana panguva yakaita seino ndichaita kuti vese vaurayiwe nevaIsraeri. Unofanira kutema marunda* emakumbo emabhiza avo,+ uye unofanira kupisa ngoro dzavo nemoto.” 7 Joshua nevarume vese vehondo vakabva vavarwisa vakavarairwa pedyo nemvura yeMeromu. 8 Jehovha akavaisa mumaoko evaIsraeri,+ vakavakunda, vakavatevera kusvika kuSidhoni guta guru,+ neMisrefoti-maimu+ neBani reMizpe kumabvazuva, uye vakavauraya zvekuti hapana kana akapona.+ 9 Joshua akabva avaitira sezvaakanga audzwa naJehovha; akadimbura marunda emakumbo emabhiza avo uye akapisa ngoro dzavo nemoto.+

10 Uyewo Joshua akadzoka akatora Hazori uye akauraya mambo wayo nebakatwa,+ nekuti Hazori ndiyo yaimbova guta guru paumambo hwese uhwu. 11 Vakauraya vanhu vese vaiva mairi* nebakatwa, vakavaparadza.+ Hapana chinhu chipenyu chakasara.+ Joshua akabva apisa Hazori nemoto. 12 Akatora maguta ese emadzimambo aya uye akakunda madzimambo acho ese nebakatwa.+ Akaaparadza+ sezvakanga zvarayirwa naMozisi, muranda waJehovha. 13 Asi vaIsraeri havana kupisa chero rimwe remaguta akanga ari pazvikomo kunze kweHazori; ndiro rega rakapiswa naJoshua. 14 VaIsraeri vakapamba zvinhu zvese zvemaguta aya nezvipfuwo kuti zvive zvavo.+ Asi vakauraya vanhu vese nebakatwa kusvikira vavaparadza vese.+ Hapana kana chero wavakasiya ari mupenyu.+ 15 Sekurayira kwakanga kwaita Jehovha muranda wake Mozisi, Mozisi akarayirawo Joshua,+ Joshua akaita saizvozvo. Hapana chaasina kuita pane zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+

16 Joshua akakunda nyika yese iyi, nyika ine makomo, Negebhu yese,+ nyika yese yeGosheni, Shefera,+ Arabha,+ nenharaunda ine makomo yeIsraeri nenzvimbo yayo yakadzikira,* 17 kubvira kuGomo reHaraki, rinokwira richienda kuSeiri, kusvika kuBhaari-gadhi+ iri muBani reRebhanoni mujinga meGomo reHemoni,+ uye akatapa madzimambo avo ese, akaakunda, ndokuauraya. 18 Joshua akarwa nemadzimambo ese aya kwenguva yakati rebei. 19 Hapana guta rakaita rugare nevaIsraeri kunze kwevaHivhi vaigara muGibhiyoni.+ Mamwe maguta ese vakaarwisa vakaakunda.+ 20 Jehovha ndiye akavarega vachiomesa mwoyo+ zvekuti vakarwa nevaIsraeri, kuti avaparadze asingavanzwire tsitsi.+ Vaifanira kuparadzwa sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+

21 Panguva iyoyo Joshua akaparadza vaAnaki+ vese vaiva munyika ine makomo, muHebroni, Dhebhiri, Anabhu uye munyika yese ine makomo yaJudha uye munharaunda yese ine makomo yeIsraeri. Joshua akavaparadza pamwe nemaguta avo.+ 22 Hapana vaAnaki vakasara munyika yevaIsraeri; vakangosara+ muGaza,+ muGati,+ nemuAshdhodhi+ chete. 23 Saka Joshua akatora nyika yacho yese, sezvakanga zvavimbiswa Mozisi naJehovha,+ uye akabva aipa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo maererano nemigove yavo yaifanira kugovaniswa pakati pemadzinza avo.+ Uye nyika yakazorora pahondo.+

12 Aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa nevaIsraeri, ane nyika yavakatora kumabvazuva kwaJodhani, kubvira kuBani reAnoni*+ kusvikira kuGomo reHemoni+ neArabha yese nechekumabvazuva:+ 2 Sihoni+ mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni, achitonga kubvira kuAroeri,+ yaiva kumucheto kweBani reAnoni,*+ uye kubvira pakati pebani, nehafu yeGiriyedhi kusvikira kuBani reJabhoki,* muganhu wevaAmoni. 3 Aitongawo Arabha kusvikira kuGungwa reKinereti*+ nechekumabvazuva uye kusvikira kuGungwa reArabha, Gungwa reMunyu,* kumabvazuva zvichienda kuBheti-jeshimoti, uye nechekumaodzanyemba muzasi menzvimbo dzine materu dzePisga.+

4 Uyewo nharaunda yaOgi+ mambo weBhashani, uyo aiva mumwe wevekupedzisira pavaRefaimu,+ uye aigara muAshtaroti neEdrei, 5 achitonga muGomo reHemoni, muSareka, nemuBhashani+ yese, kusvikira kumuganhu wevaGeshuri nevaMaakati,+ nehafu yeGiriyedhi, kusvikira kunharaunda yaSihoni mambo weHeshbhoni.+

6 Mozisi muranda waJehovha pamwe chete nevaIsraeri vakakunda madzimambo aya,+ Mozisi muranda waJehovha achibva azopa nyika yavo kuvaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase+ kuti ive yavo.

7 Aya ndiwo madzimambo enyika yacho akakundwa naJoshua nevaIsraeri kumavirira kwaJodhani, kubvira kuBhaari-gadhi+ iri muBani reRebhanoni+ kusvikira kuGomo reHaraki,+ rinokwira richienda kuSeiri,+ Joshua achibva azopa nyika yavo kumadzinza aIsraeri kuti ive yawo maererano nemigove yawo,+ 8 munyika ine makomo, muShefera, muArabha, munzvimbo dzine materu, murenje, nemuNegebhu,+ kureva nyika yevaHiti, vaAmori,+ vaKenani, vaPerizi, vaHivhi, nevaJebhusi:+

 9 Mambo weJeriko,+ mumwe chete; mambo weAi,+ yaiva pedyo neBheteri, mumwe chete;

10 mambo weJerusarema, mumwe chete; mambo weHebroni,+ mumwe chete;

11 mambo weJamuti, mumwe chete; mambo weRakishi, mumwe chete;

12 mambo weEgroni, mumwe chete; mambo weGezeri,+ mumwe chete;

13 mambo weDhebhiri,+ mumwe chete; mambo weGedheri, mumwe chete;

14 mambo weHoma, mumwe chete; mambo weAradhi, mumwe chete;

15 mambo weRibna,+ mumwe chete; mambo weAdhuramu, mumwe chete;

16 mambo weMakedha,+ mumwe chete; mambo weBheteri,+ mumwe chete;

17 mambo weTapua, mumwe chete; mambo weHeferi, mumwe chete;

18 mambo weAfeki, mumwe chete; mambo weRasharoni, mumwe chete;

19 mambo weMadhoni, mumwe chete; mambo weHazori,+ mumwe chete;

20 mambo weShimroni-meroni, mumwe chete; mambo weAkshafu, mumwe chete;

21 mambo weTaanaki, mumwe chete; mambo weMegidho, mumwe chete;

22 mambo weKedheshi, mumwe chete; mambo weJokneyamu+ iri muKameri, mumwe chete;

23 mambo weDhori munzvimbo dzine materu dzeDhori,+ mumwe chete; mambo weGoimu iri muGirigari, mumwe chete;

24 mambo weTiza, mumwe chete; madzimambo acho ese aiva 31.

13 Joshua akanga akwegura, ava nemakore mazhinji.+ Saka Jehovha akati kwaari: “Iwe wakwegura uye wava nemakore mazhinji; asi pachiine nyika yakakura chaizvo inofanira kutorwa.* 2 Iyi ndiyo nyika yasara:+ nzvimbo dzese dzevaFiristiya nedzevaGeshuri vese+ 3 (kubva kuna Shihori* kumabvazuva kweIjipiti* zvichikwira kusvikira kumuganhu weEkroni kuchamhembe, yaimbonzi ndeyevaKenani)+ kusanganisira iya yemadzishe mashanu evaFiristiya+ kureva vaGaza, vaAshdhodhi,+ vaAshkeroni,+ vaGati+ nevaEkroni;+ nyika yevaAvhimu+ 4 kumaodzanyemba; nyika yese yevaKenani; Meyara yevaSidhoni,+ kusvika kuAfeki, kumuganhu wevaAmori; 5 nyika yevaGebhari+ neRebhanoni yese nechekumabvazuva, kubvira kuBhaari-gadhi iri mujinga meGomo reHemoni kusvika kuRebhohamati;*+ 6 vagari vese vemunharaunda ine makomo kubva kuRebhanoni+ kusvika kuMisrefoti-maimu;+ nevaSidhoni+ vese. Ndichavadzinga* pamberi pevaIsraeri.+ Chaunofanira kungoita kuipa vaIsraeri kuti ive nhaka yavo, sezvandakakurayira.+ 7 Iye zvino unofanira kugova nyika iyi kuti ive nhaka yemadzinza 9 uye hafu yedzinza raManase.”+

8 Imwe hafu yedzinza racho, pamwe chete nevaRubheni nevaGadhi vakatora nhaka yavo yavakapiwa naMozisi kumabvazuva kwaJodhani, sekupiwa kwavakanga vaitwa naMozisi muranda waJehovha:+ 9 kubva kuAroeri,+ iri pamucheto peBani reAnoni,*+ neguta riri pakati pebani racho, nenzvimbo yese yakakwirira uye yakati sandara yeMedhebha kusvika kuDhibhoni; 10 nemaguta ese aSihoni mambo wevaAmori, aitonga muHeshbhoni, kusvika kumuganhu wevaAmoni;+ 11 uyewo Giriyedhi nenharaunda yevaGeshuri nevaMaakati+ negomo rese reHemoni neBhashani+ yese kusvika kuSareka;+ 12 umambo hwese hwaOgi aiva muBhashani, uyo aitonga muAshtaroti nemuEdrei. (Aiva mumwe wevekupedzisira pavaRefaimu.)+ Mozisi akavakunda ndokuvadzinga.*+ 13 Asi vaIsraeri havana kudzinga+ vaGeshuri nevaMaakati, nekuti vaGeshuri nevaMaakati vachiri kugara pakati paIsraeri nanhasi.

14 Dzinza revaRevhi chete ndiro raasina kupa nhaka.+ Mipiro inopiswa nemoto kuna Jehovha Mwari waIsraeri ndiyo nhaka yavo,+ sezvaakavavimbisa.+

15 Mozisi akabva apa dzinza revaRubheni nhaka maererano nemhuri dzavo, 16 uye nharaunda yavo yaibva kuAroeri, iri pamucheto peBani reAnoni,* neguta riri pakati pebani racho, nenzvimbo yese yakakwirira uye yakati sandara iri pedyo neMedhebha; 17 Heshbhoni nemaguta ayo madiki ese+ ari panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara, Dhibhoni, Bhamoti-bhaari, Bheti-bhaari-meyoni,+ 18 Jahazi,+ Kedhemoti,+ Mefaati,+ 19 Kiriyataimu, Sibma+ neZereti-shahari iri pagomo riri mubani, 20 Bheti-peori, nzvimbo dzine materu dzePisga,+ Bheti-jeshimoti,+ 21 maguta ese ari panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara, neumambo hwese hwaSihoni mambo wevaAmori, aitonga muHeshbhoni.+ Mozisi akakunda mambo wacho+ uyewo machinda eMidhiyani aiti Evhi, Rekemu, Zuri, Heri, naRebha,+ avo vaiva madzimambo aigara munyika yacho ari pasi paSihoni. 22 Bharami+ mwanakomana waBheori, uyo aifembera,+ aivawo pakati pevakaurayiwa nebakatwa nevaIsraeri. 23 Muganhu wevaRubheni waiva Rwizi rwaJodhani; uye nharaunda iyi ndiyo yaiva nhaka yevaRubheni maererano nemhuri dzavo, nemaguta acho nemisha yawo.

24 Mozisi akapawo dzinza raGadhi nhaka, maererano nemhuri dzavo, 25 uye nharaunda yavo yaisanganisira Jazeri+ nemaguta ese eGiriyedhi nehafu yenyika yevaAmoni+ kusvika kuAroeri, yakatarisana neRabha;+ 26 uye kubva kuHeshbhoni+ kusvika kuRamati-mizpe neBhetonimu, uye kubva kuMahanaimu+ kusvika kumuganhu weDhebhiri; 27 uye mubani, Bheti-haramu,+ Bheti-nimra, Sukoti,+ neZafoni, ihwo umambo hwese hwakanga hwasara hwaSihoni mambo weHeshbhoni,+ muganhu wacho uri Rwizi rwaJodhani kubva nechezasi kunoperera Gungwa reKinereti*+ riri kumabvazuva kwaJodhani. 28 Iyi ndiyo yaiva nhaka yevaGadhi maererano nemhuri dzavo, nemaguta acho nemisha yawo.

29 Mozisi akapawo hafu yedzinza raManase nhaka maererano nemhuri dzavo.+ 30 Nharaunda yavo yaibva kuMahanaimu,+ ichibatanidza Bhashani yese, umambo hwese hwaOgi mambo weBhashani, nemisha yese yematende yaJairi+ iri muBhashani, maguta 60. 31 Hafu yeGiriyedhi, uye Ashtaroti neEdrei,+ maguta eumambo hwaOgi ari muBhashani, akapiwa vanakomana vaMakiri+ mwanakomana waManase, kuti ave ehafu yevanakomana vaMakiri maererano nemhuri dzavo.

32 Idzi ndidzo nhaka dzavakapiwa naMozisi pavaiva murenje riri pedyo neMoabhi mhiri kwaJodhani, kumabvazuva kweJeriko.+

33 Asi Mozisi haana kupa dzinza revaRevhi nhaka.+ Jehovha Mwari waIsraeri ndiye nhaka yavo, sezvaakavavimbisa.+

14 Iyi ndiyo nhaka yakatorwa nevaIsraeri munyika yeKenani, yavakapiwa nemupristi Eriyezari naJoshua mwanakomana waNuni nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri kuti ive nhaka yavo.+ 2 Nhaka yavo yakagovewa pachishandiswa mujenya,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi kuti ipiwe kumadzinza 9 nehafu.+ 3 Mozisi akanga apa nhaka mamwe madzinza maviri nehafu mhiri* kwaJodhani,+ asi haana kupa vaRevhi nhaka pakati pemamwe madzinza.+ 4 Vanhu vekwaJosefa vaiverengwa semadzinza maviri,+ raManase neraEfremu;+ uye vaRevhi havana kupiwa mugove munyika yacho, kunze kwemaguta+ ekuti vagare nemafuro awo kuitira zvipfuwo zvavo nepfuma yavo.+ 5 Saka vaIsraeri vakagova nyika yacho sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

6 Varume vekwaJudha vakabva vaenda kuna Joshua kuGirigari,+ uye Karebhi+ mwanakomana waJefune muKenizi akati kwaari: “Unonyatsoziva zvakataurwa naJehovha+ kuna Mozisi munhu waMwari wechokwadi+ pamusoro pangu newe kuKadheshi-bhaneya.+ 7 Ndaiva nemakore 40 pandakatumwa naMozisi muranda waJehovha kubva kuKadheshi-bhaneya kuti ndinosora nyika,+ ndikadzoka ndichitaura zvinhu sezvazvaiva chaizvo.+ 8 Kunyange zvazvo hama dzangu dzandakaenda nadzo dzakaita kuti vanhu vatye,* ini ndakatevera Jehovha Mwari nemwoyo wangu wese.*+ 9 Mozisi akapika musi uya achiti: ‘Nyika yawakafamba netsoka dzako ichava nhaka yako neyevanakomana vako kwenguva refu, nekuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nemwoyo wako wese.’+ 10 Sezvaakavimbisa,+ Jehovha andichengeta ndiri mupenyu+ kwemakore 45 aya, kubvira Jehovha paakataura mashoko aya achivimbisa Mozisi, Israeri paaifamba murenje;+ ndichiripo nanhasi, uye ndava nemakore 85. 11 Ndichakasimba sezvandakanga ndakaita zuva randakatumwa naMozisi. Ndichiri nesimba serandaiva naro panguva iyoyo, rekuti ndirwe hondo nekuita zvimwe zvinhu. 12 Saka ndipe nzvimbo iyi ine makomo yakavimbiswa naJehovha zuva riya. Kunyange zvazvo wakanzwa zuva iroro kuti munzvimbo yacho maiva nevaAnaki+ vane maguta makuru akakomberedzwa nemasvingo,+ ndine chokwadi chekuti Jehovha achava neni,+ uye ndichavadzinga,* sezvakavimbiswa naJehovha.”+

13 Saka Joshua akakomborera Karebhi mwanakomana waJefune, akamupa Hebroni kuti ive nhaka yake.+ 14 Ndokusaka Hebroni iri nhaka yaKarebhi mwanakomana waJefune muKenizi kusvikira nhasi, nekuti akatevera Jehovha Mwari waIsraeri nemwoyo wese.+ 15 Hebroni yaimbonzi Kiriyati-abha+ (Abha aiva munhu mukuru pakati pevaAnaki). Uye nyika yakazorora pahondo.+

15 Nyika yakapiwa+ dzinza raJudha* kuti ive yemhuri dzavo yaisvika kumuganhu weEdhomu,+ renje reZini, uye kunoperera Negebhu, kumaodzanyemba kwayo. 2 Muganhu wavo wekumaodzanyemba waitangira panogumira Gungwa reMunyu,*+ kumhenderekedzo yaro yekumaodzanyemba. 3 Waibva waenda kumaodzanyemba kumukwidza weAkrabhimu,+ wopfuurira kusvika kuZini, wobva wakwidza kubva kumaodzanyemba uchienda kuKadheshi-bhaneya,+ wopfuurira uchienda kuHezroni, kusvika kuAdhari, wobva wapota uchienda kuKaka. 4 Waipfuurira kuenda kuAzmoni,+ woenda kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muganhu wacho waiperera kuGungwa.* Uyu ndiwo waiva muganhu wavo wekumaodzanyemba.

5 Muganhu wekumabvazuva waiva Gungwa reMunyu* kusvikira panodira Rwizi rwaJodhani mugungwa racho, uye muganhu wekudivi rekuchamhembe waitangira kumhenderekedzo yegungwa racho, panodira Rwizi rwaJodhani+ mugungwa. 6 Muganhu wacho waibva waenda kuBheti-hogra+ wopfuura nekuchamhembe kweBheti-arabha,+ kusvika kudombo raBhohani+ mwanakomana waRubheni. 7 Muganhu wacho waipfuurira kuDhebhiri muBani reAkori,+ wonanga kuchamhembe kuGirigari,+ iri pakatarisana nemukwidza weAdhumimu, iri kumaodzanyemba kwerwizi,* uye waipfuurira kusvika kuchitubu cheEni-shemeshi,+ woperera kuEni-rogeri.+ 8 Muganhu wacho waienda kuBani reMwanakomana waHinomu+ kusvika kumateru evaJebhusi+ kumaodzanyemba, kureva Jerusarema,+ uye waikwira uchienda nepamusoro pegomo rakatarisana neBani raHinomu kumavirira, riri panogumira Bani reRefaimu kuchamhembe. 9 Muganhu wacho waibva pamusoro pegomo racho kusvikira kuchitubu chemvura yeNeftoa+ uchinosvika kumaguta eGomo reEfroni; woenda kuBhaara, kureva Kiriyati-jearimu.+ 10 Muganhu wacho waipoterera uchibva kuBhaara kumavirira uchienda kuGomo reSeiri, woyambuka kumateru eGomo reJeyarimu kuchamhembe, kureva Kesaroni, wodzika kuBheti-shemeshi+ woyambuka kuTimna.+ 11 Muganhu wacho waisvika kumateru eEkroni+ kuchamhembe, wobva waenda kuShikeroni, wopfuurira uchienda kuGomo reBhaara, uye wainosvika kuJabneeri, uchinogumira kugungwa.

12 Muganhu wekumavirira waiva kuGungwa Guru,*+ pamhenderekedzo yaro. Uyu ndiwo waiva muganhu kumativi ese enyika yevanhu vekwaJudha maererano nemhuri dzavo.

13 Uye Joshua akapa Karebhi+ mwanakomana waJefune mugove pakati pevanhu vekwaJudha sezvakanga zvarayirwa naJehovha, akamupa Kiriyati-abha (Abha aiva baba vaAnaki), kureva Hebroni.+ 14 Saka Karebhi akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki+ imomo vaiti: Sheshai, Ahimani, naTarimai,+ vanhu vakabva nekunaAnaki. 15 Akabva ipapo akaenda kunorwisa vagari vekuDhebhiri.+ (Dhebhiri yaimbonzi Kiriyati-seferi.) 16 Karebhi akabva ati: “Munhu anorwisa Kiriyati-seferi oitora, ndichamupa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mudzimai wake.” 17 Otinieri+ mwanakomana waKenazi+ munin’ina waKarebhi, akabva aitora. Saka akamupa mwanasikana wake Akisa+ kuti ave mudzimai wake. 18 Akisa paakanga achienda kumba kwemurume wake Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire nzvimbo kuna baba vake Karebhi. Akisa akabva aburuka padhongi rake.* Karebhi akamubvunza kuti: “Uri kudei?”+ 19 Akati: “Ndinokumbirawo kuti mundipe chikomborero, nekuti mandipa nzvimbo iri kumaodzanyemba;* ndipeiwo neGuroti-maimu.”* Saka akamupa Guroti Yekumusoro neGuroti Yekuzasi.

20 Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raJudha maererano nemhuri dzavo.

21 Maguta ekumucheto edzinza raJudha nechekumuganhu weEdhomu+ kumaodzanyemba aiva: Kabhuzeeri, Edheri, Jaguri, 22 Kina, Dhimona, Adhadha, 23 Kedheshi, Hazori, Itinani, 24 Zifi, Teremu, Bheyaroti, 25 Hazori-hadhata, Keriyoti-hezroni, kureva Hazori, 26 Amamu, Shema, Moradha,+ 27 Hazari-gadha, Heshmoni, Bheti-pereti,+ 28 Hazari-shuari, Bheeri-shebha,+ Bhiziyotiya, 29 Bhaara, Ayimu, Ezemu, 30 Eritoradhi, Kesiri, Homa,+ 31 Zikragi,+ Madhimana, Sanisana, 32 Rebhaoti, Shirihimu, Aini, neRimoni,+ maguta acho ese aiva 29, pamwe chete nemisha yawo.

33 MuShefera+ maiva neEshtaori, Zora,+ Ashna, 34 Zanoa, Eni-ganimu, Tapua, Enamu, 35 Jamuti, Adhuramu,+ Soko, Azeka,+ 36 Shaaraimu,+ Adhitaimu, neGedhera neGedherotaimu,* maguta 14 nemisha yawo.

37 Zenani, Hadhasha, Migdhari-gadhi, 38 Dhireyani, Mizpe, Jokteeri, 39 Rakishi,+ Bhozkati, Egroni, 40 Kabhoni, Ramamu, Kitrishi, 41 Gedheroti, Bheti-dhagoni, Naama, neMakedha,+ maguta 16 nemisha yawo.

42 Ribna,+ Eteri, Ashani,+ 43 Ifta, Ashna, Nezibhi, 44 Keira, Akzibhu, neMarisha, maguta 9 nemisha yaiva pedyo nawo.

45 Ekroni nemaguta madiki aiva akaipoteredza uye misha yaiva pedyo nayo; 46 kubva kuEkroni kumavirira, nzvimbo dzese dziri pedyo neAshdhodhi nemisha yaiva pedyo nadzo.

47 Ashdhodhi+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza pamwe chete nemisha yaiva pedyo nayo; Gaza+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza pamwe chete nemisha yaiva pedyo nayo, kusvika kuRwizi* rweIjipiti, Gungwa Guru,* nenzvimbo yaiva pedyo.+

48 Uye munharaunda ine makomo, Shamiri, Jatiri,+ Soko, 49 Dhana, Kiriyati-sana, kureva Dhebhiri, 50 Anabhu, Eshtemo,+ Animu, 51 Gosheni,+ Horoni, neGiro,+ maguta 11 nemisha yawo.

52 Arabhu, Dhuma, Eshani, 53 Janimu, Bheti-tapua, Afeka, 54 Humuta, Kiriyati-abha, kureva Hebroni,+ neZiori, maguta 9 nemisha yawo.

55 Maoni,+ Kameri, Zifi,+ Juta, 56 Jezreeri, Jokdheyamu, Zanoa, 57 Keini, Gibhiya, neTimna,+ maguta 10 nemisha yawo.

58 Harihuri, Bheti-zuri, Gedhori, 59 Maarati, Bheti-anoti, neEritekoni, maguta 6 nemisha yawo.

60 Kiriyati-bhaari, kureva Kiriyati-jearimu,+ neRabha, maguta maviri nemisha yawo.

61 Murenje maiva neBheti-arabha,+ Midhini, Sekaka, 62 Nibshani, Guta reMunyu, neEni-gedhi,+ maguta 6 nemisha yawo.

63 Varume vedzinza raJudha havana kukwanisa kudzinga vaJebhusi+ vaigara muJerusarema,+ saka vaJebhusi vachiri kugara nevaJudha muJerusarema nanhasi.

16 Nyika yakagoverwa vanhu vekwaJosefa+ pachishandiswa mujenya+ yaitangira paJodhani kuJeriko ichisvika kuchitubu chiri kumabvazuva kweJeriko, ichipfuura nemugwenga ichikwira kubva kuJeriko kuenda kumakomo ekuBheteri.+ 2 Kubva kuBheteri pedyo neRuzi, yaipfuurira kusvika kumuganhu wevaAki kuAtaroti, 3 yoenda nekumavirira kumuganhu wevaJafreti kusvika kumuganhu weBheti-horoni Yezasi+ neGezeri,+ yoperera kugungwa.

4 Saka vedzinza raManase neraEfremu, izvo zvizvarwa zvaJosefa,+ vakatora nyika yavo.+ 5 Uyu ndiwo waiva muganhu wevanhu vekwaEfremu maererano nemhuri dzavo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva waiva Ataroti-adhari+ kusvika kuBheti-horoni Yekumusoro,+ 6 uye muganhu wacho wainosvika kugungwa. Mikmetati+ yaiva kuchamhembe, uye muganhu wacho waipoterera nekumabvazuva uchienda kuTaanati-shiro, wopfuurira uri kumabvazuva uchienda kuJanoa. 7 Waibva wadzika kubva kuJanoa uchienda kuAtaroti neNaara, kunobata Jeriko,+ wopfuurira kusvika kuJodhani. 8 Kubva kuTapua,+ muganhu wacho waipfuurira uchienda kumavirira kuRwizi* rweKana, uchinogumira kugungwa.+ Iyi ndiyo nhaka yedzinza raEfremu maererano nemhuri dzavo; 9 vanhu vekwaEfremu vaivawo nemaguta avakapiwa panhaka yaManase+ pamwe chete nemisha yawo.

10 Asi havana kudzinga vaKenani vaigara muGezeri,+ saka vaKenani vachiri kugara pakati pevaEfremu nanhasi,+ vachiitiswa basa rekumanikidzwa.+

17 Dzinza raManase+ rakabva rapiwa nhaka pachishandiswa mujenya,+ nekuti ndiye aiva dangwe raJosefa.+ Makiri+ uyo aiva dangwe raManase uye baba vaGiriyedhi aiva murwi akashinga, saka akapiwa Giriyedhi neBhashani.+ 2 Vamwe vanhu vese vekwaManase vakapiwawo mugove pachishandiswa mujenya maererano nemhuri dzavo, vanakomana vaAbhi-ezeri,+ vanakomana vaHereki, vanakomana vaAsrieri, vanakomana vaShekemu, vanakomana vaHeferi, nevanakomana vaShemidha. Ava ndivo vanhu vekwaManase, mwanakomana waJosefa, vanhurume vacho maererano nemhuri dzavo.+ 3 Asi Zerofehadhi+ mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyedhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, akanga asina vanakomana, asi aingova nevanasikana chete, uye mazita evanasikana vacho aiva: Mahra, Noa, Hogra, Mirika, naTiza. 4 Vakabva vaenda kwaiva nemupristi Eriyezari+ naJoshua mwanakomana waNuni, nemachinda, vakati: “Jehovha ndiye akarayira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu.”+ Saka vakapiwa nhaka pakati pehama dzababa vavo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha.

5 Manase akapiwawo mimwe migove gumi tisingabatanidzi nyika yeGiriyedhi neyeBhashani, dzaiva mhiri* kwaJodhani,+ 6 nekuti vanasikana vaManase vakapiwa nhaka pamwe chete nevanakomana vake, uye nyika yeGiriyedhi yakaenda kune vamwe vanhu vekwaManase vakanga vasara.

7 Muganhu waManase waibvira kumuganhu waAsheri kusvika kuMikmetati+ yakatarisana neShekemu,+ uye muganhu wacho waipfuurira uchienda kumaodzanyemba* kusvika kunyika yevagari vemuEni-Tapua. 8 Nyika yeTapua+ yakaenda kuna Manase, asi Tapua yepamuganhu waManase yaiva yevanhu vekwaEfremu. 9 Muganhu wacho waidzika uchienda kuRwizi* rweKana, kumaodzanyemba kwerwizi rwacho. Efremu aiva nemaguta aiva pakati peaManase,+ uye muganhu waManase waiva kuchamhembe kwerwizi rwacho uchinogumira kugungwa.+ 10 Kumaodzanyemba kwaiva kwaEfremu, kuchamhembe kuri kwaManase, muganhu wake uri kugungwa,+ uye kuchamhembe nharaunda yaManase yaisvika* kwaAsheri, kumabvazuva ichisvika kwaIsakari.

11 Munharaunda yaIsakari neyaAsheri, Manase akapiwa Bheti-sheyani nemaguta madiki aiva akaipoteredza, Ibreyamu+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vagari vemuDhori+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vagari vemuEndori+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, vagari vemuTaanaki+ nemaguta madiki aiva akaipoteredza, uye vagari vemuMegidho nemaguta madiki aiva akaipoteredza. Nzvimbo nhatu dzine zvikomo dzaiva dzake.

12 Asi vanhu vekwaManase havana kukwanisa kutora maguta aya. VaKenani vakaramba vachigara munyika iyi.+ 13 VaIsraeri pavakanga vava nesimba, vakaita kuti vaKenani vaite basa rekumanikidzwa+ pane kuvadzinga vese.+

14 Vanhu vekwaJosefa vakati kuna Joshua: “Nei mangotipa* mugove mumwe chete+ nenharaunda imwe chete senhaka? Tiri vanhu vakawanda, nekuti Jehovha atikomborera kusvika iye zvino.”+ 15 Joshua akati kwavari: “Kana muri vanhu vakawanda sezvamataura, endai kusango munozvitemera nzvimbo ikoko munyika yevaPerizi+ nevaRefaimu,+ sezvo nyika ine makomo yaEfremu+ isingakukwanirei.” 16 Vanhu vekwaJosefa vakabva vati: “Kumakomo hakutikwaniri, uye vaKenani vese vari kugara munyika iri mubani vane ngoro dzehondo+ dzine mavhiri ane majeko esimbi,* vaya vari muBheti-sheyani+ nemaguta madiki akaipoteredza nevaya vari muBani reJezreeri.”+ 17 Saka Joshua akati kuimba yaJosefa, kuna Efremu naManase: “Muri vanhu vakawanda, uye mune simba guru. Hamusi kuzongowana mugove mumwe chete,+ 18 asi nharaunda yese ine makomo ichavawo yenyu.+ Kunyange zvazvo riri sango, muchaitema, uye ndiyo ichava muganhu wenyika yenyu. Nekuti muchadzinga vaKenani, pasinei nekuti vane simba uye vane ngoro dzehondo dzine mavhiri ane majeko esimbi.”*+

18 Ungano yese yevaIsraeri yakabva yaungana paShiro,+ vakadzika tende rekusanganira ipapo,+ sezvo nyika yacho yakanga yaiswa mumaoko avo.+ 2 Asi pakanga pachiine madzinza 7 evaIsraeri akanga asati apiwa nhaka yawo. 3 Saka Joshua akati kuvaIsraeri: “Mucharamba muchiverengera kuenda kunotora nyika yamakapiwa naJehovha Mwari wemadzitateguru enyu kusvikira riini?+ 4 Ndipei varume vatatu kubva mudzinza rimwe nerimwe ndivatume; vanofanira kuenda, vofamba nenyika yacho yese vachinyora zvayakaita, kuti igovaniswe madzinza avo. Kana vapedza, vanofanira kudzoka kwandiri. 5 Vanofanira kuikamurirana kuti ive migove minomwe.+ Judha acharamba ari munyika yake kumaodzanyemba,+ uye veimba yaJosefa vacharamba vari munyika yavo kuchamhembe.+ 6 Imi nyorai zvakaita nyika yacho, moikamura kuti ive migove minomwe, moiunza kuno kwandiri, uye ini ndichakukandirai mijenya+ pano pamberi paJehovha Mwari wedu. 7 Asi vaRevhi havazopiwi mugove pakati penyu,+ nekuti upristi hwaJehovha ndiyo nhaka yavo;+ uye Gadhi, Rubheni nehafu yedzinza raManase,+ vakatotora nhaka yavo kumabvazuva kwaJodhani, nhaka yavakapiwa naMozisi muranda waJehovha.”

8 Varume vaienda kunonyora zvakaita nyika yacho vakabva vagadzirira kuenda, uye Joshua akavarayira achiti: “Endai mufambe munyika yacho, munyore zvayakaita modzoka kwandiri, uye ndichakukandirai mijenya pano pamberi paJehovha muShiro.”+ 9 Varume vacho vakabva vaenda, vakafamba nenyika yacho vakaikamura kuita migove minomwe, vachitsanangura zvayakaita mubhuku maererano nemaguta ayo. Vakabva vadzokera kuna Joshua kumusasa kuShiro. 10 Joshua akabva avakandira mijenya pamberi paJehovha+ muShiro. Ari ipapo Joshua akagova nyika yacho kuvaIsraeri, achipa dzinza rimwe nerimwe mugove waro.+

11 Dzinza raBhenjamini rakapiwa mugove waro pachishandiswa mujenya, maererano nemhuri dzavo, uye nyika yavakapiwa yaiva pakati perudzi rwaJudha+ nevanhu vekwaJosefa.+ 12 Kuchamhembe, muganhu wavo waitangira paJodhani, uye waikwidza kusvika kumateru eJeriko+ kuchamhembe, wokwidza gomo nechekumavirira, uchipfuurira kusvika kugwenga reBheti-avheni.+ 13 Muganhu wacho waibva ipapo uchienda kuRuzi, kumateru ekumaodzanyemba eRuzi, kureva Bheteri;+ muganhu wacho waidzika uchienda kuAtaroti-adhari+ pagomo riri kumaodzanyemba kweBheti-horoni Yezasi.+ 14 Muganhu wacho waibva kudivi rekumavirira, wopoterera uchienda kumaodzanyemba kubva pagomo rakatarisana neBheti-horoni kumaodzanyemba; waiperera kuKiriyati-bhaari, kureva Kiriyati-jearimu,+ guta raJudha. Iri ndiro raiva divi rekumavirira.

15 Divi rekumaodzanyemba raitangira panoperera Kiriyati-jearimu, uye muganhu wacho waienda nechekumavirira; waienda kuchitubu chemvura cheNeftoa.+ 16 Muganhu wacho waidzika uchienda kunoperera gomo rakatarisana neBani reMwanakomana waHinomu,+ riri muBani reRefaimu+ kuchamhembe, uye waidzika uchienda kuBani raHinomu, uchienda kumateru evaJebhusi+ kumaodzanyemba, uchidzika kusvika paEni-rogeri.+ 17 Waienda kuchamhembe uchinosvika kuEni-shemeshi, wobva wabuda uchienda kuGeriroti, iri pakatarisana nemukwidza weAdhumimu,+ wodzika kuenda kudombo+ raBhohani+ mwanakomana waRubheni. 18 Waipfuurira kuenda kumateru ekuchamhembe akatarisana neArabha, wodzika kuArabha. 19 Muganhu wacho waipfuurira uchienda kumateru ekuchamhembe eBheti-hogra,+ uye waiperera pamhenderekedzo yekuchamhembe yeGungwa reMunyu,*+ panoperera Rwizi rwaJodhani kumaodzanyemba kwarwo. Uyu ndiwo waiva muganhu wekumaodzanyemba. 20 Rwizi rwaJodhani ndirwo rwaiva muganhu wavo kudivi rekumabvazuva. Iyi ndiyo yaiva miganhu kumativi ese enhaka yevana vaBhenjamini maererano nemhuri dzavo.

21 Maguta edzinza raBhenjamini maererano nemhuri dzavo aiva: Jeriko, Bheti-hogra, Emeki-kezizi, 22 Bheti-arabha,+ Zemaraimu, Bheteri,+ 23 Avhimu, Para, Ofra, 24 Kefa-amoni, Ofni, neGebha,+ maguta 12 nemisha yawo.

25 Gibhiyoni,+ Rama, Bheeroti, 26 Mizpe, Kefira, Moza, 27 Rekemu, Ipeeri, Tarara, 28 Ziira,+ Haerefi, Jebhusi, kureva Jerusarema,+ Gibhiya,+ neKiriyati, maguta 14 nemisha yawo.

Iyi ndiyo yaiva nhaka yevana vaBhenjamini maererano nemhuri dzavo.

19 Mujenya wechipiri+ wakabuda ndewaSimiyoni, uri wedzinza raSimiyoni+ maererano nemhuri dzavo. Nhaka yavo yaiva pakati penhaka yaJudha.+ 2 Nhaka yavo yaiva Bheeri-shebha+ neShebha, Moradha,+ 3 Hazari-shuari,+ Bhara, Ezemu,+ 4 Eritoradhi,+ Bheturi, Homa, 5 Zikragi,+ Bheti-makabhoti, Hazari-susa, 6 Bheti-rebhaoti,+ neSharuheni, maguta 13 nemisha yawo; 7 Aini, Rimoni, Eteri neAshani,+ maguta mana nemisha yawo; 8 nemisha yese yainge yakapoteredza maguta aya kusvika kuBhaarati-bheeri, kureva Rama yekumaodzanyemba. Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raSimiyoni maererano nemhuri dzavo. 9 Nhaka yevanhu vekwaSimiyoni yakatorwa pamugove waJudha, nekuti mugove waJudha wakanga wakanyanya kukura. Saka vanhu vekwaSimiyoni vakapiwa nyika munhaka yaJudha.+

10 Mujenya+ wechitatu wakabuda uri wevanhu vekwaZebhuroni+ maererano nemhuri dzavo, uye muganhu wenhaka yavo waisvika kuSaridhi. 11 Muganhu wavo waienda nechekumavirira kuMareyari, uchisvika kuDhabhesheti wobva waenda kurwizi* rwuri pakatarisana neJokneyamu. 12 Waibva kuSaridhi uchienda nechekumabvazuva, kumuganhu weKisroti-tabhori, wobuda uchienda kuDhabherati+ wobva wakwira kuJafiya. 13 Kubva ikoko waipfuura uchienda nechekumabvazuva kuGati-heferi,+ wosvika kuEti-kazini, wobuda uchienda kuRimoni, uchinosvika kuNeya. 14 Kuchamhembe, muganhu wacho waipoterera uchienda kuHanatoni, uchinogumira kuBani reIfta-eri, 15 neKatati, Naharari, Shimroni,+ Idhara, neBhetrehema,+ maguta 12 nemisha yawo. 16 Iyi ndiyo yaiva nhaka yevanhu vekwaZebhuroni maererano nemhuri dzavo.+ Aya ndiwo aiva maguta acho nemisha yawo.

17 Mujenya+ wechina wakabuda uri waIsakari,+ wevanhu vekwaIsakari maererano nemhuri dzavo. 18 Muganhu wavo waisvika kuJezreeri,+ Kesuroti, Shunemi,+ 19 Hafaraimu, Shioni, Anaharati, 20 Rabhiti, Kishioni, Ebhezi, 21 Remeti, Eni-ganimu,+ Eni-hadha, neBheti-pazezi. 22 Muganhu wacho waisvika kuTabhori+ neShahazuma neBheti-shemeshi, uye waigumira kuJodhani, maguta 16 nemisha yawo. 23 Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raIsakari maererano nemhuri dzavo,+ maguta acho nemisha yawo.

24 Mujenya+ wechishanu wakabva wabuda uri wedzinza raAsheri+ maererano nemhuri dzavo. 25 Muganhu wavo waiva Herikati,+ Harai, Bheteni, Akshafu, 26 Aramereki, Amadhi, neMishari. Waisvika kumavirira kuKameri+ nekuShihori-ribhinati, 27 wodzoka nechekumabvazuva uchienda kuBheti-dhagoni wonobata kwaZebhuroni nekuBani reIfta-eri kuchamhembe, uchinosvika kuBheti-emeki neNeieri, uye waipfuurira uri kuruboshwe kweKabhuri, 28 uchisvika kuEbroni, Rehobhu, Hamoni, neKana wopfuurira kusvika kuSidhoni+ guta guru. 29 Muganhu wacho waibva wadzokera kuRama uchisvika kuguta rakakomberedzwa nemasvingo reTire.+ Waibva wadzokera kuHosa, uchinoperera kugungwa munharaunda yeAkzibhu, 30 Uma, Afeki,+ Rehobhu,+ maguta 22 nemisha yawo. 31 Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raAsheri maererano nemhuri dzavo.+ Aya ndiwo aiva maguta acho nemisha yawo.

32 Mujenya+ wechi6 wakabuda uri wevanhu vekwaNaftari, ivo vana vaNaftari maererano nemhuri dzavo. 33 Muganhu wavo waibva kuHerefu uye pamuti mukuru uri muZaananimu,+ uchienda kuAdhami-nekebhi neJabneeri kusvika kuRakumu; wogumira kuJodhani. 34 Muganhu wacho waibva wadzoka kumavirira uchienda kuAznoti-tabhori, wobva ikoko uchienda kuHukoki, uchinosvika kwaZebhuroni kumaodzanyemba, uye kumavirira waisvika kwaAsheri, kumabvazuva uchisvika kwaJudha kuJodhani. 35 Maguta akakomberedzwa nemasvingo aiva Zidhimu, Zeri, Hamati,+ Rakati, Kinereti, 36 Adhama, Rama, Hazori,+ 37 Kedheshi,+ Edrei, Eni-hazori, 38 Yironi, Migdhari-eri, Horemu, Bheti-anati, neBheti-shemeshi,+ maguta 19 nemisha yawo. 39 Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raNaftari maererano nemhuri dzavo,+ maguta acho nemisha yawo.

40 Mujenya+ wechi7 wakabuda uri wedzinza raDhani+ maererano nemhuri dzavo. 41 Muganhu wenhaka yavo waiva Zora,+ Eshtaori, Iri-shemeshi, 42 Shaarabhini,+ Aijaroni,+ Itraa, 43 Eroni, Timna,+ Ekroni,+ 44 Eriteke, Gibhetoni,+ Bhaarati, 45 Jehudhi, Bhene-bheraki, Gati-rimoni,+ 46 Me-jakoni, Rakoni, uye muganhu wacho waipfuurira uri pedyo neJopa.+ 47 Asi nyika yekwaDhani yakanga iri diki chaizvo zvekuti vakanga vasingakwani.+ Saka vakaenda kunorwisa Reshemu,+ vakaitora, vakaiparadza nebakatwa. Vakaitora vakagara mairi, uye vakachinja zita reReshemu vakariti Dhani, iro raiva zita ratateguru wavo.+ 48 Iyi ndiyo yaiva nhaka yedzinza raDhani maererano nemhuri dzavo. Aya ndiwo aiva maguta acho nemisha yawo.

49 Saka vakapedza kukamura nyika yacho kuti ive nhaka yavo vachitevera miganhu yayo. VaIsraeri vakabva vapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka pakati pavo. 50 Vakamupa guta raakakumbira reTimnati-sera,+ riri munyika ine makomo yaEfremu sezvakanga zvarayirwa naJehovha, uye Joshua akavaka guta racho, akagara mariri.

51 Idzi ndidzo nhaka dzakagovewa+ nemupristi Eriyezari naJoshua mwanakomana waNuni nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri pachishandiswa mujenya muShiro+ pamberi paJehovha, pasuo retende rekusanganira.+ Saka vakapedza kugova nyika yacho.

20 Jehovha akabva ati kuna Joshua: 2 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Sarudzai maguta enyu ekupotera+ andakataura nezvawo kwamuri ndichishandisa Mozisi, 3 kuti munhu anouraya mumwe munhu* asingaiti nemaune kana kuti anouraya netsaona* atizire ikoko. Uye maguta acho ndiwo amuchapotera pamunotiza mutsivi weropa.+ 4 Anofanira kutizira kune rimwe remaguta aya,+ omira pagedhi reguta racho,+ otaura nyaya yake kuvakuru veguta racho. Vanofanira kubva vamugamuchira muguta racho vomupa nzvimbo kuti agare navo. 5 Kana mutsivi weropa akamudzingirira, havafaniri kuisa munhu wacho anenge auraya mumaoko ake, nekuti akauraya mumwe wake netsaona,* uye akanga asingamuvengi.+ 6 Anofanira kugara muguta iroro kusvikira amira pamberi peungano kuti atongwe,+ oramba ari imomo kusvikira mupristi mukuru anenge aripo panguva iyoyo afa.+ Zvadaro anogona hake kudzokera kuguta raakatiza, uye anogona kupinda muguta rake uye mumba make.’”+

7 Saka vakasarudza* Kedheshi+ iri muGarireya munyika ine makomo yaNaftari, Shekemu+ iri munyika ine makomo yaEfremu, neKiriyati-abha,+ kureva Hebroni, iri munyika ine makomo yaJudha. 8 Munharaunda yeJodhani, kumabvazuva kweJeriko, vakasarudza Bhezeri+ iri mugwenga panzvimbo yakakwirira uye yakati sandara munyika yedzinza raRubheni, Ramoti+ iri muGiriyedhi munyika yedzinza raGadhi, neGorani+ iri muBhashani munyika yedzinza raManase.+

9 Aya ndiwo maguta akasarudzwa kuitira kuti pavaIsraeri vese kana kuti pavatorwa vavaigara navo, pakawana munhu aiuraya mumwe munhu* netsaona, aitizira ikoko,+ orega kuurayiwa nemutsivi weropa asati atongwa neungano.+

21 Vakuru vedzimba dzevaRevhi vakaenda kuna Eriyezari+ mupristi naJoshua mwanakomana waNuni nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri, 2 ndokutaura navo vari muShiro+ munyika yeKenani, vachiti: “Jehovha akarayira achishandisa Mozisi kuti tipiwe maguta ekugara, pamwe chete nemafuro awo kuitira zvipfuwo zvedu.”+ 3 Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta acho+ nemafuro awo kubva panhaka yavo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha.

4 Mujenya wekutanga wakabuda uri wemhuri dzevaKohati,+ uye vaRevhi vaiva vazukuru vemupristi Aroni vakapiwa maguta 13 pachishandiswa mujenya, kubva panhaka yedzinza raJudha,+ yedzinza raSimiyoni+ uye yedzinza raBhenjamini.+

5 Vamwe vaKohati vese vakapiwa maguta 10* kubva kumhuri dzedzinza raEfremu,+ dzinza raDhani, nehafu yedzinza raManase.+

6 VaGeshoni+ vakapiwa maguta 13 kubva panhaka yemhuri dzedzinza raIsakari, dzinza raAsheri, dzinza raNaftari, nehafu yedzinza raManase muBhashani.+

7 VaMerari+ vakapiwa maguta 12 kubva panhaka yedzinza raRubheni, dzinza raGadhi, nedzinza raZebhuroni,+ maererano nemhuri dzavo.

8 Saka vaIsraeri vakapa vaRevhi maguta aya nemafuro awo pachishandiswa mujenya, sezvakanga zvarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi.+

9 Saka kubva panhaka yedzinza raJudha neyedzinza raSimiyoni, vakavapa maguta aya akanyorwa nemazita awo,+ 10 uye maguta acho akapiwa vanakomana vaAroni, vaRevhi vemhuri dzekwaKohati, nekuti ndivo vakapiwa mugove wekutanga. 11 Vakavapa Kiriyati-abha+ (Abha aiva baba vaAnaki), kureva Hebroni,+ iri munyika ine makomo yaJudha, nemafuro ayo akanga akaipoteredza. 12 Asi vakapa Karebhi mwanakomana waJefune nharaunda yeguta racho nemisha yaro kuti ive nhaka yake.+

13 Uye vakapa vanakomana vemupristi Aroni guta rekuti munhu anenge auraya munhu+ apotere, kureva Hebroni+ nemafuro ayo, uye vakavapawo Ribna+ nemafuro ayo, 14 Jatiri+ nemafuro ayo, Eshtemoa+ nemafuro ayo, 15 Horoni+ nemafuro ayo, Dhebhiri+ nemafuro ayo, 16 Aini+ nemafuro ayo, Juta+ nemafuro ayo, neBheti-shemeshi nemafuro ayo, maguta 9 kubva kumadzinza aya maviri.

17 Uye kubva kudzinza raBhenjamini vakapiwa Gibhiyoni+ nemafuro ayo, Gebha nemafuro ayo,+ 18 Anatoti+ nemafuro ayo, neArimoni nemafuro ayo, maguta mana.

19 Maguta ese akapiwa vazukuru vaAroni, ivo vapristi, aiva maguta 13 nemafuro awo.+

20 Dzimwe mhuri dzese dzevaKohati dzakanga dzasara pavaRevhi, dzakapiwa maguta kubva padzinza raEfremu pachishandiswa mujenya. 21 Vakavapa guta rekuti munhu anenge auraya munhu apotere,+ kureva Shekemu+ nemafuro ayo aiva munyika ine makomo yaEfremu, Gezeri+ nemafuro ayo, 22 Kibzaimu nemafuro ayo, neBheti-horoni+ nemafuro ayo, maguta mana.

23 Uye kubva kudzinza raDhani vakapiwa Eriteke nemafuro ayo, Gibhetoni nemafuro ayo, 24 Aijaroni+ nemafuro ayo, Gati-rimoni nemafuro ayo, maguta mana.

25 Kubva kuhafu yedzinza raManase vakapiwa Taanaki+ nemafuro ayo, neGati-rimoni nemafuro ayo, maguta maviri.

26 Maguta ese pamwe chete nemafuro awo akapiwa mhuri dzevaKohati dzakanga dzasara aiva 10.

27 Uye hafu yedzinza raManase yakapa vaGeshoni+ vemhuri dzevaRevhi guta rekuti munhu anenge auraya munhu apotere, kureva Gorani,+ iri muBhashani, nemafuro ayo, neBheeshtera nemafuro ayo, maguta maviri.

28 Uye kubva kudzinza raIsakari+ vakapiwa Kishioni nemafuro ayo, Dhabherati+ nemafuro ayo, 29 Jamuti nemafuro ayo, neEni-ganimu nemafuro ayo, maguta mana.

30 Kubva kudzinza raAsheri+ vakapiwa Mishari nemafuro ayo, Abdhoni nemafuro ayo, 31 Herikati+ nemafuro ayo, neRehobhu+ nemafuro ayo, maguta mana.

32 Uye kubva kudzinza raNaftari vakapiwa guta rekuti munhu anenge auraya apotere,+ kureva Kedheshi+ iri muGarireya nemafuro ayo, Hamoti-dhori nemafuro ayo, neKatani nemafuro ayo, maguta matatu.

33 Maguta ese evaGeshoni maererano nemhuri dzavo aiva maguta 13 nemafuro awo.

34 VaRevhi vakanga vasara, vemhuri dzevaMerari,+ vakapiwa nedzinza raZebhuroni+ maguta anoti: Jokneyamu+ nemafuro ayo, Kata nemafuro ayo, 35 Dhimna nemafuro ayo, Naharari+ nemafuro ayo, maguta mana.

36 Kubva kudzinza raRubheni vakapiwa Bhezeri+ nemafuro ayo, Jahazi nemafuro ayo,+ 37 Kedhemoti nemafuro ayo, neMefaati nemafuro ayo, maguta mana.

38 Kubva kudzinza raGadhi+ vakapiwa guta rekuti munhu anenge auraya apotere, kureva Ramoti iri muGiriyedhi+ nemafuro ayo, Mahanaimu+ nemafuro ayo, 39 Heshbhoni+ nemafuro ayo, neJazeri+ nemafuro ayo, maguta acho ese aiva mana.

40 Maguta ese akapiwa vaMerari, vanova ndivo vakanga vasara pamhuri dzevaRevhi, aiva maguta 12, maererano nemhuri dzavo.

41 Maguta ese evaRevhi aiva pakati penhaka yevaIsraeri aiva 48 pamwe chete nemafuro awo.+ 42 Guta rimwe nerimwe raiva nemafuro aro akaripoteredza; ndizvo zvakanga zvakaita maguta acho ese.

43 Saka Jehovha akapa vaIsraeri nyika yese yaakanga apika kuti achapa madzitateguru avo,+ uye vakaitora vakagara mairi.+ 44 Jehovha akavapawo zororo kumativi ese, sezvaakanga apika kumadzitateguru avo,+ uye pavavengi vavo hapana kana mumwe chete aikwanisa kumirisana navo.+ Jehovha akaisa vavengi vavo vese mumaoko avo.+ 45 Hapana kana chimwe chete chisina kuitika pazvinhu zvese zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri; zvese zvakaitika.+

22 Joshua akabva ashevedza vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase 2 akati kwavari: “Makaita zvese zvamakarayirwa naMozisi muranda waJehovha,+ uye makateerera inzwi rangu pane zvese zvandakakurayirai.+ 3 Kwenguva yese iyi hamuna kusiya hama dzenyu kusvikira nhasi;+ uye makaita zvese zvamakarayirwa naJehovha Mwari wenyu.+ 4 Iye zvino Jehovha Mwari wenyu apa hama dzenyu zororo, sezvaakadzivimbisa.+ Saka munogona henyu kudzokera kumatende enyu kunyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha kuti ive yenyu mhiri* kwaJodhani.+ 5 Asi ivai nechokwadi chekuti manyatsochengeta murayiro neMutemo wamakapiwa naMozisi muranda waJehovha,+ kuburikidza nekuda Jehovha Mwari wenyu,+ nekufamba munzira dzake dzese,+ nekuchengeta mirayiro yake,+ nekuramba muri paari+ uye nekumushumira+ nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese.”+

6 Joshua akabva avakomborera akavati vaende, ivo vachibva vaenda kumatende avo. 7 Mozisi akanga apa hafu yedzinza raManase nhaka muBhashani,+ uye imwe hafu yedzinza racho yakapiwa nyika naJoshua kumavirira kwaJodhani,+ pamwe chete nehama dzavo. Uyewo Joshua paakavati vaende kumatende avo akavakomborera 8 uye akati kwavari: “Dzokerai kumatende enyu nepfuma zhinji nezvipfuwo zvizhinji kwazvo, nesirivha negoridhe, nemhangura nesimbi, nezvipfeko zvakawanda kwazvo.+ Torai mugove wenyu pazvinhu zvakapambwa+ kuvavengi venyu, imi nehama dzenyu.”

9 Pashure paizvozvo vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase vakabva kwaiva nevamwe vaIsraeri kuShiro iri munyika yeKenani, vachibva vadzokera kunyika yeGiriyedhi,+ nyika yavo yavakanga vagariswa naJehovha achishandisa Mozisi.+ 10 Pavakasvika munharaunda yeJodhani munyika yeKenani, vaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase vakavaka atari ikoko pedyo naJodhani, atari yakakura uye yakanaka chaizvo. 11 Gare gare, vamwe vaIsraeri vakanzwa nezvazvo+ vakabva vati: “VaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase vavaka atari pamuganhu wenyika yeKenani munharaunda yeJodhani kudivi revaIsraeri.” 12 VaIsraeri pavakazvinzwa, ungano yese yevaIsraeri yakabva yaungana kuShiro+ kuti iende kunovarwisa.

13 VaIsraeri vakabva vatuma Finiyasi+ mwanakomana wemupristi Eriyezari kuvaRubheni nevaGadhi nehafu yedzinza raManase vaiva munyika yeGiriyedhi, 14 uye akaenda nemachinda gumi, jinda rimwe kubva paimba imwe neimwe yemadzinza ese aIsraeri, uye mumwe nemumwe wavo aiva mukuru weimba yemadzibaba ake pazviuru zvevaIsraeri.+ 15 Pavakasvika kuvaRubheni, nevaGadhi, nehafu yedzinza raManase vaiva munyika yeGiriyedhi, vakati kwavari:

16 “Ungano yese yaJehovha yati: ‘Sei maita chinhu chisina kutendeka+ kuna Mwari waIsraeri? Nhasi matsauka pakutevera Jehovha nekuzvivakira kwamaita atari, muchipandukira Jehovha.+ 17 Kukanganisa kwatakaita paPeori kwakanga kusina kukwana here? Nanhasi hatisati tazvichenesa pane zvatakaita, kunyange zvazvo denda rakauya paungano yaJehovha.+ 18 Imi nhasi ndipo pamava kuda kutsauka pakutevera Jehovha! Kana mukapandukira Jehovha nhasi, mangwana achabva atsamwira ungano yese yaIsraeri.+ 19 Asi kana chikonzero chiri chekuti nyika yenyu haina kuchena, yambukai muende kunyika yaJehovha+ kunogara tebhenekeri yaJehovha,+ mugare nesu, asi musapandukira Jehovha, uye musatiita vapanduki nekuzvivakira imwe atari kuwedzera kuatari yaJehovha Mwari wedu.+ 20 Akani+ mwanakomana waZera paakaita zvisina kutendeka pachinhu chaifanira kuparadzwa, ungano yese yaIsraeri haina kutsamwirwa here?+ Kukanganisa kwake hakuna kungourayisa iye chete.’”+

21 VaRubheni, vaGadhi, nehafu yedzinza raManase vakabva vapindura vakuru vezviuru zvaIsraeri+ vachiti: 22 “Jehovha, Mwari ari pamusoro pavanamwari vese!* Jehovha, Mwari ari pamusoro pavanamwari vese!+ Iye anoziva, uye Israeri achazivawo. Kana kuri kuti takapandukira Jehovha uye hatina kutendeka kwaari, musatirega tiri vapenyu nhasi. 23 Kana takazvivakira atari kuti tirege kutevera Jehovha uye kuti tipe zvibayiro zvinopiswa, mipiro yezviyo,* nezvibayiro zverugare pairi, Jehovha achatiranga.+ 24 Hatina kuivakira izvozvo, asi takaivaka nechimwe chikonzero tichiti, ‘Mune ramangwana, vanakomana venyu vachazoti kuvanakomana vedu: “Munei chekuita naJehovha Mwari waIsraeri? 25 Jehovha akaita kuti Rwizi rwaJodhani rwuve muganhu pakati pedu nemi, imi vaRubheni nevaGadhi. Hamuna mugove kuna Jehovha.” Uye vanakomana venyu vachaita kuti vanakomana vedu varege kunamata* Jehovha.’

26 “Saka takati, ‘Ngatitoona zvekuita, tivake atari, kwete yemipiro inopiswa kana yezvibayiro, 27 asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi+ nezvizvarwa zvedu zvichatevera, kuti tichashumira Jehovha pamberi pake nemipiro yedu inopiswa nezvibayiro zvedu, nezvibayiro zvedu zverugare,+ kuti vanakomana venyu vasazoti kuvanakomana vedu mune ramangwana: “Hamuna mugove kuna Jehovha.”’ 28 Saka takati, ‘Kana vakataura izvozvo kwatiri nekuzvizvarwa zvedu mune ramangwana, tichabva tati: “Onai atari yakagadzirwa nemadzitateguru edu yakafanana neatari yaJehovha, isiri yemipiro inopiswa kana yezvibayiro, asi inoshanda sechapupu pakati pedu nemi.”’ 29 Hatingambofunga zvakadaro zvekuti tipandukire Jehovha uye tirege kutevera Jehovha+ nhasi tichivaka atari yezvibayiro zvinopiswa, nemipiro yezviyo, nezvibayiro, pane kushandisa atari yaJehovha Mwari wedu iri pamberi petebhenekeri yake!”+

30 Mupristi Finiyasi nemachinda eungano nevakuru vezviuru zvaIsraeri vaaiva navo pavakanzwa mashoko akataurwa nevanhu vekwaRubheni, vekwaGadhi, nevekwaManase, vakabva vagutsikana nazvo.+ 31 Saka Finiyasi mwanakomana wemupristi Eriyezari akati kuvanhu vekwaRubheni, vekwaGadhi, nevekwaManase: “Nhasi tinoziva kuti Jehovha ari pakati pedu, nekuti hamuna kuita chinhu chisina kutendeka kuna Jehovha. Manunura vaIsraeri kubva muruoko rwaJehovha.”

32 Finiyasi mwanakomana wemupristi Eriyezari nemachinda vakabva vadzokera kunyika yeKenani vachibva kuvaRubheni, nevaGadhi vaiva munyika yeGiriyedhi, uye vakadzoka neshoko kune vamwe vaIsraeri. 33 VaIsraeri vakagutsikana neshoko racho. VaIsraeri vakabva varumbidza Mwari, uye havana kuzoramba vachitaura nezvekuenda kunorwisa vaRubheni nevaGadhi kuti vaparadze nyika yavakanga vachigara.

34 Saka vaRubheni nevaGadhi vakapa atari yacho zita,* nekuti “iyo chapupu pakati pedu kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.”

23 Mazuva mazhinji pashure pekunge Jehovha apa vaIsraeri zororo+ pavavengi vavo vese vainge vakavapoteredza, Joshua akwegura uye ava nemakore mazhinji,+ 2 Joshua akashevedza vaIsraeri vese,+ vakuru vavo, vakuru vemadzinza avo, vatongi vavo, nevatungamiriri vavo,+ akati kwavari: “Ini ndakwegura; ndava nemakore mazhinji. 3 Makazvionera mega zvese zvakaitwa kumarudzi ese aya naJehovha Mwari wenyu achiitira imi, nekuti Jehovha Mwari wenyu ndiye akanga achikurwirai.+ 4 Onai, ndakakupai*+ nyika yemarudzi asara kuti ive nhaka yemadzinza enyu,+ nenyika yemarudzi ese andakaparadza,+ kubva kuJodhani kusvika kuGungwa Guru* riri kumavirira. 5 Jehovha Mwari wenyu ndiye akaramba achiadzinga pamberi penyu,+ uye akaadzinga* achiitira imi, mukatora nyika yawo ikava yenyu, sezvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu.+

6 “Munofanira kushinga kwazvo kuti muchengete uye muite zvese zvakanyorwa mubhuku reMutemo+ waMozisi nekusambotsauka pauri muchienda kurudyi kana kuruboshwe,+ 7 nekusambodyidzana nemarudzi+ akasara pakati penyu. Hamufaniri kutombotaura mazita avanamwari vawo+ kana kupika nawo, uye hamutombofaniri kuvashumira kana kuvakotamira.+ 8 Asi munofanira kuramba muri pana Jehovha Mwari wenyu,+ sezvamanga muchiita kusvikira nhasi. 9 Jehovha achadzinga marudzi makuru uye ane simba pamberi penyu,+ nekuti hapana murume akambokwanisa kumira pamberi penyu kusvikira nhasi.+ 10 Murume mumwe chete wenyu achadzingirira vanhu vane chiuru,+ nekuti Jehovha Mwari wenyu ari kukurwirai,+ sezvaakakuvimbisai.+ 11 Saka garai makachenjerera nguva dzese+ kuburikidza nekuda Jehovha Mwari wenyu.+

12 “Asi kana mukangotsauka chete, mobatana nevanhu vasara pamarudzi aya+ vachiri pakati penyu, moroorerana+ navo muchishamwaridzana navo, ivo vachishamwaridzana nemi, 13 chokwadi zivai kuti Jehovha Mwari wenyu haazorambi achikudzingirai marudzi aya.+ Marudzi aya achava chiteyeso nemusungo kwamuri uye tyava ine zvinobaya kumisana yenyu+ uye minzwa mumaziso enyu kusvikira maparara panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.

14 “Inzwai! Ndava pedyo nekufa,* uye munonyatsoziva nemwoyo yenyu yese nemweya* yenyu yese kuti pane zvese zvamakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana. Zvese zvakaitika muchizviona. Hapana kana shoko rimwe chete pavimbiso idzodzo rakakundikana.+ 15 Asi sekuzadziswa kwakaitwa zvinhu zvese zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu kwamuri+, Jehovha achakuunziraiwo matambudziko ese aakataura* uye achakuparadzai panyika iyi yakanaka yamakapiwa naJehovha Mwari wenyu.+ 16 Kana mukaputsa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakakurayirai kuti muchengete, uye kana mukaenda kunoshumira vamwe vanamwari movakotamira, Jehovha achakutsamwirai kwazvo,+ uye muchakurumidza kuparara panyika yakanaka yaakakupai.”+

24 Joshua akabva aunganidza madzinza ese aIsraeri kuShekemu, akashevedza vakuru vaIsraeri, vakuru vemadzinza avo, vatongi vavo nevatungamiriri vavo,+ uye vakamira pamberi paMwari wechokwadi. 2 Joshua akati kuvanhu vese: “Izvi ndizvo zviri kutaurwa naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Kare kare+ madzitateguru enyu+ aigara mhiri kweRwizi,* iye Tera baba vaAbrahamu nababa vaNahori, uye vaishumira vamwe vanamwari.+

3 “‘Nekufamba kwenguva, ndakatora tateguru wenyu Abrahamu+ mhiri kweRwizi,* ndikamufambisa munyika yese yeKenani, ndikaita kuti vana* vake vawande.+ Ndakamupa Isaka;+ 4 uye Isaka ndakabva ndamupa Jakobho naIsau.+ Gare gare ndakapa Isau Gomo reSeiri kuti rive nhaka yake;+ uye Jakobho nevanakomana vake vakaenda kuIjipiti.+ 5 Ndakazotuma Mozisi naAroni,+ ndikatambudza vaIjipiti nezvandakaita pakati pavo,+ ndikabva ndakubudisai imomo. 6 Pandaibudisa madzibaba enyu muIjipiti+ achibva asvika pagungwa, madzibaba enyu akateverwa nevaIjipiti kusvika paGungwa Dzvuku, avo vaiva nengoro dzehondo nevarwi vakatasva mabhiza.+ 7 Vakatanga kuchema kuna Jehovha,+ saka akaisa rima pakati penyu nevaIjipiti, akaita kuti gungwa rivafukidze,+ uye makaona nemaziso enyu zvandakaita muIjipiti.+ Makabva magara murenje kwemakore* mazhinji.+

8 “‘Ndakakuunzai munyika yevaAmori vaigara mhiri* kwaJodhani, uye vakakurwisai.+ Asi ndakavaisa mumaoko enyu kuti mutore nyika yavo, uye ndakavaparadza pamberi penyu.+ 9 Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhi, akabva asimuka akarwa nevaIsraeri. Saka akashevedza Bharami mwanakomana waBheori kuti akutukei.+ 10 Asi handina kumbobvira ndateerera Bharami.+ Saka akaramba achikukomborerai,+ uye ndakakununurai paruoko rwake.+

11 “‘Makabva mayambuka Jodhani+ mukasvika kuJeriko.+ Vatungamiriri veJeriko,* vaAmori, vaPerizi, vaKenani, vaHiti, vaGigashi, vaHivhi nevaJebhusi vakakurwisai; asi ndakavaisa mumaoko enyu.+ 12 Saka musati masvika kwavari ndakaita kuti vaore mwoyo,* vachibva vatiza pamberi penyu,+ iwo madzimambo maviri evaAmori. Hamuna kuvakunda nebakatwa renyu kana uta hwenyu.+ 13 Saka ndakakupai nyika yamakanga musina kushandira nemaguta amakanga musina kuvaka,+ mukagara maari. Muri kudya kubva muminda yemizambiringa neminda yemiorivhi yamusina kudyara.’+

14 “Saka ityai Jehovha mumushumire makaperera* uye makatendeka,*+ uye bvisai vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu mhiri kweRwizi* uye kuIjipiti,+ mushumire Jehovha. 15 Kana muchiona sekuti zvakaipa kushumira Jehovha, zvisarudzirei nhasi wamuchashumira,+ vangava vanamwari vakashumirwa nemadzitateguru enyu mhiri kweRwizi*+ kana vanamwari vevaAmori vane nyika yamuri kugara.+ Asi ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.”

16 Vanhu vakabva vapindura vachiti: “Hatingambofungi zvakadaro, kusiya Jehovha toshumira vamwe vanamwari. 17 Jehovha Mwari wedu ndiye akatibudisa isu nemadzibaba edu munyika yeIjipiti,+ muimba yeuranda,+ uye ndiye akaita zviratidzo zvikuru izvi tichiona,+ akaramba achitichengeta panzira yese yatakafamba nepakati pemarudzi ese atakapfuura nekwaari.+ 18 Jehovha akadzinga marudzi ese pamberi pedu, kusanganisira vaAmori, vaigara munyika yacho. Saka isuwo tichashumira Jehovha, nekuti ndiye Mwari wedu.”

19 Joshua akabva ati kuvanhu: “Hamukwanisi kushumira Jehovha, nekuti ndiMwari mutsvene;+ ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.+ Haazoregereri kudarika* kwenyu nezvivi zvenyu.+ 20 Kana mukasiya Jehovha moshumira vanamwari vekune dzimwe nyika, iyewo achakupindukirai, okuparadzai pashure pekunge ambokuitirai zvakanaka.”+

21 Asi vanhu vakati kuna Joshua: “Aiwa, isu tichashumira Jehovha!”+ 22 Saka Joshua akati kuvanhu: “Muri zvapupu zvenyu pachenyu kuti imi masarudza mega kushumira Jehovha.”+ Vakabva vati: “Tiri zvapupu.”

23 “Saka bvisai vanamwari vekune dzimwe nyika vari pakati penyu, moisa mwoyo yenyu pana Jehovha Mwari waIsraeri.” 24 Vanhu vakati kuna Joshua: “Tichashumira Jehovha Mwari wedu, uye tichateerera inzwi rake!”

25 Saka Joshua akaita sungano nevanhu zuva iroro, akavapa murau nemutemo vari muShekemu. 26 Joshua akabva anyora mashoko aya mubhuku reMutemo waMwari,+ akatora dombo guru,+ akarimisa pasi pemuti mukuru uri pedyo nenzvimbo tsvene yaJehovha.

27 Joshua akati kuvanhu vese: “Dombo iri richava chapupu kwatiri,+ nekuti ranzwa zvese zvataurwa naJehovha kwatiri, uye richava chapupu kwamuri, kuti murege kuramba Mwari wenyu.” 28 Joshua akabva arega vanhu vachienda, mumwe nemumwe kunhaka yake.+

29 Pashure pezvinhu izvi, Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava nemakore 110.+ 30 Saka vakamuviga munyika yenhaka yake muTimnati-sera,+ iri munyika ine makomo yaEfremu, kuchamhembe kweGomo reGaashi. 31 Israeri akaramba achishumira Jehovha mazuva ese aJoshua nemazuva ese evakuru vakasara vari vapenyu Joshua afa uye vakanga vachiziva zvese zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha.+

32 Mapfupa aJosefa,+ ayo akanga aunzwa nevaIsraeri vachibva kuIjipiti, akavigwa muShekemu muchikamu chemunda chakanga chatengwa naJakobho nemari inosvika masirivha 100+ kuvanakomana vaHamori,+ baba vaShekemu; uye wakava nhaka yevanakomana vaJosefa.+

33 Uyewo, Eriyezari mwanakomana waAroni akafa.+ Saka vakamuviga muChikomo chaFiniyasi mwanakomana wake,+ chaakanga apiwa munyika ine makomo yaEfremu.

Kana kuti “Jehoshua,” kureva kuti “Jehovha Ruponeso.”

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Kana kuti “unofanira kufungisisa zviri mariri.”

Kana kuti “nzira yako ichabudirira.”

Kureva, kumabvazuva.

Kana kuti, “vanoongorora.”

Ichi chirimwa chakabvira makare kare chichirimwa. Tambo dzinobviswa pachiri dzaishandiswa kugadzira machira.

Kureva, kumabvazuva.

Kana kuti “zvandakuratidzai rudo rusingachinji.”

Kana kuti “chandinogona kuvimba nacho.”

Kana kuti “munofanira kununura mweya yedu kuti irege kufa.”

Kana kuti “Mweya yedu ichafa panzvimbo penyu!”

ChiHeb., “ropa rake richava pamusoro wake.”

ChiHeb., “nevanakomana vaIsraeri.”

Mamita anenge 890. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva, Gungwa Rakafa.

ChiHeb., “vanakomana.”

ChiHeb., “vaimutya.”

ChiHeb., “akanga asisina mweya maari.”

Kureva kuti, “Chikomo cheZvikanda Zvepamberi.”

Kana kuti “varume vese vaiva pazera rekuenda kuhondo.”

Kureva kuti, “Kukungurutsa; Kukungurutsa Uchibvisa.”

Kana kuti “pamunonzwa hwamanda ichiramba ichirira.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “akaita kuti vanhu vaite mhiko iyi.”

Kana kuti “nheyo.”

Kana kuti “munoongorora.”

Kureva kuti “Makomba akadzika anocherwa nevanotsvaga zvicherwa.”

ChiHeb., “Saka mwoyo yevanhu yakanyunguduka ikaita semvura.”

Kureva, kumabvazuva.

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “watiunzira nhamo; waita kuti tiraswe.”

Kureva kuti “Dambudziko; Kuraswa.”

Kana kuti “pfumo diki.”

Kana kuti “pamuti.”

ChiHeb., “vaifamba.”

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Kana kuti “vashandi.”

Kureva, kumabvazuva.

Kana kuti “vaongorora.”

Kana kuti “Saka takatyira mweya yedu.”

ChiHeb., “akarodza rurimi rwake.”

Kana kuti “pamiti mishanu.”

Kana kuti “mweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “nemweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “nemweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “mweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “mweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “nemweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “mweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “muArabha.”

Kana kuti “madzira.”

Kana kuti “mweya yese yaiva mairi.”

Kana kuti “neShefera yayo.”

Kana kuti “kuRwizi rwaAnoni.”

Kana kuti “kweRwizi rwaAnoni.”

Kana kuti “kuRwizi rwaJabhoki.”

Kureva, Gungwa reGenesareti kana kuti Gungwa reGarireya.

Kureva, Gungwa Rakafa.

Kana kuti “kukundwa.”

Kana kuti “kubva kurwizi rwunobuda muna Nire.”

ChiHeb., “pakatarisana neIjipiti.”

Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Kana kuti “ndichavatorera nyika.”

Kana kuti “peRwizi rwaAnoni.”

Kana kuti “ndokuvatorera nyika.”

Kana kuti “peRwizi rwaAnoni.”

Kureva, Gungwa reGenesareti, kana kuti Gungwa reGarireya.

Kureva, kumabvazuva.

ChiHeb., “mwoyo yevanhu inyunguduke.”

ChiHeb., “zvizere.”

Kana kuti “ndichavatorera nyika yavo.”

Kana kuti “Nyika yakapiwa dzinza raJudha pachishandiswa mujenya.”

Kureva, Gungwa Rakafa.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.

Kureva, Gungwa Rakafa.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Dzimwe shanduro dzinoti, “akabva aombera maoko ari padhongi rake.”

Kana kuti “kuNegebhu.”

Kureva kuti “Madziva Emvura.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “Gedhera nematanga aro emakwai.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Kureva, kumabvazuva.

ChiHeb., “kurudyi.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

ChiHeb., “uye kuchamhembe vaisvika.”

ChiHeb., “mangondipa.”

ChiHeb., “ngoro dzesimbi.”

ChiHeb., “ngoro dzesimbi.”

Kureva, Gungwa Rakafa.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “anouraya mweya.”

Kana kuti “asingazivi.”

Kana kuti “asingazivi.”

Kana kuti “vakatsvenesa.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “vakapiwa maguta 10 pachishandiswa mujenya.”

Kureva, kumabvazuva.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “Ane Simba, Iye Mwari, Jehovha.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “kutya.”

Kubva pane zvataurwa, zvinoita sekuti atari yacho yakapiwa zita rekuti Chapupu.

Kana kuti “ndakakupai ndichishandisa mujenya.”

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Kana kuti “akaatorera nyika.”

ChiHeb., “Nhasi ndiri kuenda nenzira yepasi rese.”

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “shoko rese rakaipa raakataura.”

Kureva, Yufratesi.

Kureva, Yufratesi.

ChiHeb., “mbeu.”

ChiHeb., “kwemazuva.”

Kureva, kumabvazuva.

Dzimwe shanduro dzinoti, “Varidzi venyika yeJeriko.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “vavhunduke; vapere nekutya.”

Kana kuti “musina chamunopomerwa.”

Kana kuti “muchokwadi.”

Kureva, Yufratesi.

Kureva, Yufratesi.

Kana kuti “kupanduka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe