RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • nwt Numeri 1:1-36:13
  • Numeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Numeri
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Numeri

NUMERI

1 Uye Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai,+ mutende rekusanganira,+ pazuva rekutanga remwedzi wechipiri mugore rechipiri vabuda munyika yeIjipiti.+ Akati: 2 “Verengai+ ungano yese yevaIsraeri* mumwe nemumwe maererano nemhuri yake, maererano nedzimba dzemadzibaba avo, muchiverenga mazita evarume vese. 3 Iwe naAroni munofanira kuvaverenga maererano nezvikwata zvavo,* vese vane makore 20 zvichikwira+ vanokwanisa kuenda kuhondo.

4 “Torai murume mumwe chete mudzinza rimwe nerimwe; mumwe nemumwe anofanira kuva mukuru weimba yemadzibaba ake.+ 5 Aya ndiwo mazita evarume vamuchamira navo: wekwaRubheni, Erizuri+ mwanakomana waShedheuri; 6 wekwaSimiyoni, Sherumieri+ mwanakomana waZurishadhai; 7 wekwaJudha, Nashoni+ mwanakomana waAminadhabhi; 8 wekwaIsakari, Netaneri+ mwanakomana waZuari; 9 wekwaZebhuroni, Eriyabhi+ mwanakomana waHeroni; 10 vekuvanakomana vaJosefa: wekwaEfremu,+ Erishama mwanakomana waAmihudhi; wekwaManase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri; 11 wekwaBhenjamini, Abhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai; 12 wekwaDhani, Ahiezeri+ mwanakomana waAmishadhai; 13 wekwaAsheri, Pagieri+ mwanakomana waOkrani; 14 wekwaGadhi, Eriyasafi+ mwanakomana waDheueri; 15 wekwaNaftari, Ahira+ mwanakomana waEnani. 16 Ava ndivo vakashevedzwa pakati peungano. Ndiwo machinda+ emadzinza emadzibaba avo, vakuru vezviuru zvaIsraeri.”+

17 Saka Mozisi naAroni vakatora varume ava vakanga vasarudzwa nemazita. 18 Vakaunganidza ungano yese pazuva rekutanga remwedzi wechipiri, kuti mumwe nemumwe anyorwe zita rake, mhuri yake, uye imba yababa vake, wese ane makore 20 zvichikwira,+ 19 sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Saka akavaverenga murenje reSinai.+

20 Vanakomana vaRubheni, vanhu vedzinza redangwe raIsraeri,+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 21 uye vanhu vedzinza raRubheni vakaverengwa vaiva 46 500.

22 Vedzinza raSimiyoni+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 23 uye vanhu vedzinza raSimiyoni vakaverengwa vaiva 59 300.

24 Vedzinza raGadhi+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 25 uye vanhu vedzinza raGadhi vakaverengwa vaiva 45 650.

26 Vedzinza raJudha+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 27 uye vanhu vedzinza raJudha vakaverengwa vaiva 74 600.

28 Vedzinza raIsakari+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 29 uye vanhu vedzinza raIsakari vakaverengwa vaiva 54 400.

30 Vedzinza raZebhuroni+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 31 uye vanhu vedzinza raZebhuroni vakaverengwa vaiva 57 400.

32 Vedzinza raJosefa vakabva kuna Efremu,+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 33 uye vanhu vedzinza raEfremu vakaverengwa vaiva 40 500.

34 Vedzinza raManase+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 35 uye vanhu vedzinza raManase vakaverengwa vaiva 32 200.

36 Vedzinza raBhenjamini+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 37 uye vanhu vedzinza raBhenjamini vakaverengwa vaiva 35 400.

38 Vedzinza raDhani+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 39 uye vanhu vedzinza raDhani vakaverengwa vaiva 62 700.

40 Vedzinza raAsheri+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 41 uye vanhu vedzinza raAsheri vakaverengwa vaiva 41 500.

42 Vedzinza raNaftari+ vakanyorwa seizvi: mazita avo, mhuri dzavo, nedzimba dzemadzibaba avo. Varume vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa, 43 uye vanhu vedzinza raNaftari vakaverengwa vaiva 53 400.

44 Ava vakaverengwa naMozisi naAroni nemachinda 12 aIsraeri, mumwe nemumwe wemachinda aya achimiririra imba yemadzibaba ake. 45 VaIsraeri vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vaikwanisa kuenda kuhondo vakaverengwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo, 46 uye vanhu vese vakaverengwa vakasvika 603 550.+

47 Asi vaRevhi+ maererano nemadzinza emadzibaba avo havana kuverengwa pakati pemamwe madzinza.+ 48 Saka Jehovha akaudza Mozisi kuti: 49 “Dzinza raRevhi chete ndiro rausingafaniri kuverenga, uye haufaniri kuvaverenga pamwe chete nevamwe vaIsraeri.+ 50 Unofanira kugadza vaRevhi kuti vave vatariri vetebhenekeri yeChipupuriro+ nemidziyo yayo yese nezvinhu zvayo zvese.+ Vachatakura tebhenekeri nemidziyo yayo yese,+ uye vachashumira ipapo,+ uye vanofanira kudzika misasa vakatenderedza tebhenekeri.+ 51 Pese panotamiswa tebhenekeri, vaRevhi ndivo vanofanira kuibvisa;+ uye pese panomiswa tebhenekeri, vaRevhi vanofanira kuimisa; uye munhu wese asingabvumirwi* anouya pedyo anofanira kuurayiwa.+

52 “MuIsraeri mumwe nemumwe anofanira kudzika tende rake paakagoverwa mumusasa, munhu mumwe nemumwe maererano neboka rake remadzinza matatu+ zvichienderana nezvikwata zvavo.* 53 Uye vaRevhi vanofanira kudzika misasa yavo vakatenderedza tebhenekeri yeChipupuriro, kuti ungano yevaIsraeri irege kutsamwirwa;+ uye vaRevhi ndivo vanofanira kunge vachichengeta tebhenekeri* yeChipupuriro.”+

54 VaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Vakaita izvozvo chaizvo.

2 Jehovha akazotaura naMozisi naAroni, achiti: 2 “VaIsraeri vanofanira kudzika misasa yavo kunenge kwakagoverwa mapoka avo emadzinza matatu,+ murume mumwe nemumwe pedyo nechiratidzo cheimba yemadzibaba ake. Vanofanira kudzika misasa yavo yakatarisa tende rekusanganira, vakaritenderedza.

3 “Vaya vachadzika musasa nechekumabvazuva, vachava boka remadzinza matatu remusasa waJudha maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaJudha ndiNashoni+ mwanakomana waAminadhabhi. 4 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 74 600.+ 5 Vedzinza raIsakari ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaIsakari ndiNetaneri+ mwanakomana waZuari. 6 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 54 400.+ 7 Dzinza rinozotevera nderaZebhuroni; jinda revanakomana vaZebhuroni ndiEriyabhi+ mwanakomana waHeroni. 8 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 57 400.+

9 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waJudha vanosvika 186 400. Ndivo vanofanira kutanga kuputsa musasa.+

10 “Boka remadzinza matatu remusasa waRubheni+ richava nechekumaodzanyemba maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaRubheni ndiErizuri+ mwanakomana waShedheuri. 11 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 46 500.+ 12 Vedzinza raSimiyoni ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaSimiyoni ndiSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai. 13 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 59 300.+ 14 Dzinza rinozotevera nderaGadhi; jinda revanakomana vaGadhi ndiEriyasafi+ mwanakomana waReueri. 15 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 45 650.+

16 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waRubheni vanosvika 151 450, uye ndivo vanofanira kuva vechipiri kuputsa musasa.+

17 “Panotamiswa tende rekusanganira,+ musasa wevaRevhi unofanira kuva nechepakati pemimwe misasa.

“Vanofanira kufamba vakarongwa semagariro avanoita mumisasa,+ mumwe nemumwe ari panzvimbo yake, maererano nemapoka avo emadzinza matatu.

18 “Boka remadzinza matatu remusasa waEfremu richava nechekumavirira maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaEfremu ndiErishama+ mwanakomana waAmihudhi. 19 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 40 500.+ 20 Dzinza rinozomutevera nderaManase;+ jinda revanakomana vaManase ndiGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri. 21 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 32 200.+ 22 Dzinza rinozotevera nderaBhenjamini; jinda revanakomana vaBhenjamini ndiAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai. 23 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 35 400.+

24 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waEfremu vanosvika 108 100, uye ndivo vanofanira kuva vechitatu kuputsa musasa.+

25 “Boka remadzinza matatu remusasa waDhani richava nechekuchamhembe maererano nezvikwata zvavo;* uye jinda revanakomana vaDhani ndiAhiezeri+ mwanakomana waAmishadhai. 26 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 62 700.+ 27 Vedzinza raAsheri ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaAsheri ndiPagieri+ mwanakomana waOkrani. 28 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 41 500.+ 29 Dzinza rinozotevera nderaNaftari; jinda revanakomana vaNaftari ndiAhira+ mwanakomana waEnani. 30 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 53 400.+

31 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waDhani vanosvika 157 600. Ndivo vanofanira kupedzisira kuputsa musasa,+ maererano neboka ravo remadzinza matatu.”

32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo; vese vaiva mumisasa vakanyorwa kuti vave mauto vaiva 603 550.+ 33 Asi vaRevhi havana kunyorwa+ pamwe nevamwe vaIsraeri,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 34 VaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Izvi ndizvo zvavaiita pavaidzika misasa yavo maererano nemapoka avo emadzinza matatu+ uye pavaiputsa musasa,+ mumwe nemumwe nemhuri yake uye maererano neimba yemadzibaba ake.

3 Izvi ndizvo zvizvarwa zvaAroni naMozisi panguva yakataura Jehovha naMozisi muGomo reSinai.+ 2 Aya ndiwo mazita evanakomana vaAroni: dangwe racho ndiNadhabhi, uye Abhihu,+ Eriyezari,+ naItamari.+ 3 Aya ndiwo mazita evanakomana vaAroni, vapristi vakazodzwa vakanga vakagadzwa* kuti vashumire sevapristi.+ 4 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafira pamberi paJehovha pavakauya nemoto usingabvumirwi pamberi paJehovha+ murenje reSinai, uye vakanga vasina vanakomana. Asi Eriyezari+ naItamari+ vakaramba vachishumira sevapristi pamwe chete nababa vavo Aroni.

5 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 6 “Uya nedzinza raRevhi,+ uvamise pamberi pemupristi Aroni, uye ndivo vachamushumira.+ 7 Vanofanira kuita mabasa avo avanomuitira uye avanoitira ungano yese pamberi petende rekusanganira vachishumira patebhenekeri. 8 Vanofanira kuchengeta midziyo yese+ yetende rekusanganira, uye kuita mabasa avo avanofanira kuitira vaIsraeri vachiita mabasa ese ane chekuita netebhenekeri.+ 9 Unofanira kupa vaRevhi kuna Aroni nevanakomana vake. Ndivo vaakapiwa sezvipo vachibva pavaIsraeri.+ 10 Unofanira kugadza Aroni nevanakomana vake, uye vanofanira kuita mabasa avo eupristi,+ uye munhu wese asingabvumirwi* anoswedera pedyo anofanira kuurayiwa.”+

11 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 12 “Ona! Ini ndiri kutora vaRevhi pakati pevaIsraeri panzvimbo pematangwe* ese evaIsraeri,+ uye vaRevhi vachava vangu. 13 Nekuti matangwe ese ndeangu.+ Zuva randakarova matangwe ese munyika yeIjipiti,+ ndakazvitsaurira matangwe ese pavaIsraeri kubvira kuvanhu kusvikira kumhuka.+ Iwo anofanira kuva angu. Ndini Jehovha.”

14 Jehovha akataurazve naMozisi murenje reSinai,+ achiti: 15 “Nyora vanakomana vaRevhi maererano nedzimba dzemadzibaba avo, uye maererano nemhuri dzavo. Unofanira kunyora vanhurume vese vanobvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira.”+ 16 Saka Mozisi akavanyora sezvakarayirwa naJehovha, sezvaakanga arayirwa chaizvo. 17 Aya ndiwo mazita evanakomana vaRevhi: Geshoni, Kohati, naMerari.+

18 Aya ndiwo mazita evanakomana vaGeshoni maererano nemhuri dzavo: Ribhini naShimei.+

19 Vanakomana vaKohati maererano nemhuri dzavo ndiAmramu, Izihari, Hebroni, naUzieri.+

20 Vanakomana vaMerari maererano nemhuri dzavo vaiva Mari+ naMushi.+

Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi maererano nedzimba dzemadzibaba avo.

21 KwaGeshoni ndiko kwakabva mhuri yevaRibhini+ nemhuri yevaShimei. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaGeshoni. 22 Vanhurume vese vakaverengwa vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vaiva 7 500.+ 23 Mhuri dzevaGeshoni dzainge dzakadzika musasa shure kwetebhenekeri+ kwakatarisa kumavirira. 24 Jinda reimba yemadzibaba evaGeshoni raiva Eriyasafi mwanakomana waRaeri. 25 Basa revanakomana vaGeshoni+ patende rekusanganira raiva rekuona nezvetebhenekeri netende+ racho, zvekuifukidzisa,+ keteni+ rekuvharisa musuo wetende rekusanganira, 26 maketeni anorembera+ echivanze, keteni+ repasuo rechivanze chakapoteredza tebhenekeri neatari, tambo dzayo dzetende, nemamwe mabasa ese aiva nechekuita nezvinhu izvi.

27 KwaKohati ndiko kwakabva mhuri yevaAmramu, mhuri yevaIzihari, mhuri yevaHebroni, nemhuri yevaUzieri. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaKohati.+ 28 Vanhurume vese vakaverengwa vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vaiva 8 600; ndivo vaiona nezvenzvimbo tsvene.+ 29 Mhuri dzevanakomana vaKohati dzainge dzakadzika musasa kurutivi rwekumaodzanyemba kwetebhenekeri.+ 30 Jinda reimba yemadzibaba emhuri dzevaKohati raiva Erizafani mwanakomana waUzieri.+ 31 Vaiva nebasa rekuona nezveAreka,+ tafura,+ chigadziko chemarambi,+ atari,+ midziyo+ yaishandiswa pakushumira munzvimbo tsvene, neketeni+ racho, uye mamwe mabasa ese aiva nechekuita nezvinhu izvi.+

32 Mukuru wemachinda evaRevhi aiva Eriyezari+ mwanakomana wemupristi Aroni, uye ndiye aiva mutariri wevaya vaiita mabasa epanzvimbo tsvene.

33 KwaMerari ndiko kwakabva mhuri yevaMari nemhuri yevaMushi. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaMerari.+ 34 Vanhurume vese vakaverengwa vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vaiva 6 200.+ 35 Jinda reimba yemadzibaba emhuri dzaMerari raiva Zurieri mwanakomana waAbhihairi. Vakanga vakadzika musasa kurutivi rwekuchamhembe kwetebhenekeri.+ 36 Vanakomana vaMerari ndivo vaiona nezvemafuremu+ etebhenekeri, mbariro+ dzayo, mbiru+ dzayo, zvigadziko zvayo zvine maburi, midziyo yayo yese,+ nemamwe mabasa ese aiva nechekuita nezvinhu izvi,+ 37 nembiru dzainge dzakapoteredza chivanze nezvigadziko+ zvadzo, nehoko dzetende, netambo dzetende.

38 Vaya vakanga vakadzika musasa pamberi petebhenekeri nechekumabvazuva, pamberi petende rekusanganira nechekumabvazuva, ndiMozisi naAroni nevanakomana vake. Ndivo vaiona nezvenzvimbo tsvene, vachimiririra vaIsraeri. Munhu wese asingabvumirwi* aiswedera pedyo aifanira kuurayiwa.+

39 Vanhurume vese vedzinza raRevhi vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira, vaya vakaverengwa naMozisi naAroni maererano nemhuri dzavo sezvakarayirwa naJehovha, vaiva 22 000.

40 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Verenga matangwe ese evanhurume evaIsraeri kubvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira;+ vaverenge, wovanyora mazita avo. 41 Panzvimbo pekutora matangwe ese evaIsraeri,+ unofanira kunditorera vaRevhi, ndini Jehovha. Uye unofanira kunditorera zvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo pezvipfuwo zvese zvinotanga kuberekwa zvevaIsraeri.”+ 42 Mozisi akabva averenga matangwe ese aiva pakati pevanakomana vaIsraeri, sezvaakanga arayirwa naJehovha. 43 Matangwe evanhurume vese vaiva nemwedzi mumwe chete zvichikwira aisvika 22 273, uye akaverengwa maererano nemazita.

44 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 45 “Tora vaRevhi panzvimbo pematangwe ese ari pakati pevaIsraeri, uye tora zvipfuwo zvevaRevhi panzvimbo pezvipfuwo zvavo, uye vaRevhi vanofanira kuva vangu. Ndini Jehovha. 46 Sezvo matangwe evaIsraeri akawandisa kupfuura vaRevhi+ nevanhu 273, kuti pave nemutengo wekuvadzikinura,+ 47 unofanira kutora mashekeri* mashanu kuti adzikinure munhu mumwe nemumwe,+ maererano neshekeri renzvimbo tsvene.* Shekeri rimwe chete rakaenzana nemagera* 20.+ 48 Unofanira kupa Aroni nevanakomana vake mari yacho kuti ive mutengo wekudzikinura vaya vakawandisa kuvapfuura.” 49 Saka Mozisi akatora mari yemutengo wekudzikinura kubva kune vaya vakanga vakawandisa kupfuura vaRevhi vaidzikinura. 50 Akatora mari yacho kumatangwe evaIsraeri, mashekeri 1 365, anoenderana neshekeri renzvimbo tsvene. 51 Mozisi akabva apa Aroni nevanakomana vake mari yemutengo wekudzikinura maererano neshoko raJehovha,* sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

4 Jehovha akazotaura naMozisi naAroni, achiti: 2 “Vanakomana vaKohati+ vanofanira kuverengwa pakati pevanakomana vaRevhi, maererano nemhuri dzavo nedzimba dzemadzibaba avo, 3 vese vane makore 30+ kusvika ku50+ vari muboka rakapiwa basa rekushanda mutende rekusanganira.+

4 “Iri ndiro basa revanakomana vaKohati mutende rekusanganira.+ Iro chinhu chitsvenetsvene: 5 Aroni nevanakomana vake vachapinda mukati panguva inosimuka vanhu mumusasa, uye vanofanira kubvisa keteni+ rekuvharisa, vofukidza naro areka+ yeChipupuriro. 6 Vachaifukidzazve pamusoro nematehwe akapfava,* voisa jira rebhuruu pamusoro, vopfekera mapango+ ayo ekuitakurisa.

7 “Vachawarirawo jira rebhuruu pamusoro petafura yechingwa chekuratidza,+ voisa madhishi, makapu, ndiro, nemajagi emipiro yezvinwiwa+ pamusoro payo; chingwa chemupiro+ chinogara chiri pairi chinofanira kuramba chiripo. 8 Vachaifukidza nejira dzvuku, voisa chekufukidzisa chematehwe akapfava pamusoro, vozopfekera mapango+ ayo ekuitakurisa. 9 Vachatora jira rebhuruu vofukidza chigadziko chemarambi,+ pamwe nemarambi+ acho, zvekubvisisa tambo yapera kubvira,* zvekuisira madota,+ uye midziyo yese yemafuta inoshandiswa kuti marambi agare achibvira. 10 Vachashandisa chekufukidzisa chematehwe akapfava kuchiputira pamwe nemidziyo yacho yese, vochiisa padanda rekutakurisa. 11 Uye vachawarira jira rebhuruu paatari yegoridhe,+ voifukidza nechekufukidzisa chematehwe akapfava, vopfekera matanda+ ayo ekuitakurisa. 12 Vachabva vatora midziyo+ yese yavanogara vachishumira nayo munzvimbo tsvene voiisa mujira rebhuruu, voifukidza nechekufukidzisa chematehwe akapfava, voiisa padanda rekutakurisa.

13 “Vanofanira kubvisa madota paatari,+ vowarira jira repepuru rakagadzirwa nemvere dzemakwai. 14 Vachaisa pamusoro payo midziyo yayo yese yavanoshandisa pavanoshumira paatari yacho: midziyo yekuisira moto, maforogo, mafoshoro, ndiro, midziyo yese yeatari;+ uye vanofanira kuisa chekufukidzisa chematehwe akapfava pamusoro payo, vopfekera matanda+ ayo ekuitakurisa.

15 “Aroni nevanakomana vake vanofanira kupedza kufukidza nzvimbo tsvene+ nemidziyo yese yenzvimbo tsvene kana musasa wava kutama. Vanakomana vaKohati vachabva vauya kuzozvitakura,+ asi havafaniri kubata nzvimbo tsvene nekuti vakadaro vanofa.+ Kutakura zvinhu izvi ibasa revanakomana vaKohati patende rekusanganira.

16 “Eriyezari+ mwanakomana wemupristi Aroni ndiye anoona nezvemafuta emarambi,+ rusenzi+ inonhuhwirira, mupiro wezviyo* unogara uchipiwa, nemafuta ekuzodza+ nawo. Ndiye anoona nezvetebhenekeri yese nezvese zviri mairi, kusanganisira nzvimbo tsvene nemidziyo yayo.”

17 Jehovha akataurazve naMozisi naAroni, achiti: 18 “Musarega dzinza remhuri dzevaKohati+ richiparadzwa pakati pevaRevhi. 19 Asi vaitirei izvi kuti varambe vari vapenyu, varege kufa pavanoswedera pazvinhu zvitsvenetsvene.+ Aroni nevanakomana vake vachapinda, vopa mumwe nemumwe wavo basa rake nezvaanofanira kutakura. 20 Havafaniri kupinda vachiona zvinhu zvitsvene kunyange kwekanguva, nekuti vakangodaro vanofa.”+

21 Jehovha akabva ataura naMozisi, achiti: 22 “Vanakomana vaGeshoni+ vanofanira kuverengwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo nemhuri dzavo. 23 Unofanira kunyora vese vane makore 30 kusvika ku50 vari muboka rakapiwa basa rekushumira mutende rekusanganira. 24 Iri ndiro basa remhuri dzevaGeshoni uye izvi ndizvo zvavanofanira kutakura:+ 25 Vachatakura machira ematende etebhenekeri,+ tende rekusanganira, chekufukidzisa charo nechekufukidzisa chematehwe akapfava chiri pamusoro paro,+ keteni rinovhara pasuo retende rekusanganira,+ 26 maketeni anorembera echivanze,+ keteni rinovhara pasuo rechivanze+ chakapoteredza tebhenekeri neatari, tambo dzematende acho nemidziyo yacho yese, nezvinhu zvese zvinoshandiswa pabasa racho. Iri ndiro basa ravo. 27 Aroni nevanakomana vake ndivo vatariri vebasa rese uye zvinhu zvinotakurwa nevaGeshoni;+ uchavapa basa rekutakura zvinhu zvese izvi. 28 Iri ndiro basa rinofanira kuitwa nemhuri dzevaGeshoni mutende rekusanganira,+ uye vanenge vachishanda vari pasi paItamari+ mwanakomana wemupristi Aroni.

29 “Kana vari vanakomana vaMerari+ uchavanyora maererano nemhuri dzavo uye nedzimba dzemadzibaba avo. 30 Unofanira kunyora vese vane makore 30 kusvika ku50 vari muboka rakapiwa basa rekushumira mutende rekusanganira. 31 Izvi ndizvo zvavanofanira kutakura+ pabasa ravo ravanoita patende rekusanganira: mafuremu+ etebhenekeri, mbariro+ dzayo, mbiru+ dzayo, zvigadziko zvayo zvine maburi;+ 32 mbiru+ dzakapoteredza chivanze, zvigadziko+ zvadzo, hoko+ dzadzo, netambo dzadzo dzetende pamwe chete nezvekushandisa zvadzo zvese nemabasa ese anobatana neizvi. Uchavapa maererano nemazita avo zvinhu zvavanofanira kutakura. 33 Aya ndiwo mashandiro achaitwa nemhuri dzevanakomana vaMerari+ pavanenge vachishumira vari patende rekusanganira, vari pasi paItamari mwanakomana wemupristi Aroni.”+

34 Mozisi naAroni nemachinda+ eungano vakabva vanyora vanakomana vevaKohati+ maererano nemhuri dzavo uye nedzimba dzemadzibaba avo, 35 vese vaiva nemakore 30 kusvika ku50 vaiva muboka rakapiwa basa rekushumira patende rekusanganira.+ 36 Vese vakanyorwa maererano nemhuri dzavo vakasvika 2 750.+ 37 Ava ndivo vemhuri dzevaKohati vakanyorwa, vese vaishumira patende rekusanganira. Mozisi naAroni vakavanyora sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.+

38 Vanakomana vaGeshoni+ vakanyorwa maererano nemhuri dzavo uye nedzimba dzemadzibaba avo, 39 vese vaiva nemakore 30 kusvika ku50 vaiva muboka rakapiwa basa rekushumira patende rekusanganira. 40 Vese vakanyorwa maererano nemhuri dzavo uye nedzimba dzemadzibaba avo vakasvika 2 630.+ 41 Aya ndiwo manyorerwo akaitwa mhuri dzevaGeshoni, vese vaya vaishumira patende rekusanganira. Mozisi naAroni vakaita kuti vanyorwe sezvakarayirwa naJehovha.+

42 Vanakomana vaMerari vakanyorwa maererano nemhuri dzavo uye nedzimba dzemadzibaba avo, 43 vese vaiva nemakore 30 kusvika ku50 vaiva muboka rakapiwa basa rekushumira patende rekusanganira.+ 44 Vese vakanyorwa maererano nemhuri dzavo vakasvika 3 200.+ 45 Uku ndiko kuverengwa kwakaitwa vanakomana vaMerari, vakaverengwa naMozisi naAroni sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.+

46 Mozisi naAroni nemachinda aIsraeri vakaverenga vaRevhi vese ava maererano nemhuri dzavo uye nedzimba dzemadzibaba avo; 47 vaiva nemakore 30 kusvika ku50, uye vese vakapiwa basa rekushumira uye kutakura zvinhu zvine chekuita netende rekusanganira.+ 48 Vanhu vese vakaverengwa vaiva 8 580.+ 49 Vakanyorwa sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi, mumwe nemumwe maererano nebasa rake uye zvaaifanira kutakura; vakanyorwa sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

5 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti vabudise mumusasa munhu wese ane maperembudzi+ nemunhu wese ane zvinoyerera+ nemunhu wese akaitwa asina kuchena nekubata munhu akafa.*+ 3 Munofanira kuvabudisa, vangava vanhurume kana vanhukadzi. Munofanira kuvabudisa mumusasa, kuitira kuti vasasvibise+ misasa yevanhu vandiri kugara pakati pavo.”+ 4 Saka vaIsraeri vakaita izvozvo, vakavabudisa mumusasa. VaIsraeri vakaita zvakanga zvaudzwa Mozisi naJehovha.

5 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 6 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Kana murume kana mukadzi akaita chimwe chezvivi zvinoitwa nevanhu oita zvinhu zvekusatendeka kuna Jehovha, munhu iyeye anenge ava* nemhosva.+ 7 Anofanira kureurura+ chivi chake chaakaita, oripa zvinoenderana nemhosva yake, uye owedzerawo chikamu chimwe chete pazvishanu;+ anofanira kuzvipa waakatadzira. 8 Asi kana akatadzirwa wacho asina hama yepedyo ingatambira zvinenge zvaripwa zvacho, zvinofanira kudzorerwa kuna Jehovha uye zvichava zvemupristi, kunze kwegondohwe rekuyananisa raachamuyananisira naro.+

9 “‘Mipiro yese mitsvene+ inounzwa nevaIsraeri kumupristi, inofanira kuva yake.+ 10 Zvinhu zvitsvene zvinounzwa nemunhu mumwe nemumwe zvicharamba zviri zvake. Chinhu chese chinopiwa mupristi nemunhu, chichava chemupristi.’”

11 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 12 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa kana mudzimai wemunhu akatsauka oita zvinhu zvisina kutendeka kumurume wake, 13 orara nemumwe murume,+ asi zvisina kuzivikanwa nemurume wake uye pasina akazviona, zvekuti anenge akazvisvibisa asi pasina chapupu chakamuona uye asina kubatwa: 14 Kana murume wacho akava neshanje achifungira mudzimai wake kuti haana kutendeka kwaari uye zviri izvo kuti mudzimai wacho akazvisvibisa, kana kuti murume wacho akava neshanje achifungira mudzimai wake kuti haana kutendeka kwaari asi iye asina kuzvisvibisa, 15 murume wacho anofanira kuuya nemudzimai wake kumupristi, pamwe nemupiro wemudzimai wake, chegumi cheefa* yefurawa yebhari. Haafaniri kudurura mafuta pamusoro payo kana kuisa zvinonhuhwirira zvichena pamusoro payo, nekuti iwo mupiro wezviyo* weshanje, mupiro wezviyo unoyeuchidza nezvemhosva.

16 “‘Mupristi achauya nemudzimai wacho mberi, omumisa pamberi paJehovha.+ 17 Mupristi achatora mvura tsvene nemudziyo wevhu, uye mupristi achatora guruva pasi mutebhenekeri, oriisa mumvura yacho. 18 Mupristi achaita kuti mukadzi wacho amire pamberi paJehovha uye achasunungura bvudzi remukadzi wacho, oisa mupiro wezviyo unoyeuchidza, kureva mupiro wezviyo weshanje,+ mumaoko emukadzi wacho, uye mupristi achange akabata mvura inovava inounza kutukwa.+

19 “‘Mupristi achaita kuti mukadzi wacho apike, achiti kwaari: “Kana pasina mumwe murume akarara newe iwe uine murume wako+ uye kana usina kutsauka ukazvisvibisa, mvura iyi inovava inounza kutukwa ngairege kukukuvadza. 20 Asi kana wakatsauka uri pasi pemurume wako uchizvisvibisa, uye kana wakarara nemumwe murume+ asiri murume wako—” 21 Mupristi achabva aita kuti mukadzi wacho apike mhiko inosanganisira kutukwa, uye mupristi achati kumukadzi wacho: “Jehovha ngaaite kuti zita rako rishandiswe pakutuka uye pakupika pakati pevanhu vako, sezvo Jehovha achaita kuti chidya* chako chiondoroke* uye dumbu rako rizvimbe. 22 Mvura iyi inounza kutukwa inofanira kupinda muura hwako kuti iite kuti dumbu rako rizvimbe uye kuti chidya* chako chiondoroke.”* Mukadzi wacho anofanira kubva ati: “Ameni! Ameni!”*

23 “‘Mupristi anofanira kubva anyora mashoko aya ekutuka mubhuku, oageza achipinda mumvura inovava. 24 Achabva aita kuti mukadzi wacho anwe mvura inovava inounza kutukwa, uye mvura inounza kutukwa inofanira kupinda maari yomuvava. 25 Mupristi anofanira kutora mupiro wezviyo weshanje+ uri mumaoko emukadzi wacho, ovheyesa mupiro wacho pamberi paJehovha, ouya nawo pedyo neatari. 26 Mupristi achanokora mupiro wacho wezviyo kuti umiririre zvabviswa zvacho oita kuti upfungaire paatari,+ kana adaro achaita kuti mukadzi wacho anwe mvura yacho. 27 Paanomuita kuti anwe mvura yacho, kana mukadzi wacho akazvisvibisa uye akaita zvekusatendeka kumurume wake, mvura inounza kutukwa ichabva yapinda maari yomuvava, dumbu rake rozvimba, chidya* chake choondoroka,* uye zita remukadzi wacho richashandiswa pakutuka pakati pevanhu vake. 28 Asi kana mukadzi wacho asina kuzvisvibisa, uye akachena, achange asunungurwa pachirango chakadaro, uye achakwanisa kubata pamuviri uye kuva nevana.

29 “‘Uyu ndiwo mutemo pamusoro peshanje,+ kana mukadzi atsauka ozvisvibisa ari pasi pemurume wake, 30 kana kuti, kana murume akava neshanje, ofungira kuti mudzimai wake haana kutendeka; anofanira kuita kuti mudzimai wake amire pamberi paJehovha, uye mupristi anofanira kumushandisira mutemo uyu wese. 31 Murume wacho achange asina mhosva, asi mudzimai wake achazvidavirira mhosva yake.’”

6 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana murume kana mukadzi akaita mhiko yakasiyana nedzimwe yekuti ararame semuNaziri*+ kuna Jehovha, 3 haafaniri kunwa waini nezvimwe zvinwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa vhiniga yewaini kana vhiniga yezvinwiwa zvese zvinodhaka.+ Haafaniri kunwa chero chinwiwa chinogadzirwa nemazambiringa, kana kudya mazambiringa, angava manyoro kana kuti akaomeswa. 4 Mazuva ese euNaziri hwake haafaniri kudya chero chinhu chinogadzirwa nemazambiringa, kubvira kumazambiringa asina kuibva, kusvika kumakanda acho.

5 “‘Mazuva ese emhiko yake yeuNaziri haafaniri kuveura musoro wake nechisvo.+ Anofanira kuramba ari mutsvene nekurega bvudzi remusoro wake richikura kusvikira mazuva aanenge akazvitsaurira kuna Jehovha akwana. 6 Mazuva ese aanenge akazvitsaurira kuna Jehovha, haafaniri kuswedera pedyo nemunhu akafa.* 7 Kunyange kana akafirwa nababa vake kana amai vake kana munin’ina wake kana hanzvadzi yake, haafaniri kuzvisvibisa,+ nekuti chiratidzo cheuNaziri kuna Mwari wake chiri pamusoro wake.

8 “‘Iye mutsvene kuna Jehovha mazuva ese euNaziri hwake. 9 Asi kana munhu akangoerekana afa ari pedyo naye,+ osvibisa bvudzi rake rinomiririra kutsaurirwa kwaakaitwa kuna Mwari,* anofanira kuveura bvudzi remusoro wake+ zuva raanonzi achena. Anofanira kuriveura pazuva rechinomwe. 10 Uye pazuva rechi8, anofanira kuuya nenjiva mbiri kana kuti hangaiwa diki mbiri kumupristi pasuo retende rekusanganira. 11 Mupristi achabva agadzira imwe yacho kuti ive yechibayiro chechivi uye imwe yacho ive yechibayiro chinopiswa kuitira chivi chake+ chine chekuita nemunhu akafa.* Anofanira kubva aita kuti musoro wake uve mutsvene pazuva iroro. 12 Uye anofanira kuzvitsaurira zvakare kuna Jehovha kuitira mazuva ake euNaziri, uye achaunza gondohwe risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chemhosva. Asi mazuva ekare haazoverengwi nekuti iye akasvibisa uNaziri hwake.

13 “‘Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemuNaziri: Paanopedza mazuva euNaziri+ hwake, achaunzwa kusuo retende rekusanganira. 14 Ari ikoko anofanira kupa mupiro wake kuna Jehovha: gondohwe rakanaka rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chinopiswa,+ gwayana gadzi rakanaka rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete kuti rive chibayiro chechivi,+ gondohwe rimwe chete rakanaka kuti rive chibayiro cherugare,+ 15 tswanda yezvingwa zveraundi* zvisina mbiriso zvefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvingwa zvitete zvisina mbiriso zvakazorwa mafuta, pamwe chete nemupiro wazvo wezviyo*+ nemipiro yezvinwiwa.+ 16 Mupristi achauya nazvo pamberi paJehovha, uye achapa chibayiro chake chechivi nechibayiro chake chinopiswa. 17 Achapa gondohwe kuti rive chibayiro cherugare kuna Jehovha pamwe chete netswanda yezvingwa zvisina mbiriso, uye mupristi achazvipa pamwe chete nemupiro wezviyo+ nemupiro wezvinwiwa.

18 “‘MuNaziri wacho anofanira kubva aveura bvudzi remumusoro make*+ ari pasuo retende rekusanganira, uye achatora bvudzi racho rakakura panguva yake yeuNaziri, oriisa mumoto uri pasi pechibayiro cherugare. 19 Uye mupristi anofanira kutora bandauko regondohwe racho rakabikwa,+ otora mutswanda chingwa cheraundi,* nechingwa chitete chimwe chete chisina mbiriso, ozviisa mumaoko emuNaziri pashure pekunge aveura chiratidzo chake cheuNaziri. 20 Uye mupristi anofanira kuzvivheyesa semupiro unovheyeswa pamberi paJehovha.+ Icho chinhu chitsvene kumupristi, pamwe chete nechityu* chemupiro unovheyeswa uye gumbo remupiro.+ Zvadaro, muNaziri anogona hake kunwa waini.

21 “‘Uyu ndiwo mutemo pamusoro pemuNaziri+ anoita mhiko: Kana akapika kuti anokwanisa kupa Jehovha mupiro unopfuura zvinofanira kubviswa nevaNaziri, anofanira kuita zvaanenge apika achiremekedza mutemo weuNaziri hwake.’”

22 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 23 “Udza Aroni nevanakomana vake kuti, ‘Uku ndiko kukomborera+ kwamunofanira kuita vaIsraeri. Vaudzei kuti:

24 “Jehovha ngaakukomborerei,+ akuchengetei.

25 Jehovha ngaaite kuti chiso chake chipenye kwamuri,+ uye ngaakunzwirei nyasha.

26 Jehovha ngaasimudze chiso chake kwamuri, akupei rugare.”’+

27 Uye vanofanira kuisa zita rangu pavaIsraeri,+ kuti ndivakomborere.”+

7 Zuva rakapedza Mozisi kumisa tebhenekeri,+ akaizodza+ ndokuitsvenesa, pamwe chete nezvekushandisa zvayo zvese, atari, nemidziyo yayo yese.+ Paakanga azodza uye atsvenesa zvinhu izvi,+ 2 machinda aIsraeri,+ vakuru vedzimba dzemadzibaba avo, akapa mupiro. Machinda aya emadzinza aitungamirira pakuverengwa kwevanhu 3 akauya pamberi paJehovha nemupiro wawo, wengoro 6 dzakanga dzakafukidzwa uye mombe* 12, machinda maviri aine ngoro imwe chete uye muchinda mumwe nemumwe aine mombe yake;* uye akauya nazvo pamberi petebhenekeri. 4 Jehovha akati kuna Mozisi: 5 “Gamuchira zvinhu izvi zvavari kukupa, nekuti zvichashandiswa pabasa retende rekusanganira, uye unofanira kuzvipa vaRevhi, maererano nezvinoda kushandiswa nemumwe nemumwe pabasa rake.”

6 Saka Mozisi akagamuchira ngoro dzacho nemombe dzacho, akazvipa vaRevhi. 7 Akapa vanakomana vaGeshoni ngoro mbiri nemombe ina maererano nezvaida kushandiswa pamabasa avo;+ 8 uye akapa vanakomana vaMerari ngoro ina nemombe 8 maererano nezvaida kushandiswa pamabasa avo, vari pasi paItamari, mwanakomana wemupristi Aroni.+ 9 Asi haana chaakapa vanakomana vaKohati, nekuti mabasa avo aiva epanzvimbo tsvene+ uye vaitakura zvinhu zvitsvene pamapfudzi avo.+

10 Saka machinda akauya nemupiro wawo pakakumikidzwa*+ atari pazuva rayakazodzwa. Machinda paakapa mupiro wawo ari pamberi peatari, 11 Jehovha akati kuna Mozisi: “Pazuva rimwe nerimwe pachava nemuchinda mumwe chete anouya nemupiro wake wekukumikidza atari mumwe achizoteverawo pazuva rinotevera.”

12 Akatanga kuuya nemupiro wake pazuva rekutanga aiva Nashoni+ mwanakomana waAminadhabhi wedzinza raJudha. 13 Mupiro wake waiva dhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri* 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,*+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;*+ 14 kapu imwe chete yegoridhe* yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 15 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 16 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 17 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waNashoni mwanakomana waAminadhabhi.+

18 Pazuva rechipiri, Netaneri+ mwanakomana waZuari, jinda raIsakari, akauya nemupiro wake. 19 Akauya nemupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 20 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 21 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 22 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 23 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waNetaneri mwanakomana waZuari.

24 Pazuva rechitatu, Eriyabhi+ mwanakomana waHeroni, jinda revanakomana vaZebhuroni, 25 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 26 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 27 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 28 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 29 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waEriyabhi+ mwanakomana waHeroni.

30 Pazuva rechina, Erizuri+ mwanakomana waShedheuri, jinda revanakomana vaRubheni, 31 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 32 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 33 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 34 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 35 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waErizuri+ mwanakomana waShedheuri.

36 Pazuva rechishanu, Sherumieri+ mwanakomana waZurishadhai, jinda revanakomana vaSimiyoni, 37 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 38 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 39 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 40 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 41 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai.

42 Pazuva rechi6, Eriyasafi+ mwanakomana waDheueri, jinda revanakomana vaGadhi, 43 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 44 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 45 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 46 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 47 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waEriyasafi+ mwanakomana waDheueri.

48 Pazuva rechi7, Erishama+ mwanakomana waAmihudhi, jinda revanakomana vaEfremu, 49 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 50 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 51 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 52 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 53 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waErishama+ mwanakomana waAmihudhi.

54 Pazuva rechi8, Gamarieri+ mwanakomana waPedhazuri, jinda revanakomana vaManase, 55 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 56 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 57 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 58 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 59 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri.

60 Pazuva rechi9, Abhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai, jinda+ revanakomana vaBhenjamini, 61 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 62 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 63 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 64 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 65 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai.

66 Pazuva rechi10, Ahiezeri+ mwanakomana waAmishadhai, jinda revanakomana vaDhani, 67 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 68 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 69 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 70 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 71 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waAhiezeri+ mwanakomana waAmishadhai.

72 Pazuva rechi11, Pagieri+ mwanakomana waOkrani, jinda revanakomana vaAsheri, 73 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 74 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 75 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 76 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 77 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waPagieri+ mwanakomana waOkrani.

78 Pazuva rechi12, Ahira+ mwanakomana waEnani, jinda revanakomana vaNaftari, 79 akapa mupiro wake wedhishi rimwe chete resirivha rairema mashekeri 130 uye ndiro imwe chete yesirivha yairema mashekeri 70 maererano neshekeri renzvimbo tsvene,+ zvese zvakazara nefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta kuti ive mupiro wezviyo;+ 80 kapu imwe chete yegoridhe yairema mashekeri 10, yakazara nerusenzi; 81 mukono wemombe mudiki mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye gwayana gono rimwe chete risati rapfuura gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro chinopiswa;+ 82 mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi;+ 83 uye mombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu, nemakwayana makono mashanu ane gore rimwe chete, kuti zvive chibayiro cherugare.+ Uyu ndiwo waiva mupiro waAhira+ mwanakomana waEnani.

84 Uyu ndiwo waiva mupiro wekukumikidza+ atari payakazodzwa wakabva kumachinda aIsraeri: madhishi 12 esirivha, ndiro 12 dzesirivha, kapu 12 dzegoridhe;+ 85 dhishi rimwe nerimwe resirivha richirema mashekeri 130, uye ndiro imwe neimwe ichirema mashekeri 70, midziyo yacho yese iri yesirivha inorema mashekeri 2 400 maererano neshekeri renzvimbo tsvene;+ 86 kapu 12 dzegoridhe dzakazara nerusenzi, kapu imwe neimwe ichirema mashekeri 10 maererano neshekeri renzvimbo tsvene, goridhe rese remakapu acho richirema mashekeri 120. 87 Mhuka dzese dzechibayiro chinopiswa dzaiva mikono yemombe 12, makondohwe 12, makwayana makono 12 ane gore rimwe chete uye mipiro yazvo yezviyo, nembudzana 12 kuti dzive chibayiro chechivi; 88 uye mhuka dzese dzechibayiro cherugare dzaiva mikono yemombe 24, makondohwe 60, nhongo 60, uye makwayana makono 60 ane gore rimwe chete. Uyu ndiwo waiva mupiro wekukumikidza+ atari pashure pekunge yazodzwa.+

89 Pese paipinda Mozisi mutende rekusanganira kuti ataure naMwari,*+ ainzwa inzwi richitaura naye richibva pamusoro pechekukwidibirisa+ areka yeChipupuriro, pakati pemakerubhi+ maviri; uye Mwari aitaura naye.

8 Jehovha akataura naMozisi, achiti: 2 “Taura naAroni, umuudze kuti, ‘Paunobatidza marambi, marambi acho manomwe anofanira kuvhenekera nzvimbo iri pamberi pechigadziko chemarambi.’”+ 3 Saka Aroni akaita izvi: Akabatidza marambi acho kuti avhenekere nzvimbo yaiva pamberi pechigadziko chemarambi,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 4 Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chemarambi: Chaive chegoridhe chakagadzirwa nesando; chakanga chakagadzirwa nesando+ kubva kuchidzinde chacho kusvikira kumaruva acho akatumbuka. Chigadziko chemarambi chakanga chakagadzirwa maererano nezvakanga zvaratidzwa+ Mozisi naJehovha.

5 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 6 “Tora vaRevhi pakati pevaIsraeri, uvachenese.+ 7 Unofanira kuvachenesa seizvi: Vasase mvura yekugeza zvivi, uye vanofanira kuveura miviri yavo yese nechisvo, vogeza zvipfeko zvavo, vova vakachena.+ 8 Vachabva vatora mukono wemombe mudiki+ nemupiro wawo wezviyo*+ wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, uye utore mumwe mukono mudiki kuti uve chibayiro chechivi.+ 9 Uye unofanira kuuya nevaRevhi pamberi petende rekusanganira, wounganidza ungano yese yevaIsraeri.+ 10 Paunouya nevaRevhi pamberi paJehovha, vaIsraeri vanofanira kuisa maoko avo pamusoro pevaRevhi.+ 11 Uye Aroni anofanira kuuya nevaRevhi* pamberi paJehovha semupiro unovheyeswa+ unobva kuvaIsraeri, uye vachaita basa rekushumira Jehovha.+

12 “VaRevhi vachabva vaisa maoko avo pamisoro yemikono+ yacho. Kana vadaro vachabva vapa mumwe wacho sechibayiro chechivi uye mumwe wacho sechibayiro chinopisirwa Jehovha kuti chiyananisire+ vaRevhi. 13 Uye uchaita kuti vaRevhi vamire pamberi paAroni nevanakomana vake wovapa* kuna Jehovha semupiro unovheyeswa. 14 Unofanira kutsaura vaRevhi pakati pevaIsraeri, uye vaRevhi vachava vangu.+ 15 Pashure paizvozvo vaRevhi vachapinda kuti vashumire patende rekusanganira. Aya ndiwo machenesero aunofanira kuvaita, wovapa* semupiro unovheyeswa. 16 Nekuti ndakavapiwa sezvipo kubva pavaIsraeri. Ndichavatora kuti vave vangu panzvimbo pematangwe ese evaIsraeri.*+ 17 Nekuti matangwe ese evaIsraeri ndeangu, evanhu neemhuka.+ Ndakaatsaura kuti ave angu pazuva randakarova matangwe ese munyika yeIjipiti.+ 18 Ndichatora vaRevhi panzvimbo pematangwe ese evaIsraeri. 19 Ndichapa vaRevhi sezvipo kuna Aroni nevanakomana vake kubva pavaIsraeri, kuti vaite basa revaIsraeri patende rekusanganira+ uye kuti vayananisire vaIsraeri,+ kuti vaIsraeri varege kuwirwa nedambudziko vaswedera pedyo nenzvimbo tsvene.”

20 Mozisi naAroni neungano yese yevaIsraeri vakaita izvi nevaRevhi. VaIsraeri vakaita nevaRevhi zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha nezvevaRevhi. 21 Saka vaRevhi vakazvinatsa, vakageza zvipfeko zvavo,+ Aroni achibva avapa* semupiro unovheyeswa pamberi paJehovha.+ Aroni akabva avayananisira kuti avachenese.+ 22 Izvozvo zvaitwa, vaRevhi vakaenda kunoita basa ravo patende rekusanganira pamberi paAroni nevanakomana vake. Vakaita navo zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha pamusoro pevaRevhi.

23 Jehovha akabva ataura naMozisi, achiti: 24 “Uyu ndiwo mutemo unoshandiswa pavaRevhi: Murume ane makore 25 zvichikwira achapinda muboka revaya vanoshanda patende rekusanganira. 25 Asi kana apfuura makore 50, achabuda muboka iri, omira kushumira. 26 Anogona hake kubatsira hama dzake dzinoita mabasa epatende rekusanganira, asi haafaniri kushumira ipapo. Izvi ndizvo zvaunofanira kuita nevaRevhi nemabasa avo.”+

9 Jehovha akataura naMozisi murenje reSinai mumwedzi wekutanga+ wegore rechipiri vabuda munyika yeIjipiti, achiti: 2 “VaIsraeri vanofanira kugadzira chibayiro chePaseka+ kana nguva yacho yasvika.+ 3 Pazuva rechi14 remwedzi uno panguva yerubvunzavaeni* munofanira kuchigadzira kana nguva yacho yasvika. Munofanira kuchigadzira maererano nemirau yacho yese nezvese zvinofanira kutevedzerwa.”+

4 Saka Mozisi akaudza vaIsraeri kuti vagadzire chibayiro chePaseka. 5 Vakabva vagadzira chibayiro chePaseka mumwedzi wekutanga, pazuva rechi14 remwedzi wacho panguva yerubvunzavaeni,* murenje reSinai. VaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

6 Kwaiva nevarume vakanga vaitwa vasina kuchena nekubata chitunha chemunhu,*+ zvekuti havana kukwanisa kugadzira chibayiro chePaseka pazuva iroro. Saka varume ivavo vakauya pamberi paMozisi naAroni pazuva iroro+ 7 uye vakati kwaari: “Hatina kuchena nekuti tabata chitunha chemunhu.* Tingabva tarambidzwa here kupa Jehovha chibayiro pakati pevaIsraeri kana nguva yacho yasvika?”+ 8 Mozisi akabva ati kwavari: “Mirai ipapo ndinzwe zvichataurwa naJehovha nezvenyu.”+

9 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 10 “Udza vaIsraeri kuti, ‘Kunyange munhu ari pakati penyu kana wemuzvizvarwa zvenyu zvinotevera akava asina kuchena nekubata chitunha chemunhu*+ kana kuti achinge asipo akaenda kure, anofanira kungogadzirira Jehovha chibayiro chePaseka. 11 Vanofanira kuchigadzira mumwedzi wechipiri,+ pazuva rechi14 panguva yerubvunzavaeni.* Vanofanira kuchidya pamwe chete nechingwa chisina mbiriso nemiriwo inovava.+ 12 Havafaniri kuchisiya kusvikira mangwanani,+ uye havafaniri kutyora mapfupa acho.+ Vanofanira kuchigadzira maererano nemirau yese yePaseka. 13 Asi kana munhu wacho akanga akachena hake kana kuti akanga asiri parwendo uye akarega hake kugadzira chibayiro chePaseka, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake,*+ nekuti haana kuuya nechibayiro chaJehovha pakakwana nguva yacho. Munhu iyeye achazvidavirira chivi chake.

14 “‘Uye kana mutorwa achigara nemi, anofanirawo kugadzira chibayiro chePaseka chinoitirwa Jehovha.+ Anofanira kuita maererano nemurau wePaseka uye maererano nezvinofanira kutevedzerwa.+ Panofanira kuva nemurau mumwe chete kwamuri, kumutorwa nekuchizvarwa chemunyika yenyu.’”+

15 Pazuva rakamiswa tebhenekeri,+ gore rakafukidza tebhenekeri, kureva tende reChipupuriro, asi manheru chinhu chaioneka semoto chakaramba chiri pamusoro petebhenekeri kusvikira mangwanani.+ 16 Izvi ndizvo zvairamba zvichiitika: Gore raiifukidza masikati, uye chinhu chaioneka semoto chaiifukidza usiku.+ 17 Pese paisimuka gore kubva pamusoro petende, vaIsraeri vaibva vatama,+ uye panzvimbo paimira gore, ndipo paidzika vaIsraeri musasa.+ 18 VaIsraeri vaitama kana vanzi naJehovha vadaro, uye vaidzika musasa kana vanzi naJehovha vadaro.+ Gore parairamba riri pamusoro petebhenekeri, vairambawo vakadzika musasa. 19 Gore racho parairamba riri pamusoro petebhenekeri kwemazuva mazhinji, vaIsraeri vaiteerera Jehovha uye vaisasimuka.+ 20 Dzimwe nguva gore racho raingoita mazuva mashoma riri pamusoro petebhenekeri. Vairamba vakadzika musasa kana Jehovha ati vadaro, uye vaisimuka kana Jehovha ati vadaro. 21 Dzimwe nguva gore racho raingomira kubvira manheru kusvikira mangwanani, uye paisimuka gore racho mangwanani, vaibva vasimukawo. Angava masikati kana usiku paisimuka gore racho, ivo vaisimukawo.+ 22 Gore racho parairamba riri pamusoro petebhenekeri, angava mazuva maviri, mwedzi, kana kupfuura, vaIsraeri vairambawo vakadzika musasa uye vaisasimuka. Asi paraisimuka ivo vaisimukawo. 23 Vaidzika musasa kana Jehovha ati vadaro, uye vaisimuka kana Jehovha ati vadaro. Vaiteerera Jehovha vachiita zvavaiudzwa naJehovha achishandisa Mozisi.

10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Zvigadzirire mabhosvo+ maviri; agadzire nesirivha uchishandisa sando, woashandisa pakuunganidza ungano nepakuputsa misasa. 3 Kana akaridzwa ese ari maviri, ungano yese inofanira kudanwa kuti iuye kwauri pasuo retende rekusanganira.+ 4 Kana pakaridzwa rimwe chete, machinda, kureva vakuru vezviuru zvevaIsraeri, ndiwo chete anofanira kuuya kwauri.+

5 “Kana mukaridza mabhosvo muchikwidza nekuderedza, vaya vane misasa iri kumabvazuva+ vanofanira kusimuka. 6 Pamunoridza mabhosvo kechipiri muchikwidza nekuderedza, vaya vane misasa iri kumaodzanyemba+ vanofanira kusimuka. Mabhosvo anofanira kuridzwa seizvi pese panosimuka musasa mumwe nemumwe.

7 “Pamunenge muchida kuti ungano yese iungane pamwe chete, munofanira kuridza mabhosvo+ asi musingakwidzi nekuderedza. 8 Vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kuridza mabhosvo,+ uye uyu ucharamba uri murau kwamuri kwezvizvarwa zvenyu zvese.

9 “Kana muchifanira kuenda kuhondo munyika yenyu muchinorwisana nemudzvinyiriri anenge achikutambudzai, munofanira kudaidza vanhu kuhondo muchishandisa mabhosvo,+ uye muchayeukwa naJehovha Mwari wenyu, moponeswa pavavengi venyu.

10 “Uyewo panguva dzenyu dzekufara,+ pamitambo+ yenyu uye panotanga mwedzi yenyu, munofanira kuridza mabhosvo pamusoro pemipiro yenyu inopiswa+ nezvibayiro zvenyu zverugare;+ achava sechiyeuchidzo kwamuri pamberi paMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.”+

11 Kuzoti mugore rechipiri, mumwedzi wechipiri, pazuva rechi20 remwedzi wacho,+ gore rakasimuka kubva pamusoro petebhenekeri+ yeChipupuriro. 12 Saka vaIsraeri vakatanga kusimuka kubva murenje reSinai vachitevedzana maererano nemarongerwo avo pakutama,+ uye gore racho rakanomira murenje reParani.+ 13 Aka ndiko kaiva kekutanga kutama vachitevedzera zvakarayirwa Mozisi naJehovha.+

14 Saka boka remadzinza matatu remusasa wevanakomana vaJudha rakatanga kutama maererano nezvikwata zvaro,* uye Nashoni+ mwanakomana waAminadhabhi ndiye aitungamirira boka racho. 15 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaIsakari ndiNetaneri+ mwanakomana waZuari. 16 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaZebhuroni ndiEriyabhi+ mwanakomana waHeroni.

17 Tebhenekeri payakaputswa,+ vanakomana vaGeshoni+ nevanakomana vaMerari,+ vatakuri vetebhenekeri, vakasimuka.

18 Boka remadzinza matatu remusasa waRubheni rakabva ratama maererano nezvikwata zvaro,* uye Erizuri+ mwanakomana waShedheuri ndiye aitungamirira boka racho. 19 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaSimiyoni ndiSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai. 20 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaGadhi ndiEriyasafi+ mwanakomana waDheueri.

21 VaKohati, vatakuri vezvinhu zvemunzvimbo tsvene,+ vakabva vasimuka. Tebhenekeri yaifanira kunge yamiswa pavaizosvika.

22 Boka remadzinza matatu remusasa wevanakomana vaEfremu rakabva ratama maererano nezvikwata zvaro,* uye Erishama+ mwanakomana waAmihudhi ndiye aitungamirira boka racho. 23 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaManase ndiGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri. 24 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaBenjamini ndiAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai.

25 Boka remadzinza matatu remusasa wevanakomana vaDhani rakabva ratama maererano nezvikwata zvaro,* riri kumashure kwemapoka acho ese, uye Ahiezeri+ mwanakomana waAmishadhai ndiye aitungamirira boka racho. 26 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaAsheri ndiPagieri+ mwanakomana waOkrani. 27 Aitungamirira chikwata chedzinza revanakomana vaNaftari ndiAhira+ mwanakomana waEnani. 28 Aya ndiwo masimukiro aiita vaIsraeri nemapoka* avo pavaitama.+

29 Mozisi akabva ati kuna Hobhabhu mwanakomana waReueri*+ muMidhiyani, tezvara vaMozisi: “Tava kutama kuti tiende kunzvimbo yakanzi naJehovha, ‘Ndichakupai.’+ Handei tese,+ uye tichakubatai zvakanaka, nekuti Jehovha akavimbisa vaIsraeri zvinhu zvakanaka.”+ 30 Asi iye akati kwaari: “Handikwanisi kuenda nemi. Ndinoda kudzokera kunyika yangu nekuhama dzangu.” 31 Iye ndokuti: “Ndapota musatisiya, nekuti ndimi munoziva patinofanira kudzika musasa murenje, uye munogona kutiratidza nzira.* 32 Uye kana mukaenda nesu,+ chero zvakanaka zvatichaitirwa naJehovha, tichakuitiraiwo izvozvo.”

33 Saka vakasimuka vachibva pagomo raJehovha+ vakafamba rwendo rwemazuva matatu, uye areka+ yesungano yaJehovha yaiva pamberi pavo parwendo rwemazuva matatu vachitsvaga nzvimbo yekuzorora.+ 34 Uye gore raJehovha+ rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka vachibva pavaiva vakadzika musasa.

35 Pese paisimudzwa Areka, Mozisi aiti: “Simukai, haiwa Jehovha,+ vavengi venyu ngavapararire, uye vaya vanokuvengai ngavatize pamberi penyu.” 36 Uye payaizorora, aiti: “Haiwa Jehovha, dzokai, kuzviuru zvisingaverengeki* zvevaIsraeri.”+

11 Vanhu vakatanga kunyunyuta zvikuru pamberi paJehovha. Jehovha paakazvinzwa akatsamwa kwazvo, uye moto wakabva kuna Jehovha wakatanga kubvira pakati pavo uye wakaparadza vamwe vaiva kumucheto kwemusasa. 2 Vanhu pavakatanga kuchema kuna Mozisi, iye akateterera Jehovha,+ moto wacho ukadzima. 3 Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kuti Tabhera,* nekuti moto waJehovha wakanga wabvira pakati pavo.+

4 Boka revamwe vakasiyana-siyana*+ raiva pakati pavo rakatanga kuratidza kuti raiva nemakaro,+ naivowo vaIsraeri vakatanga kuchema zvakare vachiti: “Ndiani achatipa nyama yekudya?+ 5 Tava kufunga hove dzataidya muIjipiti tisingatengi, tichidyawo magaka, manwiwa, rikisi, hanyanisi, negariki!+ 6 Asi iye zvino tava* kupera simba. Hapana kana chatichiri kuona kunze kwemana+ iyi.”

7 Mana+ yacho yakanga yakaita sembeu yekoriyanda,+ ichiratidzika senamo yedheriyamu. 8 Vanhu vaipararira voinhonga, voikuya pamakuyo kana kuidzvura mumaturi. Vaizoibikira muhari kana kuigadzirisa zvingwa zveraundi,+ uye yainaka sekeke rinotapira rakabikwa nemafuta. 9 Paidonha dova pamusasa usiku, mana yacho yaibva yadonhawo.+

10 Mozisi akanzwa vanhu vachichema, mhuri dzese, munhu mumwe nemumwe ari pasuo retende rake. Uye Jehovha akatsamwa kwazvo,+ uye Mozisi akagumbukawo zvikuru. 11 Mozisi akabva ati kuna Jehovha: “Muri kutambudzireiko muranda wenyu? Nei musina kundinzwirawo nyasha, zvamuri kundipa mutoro wekutakura vanhu vese ava?+ 12 Ndini amai vevanhu vese ava here? Ndini ndakavabereka here, zvekuti muri kunditi, ‘Vatakure mumaoko ako, sekutakura kunoita mureri* mwana anoyamwa,’ kuti ndiende navo kunyika yamakapikira madzitateguru avo?+ 13 Nyama yekupa vanhu vese ava ndinoiwanepi? Nekuti vari kuramba vachindichemera, vachiti, ‘Tipe nyama tidye!’ 14 Handikwanisi kutakura vanhu vese ava ndiri ndega; zviri kundiremera.+ 15 Kana ari iwo mabatiro amuchandiita, ndiurayei henyu iye zvino chaiye.+ Kana mandinzwira nyasha, musaita kuti ndirambe ndichiona mamwe matambudziko.”

16 Jehovha akapindura Mozisi achiti: “Ndiunganidzire varume 70 pavakuru vaIsraeri, varume vaunoziva kuti vakuru uye vatungamiriri vevanhu,+ uende navo kutende rekusanganira, woita kuti vamire ipapo newe. 17 Ndichaburuka,+ ndotaura newe ipapo,+ uye ndichatora mumwe mweya+ wangu uri pauri ndouisa pavari, uye vachakubatsira kutakura mutoro wevanhu vacho kuti urege kuutakura wega.+ 18 Unofanira kuudza vanhu kuti, ‘Zvitsvenesei kuitira mangwana,+ nekuti muchadya nyama, sezvo makachema Jehovha achinzwa+ muchiti: “Ndiani achatipa nyama yekudya? KuIjipiti kwaive nani.”+ Jehovha achakupai nyama, modya.+ 19 Muchaidya, kwete kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri, kana mashanu kana 10 kana 20, 20 asi kwemwedzi wese, kusvikira yava kubuda nemumhino dzenyu uye yava kukusemesai,+ nekuti makaramba Jehovha, uyo ari pakati penyu, uye makachema pamberi pake, muchiti: “Takabvirei kuIjipiti?”’”+

21 Mozisi akabva ati: “Vanhu vandiri pakati pavo varume 600 000+ vanofamba netsoka, asi imi mati, ‘Ndichavapa nyama inovakwanira, vodya kwemwedzi wese’! 22 Kunyange kana makwai ese nemombe dzese zvikaurayiwa, vangakwana here? Kana kuti kunyange hove dzese dzegungwa dzikabatwa, vangakwana here?”

23 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?+ Iye zvino uchaona kana zvandiri kutaura zvichaitika kwauri kana kuti kwete.”

24 Saka Mozisi akabuda, akaudza vanhu mashoko aJehovha. Akaunganidza varume 70 pavakuru vevanhu, uye akaita kuti vamire vakapoteredza tende.+ 25 Jehovha akabva aburuka ari mugore,+ akataura naye,+ uye akabvisa mumwe mweya+ wake wakanga uri pana Mozisi, akauisa pane mumwe nemumwe wevakuru 70. Uye mweya wacho pawakangogara pavari, vakabva vatanga kuita sevaprofita,*+ asi havana kuzozviita zvakare.

26 Paiva nevarume vaviri vakanga vachiri mumusasa. Vainzi Eridhadhi naMedhadhi. Uye mweya wacho wakatanga kugara pavari sezvo vaiva vamwe vevaya vakanyorwa mazita avo, asi vakanga vasina kuenda kutende. Saka vakatanga kuita sevaprofita vari mumusasa. 27 Uye mumwe mukomana akamhanya akanoudza Mozisi kuti: “Eridhadhi naMedhadhi vari kuita sevaprofita mumusasa!” 28 Paakanzwa izvozvo, Joshua+ mwanakomana waNuni, mushumiri waMozisi kubvira achiri mudiki, akabva ati: “Ishe wangu Mozisi, varambidzei!”+ 29 Asi Mozisi akati kwaari: “Asi uri kurwadziwa kuti ini ndichanzwa sei? Ndinotoshuva kuti dai vanhu vese vaJehovha vaiva vaprofita, nekuti Jehovha aizoisa mweya wake pavari!” 30 Mozisi akazodzokera kumusasa pamwe nevakuru vaIsraeri.

31 Jehovha akatuma mhepo ikasimuka ikatanga kuunza zvihuta kubva kugungwa ichiita kuti zvidonhe zvichipoteredza musasa,+ nzvimbo ingaita rwendo rwezuva rimwe chete kuenda uku uye rwendo rwezuva rimwe chete kune rimwe divi, zvakapoteredza musasa wese, uye zvakanga zvakawanda zvekuda kusvika makubhiti* maviri kubva pasi. 32 Saka musi iwoyo vanhu vakaswera vachiunganidza zvihuta ndokurara vachiunganidza uye mangwana acho vakaramba vachizviunganidza. Hapana akaunganidza zviri pasi pemahomeri* 10, uye vakaramba vachizviyanika mumusasa wese. 33 Asi nyama ichiri mukanwa mavo, vasati vatomboitsenga, Jehovha akatsamwira vanhu kwazvo, uye Jehovha akatanga kurova vanhu akauraya vakawanda.+

34 Saka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Kibroti-hataavha,*+ nekuti ndipo pavakaviga vanhu vakaratidza makaro.+ 35 Vachibva paKibroti-hataavha vanhu vakasimuka vachienda kuHazeroti, uye vakaramba vari paHazeroti.+

12 Miriyemu naAroni vakatanga kutaura zvakaipa nezvaMozisi pamusana pemudzimai wechiKushi waakanga akaroora, nekuti akanga aine mudzimai wechiKushi.+ 2 Vaiti: “Jehovha akataura achishandisa Mozisi ega here? Haana kutaura achitishandisawo here?”+ Uye Jehovha akanga akateerera.+ 3 Murume uyu, Mozisi, ndiye akanga ari munhu munyoro* kupfuura vanhu vese+ vaiva panyika.

4 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni naMiriyemu: “Budai muri vatatu, muende kutende rekusanganira.” Saka vakabuda vari vatatu. 5 Uye Jehovha akaburuka ari mushongwe yegore,+ akamira pasuo retende, akashevedza Aroni naMiriyemu, vakaenda mberi. 6 Akabva ati: “Chinzwai mashoko angu. Kudai paiva nemuprofita waJehovha pakati penyu, ndaizozvizivisa kwaari ndichishandisa zviratidzo,+ uye ndaizotaura naye kuhope.+ 7 Asi handizvo zvandakaita nemuranda wangu Mozisi! Ndakaisa imba yangu yese mumaoko ake.*+ 8 Ndinotaura naye pachena takatarisana chiso nechiso,*+ kwete nezvirahwe; uye iye anoona zvakaita Jehovha. Saka nei musina kutya kutaura zvakaipa nezvemuranda wangu, Mozisi?”

9 Saka Jehovha akavatsamwira kwazvo, uye akabva pavari. 10 Gore rakabva pamusoro petende, uye Miriyemu akarohwa nemaperembudzi akachena sechando.+ Aroni akabva atarisa Miriyemu, akaona kuti akanga arohwa nemaperembudzi.+ 11 Aroni akabva ati kuna Mozisi: “Ndapota zvangu ishe wangu! Ndapota, musatipa mhosva yechivi chataita! Taita zveupenzi. 12 Ndapota, musaita kuti arambe akaita semunhu akafa, akazvarwa aine nyama yakadyika!” 13 Uye Mozisi akatanga kuchema kuna Jehovha, achiti: “Haiwa Mwari, ndapota muporesei! Ndapota!”+

14 Jehovha akapindura Mozisi achiti: “Kudai baba vake vanga vamusvipira mate kumeso, aisazonyadziswa kwemazuva manomwe here? Ngaaiswe kwake ega kunze kwemusasa+ kwemazuva manomwe, ozodzoswa hake.” 15 Saka Miriyemu akaiswa kwake ega kunze kwemusasa kwemazuva manomwe,+ uye vanhu havana kuputsa musasa kusvikira Miriyemu adzoswa. 16 Vanhu vakabva vatama kubva paHazeroti,+ vakanodzika musasa murenje reParani.+

13 Jehovha akataura naMozisi, achiti: 2 “Tuma varume kuti vanosora* nyika yeKenani, yandiri kupa vaIsraeri. Padzinza rimwe nerimwe reimba yemadzitateguru, unofanira kutuma murume mumwe chete. Mumwe nemumwe anofanira kunge ari muchinda+ pakati pavo.”+

3 Saka Mozisi akavatuma kubva kurenje reParani+ sezvakarayirwa naJehovha. Varume vacho vese vaiva vakuru vevaIsraeri. 4 Aya ndiwo mazita avo: wedzinza raRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri; 5 wedzinza raSimiyoni, Shafati mwanakomana waHori; 6 wedzinza raJudha, Karebhi+ mwanakomana waJefune; 7 wedzinza raIsakari, Igari mwanakomana waJosefa; 8 wedzinza raEfremu, Hoshea+ mwanakomana waNuni; 9 wedzinza raBhenjamini, Pariti mwanakomana waRafu; 10 wedzinza raZebhuroni, Gadhieri mwanakomana waSodhi; 11 wedzinza raJosefa,+ achibva kudzinza raManase,+ Gadhi mwanakomana waSusi; 12 wedzinza raDhani, Amieri mwanakomana waGemari; 13 wedzinza raAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri; 14 wedzinza raNaftari, Nabhi mwanakomana waVhofisi; 15 wedzinza raGadhi, Geueri mwanakomana waMaki. 16 Aya ndiwo mazita evarume vakatumwa naMozisi kuti vanosora nyika yacho. Uye Mozisi akapa Hoshea mwanakomana waNuni zita rekuti Joshua.*+

17 Mozisi paakanga achivatuma kuti vanosora nyika yeKenani, akati kwavari: “Kwidzai kuNegebhu, mokwira kumakomo.+ 18 Munofanira kuona kuti nyika yacho yakamira sei,+ kuti vagari vemo vane simba here kana kuti havana, vashoma here kana kuti vazhinji, 19 nyika yacho yakanaka here kana kuti yakaipa, uye kuti maguta avanogara ndeemisasa here kana kuti akavakirirwa. 20 Uye muone kana ivhu racho rakaorera* kana kuti risina,*+ uye kuti kune miti here kana kuti hakuna. Munofanira kushinga,+ mutore zvimwe zvibereko zvenyika yacho.” Uyu wakanga uri mwaka wemazambiringa aitanga kuibva.+

21 Saka vakaenda, vakanosora nyika yacho kubvira kurenje reZini+ kusvika kuRehobhu,+ pedyo neRebhohamati.*+ 22 Pavakakwidza kuNegebhu, vakasvika kuHebroni,+ kwaigara Ahimani, Sheshai, naTarimai,+ vakaberekwa naAnaki.+ Hebroni yakanga yavakwa makore manomwe Zoani yeIjipiti isati yavakwa. 23 Pavakasvika kuBani reEshkori,*+ vakatema bazi raiva nesumbu rimwe chete remazambiringa, raitofanira kutakurirwa pabango nevarume vaviri, uye mapomegraneti* nemaonde.+ 24 Vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bani reEshkori,*+ pamusana pesumbu rakatemwa ipapo nevaIsraeri.

25 Vakadzoka kubva kunosora nyika papera mazuva 40.+ 26 Saka vakadzoka kurenje reParani, kuKadheshi+ kwaiva naMozisi naAroni neungano yese yevaIsraeri. Vakadzoka neshoko kuungano yese, vakavaratidza michero yenyika yacho. 27 Izvi ndizvo zvavakaudza Mozisi: “Takapinda munyika yamakatituma, chokwadi inoyerera uchi nemukaka,+ uye izvi ndizvo zvibereko zvayo.+ 28 Asi vanhu vanogara munyika yacho vakasimba, maguta avo akakomberedzwa nemasvingo uye makuru kwazvo. Takaonawo vaya vakaberekwa naAnaki.+ 29 VaAmareki+ vagere munyika yeNegebhu,+ uye vaHiti, vaJebhusi,+ nevaAmori+ vagere kumakomo, uye vaKenani+ vagere pedyo negungwa+ uye vakatevedza Jodhani.”

30 Karebhi akabva aedza kudzikamisa vanhu pavakanga vakamira pamberi paMozisi, achiti: “Ngatiendei izvozvi, tinoitora, nekuti tinotoikunda chete.”+ 31 Asi varume vakanga vaenda naye vakati: “Hatikwanisi kunorwisana nevanhu ava, nekuti vakasimba kutipfuura.”+ 32 Uye vakaramba vachitaurira vaIsraeri mashoko anopedza simba+ nezvenyika yavakanga vanosora, vachiti: “Nyika yacho yatakaenda kunosora, inyika inoparadza vagari vayo, uye vanhu vese vatakaona imomo varume vakanyanyisa kukura.+ 33 Tiri ikoko takaona vaNefirimu, vanakomana vaAnaki,+ vakabva kuvaNefirimu, uye kana tichizvienzanisa navo taizviona sehwiza, uye ndiwo maonero avaitiitawo.”

14 Ungano yese yakabva yaita zhowezhowe, uye vanhu vakaramba vachiridza mhere, uye vachichema usiku ihwohwo hwese.+ 2 VaIsraeri vese vakatanga kugunun’unira Mozisi naAroni,+ uye ungano yese yakatanga kutaura zvakaipa kwavari, ichiti: “Dai takafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takafira hedu murenje rino! 3 Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa?+ Madzimai edu nevana vedu vachapambwa.+ Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?”+ 4 Vaitotaurirana vachiti: “Ngatigadzei mutungamiriri, tidzokere kuIjipiti!”+

5 Mozisi naAroni vakabva vapfugama, vakaisa misoro yavo pasi ungano yese yevaIsraeri yaivapo ichiona. 6 Joshua+ mwanakomana waNuni naKarebhi+ mwanakomana waJefune, avo vaiva pakati pevaya vakanosora* nyika, vakabvarura nguo dzavo, 7 uye vakati kuungano yese yevaIsraeri: “Nyika yatakafamba nemairi tichiisora inyika yakanaka kwazvo.+ 8 Kana Jehovha akatifarira, achatiendesa kunyika iyi, otipa nyika inoyerera uchi nemukaka.+ 9 Asi musapandukira Jehovha uye musatya vanhu vemunyika yacho,+ nekuti tichavaparadza.* Havasisina chinovadzivirira, uye Jehovha anesu.+ Musavatya.”

10 Asi ungano yese yakataura nezvekuti vatemwe nematombo.+ Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa nevaIsraeri vese kuri pamusoro petende rekusanganira.+

11 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Vanhu ava vari kuda kusvika riini vasingandiremekedzi,+ uye vari kuda kusvika riini vasingatendi mandiri pasinei nezviratidzo zvese zvandakaita pakati pavo?+ 12 Rega ndivarove nedenda, ndivadzinge, uye rega ndikuite rudzi rukuru, rune simba kuvapfuura.”+

13 Asi Mozisi akati kuna Jehovha: “Makabudisa vanhu venyu muIjipiti muchishandisa simba renyu. Saka kana mukaita izvi, vaIjipiti vachazvinzwa,+ 14 uye vachataura nezvazvo kuvagari vemunyika ino. Naivowo vakanzwa kuti imi, Jehovha, muri pakati pevanhu ava,+ uye makazviratidza kwavari chiso nechiso.+ Ndimi Jehovha, uye gore renyu rakamira pamusoro pavo, uye munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yemoto usiku.+ 15 Kana mukauraya vanhu ava vese panguva imwe chete,* marudzi akanzwa nezvemukurumbira wenyu achati: 16 ‘Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira kuti aizovapa, saka akavaurayira murenje.’+ 17 Saka ndapota, Jehovha, simba renyu ngarive guru sezvamakavimbisa pamakati: 18 ‘Jehovha, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji,+ anoregerera kukanganisa nekutadza, asi haazombosiyi munhu ane mhosva asina kurangwa, anoranga vanakomana nemhaka yekukanganisa kwemadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.’+ 19 Ndapota, regererai kutadza kwevanhu ava maererano neukuru hwerudo rwenyu rusingachinji, sezvamanga muchiregerera vanhu ava kubvira muIjipiti kusvikira zvino.”+

20 Jehovha akabva ati: “Ndavaregerera sezvawataura.+ 21 Asi kunyange zvakadaro, ndinopika neupenyu hwangu, nyika yese ichazadzwa nekubwinya kwaJehovha.+ 22 Zvisinei, hapana kana murume mumwe chete pavarume vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo+ zvangu zvandakaita muIjipiti nemurenje asi vakaramba vachindiedza+ kagumi aka uye vakasateerera inzwi rangu+ 23 vachafa vakaona nyika yandakapikira madzibaba avo. Hapana kana mumwe wavo asingandiremekedzi achaiona.+ 24 Asi nekuti muranda wangu Karebhi+ akaratidza kuti akasiyana nevamwe, uye akaramba achinditevera nemwoyo wese, zvechokwadi ndichamuendesa kunyika kwaakaenda, uye vana vake vachaitora.+ 25 Sezvo vaAmareki nevaKenani+ vari kugara mubani, mangwana munofanira kutendeuka, monanga kurenje nenzira yekuGungwa Dzvuku.”+

26 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni: 27 “Ungano iyi yakaipa icharamba ichindigunun’unira kusvika riini?+ Ndanzwa kugunun’una kuri kuita vaIsraeri nezvangu.+ 28 Vaudze kuti, ‘“Ndinopika neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichakuitirai zvandanzwa muchitaura!+ 29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino,+ mese vakaverengwa kubvira pane vane makore 20 zvichikwira, imi mese mandigunun’unira.+ 30 Hapana kana mumwe wenyu achapinda munyika yandakapika* kuti muchagara,+ kunze kwaKarebhi, mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.+

31 “‘“Uye ndichapinza vana venyu, vamati vachapambwa,+ uye ndivo vachaziva nyika yamakaramba.+ 32 Asi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino. 33 Vanakomana venyu vachava vafudzi murenje kwemakore 40,+ uye vachazvidavirira pamabasa enyu ekusatendeka,* kusvikira chitunha chenyu chekupedzisira chawa murenje.+ 34 Zvichienderana nemazuva amakasora nyika yacho, mazuva 40,+ zuva richiva gore, zuva richiva gore, muchazvidavirira kutadza kwenyu kwemakore 40,+ kuti muzive zvinoitika kana mukandipikisa.*

35 “‘“Ini, Jehovha, ndataura. Izvi ndizvo zvandichaitira ungano yese iyi yakaipa, vaya vakaungana vachipikisana neni: Vachaperera murenje rino, uye vachafira muno.+ 36 Varume vaya vakatumwa naMozisi kunosora nyika yacho uye vakaita kuti ungano yese imugunun’unire pavakadzoka vachiiudza mashoko anopedza simba nezvenyika yacho,+ 37 ivo varume vakauya nemashoko anopedza simba nezvenyika yacho vacharohwa naJehovha vofa pamberi pake.+ 38 Asi Joshua mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune, avo vaiva pakati pevaya vakaenda kunosora nyika, vacharamba vari vapenyu.”’”+

39 Mozisi paakataura mashoko aya kuvaIsraeri vese, vanhu vakatanga kuchema kwazvo. 40 Uyezve, vakafumomuka, vakaedza kukwira pamusoro pegomo, vachiti: “Iye zvino tagadzirira kukwira kunzvimbo yakataurwa naJehovha, nekuti takatadza.”+ 41 Asi Mozisi akati: “Muri kuitirei zvamusina kuudzwa naJehovha? Hazvisi kuzobudirira izvi. 42 Musaenda, nekuti Jehovha haasi pakati penyu; muchakundwa nevavengi venyu.+ 43 Nekuti vaAmareki nevaKenani vakakugarirai ikoko kuti vakurwisei,+ uye muchaurayiwa nebakatwa. Jehovha haasi kuzova nemi nekuti makasiya kutevera Jehovha.”+

44 Zvisinei, vakazvikudza vakakwidza negomo,+ asi areka yesungano yaJehovha haina kubva mumusasa pamwe chete naMozisi.+ 45 VaAmareki nevaKenani vaigara mugomo iroro vakadzika, vakavarwisa, vakavadzingirira kusvikira kuHoma.+

15 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Taura nevaIsraeri, uti kwavari, ‘Kana mazopinda munyika yandichakupai kuti mugare,+ 3 mava kupa Jehovha chibayiro chinopiswa nemoto muchitora pamombe kana kuti pamakwai nembudzi, chingava chibayiro chinopiswa+ kana chibayiro chekuita mhiko yakasiyana nedzimwe kana mupiro wekungopa nekuzvidira+ kana mupiro unopiwa mumwaka yemitambo,+ kuti kuve kunhuhwirira kwakanaka* kuna Jehovha,+ 4 munhu wacho anenge achipa anofanirawo kuuya kuna Jehovha nemupiro wezviyo* wefurawa yakatsetseka+ unosvika chegumi cheefa,* wakasanganiswa nechikamu chimwe chete pazvina chehini* yemafuta. 5 Munofanira kupawo waini kuti ive mupiro wechinwiwa, chikamu chimwe chete pazvina chehini, pamunopa chibayiro chinopiswa+ kana kuti pamunobayira gwayana gono rimwe nerimwe. 6 Kana riri gondohwe, munofanira kupa mupiro wezviyo wezvegumi zveefa zviviri zvefurawa yakatsetseka, yakasanganiswa nemafuta anosvika chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvehini. 7 Uye munofanira kuuya newaini kuti ive mupiro wechinwiwa, chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvehini, kuti inhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha.

8 “‘Asi kana muchipa mukono wemombe sechibayiro chinopiswa+ kana kuti muchipa chibayiro chekuita mhiko yakasiyana nedzimwe+ kana kuti chibayiro cherugare kuna Jehovha,+ 9 munofanira kupa mukono wacho wemombe pamwe chete nemupiro wezviyo+ unokwana zvegumi zvitatu zvefurawa yakatsetseka, yakasanganiswa nemafuta anokwana hafu yehini. 10 Munofanira kuuyawo newaini kuti ive mupiro wechinwiwa,+ hafu yehini, kuti uve mupiro unopiswa nemoto, unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha. 11 Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa panopiwa mukono wemombe mumwe nemumwe kana gondohwe rimwe nerimwe kana gwayana gono rimwe nerimwe kana kuti mbudzi imwe neimwe. 12 Pasinei nekuti zvamunopa zvakawanda sei, munofanira kuita saizvozvo pachimwe nechimwe chazvo, maererano nekuwanda kwazvo. 13 Izvi ndizvo zvinofanira kuitwa nemuIsraeri wese paanopa mupiro unopiswa nemoto, kuti unhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha.

14 “‘Kana mutorwa anogara nemi kana kuti munhu agara pakati penyu kwezvizvarwa zvenyu zvakawanda achifanira kupawo chibayiro chinopiswa nemoto kuti chinhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha, anofanira kuita sezvamunoitawo.+ 15 Imi veungano pamwe chete nemutorwa anogara nemi muchava nemurau mumwe chete. Uchava murau unogara uripo kwezvizvarwa zvenyu zvese. Mutorwa anofanira kuva akafanana nemi pamberi paJehovha.+ 16 Panofanira kuva nemutemo mumwe chete nemutongo mumwe chete kwamuri nekumutorwa ari kugara nemi.’”

17 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: 18 “Taura nevaIsraeri, uvaudze kuti, ‘Pamunopinda munyika yandiri kukuendesai, 19 modya zvekudya zvenyika yacho,+ munofanira kupa Jehovha mupiro. 20 Munofanira kupa mupiro wezvibereko zvekutanga+ weupfu husina kutsetseka uri wechingwa cheraundi.* Munofanira kuhupa sekupa kwamunoita mupiro unobva paburiro.* 21 Zvimwe zvibereko zvenyu zvekutanga zveupfu husina kutsetseka munofanira kuzvipa semupiro kuna Jehovha muzvizvarwa zvenyu zvese.

22 “‘Kana mukakanganisa, motadza kuchengeta mirayiro yese iyi yakataurwa naJehovha kuna Mozisi, 23 zvese zvamakarayirwa naJehovha achishandisa Mozisi kubvira pazuva iro Jehovha akapa murayiro zvichienda mberi muzvizvarwa zvenyu zvese, 24 uye kana zvakaitwa musingazivi uye ungano isingazvizivi, ungano yese inofanira kupira mukono wemombe sechibayiro chinopiswa kuti chinhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha, pamwe nemupiro wawo wezviyo nemupiro wawo wechinwiwa sezvagara zvichiitwa,+ uye mbudzana imwe chete yechibayiro chechivi.+ 25 Mupristi anofanira kuyananisira ungano yese yevaIsraeri, uye vacharegererwa,+ nekuti vakaita vasingazivi, uye nekuti vakauya nechibayiro chavo chinopisirwa Jehovha nechibayiro chavo chechivi pamberi paJehovha chekukanganisa kwavakaita. 26 Ungano yese yevaIsraeri nemutorwa ari kugara pakati pavo vacharegererwa, nekuti vanhu vacho vese vakatadza vasingazivi.

27 “‘Kana munhu akatadza nekusaziva, anofanira kuuya nembudzi hadzi isati yapfuura gore kuti ive chibayiro chechivi.+ 28 Uye mupristi achayananisira munhu wacho akakanganisira Jehovha asingazivi, kuti chivi chacho chiyananisirwe, uye acharegererwa.+ 29 Kana pari panyaya dzekuti munhu anotadza asingazivi, panofanira kuva nemutemo mumwe chete kuvaIsraeri, nekumutorwa ari kugara pakati pavo.+

30 “‘Asi munhu anotadza achiziva hake,+ angava chizvarwa chemunyika yenyu kana kuti mutorwa, anenge achimhura Jehovha saka anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* 31 Nekuti ashora shoko raJehovha uye atyora murayiro wake, munhu iyeye anotofanira kuurayiwa.+ Inenge iri mhosva yake.’”+

32 VaIsraeri pavakanga vari murenje, vakaona mumwe murume achitsvaga huni pazuva reSabata.+ 33 Vaya vakamuona achitsvaga huni vakabva vauya naye kuna Mozisi naAroni nekuungano yese. 34 Vakamuisa muusungwa+ nekuti zvakanga zvisati zvanyatsotaurwa kuti anofanira kuitwa sei.

35 Uye Jehovha akati kuna Mozisi: “Murume wacho anotofanira kuurayiwa,+ uye ungano yese inofanira kumutema nematombo kunze kwemusasa.”+ 36 Saka ungano yese yakamubudisa kunze kwemusasa, ikamutema nematombo akafa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

37 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Mozisi: 38 “Taura nevaIsraeri, uvaudze kuti vagadzire masa* pamipendero yenguo dzavo muzvizvarwa zvavo zvese, vaise tambo yebhuruu panotangira mupendero une masa wenguo yacho.+ 39 ‘Munofanira kuva nemupendero uyu une masa kuitira kuti pamunouona muyeuke mirayiro yese yaJehovha, moichengeta.+ Hamufaniri kutevera mwoyo yenyu nemaziso enyu, zviri kuita kuti muite unzenza hwekunamata.+ 40 Izvi zvichakubatsirai kuyeuka, mochengeta mirayiro yangu yese, mova vatsvene kuna Mwari wenyu.+ 41 Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”+

16 Kora+ mwanakomana waIzihari,+ mwanakomana waKohati,+ mwanakomana waRevhi,+ akabva asimuka pamwe chete naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriyabhi,+ naOni mwanakomana waPereti, vedzinza raRubheni.+ 2 Vakapandukira Mozisi, ivo nevarume 250 vaIsraeri, machinda eungano, vakanga vakasarudzwa paungano, varume vakanga vakakurumbira. 3 Saka vakaunganira+ Mozisi naAroni, vakati kwavari: “Manyanya imi! Ungano yese itsvene,+ yese zvayo, uye Jehovha ari pakati payo.+ Saka sei muchida kuzvikwidziridza paungano yaJehovha?”

4 Mozisi achingozvinzwa, akabva apfugama, akadzikisa musoro wake. 5 Akabva ati kuna Kora nekuvanhu vese vaimutsigira: “Mangwana mangwanani, Jehovha achaita kuti zvizivikanwe kuti wake ndeupi+ uye kuti mutsvene ndeupi uye kuti ndiani anofanira kuswedera pedyo naye,+ uye munhu waachasarudza+ ndiye achaswedera pedyo naye. 6 Itai izvi: Torai midziyo yekuisira moto,+ iwe Kora nevatsigiri vako vese,+ 7 muise moto mukati mayo, moisamo rusenzi pamberi paJehovha mangwana, uye munhu achasarudzwa naJehovha,+ ndiye mutsvene. Imi vanakomana vaRevhi+ mazonyanya!”

8 Mozisi akabva ati kuna Kora: “Zvino chinzwai imi vanakomana vaRevhi. 9 Ko zvamakaitirwa naMwari waIsraeri zvishoma here pakuti akakutsaurai paungano yaIsraeri+ akakubvumirai kuswedera pedyo naye muchiita basa repatebhenekeri yaJehovha uye muchimira pamberi peungano kuti muishumire,+ 10 akakuswededzai pedyo naye pamwe nehama dzenyu dzese, vanakomana vaRevhi? Zvino mava kuda upristi zvakare?+ 11 Nemhaka yeizvi, iwe nevatsigiri vako vese vari kuungana, muri kupandukira Jehovha. Ko Aroni ndiye ani wamava kugunun’unira?”+

12 Mozisi akazoti Dhatani naAbhiramu+ vanakomana vaEriyabhi vashevedzwe, asi ivo vakati: “Hatisi kuuya ikoko! 13 Unoti kutibudisa kwawakaita munyika inoyerera uchi nemukaka kuti utiurayire murenje chinhu chidiki here?+ Wava kutodawo kuzviita ishe patiri nhai? 14 Iye zvino hauna kutiendesa kunyika inoyerera uchi nemukaka+ kana kutipa nhaka yeminda yekudyara mbeu neminda yemizambiringa. Unoda kutushura maziso evarume ivavo here? Hatisi kuuya ikoko!”

15 Saka Mozisi akatsamwa kwazvo, ndokuti kuna Jehovha: “Musatombotarisa mupiro wavo wezviyo.* Handina kana kumbovatorera kana dhongi rimwe chete, uyewo hapana kana mumwe chete wavo wandakaitira zvakaipa.”+

16 Mozisi akabva ati kuna Kora: “Iwe nevatsigiri vako vese, uyai pamberi paJehovha mangwana, uuye navo pamwe chete naAroni. 17 Mumwe nemumwe anofanira kutora mudziyo wake wekuisira moto, oisa rusenzi pauri, uye mumwe nemumwe achauya nemudziyo wake wekuisira moto pamberi paJehovha, midziyo 250 yekuisira moto. Iwe naAroni muuyewo, mumwe nemumwe aine mudziyo wake wekuisira moto.” 18 Saka mumwe nemumwe wavo akatora mudziyo wake wekuisira moto, uye vakaisa moto, vakaisa rusenzi pairi, ndokumira pasuo retende rekusanganira pamwe chete naMozisi naAroni. 19 Kora paakanga aunganidza vatsigiri vake+ kuti vapikisane navo pasuo retende rekusanganira, kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa neungano yese.+

20 Jehovha akabva audza Mozisi naAroni kuti: 21 “Ibvai pakati peboka iri, kuti ndibva ndangovaparadza izvozvi.”+ 22 Vakabva vapfugama, vakaisa misoro yavo pasi, vakati: “Nhai Mwari, Mwari anopa vanhu vese upenyu,*+ kutadza kwemunhu mumwe chete kungabva kwaita kuti mutsamwire ungano yese here?”+

23 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 24 “Taura neungano, uvaudze kuti, ‘Ibvai pamatende aKora, Dhatani, naAbhiramu!’”+

25 Mozisi akabva asimuka, akaenda kwaiva naDhatani naAbhiramu, uye vakuru+ vaIsraeri vakaenda naye. 26 Akaudza ungano yacho kuti: “Ndapota hangu, ibvai pamatende evanhu ava vakaipa, uye musabata kana chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa muzvivi zvavo zvese.” 27 Vakabva vangobva pamatende aKora, Dhatani, naAbhiramu, kumativi ese, uye Dhatani naAbhiramu vakabuda, vakamira pamasuo ematende avo, pamwe chete nemadzimai avo, nevanakomana vavo netuvana twavo tudiki.

28 Mozisi akabva ati: “Muchaziva neizvi kuti Jehovha akandituma kuti ndiite zvinhu zvese izvi, kuti hazvisi zvemumusoro mangu: 29 Kana vanhu ava vakafa semafiro anongoita vanhu vese uye vakarangwa semarangirwo anongoitwa vanhu vese, Jehovha anenge asina kundituma.+ 30 Asi kana Jehovha akavaitira chimwe chinhu chisati chamboitika uye pasi pakavhurika* povamedza pamwe nezvinhu zvavo zvese vopinda muGuva* vari vapenyu, muchabva maziva kuti varume ava havana kuremekedza Jehovha.”

31 Achingopedza kutaura mashoko aya ese, pavakanga vakamira pakabva patsemuka.+ 32 Uye nyika yakavhurika,* ikavamedza pamwe chete nemhuri dzavo nevanhu vese vakanga vari vaKora+ nezvinhu zvavo zvese. 33 Saka ivo nevanhu vavo vese, vakapinda muGuva* vari vapenyu, ivhu rikavafushira, zvekuti vakaparara pakati peungano.+ 34 VaIsraeri vese vakanga vari pedyo navo vakatiza pavakanzwa mhere yavairidza, nekuti vakati: “Tinotya kuti nyika ingatimedzawo!” 35 Moto wakabva wabva kuna Jehovha+ ukaparadza varume 250 vaipisa rusenzi.+

36 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 37 “Udza Eriyezari mwanakomana wemupristi Aroni kuti atore midziyo yekuisira moto+ iri mumoto nekuti mitsvene. Umuudzewo kuti aparadzire moto wacho kure. 38 Midziyo yekuisira moto yevarume vakatadza vakazviurayisa* inofanira kugadziriswa marata matetetete, ekunamira paatari,+ nekuti vakauya nayo pamberi paJehovha, uye yakava mitsvene. Inofanira kuva chiratidzo kuvaIsraeri.”+ 39 Saka mupristi Eriyezari akatora midziyo yemhangura yekuisira moto yakanga yauya nevaya vakanga vapiswa, uye akaipfura kuti inamirirwe paatari, 40 sezvaakanga audzwa naJehovha achishandisa Mozisi. Chaiva chiyeuchidzo kuvaIsraeri kuti pasava nemunhu asina mvumo,* asiri mumwe wevana vaAroni, anoswedera pedyo kuti apisire rusenzi pamberi paJehovha+ uye kuti pasava nemunhu anozoita saKora nevatsigiri vake.+

41 Zuva rakatevera chairo, ungano yese yevaIsraeri yakatanga kugunun’unira Mozisi naAroni,+ ichiti: “Varume imi makauraya vanhu vaJehovha.” 42 Ungano payakanga yaunganira Mozisi naAroni, vakatarisa kutende rekusanganira, gore rikabva raifukidza, uye kubwinya kwaJehovha kwakatanga kuoneka.+

43 Mozisi naAroni vakaenda pamberi petende rekusanganira,+ 44 uye Jehovha akati kuna Mozisi: 45 “Imi varume, ibvai pakati peungano iyi, kuti ndibva ndangovaparadza izvozvi.”+ Ivo vakabva vapfugama, vakaisa misoro yavo pasi.+ 46 Mozisi akabva ati kuna Aroni: “Tora mudziyo wekuisira moto, uuise moto unobva paatari,+ woisa rusenzi pauri, uye kurumidza kuenda kuungano wonoiyananisira,+ nekuti Jehovha ava kuratidza hasha dzake. Denda ratanga!” 47 Aroni akabva angoutora, sezvakanga zvataurwa naMozisi, akamhanya achipinda pakati peungano, uye denda rakanga ratanga pakati pevanhu. Saka akaisa rusenzi pamudziyo wekuisira moto, akatanga kuyananisira vanhu. 48 Akaramba akamira pakati pevakanga vafa nevapenyu, uye denda racho rakazoguma. 49 Vaya vakaurayiwa nedenda racho vakasvika 14 700, tisingaverengi vaya vakaurayiswa naKora. 50 Aroni paakazodzokera kwaiva naMozisi kusuo retende rekusanganira, denda racho rakanga raguma.

17 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 2 “Taura nevaIsraeri, utore kwavari tsvimbo imwe chete paimba imwe neimwe yemadzibaba avo, kumachinda edzimba dzemadzibaba avo,+ dzisvike tsvimbo 12. Nyora zita remumwe nemumwe patsvimbo yake. 3 Unofanira kunyora zita raAroni patsvimbo yaRevhi, nekuti imba imwe neimwe yemadzibaba avo ine tsvimbo imwe chete. 4 Isa tsvimbo dzacho mutende rekusanganira pamberi peChipupuriro,+ pandinogara ndichisangana nemi.+ 5 Uye tsvimbo yemurume wandichasarudza+ ichatungira, uye ndichaita kuti vaIsraeri vanyarare pakugunun’una kwavari kundiitira+ uye kugunun’una kwavari kukuitirawo.”+

6 Saka Mozisi akataura nevaIsraeri, uye machinda avo ese akamupa tsvimbo, tsvimbo imwe chete pajinda rimwe nerimwe reimba yemadzibaba avo, tsvimbo 12, uye tsvimbo yaAroni yaivawo pakati petsvimbo dzavo. 7 Mozisi akabva aisa tsvimbo dzacho pamberi paJehovha mutende reChipupuriro.

8 Zuva rakatevera racho Mozisi paakapinda mutende reChipupuriro, tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakanga yatungira uye yaibudisa nhungirwa, ichitumbuka maruva, uye ichibereka maarumondi akaibva. 9 Mozisi akabva abvisa tsvimbo dzese pamberi paJehovha, akaenda nadzo kuvaIsraeri vese. Vakadzitarisa, uye mumwe nemumwe akatora tsvimbo yake.

10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Dzorera tsvimbo yaAroni+ pamberi peChipupuriro ichengetwe kuti chive chiratidzo+ kuvanakomana vekupanduka,+ kuti kugunun’una kwavari kundiitira kupere, uye kuti varege kufa.” 11 Mozisi akabva angoita zvaakanga arayirwa naJehovha. Akaita izvozvo chaizvo.

12 VaIsraeri vakabva vati kuna Mozisi: “Iye zvino tava kuzofa, tichaparara, tese tichaparara! 13 Munhu wese angoswedera pedyo netebhenekeri yaJehovha, achafa!+ Tofa mafiro iwayo here?”+

18 Jehovha akabva ati kuna Aroni: “Iwe nevanakomana vako neveimba yababa vako vauinavo muchazvidavirira kana paine chinenge chakanganiswa panzvimbo tsvene,+ uye iwe nevanakomana vako vauinavo muchazvidavirira kana paine chakanganiswa paupristi hwenyu.+ 2 Uyawo nehama dzako dzedzinza raRevhi, dzinza ratateguru vako, kuti dzibatane newe uye dzikushumire,+ iwe nevanakomana vako, pamberi petende reChipupuriro.+ 3 Vanofanira kuita mabasa avo avanokuitira uye avanoita mutende rese.+ Asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene neatari, kuti ivo newe murege kufa.+ 4 Vachabatana newe voita mabasa avo mutende rekusanganira nemabasa ese emutende, uye hapana munhu asina mvumo* anobvumirwa kuswedera kwamuri.+ 5 Munofanira kuita mabasa enyu epanzvimbo tsvene+ neepaatari,+ kuti vaIsraeri varege kuzotsamwirwazve.+ 6 Ini ndatora hama dzenyu, vaRevhi, pakati pevaIsraeri, kuti vave chipo chenyu.+ Vakapiwa kuna Jehovha kuti vaite basa repatende rekusanganira.+ 7 Iwe nevanakomana vako munofanira kuita mabasa enyu eupristi ane chekuita neatari nezvinhu zviri mukati meketeni,+ uye munofanira kuita basa iri.+ Ndakupai basa reupristi sechipo chenyu, uye munhu wese asina mvumo* anoswedera pedyo anofanira kuurayiwa.”+

8 Jehovha akataurazve naAroni, akati: “Ini pachangu ndakupa basa rekuchengeta mipiro yandinopiwa.+ Ndapa iwe nevanakomana vako chikamu chezvinhu zvese zvitsvene zvinobviswa nevaIsraeri kuti ugare uri mugove wenyu.+ 9 Izvi zvichava zvako pamipiro mitsvenetsvene inoita zvekupiswa nemoto: mipiro yese yavanopa, kusanganisira mipiro yavo yezviyo*+ nezvibayiro zvavo zvechivi+ uye zvibayiro zvavo zvemhosva+ zvavanouya nazvo kwandiri. Icho chinhu chitsvenetsvene kwauri nekuvanakomana vako. 10 Unofanira kuzvidyira munzvimbo tsvenetsvene.+ Vanhurume vese vanogona havo kuzvidya. Chichava chinhu chitsvene kwauri.+ 11 Izvi ndezvako zvakare: zvipo zvavanouya nazvo+ pamwe chete nemipiro yese yevaIsraeri inovheyeswa.+ Ndazvipa iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vauinavo kuti zvigare zviri mugove wenyu.+ Munhu wese akachena ari mumba mako anogona hake kuzvidya.+

12 “Mafuta avo akanakisisa newaini yavo yakanakisisa nezviyo zvavo zvakanakisisa, nezvibereko zvavo zvekutanga+ zvavanopa Jehovha, ndiri kuzvipa iwe.+ 13 Zvibereko zvese zvinotanga kuibva munyika yavo, zvavachauya nazvo kuna Jehovha, zvichava zvako.+ Munhu wese akachena ari mumba mako anogona hake kuzvidya.

14 “Zvinhu zvese zvakatsaurirwa* pakati paIsraeri zvinofanira kuva zvako.+

15 “Zvinhu zvese zvinotanga kuberekwa pazvinhu zvese zvipenyu,*+ zvavanouya nazvo kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka, zvinofanira kuva zvako. Asi unofanira kudzikinura matangwe evanhu,+ uye mhuka dzisina kuchena dzinotanga kuberekwa.+ 16 Unofanira kuadzikinura nemutengo wekudzikinura paanenge ava nemwedzi mumwe chete zvichikwira, uchishandisa ukoshi hwakatarwa hwemashekeri* esirivha mashanu,+ zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene.* Magera* 20. 17 Asi usadzikinura mukono wemombe unotanga kuberekwa kana gwayana gono rinotanga kuberekwa kana mbudzi inotanga kuberekwa.+ Izvo zvinhu zvitsvene. Unofanira kusasa ropa razvo paatari,+ uye unofanira kuita kuti mafuta azvo apfungaire sechibayiro chinopiswa nemoto kuti chinhuhwirire zvakanaka* kuna Jehovha.+ 18 Uye nyama yazvo inofanira kuva yako. Sezvinongoitwa chityu* chemupiro unovheyeswa uye gumbo rekurudyi, nyama yacho inofanira kuva yako.+ 19 Iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vauinavo, ndakupai mipiro yese mitsvene ichapiwa Jehovha nevaIsraeri,+ kuti irambe iri mugove wenyu.+ Iyi isungano yemunyu* ichagara iripo pamberi paJehovha kwauri nekuvana vako vauinavo.”

20 Jehovha akaenderera mberi achiti kuna Aroni: “Hauzovi nenhaka munyika yavo, uye hauzovi nemugove wevhu pakati pavo.+ Ini ndini mugove wako nenhaka yako pakati pevaIsraeri.+

21 “Iye zvino ona kuti ndapa vanakomana vaRevhi zvegumi zvese+ pakati paIsraeri kuti ive nhaka yavo nekuti vari kuita basa ravo rekushumira patende rekusanganira. 22 VaIsraeri havafanirizve kuswedera pedyo netende rekusanganira nekuti vakadaro vanenge vaita chivi uye vachafa. 23 VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa repatende rekusanganira, uye ndivo vachazvidavirira kukanganisa kwavo.+ Uyu murau uchagara uripo muzvizvarwa zvenyu zvese kuti havafaniri kuwana nhaka pakati pevaIsraeri.+ 24 Nekuti ndapa vaRevhi chegumi chichabviswa nevaIsraeri kuna Jehovha kuti ive nhaka yavo. Ndokusaka ndati kwavari, ‘Havafaniri kuwana nhaka pakati pevaIsraeri.’”+

25 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 26 “Unofanira kuudza vaRevhi kuti, ‘Muchagamuchira chegumi chinobva kuvaIsraeri chandakupai kuti chive nhaka yenyu,+ uye munofanira kupa Jehovha mupiro wechegumi chinobva pachegumi chacho.+ 27 Uye uyu uchatorwa semupiro wenyu, sekunge kuti mabvisa zviyo zvepaburiro*+ kana kuti waini yemuchisviniro kana kuti mafuta emuchisviniro. 28 Izvi zvichaita kuti mupewo Jehovha mupiro unobva pane zvegumi zvenyu zvese zvamuchagamuchira kubva kuvaIsraeri, uye munofanira kutora pazviri mupiro waJehovha moupa Aroni. 29 Muchapa mupiro wezvinhu zvese kuna Jehovha muchitora pazvakanakisisa zvezvipo zvamunopiwa+ sezvinhu zvitsvene.’

30 “Uye unofanira kuti kwavari, ‘Pamunopa zvakanakisisa zvacho, zvichatorwa sekuti vaRevhi vabvisa zvibereko zvepaburiro uye zvibereko zvechisviniro chewaini kana kuti chemafuta. 31 Imi nemhuri dzenyu munogona henyu kuzvidyira chero pamunenge muri, nekuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu repatende rekusanganira.+ 32 Hamusi kuzonzi maita chivi nekuzvidya kana muchipa mupiro wezvakanakisisa zvacho, uye hamufaniri kusvibisa zvinhu zvitsvene zvevaIsraeri, nekuti mukadaro muchafa.’”+

19 Jehovha akataurazve naMozisi naAroni, achiti: 2 “Uyu ndiwo mutemo wakapiwa naJehovha, ‘Udza vaIsraeri kuti vanofanira kukutorera mhou tsvuku yakanaka isina kuremara+ uye isina kumbosungwa pajoko. 3 Munofanira kuipa mupristi Eriyezari, uye iye achaibudisa kunze kwemusasa, yourayirwa pamberi pake. 4 Mupristi Eriyezari achabva atora rimwe ropa rayo nemunwe wake, orisasa kanomwe akananga mberi kwetende rekusanganira.+ 5 Mhou yacho ichabva yapiswa iye achizviona. Dehwe rayo nenyama yayo neropa rayo pamwe chete nendove yayo zvichapiswa.+ 6 Uye mupristi achatora kabazi kemusidhari, hisopi,+ neshinda tsvuku, ozvikanda mumoto muri kupiswa mhou yacho. 7 Mupristi achabva ageza nguo dzake, ogeza muviri* nemvura, uye kana adaro anogona hake kupinda mumusasa; asi mupristi wacho achava asina kuchena kusvikira manheru.

8 “‘Munhu apisa mhou yacho achageza nguo dzake nemvura, ogeza muviri* nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.

9 “‘Munhu akachena achaunganidza madota emhou+ yacho, oaisa kunze kwemusasa munzvimbo yakachena, uye madota acho anofanira kuchengetwa neungano yevaIsraeri kuti vazoashandisa pakugadzirisa mvura yekuchenesa+ nayo. Icho chibayiro chechivi. 10 Munhu uya anenge aunganidza madota emhou yacho achageza nguo dzake ova asina kuchena kusvikira manheru.

“‘Uyu uchava murau unogara uripo kuvaIsraeri nekumutorwa ari kugara pakati pavo.+ 11 Munhu wese anobata munhu akafa* achavawo asina kuchena kwemazuva manomwe.+ 12 Munhu wacho anofanira kuzvinatsa nemvura yacho pazuva rechitatu, uye pazuva rechinomwe achava akachena. Asi kana akasazvinatsa pazuva rechitatu, pazuva rechinomwe anenge asina kuchena. 13 Munhu wese anobata chero chitunha chemunhu orega kuzvinatsa, asvibisa tebhenekeri+ yaJehovha, uye munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati paIsraeri.+ Iye anoramba asina kuchena nekuti haana kusaswa mvura yekuchenesa+ nayo. Kusachena kwake kunoramba kuri paari.

14 “‘Uyu ndiwo mutemo unoshanda kana munhu akafira mutende: Munhu wese anopinda mutende racho uye munhu wese agara ari mutende racho achava asina kuchena kwemazuva manomwe. 15 Mudziyo wese wakavhurika, usina chivharo chakasungirirwa pauri, hauna kuchena.+ 16 Munhu wese ari kusango anobata munhu akaurayiwa nebakatwa kana chitunha kana pfupa remunhu kana guva achava asina kuchena kwemazuva manomwe.+ 17 Vanofanira kutorera munhu asina kuchena mamwe madota echibayiro chechivi chakapiswa, voaisa mumudziyo, voadira mvura yakachena. 18 Munhu akachena+ achabva atora hisopi+ oinyika mumvura, oisasa pamusoro petende nepamidziyo yese nepavanhu vese vanga varipo uye pamunhu akabata pfupa kana akabata munhu akaurayiwa kana akabata chitunha kana guva. 19 Munhu akachena achaisasa pamusoro pemunhu asina kuchena pazuva rechitatu nepazuva rechinomwe, uye achamunatsa pachivi pazuva rechinomwe;+ munhu wacho achabva ageza nguo dzake, ogeza muviri, uye achava akachena manheru.

20 “‘Asi munhu asina kuchena akarega kuzozvinatsa, munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati peungano,+ nekuti asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Haana kusaswa mvura yekuchenesa nayo, saka haana kuchena.

21 “‘Uyu uchava murau unogara uripo kwavari: Munhu anosasa mvura yekuchenesa+ nayo anofanira kugeza nguo dzake, uye uya anobata mvura yekuchenesa nayo achava asina kuchena kusvikira manheru. 22 Chinhu chese chinobatwa nemunhu asina kuchena chichava chisina kuchena, uye munhu anochibata achava asina kuchena kusvikira manheru.’”+

20 Mumwedzi wekutanga, ungano yese yevaIsraeri yakasvika kurenje reZini, uye vanhu vakatanga kugara muKadheshi.+ Ikoko ndiko kwakafira Miriyemu+ uye kwaakavigwa.

2 Zvino kwakanga kusina mvura yekuti ungano inwe,+ uye vanhu vakaunganira Mozisi naAroni. 3 Vanhu vaipopotera Mozisi,+ vachiti: “Dai takafa hedu pakafa hama dzedu pamberi paJehovha! 4 Makaunza ungano yaJehovha murenje rino kuti tifire muno nezvipfuwo zvedu here?+ 5 Makatibudisa muIjipiti kuti mutiunze munzvimbo ino yakaipa here?+ Haisi nzvimbo yembeu nemaonde nemazambiringa nemapomegraneti,* uye hapana mvura yekunwa.”+ 6 Mozisi naAroni vakabva vabva pamberi peungano vakaenda kusuo retende rekusanganira, vakapfugama, vakaisa misoro yavo pasi, uye kubwinya kwaJehovha kwakatanga kuratidzwa kwavari.+

7 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 8 “Tora tsvimbo, uunganidze ungano, iwe naAroni mukoma wako, mutaure nedombo pamberi pavo kuti ribudise mvura yaro, uye muchavabudisira mvura yekunwa padombo mopa ungano nezvipfuwo zvavo.”+

9 Saka Mozisi akatora tsvimbo pamberi paJehovha,+ sezvaakanga amurayira. 10 Mozisi naAroni vakabva vaunganidza ungano pamberi pedombo, uye akati kwavari: “Chinzwai, imi vapanduki! Tokubudisirai mvura padombo iri here?”+ 11 Mozisi akabva asimudza ruoko rwake, akarova dombo racho kaviri netsvimbo yake, mvura zhinji ikatanga kubuda, ungano ikanwa pamwe chete nezvipfuwo zvavo.+

12 Jehovha akazoti kuna Mozisi naAroni: “Hamuna kuva nekutenda mandiri uye kunditsvenesa vaIsraeri vachizviona, saka hamusi kuzopinza ungano iyi munyika yandichavapa.”+ 13 Iyi ndiyo mvura yeMeribha,*+ vaIsraeri pavakapopotera Jehovha, zvekuti iye akatsveneswa pakati pavo.

14 Mozisi akabva atuma nhume kubva kuKadheshi kuti dziende kuna mambo weEdhomu+ kunoti: “Zvanzi nemunin’ina wenyu Israeri,+ ‘Imi munonyatsoziva matambudziko ese atakasangana nawo. 15 Madzibaba edu akaenda kuIjipiti,+ uye takagara kuIjipiti makore* akawanda,+ uye vaIjipiti vakatibata zvisina kunaka pamwe nemadzibaba edu.+ 16 Takazochema kuna Jehovha,+ uye akatinzwa, akatuma ngirozi,+ ikatibudisa muIjipiti, uye tiri muno muKadheshi, guta riri kumuganhu wenyika yenyu. 17 Tinokumbirawo kupfuura nemunyika yenyu. Hatizopfuuri nemuminda yenyu yembesa neyemizambiringa, uye hatizonwi kana mvura yemumatsime. Tichafamba neMugwagwa Wamambo tisingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe kusvikira tapfuura munyika yenyu.’”+

18 Asi Edhomu akati kwaari: “Hazviiti kuti upfuure nemunyika medu. Ukangopinda ndiri kuuya nebakatwa kuzosangana newe.” 19 VaIsraeri vakabva vati kwaari: “Tinoda kupfuura nemumugwagwa mukuru, uye kana isu nezvipfuwo zvedu tikanwa mvura yenyu, tinokuripai.+ Hatina chimwe chinhu chatiri kuda kunze kwekupfuura tichifamba netsoka.”+ 20 Asi akangoramba achiti: “Hamusi kuzopfuura.”+ Edhomu akabva abuda kuti asangane naye aine vanhu vakawanda kwazvo neuto rine simba.* 21 Saka Edhomu haana kubvumira Israeri kupfuura nemunyika yake; Israeri akatsauka hake akamusiya.+

22 VaIsraeri, ungano yacho yese, vakasimuka kuKadheshi vakasvika kuGomo reHori.+ 23 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni vari muGomo reHori pedyo nemuganhu wenyika yeEdhomu: 24 “Aroni achaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.*+ Haasi kuzopinda munyika yandichapa vaIsraeri, nekuti imi muri vaviri makapandukira murayiro wangu panyaya yemvura yeMeribha.+ 25 Tora Aroni nemwanakomana wake Eriyezari, ukwire navo muGomo reHori. 26 Bvisa Aroni nguo dzake,+ udzipfekedze Eriyezari+ mwanakomana wake, uye Aroni achafira imomo.”

27 Saka Mozisi akaita zvaakanga arayirwa naJehovha, uye vakakwira muGomo reHori ungano yese ichizviona. 28 Mozisi akabva abvisa Aroni nguo dzake, akadzipfekedza Eriyezari mwanakomana wake. Aroni akabva afira pamusoro pegomo ipapo.+ Uye Mozisi naEriyezari vakaburuka mugomo racho. 29 Ungano yese payakaona kuti Aroni akanga afa, imba yese yaIsraeri yakachema Aroni kwemazuva 30.+

21 Mambo weAradhi+ wechiKenani, aigara muNegebhu, paakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vauya nenzira yekuAtarimu, akarwisa vaIsraeri, akatapa vamwe vavo. 2 Saka Israeri akapika kuna Jehovha achiti: “Kana mukaisa vanhu ava muruoko rwangu, ndichatoti ndiparadze maguta avo chete.” 3 Saka Jehovha akateerera inzwi raIsraeri akavapa vaKenani, uye vakavaparadza pamwe nemaguta avo. Vakabva vatumidza nzvimbo yacho kuti Homa.*+

4 Pavaienderera mberi nerwendo rwavo vachibva paGomo reHori+ vachienda nenzira yekuGungwa Dzvuku kuti vapoterere nyika yeEdhomu,+ vanhu vakatanga kuneta nerwendo. 5 Vanhu vakaramba vachipopotera Mwari naMozisi,+ vachiti: “Makatibudisa muIjipiti kuti tifire murenje here? Muno hamuna zvekudya uye hamuna mvura,+ uye tasvika* pakuvenga* chingwa ichi chinosembura.”+ 6 Saka Jehovha akatuma nyoka dzine uturu pakati pevanhu, uye dzairuma vanhu vacho, zvekuti vaIsraeri vazhinji vakafa.+

7 Saka vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati: “Tatadza nekupopotera kwataita Jehovha nemi.+ Tikumbirirei Jehovha kuti atiregererewo abvise nyoka patiri.” Uye Mozisi akakumbirira vanhu kuti varegererwe.+ 8 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Gadzira mufananidzo wenyoka ine uturu uiise pabango. Kana munhu akarumwa, achafanira kuitarisa kuti arambe ari mupenyu.” 9 Mozisi akabva agadzira nyoka yemhangura,+ akaiisa pabango,+ zvekuti pese pairumwa munhu, akatarisa nyoka yacho yemhangura, airamba ari mupenyu.+

10 Pashure paizvozvo vaIsraeri vakasimuka, vakanodzika musasa kuObhoti.+ 11 Vakabva vasimuka kuObhoti vakanodzika musasa kuIye-abharimu,+ murenje rakatarisana neMoabhi, nechekumabvazuva. 12 Vakabva ipapo vakanodzika musasa pedyo neBani reZeredhi.*+ 13 Vakasimuka ipapo vakanodzika musasa munharaunda yeAnoni,+ iri murenje rinobvira pamuganhu wevaAmori, nekuti Anoni ndiwo waiva muganhu weMoabhi, pakati peMoabhi nevaAmori. 14 Ndokusaka bhuku reHondo dzaJehovha richitaura “nezveVhahebhu iri muSufa uye mapani eAnoni,* 15 nemateru emumapani,* anosvika kune Ari achinobatana nemuganhu weMoabhi.”

16 Vakabva ipapo vakaenda kuBheeri. Iri ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi: “Unganidza vanhu kuti ndivape mvura.”

17 Panguva iyoyo Israeri akaimba rwiyo urwu:

“Haiwa iwe tsime, tubuka! Riimbirei!

18 Tsime rakacherwa nemachinda, rakacherwa nemakurukota evanhu,

Netsvimbo yemutungamiriri, netsvimbo dzavo.”

Vachibva murenje vakaenda kuMatana, 19 vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, uye vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti.+ 20 Vachibva kuBhamoti vakaenda kubani riri munyika yeMoabhi,+ kumusoro kwePisga,+ yakatarisana neJeshimoni.*+

21 Israeri akabva atuma nhume kuna Sihoni, mambo wevaAmori, achiti:+ 22 “Tibvumireiwo kupfuura nemunyika yenyu. Hatizotsaukiri muminda yembesa kana yemizambiringa. Hatizonwi kana mvura yemumatsime. Tichafamba neMugwagwa Wamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”+ 23 Asi Sihoni haana kubvumira Israeri kupfuura nemunyika yake. Akatounganidza vanhu vake vese, akaenda kunorwisana naIsraeri murenje, akasvika kuJahazi, akatanga kurwa naIsraeri.+ 24 Asi Israeri akamukunda nebakatwa,+ akatora nyika yake+ kubvira kuAnoni+ kusvikira kuJabhoki,+ pedyo nevaAmoni, nekuti Jazeri+ ndiyo inoganhura nyika yevaAmoni.+

25 Saka Israeri akatora maguta aya ese, uye akatanga kugara mumaguta ese evaAmori,+ muHeshbhoni nemumaguta ese madiki akaipoteredza. 26 Nekuti Heshbhoni raiva guta raSihoni, mambo wevaAmori, akanga arwa namambo weMoabhi, akamutorera nyika yake yese kusvikira kuAnoni. 27 Izvi ndizvo zvakazoita kuti pave nechirevo chekunyomba chekuti:

“Uyai kuHeshbhoni.

Guta raSihoni ngarivakwe, rimiswe zvakasimba.

28 Nekuti moto wakabuda muHeshbhoni, rimi rakabuda muguta raSihoni.

Wakaparadza Ari yeMoabhi, madzishe enzvimbo dzakakwirira dzeAnoni.

29 Une nhamo, iwe Moabhi! Muchaparadzwa, imi vanhu vaKemoshi!+

Anoita kuti vanakomana vake vadzungaire nenyika uye vanasikana vake vave nhapwa dzaSihoni, mambo wevaAmori.

30 Ngativapfurei;

Heshbhoni ichaparadzwa kusvikira kuDhibhoni;+

Ngatiiitei matongo kusvikira kuNofa;

Moto uchapararira kusvikira kuMedhebha.”+

31 Saka Israeri akatanga kugara munyika yevaAmori. 32 Mozisi akabva atuma vamwe varume kunosora* Jazeri.+ Vakatora maguta madiki akanga akaipoteredza, vakadzinga vaAmori vaiva imomo. 33 Pashure paizvozvo vakaenda neNzira yeBhashani. Uye Ogi+ mambo weBhashani akabuda nevanhu vake vese kuzorwisana navo kuEdrei.+ 34 Jehovha akati kuna Mozisi: “Usamutya,+ nekuti ndichamuisa muruoko rwako+ pamwe nevanhu vake vese nenyika yake, uye uchamuita zvawakaita Sihoni mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni.”+ 35 Saka vakaramba vachivauraya pamwe nevanakomana vake nevanhu vake vese, kusvikira pasisina akasara,+ uye vakatora nyika yake.+

22 VaIsraeri vakabva vasimuka vakanodzika musasa murenje reMoabhi mhiri kwaJodhani pakatarisana neJeriko.+ 2 Bharaki+ mwanakomana waZipori akaona zvese zvakanga zvaitwa vaAmori naIsraeri, 3 uye Moabhi akatya kwazvo vanhu vacho, nekuti vakanga vakawanda chaizvo; zvechokwadi Moabhi akanzwa mudumbu nemhaka yevaIsraeri.+ 4 Saka Moabhi akati kuvakuru veMidhiyani:+ “Ungano iyi ichaparadza nzvimbo yedu yese, sekuparadza kunoita mukono wemombe uswa hwesango.”

Bharaki mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo weMoabhi panguva iyoyo. 5 Akatuma nhume kuna Bharami mwanakomana waBheori kuPetori,+ iri pedyo neRwizi* kumusha kwake. Akamushevedza achiti: “Uya uone! Kune vanhu vakabuda muIjipiti. Vazara nyika yese,+ uye vari kugara pamberi pangu chaipo. 6 Saka ndapota, uya unditukire vanhu ava,+ nekuti vane simba kundipfuura. Zvimwe ndingavakunda ndovadzinga munyika ino, nekuti ndinonyatsoziva kuti munhu waunokomborera anokomborerwa uye munhu waunotuka, anotukwa.”

7 Saka vakuru veMoabhi nevakuru veMidhiyani vakaenda kuna Bharami+ vakabata mari yekushopera, vakasvitsa shoko raBharaki. 8 Iye akabva ati kwavari: “Rarai pano usiku huno, ndozokuudzai zvese zvandinenge ndaudzwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhi akarara pamba paBharami.

9 Mwari akabva auya kuna Bharami, akati:+ “Varume ava vauinavo ndivanaani?” 10 Bharami akati kuna Mwari wechokwadi: “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhi, anditumira shoko achiti, 11 ‘Uya uone! Vanhu vari kubva kuIjipiti vazara nyika yese. Saka uya unditukire vanhu ava.+ Zvimwe ndingakwanisa kuvarwisa ndovadzinga.’” 12 Asi Mwari akati kuna Bharami: “Usaenda navo. Usatuka vanhu vacho, nekuti vakakomborerwa.”+

13 Bharami akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki: “Dzokerai kunyika yenyu, nekuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.” 14 Saka machinda eMoabhi akasimuka, akadzokera kuna Bharaki, akati: “Bharami aramba kuuya nesu.”

15 Asi Bharaki akatumazve mamwe machinda, akatowanda uye aikudzwa kupfuura ekutanga. 16 Akasvika kuna Bharami akati kwaari: “Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, ‘Ndapota, usarega chimwe chinhu chichikutadzisa kuuya kwandiri, 17 nekuti ndichakukudza kwazvo uye ndichaita zvese zvaunonditi ndiite. Saka ndapota, uya unditukire vanhu ava.’” 18 Asi Bharami akapindura vashandi vaBharaki achiti: “Kunyange dai Bharaki aizondipa imba yake yakazara nesirivha negoridhe, ndaisazomboita chero chinhu chinopesana nemurayiro waJehovha Mwari wangu, chingava chidiki kana chikuru.+ 19 Asi munogonawo kurara pano, kuti ndione kana paine zvimwe zvandingaudzwa naJehovha.”+

20 Mwari akabva auya kuna Bharami usiku, akati kwaari: “Kana varume ava vauya kuzokushevedza, enda navo. Asi wongonotaura mashoko andinenge ndakuudza chete.”+ 21 Saka Bharami akamuka mangwanani, akasungirira chigaro padhongi* rake akaenda nemachinda eMoabhi.+

22 Asi Mwari akatsamwa kwazvo nekuti iye akanga ava kuenda, uye ngirozi yaJehovha yakanomira mumugwagwa kuti imutadzise kupfuura. Bharami akanga akatasva dhongi rake, uye aiva nevashandi vake vaviri. 23 Dhongi racho parakaona ngirozi yaJehovha yakamira mumugwagwa yakabata bakatwa rakavhomorwa, rakaedza kutsauka mumugwagwa richipinda musango. Asi Bharami akatanga kurova dhongi racho kuti ridzokere mumugwagwa. 24 Ngirozi yaJehovha yakabva yanomira mumukoto waiva pakati peminda miviri yemizambiringa, kumativi ese kuine madziro ematombo. 25 Dhongi racho parakaona ngirozi yaJehovha, rakatanga kuzvikwizira kumadziro, rikadzvanyidzira tsoka yaBharami kumadziro, uye Bharami akatanga kurirovazve.

26 Ngirozi yaJehovha yakapfuurazve ikanomira pamukoto wakanga usingaiti kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. 27 Dhongi parakaona ngirozi yaJehovha, rakabva rarara pasi Bharami akaritasva kudaro, saka Bharami akatsamwa kwazvo, akaramba achirirova netsvimbo yake. 28 Jehovha akazoita kuti dhongi racho ritaure,*+ uye rakati kuna Bharami: “Ndaparei zvamandirova kudaro katatu aka?”+ 29 Bharami akapindura dhongi achiti: “Nekuti uri kuita kuti ndiite sebenzi. Dai ndanga ndiine bakatwa ndakuuraya!” 30 Dhongi racho rakabva rati kuna Bharami: “Handisi dhongi renyu here ramatasva kweupenyu hwenyu hwese kusvikira nhasi? Ndakambokuitirai zvakadai here?” Akapindura kuti: “Aiwa!” 31 Jehovha akabva avhura maziso aBharami,+ uye akaona ngirozi yaJehovha yakamira mumugwagwa, yakabata bakatwa rakavhomorwa. Akabva angokotama, ndokupfugama, akadzikisa musoro wake.

32 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kwaari: “Waroverei dhongi rako katatu aka? Ini ndini ndauya kuzokutadzisa kuenda, nekuti nzira yako inopesana nekuda kwangu.+ 33 Dhongi randiona rikaedza kutsauka pamberi pangu katatu kese aka.+ Ko kudai ranga risina kutsauka pamberi pangu? Kutaura kuno ndingadai ndakuuraya, asi iro ndarisiya riri benyu.” 34 Bharami akati kungirozi yaJehovha: “Ndatadza, nekuti handina kuziva kuti ndimi manga makamira mumugwagwa kuti musangane neni. Saka kana zvakaipa kwamuri, regai ndidzokere.” 35 Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Bharami: “Enda nevarume vacho, asi wongonotaura mashoko andinenge ndakuudza chete.” Saka Bharami akaramba achienda nemachinda aBharaki.

36 Bharaki paakanzwa kuti Bharami akanga asvika, akabva akurumidza kunomuchingura kuguta reMoabhi, riri pamahombekombe eAnoni, pamuganhu wenyika yacho. 37 Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Handina kukutumira shoko here? Nei usina kuuya? Unofunga kuti ndingatadza kukukudza here?”+ 38 Bharami akapindura Bharaki achiti: “Zvakanaka, iye zvino ndauya. Asi ndichabvumirwa kutaura zvese zvese here? Mashoko anenge aiswa naMwari mumuromo mangu ndiwo andichataura chete.”+

39 Saka Bharami akaenda naBharaki, uye vakasvika kuKiriyati-huzoti. 40 Bharaki akabayira mombe nemakwai uye akatumira zvimwe zvacho kuna Bharami nekumachinda aaiva nawo. 41 Ava mangwanani Bharaki akatora Bharami, akamukwidza paBhamoti-bhaari; ari ipapo aikwanisa kuona vanhu vacho vese.+

23 Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Vaka atari nomwe panzvimbo iyi,+ uye ndigadzirire mikono minomwe yemombe nemakondohwe manomwe.” 2 Bharaki akabva angoita zvakanga zvataurwa naBharami. Uye Bharaki naBharami vakabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.+ 3 Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Sara pano, pedyo nechibayiro chako chinopiswa, ini ndiende. Zvimwe Jehovha achataura neni. Chero zvaanenge andiratidza, ndichakuudza.” Saka akaenda kuchikomo chakanga chisina chinhu.

4 Mwari akabva ataura naBharami,+ uyo akabva ati kwaari: “Ndagadzira atari nomwe mumitsara, ndikabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.” 5 Jehovha akaisa shoko iri mumuromo maBharami:+ “Dzokera kuna Bharaki, uye izvi ndizvo zvaunofanira kutaura.” 6 Saka akadzokera uye akaona kuti Bharaki nemachinda ese eMoabhi vakanga vakamira pedyo nechibayiro chake chinopiswa. 7 Akabva ataura chirevo ichi achiti:+

“Bharaki mambo weMoabhi akanditora kubva kuAramu,+

Kubva kumakomo ekumabvazuva:

‘Uya unditukire Jakobho.

Chokwadi, uya utsoropodze Israeri.’+

 8 Ndingatuka sei vaya vasina kutukwa naMwari?

Uye ndingatsoropodza sei vaya vasina kutsoropodzwa naJehovha?+

 9 Ndinovaona ndiri pamusoro pematombo,

Uye ndinovaona ndiri pazvikomo.

Serudzi, vanogara ikoko vari vega;+

Havazviverengere pakati pemamwe marudzi.+

10 Ndiani anogona kuverenga guruva raJakobho+

Kana kuverenga kunyange chikamu chimwe chete pazvikamu zvina zvaIsraeri?

Regai ndife zvangu* sekufa kunoita vakarurama,

Uye kuguma kwangu ngakufanane nekwavo.”

11 Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Chii ichi chawandiitira? Ndakakutora kuti utuke vavengi vangu, asi watovakomborera zvako.”+ 12 Akapindura kuti: “Ndorega here kutaura zvinenge zvaiswa mumuromo mangu naJehovha?”+

13 Bharaki akati kwaari: “Uya tiende kune imwe nzvimbo paunogona kuvaona uri. Uchangoona vamwe vacho; hauzovaoni vese. Unditukire vanhu ivavo uri ipapo.”+ 14 Saka akaenda naye kusango reZofimu, pamusoro pePisga,+ akavaka atari nomwe uye akabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.+ 15 Saka Bharami akati kuna Bharaki: “Sara pano, pedyo nechibayiro chako chinopiswa, pandiri kumbonotaura naye ndiri uko.” 16 Uye Jehovha akataura naBharami, akaisa shoko iri mumuromo make:+ “Dzokera kuna Bharaki, uye izvi ndizvo zvaunofanira kutaura.” 17 Saka akasvika kwaaiva, akaona kuti akanga akamumirira ari pedyo nechibayiro chake chinopiswa, uye aiva nemachinda eMoabhi. Bharaki akamubvunza kuti: “Jehovha ati chii?” 18 Akabva ataura chirevo ichi achiti:+

“Simuka, Bharaki, uteerere.

Ndinzwe, haiwa iwe mwanakomana waZipori.

19 Mwari haasi munhuwo zvake anotaura nhema,+

Uye haana kufanana nemwanakomana wemunhu anochinja pfungwa.*+

Kana akataura chimwe chinhu, angarega kuchiita here?

Kana akataura, anotadza kuzvizadzisa here?+

20 Ona! Ndakatorwa kuti ndikomborere;

Iye zvino akomborera,+ uye handigoni kuzvichinja.+

21 Haadi kuona Jakobho achiitirwa zveuroyi,

Uye haaregi Israeri achisangana nematambudziko.

Jehovha Mwari wake anavo,+

Uye anorumbidzwa chaizvo samambo pakati pavo.

22 Mwari ari kuvabudisa muIjipiti.+

Akaita senyanga dzenzombe yemusango kwavari.+

23 Nekuti Jakobho haazoshurudzirwi,+

Uye hakuna kana kushopera kungaitirwa kukuvadza Israeri.+

Panguva ino zvinogona kunzi nezvaJakobho naIsraeri:

‘Onai zvaitwa naMwari!’

24 Rudzi urwu ruchasimuka seshumba,

Uye ruchasimuka rwega seshumba.+

Haisi kuzorara pasi kusvikira yadya mhuka yayabata

Uye yanwa ropa remhuka dzayauraya.”

25 Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Kana usingagoni kumutuka, saka chiregawo kumukomborera.” 26 Bharami akapindura Bharaki achiti: “Handina kukuudza here kuti, ‘Ndichaita zvese zvinenge zvataurwa naJehovha’?”+

27 Bharaki akati kuna Bharami: “Ndapota, uya ndikuendese kune imwezve nzvimbo. Zvimwe zvichange zvakarurama kuna Mwari wechokwadi kuti unditukire Israeri uri ipapo.”+ 28 Saka Bharaki akaenda naBharami pamusoro pePeori, pakatarisana neJeshimoni.*+ 29 Bharami akabva ati kuna Bharaki: “Vaka atari nomwe panzvimbo iyi, uye ndigadzirire mikono minomwe yemombe nemakondohwe manomwe.”+ 30 Saka Bharaki akaita zvakanga zvataurwa naBharami, uye akabayira mukono mumwe chete wemombe negondohwe rimwe chete paatari imwe neimwe.

24 Bharami paakaona kuti Jehovha aifarira kukomborera Israeri, haana kuzobva paaiva kuti anotsvaga mashoko ekuvashurudzira,+ asi akatarisa kurenje. 2 Bharami paakasimudza musoro akaona Israeri akadzika misasa maererano nemadzinza ake,+ mweya waMwari ukabva wauya paari.+ 3 Akabva ataura chirevo ichi:+

“Kutaura kwaBharami, mwanakomana waBheori,

Uye kutaura kwemurume ane maziso asvinudzwa,

 4 Kutaura kweuya anonzwa shoko raMwari,

Akaona chiratidzo cheWemasimbaose,

Akotama akavhura maziso ake:+

 5 Haiwa Jakobho, hakusi kunaka kwakaita matende ako,

Hakusi kunaka kwakaita matebhenekeri ako, haiwa Israeri!+

 6 Anosvika kure semapani,*+

Seminda iri pedyo nerwizi,

Semiarosi* yakadyarwa naJehovha,

Semisidhari iri pedyo nemvura.

 7 Mvura inoramba ichidonha kubva mumidziyo yake miviri yedehwe,

Uye mbeu yake inodyarwa pedyo nemvura zhinji.+

Mambo wake+ achavawo mukuru kupfuura Agagi,+

Uye umambo hwake huchakwidziridzwa.+

 8 Mwari ari kumubudisa muIjipiti;

Akaita senyanga dzenzombe yemusango kwavari.

Achapedza marudzi, ivo vadzvinyiriri vavo,+

Uye achan’un’una mapfupa avo, oatyora-tyora nemiseve yake.

 9 Avhumbama, arara pasi seshumba,

Uye seshumba, ndiani angashinga kumumutsa?

Vaya vanokukomborera, vakakomborerwa,

Uye vaya vanokutuka, vakatukwa.”+

10 Bharaki akabva atsamwira Bharami kwazvo. Bharaki akarovanisa maoko ake achiratidza kutsamwa uye akati kuna Bharami: “Ndakakushevedza kuti uzotuka vavengi vangu,+ asi iye zvino watovakomborera katatu aka. 11 Chienda kumba kwako izvozvi. Ndaida kukukudza,+ asi ona! Jehovha akutadzisa kuti ukudzwe.”

12 Bharami akapindura Bharaki achiti: “Handina here kuudza nhume dzawakatuma kuti, 13 ‘Kunyange dai Bharaki aizondipa imba yake yakazara nesirivha negoridhe, ndaisazombosarudza kuita zvemusoro wangu ndichiita zvinopesana nemurayiro waJehovha, zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa. Ndichangotaura zvandinenge ndaudzwa naJehovha chete’?+ 14 Iye zvino ndava kuenda kuvanhu vangu. Uya ndikuudze zvichaitwa vanhu vako nevanhu ava mune ramangwana.”* 15 Saka akataura chirevo ichi:+

“Kutaura kwaBharami, mwanakomana waBheori,

Uye kutaura kwemurume ane maziso asvinudzwa,+

16 Kutaura kweuya anonzwa shoko raMwari,

Uye kweuya ane ruzivo rweWekumusorosoro,

Akaona chiratidzo cheWemasimbaose

Paakanga akakotama maziso ake akavhurwa:

17 Ndichamuona, asi kwete iye zvino;

Ndichamuona, asi pava paya.

Nyeredzi+ ichabuda kuna Jakobho,

Uye tsvimbo+ yeumambo ichabva kuna Israeri.+

Uye achapwanya huma dzevaMoabhi+

Nemadehenya evanakomana vese vemheremhere.

18 Uye Edhomu achava nhaka,+

Chokwadi, Seiri+ achava nhaka yevavengi vake,+

Israeri achiratidza ushingi hwake.

19 Uye mumwe achabuda muna Jakobho achakunda,+

Uye achaparadza chero anenge apona muguta racho.”

20 Paakaona Amareki, akaenderera mberi nechirevo chake achiti:

“Amareki ndiye akanga ari wekutanga wemarudzi,+

Asi pakupedzisira achaparara.”+

21 Paakaona vaKeni,+ akaenderera mberi nechirevo chake achiti:

“Nzvimbo yako yaunogara yakasimba, uye imba yako yakavakirwa padombo.

22 Asi mumwe munhu achapisa Keini.

Zvichatora nguva yakadii Asiriya isati yakutapa?”

23 Uye akaenderera mberi nechirevo chake achiti:

“Maiwee! Ndiani achapona kana Mwari ava kuita izvi?

24 Ngarava dzichabva kumahombekombe eKitimu,+

Uye dzichatambudza Asiriya,+

Uye dzichatambudza Ebheri.

Asi iyewo achaparara zvachose.”

25 Bharami+ akabva asimuka, akaenda, akadzokera kumusha kwake. Bharaki akaendawo kwake.

25 VaIsraeri pavaigara muShitimu,+ vanhu vakatanga kuita unzenza* nevanasikana veMoabhi.+ 2 Vakadzi vacho vaikoka vanhu kuti vauye kuzvibayiro zvavanamwari vavo,+ uye vanhu vakatanga kudya, vachipfugamira vanamwari vavo.+ 3 Saka Israeri akabatana navo pakunamata Bhaari* wePeori,+ uye Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo. 4 Jehovha akati kuna Mozisi: “Tora vatungamiriri vese vevanhu ava, uvauraye wovarembedza pamberi paJehovha masikati machena, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kubve pana Israeri.” 5 Mozisi akabva ati kuvatongi vaIsraeri:+ “Mumwe nemumwe wenyu ngaauraye varume vekwake vakanamata Bhaari* wePeori.”+

6 Asi panguva iyoyo chaiyo, pakasvika mumwe muIsraeri achiuya kuhama dzake aine mumwe mukadzi wechiMidhiyani+ Mozisi akatarisa uye ungano yese yevaIsraeri yakatarisa, pavakanga vachichema vari pasuo retende rekusanganira. 7 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana wemupristi Aroni paakazviona, akabva asimuka pakati peungano akabata pfumo. 8 Akabva atevera murume wechiIsraeri mutende, akabaya vaviri vacho, murume wechiIsraeri nemukadzi wacho, uyo waakabaya nepadumbu.* Denda raiva pavaIsraeri rakabva raguma.+ 9 Vaya vakafa nedenda racho vakasvika 24 000.+

10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 11 “Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana waAroni mupristi adzora hasha dzangu pavaIsraeri nekuti aratidza kuti haadi kuona vanhu vasina kutendeka kwandiri pakati pavo.+ Ndokusaka ndisina kuzoparadza vaIsraeri kunyange zvazvo ndichida kuzvipira kwakazara.+ 12 Saka uti, ‘Ndiri kumupa sungano yangu yerugare. 13 Uye ichava sungano yeupristi ichagara iripo kwaari nevana vake vanomutevera,+ nekuti aratidza kuti haadi kuona vanhu vasina kutendeka kuna Mwari wake,+ uye ayananisira vaIsraeri.’”

14 Murume wechiIsraeri akaurayiwa pamwe chete nemukadzi wechiMidhiyani ainzi Zimri, mwanakomana waSaru, jinda reimba yemadzibaba evaSimiyoni. 15 Mukadzi wacho wechiMidhiyani akaurayiwa ainzi Kozbhi mwanasikana waZuri,+ mutungamiriri wemadzinza edzimba dzemadzibaba muMidhiyani.+

16 Jehovha akazoti kuna Mozisi: 17 “Tambudza vaMidhiyani, uvauraye,+ 18 nekuti vari kukutambudzai nezviito zvavo zveunyengeri panyaya yepaPeori+ neyaKozbhi mwanasikana wejinda reMidhiyani, hanzvadzi yavo yakaurayiwa+ musi wakaitika denda rakonzerwa nenyaya yepaPeori.”+

26 Denda parakapera,+ Jehovha akati kuna Mozisi naEriyezari mwanakomana wemupristi Aroni: 2 “Verengai ungano yese yevaIsraeri kubvira pane vane makore 20 zvichikwira, maererano nedzimba dzemadzibaba avo, vese vanokwanisa kupinda muuto raIsraeri.”+ 3 Saka Mozisi nemupristi Eriyezari+ vakataura navo murenje reMoabhi+ pedyo naJodhani kuJeriko,+ vachiti: 4 “Vaverengei kubvira pane vane makore 20 zvichikwira, sezvarayirwa Mozisi naJehovha.”+

Vanakomana vaIsraeri vakabuda munyika yeIjipiti vaiva: 5 Rubheni,+ dangwe raIsraeri; vanakomana vaRubheni+ vaiva: Hanoki, kwakabva mhuri yevaHanoki; Paru, kwakabva mhuri yevaParu; 6 Hezroni, kwakabva mhuri yevaHezroni; Kami, kwakabva mhuri yevaKami. 7 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRubheni, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 43 730.+

8 Mwanakomana waParu aiva Eriyabhi. 9 Uye vanakomana vaEriyabhi vaiva Nemueri, Dhatani, naAbhiramu. Ava ndivo vanaDhatani naAbhiramu vakasarudzwa paungano, vaya vakarwa naMozisi+ naAroni pamwe neboka raKora,+ pavakarwa naJehovha.+

10 Nyika yakabva yavhurika* ikavamedza. Asi Kora akafa pamwe nevatsigiri vake pakaparadzwa varume 250 nemoto.+ Uye zvakaitika kwavari zvakava chidzidzo kune vamwe.+ 11 Asi vanakomana vaKora havana kufa.+

12 Vanakomana vaSimiyoni+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Nemueri, kwakabva mhuri yevaNemueri; Jamini, kwakabva mhuri yevaJamini; Jakini, kwakabva mhuri yevaJakini; 13 Zera, kwakabva mhuri yevaZera; Shauri, kwakabva mhuri yevaShauri. 14 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaSimiyoni: 22 200.+

15 Vanakomana vaGadhi+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Zefoni, kwakabva mhuri yevaZefoni; Hagi, kwakabva mhuri yevaHagi; Shuni, kwakabva mhuri yevaShuni; 16 Ozni, kwakabva mhuri yevaOzni; Erai, kwakabva mhuri yevaErai; 17 Arodhi, kwakabva mhuri yevaArodhi; Areri, kwakabva mhuri yevaAreri. 18 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaGadhi, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 40 500.+

19 Vanakomana vaJudha+ vaiva Ere naOnani.+ Asi Ere naOnani vakafira munyika yeKenani.+ 20 Uye vanakomana vaJudha maererano nemhuri dzavo vaiva: Shera,+ kwakabva mhuri yevaShera; Perezi,+ kwakabva mhuri yevaPerezi; Zera,+ kwakabva mhuri yevaZera. 21 Uye vanakomana vaPerezi vaiva: Hezroni,+ kwakabva mhuri yevaHezroni; Hamuri,+ kwakabva mhuri yevaHamuri. 22 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaJudha, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 76 500.+

23 Vanakomana vaIsakari+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Tora,+ kwakabva mhuri yevaTora; Puvha, kwakabva mhuri yevaPuni; 24 Jashubhi, kwakabva mhuri yevaJashubhi; Shimroni, kwakabva mhuri yevaShimroni. 25 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaIsakari, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 64 300.+

26 Vanakomana vaZebhuroni+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Seredhi, kwakabva mhuri yevaSeredhi; Eroni, kwakabva mhuri yevaEroni; Jareeri, kwakabva mhuri yevaJareeri. 27 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaZebhuroni, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 60 500.+

28 Vanakomana vaJosefa+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Manase naEfremu.+ 29 Vanakomana vaManase+ vaiva: Makiri,+ kwakabva mhuri yevaMakiri; uye Makiri akabereka Giriyedhi;+ Giriyedhi, kwakabva mhuri yevaGiriyedhi. 30 Ava ndivo vaiva vanakomana vaGiriyedhi: Iezeri, kwakabva mhuri yevaIezeri; Hereki, kwakabva mhuri yevaHereki; 31 Asrieri, kwakabva mhuri yevaAsrieri; Shekemu, kwakabva mhuri yevaShekemu; 32 Shemidha, kwakabva mhuri yevaShemidha; Heferi, kwakabva mhuri yevaHeferi. 33 Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi vanasikana chete,+ uye vanasikana vaZerofehadhi+ vaiva Mahra, Noa, Hogra, Mirika, naTiza. 34 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaManase, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 52 700.+

35 Ava ndivo vaiva vanakomana vaEfremu+ maererano nemhuri dzavo: Shutera,+ kwakabva mhuri yevaShutera; Bhekeri, kwakabva mhuri yevaBhekeri; Tahani, kwakabva mhuri yevaTahani. 36 Ava ndivo vaiva vanakomana vaShutera: Erani, kwakabva mhuri yevaErani. 37 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaEfremu, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 32 500.+ Ava ndivo vaiva vanakomana vaJosefa maererano nemhuri dzavo.

38 Vanakomana vaBhenjamini+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Bhira,+ kwakabva mhuri yevaBhira; Ashbheri, kwakabva mhuri yevaAshbheri; Ahiramu, kwakabva mhuri yevaAhiramu; 39 Shefufamu, kwakabva mhuri yevaShufamu; Hufamu, kwakabva mhuri yevaHufamu. 40 Vanakomana vaBhira vaiva Adhi naNaamani:+ Adhi, kwakabva mhuri yevaAdhi; Naamani, kwakabva mhuri yevaNaamani. 41 Ava ndivo vaiva vanakomana vaBhenjamini maererano nemhuri dzavo, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 45 600.+

42 Ava ndivo vaiva vanakomana vaDhani+ maererano nemhuri dzavo: Shuhamu, kwakabva mhuri yevaShuhamu. Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaDhani maererano nemhuri dzavo. 43 Pamhuri dzese dzevaShuhamu, vakanyorwa vavo vaisvika 64 400.+

44 Vanakomana vaAsheri+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Imnaa, kwakabva mhuri yevaImnaa; Ishvhi, kwakabva mhuri yevaIshvhi; Bheria, kwakabva mhuri yevaBheria; 45 kuvanakomana vaBheria: Hebheri, kwakabva mhuri yevaHebheri; Marikieri, kwakabva mhuri yevaMarikieri. 46 Zita remwanasikana waAsheri raiva Sera. 47 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaAsheri, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 53 400.+

48 Vanakomana vaNaftari+ maererano nemhuri dzavo vaiva: Jazeeri, kwakabva mhuri yevaJazeeri; Guni, kwakabva mhuri yevaGuni; 49 Jezeri, kwakabva mhuri yevaJezeri; Shiremu, kwakabva mhuri yevaShiremu. 50 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzaNaftari maererano nemhuri dzavo, uye vanhu vavo vakanyorwa vakasvika 45 400.+

51 Ava ndivo vese vakanyorwa pavaIsraeri: 601 730.+

52 Pashure paizvozvo Jehovha akati kuna Mozisi: 53 “Nyika inofanira kugovewa pakati pavo kuti ive nhaka yavo maererano nemazita akanyorwa.+ 54 Vanenge vakawanda, unofanira kuwedzera nhaka yavo, uye vanenge vari vashoma unofanira kuderedza nhaka yavo.+ Boka rimwe nerimwe rinofanira kupiwa nhaka zvichienderana nekuwanda kwevaya vakanyorwa. 55 Asi nyika yacho inofanira kugovewa pachishandiswa mujenya.+ Vanofanira kuwana nhaka dzavo zvichienderana nemazita emadzinza emadzibaba avo. 56 Nhaka imwe neimwe ichasarudzwa kuti inopiwa ani pachishandiswa mujenya, ichigoverwa mapoka akakura uye madiki.”

57 Ava ndivo vaRevhi+ vakanyorwa maererano nemhuri dzavo: Geshoni, kwakabva mhuri yevaGeshoni; Kohati,+ kwakabva mhuri yevaKohati; Merari, kwakabva mhuri yevaMerari. 58 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevaRevhi: mhuri yevaRibhini,+ mhuri yevaHebroni,+ mhuri yevaMari,+ mhuri yevaMushi,+ mhuri yevaKora.+

Kohati akabereka Amramu.+ 59 Uye mudzimai waAmramu ainzi Jokebhedhi,+ mwanasikana waRevhi, waakaberekerwa nemudzimai wake muIjipiti. Uye iye naAmramu vakabereka Aroni naMozisi nehanzvadzi yavo Miriyemu.+ 60 Aroni akaberekerwa Nadhabhi, Abhihu, Eriyezari, naItamari.+ 61 Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa nekuti vakauya nemoto wakanga usingabvumirwi pamberi paJehovha.+

62 Vanhurume vese vaibvira pamwedzi mumwe chete zvichikwira vakanyorwa vakasvika 23 000.+ Havana kunyorwa pakati pevaIsraeri,+ nekuti hapana nhaka yavaizopiwa pakati pevaIsraeri.+

63 Ava ndivo vanhu vakanyorwa naMozisi nemupristi Eriyezari pavakanyora vaIsraeri murenje reMoabhi pedyo naJodhani kuJeriko. 64 Asi pakati pavo pakanga pasina kana murume mumwe chete pane vaya vakanyorwa naMozisi nemupristi Aroni pakaverengwa vaIsraeri murenje reSinai.+ 65 Nekuti Jehovha akanga ati nezvavo: “Chokwadi vachafira murenje.”+ Saka hakuna kusara kana murume mumwe chete kwavari kunze kwaKarebhi mwanakomana waJefune naJoshua, mwanakomana waNuni.+

27 Vanasikana vaZerofehadhi+ mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyedhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa, vakabva vasvika. Mazita evanasikana vake aiva Mahra, Noa, Hogra, Mirika, naTiza. 2 Vakamira pamberi paMozisi, nemupristi Eriyezari, nemachinda,+ neungano yese pasuo retende rekusanganira, vakati: 3 “Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasiri pakati pevatsigiri vaKora+ vakaungana kuti varwe naJehovha, asi vakafira chivi chavo uye vakanga vasina vanakomana. 4 Zita rababa vedu ringarova here nemhaka yekuti vakanga vasina mwanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.” 5 Saka Mozisi akaenda nenyaya yavo pamberi paJehovha.+

6 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 7 “Zviri kutaurwa nevanasikana vaZerofehadhi ndizvozvo. Unotofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo woisa nhaka yababa vavo mumaoko avo.+ 8 Uye udza vaIsraeri kuti, ‘Kana murume akafa asina mwanakomana, munofanira kubva maita kuti nhaka yake igarwe nemwanasikana wake. 9 Uye kana asina mwanasikana, munopa vakoma kana vanin’ina vake nhaka yake. 10 Uye kana asina vakoma kana vanin’ina, munopa vakoma kana vanin’ina vababa vake nhaka yake. 11 Uye kana baba vake vasina vakoma kana vanin’ina, nhaka yake munoipa hama yake yepedyo, uye ichava yake. Uyu mutongo uchashanda semurau kuvaIsraeri, sezvarayirwa Mozisi naJehovha.’”

12 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ uone nyika yandichapa vaIsraeri.+ 13 Kana waiona, uchabva waiswawo kwakaiswa vanhu vekwako,*+ sezvakaitwa mukoma wako Aroni,+ 14 nekuti ungano payaindipopotera murenje reZini, wakapandukira murayiro wangu wekuti unditsvenese pamberi pavo panyaya yemvura.+ Iyi ndiyo mvura yeMeribha,+ kuKadheshi+ murenje reZini.”+

15 Mozisi akabva ati kuna Jehovha: 16 “Jehovha, Mwari anopa vanhu vese upenyu* ngaagadze murume paungano 17 achabuda uye achapinda navo, uye achivatungamirira pakubuda nepakupinda, kuti ungano yaJehovha irege kuva semakwai asina mufudzi.” 18 Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ane pfungwa dzakanaka, uise maoko ako pamusoro pake.+ 19 Womumisa pamberi pemupristi Eriyezari nepamberi peungano yese, umugadze vese vachizviona.+ 20 Unofanira kumupa mamwe emasimba ako,*+ kuti ungano yese yevaIsraeri imuteerere.+ 21 Achamira pamberi pemupristi Eriyezari, uyo achashandisa Urimu+ kumubvunzira mitongo inenge yapiwa naJehovha. Vachabuda kana ati vabude, uye vachapinda kana ati vapinde, iye nevaIsraeri vese vaainavo neungano yese.”

22 Saka Mozisi akaita zvaakanga arayirwa naJehovha. Akatora Joshua, akamumisa pamberi pemupristi Eriyezari nepamberi peungano yese, 23 uye akaisa maoko ake pamusoro pake akamugadza,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi.+

28 Jehovha akazoti kuna Mozisi: 2 “Rayira vaIsraeri, uvaudze kuti, ‘Munofanira kuva nechokwadi chekuti mandiunzira mupiro wangu, chingwa changu. Mipiro yangu inopiswa nemoto inonhuhwirira zvakanaka* kwandiri, inofanira kupiwa panguva yayo.’+

3 “Uye uti kwavari, ‘Uyu ndiwo mupiro unopiswa nemoto wamuchauya nawo kuna Jehovha: pazuva, makwayana makono maviri akanaka ane gore rimwe chete semupiro unopiswa unogara uchipiwa.+ 4 Muchapa gwayana gono rimwe chete mangwanani, rimwe racho mozoripa panguva yerubvunzavaeni,*+ 5 pamwe chete nechegumi cheefa* yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta akasvinwa anokwana chikamu chimwe pazvikamu zvina zvehini* kuti uve mupiro wezviyo.*+ 6 Iwo mupiro unogara uchipiswa nemoto+ wakatanga kupiwa paGomo reSinai kuti unhuhwirire zvakanaka,* mupiro unopisirwa Jehovha nemoto, 7 pamwe chete nemupiro wacho wechinwiwa, chikamu chimwe chete pazvina chehini pagwayana gono rimwe nerimwe.+ Dururirai Jehovha chinwiwa chacho chinodhaka munzvimbo tsvene. 8 Uye muchapa rimwe gwayana racho gono panguva yerubvunzavaeni.* Mucharipa pamwe chete nemupiro wezviyo nemupiro wechinwiwa sezvamunenge maita mangwanani, uve mupiro unopiswa nemoto, unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha.+

9 “‘Asi kana riri zuva reSabata,+ mupiro wacho unofanira kuva makwayana makono akanaka maviri ane gore rimwe chete, nemupiro wezviyo wezvegumi zviviri zveefa zvefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, pamwe chete nemupiro wechinwiwa. 10 Uyu ndiwo mupiro unopiswa wepaSabata, pamwe chete nemupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wawo wechinwiwa.+

11 “‘Panotanga mwedzi wega wega* muchapa Jehovha mupiro unopiswa wemikono yemombe midiki miviri, gondohwe rimwe chete, nemakwayana makono akanaka manomwe ane gore rimwe chete,+ 12 nezvegumi zvitatu zvechiyero chefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta semupiro wezviyo+ unopiwa pamwe chete nemukono wemombe mumwe nemumwe, uye mupiro wezviyo wezvegumi zviviri zvechiyero chefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta unopiwa pamwe chete negondohwe racho rimwe chete,+ 13 uye mupiro wezviyo wechegumi chechiyero chefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta unopiwa pamwe negwayana gono rimwe nerimwe, semupiro unopiswa unonhuhwirira zvakanaka*+ unopisirwa Jehovha nemoto. 14 Uye mipiro yazvo yezvinwiwa inofanira kuva hafu yehini yewaini pamukono wemombe+ uye chikamu chimwe pazvitatu chehini pagondohwe+ uye chikamu chimwe pazvina chehini pagwayana gono.+ Uyu ndiwo mupiro unopiswa mwedzi nemwedzi kwegore rese. 15 Uyewo mbudzana imwe chete inofanira kupiwa kuti ive chibayiro chechivi kuna Jehovha kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa pamwe nemupiro wacho wechinwiwa.

16 “‘Mumwedzi wekutanga, pazuva rechi14 remwedzi wacho, pachava nePaseka yaJehovha.+ 17 Uye pazuva rechi15 remwedzi uyu, pachava nemutambo. Chingwa chisina mbiriso chichadyiwa kwemazuva manomwe.+ 18 Pazuva rekutanga pachava nekuungana kutsvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma. 19 Uye muchauya nemupiro unopisirwa Jehovha nemoto, wemikono yemombe miviri midiki, gondohwe rimwe chete, nemakwayana makono manomwe ane gore rimwe chete. Munofanira kupa mhuka dzakanaka.+ 20 Munofanira kudzipa pamwe chete nemipiro yadzo yezviyo yefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta,+ zvegumi zvechiyero zvitatu pamikono yemombe uye zvegumi zvechiyero zviviri pagondohwe. 21 Muchapa chegumi chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono manomwe, 22 pamwe nembudzi imwe chete yechibayiro chechivi kuti ikuyananisirei. 23 Munofanira kupa izvi kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa mangwanani. 24 Muchapa izvi saizvozvo zuva rimwe nerimwe kwemazuva manomwe sezvekudya,* mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha. Zvinofanira kupiwa pamwe nemupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wechinwiwa. 25 Pazuva rechinomwe munofanira kuva nekuungana kutsvene.+ Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+

26 “‘Pazuva rezvibereko zvinotanga kuibva,+ pamunouya nemupiro wezviyo zvitsva kuna Jehovha,+ munofanira kuva nekuungana kutsvene pamutambo wenyu wemavhiki.+ Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+ 27 Munofanira kupa mupiro unopiswa nemoto, unonhuhwirira zvakanaka* kuna Jehovha wemikono yemombe miviri, gondohwe rimwe chete, nemakwayana makono manomwe ane gore rimwe chete,+ 28 nemupiro wazvo wezviyo wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero pamukono wemombe mumwe nemumwe, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe racho rimwe chete, 29 chegumi chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono manomwe, 30 pamwe nembudzana imwe chete yekukuyananisirai.+ 31 Muchazvipa kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa pamwe nemupiro wacho wezviyo. Dzinofanira kuva mhuka dzakanaka,+ pamwe chete nemipiro yadzo yezvinwiwa.

29 “‘Uye mumwedzi wechi7, pazuva rekutanga remwedzi wacho, munofanira kuva nekuungana kutsvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+ Izuva ramunofanira kuridza bhosvo.+ 2 Muchapa Jehovha mupiro unopiswa unonhuhwirira zvakanaka* wemukono wemombe mumwe chete mudiki, gondohwe rimwe chete, uye makwayana makono 7 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka, 3 nemupiro wacho wezviyo* wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero cheefa pamukono wacho wemombe, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe racho, 4 nechegumi chimwe chete chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono 7, 5 nembudzana hono imwe chete kuti ive chibayiro chechivi chekukuyananisirai. 6 Izvi muchazvipa kuwedzera pamupiro unopiswa wemwedzi nemwedzi nemupiro wacho wezviyo+ uye mupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo,+ pamwe chete nemipiro yacho yezvinwiwa,+ muchizvipa semapirwo azvagara zvichiitwa, semupiro unonhuhwirira zvakanaka,* unopisirwa Jehovha nemoto.

7 “‘Uye pazuva rechi10 remwedzi uyu wechi7 munofanira kuva nekuungana kutsvene,+ uye munofanira kuzvirwadzisa.* Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+ 8 Uye muchapa Jehovha mupiro unopiswa unonhuhwirira zvakanaka* wemukono wemombe mumwe chete mudiki, gondohwe rimwe chete, uye makwayana makono 7 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka.+ 9 Uye mupiro wacho wezviyo wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero cheefa pamukono wacho wemombe, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe racho, 10 chegumi chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono 7, 11 nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro wechivi chekuyananisira+ uye mupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo, pamwe chete nemipiro yacho yezvinwiwa.

12 “‘Uye pazuva rechi15 remwedzi wechi7 munofanira kuva nekuungana kutsvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma, uye munofanira kuitira Jehovha mutambo kwemazuva 7.+ 13 Uye muchapa Jehovha mupiro unopiswa,+ mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* wemikono yemombe midiki 13, makondohwe maviri, uye makwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka.+ 14 Uye mupiro wacho wezviyo wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero cheefa pamikono yacho yemombe 13, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe rimwe nerimwe pamakondohwe acho maviri, 15 nechegumi chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono 14, 16 nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+

17 “‘Uye pazuva rechipiri munofanira kuuya nemikono yemombe midiki 12, makondohwe maviri, makwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 18 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 19 nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo, pamwe chete nemipiro yacho yezvinwiwa.+

20 “‘Uye pazuva rechitatu, munofanira kuuya nemikono yemombe 11, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 21 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 22 nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+

23 “‘Uye pazuva rechina, vanofanira kuuya nemikono yemombe 10, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 24 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 25 nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+

26 “‘Uye pazuva rechishanu munofanira kuuya nemikono yemombe 9, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 27 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 28 nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+

29 “‘Uye pazuva rechi6 munofanira kuuya nemikono yemombe 8, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 30 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 31 nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemipiro yacho yezvinwiwa.+

32 “‘Uye pazuva rechi7 munofanira kuuya nemikono yemombe 7, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 33 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho semapirwo azvagara zvichiitwa, 34 nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+

35 “‘Pazuva rechi8 munofanira kuva negungano dzvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+ 36 Muchapa Jehovha mupiro unopiswa, mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* wemukono wemombe mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye makwayana makono 7 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 37 nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemukono wacho wemombe, gondohwe racho, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 38 nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+

39 “‘Izvi ndizvo zvamuchapa Jehovha pamitambo yenyu yemwaka nemwaka,+ kuwedzera pamipiro yenyu yemhiko,+ nemipiro yenyu yekungopa muchizvidira+ kuti ive mipiro yenyu inopiswa+ nemipiro yenyu yezviyo+ nemipiro yenyu yezvinwiwa+ nezvibayiro zvenyu zverugare.’”+ 40 Mozisi akaudza vaIsraeri zvese zvaakanga arayirwa naJehovha.

30 Mozisi akabva ataura nevakuru+ vemadzinza aIsraeri, achiti: “Iri ndiro shoko rarayirwa naJehovha: 2 Kana murume akapika+ kuna Jehovha achivimbisa chimwe chinhu kana kuti akapika+ iye pachake kuti acharega chimwe chinhu, haafaniri kurega kuita zvaanenge ataura.+ Anofanira kuita zvese zvaakapika kuti achaita.+

3 “Uye kana mukadzi akapika kuna Jehovha achivimbisa chimwe chinhu kana kuti akapika iye pachake kuti acharega chimwe chinhu, asi achiri mudiki uye achiri kugara mumba mababa vake 4 uye baba vake vonzwa nezvemhiko yake kana kuti zvaakapika iye pachake kuti acharega chimwe chinhu uye baba vake vasina kumurambidza, zvese zvaakapika zvicharamba zvakadaro, uye zvese zvaakapika kuti acharega, hazvichinji. 5 Asi kana baba vake vakamurambidza pavanonzwa kuti akaita mhiko kana kuti akapika kuti acharega chimwe chinhu, mhiko yacho inenge isisashandi. Jehovha achamuregerera nekuti baba vake vakamurambidza.+

6 “Asi kana akaroorwa achiri pasi pemhiko yake kana kuti pasi pevimbiso yaakaita asina kunyatsofunga 7 murume wake ozvinzwa asi orega kumurambidza pazuva raanozvinzwa, mhiko dzaanenge akaita kana kuti zvaanenge akapika kuti acharega, hazvichinji. 8 Asi kana murume wake akamurambidza pazuva raanozvinzwa, anogona kuita kuti mhiko yacho isashande kana kuita kuti vimbiso yacho yaakaita asina kunyatsofunga isashande,+ uye Jehovha achamuregerera.

9 “Asi kana chirikadzi kana mukadzi akarambwa akaita mhiko, zvese zvaakapika zvicharamba zvichishanda.

10 “Asi kana mukadzi akapika kana kuti akaita mhiko yekurega zvimwe zvinhu achiri pasi pemurume wake 11 uye murume wake akazvinzwa uye asina kumurambidza kana kuti asina zvaakataura, mhiko dzese dzaanenge akaita kana kuti zvaanenge akapika kuti acharega, hazvichinji. 12 Asi kana murume wake akamurambidza zvachose pazuva raakanzwa chero mhiko dzaakaita kana kuti chero zvaanenge akapika kuti acharega, zvese hazvizorambi zvichishanda.+ Murume wake akaita kuti zvisarambe zvichishanda, uye Jehovha achamuregerera. 13 Panyaya yemhiko yese inoitwa kana kuti chero zvinopikwa munhu achizvinyima zvimwe zvinhu,* murume wake anofanira kuzvibvumidza kana kuzvirambidza. 14 Asi kana murume wake asina kumurambidza zvachose mazuva achingopindana, iye abvumirawo mhiko dzake dzese kana kuti zvese zvaakapika achizvinyima zvimwe zvinhu. Azvibvumidza nekuti haana zvaakataura pazuva raakanzwa achipa mhiko. 15 Kana akazorambidza mhiko dzacho patopera nguva kubvira musi waakazvinzwa, iye achatakura mhosva yemudzimai wake.+

16 “Iyi ndiyo mirau yakarayirwa Mozisi naJehovha pamusoro pemurume nemudzimai wake, uye pamusoro pababa nemwanasikana wavo achiri mudiki, achiri kugara mumba mababa vake.”

31 Jehovha akabva audza Mozisi kuti: 2 “Tsiva+ vaMidhiyani+ zvavakaitira vaIsraeri. Kana wadaro uchaiswa kwakaiswa vanhu vekwako.”*+

3 Saka Mozisi akataura nevanhu achiti: “Itai kuti varume vari pakati penyu vagadzirire kunorwa nevaMidhiyani, vatsivire Jehovha Midhiyani. 4 Munofanira kutumira kuhondo vanhu 1 000 kubva mudzinza rimwe nerimwe raIsraeri.” 5 Saka varume 12 000 vakagadzirira kunorwa, mudzinza rimwe nerimwe raIsraeri+ muchibva vanhu 1 000.

6 Mozisi akabva avatuma kuhondo, varume 1 000 vachibva mudzinza rimwe nerimwe, pamwe naFiniyasi+ mupristi weuto, mwanakomana waEriyezari, akabata midziyo mitsvene nemabhosvo+ ekushevedzera nawo. 7 Vakarwa neMidhiyani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya vanhurume vese. 8 Pakati pevamwe vavakauraya paiva nemadzimambo eMidhiyani aiti, Evhi, Rekemu, Zuri, Heri, Rebha, madzimambo mashanu eMidhiyani. Vakaurayawo Bharami+ mwanakomana waBheori nebakatwa. 9 Asi vaIsraeri vakatapa vakadzi veMidhiyani nevana vavo. Vakapambawo zvipfuwo zvavo zvese, nezvinhu zvavo zvese. 10 Uye vakapisa nemoto maguta avo ese avaigara nemisasa yavo yese.* 11 Uye vakatora zvese zvaiva nevanhu, vakapamba pfuma yavo yese, kusanganisira vanhu nemhuka. 12 Vakabva vauya nenhapwa, nezvavakanga vapamba, nezvimwe zvese kumusasa kuna Mozisi nemupristi Eriyezari neungano yevaIsraeri, kurenje reMoabhi+ riri pedyo naJodhani kuJeriko.

13 Mozisi nemupristi Eriyezari nemachinda ese eungano vakabva vabuda kunovachingura kunze kwemusasa. 14 Asi Mozisi akatsamwira varume vakagadzwa kuti vatungamirire mauto, vakuru vezviuru nevakuru vemazana vakanga vachibva kuhondo. 15 Mozisi akati kwavari: “Ko masiya vanhukadzi vese vari vapenyu? 16 Handiti ndivo vakaudzwa naBharami kuti vafurire vaIsraeri kuti vaite zvinhu zvekusatendeka+ kuna Jehovha panyaya yekuPeori,+ zvekuti denda rakawira ungano yaJehovha?+ 17 Iye zvino chiurayai vana vese vakomana, nemukadzi wese akamborara nemurume. 18 Asi vasikana vese vadiki vasati varara nemurume munogona kuvasiya henyu vari vapenyu.+ 19 Uye munofanira kugara kunze kwemusasa kwemazuva manomwe. Munhu wese akauraya munhu* uye munhu wese akabata munhu akaurayiwa+ anofanira kuzvichenesa+ pazuva rechitatu nepazuva rechinomwe, imi nenhapwa dzenyu. 20 Uye munofanira kuchenesa pachivi nguo dzese, zvinhu zvese zvakagadzirwa nematehwe, zvinhu zvese zvakagadzirwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvese zvakagadzirwa nemuti.”

21 Mupristi Eriyezari akabva ati kuvarume veuto vakanga vaenda kuhondo: “Izvi ndizvo zviri mumutemo wakarayirwa Mozisi naJehovha, 22 ‘Goridhe chete, nesirivha, nemhangura, nesimbi, netini, nemutobvu, 23 zvinhu zvese zvisingatsvi munofanira kuzvipfuudza nemumoto, zvova zvakachena. Asi zvinofanirawo kuzonatswa nemvura yekuchenesa.+ Zvinhu zvese zvinotsva munofanira kuzvipfuudza nemumvura. 24 Uye munofanira kugeza zvipfeko zvenyu pazuva rechinomwe mova vakachena, mozopinda zvenyu mumusasa.’”+

25 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 26 “Verenga zvinhu zvese zvakapambwa, kubvira pavanhu nemhuka; zviite uina Eriyezari mupristi nevakuru vedzimba dzemadzibaba eungano. 27 Kamura zvinhu zvakapambwa zvive migove miviri wozvigovanisa pakati pevaya vakaenda kuhondo neungano yese.+ 28 Unofanira kutora mutero waJehovha kumauto akaenda kuhondo, munhu* mumwe chete pavanhu 500, mhuka imwe* chete pamhuka 500 kubvira pamombe, madhongi, nepamakwai nembudzi. 29 Uzvitore pahafu yavo wozvipa mupristi Eriyezari kuti uve mupiro waJehovha.+ 30 Pahafu yawapa vaIsraeri, unofanira kutora munhu mumwe chete pavanhu 50 uye mhuka imwe chete pamhuka 50 kubvira pamombe, madhongi, makwai nembudzi, nepazvipfuwo zvemarudzi ese, wozvipa vaRevhi,+ vanoita mabasa ane chekuita netebhenekeri yaJehovha.”+

31 Saka Mozisi nemupristi Eriyezari vakanyatsoita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 32 Zvinhu zvakasara pane zvakauya nevanhu vakanga vaenda kuhondo zvavakapamba, zvaiva makwai nembudzi 675 000, 33 mombe 72 000, 34 nemadhongi 61 000. 35 Vakadzi vakanga vasati vamborara nemurume+ vakasvika 32 000. 36 Mugove wevaya vakaenda kuhondo wakasvika makwai nembudzi 337 500. 37 Mutero waJehovha wakabva pamakwai nembudzi wakava 675. 38 Mombe dzaiva 36 000, uye dzakabviswa semutero waJehovha dzaiva 72. 39 Madhongi aiva 30 500, uye akabviswa semutero waJehovha aiva 61. 40 Uye vanhu vaiva* 16 000, uye vakabviswa semutero waJehovha vaiva vanhu* 32. 41 Mozisi akabva apa mupristi Eriyezari mutero wacho kuti uve mupiro waJehovha,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

42 Mugove wevaIsraeri, wakanga wakamurwa naMozisi pazvinhu zviya zvaiva zvevarume vakarwa hondo, 43 wakasvika makwai nembudzi 337 500, 44 uye mombe dzakasvika 36 000, 45 uye madhongi akasvika 30 500, 46 uye vanhu vakasvika* 16 000. 47 Mozisi akabva atora pamugove wevaIsraeri chimwe chete pazvinhu 50, pavanhu nepazvipfuwo, ndokupa vaRevhi,+ vaiita mabasa epatebhenekeri yaJehovha,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

48 Varume vakagadzwa vaitungamirira zviuru zveuto,+ vakuru vezviuru nevakuru vemazana, vakabva vauya kuna Mozisi, 49 ndokuti kuna Mozisi: “Varanda venyu vaverenga varume vehondo vari pasi pedu, uye hapana kana mumwe chete anzi ashayikwa.+ 50 Saka regai mumwe nemumwe wedu ape Jehovha mupiro wezvaakawana, zvinhu zvegoridhe, tucheni twemuzviziso zvemakumbo, nezvishongo zvemaoko, marin’i ane zvidhindo, mhete, nezvimwewo zvishongo, kuti tizviyananisire* pamberi paJehovha.”

51 Saka Mozisi nemupristi Eriyezari vakagamuchira goridhe racho rakabva kwavari, zvishongo zvacho zvese. 52 Goridhe rese remupiro wavakapa Jehovha, rakabva kuvakuru vezviuru nevakuru vemazana, rakasvika mashekeri* 16 750. 53 Mumwe nemumwe wevarume veuto ane zvaakanga apamba. 54 Saka Mozisi nemupristi Eriyezari vakagamuchira goridhe rakabva kuvakuru vezviuru nevemazana, vakapinda naro mutende rekusanganira kuti rive chiyeuchidzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha.

32 Vanakomana vaRubheni+ nevanakomana vaGadhi+ vaiva nezvipfuwo zvakawanda kwazvo uye vakaona kuti nyika yeJazeri+ nenyika yeGiriyedhi dzakanga dzakanakira zvipfuwo. 2 Saka vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakauya kuna Mozisi, nemupristi Eriyezari, nemachinda eungano vakati: 3 “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimra, Heshbhoni,+ Ereyare, Sebhamu, Nebho,+ neBheoni,+ 4 nzvimbo dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsraeri,+ inzvimbo dzakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo zvakawanda.”+ 5 Vakatizve: “Kana matinzwira nyasha, nzvimbo iyi ngaipiwe varanda venyu kuti ive nhaka yavo. Musatiyambutsa henyu Jodhani.”

6 Mozisi akabva ati kuvanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni: “Munoda kuti hama dzenyu dziende kuhondo imi mugere henyu kuno here? 7 Nei muchida kuodza mwoyo vaIsraeri kuti varege kuyambuka vachipinda munyika yavari kupiwa naJehovha? 8 Izvozvo ndizvo zvakaitwa nemadzibaba enyu pandakavatuma kubva kuKadheshi-bhaneya kuti vanoona nyika yacho.+ 9 Pavakaenda kuBani reEshkori,*+ vakaona nyika yacho, vakaodza mwoyo vaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavaizopiwa naJehovha.+ 10 Zuva iroro Jehovha akatsamwa kwazvo zvekuti akapika achiti:+ 11 ‘Varume vane makore 20 zvichikwira vakabuda muIjipiti havazooni nyika+ yandakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho,+ nekuti havana kunditevera nemwoyo wese, 12 kunze kwaKarebhi+ mwanakomana waJefune muKenizi, naJoshua+ mwanakomana waNuni, nekuti vakatevera Jehovha nemwoyo wese.’+ 13 Saka Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo, akaita kuti vadzungaire murenje kwemakore 40,+ kusvikira chizvarwa chese chaiita zvakaipa pamberi paJehovha chapera.+ 14 Iye zvino imi mava kutevedzera madzibaba enyu sevana vevarume vane chivi vanowedzera hasha dzaJehovha pana Israeri. 15 Kana mukarega kumutevera, achavasiya zvakare murenje, uye muchaita kuti vanhu ava vese vaparare.”

16 Vakazouya kwaari vakati: “Regai tivakire kuno zvipfuwo zvedu matanga ematombo uye vana vedu maguta. 17 Asi isu ticharamba takagadzirira kurwa+ uye tichaenda tiri pamberi pevaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo, vana vedu vagere mumaguta akakomberedzwa nemasvingo, vakadzivirirwa kuvagari vemunyika yacho. 18 Hatizodzoki kudzimba dzedu kusvikira muIsraeri mumwe nemumwe awana nzvimbo yake yenhaka.+ 19 Nekuti hatizopiwi nhaka pamwe chete navo mhiri kwaJodhani, nekuti tinenge tapiwa nhaka yedu kumabvazuva kwaJodhani.”+

20 Mozisi akavapindura kuti: “Kana mukaita izvi: Torai zvombo zvehondo pamberi paJehovha;+ 21 uye kana mumwe nemumwe wenyu akatora zvombo oyambuka Jodhani pamberi paJehovha achidzinga vavengi vake pamberi pake+ 22 kusvikira nyika yakundwa pamberi paJehovha,+ munogona kuzodzoka+ uye munenge musina mhosva pamberi paJehovha naIsraeri. Zvadaro nyika ino ichava nhaka yenyu pamberi paJehovha.+ 23 Asi kana mukasaita izvi, munenge matadzira Jehovha. Kana mukadaro zivai kuti chivi chenyu chichakuteverai. 24 Saka munogona henyu kuvakira vana venyu maguta uye makwai enyu matanga,+ asi munofanira kuita zvamavimbisa.”

25 Vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakati kuna Mozisi: “Varanda venyu vachaita zviri kutaurwa naishe wangu chaizvo. 26 Vana vedu, madzimai edu, mombe dzedu, nezvipfuwo zvedu zvese zvichasara mumaguta eGiriyedhi,+ 27 asi varanda venyu vachayambuka, munhu wese akapakata zvombo kuti arwe pamberi paJehovha,+ sezviri kutaura ishe wangu.”

28 Saka Mozisi akataura nezvavo kumupristi Eriyezari, naJoshua mwanakomana waNuni, nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri. 29 Mozisi akati kwavari: “Kana vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakayambuka Jodhani pamwe chete nemi, murume wese akagadzirira kurwa pamberi paJehovha, uye nyika ikakundwa pamberi penyu, munobva mavapa nyika yeGiriyedhi kuti ive nhaka yavo.+ 30 Asi kana vakasatora zvombo voyambuka pamwe chete nemi, vanofanira kuzogara pakati penyu munyika yeKenani.”

31 Vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakabva vapindura kuti: “Zvataurwa naJehovha kuvaranda venyu ndizvo zvatichaita. 32 Tichatora zvombo toyambuka kunyika yeKenani pamberi paJehovha,+ asi nhaka yedu ichava mhiri kuno kwaJodhani.” 33 Saka Mozisi akapa vanakomana vaGadhi, nevanakomana vaRubheni,+ uye hafu yedzinza raManase+ mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni+ mambo wevaAmori neumambo hwaOgi+ mambo weBhashani, nzvimbo yakapoteredza maguta ari munharaunda dzacho, nemamwe maguta akapoteredza nzvimbo yacho.

34 Uye vanakomana vaGadhi vakavaka* Dhibhoni,+ Ataroti,+ Aroeri,+ 35 Atroti-shofani, Jazeri,+ Jogbheha,+ 36 Bheti-nimra,+ neBheti-harani,+ maguta aiva akakomberedzwa nemasvingo, uye vakavakira makwai avo matanga ematombo. 37 Uye vanakomana vaRubheni vakavaka Heshbhoni,+ Ereyare,+ Kiriyataimu,+ 38 Nebho,+ neBhaari-meyoni,+ vachichinja mazita awo, neSibma; uye vakatanga kutumidza maguta acho avakavakazve mamwe mazita.

39 Vanakomana vaMakiri,+ mwanakomana waManase vakaenda vakanorwisa Giriyedhi, vakaitora uye vakadzinga vaAmori vaiva mairi. 40 Saka Mozisi akapa Makiri mwanakomana waManase Giriyedhi, uye akatanga kugara mairi.+ 41 Uye Jairi mwanakomana waManase akaenda akanovarwisa, akatora misha yavo yematende, akaitumidza kuti Havhoti-jairi.*+ 42 Uye Nobha akaenda akanorwisa Kenati akaitora pamwe nemaguta madiki akaipoteredza, akaitumidza zita rake rekuti Nobha.

33 Aya ndiwo mafambiro akaita vaIsraeri pavakabuda munyika yeIjipiti+ maererano nemapoka avo*+ vachitungamirirwa naMozisi naAroni.+ 2 Mozisi akaramba achinyora nzvimbo dzavaisimuka maererano nekufamba kwavaiita murwendo rwavo achirayirwa naJehovha, uye aya ndiwo mafambiro avaiita vachibva pane imwe nzvimbo vachienda pane imwe:+ 3 Vakasimuka kuRamesesi+ mumwedzi wekutanga, pazuva rechi15 remwedzi wacho.+ Zuva chairo rakatevera Paseka,+ vaIsraeri vakabuda nechivimbo,* vaIjipiti vese vachizviona. 4 Izvi pazvaiitika, vaIjipiti vakanga vachiviga matangwe avo ese akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo,+ nekuti Jehovha akanga atonga vanamwari vavo.+

5 Saka vaIsraeri vakasimuka kuRamesesi vakanodzika musasa kuSukoti.+ 6 Vakabva vasimuka kuSukoti vakanodzika musasa kuEtamu,+ iri kumucheto kwerenje. 7 Vakazobva kuEtamu vakadzoka vakananga kuPihahiroti, iri pakatarisana neBhaari-zefoni,+ vakanodzika musasa pamberi peMigdhori.+ 8 Vakazobva kuPihahiroti vakapfuura nepakati pegungwa+ vachienda kurenje+ uye vakaramba vachifamba rwendo rwemazuva matatu murenje reEtamu,+ vakadzika musasa kuMara.+

9 Vakabva vasimuka kuMara vakasvika kuErimu. KuErimu kwaiva nezvitubu zvemvura 12 nemichindwe 70, saka vakadzika musasa ipapo.+ 10 Vakazobva kuErimu vakanodzika musasa pedyo neGungwa Dzvuku. 11 Vabva paGungwa Dzvuku vakaenda vakanodzika musasa murenje reSini.+ 12 Vakasimuka kurenje reSini vakanodzika musasa kuDhofka. 13 Vakazobva kuDhofka vakanodzika musasa kuArushi. 14 Vakabva vasimuka kuArushi vakanodzika musasa kuRefidhimu,+ uko kwakanga kusina mvura yekuti vanhu vanwe. 15 Vakazobva kuRefidhimu vakanodzika musasa murenje reSinai.+

16 Vakasimuka kurenje reSinai vakanodzika musasa kuKibroti-hataavha.+ 17 Vakabva vasimuka kuKibroti-hataavha vakanodzika musasa kuHazeroti.+ 18 Vakazobva kuHazeroti vakanodzika musasa kuRitma. 19 Vakabva kuRitma vakanodzika musasa kuRimoni-perezi. 20 Vakabva vasimuka kuRimoni-perezi vakanodzika musasa kuRibna. 21 Vakasimuka kuRibna vakanodzika musasa kuRisa. 22 Vakabva kuRisa vakanodzika musasa kuKeherata. 23 Vakazobva kuKeherata vakanodzika musasa kuGomo reSheferi.

24 Vakabva vasimuka kuGomo reSheferi vakanodzika musasa kuHaradha. 25 Vakazobva kuHaradha vakanodzika musasa kuMakiheroti. 26 Vakabva vasimuka+ kuMakiheroti vakanodzika musasa kuTahati. 27 Vakazosimuka kuTahati vakanodzika musasa kuTera. 28 Vakabva kuTera vakanodzika musasa kuMitka. 29 Vakazobva kuMitka vakanodzika musasa kuHashmona. 30 Vakabva kuHashmona vakanodzika musasa kuMoseroti. 31 Vakazosimuka kuMoseroti vakanodzika musasa kuBhene-jaakani.+ 32 Uye vakabva vasimuka kuBhene-jaakani vakanodzika musasa kuHo-hagidhigadhi. 33 Vakazobva kuHo-hagidhigadhi vakanodzika musasa kuJotbhata.+ 34 Vakazosimuka kuJotbhata vakanodzika musasa kuAbrona. 35 Vakabva kuAbrona vakanodzika musasa kuEziyoni-gebheri.+ 36 Vakazobva kuEziyoni-gebheri vakanodzika musasa kurenje reZini,+ kureva kuKadheshi.

37 Vakazosimuka kuKadheshi vakanodzika musasa kuGomo reHori,+ riri pamuganhu wenyika yeEdhomu. 38 Uye mupristi Aroni akakwira muGomo reHori arayirwa naJehovha, uye akanofira imomo, mugore rechi40 vaIsraeri vabuda munyika yeIjipiti, mumwedzi wechishanu, pazuva rekutanga remwedzi wacho.+ 39 Aroni akanga ava nemakore 123 paakafira muGomo reHori.

40 Mambo weAradhi+ wechiKenani, aigara muNegebhu munyika yeKenani, akanzwa nezvekuuya kwevaIsraeri.

41 Vakazosimuka kuGomo reHori+ vakanodzika musasa kuZarimona. 42 Vakabva vasimuka kuZarimona vakanodzika musasa kuPunoni. 43 Vakazosimuka kuPunoni vakanodzika musasa kuObhoti.+ 44 Vakabva kuObhoti vakanodzika musasa kuIye-abharimu pamuganhu weMoabhi.+ 45 Vakazobva kuIyimu vakanodzika musasa kuDhibhoni-gadhi.+ 46 Vakabva vasimuka kuDhibhoni-gadhi vakanodzika musasa kuArimoni-dhibrataimu. 47 Vakazobva kuArimoni-dhibrataimu vakanodzika musasa kumakomo eAbharimu+ pakatarisana neNebho.+ 48 Pakupedzisira vakazosimuka pamakomo eAbharimu vakanodzika musasa murenje reMoabhi pedyo naJodhani kuJeriko.+ 49 Vakaramba vakadzika musasa vakatevedza Jodhani, kubvira kuBheti-jeshimoti kusvikira kuAbheri-shitimu,+ murenje reMoabhi.

50 Jehovha akataura naMozisi murenje reMoabhi pedyo naJodhani kuJeriko, achiti: 51 “Taura nevaIsraeri uvaudze kuti, ‘Mava kuyambuka Jodhani kuti mupinde munyika yeKenani.+ 52 Munofanira kudzinga vagari vese vemunyika yacho pamberi penyu moparadza zvidhori zvavo zvese zvematombo,+ nemifananidzo yavo yese yesimbi,+ moparadza nzvimbo dzavo dzese dzakakwirira dzinoyera.+ 53 Uye muchatora nyika yacho kuti ive yenyu mogara mairi, nekuti ndichakupai nyika yacho kuti ive yenyu.+ 54 Munofanira kugova nyika yacho kumhuri dzenyu muchishandisa mujenya.+ Vanenge vakawanda, munofanira kuwedzera nhaka yavo, uye vanenge vari vashoma munofanira kuderedza nhaka yavo.+ Munhu wese achawana nhaka kunenge kwawira mujenya wake. Muchawana nhaka yenyu maererano nemadzinza emadzibaba enyu.+

55 “‘Asi kana mukasadzinga vagari vemunyika yacho pamberi penyu,+ vaya vamunosiya vachava sezvinobaya mumaziso enyu uye seminzwa mumativi enyu, uye vachakushungurudzai munyika yamunenge muchigara.+ 56 Uye ndichakuitirai zvandakanga ndichida kuvaitira.’”+

34 Uye Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti: ‘Pamuchapinda munyika yeKenani,+ iyi ndiyo nyika yamuchawana kuti ive nhaka yenyu, nyika yeKenani maererano nemiganhu yayo.+

3 “‘Muganhu wenyu wekumaodzanyemba uchatangira kurenje reZini uchitevedza Edhomu, uye muganhu wenyu wekumaodzanyemba nechekumabvazuva uchatangira kunogumira Gungwa reMunyu.*+ 4 Muganhu wenyu uchachinja kwawakananga uchipfuura nekumaodzanyemba kwemukwidza weAkrabhimu+ wopfuurira kuZini, uye uchagumira kumaodzanyemba kweKadheshi-bhaneya.+ Unozopfuurira kuHazari-adhari+ wosvika kuAzmoni. 5 Muganhu uchachinja kwawakananga paAzmoni wonanga kuRwizi* rweIjipiti, uchigumira kuGungwa.*+

6 “‘Muganhu wenyu wekumavirira uchava mahombekombe eGungwa Guru.* Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekumavirira.+

7 “‘Muganhu wenyu wekuchamhembe uchava uyu: Muchatara muganhu wenyu kubvira kuGungwa Guru kusvikira kuGomo reHori. 8 Kubva kuGomo reHori muchatara muganhu wacho kusvikira kuRebhohamati,*+ uye muganhu wacho uchagumira kuZedhadhi.+ 9 Uye muganhu wacho uchapfuurira kuZifroni, uchigumira kuHazari-enani.+ Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekuchamhembe.

10 “‘Munofanira kubva matara muganhu wenyu wekumabvazuva kubvira kuHazari-enani kusvikira kuShefamu. 11 Muganhu wacho uchapfuurira uchibva kuShefamu uchienda kuRibra kumabvazuva kweAini, uye muganhu wacho uchadzika uchiyambuka materu ekumabvazuva eGungwa reKinereti.*+ 12 Muganhu wacho uchadzika kuJodhani, uchigumira kuGungwa reMunyu.+ Iyi ndiyo ichava nyika yenyu+ nemiganhu yayo yakaipoteredza.’”

13 Saka Mozisi akarayira vaIsraeri achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchagovana senhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza 9, nehafu yerimwe dzinza. 14 Nekuti dzinza revaRubheni maererano neimba yemadzibaba avo, nedzinza revaGadhi maererano neimba yemadzibaba avo, nehafu yedzinza raManase vakatowana nhaka yavo.+ 15 Madzinza maviri nehafu akatowana nhaka yawo kunharaunda iri mhiri kwaJodhani pedyo neJeriko, kumabvazuva.”+

16 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 17 “Aya ndiwo mazita evarume vachakuisirai miganhu munyika yacho kuti mugare mairi: mupristi Eriyezari+ naJoshua+ mwanakomana waNuni. 18 Uye muchatora jinda rimwe chete padzinza rimwe nerimwe kuti vaganhure-ganhure nyika kuti ive nhaka yenyu.+ 19 Aya ndiwo mazita evarume vacho: wedzinza raJudha,+ Karebhi+ mwanakomana waJefune; 20 wedzinza revanakomana vaSimiyoni,+ Shemueri mwanakomana waAmihudhi; 21 wedzinza raBhenjamini,+ Eridhadhi mwanakomana waKisroni; 22 wedzinza revanakomana vaDhani,+ jinda rinonzi Bhuki mwanakomana waJogri; 23 vevanakomana vaJosefa,+ kubva kudzinza revanakomana vaManase,+ jinda rinonzi Hanieri mwanakomana waEfodhi; 24 kubva kudzinza revanakomana vaEfremu,+ jinda rinonzi Kemueri mwanakomana waShiftani; 25 wedzinza revanakomana vaZebhuroni,+ jinda rinonzi Erizafani mwanakomana waPanaki; 26 wedzinza revanakomana vaIsakari,+ jinda rinonzi Paritieri mwanakomana waAzani; 27 wedzinza revanakomana vaAsheri,+ jinda rinonzi Ahihudhi mwanakomana waSheromi; 28 wedzinza revanakomana vaNaftari,+ jinda rinonzi Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.” 29 Ava ndivo vakarayirwa naJehovha kuti vagovanise vaIsraeri nyika yeKenani.+

35 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi murenje reMoabhi pedyo naJodhani+ kuJeriko, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti vanofanira kupa vaRevhi maguta ekugara kubva panhaka yavachawana,+ uye kuti vanofanira kupa vaRevhi mafuro akapoteredza maguta acho.+ 3 Vachagara mumaguta acho uye mafuro acho achava ezvipfuwo zvavo, nedzimwe mhuka dzavo dzese, nezvimwewo zvinhu. 4 Mafuro emaguta amuchapa vaRevhi achange akareba makubhiti* 1 000 kubva parusvingo rweguta achibuda kunze, kupoteredza guta racho rese. 5 Munofanira kuyera kunze kweguta kurutivi rwekumabvazuva makubhiti 2 000, kurutivi rwekumaodzanyemba makubhiti 2 000, kurutivi rwekumavirira makubhiti 2 000 uye kurutivi rwekuchamhembe makubhiti 2 000, guta riri pakati pacho. Aya ndiwo achava mafuro emaguta avo.

6 “Muchapa vaRevhi maguta 6 ekupotera,+ kuti munhu anenge auraya mumwe munhu atizire ikoko,+ uyewo mamwe maguta 42. 7 Maguta ese amunofanira kupa vaRevhi achava maguta 48, pamwe chete nemafuro awo.+ 8 Maguta amuchavapa achatorwa panhaka yevaIsraeri.+ Kune vanenge vakawanda muchatora akawanda, uye kune vanenge vari vashoma muchatora mashoma.+ Dzinza rimwe nerimwe richapa vaRevhi maguta aro zvichienderana nenhaka yarakawana.”

9 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi achiti: 10 “Taura nevaIsraeri uvaudze kuti, ‘Mava kuyambuka Jodhani muchipinda munyika yeKenani.+ 11 Munofanira kusarudza maguta anokuitirai nyore kusvika kuti ave maguta ekupotera, ekuti munhu anenge auraya mumwe munhu* netsaona anotizira kwaari.+ 12 Maguta aya achava nzvimbo dzenyu dzamuchapotera muchitiza mutsivi weropa,+ kuti munhu anenge auraya mumwe munhu arege kuurayiwa asati atongwa neungano.+ 13 Muchaita kuti pave nemaguta 6 ekupotera achashandisirwa izvozvo. 14 Muchaita kuti pave nemaguta matatu kumhiri kuno kwaJodhani+ uye maguta matatu munyika yeKenani+ kuti ave maguta ekupotera. 15 Maguta 6 aya achava ekupotera kuvaIsraeri, kumutorwa,+ nekumunhu anenge achigara pakati pavo, kuti munhu wese anenge auraya mumwe munhu* netsaona atizire ikoko.+

16 “‘Asi kana achinge akamurova nesimbi akafa, iye imhondi. Mhondi yacho inotofanira kuurayiwa.+ 17 Uye kana achinge akamurova nedombo rinogona kuuraya obva afa, iye imhondi. Mhondi yacho inotofanira kuurayiwa. 18 Uye kana achinge akamurova nechinhu chakagadzirwa nemuti chinogona kuuraya, obva afa, iye imhondi. Mhondi yacho inotofanira kuurayiwa.

19 “‘Mutsivi weropa ndiye anofanira kuuraya mhondi yacho. Kana akasangana nayo, iye pachake ndiye anofanira kuiuraya. 20 Kana akafa nekuti akamusunda nemhaka yekuti aimuvenga kana kuti akamutema nechimwe chinhu nechinangwa chekumukuvadza,*+ 21 kana kuti akamurova neruoko nekuti aimuvenga, obva afa, akamurova wacho anotofanira kuurayiwa. Imhondi. Mutsivi weropa anofanira kuuraya mhondi yacho kana akasangana nayo.

22 “‘Asi kana akamusunda netsaona asingamuvengi kana kuti akakanda chimwe chinhu kwaari asina chinangwa chekumukuvadza,*+ 23 kana kuti akakonzera kuti dombo ridonhere paari asingamuoni uye asingamuvengi kana kuti asingatsvagi kumukuvadza, munhu wacho ofa, 24 ungano inofanira kutonganisa akauraya wacho nemutsivi weropa ichishandisa mitongo iyi.+ 25 Ungano inofanira kununura munhu wacho akauraya mumwe munhu kuti asaurayiwa nemutsivi weropa, yomudzorera kuguta rake rekupotera kwaakanga atizira, uye anofanira kugara imomo kusvikira mupristi mukuru akazodzwa nemafuta matsvene afa.+

26 “‘Asi kana munhu akauraya mumwe munhu akadarika muganhu weguta rake rekupotera raakatizira kwariri, 27 owanikidzwa nemutsivi weropa ari kunze kwemuganhu weguta rake rekupotera, uye mutsivi weropa omuuraya, iye haana mhosva yekudeura ropa. 28 Nekuti iye anofanira kugara muguta rake rekupotera kusvikira mupristi mukuru afa. Asi kana mupristi mukuru afa, anogona hake kudzokera kunyika yake.+ 29 Zvinhu izvi zvichava murau wenyu uchashandiswa pakutonga muzvizvarwa zvenyu zvese munzvimbo dzenyu dzese dzamunogara.

30 “‘Munhu wese anouraya mumwe munhu* anofanira kuurayiwa semhondi+ kana paine zvapupu;+ asi hapana munhu anofanira* kuurayiwa kana paine chapupu chimwe chete. 31 Hamufaniri kugamuchira rudzikinuro rweupenyu hwemhondi* inofanira kufa, nekuti inotofanira kuurayiwa.+ 32 Uye hamufaniri kugamuchira rudzikinuro rwemunhu anenge atizira kuguta rake rekupotera, muchimubvumira kugarazve munyika yake mupristi mukuru asati afa.

33 “‘Hamufaniri kusvibisa nyika yamunogara, nekuti ropa rinosvibisa nyika,+ uye ropa rakadeurwa harikwanisi kuyananisirwa kunze kwekunge pashandiswa ropa remunhu akarideura.+ 34 Hamufaniri kusvibisa nyika yamunogara, yandiri kugara; nekuti ini, Jehovha, ndiri kugara pakati pevaIsraeri.’”+

36 Vakuru vemadzibaba emhuri yevanakomana vaGiriyedhi mwanakomana waMakiri+ mwanakomana waManase wemhuri dzevanakomana vaJosefa, vakaswedera pedyo vakataura vari pamberi paMozisi nemachinda, vakuru vemadzibaba evaIsraeri. 2 Vakati: “Jehovha akarayira ishe wangu kuti agove nhaka kuvaIsraeri pachishandiswa mujenya;+ uye ishe wangu akarayirwa naJehovha kuti agove nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake.+ 3 Kana vakaroorwa nevarume vemamwe madzinza aIsraeri, nhaka yevakadzi vacho ichabva yabviswa panhaka yemadzibaba edu yowedzerwa kunhaka yedzinza ravanenge varoorwa kwariri, zvekuti inenge yabviswa pamugove wenhaka yedu. 4 Panoitwa Jubheri+ revaIsraeri, nhaka yevakadzi vacho ichabva yawedzerwa kunhaka yedzinza ravanenge varoorwa kwariri, zvekuti nhaka yavo inenge yabviswa panhaka yedzinza remadzibaba edu.”

5 Mozisi akabva audza vaIsraeri zvaakanga arayirwa naJehovha achiti: “Zviri kutaurwa nedzinza revanakomana vaJosefa ndizvozvo. 6 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha nezvevanasikana vaZerofehadhi: ‘Vanogona kuroorwa nevavanoda. Asi vanofanira kuroorwa nemunhu anobva mumhuri yedzinza rababa vavo. 7 Hapana nhaka yevaIsraeri inofanira kutenderera ichibva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nekuti vaIsraeri vanofanira kuramba vaine nhaka yedzinza remadzitateguru avo. 8 Uye mwanasikana wese anowana nhaka pakati pemadzinza aIsraeri, anofanira kuroorwa nemunhu anobva mudzinza rababa vake,+ kuti vaIsraeri varambe vaine nhaka yemadzitateguru avo. 9 Hapana nhaka inofanira kutenderera ichibva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe, nekuti madzinza aIsraeri anofanira kuramba aine nhaka dzawo.’”

10 Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.+ 11 Saka Mahra, Tiza, Hogra, Mirika, naNoa, vanasikana vaZerofehadhi,+ vakaroorwa nevanakomana vehama dzababa vavo. 12 Vakava madzimai evarume vemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa, kuti nhaka yavo irambe iri mudzinza remhuri yababa vavo.

13 Iyi ndiyo mirayiro uye mitongo yakapiwa vaIsraeri naJehovha achishandisa Mozisi murenje reMoabhi pedyo naJodhani kuJeriko.+

ChiHeb., “yevanakomana vaIsraeri.”

ChiHeb., “maererano nemauto avo.”

ChiHeb., “mutorwa wese,” kureva, munhu asiri muRevhi.

ChiHeb., “nemauto avo.”

Kana kuti “vachirinda tebhenekeri; vachiita mabasa epatebhenekeri.”

ChiHeb., “nemauto avo.”

ChiHeb., “nemauto avo.”

ChiHeb., “nemauto avo.”

ChiHeb., “nemauto avo.”

ChiHeb., “vakazadzwa maoko.”

ChiHeb., “mutorwa wese,” kureva, murume asiri weimba yaAroni.

ChiHeb., “pematangwe ese anovhura chibereko.”

ChiHeb., “Mutorwa wese,” kureva, munhu asiri muRevhi.

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Gera rainge rakaenzana nemagiramu 0,57. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “nemuromo waJehovha.”

Kana kuti “matehwe etahashi.” Tahashi ringangova riri zita rechiHebheru remhuka yemugungwa yakada kufanana neyemurwizi inonzi mbiti asi yakakura kuipfuura.

Kana kuti “mbato.” Uyu mudziyo wakaita sechigero kana pinjisi waishandiswa kubvisa tambo inenge yabvira.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “nemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya iwoyo unenge wava.”

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Zvinoratidza sekuti pari kutaura nezvenhengo dzekubereka nadzo.

Zvinogona kunge zviri kureva kusakwanisa kubata pamuviri.

Zvinoratidza sekuti pari kutaura nezvenhengo dzekubereka nadzo.

Zvinogona kunge zviri kureva kusakwanisa kubata pamuviri.

Kana kuti “Ngazviitike! Ngazviitike!”

Zvinoratidza sekuti pari kutaura nezvenhengo dzekubereka nadzo.

Zvinogona kunge zviri kureva kusakwanisa kubata pamuviri.

Shoko racho rechiHebheru nderekuti na·zir′, kureva “Akaiswa Pake Ega; Akatsaurwa; Akaparadzaniswa Nevamwe.”

Kana kuti “nemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “osvibisa musoro wake weuNaziri.”

Kana kuti “nemweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Zvingwa izvi zveraundi zvaiva neburi pakati.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “aveura musoro wake weuNaziri.”

Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.

Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

Kana kuti “majon’osi,” kureva mombe dzinobopwa.

Kana kuti “jon’osi rake.”

Kana kuti “pakatsaurirwa.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kana kuti “ndiro diki.”

ChiHeb., “naye.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “kuvheyesa vaRevhi.”

ChiHeb., “wovavheyesa.”

ChiHeb., “wovavheyesa.”

Kana kuti “ese anozarura zvibereko zvevaIsraeri.”

ChiHeb., “avavheyesa.”

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Kana kuti “nemweya wemunhu.”

Kana kuti “nemhaka yemweya wemunhu.”

Kana kuti “nemweya wemunhu.”

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

ChiHeb., “nemauto aro.”

ChiHeb., “nemauto aro.”

ChiHeb., “nemauto aro.”

ChiHeb., “nemauto aro.”

ChiHeb., “nemauto.”

Kureva, Jetro.

Kana kuti “munogona kuva maziso edu.”

Kana kuti “kumakumi ezviuru.”

Kureva kuti “Kubvira.”

Vanofanira kunge vaiva vanhu vasiri vaIsraeri vaiva pakati pavo.

Kana kuti “mweya yedu yava.”

Kana kuti “mureri wechirume.”

Kana kuti “vakatanga kuprofita.”

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Homeri uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kureva kuti “Makuva Evanhu Vanokara.”

Kana kuti “munhu aizvininipisa.”

ChiHeb., “Muimba yangu yese, ari kuratidza kuti akatendeka.”

ChiHeb., “muromo nemuromo.”

Kana kuti “vanoongorora.”

Kana kuti “Jehoshua,” kureva kuti “Jehovha Ruponeso.”

ChiHeb., “rakakora.”

ChiHeb., “rakaonda.”

Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Kana kuti “Rwizi rwaEshkori.”

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Kana kuti “Rwizi rwaEshkori.” Eshkori zvinoreva kuti, “Sumbu Remazambiringa.”

Kana kuti “vakanoongorora.”

Kana kuti “nekuti ivo kudya kwedu.”

ChiHeb., “semunhu mumwe chete.”

ChiHeb., “yandakasimudzira ruoko rwangu.”

ChiHeb., “echipfambi.”

Kana kuti “kana mukavengana neni.”

ChiHeb., “kunozorodza.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Chingwa ichi cheraundi chaiva neburi pakati.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”

Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “wemweya yenyama yese.”

ChiHeb., “pakashama muromo wapo.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “yakashama muromo wayo.”

Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “vakatadzira mweya yavo.”

ChiHeb., “hapana mutorwa.”

ChiHeb., “mutorwa wese,” kureva, munhu asiri weimba yaAroni.

ChiHeb., “mutorwa wese,” kureva, munhu asiri weimba yaAroni.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Kureva kuti zvinhu zvese zvakanzi zvitsvene kuna Mwari nekuti zvakapiwa Mwari zvisingazokwanisi kudzorerwa munhu wacho akazvipa kana kudzikinurwa.

ChiHeb., “panyama yemarudzi ese.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “neshekeri dzvene.”

Gera rainge rakaenzana nemagiramu 0,57. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Iyi inyama yepachipfuva pemhuka, panosangana mbabvu.

Kureva, sungano isingaputswi uye isingachinji.

Ona Tsanangudzo Yemashoko.

ChiHeb., “nyama yake.”

ChiHeb., “nyama yake.”

Kana kuti “chitunha chemweya wemunhu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”

Kana kuti “kuurayiwa.”

Pomegraneti muchero wakada kuita mutsvuku uye unoratidzika seapuro. Vamwe vanouti chibage cheChirungu.

Kureva kuti “Kupopotedzana.”

ChiHeb., “mazuva.”

Kana kuti “neruoko rune simba.”

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.

Kureva kuti “Kutsaurwa Kuti Vaparadzwe.”

Kana kuti “mweya yedu yasvika.”

Kana kuti “pakusema.”

Kana kuti “neRwizi rwaZeredhi.”

Kana kuti “nzizi dzeAnoni.”

Kana kuti “emunzizi.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “negwenga; nerenje.”

Kana kuti “kunoongorora.”

Zvinoratidza sekuti pari kurehwa rwizi rwaYufratesi.

ChiHeb., “padhongi gadzi.”

ChiHeb., “akavhura muromo wedhongi racho gadzi.”

Kana kuti “Regai mweya wangu ufe.”

Kana kuti “anozvidemba.”

Dzimwe shanduro dzinoti, “negwenga; nerenje.”

Kana kuti “senzizi.”

Iyi miti inobudisa namo nemafuta zvaishandiswa pakugadzira zvinhu zvinonhuhwirira.

Kana kuti “pakuguma kwemazuva acho.”

Kana kuti “upfambi.”

Kana kuti “akazvisunganidza naBhaari.”

Kana kuti “vakazvisunganidza naBhaari.”

Kana kuti “nepanhengo dzake dzekubereka nadzo.”

ChiHeb., “yakashama muromo wayo.”

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.

ChiHeb., “wemweya yenyama yese.”

Kana kuti “kumwe kukudzwa kwako.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

Efa uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Hini yakanga yakaenzana nemarita 3,67. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Iyi inguva inenge ichangovira zuva asi kusati kwasviba.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “mwedzi yenyu.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “sechingwa.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.” “Kuzvirwadzisa” kunowanzonzwisiswa sekunoreva nzira dzakasiyana-siyana dzekuzvinyima zvimwe zvinhu, kusanganisira kutsanya.

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

ChiHeb., “zvinozorodza.”

Kana kuti “chero mhiko yekurwadzisa mweya.”

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.

Kana kuti “nemisasa yavo yese ine masvingo.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “mweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya mumwe.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Kana kuti “mweya yevanhu yaiva.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “mweya yevanhu yakasvika.”

Kana kuti “tiyananisire mweya yedu.”

Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “kuRwizi rwaEshkori.”

Kana kuti “vakavakazve.”

Kureva kuti “Misha Yematende yaJairi.”

ChiHeb., “maererano nemauto avo.”

ChiHeb., “neruoko rwakasimudzwa.”

Kureva, Gungwa Rakafa.

Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”

Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.

Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.

Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”

Kureva, Gungwa reGenesareti, kana kuti Gungwa reGarireya.

Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “mweya.”

ChiHeb., “akaita zvekumuhwandira.”

ChiHeb., “asina kuita zvekumuhwandira.”

Kana kuti “mweya.”

Kana kuti “mweya unofanira.”

Kana kuti “rwemweya wemhondi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe