GENESISI
1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.+
2 Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu, rima riri pamusoro pemvura yakadzika,+ uye simba raMwari raanoshandisa+ raitenderera riri pamusoro pemvura.*+
3 Uye Mwari akati: “Chiedza ngachivepo.” Chiedza chakabva chavapo.+ 4 Pashure paizvozvo Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye Mwari akatanga kuparadzanisa chiedza nerima. 5 Mwari akatumidza chiedza kuti Masikati, asi rima akaritumidza kuti Usiku.+ Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.
6 Mwari akabva ati: “Ngapave nenzvimbo huru+ inoparadzanisa mvura, uye ngapave nemuganhu pakati pemvura nemvura.”+ 7 Mwari akatanga kugadzira nzvimbo huru uye akaparadzanisa mvura iri pasi penzvimbo huru nemvura iri pamusoro penzvimbo huru.+ Uye zvakaitika saizvozvo. 8 Mwari akatumidza nzvimbo yacho huru kuti Denga. Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechipiri.
9 Mwari akabva ati: “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane munzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaoneke.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 10 Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti Nyika,+ asi mvura yakaungana akaitumidza kuti Makungwa.+ Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.+ 11 Mwari akabva ati: “Nyika ngaimere uswa, zvinomera zvinobereka mbeu, nemiti yemichero maererano nemarudzi ayo, ichibereka michero nemhodzi dzayo panyika.” Uye zvakaitika saizvozvo. 12 Nyika yakatanga kumera uswa, zvinomera zvinobereka mbeu,+ nemiti inobereka michero nemhodzi dzayo, maererano nemarudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 13 Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechitatu.
14 Mwari akabva ati: “Zvinovheneka+ ngazvive munzvimbo huru yekudenga kuti zviparadzanise masikati neusiku,+ uye zvichashanda sezviratidzo zvekuziva nazvo mwaka, mazuva, nemakore.+ 15 Zvichava zvinovheneka munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika.” Uye zvakaitika saizvozvo. 16 Mwari akabva aita zvinovheneka zvikuru zviviri, chikuru chacho kuti chitonge masikati+ uye chidiki chacho kuti chitonge usiku, uye akaitawo nyeredzi.+ 17 Saka Mwari akazviisa munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika 18 uye kuti zvitonge masikati neusiku nekuparadzanisa chiedza nerima.+ Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 19 Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechina.
20 Mwari akabva ati: “Mvura ngaizare nezvisikwa zvipenyu,* uye zvisikwa zvinobhururuka ngazvibhururuke pamusoro penyika munzvimbo huru yekudenga.”+ 21 Uye Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvemugungwa, nezvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba* uye zvinogara zvakawanda mumvura, nezvisikwa zvese zvine mapapiro zvinobhururuka. Akazvisika zvese maererano nemarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 22 Mwari akabva azvikomborera, achiti: “Berekai muwande, muzadze mvura yemumakungwa,+ uye zvisikwa zvinobhururuka ngazviwande panyika.” 23 Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechishanu.
24 Mwari akabva ati: “Nyika ngaibudise zvisikwa zvipenyu maererano nemarudzi azvo, zvipfuwo nemhuka dzinokambaira uye mhuka dzemusango dzepanyika, zvese maererano nemarudzi azvo.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 25 Mwari akatanga kuita mhuka dzemusango panyika maererano nemarudzi adzo, nezvipfuwo maererano nemarudzi azvo, nemhuka dzese dzinokambaira panyika maererano nemarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
26 Mwari akabva ati: “Ngatiitei+ munhu nemufananidzo wedu,+ akafanana nesu,+ uye ngavave nesimba pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvipfuwo uye panyika yese nepamhuka dzese dzinokambaira dzinofamba panyika.”+ 27 Mwari akatanga kusika munhu nemufananidzo wake, akamusika nemufananidzo waMwari; akavasika munhurume nemunhukadzi.+ 28 Uyezve, Mwari akavakomborera, akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika,+ ive pasi penyu,* muve nesimba+ pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba panyika.”
29 Mwari akabva ati: “Ndakupai zvinomera zvese zvinobereka mbeu zviri panyika yese, nemiti yese yemichero inoita mhodzi. Ngazvive zvekudya zvenyu.+ 30 Uye mhuka dzese dzemusango dzepanyika, nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, nezvinhu zvese zvinofamba panyika zvine upenyu mazviri, ndazvipa zvinomera zvese zvakasvibirira kuti zvive zvekudya zvazvo.”+ Uye zvakaitika saizvozvo.
31 Pashure pacho Mwari akaona zvinhu zvese zvaakanga aita, uye zvakanga zvakanaka chaizvo.+ Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.
2 Saka denga nenyika nezvimwe zvese zviri mazviri* zvakapera kusikwa.+ 2 Pakazosvika zuva rechinomwe, Mwari akanga apedza basa rake raakanga achiita, uye akatanga kuzorora pazuva rechinomwe pabasa rake rese raakanga achiita.+ 3 Mwari akabva atanga kukomborera zuva rechinomwe, akariti idzvene, nekuti pazuva iroro Mwari akatanga kuzorora pabasa rake rekusika zvinhu zvese, zvese zvaakaita maererano nechinangwa chake.
4 Iyi ndiyo nhoroondo yedenga nenyika pazvakasikwa, pazuva rakaitwa denga nenyika+ naJehovha* Mwari.
5 Panyika pakanga pasati pava nemakwenzi uye masango akanga asati avapo, nekuti Jehovha Mwari akanga asati anayisa mvura panyika uye pakanga pasina munhu wekuti airime. 6 Asi mhute yaikwira ichibva panyika, ichinyorovesa nyika yese.
7 Uye Jehovha Mwari akatanga kuumba munhu neguruva+ revhu akafuridzira mumhino dzake mweya wekufema weupenyu,+ munhu akava mupenyu.*+ 8 Zvadaro, Jehovha Mwari akasima munda muEdheni,+ nechekumabvazuva; uye akaisamo munhu waakanga asika.+ 9 Saka Jehovha Mwari akaita kuti mumunda macho mumere miti yese inoyevedza uye yakanakira kudya uyewo muti weupenyu+ uri pakati pemunda, nemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa.+
10 Paiva nerwizi rwaitangira muEdheni rwaiyerera ruchidiridza munda wacho, uye parwaibuda imomo rwaiparadzana rwoita nzizi ina. 11 Rwekutanga runonzi Pishoni; ndirwo runopoterera nyika yese yeHavhira, iyo ine goridhe. 12 Goridhe renyika iyoyo rakanaka. Kunowanikawo dheriyamu* nedombo reonikisi. 13 Rwizi rwechipiri runonzi Gihoni; ndirwo runopoterera nyika yese yeKushi. 14 Rwizi rwechitatu runonzi Hidhekeri;*+ ndirwo runoenda kumabvazuva kweAsiriya.+ Uye rwizi rwechina runonzi Yufratesi.+
15 Jehovha Mwari akatora munhu, akamuita kuti agare mumunda weEdheni kuti aurime nekuuchengeta.+ 16 Jehovha Mwari akapawo munhu murayiro uyu: “Unogona hako kudya michero yemiti yese yemumunda kusvikira waguta.+ 17 Asi haufaniri kudya muchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, nekuti zuva raunoudya chokwadi uchafa.”+
18 Jehovha Mwari akabva ati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari ega. Ndichamuitira mubatsiri, anonyatsoenderana naye.”+ 19 Uye Jehovha Mwari akanga aumba nevhu mhuka dzese dzemusango nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, uye akatanga kuzviunza kumunhu kuti aone kuti aizotumidza chimwe nechimwe kuti chii; chero zita raipiwa chisikwa chipenyu chimwe nechimwe nemunhu, ndiro rakava zita racho.*+ 20 Saka munhu akapa mazita kuzvipfuwo zvese nezvisikwa zvinobhururuka zvekudenga nemhuka dzese dzesango, asi munhu akanga asina mubatsiri wake anonyatsoenderana naye. 21 Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu abatwe nehope huru, uye paakanga akarara, akatora mbabvu yake imwe chete akabva aita kuti nyama ivhare panzvimbo payo. 22 Jehovha Mwari akaumba mukadzi nembabvu yaakanga atora pamurume, akamuunza kumurume.+
23 Murume akabva ati:
“Iri ndiro rava pfupa remapfupa angu
Nenyama yenyama yangu.
Uyu achanzi Mukadzi,
Nekuti akatorwa pamurume.”+
24 Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake,* uye vachava nyama imwe.+ 25 Vese vari vaviri vakanga vasina kupfeka,+ murume nemudzimai wake; asi vakanga vasinganyare.
3 Nyoka+ ndiyo yakanga yakachenjera* kupfuura mhuka dzese dzemusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Saka yakati kumukadzi: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya michero yemiti yese yemumunda?”+ 2 Mukadzi akabva ati kunyoka: “Tingadya hedu michero yemiti yemumunda.+ 3 Asi Mwari akataura nezvemuchero wemuti uri pakati pemunda,+ achiti: ‘Musaudya, kana kuubata; mukangodaro muchafa.’” 4 Nyoka yakabva yati kumukadzi: “Chokwadi hamumbofi.+ 5 Nekuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”+
6 Audzwa izvi, mukadzi akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uchiyevedza,* chokwadi, muti wacho waifadza kutarisa. Saka akatemha muchero wawo akatanga kuudya.+ Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.+ 7 Maziso avo akabva asvinudzwa, vakabva vaziva kuti vakanga vasina kupfeka. Saka vakasonanidza mashizha emuonde, vakazvigadzirira zvinofukidza chiuno.+
8 Gare gare vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mumunda pakwainge kwava kutonhorera, uye murume nemudzimai wake vakanohwanda Jehovha Mwari pakati pemiti yemumunda. 9 Jehovha Mwari akaramba achishevedza munhu achiti kwaari: “Uri kupiko?” 10 Akazodaira achiti: “Ndanzwa inzwi renyu mumunda, asi ndatya nekuti ndanga ndisina kupfeka, saka ndahwanda.” 11 Iye akati: “Ndiani akuudza kuti wanga usina kupfeka?+ Asi wadya muchero wemuti wandakati usadye?”+ 12 Murume akati: “Mukadzi wamakandipa ndiye andipa muchero wemuti wacho, saka ndadya.” 13 Jehovha Mwari akabva ati kumukadzi: “Chii ichi chawaita?” Mukadzi wacho akapindura kuti: “Nyoka ndiyo yandinyengera, saka ndadya.”+
14 Jehovha Mwari akabva ati kunyoka:+ “Nemhaka yezvawaita izvi, watukwa pazvipfuwo zvese nepamhuka dzese dzesango. Uchafamba nedumbu, uye uchadya guruva mazuva ese eupenyu hwako. 15 Ndichaisa ruvengo+ pakati pako+ nemukadzi,+ nepakati pevana*+ vako nemwana*+ wake. Iye achakupwanya musoro+ uye iwe uchamuruma pachitsitsinho.”+
16 Kumukadzi akati: “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako nepamuviri; uchasununguka vana uchirwadziwa, uchada kugara uchingova pedyo nemurume wako, uye achakutonga.”
17 Kuna Adhamu* akati: “Sezvo wateerera inzwi remudzimai wako, ukadya muchero wemuti wandakakurayira+ ndichiti, ‘Usaudya,’ ivhu ratukwa nemhosva yako.+ Uchadya zvibereko zvaro uchirwadziwa mazuva ese eupenyu hwako.+ 18 Richakumerera minzwa nemasora anobaya, uye uchadya zvinomera zvemusango. 19 Uchadya zvekudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nekuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+
20 Pashure peizvi, Adhamu akatumidza mudzimai wake kuti Evha,* nekuti ndiye aizova amai vemunhu wese mupenyu.+ 21 Jehovha Mwari akagadzirira Adhamu nemudzimai wake nguo refu dzematehwe, kuti vapfeke.+ 22 Jehovha Mwari akabva ati: “Iye zvino munhu ava semumwe wedu pakuziva zvakanaka nezvakaipa.+ Saka kuti arege kutambanudza ruoko rwake, otorawo michero yemuti weupenyu,+ odya, orarama nekusingagumi,—” 23 Jehovha Mwari akabva amudzinga mumunda weEdheni+ kuti arime ivhu raakanga atorwa kwariri.+ 24 Saka akadzingira munhu kunze, akaisa makerubhi+ kumabvazuva kwemunda weEdheni nebakatwa raibvira moto raigara richitenderera richichengetedza nzira yaienda kumuti weupenyu.
4 Adhamu akazorara nemudzimai wake Evha, akabata pamuviri.+ Paakabereka Kaini,+ Evha akati: “Ndabereka mwana mukomana ndichibatsirwa naJehovha.” 2 Akazoberekazve Abheri,+ munin’ina waKaini.
Abheri akava mufudzi wemakwai, asi Kaini akava murimi. 3 Nekufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvirimwa zvake semupiro kuna Jehovha. 4 Asi Abheri akauya nemamwe makwai ake akatanga kuberekwa,+ zvese nemafuta awo. Jehovha akafarira Abheri nemupiro wake,+ 5 asi haana kutombofarira Kaini nemupiro wake. Saka Kaini akagumbuka chaizvo ndokufundumwara. 6 Jehovha akabva ati kuna Kaini: “Nei wakagumbuka uye wakafundumwara kudaro? 7 Kana ukaita zvakanaka handizokufariri here?* Asi kana ukasaita zvakanaka, chivi chiri kukuhwandira pasuo, uye chiri kuda kukukunda; asi iwe uchachikunda here?”
8 Pashure paizvozvo Kaini akati kuna Abheri munin’ina wake: “Ngatimbofambai musango.” Saka pavakanga vari musango, Kaini akarwisa munin’ina wake Abheri, akamuuraya.+ 9 Gare gare, Jehovha akati kuna Kaini: “Munin’ina wako Abheri aripi?” Akapindura kuti: “Hameno. Ko ndini muchengeti wemunin’ina wangu here?” 10 Iye akabva ati: “Waitei? Inzwa! Ropa remunin’ina wako riri kushevedzera kwandiri riri panyika.+ 11 Iye zvino watukwa uye wadzingwa panyika iyo yashama muromo wayo kuti igamuchire ropa remunin’ina wako radeurwa neruoko rwako.+ 12 Paucharima ivhu, harizokudzoreri zvibereko zvaro.* Uchava mudzungairi uye mupoteri panyika.” 13 Kaini akabva ati kuna Jehovha: “Chirango chekukanganisa kwangu chanyanya kundiremera. 14 Nhasi muri kundidzinga panyika, uye ndichange ndabva pamberi penyu; ndichava mudzungairi nemupoteri panyika, uye chero munhu achandiwana achatondiuraya chete.” 15 Jehovha akabva ati kwaari: “Saka munhu anouraya Kaini achatsiviwa ka7.”
Jehovha akabva aisira Kaini chiratidzo kuti chero munhu aizomuwana asamuuraya. 16 Saka Kaini akabva pamberi paJehovha uye akatanga kugara munyika yeNodhi,* kumabvazuva kweEdheni.+
17 Pashure paizvozvo Kaini akarara nemudzimai wake,+ uyo akabva abata pamuviri, akabereka Inoki. Akabva atanga kuvaka guta, ndokuritumidza zita remwanakomana wake Inoki. 18 Inoki akazobereka Iradhi. Iradhi akabereka Mehujaeri, Mehujaeri akabereka Metushaeri, Metushaeri akabereka Rameki.
19 Rameki akawana madzimai maviri. Wekutanga ainzi Adha, wechipiri ainzi Zira. 20 Adha akabereka Jabhari. Jabhari ndiye akatanga upenyu hwekugara mumatende nekuchengeta zvipfuwo. 21 Munin’ina wake ainzi Jubhari. Ndiye akatanga zvekuridza zviridzwa zvine tambo nezviridzwa zvinoita zvekufuridzwa.* 22 Kana ari Zira, akabereka Tubhari-kaini, uyo aipfura midziyo yemarudzi ese yemhangura nesimbi. Uye hanzvadzi yaTubhari-kaini yainzi Naama. 23 Rameki akazotaura mashoko aya kumadzimai ake Adha naZira:
“Inzwai inzwi rangu, imi madzimai aRameki;
Teererai zvandiri kutaura:
Ndakauraya munhu nekuti akandikuvadza,
Iro jaya, nekuti rakandirova.
25 Adhamu akararazve nemudzimai wake, akabereka mwanakomana. Mudzimai wacho akamutumidza kuti Seti*+ nekuti aiti, “Mwari andipa mumwe mwana* anotsiva Abheri, nekuti akaurayiwa naKaini.”+ 26 Seti akavawo nemwanakomana, akamutumidza kuti Inoshi.+ Panguva iyoyo vanhu vakatanga kudana zita raJehovha.
5 Iyi ndiyo nhoroondo yaAdhamu yakanyorwa. Pazuva rakasikwa Adhamu naMwari, akamusika akafanana naMwari.+ 2 Akavasika munhurume nemunhukadzi.+ Pazuva ravakasikwa,+ akavakomborera, akavatumidza kuti Munhu.*
3 Adhamu paakanga ava nemakore 130, akabereka mwanakomana akafanana naye, akamutumidza kuti Seti.+ 4 Pashure pekubereka Seti, Adhamu akazorarama makore 800. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 5 Saka pamwe chete, mazuva aAdhamu aakararama akasvika makore 930, achibva afa.+
6 Seti akararama makore 105, achibva abereka Inoshi.+ 7 Abereka Inoshi, Seti akararama makore 807. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 8 Saka pamwe chete, mazuva aSeti akasvika makore 912, achibva afa.
9 Inoshi akararama makore 90, achibva abereka Kinani. 10 Abereka Kinani, Inoshi akararama makore 815. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 11 Saka pamwe chete, mazuva aInoshi akasvika makore 905, achibva afa.
12 Kinani akararama makore 70, achibva abereka Maharareri.+ 13 Abereka Maharareri, Kinani akararama makore 840. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 14 Saka pamwe chete, mazuva aKinani akasvika makore 910, achibva afa.
15 Maharareri akararama makore 65, achibva abereka Jaredhi.+ 16 Abereka Jaredhi, Maharareri akararama makore 830. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 17 Saka pamwe chete, mazuva aMaharareri akasvika makore 895, achibva afa.
18 Jaredhi akararama makore 162, achibva abereka Inoki.+ 19 Abereka Inoki, Jaredhi akararama makore 800. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 20 Saka pamwe chete, mazuva aJaredhi akasvika makore 962, achibva afa.
21 Inoki akararama makore 65, achibva abereka Metusera.+ 22 Abereka Metusera, Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi kwemakore 300. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 23 Saka pamwe chete, mazuva aInoki akasvika makore 365. 24 Inoki akaramba achifamba naMwari+ wechokwadi. Uye haana kuzoonekwa, nekuti Mwari akamutora.+
25 Metusera akararama makore 187, achibva abereka Rameki.+ 26 Abereka Rameki, Metusera akararama makore 782. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 27 Saka pamwe chete, mazuva aMetusera akasvika makore 969, achibva afa.
28 Rameki akararama makore 182, achibva abereka mwanakomana. 29 Akamutumidza kuti Noa,*+ achiti: “Uyu achatizorodza* pabasa redu nepakushanda zvakaoma kwatiri kuita nemaoko edu nemhaka yekuti ivhu rakatukwa+ naJehovha.” 30 Abereka Noa, Rameki akararama makore 595. Uye akabereka vanakomana nevanasikana. 31 Saka pamwe chete, mazuva aRameki akasvika makore 777, achibva afa.
32 Paakanga ava nemakore 500, Noa akabereka Shemu,+ Hamu,+ naJafeti.+
6 Vanhu pavakatanga kuwanda panyika uye pavaibereka vanasikana, 2 vanakomana vaMwari+ wechokwadi* vakatanga kuona kuti vanasikana vevanhu vakanga vakanaka. Saka vakatanga kutora vese vavainge vada vachivaita madzimai avo. 3 Jehovha akabva ati: “Handisi* kuzongosiya munhu akadaro nekusingaperi,+ nekuti anongova zvake wenyama.* Saka mazuva ake achasvika makore 120.”+
4 Mumazuva iwayo uye pashure pacho, panyika paiva nevaNefirimu.* Nguva iyoyo vanakomana vaMwari wechokwadi vakaramba vachirara nevanasikana vevanhu, uye vanasikana ivavo vaivaberekera vanakomana. Ava ndivo vanhu vekare vaiva nesimba, varume vaiva nemukurumbira.
5 Saka Jehovha akaona kuti uipi hwemunhu hwakanga hwanyanya panyika uye kuti zvese zvaaifunga uye zvaiva mumwoyo make zvakanga zvakangoipa nguva dzese.+ 6 Jehovha akademba* kuti akanga aita vanhu panyika, uye mwoyo wake wakarwadziwa.+ 7 Saka Jehovha akati: “Ndichabvisa panyika vanhu vandakasika, vanhu pamwe chete nezvipfuwo, mhuka dzinokambaira, uye zvisikwa zvekudenga zvinobhururuka, nekuti ndinodemba kuti ndakazvisika.” 8 Asi Noa akanzwirwa nyasha naJehovha.
9 Iyi ndiyo nhoroondo yaNoa.
Noa akanga ari munhu akarurama.+ Akanga asina mhosva* pakati pevanhu venguva yake.* Noa akafamba naMwari wechokwadi.+ 10 Nekufamba kwenguva, Noa akabereka vanakomana vatatu, Shemu, Hamu, naJafeti.+ 11 Asi Mwari wechokwadi akaona kuti nyika yakanga yaora, uye kuti yakanga yazara nekurwisana. 12 Zvechokwadi Mwari akatarisa nyika, akaona kuti yakanga yaora; nzira yemunhu wese yakanga yashata panyika.+
13 Mwari akazoti kuna Noa: “Ndafunga kuparadza nyama yese, nekuti vanhu vaita kuti panyika pazare nekurwisana, saka ndiri kuvaparadza pamwe chete nenyika.+ 14 Zvigadzirire areka nemuti unobudisa zvinonama.+ Uikamure-kamure mukati mayo, woinama netara+ mukati nekunze. 15 Aya ndiwo magadziriro auchaiita: Areka yacho inofanira kunge yakareba makubhiti* 300, yakafara makubhiti 50, uye yakakwirira makubhiti 30. 16 Uchagadzira hwindo rinopinza chiedza* muareka, kubhiti rimwe chete kubva kumusoro. Unofanira kuisa suo reareka parutivi payo+ uye woigadzira iine nhurikidzwa yepasi, yechipiri neyechitatu.
17 “Ini ndichaunza mafashamo+ panyika kuti ndiparadze nyama yese ine upenyu* iri pasi pedenga. Zvese zviri panyika zvichaparara.+ 18 Uye ndiri kuita sungano yangu newe, uye unofanira kupinda muareka nevanakomana vako, nemudzimai wako, nemadzimai evanakomana vako vauinavo.+ 19 Uye pinza muareka zvisikwa zvese zvipenyu+ zviri zviviri zviviri, chikono nechikadzi,+ kuti zvichengetedzwe zviri zvipenyu pamwe chete newe; 20 zvisikwa zvinobhururuka, maererano nemarudzi azvo, nezvipfuwo, maererano nemarudzi azvo, nezvese zvinokambaira panyika, maererano nemarudzi azvo, zvinofanira kupinda imomo maunenge uri zviri zviviri zviviri kuti zvichengetedzwe zviri zvipenyu.+ 21 Asi iwe, unofanira kuunganidza zvekudya zvemarudzi ese,+ kuti zvizova zvekudya zvako nezvemhuka.”
22 Noa akaita zvese zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.+
7 Pashure paizvozvo Jehovha akati kuna Noa: “Pinda muareka, iwe nemhuri yako yese, nekuti ndiwe wandaona kuti wakarurama pakati pechizvarwa ichi.+ 2 Pamhuka dzese dzakachena, unofanira kupinda nenomwe,*+ hono nehadzi; uye pamhuka dzese dzisina kuchena, mbiri chete, hono nehadzi yayo; 3 uyewo pazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga unofanira kupinda nezvinomwe, zvikono nezvikadzi,* kuti uchengetedze rudzi rwazvo ruri rupenyu panyika yese.+ 4 Nekuti kwangosara mazuva manomwe chete kuti ndinayise mvura+ panyika kwemazuva 40 neusiku 40,+ uye ndichaparadza panyika zvinhu zvese zvipenyu zvandakasika.”+ 5 Noa akabva aita zvese zvaakanga arayirwa naJehovha.
6 Noa akanga ava nemakore 600 pakauya mafashamo panyika.+ 7 Saka Noa, nevanakomana vake, nemudzimai wake, nemadzimai evanakomana vake, vakapinda muareka mafashamo asati auya.+ 8 Pamhuka dzese dzakachena, nepamhuka dzese dzisina kuchena, nepazvisikwa zvinobhururuka, nepazvese zvinofamba panyika,+ 9 pakapinda zviviri zviviri muareka maiva naNoa, chikono nechikadzi, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. 10 Uye pashure pemazuva manomwe mafashamo akabva atanga panyika.
11 Mugore rakasvitsa Noa makore 600, mumwedzi wechipiri, pazuva rechi17 remwedzi iwoyo, zvitubu zvese zvikuru zvemvura yakadzika zvakavhurika uye magedhi emvura ekudenga akavhurwa.+ 12 Uye mvura yakatsvotsvoma panyika kwemazuva 40 neusiku 40. 13 Pazuva iroro chairo, Noa akapinda muareka nevanakomana vake, Shemu, Hamu, naJafeti,+ nemudzimai wake, nemadzimai matatu evanakomana vake.+ 14 Vakapinda nemhuka dzese dzemusango maererano nemarudzi adzo, nezvipfuwo zvese maererano nemarudzi azvo, nezvinokambaira zvese zvepanyika maererano nemarudzi azvo, nezvisikwa zvese zvinobhururuka maererano nemarudzi azvo, shiri dzese, zvisikwa zvese zvine mapapiro. 15 Zvisikwa zvemarudzi ese zvine upenyu* zvakaramba zvichipinda muareka maiva naNoa, zviri zviviri zviviri. 16 Saka zvisikwa zvemarudzi ese zvakapinda, chikono nechikadzi, sezvaakanga arayirwa naMwari. Pashure paizvozvo Jehovha akavhara suo.
17 Mvura yemafashamo yakaramba ichinaya panyika kwemazuva 40, uye yakaramba ichiwedzera, ikatanga kutakura areka, ikaisimudza pamusorosoro penyika. 18 Mvura yakawanda kwazvo uye yakaramba ichiwedzera zvikuru panyika, asi areka yaingoyangarara pamusoro pemvura. 19 Mvura yakawanda kwazvo panyika zvekuti makomo ese marefu ari pasi pedenga akafukidzwa.+ 20 Mvura yakafukidza makomo zvekuapfuura nemakubhiti* 15.
21 Saka zvisikwa zvese* zvipenyu zvaifamba panyika zvakafa,+ zvisikwa zvinobhururuka, zvipfuwo, mhuka dzemusango, tupukanana tunofamba twakawanda, uye vanhu vese.+ 22 Zvese zvaiva panyika yakaoma zvaiva nemweya wekufema weupenyu mumhino dzazvo, zvakafa.+ 23 Saka akaparadza zvipenyu zvese zvaiva panyika, kusanganisira vanhu, mhuka, mhuka dzinokambaira, uye zvisikwa zvinobhururuka zvekudenga. Zvese zvakaparadzwa panyika;+ Noa chete nevaaiva navo muareka ndivo vakapona.+ 24 Uye mvura yakaramba yakafukidza nyika kwemazuva 150.+
8 Asi Mwari akayeuka Noa nemhuka dzese dzemusango nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo muareka,+ uye Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute panyika, mvura ikabva yatanga kuserera. 2 Zvitubu zvemvura yakadzika nemagedhi emvura ekudenga zvakavharwa, saka mvura yainaya yakagasa.*+ 3 Mvura yaiva panyika yakabva yatanga kuserera zvishoma nezvishoma. Pakazopera mazuva 150, mvura yakanga yadzikira. 4 Mumwedzi wechi7, pazuva rechi17 remwedzi wacho, areka yakagara pamusoro pemakomo eArarati. 5 Uye mvura yakaramba ichiserera zvishoma nezvishoma kusvikira mumwedzi wechi10. Mumwedzi wechi10, pazuva rekutanga remwedzi wacho, misoro yemakomo yakatanga kuoneka.+
6 Saka pakazopera mazuva 40, Noa akavhura hwindo+ reareka raakanga agadzira 7 uye akabudisa gunguo. Raipota richibhururuka panze rodzoka, kusvikira mvura yaoma panyika.
8 Akazobudisa njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera panyika. 9 Njiva yakashaya pekumhara,* saka yakadzoka kwaari nekuti panyika pakanga pachakazara mvura.+ Saka akabudisa ruoko rwake, akaipinza muareka. 10 Akamirira kwemamwe mazuva 7, ndokuzobudisazve njiva yacho muareka. 11 Njiva yacho payakadzoka kumanheru, akaona kuti yakanga yakaruma shizha remuorivhi rakanga richangobva kutanhwa! Noa akabva aziva kuti mvura yakanga yaserera panyika.+ 12 Akamirira mamwezve mazuva 7. Akabva abudisa njiva yacho, asi haina kuzombodzokazve kwaari.
13 Mugore rechi601,+ mumwedzi wekutanga, pazuva rekutanga remwedzi wacho, mvura yakanga yapwa panyika; uye Noa akabvisa denga reareka akaona kuti pasi pakanga pava kuoma. 14 Mumwedzi wechipiri, pazuva rechi27 remwedzi wacho, nyika yakanga yaoma.
15 Mwari akabva ati kuna Noa: 16 “Buda muareka, iwe, mudzimai wako, vanakomana vako, nemadzimai evanakomana vako.+ 17 Buda nezvisikwa zvese zvipenyu zvenyama+ yemarudzi ese, nezvisikwa zvinobhururuka, nemhuka, nezvipuka zvese zvinokambaira panyika, kuti zvive zvizhinji panyika, zvibereke uye zviwande panyika.”+
18 Saka Noa akabuda nevanakomana vake,+ mudzimai wake, nemadzimai evanakomana vake. 19 Zvisikwa zvese zvipenyu, zvese zvinokambaira uye zvisikwa zvese zvinobhururuka, zvese zvinofamba panyika, zvakabuda muareka maererano nemarudzi azvo.+ 20 Noa akabva avakira Jehovha atari,+ akatora dzimwe mhuka pamhuka dzese dzakachena, nepazvisikwa zvese zvinobhururuka zvakachena,+ akapisira zvibayiro paatari yacho.+ 21 Uye Jehovha akatanga kunzwa kunhuhwirira kwakanaka.* Saka Jehovha akati mumwoyo make: “Handichazotukizve nyika+ nemhosva yemunhu, nekuti zviri mumwoyo memunhu zvakaipa kubvira achiri mudiki;+ uye handichazoparadzizve zvinhu zvese zvipenyu sezvandakaita.+ 22 Kubvira iye zvino zvichienda mberi, kudyara mbeu nekukohwa, kutonhora nekupisa, zhizha nechando, uye masikati neusiku, hazvisi kuzomira.”+
9 Mwari akabva akomborera Noa nevanakomana vake achiti kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika.+ 2 Zvisikwa zvese zvipenyu zvepanyika, nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, nezvese zvinofamba panyika, nehove dzese dzegungwa, zvicharamba zvichikutyai nekukuvhundukai. Zvaiswa mumaoko enyu.*+ 3 Munogona henyu kudya mhuka dzese mhenyu dzinofamba.+ Ndinokupai dzese, sekukupai kwandakaita zvinomera zvakasvibirira.+ 4 Asi nyama ine upenyu hwayo,* iro ropa rayo,+ musaidya.+ 5 Uyewo, ndichabvunza nezveropa reupenyu hwenyu* kana radeurwa. Ndichabvunza nezvaro kuzvisikwa zvese zvipenyu; uye ndichabvunza munhu mumwe nemumwe kana apfuudza upenyu hwehama yake.+ 6 Ani naani anodeura ropa remunhu, ropa rake richadeurwawo nemunhu,+ nekuti Mwari akaita munhu nemufananidzo wake.+ 7 Asi imi, berekai muwande, muzadze nyika, muve vazhinji pairi.”+
8 Mwari akabva audza Noa nevanakomana vake vaaiva navo kuti: 9 “Ndava kuita sungano yangu nemi,+ nevana venyu vachatevera, 10 nezvisikwa zvese zvipenyu zvamuinazvo,* shiri, mhuka, nezvisikwa zvese zvipenyu zvepanyika zvamuinazvo, zvese zvakabuda muareka, zvisikwa zvese zvipenyu zvepanyika.+ 11 Sungano yandiri kuita nemi ndeiyi: Zvipenyu zvese hazvichazoparadzwizve* nemvura yemafashamo, uye nyika haichazoparadzwizve nemafashamo.”+
12 Mwari akatizve: “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandiri kuita nemi nezvisikwa zvese zvipenyu zvamuinazvo,* kwezvizvarwa zvese zvichatevera. 13 Ndaisa muraraungu wangu mumakore, uye uchava chiratidzo chesungano yandiri kuita nenyika. 14 Pese pandinounza makore pamusoro penyika, muraraungu uchabva waoneka mumakore. 15 Uye ndichayeuka sungano yangu yandakaita nemi, nezvisikwa zvese zvipenyu zvemarudzi ese;* uye mvura haichazoitizve mafashamo kuti iparadze nyama yese.+ 16 Muraraungu uchaoneka mumakore, uye ndichauona ndoyeuka sungano yacho isingagumi iri pakati paMwari nezvisikwa zvese zvipenyu zvemarudzi ese zviri panyika.”*
17 Mwari akadzokorora kuna Noa kuti: “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nezvisikwa zvese zvipenyu zviri panyika.”+
18 Vanakomana vaNoa vakabuda muareka vaiva Shemu, Hamu, naJafeti.+ Hamu ndiye akazobereka Kenani.+ 19 Vatatu ava ndivo vaiva vanakomana vaNoa, uye vanhu vese vari panyika vakabva kwavari vakapararira nenyika.+
20 Noa akatanga kuita zvekurima, uye akadyara munda wemizambiringa. 21 Paakanwa waini, akadhakwa, uye akazvipfekenura ari mutende rake. 22 Hamu, baba vaKenani, akaona kusapfeka kwababa vake, uye akaenda panze kunoudza Shemu naJafeti. 23 Shemu naJafeti vakabva vatora nguo, vakaiisa pamapfudzi avo, vakapinda nenhendeshure. Vakafukidza kusapfeka kwababa vavo vasina kuvatarisa, saka havana kuona kusapfeka kwababa vavo.
24 Noa paakazomuka waini yapera ndokuziva zvaakanga aitwa nemwanakomana wake mudiki, 25 akati:
“Kenani ngaatukwe.+
Ngaave muranda wekupedzisira wehama dzake.”+
26 Akawedzera kuti:
“Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari waShemu,
Uye Kenani ngaave muranda wake.+
27 Mwari ngaape Jafeti nzvimbo yakakura,
Uye Jafeti ngaagare mumatende aShemu.
Kenani ngaavewo muranda wake.”
28 Noa akazorarama mamwe makore 350 pashure peMafashamo.+ 29 Saka pamwe chete, mazuva aNoa akasvika makore 950, achibva afa.
10 Iyi ndiyo nhoroondo yaShemu,+ Hamu, naJafeti, vanakomana vaNoa.
Vakava nevanakomana pashure peMafashamo.+ 2 Vanakomana vaJafeti vaiva Gomeri,+ Magogi,+ Madhai, Javhani, Tubhari,+ Mesheki,+ naTirasi.+
3 Vanakomana vaGomeri vaiva Ashkenazi,+ Rifati, naTogama.+
4 Vanakomana vaJavhani vaiva Erishaa,+ Tashishi,+ Kitimu,+ naDhodhanimu.
5 Vagari vepazvitsuwa vakapararira munyika dzavo vachibva kune ivava, maererano nemitauro yavo nemhuri dzavo uye nemarudzi avo.
6 Vanakomana vaHamu vaiva Kushi, Mizraimu,+ Puti,+ naKenani.+
7 Vanakomana vaKushi vaiva Sebha,+ Havhira, Sabta, Raama,+ naSabteka.
Vanakomana vaRaama vaiva Shebha naDhedhani.
8 Kushi akabereka Nimrodhi uyo akava munhu wekutanga kuva nesimba panyika. 9 Akava muvhimi ane simba aipesana naJehovha. Ndokusaka paine chirevo chekuti: “SaNimrodhi, muvhimi ane simba anopesana naJehovha.” 10 Umambo hwake hwakatangira paBhabheri,+ Ereki,+ Akadhi, neKarine,* munyika yeShinari.+ 11 Achibva kunyika iyoyo akaenda kuAsiriya,+ akavaka Ninivhi,+ Rehobhoti-Iri, Kara, 12 neReseni, yaiva pakati peNinivhi neKara: Iri ndiro guta guru.*
13 Mizraimu akabereka Rudhimu,+ Anamimu, Rehabhimu, Naftuhimu,+ 14 Patrusimu,+ Kasruhimu (tateguru wevaFiristiya),+ naKaftorimu.+
15 Kenani akabereka Sidhoni,+ dangwe rake, naHeti,+ 16 pamwe chete nevaJebhusi,+ vaAmori,+ vaGigashi, 17 vaHivhi,+ vaAki, vaSini, 18 vaAvhadhi,+ vaZemari, nevaHamati.+ Pashure pacho, mhuri dzevaKenani dzakazopararira. 19 Saka muganhu wevaKenani waitangira kuSidhoni kusvika kuGerari,+ pedyo neGaza,+ uchinobata kuSodhomu, Gomora,+ Adma, neZebhoimu,+ pedyo neRasha. 20 Ava ndivo vaiva vanakomana vaHamu maererano nemhuri dzavo uye mitauro yavo, maererano nenyika dzavo nemarudzi avo.
21 Shemu, tateguru wevanakomana vese vaEbheri+ uye munin’ina waJafeti mukuru kwavari vese,* akavawo nevana. 22 Vanakomana vaShemu vaiva Eramu,+ Asuri,+ Apakishadhi,+ Rudhi, naAramu.+
23 Vanakomana vaAramu vaiva Uzi, Haru, Geteri, naMashi.
24 Apakishadhi akabereka Shera,+ Shera akabereka Ebheri.
25 Ebheri akabereka vanakomana vaviri. Mumwe ainzi Peregi,*+ nekuti panguva yaakararama nyika yakaparadzaniswa.* Mumwe wacho ainzi Joktani.+
26 Joktani akabereka Arumodhadhi, Sherefi, Hazamavheti, Jera,+ 27 Hadhoramu, Uzari, Dhikra, 28 Obhari, Abhimaeri, Shebha, 29 Ofiri,+ Havhira, naJobhabhu; vese ava vaiva vanakomana vaJoktani.
30 Nharaunda yavaigara yaitangira kuMesha kusvika kuSefari, kumakomo ekuMabvazuva.
31 Ava ndivo vaiva vanakomana vaShemu maererano nemhuri dzavo uye mitauro yavo, maererano nenyika dzavo nemarudzi avo.+
32 Idzi ndidzo dzaiva mhuri dzevanakomana vaNoa maererano nemadzinza avo, uye maererano nemarudzi avo. Marudzi akapararira panyika achibva kwavari pashure peMafashamo.+
11 Nyika yese yakanga iine mutauro mumwe chete uye ichishandisa mashoko akafanana.* 2 Pavaifamba vakananga kumabvazuva, vakawana bani munyika yeShinari,+ vakatanga kugara imomo. 3 Vakatanga kutaurirana vachiti: “Uyai tikanye zvidhinha, tozvipisa nemoto.” Saka vakashandisa zvidhinha panzvimbo pematombo, uye bhitumini ndiyo yaiva dhaka ravo. 4 Vakabva vati: “Uyai tizvivakire guta uye shongwe inosvika kudenga, tizviitire zita rakakurumbira, kuti tisapararire nenyika.”+
5 Jehovha akabva aburuka kuti aone guta racho neshongwe yacho zvakanga zvavakwa nevanakomana vevanhu. 6 Jehovha akabva ati: “Ona! Vanhu ava vamwe chete, vane mutauro mumwe chete,+ uye izvi ndizvo zvavatanga kuita. Saka hapana chavangafunga kuita chavachatadza. 7 Uya tiburuke+ tinovhiringidza mutauro wavo kuti varege kunzwanana mitauro yavo.” 8 Saka Jehovha akavaparadzira nenyika yese+ vachibva ipapo, uye vakarega kuvaka guta racho zvishoma nezvishoma. 9 Ndokusaka rakatumidzwa kuti Bhabheri,*+ nekuti Jehovha akavhiringidza mutauro wenyika yese ipapo, uye Jehovha akavaparadzira nenyika yese vachibva ipapo.
10 Iyi ndiyo nhoroondo yaShemu.+
Shemu akanga aine makore 100 paakabereka Apakishadhi,+ uye Mafashamo akanga ava nemakore maviri apfuura. 11 Abereka Apakishadhi, Shemu akararama mamwe makore 500. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.+
12 Apakishadhi akararama makore 35, achibva abereka Shera.+ 13 Abereka Shera, Apakishadhi akararama mamwe makore 403. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
14 Shera akararama makore 30, achibva abereka Ebheri.+ 15 Abereka Ebheri, Shera akararama mamwe makore 403. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
16 Ebheri akararama makore 34, achibva abereka Peregi.+ 17 Abereka Peregi, Ebheri akararama mamwe makore 430. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
18 Peregi akararama makore 30, achibva abereka Reu.+ 19 Abereka Reu, Peregi akararama mamwe makore 209. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
20 Reu akararama makore 32, achibva abereka Serugu. 21 Abereka Serugu, Reu akararama mamwe makore 207. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
22 Serugu akararama makore 30, achibva abereka Nahori. 23 Abereka Nahori, Serugu akararama mamwe makore 200. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
24 Nahori akararama makore 29, achibva abereka Tera.+ 25 Abereka Tera, Nahori akararama mamwe makore 119. Uye akabereka vanakomana nevanasikana.
26 Tera akararama makore 70, achibva abereka Abramu,+ Nahori,+ naHarani.
27 Iyi ndiyo nhoroondo yaTera.
Tera akabereka Abramu, Nahori, naHarani; uye Harani akabereka Roti.+ 28 Baba vake Tera vachiri vapenyu, Harani akafira munyika yaakaberekerwa yeUri+ yevaKadheya.+ 29 Abramu naNahori vakaroora. Mudzimai waAbramu ainzi Sarai,+ uye mudzimai waNahori ainzi Mirika,+ mwanasikana waHarani. Harani aiva baba vaMirika naIska. 30 Sarai aishaya mbereko;+ akanga asina mwana.
31 Tera akazotora Abramu mwanakomana wake nemuzukuru wake Roti,+ mwanakomana waHarani, naSarai muroora wake, mudzimai waAbramu mwanakomana wake, akabuda navo muUri yevaKadheya vakananga kunyika yeKenani.+ Vakazosvika kuHarani+ vakatanga kugara ikoko. 32 Mazuva aTera akasvika makore 205. Tera akazofira muHarani.
12 Jehovha akati kuna Abramu: “Buda munyika yako usiye hama dzako nemba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza.+ 2 Ndichaita kuti uve rudzi rukuru, uye ndichakukomborera, ndoita kuti zita rako rive guru, uye uchava chikomborero.+ 3 Ndichakomborera vaya vanokukomborera, uye ndichatuka uya anokutuka,+ uye mhuri dzese dzepanyika dzichakomborerwa* nekwauri.”+
4 Saka Abramu akaenda sezvaakanga audzwa naJehovha, uye Roti akaenda naye. Abramu akanga ava nemakore 75 paakabva muHarani.+ 5 Abramu akatora Sarai+ mudzimai wake naRoti mwana wemukoma wake+ nezvinhu zvese zvavakanga vava nazvo pamwe nevanhu vavakanga vawana+ muHarani,* vakapinda munzira vakananga kunyika yeKenani.+ Pavakasvika kunyika yeKenani, 6 Abramu akafamba nemunyika yacho kusvikira asvika kunzvimbo inonzi Shekemu,+ pedyo nemiti mikuru yeMore.+ Panguva iyoyo vaKenani vaigara munyika yacho. 7 Jehovha akabva azviratidza kuna Abramu akati: “Ndichapa mwana*+ wako nyika iyi.”+ Saka akavakira Jehovha atari ipapo, uyo akanga azviratidza kwaari. 8 Akazobva ipapo akaenda kumakomo ari kumabvazuva kweBheteri,+ akadzika tende rake, Bheteri iri kumavirira uye Ai+ iri kumabvazuva. Akavakira Jehovha atari+ ipapo, akatanga kudana zita raJehovha.+ 9 Abramu akazoputsa musasa, akabva aramba achingotamisa-tamisa musasa akananga kuNegebhu.+
10 Munyika yacho makazova nenzara, Abramu akabva ananga kuIjipiti kuti anogara ikoko kwekanguva,*+ nekuti nzara yakanga yakanyanya munyika yacho.+ 11 Paakanga ava kupinda muIjipiti, akati kuna Sarai mudzimai wake: “Teerera unzwe! Ndinoziva kuti uri mukadzi ane runako.+ 12 Saka vaIjipiti pavachakuona, havamboregi kuti, ‘Uyu ndiye mudzimai wake.’ Vachabva vandiuraya, vosiya iwe uri mupenyu. 13 Ndinokumbirawo kuti utaure kuti uri hanzvadzi yangu, kuti ndiitirwe zvakanaka, uye kuti ndirege kuurayiwa.”*+
14 Abramu achingopinda muIjipiti, vaIjipiti vakabva vaona kuti mukadzi wacho akanga akanaka chaizvo. 15 Machinda aFarao akamuonawo, akatanga kumurumbidza kuna Farao, zvekuti mukadzi wacho akaendeswa kumba kwaFarao. 16 Sezvo Farao akanga atorwa mwoyo naSarai, akabata Abramu zvakanaka, akamupa makwai, mombe, madhongi, vashandirume, vashandikadzi, nengamera.+ 17 Jehovha akabva arova Farao neimba yake nezvirwere zvakaipisisa* nemhaka yaSarai, mudzimai waAbramu.+ 18 Saka Farao akashevedza Abramu akati: “Chii ichi chawakandiitira? Wakaregererei kundiudza kuti mudzimai wako? 19 Nei wakati ihanzvadzi yako?+ Ndanga ndava kutoda kumutora kuti ave mudzimai wangu. Mudzimai wako uyu. Chimutora uende!” 20 Saka Farao akaudza varume vake kuti varege Abramu achienda nemudzimai wake nezvese zvaaiva nazvo.+
13 Abramu akabva abuda muIjipiti ndokuenda kuNegebhu+ nemudzimai wake nezvese zvaaiva nazvo, pamwe naRoti. 2 Abramu akanga akapfuma zvikuru aine zvipfuwo, sirivha, negoridhe.+ 3 Akabva muNegebhu ndokunanga kuBheteri achitamisa-tamisa musasa ari munzira kusvikira asvika kunzvimbo yaimbova netende rake pakati peBheteri neAi,+ 4 paya paakanga ambovakira atari. Abramu akadana zita raJehovha ipapo.
5 Roti, uyo akanga achifamba pamwe chete naAbramu, aivawo nemakwai, mombe, nematende. 6 Saka nzvimbo yacho yakanga isisakwane kuti vagare pamwe chete; zvinhu zvavo zvakanga zvawandisa zvekuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete. 7 Izvi zvakaita kuti vafudzi vezvipfuwo zvaAbramu nevafudzi vezvipfuwo zvaRoti vapopotedzane. (Panguva iyoyo vaKenani nevaPerizi vaigara munyika yacho.)+ 8 Saka Abramu akati kuna Roti:+ “Ndapota zvangu, ngatiregei kupopotedzana uye vafudzi vedu ngavarege kupopotedzana, nekuti tiri hama nehama. 9 Handiti nyika yese iri pamberi pako? Ngatiparadzanei zvedu. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; asi kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.” 10 Saka Roti akatarisa, akaona kuti dunhu rese raJodhani+ raiva nzvimbo ine mvura (Jehovha asati aparadza Sodhomu neGomora), semunda waJehovha,+ senyika yeIjipiti, kusvikira kuZoari.+ 11 Roti akabva asarudza dunhu rese raJodhani, ndokutamisira musasa wake kumabvazuva. Saka vakaparadzana. 12 Abramu akagara munyika yeKenani, asi Roti akagara pakati pemaguta edunhu racho.+ Akazodzika tende rake pedyo neSodhomu. 13 Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vachitadzira Jehovha zvikuru.+
14 Jehovha akati kuna Abramu pashure pekuparadzana kwake naRoti: “Ndinokumbira kuti usimudze musoro, utarise uri pauri, kuchamhembe nekumaodzanyemba, uye kumabvazuva nekumavirira, 15 nekuti nyika yese yauri kuona, ndichakupa nemwana* wako kuti ive yako zvachose.+ 16 Uye ndichaita kuti vana* vako vave seguruva renyika, zvekuti kana paine munhu anogona kuverenga guruva renyika, vana* vako vanogona kuverengwawo.+ 17 Simuka, ufambe nenyika yacho uchiona kureba nekufara kwayo, nekuti ndichakupa nyika yacho.” 18 Saka Abramu akaramba achigara mumatende. Akazonogara pedyo nemiti mikuru yeMamre,+ iri muHebroni,+ uye akavakira Jehovha atari ipapo.+
14 Mumazuva aAmraferi mambo weShinari,+ Arioki mambo weErasari, Kedhoraomeri+ mambo weEramu,+ naTidhari mambo weGoimu, 2 vakarwa naBhera mambo weSodhomu,+ Bhisha mambo weGomora,+ Shinabhu mambo weAdma, naShemebheri mambo weZebhoimu,+ namambo weBhira, kureva Zoari. 3 Vese ava vakabatana muBani reSidhimu,+ kureva Gungwa reMunyu.*+
4 Vakanga vari pasi paKedhoraomeri kwemakore 12, asi mugore rechi13 vakamupandukira. 5 Saka mugore rechi14, Kedhoraomeri nemadzimambo aaiva nawo vakauya vakakunda vaRefaimu kuAshteroti-kanaimu, vaZuzimu kuHamu, vaEmimu+ kuShavhe-kiriyataimu, 6 nevaHori+ mugomo ravo reSeiri+ kusvikira kuEri-parani, iri mugwenga. 7 Vakabva vadzoka, vakasvika paEni-mishpati, kureva Kadheshi,+ vakakunda nyika yese yevaAmareki+ uyewo vaAmori+ vaigara muHazazoni-tamari.+
8 Panguva iyi, mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdma, mambo weZebhoimu, namambo weBhira, kureva Zoari, vakafora, vakagadzirira kurwisana navo muBani reSidhimu, 9 kurwisana naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoimu, Amraferi mambo weShinari, naArioki mambo weErasari,+ madzimambo mana achirwa nemashanu. 10 Zvino Bani reSidhimu rakanga rakazara nemakomba ebhitumini, uye madzimambo eSodhomu neGomora akaedza kutiza akawira maari, uye vaya vakasara vakatizira kumakomo. 11 Vakanga vakunda vacho vakabva vatora zvinhu zvese zveSodhomu neGomora nezvekudya zvavo zvese vachibva vaenda.+ 12 Vakatorawo Roti, mwanakomana wemukoma waAbramu, uyo aigara muSodhomu,+ vakaenda naye nezvinhu zvake.
13 Izvi zvaitika, mumwe murume akanga apukunyuka akauya akaudza Abramu muHebheru. Panguva iyoyo Abramu aigara pakati pemiti mikuru yaMamre muAmori,+ munin’ina waEshkori naAneri.+ Varume ava vakanga vakabatana naAbramu. 14 Saka Abramu akanzwa kuti mwana wemukoma wake+ akanga atapwa.* Paakanzwa izvi, akaunganidza varume vake vakadzidziswa kurwa, varanda 318 vakaberekerwa muimba yake, akavatevera kusvikira kuDhani.+ 15 Hwava usiku, akakamura mauto ake, uye iye nevaranda vake, vakavarwisa, vakavakunda. Akaramba achivadzingirira kusvikira kuHobha, iri kuchamhembe kweDhamasiko. 16 Akatora zvinhu zvese zvakanga zvapambwa, akanunurawo Roti hama yake, nezvinhu zvake, nevakadzi, nevamwewo vanhu.
17 Abramu paakadzoka achibva kunokunda Kedhoraomeri nemadzimambo aaiva nawo, mambo weSodhomu akabuda kunomuchingura muBani reShavhe, kureva Bani raMambo.+ 18 Uye Merekizedheki+ mambo weSarema+ akauya nechingwa newaini; aiva mupristi waMwari Wekumusorosoro.+
19 Akabva amukomborera achiti:
“Abramu ngaakomborerwe naMwari Wekumusorosoro,
Musiki wedenga nenyika;
20 Mwari Wekumusorosoro ngaarumbidzwe,
Aisa vadzvinyiriri vako muruoko rwako!”
Abramu akabva amupa chegumi chezvinhu zvese.+
21 Mambo weSodhomu akazoti kuna Abramu: “Ndipe vanhu, wotora hako zvinhu.” 22 Asi Abramu akati kuna mambo weSodhomu: “Ndinosimudza ruoko rwangu ndichipika kuna Jehovha Mwari Wekumusorosoro, Musiki wedenga nenyika, 23 kuti, handisi kuzotora chinhu pazvinhu zvenyu, kubvira pashinda kusvikira patambo yeshangu, kuti musazoti, ‘Ndakapfumisa Abramu.’ 24 Hapana chandiri kuzotora kunze kwezvakatodyiwa nemajaya angu. Asi kana vari varume vakaenda neni, Aneri, Eshkori, naMamre,+ ngavatore havo mugove wavo.”
15 Pashure peizvi, Jehovha akataura naAbramu muchiratidzo, achiti: “Abramu, usatya.+ Ndiri nhoo yako.+ Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.”+ 2 Abramu akapindura kuti: “Changamire Ishe Jehovha, muchandipei, imi muchiona kuti handina mwana uye kuti achagara nhaka imba yangu ndiEriyezeri,+ munhu wekuDhamasiko?” 3 Abramu akatizve: “Hamuna kundipa mwana,*+ uye muranda weimba yangu ndiye achandigara nhaka.” 4 Asi Jehovha akamupindura kuti, “Munhu uyu haasi kuzokugara nhaka, asi mwanakomana wako pachako* ndiye achakugara nhaka.”+
5 Akabva abuda naye panze akati: “Ndinokumbira kuti utarise kumusoro kudenga uverenge nyeredzi, kana uchikwanisa kudziverenga.” Akabva ati kwaari: “Ndizvo zvichaita vana* vako.”+ 6 Akatenda muna Jehovha,+ akanzi akarurama.+ 7 Akabva atizve: “Ndini Jehovha, akakubudisa muUri yevaKadheya kuti ndikupe nyika iyi kuti ive yako.”+ 8 Iye akatiwo: “Changamire Ishe Jehovha, ndichazviziva sei kuti ichava yangu?” 9 Akabva amupindura kuti: “Nditorere tsiru rine makore matatu, mbudzi hadzi ine makore matatu, gondohwe rine makore matatu, njiva, nehangaiwa diki.” 10 Saka akatora zvese izvi akazvitsemura nepakati, akaisa rutivi rumwe nerumwe rwazvo rwakatarisana nerumwe, asi shiri haana kudzitsemura. 11 Shiri dzinodya nyama dzakabva dzatanga kumhara pamitumbi yacho, Abramu ndokuramba achidzidzinga.
12 Zuva parakanga rava kuvira, Abramu akabatwa nehope huru uye rima gobvu, rinotyisa kwazvo rakamufukidza. 13 Akabva ati kuna Abramu: “Ziva kuti zvichatoitika kuti vana* vako vachava vatorwa munyika isiri yavo uye kuti vanhu vemo vachavaita varanda vovatambudza kwemakore 400.+ 14 Asi ndichatonga rudzi ruchavaita varanda,+ uye vachazobuda nezvinhu zvizhinji.+ 15 Asi iwe, uchaenda kumadzitateguru ako nerugare; uchavigwa wanyatsokwegura.+ 16 Asi vana vako vachadzoka kuno+ pachizvarwa chechina, nekuti chivi chevaAmori hachisati chasvika pakuipisisa.”+
17 Zuva parakanga ravira uye kwasviba zvikuru, choto chaipfungaira chakangooneka, uye zhenje remoto rakapfuura nepakati penyama yacho. 18 Zuva iroro Jehovha akaita sungano naAbramu,+ achiti: “Ndichapa vana* vako nyika ino,+ kubvira kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, rwaYufratesi:+ 19 nyika yevaKeni,+ yevaKenizi, yevaKadmoni, 20 yevaHiti,+ yevaPerizi,+ yevaRefaimu,+ 21 yevaAmori, yevaKenani, yevaGigashi, uye yevaJebhusi.”+
16 Sarai mudzimai waAbramu, akanga asina kumuberekera vana,+ asi aiva nemuranda wechiIjipiti ainzi Hagari.+ 2 Saka Sarai akati kuna Abramu: “Jehovha aita kuti ndisava nevana. Ndinokumbirawo kuti murare nemuranda wangu. Zvichida angandiberekera vana.”+ Abramu akateerera zvakataurwa naSarai. 3 Abramu akanga ava nemakore gumi ari munyika yeKenani, mudzimai wake Sarai paakatora Hagari, muranda wake wechiIjipiti, achimupa Abramu murume wake kuti ave mudzimai wake. 4 Saka akarara naHagari, akabata pamuviri. Hagari paakaziva kuti akanga ava nepamuviri, akatanga kutsvinyira tenzikadzi wake.
5 Sarai akati kuna Abramu: “Zvakaipa zvandiri kuitirwa imhosva yenyu. Ndini ndakaisa muranda wangu mumaoko enyu,* asi paakangoziva kuti ava nepamuviri, akatanga kunditsvinyira. Jehovha ngaatonge pakati pangu nemi.” 6 Abramu akabva ati kuna Sarai: “Inzwaka! Muranda wako ari muruoko rwako. Muitire zvakakunakira.” Sarai akabva atanga kumubata zvakaipa, uye Hagari akatiza.
7 Ngirozi yaJehovha yakazomuwana musango ari pachitubu chemvura, chitubu chaiva panzira inoenda kuShuri.+ 8 Yakati: “Hagari, muranda waSarai, wabva kupi uye uri kuenda kupi?” Iye akapindura kuti: “Ndiri kutiza tenzikadzi wangu Sarai.” 9 Ngirozi yaJehovha yakabva yati kwaari: “Dzokera kuna tenzikadzi wako uzviise pasi pake.”* 10 Ngirozi yaJehovha yakabva yati: “Ndichaita kuti vana vako vave vazhinji kwazvo, zvekuti havazomboverengeki nekuwanda kwavo.”+ 11 Ngirozi yaJehovha yakatizve: “Iye zvino une pamuviri, uchabereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Ishmaeri,* nekuti Jehovha anzwa kutambudzika kwako. 12 Iye achava sedhongi remusango.* Acharwisana nevanhu vese, uye vanhu vese vacharwisana naye, uye achagara ari kudivi rake ega, hama dzake dzese dziri kune rimwe divi.”*
13 Akabva adana zita raJehovha, uyo akanga achitaura naye. Akati: “Muri Mwari anoona,”+ nekuti akati: “Chokwadi ndini here ndakwanisa kutarisa uyo anondiona?” 14 Ndokusaka tsime racho rakatumidzwa kuti Bheeri-rahai-roi.* (Riri pakati peKadheshi neBheredhi.) 15 Hagari akazoberekera Abramu mwanakomana, uye Abramu akatumidza mwanakomana wake, akaberekwa naHagari, kuti Ishmaeri.+ 16 Abramu akanga ava nemakore 86 paakaberekerwa Ishmaeri naHagari.
17 Abramu paakanga ava nemakore 99, Jehovha akazviratidza kuna Abramu, akati kwaari: “Ndini Mwari Wemasimbaose. Famba pamberi pangu uve asina mhosva.* 2 Ndichaita sungano yangu newe,+ uye ndichaita kuti vana vako vawande kwazvo.”+
3 Abramu akabva apfugama, akadzikisa musoro wake, uye Mwari akaramba achitaura naye, achiti: 4 “Ndakaita sungano newe,+ uye uchava baba vemarudzi mazhinji.+ 5 Hauchazonzizve Abramu;* uchanzi Abrahamu,* nekuti ndichaita kuti uve baba vemarudzi mazhinji. 6 Ndichaita kuti ubereke kwazvo, uye ndichaita kuti uve marudzi, uye madzimambo achabuda mauri.+
7 “Ndichachengeta sungano yangu yandakaita newe+ uye nemwana* wako anokutevera kwezvizvarwa nezvizvarwa, kuti ive sungano isingagumi, kuti ndive Mwari kwauri nekumwana* wako anokutevera. 8 Ndichapa iwe nemwana* wako anokutevera nyika yawaigara semutorwa,+ iyo nyika yese yeKenani, kuti ive nhaka yavo nekusingagumi, uye ndichava Mwari wavo.”+
9 Mwari akatizve kuna Abrahamu: “Kana uri iwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nevana* vako vachakutevera kwezvizvarwa nezvizvarwa. 10 Iyi ndiyo sungano yangu nemi, yauchachengeta iwe nevana* vako vachakutevera: Vanhurume vese vari pakati penyu vanofanira kuchecheudzwa.+ 11 Munofanira kuchecheudza zvikanda zvenyu zvepamberi, uye chichava chiratidzo chesungano pakati pangu nemi.+ 12 Muzvizvarwa zvenyu zvese, vanakomana vese vari pakati penyu vava nemazuva 8 vaberekwa vanofanira kuchecheudzwa,+ munhu wese anoberekerwa mumba mako uye munhu wese asiri mwana wako uye akatengwa nemari kumutorwa. 13 Varume vese vanoberekerwa mumba mako nevarume vese vaunotenga nemari yako, vanofanira kuchecheudzwa,+ uye sungano yangu iri panyama yenyu inofanira kuva sungano inogara iripo. 14 Kana pakava nemunhurume asingachecheudzwi chikanda chake chepamberi, munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pevanhu vake.* Atyora sungano yangu.”
15 Mwari akabva ati kuna Abrahamu: “Sarai*+ mudzimai wako, usamushevedza kuti Sarai, nekuti Sara* ndiro richava zita rake. 16 Ndichamukomborera, uyewo ndichaita kuti akuberekere mwanakomana;+ ndichamukomborera uye achava marudzi; madzimambo emarudzi achabva kwaari.” 17 Abrahamu akabva apfugama, akadzikisa musoro wake akatanga kuseka uye kuti nechemumwoyo:+ “Munhu ane makore 100 angabereka mwana here, uye Sara, mukadzi ane makore 90, angabereka here?”+
18 Saka Abrahamu akati kuna Mwari wechokwadi: “Dai mukakomborera Ishmaeri!”+ 19 Mwari akabva ati: “Chokwadi Sara mudzimai wako achakuberekera mwanakomana, uye umutumidze kuti Isaka.*+ Ndichaita kuti sungano yangu naye nevana* vake vachamutevera ive sungano isingagumi.+ 20 Asi panyaya yaIshmaeri, ndakunzwa. Ndichamukomborera, ndoita kuti abereke, uye ndichaita kuti awande kwazvo. Achabereka machinda 12, uye ndichamuita kuti ave rudzi rukuru.+ 21 Asi ndichaita sungano yangu naIsaka,+ wauchaberekerwa naSara panguva ino gore rinouya.”+
22 Mwari paakapedza kutaura naAbrahamu, akabva aenda. 23 Abrahamu akabva atora Ishmaeri mwanakomana wake, nevarume vese vakaberekerwa mumba make, nevarume vese vaakatenga nemari, vanhurume vese pavarume veimba yaAbrahamu, akachecheudza zvikanda zvavo zvepamberi pazuva iroro chairo, sezvaakanga audzwa naMwari.+ 24 Abrahamu akanga ava nemakore 99 paakachecheudzwa chikanda chake chepamberi.+ 25 Uye Ishmaeri mwanakomana wake akanga ava nemakore 13 paakachecheudzwa chikanda chake chepamberi.+ 26 Pazuva iroro chairo, Abrahamu akachecheudzwa pamwe chete nemwanakomana wake Ishmaeri. 27 Varume vese veimba yake, munhu wese akaberekerwa mumba make uye munhu wese akatengwa nemari kumutorwa, vakachecheudzwawo pamwe chete naye.
18 Jehovha+ akazozviratidza kwaari pamiti mikuru yeMamre,+ paakanga akagara pasuo retende masikati kwava kupisa. 2 Akasimudza musoro, akaona varume vatatu vakamira kwakadaro uko.+ Paakavaona, akavamhanyira achibva pasuo retende, akabva akotama pasi. 3 Akabva ati: “Jehovha, kana mandinzwira nyasha, ndapota musapfuura pamushumiri wenyu. 4 Ndapota, regai muunzirwe mvura shomanana uye mugezwe tsoka dzenyu;+ mogara pasi pemuti. 5 Sezvo mauya kumushumiri wenyu, regai ndikuunzirei kachingwa muwane simba,* mozopfuura henyu.” Ivo vakabva vati: “Zvakanaka. Ita hako zvawataura.”
6 Saka Abrahamu akamhanyira kutende kwaiva naSara akati: “Kurumidza! Tora zviyero zvitatu* zvefurawa yakatsetseka, woikanya, wobika chingwa.” 7 Abrahamu akamhanyirazve kwaiva nemombe, akasarudza chigondora chakanaka chine nyama yakapfava. Akachipa mushandi, uyo akakurumidza kuchigadzira. 8 Akabva atora mukaka neruomba nenyama yaakanga agadzira akazviisa pamberi pavo. Akamira pedyo navo pasi pemuti pavakanga vachidya.+
9 Vakati kwaari: “Mudzimai wako Sara+ ari kupi?” Akapindura kuti: “Ari mutende umu.” 10 Mumwe wavo akaenderera mberi achiti: “Chokwadi ndichadzoka kwauri gore rinouya panguva ino, uye mudzimai wako Sara achava nemwanakomana.”+ Ipapo Sara akanga achiteerera ari pasuo retende, raiva shure kwemurume wacho. 11 Abrahamu naSara vakanga vakwegura, vava nemakore mazhinji.+ Sara akanga apfuura zera rekuita mwana.*+ 12 Saka Sara akasekera mumwoyo achiti: “Nekuchembera kwandaita uku uye nekukura kwaita ishe wangu, ndingawanawo mufaro wakadaro here?”+ 13 Jehovha akabva ati kuna Abrahamu: “Nei Sara aseka achiti, ‘Nekuchembera kwandaita uku ndingabereka mwana here?’ 14 Pane chinhu chingaomera Jehovha here?+ Ndichadzoka kwauri gore rinouya panguva ino, uye Sara achava nemwanakomana.” 15 Asi Sara akatanga kuramba, achiti, “Handina kumboseka ini!” nekuti aitya. Iye akabva ati: “Aiwa! Waseka.”
16 Varume vacho pavakasimuka kuti vachienda, vakatarisa zasi nechekuSodhomu;+ Abrahamu akanga achifamba navo achivaperekedza. 17 Jehovha akati: “Ndicharamba ndichivanzira Abrahamu zvandiri kuda kuita here?+ 18 Abrahamu achava rudzi rukuru uye rune simba, uye marudzi ese epanyika achakomborerwa* nekwaari.+ 19 Nekuti ndava kumuziva kuitira kuti arayire vanakomana vake, neimba yake inomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha vachiita zvakarurama uye vachitonga zvakarurama,+ kuti Jehovha azadzise zvaakavimbisa nezvaAbrahamu.”
20 Jehovha akabva ati: “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru zvechokwadi,+ uye chivi chavo chikuru kwazvo.+ 21 Ndichaburuka kuti ndione kana kuchema kwakasvika kwandiri nezvezvavari kuita chiri chokwadi. Kana chisiri, ndichazviziva.”+
22 Varume vacho vakabva ipapo vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Jehovha+ akasara aina Abrahamu. 23 Abrahamu akabva aswedera pedyo akati: “Mungaparadza vakarurama pamwe chete nevakaipa here?+ 24 Ngatitii muguta racho mune vanhu 50 vakarurama. Muchabva mavaparadza morega kukanganwira guta racho nekuda kwe50 vakarurama vari mariri here? 25 Hamungambofungi kuita saizvozvo, kuuraya munhu akarurama pamwe chete neakaipa zvekuti munhu akarurama anoitirwa zvakafanana nezvinoitirwa akaipa!+ Hamungambofungi zvakadaro.+ Mutongi wenyika yese angatadza kuita zvakarurama here?”+ 26 Jehovha akabva ati: “Kana ndikawana muguta reSodhomu vanhu 50 vakarurama, ndichakanganwira guta racho rese nekuda kwavo.” 27 Asi Abrahamu akabva atizve: “Ndapota, tarisai ndazvishingisa kutaura naJehovha, ini ndiri guruva nemadota. 28 Ngatitii pavakarurama vacho 50 pabviswa vashanu. Mungaparadza guta rese nekuda kwevashanu ivavo here?” Iye akati: “Handingariparadzi kana ndikawana 45 vakarurama imomo.”+
29 Asi akataurazve naye akati: “Ngatitii 40 vawanikwa imomo.” Akapindura kuti: “Handingazviiti nekuda kwe40 vacho.” 30 Asi akaenderera mberi achiti: “Ndapota, Jehovha, musatsamwa,+ asi regai ndirambe ndichitaura: Ngatitii 30 chete vawanikwa imomo.” Akapindura kuti: “Handingazviiti kana ndikawana 30 imomo.” 31 Asi akatizve: “Ndapota, ndazvishingisa kutaura naJehovha: Ngatitii 20 chete vawanikwa imomo.” Akapindura kuti: “Handingariparadzi nekuda kwe20 vacho.” 32 Akazoti: “Ndapota, Jehovha, musatsamwa, asi regai ndichingotaura kekupedzisira: Ngatitii 10 vawanikwa imomo.” Akapindura kuti: “Handingariparadzi nekuda kwe10 vacho.” 33 Jehovha paakapedza kutaura naAbrahamu, akabva aenda+ uye Abrahamu akadzokera kutende rake.
19 Ngirozi dziya mbiri dzakasvika kuSodhomu manheru, uye Roti akanga akagara pagedhi reSodhomu. Roti paakadziona, akasimuka kuti adzichingure, akapfugama, akadzikisa musoro wake.+ 2 Akati: “Ndapota, madzishe angu, ndapota, tsaukirai kumba kwemuranda wenyu, mugezwe tsoka dzenyu, morara. Munogona kuzomukira henyu mosimudzira nerwendo rwenyu.” Idzo dzikati: “Aiwa, ticharara hedu pamusika.” 3 Asi akadziteterera kwazvo zvekuti dzakaenda naye kumba kwake. Akabva adzigadzirira zvekudya zvakawanda, akabika chingwa chisina mbiriso, dzikadya.
4 Vasati vatomborara, varume veguta racho, ivo varume veSodhomu, kubvira pamukomana kusvikira kumukweguru, vese vakakomba imba yacho vari mhomho. 5 Vaishevedzera kuna Roti vachiti kwaari: “Varume vapinda mumba mako usiku huno vari kupi? Vabudise utipe, tirare navo.”+
6 Roti akabva abuda panze pavaiva, achibva avhara suo. 7 Akati: “Ndapota, hama dzangu, musaita zvakaipa. 8 Ndapota, onai ndine vanasikana vaviri vasati vamborara nemurume. Ndapota, regai ndivabudise ndikupei muite henyu zvamunoda navo. Asi musaita kana chii zvacho nevarume ava, nekuti ivo vaenzi mumba mangu.”*+ 9 Vakati: “Sudurukira uko!” Vakatizve: “Mutorwa uyu asina hama akauya kuzogara muno asi ava kuda kutotitonga! Tava kuzokuitira zvinopfuura zvatiri kuda kuvaitira.” Vakabva vamomotera Roti, ndokuswedera pedyo kuti vapaze suo. 10 Varume vacho* vakabva vatambanudzira maoko avo panze vakapinza Roti mumba mavakanga vari, vakavhara suo. 11 Asi vakapofumadza varume vakanga vari pasuo remba, kubvira kumudiki kusvika kumukuru, zvekuti vakasvika pakuneta vachitsvaga pane suo.
12 Varume vacho vakabva vati kuna Roti: “Une dzimwe hama here muno? Vakuwasha, vanakomana vako, vanasikana vako, nevanhu vako vese vari muguta, vabudise munzvimbo ino! 13 Tiri kuda kuparadza nzvimbo ino, nekuti Jehovha+ anzwa kunyunyuta kukuru kuri kuitwa pamusoro peguta rino, saka Jehovha atituma kuzoriparadza.” 14 Saka Roti akabuda akatanga kutaura nevakuwasha vake vaida kuroora vanasikana vake achiti: “Simukai! Budai munzvimbo ino, nekuti Jehovha ari kuda kuparadza guta rino!” Asi vakuwasha vake vaiona sekuti ari kutamba zvake.+
15 Ava mambakwedza, ngirozi dzakabva dzakurumidzisa Roti, dzichiti: “Simuka! Tora mudzimai wako nevanasikana vako vaviri vauinavo muno, kuti murege kuparadzwawo panoparadzwa guta rino nemhaka yezvivi zvaro!”+ 16 Paakaramba achingotenderera-tenderera, varume vacho vakabata ruoko rwake nerwemudzimai wake pamwe nemaoko evanasikana vake vaviri, vakamubudisa ndokumumisa kunze kweguta+ nekuti akanga anzwirwa tsitsi+ naJehovha. 17 Pavakangovasvitsa kumucheto, mumwe wavo akati: “Tiza kuti upone!* Usacheuka+ uye hapana paunofanira kumira muruwa rwacho rwese!+ Tizira kumakomo kuti urege kuparadzwa!”
18 Roti akabva ati kwavari: “Aiwa Jehovha, musandiendesa ikoko ndapota! 19 Manzwira mushumiri wenyu nyasha uye muri kundiratidza mutsa wakakura,* nekundichengetedza ndiri mupenyu,*+ asi handikwanisi kutizira kumakomo nekuti ndinotya kuti dambudziko ringangondiwira ndikafa.+ 20 Guta iri riri pedyo uye ndinogona kutizira ikoko; kanongova kanzvimbo kadiki. Ndinokumbirawo kutizira ikoko. Kanongova kanzvimbo kadiki. Uye ndichapona.”* 21 Saka akati kwaari: “Zvakanaka, ndichateerera chikumbiro chako,+ ndorega kuparadza guta rawataura.+ 22 Kurumidza! Tizira ikoko, nekuti handina zvandinogona kuita kana usati wasvika ikoko!”+ Ndokusaka akatumidza guta racho kuti Zoari.*+
23 Zuva rakanga rabuda pakasvika Roti kuZoari. 24 Jehovha akabva anayisa sarufa nemoto paSodhomu neGomora; zvaibva kudenga+ kuna Jehovha. 25 Saka akaparadza maguta aya, ruwa rwacho rwese, kusanganisira vagari vese vemumaguta acho nezvese zvakanga zvakamera.+ 26 Asi mudzimai waRoti, uyo akanga ari kumashure kwake, akatanga kucheuka, akabva ava shongwe yemunyu.+
27 Abrahamu akabva afumoenda kunzvimbo yaakanga ambomira pamberi paJehovha.+ 28 Paakatarisa nechekuSodhomu neGomora uye nenyika yese yeruwa rwacho, zvaakaona zvakamutyisa. Kwakanga kuine utsi hutema-tema hwaikwira huchibva panyika yacho seutsi hutema-tema hwebisiro!*+ 29 Saka Mwari paakaparadza maguta eruwa rwacho, Mwari akayeuka Abrahamu nekubudisa Roti mumaguta aakaparadza, maguta akanga achigarwa naRoti.+
30 Roti akazobva kuZoari pamwe nevanasikana vake vaviri akatanga kugara mumakomo,+ nekuti aitya kugara muZoari.+ Saka akatanga kugara mubako nevanasikana vake vaviri. 31 Mukuru wacho akati kumunin’ina wake: “Baba vedu vakwegura, uye hakuna murume munyika ino wekuti arare nesu sezvinongoitwawo nevanhu vese panyika. 32 Uya tipe baba vedu waini vanwe, torara navo, kuti tichengetedze rudzi kubva kuna baba vedu.”
33 Saka usiku ihwohwo vakaramba vachipa baba vavo waini kuti vanwe; mukuru wacho akabva apinda akarara nababa vake, asi havana kuziva paakarara nepaakamuka. 34 Zuva rakatevera, mukuru wacho akabva ati kumudiki wacho: “Ndakarara nababa usiku hwapfuura. Ngativapeizve waini vanwe usiku huno, iwe wopindawo worara navo, tichengetedze rudzi kubva kuna baba vedu.” 35 Saka usiku ihwohwo zvakare, vakaramba vachipa baba vavo waini; mudiki wacho akabva aenda akarara navo, asi havana kuziva paakarara nepaakamuka. 36 Saka vanasikana vaviri vaRoti vakava nepamuviri pababa vavo. 37 Mukuru wacho akabereka mwanakomana akamutumidza kuti Moabhi.+ Ndiye baba wevaMoabhi variko iye zvino.+ 38 Mudiki wacho akaberekawo mwanakomana akamutumidza kuti Bheni-ami. Ndiye baba wevaAmoni+ variko iye zvino.
20 Abrahamu akabva atamisa musasa wake kubva ipapo,+ akaenda kunyika yeNegebhu, akatanga kugara pakati peKadheshi+ neShuri.+ Paakanga achigara* muGerari,+ 2 Abrahamu akatizve nezvaSara mudzimai wake: “Ihanzvadzi yangu.”+ Saka Abhimereki mambo weGerari akatumira shoko kuti aunzirwe Sara, akabva amutora.+ 3 Mwari akazouya kuna Abhimereki kuhope usiku akati kwaari: “Wangofanana nemunhu akafa nemhaka yemukadzi wawatora,+ nekuti akaroorwa, mukadzi wemunhu.”+ 4 Asi Abhimereki akanga asina kuswedera pedyo naye.* Saka akati: “Jehovha, mungauraya rudzi rusina mhosva* here? 5 Handiti ndiye akati kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu,’ naiyewo mukadzi wacho akati, ‘Ihanzvadzi yangu’? Izvi ndakazviita ndisina pfungwa yekuita zvakaipa uye handina kumboziva kuti ndiri kukanganisa.”* 6 Mwari wechokwadi akabva ati kwaari kuhope: “Ndinoziva kuti wakazviita usina pfungwa yekuita zvakaipa, saka ndakakudzivisa kuti urege kunditadzira. Ndokusaka ndisina kukubvumira kumubata. 7 Iye zvino chimudzorera mudzimai wake nekuti murume wacho muprofita,+ uye achakunyengeterera+ uye iwe ucharamba uchirarama. Asi kana ukasamudzorera, ziva kuti zvechokwadi uchafa, pamwe nevanhu vako vese.”
8 Abhimereki akafumomuka, akashevedza vashandi vake vese, akavaudza zvese izvi, uye vakatya zvikuru. 9 Abhimereki akabva ashevedza Abrahamu akati kwaari: “Chiiko chawakatiitira ichi? Ndakakutadzirei zvekuti ungaunza chivi chikuru kudaro pandiri nepaumambo hwangu? Zvawakandiitira hazvina kunaka.” 10 Abhimereki akaenderera mberi achiti kuna Abrahamu: “Wakazviitireiko?”+ 11 Abrahamu akati: “Ndakazviita nekuti ndakafunga kuti, ‘Chokwadi munzvimbo ino hamuna vanhu vanotya Mwari, saka vachandiuraya kuti vatore mudzimai wangu.’+ 12 Asi pasinei naizvozvo, iye ihanzvadzi yangu zvechokwadi, mwanasikana wababa vangu, asi vanaamai vedu vakasiyana, uye akazova mudzimai wangu.+ 13 Saka Mwari paakaita kuti ndifambe nenyika ndichibva muimba yababa vangu,+ ndakaudza mudzimai wangu kuti: ‘Aya ndiwo maratidziro auchaita kuti unonyatsondida:* Kwese kwatichaenda, iti nezvangu, “Ihanzvadzi yangu.”’”+
14 Abhimereki akabva atora makwai nemombe uye vashandirume nevashandikadzi akazvipa Abrahamu, uye akamudzorera mudzimai wake Sara. 15 Abhimereki akatiwo: “Unogona hako kugara munyika yangu. Gara chero paunoda.” 16 Uye kuna Sara akati: “Ona ndiri kupa hanzvadzi yako+ masirivha 1 000. Ichi chiratidzo chekuti hauna mhosva* kuvanhu vese vauinavo uye pamberi pevamwe vese, uye hapana achakushora.” 17 Abrahamu akateterera Mwari wechokwadi, uye Mwari akaporesa Abhimereki nemudzimai wake nevarandasikana vake, vakatanga kubereka vana; 18 nekuti Jehovha akanga aita kuti vakadzi vese veimba yaAbhimereki vasabata pamuviri* nemhaka yaSara, mudzimai waAbrahamu.+
21 Jehovha akayeuka Sara sezvaakanga ataura, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.+ 2 Saka Abrahamu paakanga akwegura, Sara akava nepamuviri,+ akamuberekera mwanakomana, panguva yakanga yavimbiswa naMwari.+ 3 Abrahamu akatumidza mwanakomana wake waakanga aberekerwa naSara kuti Isaka.+ 4 Uye Abrahamu akachecheudza mwanakomana wake Isaka paakanga ava nemazuva 8, sezvaakanga arayirwa naMwari.+ 5 Abrahamu akanga ava nemakore 100 pakaberekwa Isaka mwanakomana wake. 6 Sara akabva ati: “Mwari aita kuti ndisekwe; vese vanozvinzwa vachaseka neni.”* 7 Akatizve: “Ndiani aimbofunga kuti Sara mudzimai waAbrahamu achayamwisa vana? Asi ndamuberekera mwanakomana iye akwegura.”
8 Mwana wacho akakura akazorumurwa, uye Abrahamu akaita mabiko makuru pazuva rakarumurwa Isaka. 9 Asi Sara aiona kuti mwanakomana waHagari+ muIjipiti, waakanga aberekera Abrahamu, aitsvinyira Isaka.+ 10 Saka akati kuna Abrahamu: “Dzinga murandasikana uyu nemwanakomana wake, nekuti mwanakomana wemurandasikana uyu haasi kuzova mugari wenhaka pamwe nemwanakomana wangu, Isaka!”+ 11 Asi Abrahamu haana kufara nezvakataurwa naSara nezvemwanakomana wake.+ 12 Mwari akabva ati kuna Abrahamu: “Usagumburwa nezvauri kutaurirwa naSara nezvemukomana uyu, uye nezvemurandasikana wako. Teerera zvaari kutaura, nekuti uya achanzi mwana wako* achauya nekuna Isaka.+ 13 Kana ari mwanakomana wemurandasikana,+ ndichaitawo kuti rudzi rubve maari, nekuti mwana wako.”*+
14 Saka Abrahamu akafumomuka akapa Hagari chingwa, nehomwe yedehwe ine mvura. Akamutakudza papfudzi akamuendesa pamwe chete nemukomana wacho.+ Saka akaenda, akatanga kungodzungaira murenje reBheeri-shebha.+ 15 Mvura yakanga iri muhomwe yedehwe yakazopera, uye Hagari akasundidzira mukomana wacho muzasi megwenzi. 16 Akabva aenda akanogara pasi ari pake ega, chinhambwe chingasvika museve kana wapfurwa, nekuti akati: “Handisi kuda kuona mukomana wacho achifa.” Saka akagara pasi ari kure zvishoma, akatanga kuchema achiridza mhere.
17 Mwari akanzwa inzwi remukomana wacho,+ ngirozi yaMwari ikashevedzera kuna Hagari iri kudenga ichiti:+ “Zvaita seiko nhai Hagari? Usatya, nekuti Mwari anzwa inzwi remukomana paari ipapo. 18 Simuka, simudza mukomana umubate neruoko rwako, nekuti ndichamuita rudzi rukuru.”+ 19 Mwari akabva asvinudza maziso ake, akaona tsime remvura, akaenda akazadza mvura muhomwe yake yedehwe, ndokunwisa mukomana wacho. 20 Mukomana wacho akakura Mwari ainaye.+ Aigara murenje uye aivhima achishandisa uta nemuseve. 21 Akazonogara murenje reParani,+ uye amai vake vakamuwanira mudzimai kunyika yeIjipiti.
22 Panguva iyoyo Abhimereki pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake vakati kuna Abrahamu: “Mwari anewe pazvinhu zvese zvauri kuita.+ 23 Saka ndipikire pano naMwari kuti hauzondinyengeri ini nevana vangu nevazukuru vangu, uye kuti uchandibata ini, nenyika yauri kugara, semabatiro andiri kukuita nerudo rusingachinji.”+ 24 Abrahamu akabva ati: “Ndinopika kuti ndichadaro.”
25 Asi Abrahamu akanyunyuta kuna Abhimereki nezvetsime remvura rakanga ratorwa nevashandi vaAbhimereki nechisimba.+ 26 Abhimereki akapindura kuti: “Handizivi kuti ndiani akazviita; hauna kundiudza nezvazvo, uye hapana akambondiudzawo; ndiwe uri kutonditaurira.” 27 Abrahamu akabva atora makwai nemombe akazvipa Abhimereki, uye vaviri vacho vakaita sungano. 28 Abrahamu paakatsaura makwayana* manomwe kubva pane mamwe, 29 Abhimereki akati kuna Abrahamu: “Ko makwayana aya manomwe awatsaura ndeeyi?” 30 Akabva ati: “Gamuchirai makwayana acho manomwe andiri kukupai, kuti chive chiratidzo chekuti* ndini ndakachera tsime iri.” 31 Ndokusaka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheeri-shebha,*+ nekuti vaviri vacho vakanga vaita mhiko ipapo. 32 Saka vakaita sungano+ paBheeri-shebha, Abhimereki akazosimuka pamwe chete naFikori mukuru wemauto ake, vakadzokera kunyika yevaFiristiya.+ 33 Pashure paizvozvo akasima muti wemutamarisiki paBheeri-shebha, uye ipapo akadana zita raJehovha,+ Mwari wekusingagumi.+ 34 Uye Abrahamu akagara* munyika yevaFiristiya kwenguva yakareba.*+
22 Izvi zvaitika, Mwari wechokwadi akaedza Abrahamu,+ uye akati kwaari: “Abrahamu!” iye akadavira achiti: “Ndiri pano!” 2 Akabva ati: “Ndinokumbirawo kuti utore mwanakomana wako,+ mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo, Isaka,+ uende kunyika yeMoriya,+ umupe sechibayiro chinopiswa ikoko pane rimwe gomo randichakusarudzira.”
3 Saka Abrahamu akafumomuka, akasungirira chigaro padhongi rake, akatora varanda vake vaviri pamwe naIsaka mwanakomana wake. Akatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, uye akabva asimuka ndokuenda kunzvimbo yaakanzi aende naMwari wechokwadi. 4 Pazuva rechitatu, Abrahamu akatarisa akaona nzvimbo yacho achiri kure. 5 Abrahamu akabva ati kuvaranda vake: “Sarai pano nedhongi, uye ini nemukomana tichaenda nechekoko tinonamata, tozodzoka.”
6 Saka Abrahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa akadzitakudza Isaka mwanakomana wake. Akabva atora moto nebanga, uye vaviri vacho vakafamba pamwe chete. 7 Isaka akabva ati kuna baba vake Abrahamu: “Baba!” Ivo vakati: “Watii mwanangu?” Achibva ati: “Moto nehuni zviripo, asi gwai racho rechibayiro chinopiswa riri kupi?” 8 Abrahamu akati: “Mwari pachake achatipa gwai rechibayiro chinopiswa+ mwanangu.” Uye vakaramba vachifamba pamwe chete.
9 Vakazosvika panzvimbo yaakanga audzwa naMwari wechokwadi, uye Abrahamu akavaka atari ipapo, akaronga huni pamusoro payo.+ Akasunga mwanakomana wake Isaka maoko nemakumbo, akamuisa paatari pamusoro pehuni. 10 Abrahamu akabva atambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake.+ 11 Asi ngirozi yaJehovha yakashevedzera kwaari iri kudenga ichiti: “Abrahamu, Abrahamu!” iye akapindura kuti: “Ndiri pano!” 12 Yakabva yati: “Usauraya mukomana uye usatomboita kana chii zvacho kwaari, nekuti iye zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari nekuti hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete.”+ 13 Abrahamu akabva atarisa nechekumberi kwake akaona gondohwe rakanga rakabatwa nyanga dzaro mugwenzi. Saka Abrahamu akaenda akatora gondohwe racho akaripa sechibayiro chinopiswa panzvimbo pemwanakomana wake. 14 Abrahamu akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Jehovha-jire.* Ndokusaka nanhasi zvichiri kunzi: “Mugomo raJehovha achapa zvinenge zvichidiwa.”+
15 Ngirozi yaJehovha yakashevedzera kuna Abrahamu kechipiri iri kudenga, 16 ikati: “‘Ndinopika neni pachangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha,+ ‘nekuti waita izvi uye hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete,+ 17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vawande senyeredzi dzekudenga uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa,+ uye mwana* wako achaita kuti gedhi revavengi vake rive rake.*+ 18 Uye marudzi ese epanyika achazviwanira chikomborero nekumwana*+ wako nekuti wateerera inzwi rangu.’”+
19 Pashure paizvozvo Abrahamu akadzokera kuvaranda vake, uye vakasimuka, vakadzokera pamwe chete kuBheeri-shebha;+ uye Abrahamu akaramba achigara kuBheeri-shebha.
20 Abrahamu akazoudzwa kuti: “Nahori mukoma wako+ akaberekawo vanakomana nemudzimai wake Mirika: 21 Dangwe rake ndiUzi, kwozotevera Bhuzi, Kemueri baba vaAramu, 22 Kesedhi, Hazo, Piridhashi, Jidrafu, naBhetueri.”+ 23 Bhetueri akabereka Ribheka.+ Nahori mukoma waAbrahamu akabereka ava 8 nemudzimai wake Mirika. 24 Murongo* wake uyo ainzi Reuma, akaberekawo vanakomana vanoti: Tebha, Gahamu, Tahashi, naMaaka.
23 Aya ndiwo makore akararama Sara;+ akararama makore 127. 2 Saka Sara akafira muKiriyati-abha,+ kureva Hebroni,+ munyika yeKenani+ uye Abrahamu akatanga kuchema Sara achisvimha misodzi. 3 Abrahamu akabva paiva nechitunha chemudzimai wake akataura nevanakomana vaHeti+ kuti: 4 “Ndiri mutorwa uye mubvakure pakati penyu.+ Ndipeiwo nzvimbo yemakuva munyika menyu kuti ndivige mudzimai wangu.” 5 Vanakomana vaHeti vakapindura Abrahamu kuti: 6 “Inzwai, ishe wangu. Muri jinda raMwari* pakati pedu.+ Munogona kuviga mudzimai wenyu munzvimbo dzedu dzemakuva dzakanakisisa. Hapana mumwe wedu achakunyimai nzvimbo yake yemakuva kuti akutadzisei kuviga mudzimai wenyu.”
7 Saka Abrahamu akasimuka, akabva akotama pamberi pevanhu vemunyika yacho, vanakomana vaHeti,+ 8 akati kwavari: “Kana muchibvuma* kuti ndivige mudzimai wangu, nditeererei uye ndikumbirirei Efroni mwanakomana waZohari, 9 kuti anditengesere bako rake reMakapera riri pamucheto wemunda wake. Ngaanditengesere imi muchiona ndomupa masirivha+ anoenderana nemutengo waro kuitira kuti ndive nepandinoviga vanhu vekwangu.”+
10 Efroni wacho akanga akagara pakati pevanakomana vaHeti. Saka Efroni muHiti akapindura Abrahamu pamberi pevanakomana vaHeti nevamwe vese vaipinda pagedhi reguta rake,+ achiti: 11 “Aiwa, ishe wangu! Inzwai. Ndinokupai munda wacho, pamwe nebako riri mauri. Ndinokupai vanakomana vevanhu vekwangu vachizviona. Vigai mudzimai wenyu.” 12 Abrahamu akabva akotama pamberi pevanhu vemunyika yacho 13 akataura naEfroni vanhu vachinzwa, achiti: “Dai wanditeererawo! Ndichakupa masirivha anoenderana nemutengo wemunda wacho. Atore, kuti ndivige vanhu vekwangu imomo.”
14 Efroni akabva apindura Abrahamu, achiti: 15 “Inzwai ishe wangu. Munda uyu unokosha mashekeri* esirivha 400, uye chii ichocho pakati pangu nemi? Saka vigai mudzimai wenyu.” 16 Abrahamu akabvuma zvakataurwa naEfroni, ndokumuyerera masirivha aakanga ataura, vanakomana vaHeti vachinzwa, mashekeri* esirivha 400 maererano neuremu hwaibvumiranwa nevatengesi.+ 17 Saka munda waEfroni wekuMakapera, waiva pakatarisana neMamre, nebako raiva mauri nemiti yese yaiva mukati memiganhu yemunda wacho, zvakaziviswa 18 pamberi pevanakomana vaHeti, nevamwe vese vaipinda negedhi reguta rake kuti zvakanga zvatengwa naAbrahamu. 19 Pashure paizvozvo Abrahamu akaviga mudzimai wake Sara mubako remumunda weMakapera pakatarisana neMamre, kureva Hebroni, munyika yeKenani. 20 Saka munda wacho nebako raiva mauri zvakaiswa nevanakomana vaHeti mumaoko aAbrahamu kuti ive nzvimbo yake yemakuva.+
24 Abrahamu akanga akwegura, ava nemakore mazhinji, uye Jehovha akanga akomborera Abrahamu pazvinhu zvese.+ 2 Abrahamu akati kumuranda wake, mukuru weimba yake, aichengeta zvinhu zvake zvese:+ “Ndinokumbira kuti uise ruoko rwako pasi pechidya changu, 3 uye ndichaita kuti upike naJehovha, Mwari wedenga uye Mwari wenyika, kuti hauzotsvagiri mwanakomana wangu mudzimai pavanasikana vevaKenani, vandiri kugara pakati pavo.+ 4 Asi unofanira kuenda kunyika yangu nekuhama dzangu,+ wonotsvagira mwanakomana wangu Isaka, mudzimai.”
5 Asi muranda wacho akati kwaari: “Ko kana mukadzi wacho asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndinofanira kubva ndadzorera mwanakomana wenyu kunyika yamakabva here?”+ 6 Abrahamu akabva ati kwaari: “Usatomboendesa mwanakomana wangu ikoko.+ 7 Jehovha Mwari wedenga, uyo akandibvisa kumba kwababa vangu nekunyika yehama dzangu,+ uye akataura neni akandipikira, achiti:+ ‘Ndichapa mwana*+ wako nyika ino,’+ achatuma ngirozi yake pamberi pako,+ uye uchatorera mwanakomana wangu mudzimai ikoko.+ 8 Asi kana mukadzi wacho asingadi kuuya newe, uchange wasunungurwa pamhiko iyi. Asi usaendesa mwanakomana wangu ikoko.” 9 Muranda wacho akabva aisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbrahamu tenzi wake akamupikira pamusoro penyaya iyi.+
10 Saka mushandi wacho akatora ngamera gumi dzatenzi wake, ndokuenda, aine zvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana zvaakapiwa natenzi wake. Akabva apinda munzira ndokuenda kuMesopotamiya, kuguta reNahori. 11 Akaita kuti ngamera dzipfugame patsime remvura kunze kweguta racho. Zuva rakanga rodoka, panguva yaiwanzoenda vakadzi kunochera mvura. 12 Akabva ati: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu, ndapota itai kuti ndibudirire nhasi, uye ratidzai tenzi wangu Abrahamu rudo rwenyu rusingachinji. 13 Iye zvino ndakamira patsime remvura, uye vasikana vemuguta vari kuuya kuzochera mvura. 14 Ngazviitike kuti musikana wandichati, ‘Ndinokumbirawo kuti uture chirongo chako chemvura, undipewo mvura yekunwa,’ opindura kuti, ‘Inwai zvenyu, uye ndichanwisawo ngamera dzenyu,’ iyeye ndiye wamuchasarudza kuti ave wemushumiri wenyu Isaka; uye itai kuti izvi zvindiratidze kuti maratidza tenzi wangu rudo rwenyu rusingachinji.”
15 Asati atombopedza kutaura, Ribheka, mwanasikana waBhetueri+ mwanakomana waMirika+ mudzimai waNahori,+ mukoma waAbrahamu, akauya akatakura chirongo chemvura papfudzi. 16 Musikana wacho akanga akanaka chaizvo, ari mhandara; hapana murume akanga amborara naye. Akadzika kutsime, akazadza chirongo chake chemvura, ndokudzoka. 17 Muranda wacho akabva amhanya kunosangana naye akati: “Ndinokumbirawo kumbodzvuta zvishomanana mvura iri muchirongo chako.” 18 Iye akabva ati: “Inwai henyu ishe wangu.” Akabva akurumidza kudzikisa chirongo chaiva papfudzi rake, akamubatira achinwa. 19 Paakanga apedza kumupa mvura, akati: “Regai ndichererewo ngamera dzenyu, dzinwe kusvikira dzaguta.” 20 Saka akakurumidza kudurura mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro chezvipfuwo, ndokutanga kumhanya kutsime kunochera mvura achidzoka, uye akacherera ngamera dzese dzemurume wacho. 21 Nguva yese iyi murume wacho akanga akanyarara hake akamutarisa achishamisika, achifunga kuti Jehovha ainge aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete.
22 Ngamera padzakanga dzapedza kunwa, murume wacho akabva atora rin’i yepamhino yegoridhe yairema hafu yeshekeri* nezvishongo zvegoridhe zviviri zvemuruoko zvairema mashekeri* gumi akamupa, 23 uye akati: “Saka uri mwanasikana waani?* Tingawanawo pekurara kumba kwenyu* here?” 24 Akapindura kuti: “Ndiri mwanasikana waBhetueri+ mwanakomana waNahori+ waakabereka nemudzimai wake Mirika.” 25 Akawedzera kuti: “Tine uswa hwakaoma nechikafu chakawanda chezvipfuwo, uyewo pekurara.” 26 Murume wacho akabva apfugama akadzikisa musoro wake pamberi paJehovha 27 akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abrahamu, nekuti aramba achiratidza tenzi wangu rudo rusingachinji uye kutendeka. Jehovha anditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.”
28 Musikana wacho akamhanya, akanoudza amai vake nevamwe vese zvakanga zvaitika. 29 Ribheka aiva nehanzvadzi yainzi Rabhani.+ Saka Rabhani akamhanyira kutsime kwaiva nemurume wacho. 30 Paakaona hanzvadzi yake iine rin’i yepamhino uye iine zvishongo mumaoko uye paakanzwa hanzvadzi yake Ribheka ichiti, “Murume wacho ataura neni zvakati nezvakati,” akabva aenda kunoona murume wacho akanga achakamira pedyo nengamera patsime. 31 Akabva ati: “Uya iwe wakakomborerwa naJehovha. Unorambirei wakamira kunze kuno? Ndakugadzirira imba uye nzvimbo yengamera.” 32 Saka murume wacho akapinda mumba, uye ngamera dzakasunungurwa,* dzikapiwa uswa nechikafu chadzo uye murume wacho pamwe nevaaiva navo vakaunzirwa mvura yekugeza tsoka. 33 Asi paakaisirwa zvekudya pamberi pake akati: “Handisi kuzodya kusvikira ndakuudzai zvandafambira.” Saka Rabhani akati: “Taura hako!”
34 Akabva ati: “Ndiri muranda waAbrahamu.+ 35 Jehovha akakomborera tenzi wangu zvikuru, uye akaita kuti apfume chaizvo nekumupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume nevarandakadzi, nengamera nemadhongi.+ 36 Uyewo, Sara mudzimai watenzi wangu paakanga achembera+ akaberekera tenzi wangu mwanakomana, uyo achapiwa natenzi wangu zvese zvaainazvo.+ 37 Saka tenzi wangu akaita kuti ndipike, achiti: ‘Haufaniri kutsvagira mwanakomana wangu mudzimai pavanasikana vevaKenani, vane nyika yandiri kugara.+ 38 Kwete. Asi enda kuimba yababa vangu nekumhuri yangu,+ unotorera mwanakomana wangu mudzimai.’+ 39 Asi ndakati kuna tenzi wangu: ‘Ko kana mukadzi wacho asingadi kuuya neni?’+ 40 Akati kwandiri: ‘Jehovha, wandakafamba pamberi pake,+ achatuma ngirozi yake+ ichaenda newe uye achaita kuti rwendo rwako rubudirire, uye unofanira kutorera mwanakomana wangu mudzimai kumhuri yangu nekuimba yababa vangu.+ 41 Kana ukaenda kumhuri yangu, voramba kukupa mukadzi wacho, unenge wasunungurwa pamhiko yawakaita neni. Izvi zvichakusunungura pamhiko yako.’+
42 “Pandasvika patsime nhasi, ndati: ‘Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu, itai kuti rwendo rwangu rubudirire. 43 Onai ndamira patsime remvura. Ngazviitike kuti pakauya musikana+ kuzochera mvura ini ndichati, “Ndinokumbirawo kunwa mvura muchirongo chako,” 44 uye iye achati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu mvura.” Iyeye ngaave mukadzi asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu+ naJehovha.’
45 “Ndisati ndapedza kutaura mumwoyo mangu, ndaona Ribheka achiuya aine chirongo chake papfudzi, uye adzika kutsime, akatanga kuchera mvura. Ndabva ndati kwaari: ‘Ndinokumbirawo mvura yekunwa.’+ 46 Saka abva akurumidza kudzikisa chirongo chake ndokuti: ‘Inwai henyu,+ uye ndichanwisawo ngamera dzenyu.’ Ndabva ndanwa, uye anwisawo ngamera. 47 Pashure paizvozvo ndamubvunza kuti, ‘Uri mwanasikana waani?’ iye akati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori waakabereka nemudzimai wake Mirika.’ Saka ndabva ndaisa rin’i pamhino yake uye zvishongo mumaoko ake.+ 48 Ndapfugama ndikadzikisa musoro wangu pamberi paJehovha, ndikarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu,+ anditungamirira panzira yakarurama kuti nditore mwanasikana wehama yatenzi wangu, kuti ave mudzimai wemwanakomana wake. 49 Chindiudzaiwo kana muchida kuratidza tenzi wangu rudo rusingachinji uye kutendeka; asi kana musiri, ndiudzei, kuitira kuti ndizive zvekuita.”*+
50 Rabhani naBhetueri vakabva vapindura kuti: “Izvi zvabva kuna Jehovha. Hatigoni kuzviramba.* 51 Ribheka wacho ndiyeyu. Mutore uende naye, ave mudzimai wemwanakomana watenzi wako, sezvataurwa naJehovha.” 52 Muranda waAbrahamu paakangonzwa mashoko avo, akabva apfugama pamberi paJehovha. 53 Muranda wacho akatanga kubudisa zvinhu zvesirivha nezvegoridhe uye zvipfeko, akazvipa Ribheka, uye akapa hanzvadzi yake naamai vake zvinhu zvakanaka kwazvo. 54 Pashure paizvozvo iye nevarume vaaiva navo vakadya, vakanwa, uye vakarara ikoko.
Paakamuka mangwanani akati: “Chiregai ndiende kuna tenzi wangu.” 55 Hanzvadzi yake naamai vake vakati: “Regai timbogara nemusikana wacho kwemamwe mazuva gumi, ozoenda hake.” 56 Asi akati kwavari: “Musandinonotsa, sezvo Jehovha aita kuti rwendo rwangu rubudirire. Regai ndiende kuna tenzi wangu.” 57 Saka vakati: “Ngatishevedze musikana wacho tinzwe zvaanotaura.” 58 Vakashevedza Ribheka vakati kwaari: “Unoda here kuenda nemurume uyu?” Iye akati: “Ndinoda.”
59 Saka vakarega Ribheka+ hanzvadzi yavo nemureri*+ wake nemushandi waAbrahamu nevarume vaaiva navo vachienda. 60 Uye vakakomborera Ribheka vakati kwaari: “Hanzvadzi yedu, dai ukava zviuru zvemakumi ezviuru,* uye vana* vako ngavave varidzi vegedhi revaya vanovavenga.”*+ 61 Ribheka nevashandikadzi vake vakabva vasimuka, vakatasva ngamera, ndokutevera murume wacho. Saka muranda wacho akatora Ribheka akaenda naye.
62 Isaka akanga achibva nechekuBheeri-rahai-roi,+ nekuti aigara munyika yeNegebhu.+ 63 Isaka akanga ari kusango panguva yemanheru achidzamisa pfungwa.+ Paakasimudza musoro, akabva aona kuti kwaiva nengamera dzaiuya! 64 Ribheka paakasimudza musoro, akaona Isaka, akakurumidza kuburuka pangamera. 65 Akabva abvunza muranda wacho kuti: “Murume uyo ari musango ari kuuya kuzosangana nesu ndiani?” Muranda wacho akati: “Nditenzi wangu.” Saka akatora jira remumusoro akazvifukidza. 66 Uye muranda wacho akaudza Isaka zvese zvaakanga aita. 67 Pashure paizvozvo Isaka akamupinza mutende raSara amai vake.+ Saka akatora Ribheka, akava mudzimai wake; akamuda,+ uye Isaka akanyaradzwa pakufirwa kwaakanga aitwa naamai vake.+
25 Abrahamu akazotorazve mumwe mudzimai ainzi Ketura. 2 Nekufamba kwenguva, akamuberekera Zimrani, Jokshani, Medhani, Midhiyani,+ Ishbhaki, naShuwa.+
3 Jokshani akabereka Shebha naDhedhani.
Vanakomana vaDhedhani vaiva Ashurimu, Retushimu, naReumimu.
4 Vanakomana vaMidhiyani vaiva Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha, naEridhaa.
Vese ava vaiva vanakomana vaKetura.
5 Abrahamu akazopa Isaka zvinhu zvese zvaakanga ainazvo,+ 6 asi vanakomana vaakaita nevarongo vake akavapa zvipo. Paakanga achiri mupenyu, Abrahamu akabva avaendesa nechekumabvazuva, kure naIsaka mwanakomana wake,+ kunyika yeMabvazuva. 7 Abrahamu akararama makore 175. 8 Abrahamu akafema kekupedzisira, akafa anyatsokura, akwegura uye agutsikana, akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.* 9 Vanakomana vake Isaka naIshmaeri vakamuviga mubako reMakapera mumunda waEfroni mwanakomana waZohari muHiti, uri pakatarisana neMamre,+ 10 munda wakatengwa naAbrahamu kuvanakomana vaHeti. Imomo ndimo makavigwa Abrahamu uye mudzimai wake Sara.+ 11 Abrahamu afa, Mwari akaramba achikomborera Isaka+ mwanakomana wake, uye Isaka akanga achigara pedyo neBheeri-rahai-roi.+
12 Iyi ndiyo nhoroondo yaIshmaeri+ mwanakomana waAbrahamu waakaberekerwa naHagari+ muIjipiti, muranda waSara.
13 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIshmaeri, mazita avo maererano nematangiro akaita mhuri dzavo: Dangwe raIshmaeri raiva Nebhayoti,+ kwouya Kedhari,+ Adbheeri, Mibsamu,+ 14 Mishma, Dhuma, Masa, 15 Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi, naKedhema. 16 Ava ndivo vanakomana vaIshmaeri, uye aya ndiwo mazita avo maererano nemisha yavo uye maererano nenzvimbo dzavaigara mumatende,* machinda 12 maererano nemadzinza avo.+ 17 Ishmaeri akararama makore 137. Akafema kekupedzisira, akafa uye akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.* 18 Vakagara kubvira paHavhira+ pedyo neShuri,+ iri pedyo neIjipiti, kusvikira kuAsiriya. Akagara pedyo nehama dzake dzese.*+
19 Iyi ndiyo nhoroondo yaIsaka mwanakomana waAbrahamu.+
Abrahamu akabereka Isaka. 20 Isaka akanga ava nemakore 40 paakaroora Ribheka, mwanasikana waBhetueri+ muAramu wekuPadhani-aramu, hanzvadzi yaRabhani muAramu. 21 Uye Isaka aigara achiteterera Jehovha nezvemudzimai wake, nekuti akanga asina mbereko; saka Jehovha akanzwa kuchema kwake, uye Ribheka mudzimai wake akabata pamuviri. 22 Vanakomana vaiva mudumbu make vakatanga kurwisana,+ zvekuti akati: “Kana zviri izvo zvazvinoita, ndicharamba ndichiraramirei?” Saka akabvunza Jehovha nezvazvo. 23 Uye Jehovha akati kwaari: “Mudumbu mako mune marudzi maviri,+ uye marudzi maviri achaparadzaniswa achibva mauri;+ rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe,+ uye mukuru achashandira mudiki.”+
24 Pakazosvika nguva yekuti asununguke, akabva aona kuti zvechokwadi aiva nemapatya mudumbu make! 25 Wekutanga akabva abuda akatsvuka muviri wese uye akaita senguo yemvere,+ saka vakamutumidza kuti Isau.*+ 26 Munin’ina wake akazobuda uye ruoko rwake rwakanga rwakabata chitsitsinho chaIsau,+ saka akamutumidza kuti Jakobho.*+ Pavakaberekwa, Isaka akanga ava nemakore 60.
27 Vakomana vacho pavaikura, Isau akava hombarume,+ murume wesango, asi Jakobho aiva murume asina chaanopomerwa, aigara mumatende.+ 28 Isaka aida Isau nekuti aigara achimuvigira nyama yemhuka, asi Ribheka aida Jakobho.+ 29 Mumwe musi Jakobho akanga achibika zvekudya pakasvika Isau achibva kusango aneta. 30 Saka Isau akati kuna Jakobho: “Kurumidza kundipawo zvekudya zvako zvakatsvukirira izvo,* ndafa nenzara!”* Ndokusaka akanzi Edhomu.*+ 31 Jakobho akapindura kuti: “Tanga wanditengesera kodzero yako yeudangwe!”+ 32 Isau akaenderera mberi achiti: “Ndava kufa nenzara, udangwe hunondibatsireiko?” 33 Jakobho akati: “Tanga wandipikira!” Saka akamupikira, akatengesera Jakobho kodzero yake yeudangwe.+ 34 Jakobho akabva apa Isau chingwa nenyemba, uye akadya akanwa, akabva asimuka akaenda. Saka Isau akazvidza udangwe hwake.
26 Panyika pakava nenzara, kuwedzera panzara iya yakamboitika mumazuva aAbrahamu,+ zvekuti Isaka akaenda kuGerari kuna Abhimereki, mambo wevaFiristiya. 2 Jehovha akabva azviratidza kwaari akati: “Usaenda kuIjipiti. Gara munyika yandinokusarudzira. 3 Gara munyika ino semutorwa,+ uye ndicharamba ndiinewe, ndichikukomborera nekuti ndichapa iwe nemwana* wako nyika dzese idzi,+ uye ndichazadzisa zvandakapikira baba vako Abrahamu ndichiti:+ 4 ‘Ndichaita kuti vana* vako vawande senyeredzi dzekudenga;+ uye ndichapa mwana* wako nyika dzese idzi;+ marudzi ese epanyika achawana* makomborero nekumwana* wako,’+ 5 nekuti Abrahamu akateerera inzwi rangu, akaramba achiita zvandinoda, achichengeta mirayiro yangu, mirau yangu, nemitemo yangu.”+ 6 Saka Isaka akaramba achigara kuGerari.+
7 Varume vemunzvimbo yacho pavaimubvunza nezvemudzimai wake, iye aiti: “Ihanzvadzi yangu.”+ Aitya kutaura kuti, “Mudzimai wangu,” nekuti aiti, “Varume venzvimbo yacho vangangondiuraya kuti vatore Ribheka,” nekuti akanga akanaka.+ 8 Agara ikoko kwenguva yakati rebei, mumwe musi Abhimereki, mambo wevaFiristiya, akanga akatarisa nepahwindo akaona Isaka achiratidza Ribheka mudzimai wake rudo.*+ 9 Abhimereki akabva ashevedza Isaka akati: “Zvaari mudzimai wako wani! Sei wakati, ‘Ihanzvadzi yangu’?” Isaka akamupindura kuti: “Ndakazvitaura ndichitya kuti zvimwe ndingaurayiwa pamusana pake.”+ 10 Asi Abhimereki akati: “Chii ichocho chawakatiitira?+ Handiti mumwe munhu anga achatorara nemudzimai wako ukatiunzira mhosva!”+ 11 Abhimereki akabva audza vanhu vese kuti: “Munhu anobata murume uyu nemudzimai wake chokwadi achaurayiwa!”
12 Isaka akatanga kudyara mbeu munyika iyoyo, uye gore iroro akakohwa zvaakanga adyara zvapetwa kane zana, nekuti Jehovha aimukomborera.+ 13 Murume wacho akava mupfumi, akaramba achingowedzera kupfuma kusvikira ava nepfuma yakawandisa. 14 Akava nemakwai nemombe zvakawanda nevaranda vakawanda,+ zvekuti vaFiristiya vakatanga kuchiva zvinhu zvake.
15 Saka vaFiristiya vakatora ivhu vakafushira matsime ese akanga acherwa nevaranda vababa vake mazuva aAbrahamu.+ 16 Abhimereki akabva ati kuna Isaka: “Ibva munzvimbo yedu, nekuti wava nesimba kwazvo kutipfuura.” 17 Saka Isaka akabva ipapo, akadzika musasa mubani reGerari,+ akatanga kugara imomo. 18 Isaka akacherazve matsime akanga acherwa mazuva ababa vake Abrahamu akazofushirwa nevaFiristiya pakafa Abrahamu,+ uye akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.+
19 Varanda vaIsaka pavaichera mubani racho, vakawana tsime rine mvura inonwika. 20 Vafudzi vekuGerari vakatanga kupopotedzana nevafudzi vaIsaka, vachiti: “Mvura yacho ndeyedu!” Saka akatumidza tsime racho kuti Eseki,* nekuti vakanga vapopotedzana naye. 21 Vakatanga kuchera rimwezve tsime, vakatanga kupopotedzana nezvaro. Saka akaritumidza kuti Sitna.* 22 Akazobva ipapo ndokuchera rimwe tsime, asi havana kupopotedzana nezvaro. Saka akaritumidza kuti Rehobhoti* akati: “Nekuti Jehovha azotipa nzvimbo yakakura uye aita kuti tiwande panyika.”+
23 Akabva ipapo akaenda kuBheeri-shebha.+ 24 Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati: “Ndini Mwari waAbrahamu baba vako.+ Usatya,+ nekuti ndinewe, ndichakukomborera uye ndichaita kuti mwana* wako ave nevazhinji vachabva kwaari pamusana pemushumiri wangu Abrahamu.”+ 25 Saka Isaka akavaka atari ipapo akadana zita raJehovha.+ Uye akadzika tende rake ipapo,+ vashandi vake vakachera tsime ipapo.
26 Abhimereki akazouya kwaari achibva kuGerari nachipangamazano wake Ahuzati, naFikori mukuru weuto rake.+ 27 Isaka akati kwavari: “Mavingei kwandiri, imi maindivenga mukandidzinga munzvimbo yenyu?” 28 Ivo vakati: “Tanyatsoona kuti Jehovha anewe.+ Saka tafunga kuti titi kwauri, ‘Tiri kukumbirawo kuita mhiko newe isingazoputswi, uye kuita sungano newe+ 29 yekuti hauzotiitiri zvakaipa sezvo isu tisina kukurwisa, nekuti takakuitira zvakanaka chete pakuti takakurega uchienda nerugare. Tiri kuona kuti ndiwe uri kukomborerwa naJehovha.’” 30 Akabva avaitira mabiko, vakadya uye vakanwa. 31 Mangwana acho vakafumomuka vakapikirana.+ Isaka akazoonekana navo, vakaenda nerugare.
32 Zuva iroro varanda vaIsaka vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera,+ vakati kwaari: “Tawana mvura!” 33 Saka akaritumidza kuti Shibha. Ndokusaka nanhasi guta racho richinzi Bheeri-shebha.+
34 Isau paakanga ava nemakore 40, akatora Judhiti mwanasikana waBheeri muHiti kuti ave mudzimai wake, akatorawo Bhasemati mwanasikana waEroni muHiti.+ 35 Vairwadzisa Isaka naRibheka zvikuru.+
27 Isaka paakanga akwegura, maziso ake asisanyatsooni, akashevedza Isau+ mwanakomana wake mukuru akati kwaari: “Mwanakomana wangu!” Akadavira achiti: “Ndiri pano!” 2 Akabva ati: “Iye zvino ndachembera. Handizivi zuva rekufa kwangu. 3 Saka tora zvombo zvako, uta nemiseve, uende kunondivhimira mhuka musango.+ 4 Ibva waigadzira sezviya zvandinofarira, wondiunzira, ndidye, kuti ndikukomborere* ndisati ndafa.”
5 Zvisinei, Ribheka akanga akateerera paitaura Isaka naIsau mwanakomana wake. Isau akaenda kusango kunovhima mhuka kuti auye nayo.+ 6 Ribheka akati kuna Jakobho mwanakomana wake:+ “Ndanzwa baba vako vachitaura naIsau mukoma wako, vachiti, 7 ‘Ndiunzire nyama yemhuka undigadzirire zvekudya zvinonaka, ndidye, kuti ndikukomborere pamberi paJehovha ndisati ndafa.’+ 8 Saka nyatsoteerera mwanangu, woita zvandiri kuda kukuudza.+ 9 Enda kuzvipfuwo unonditorerawo mbudzi diki mbiri dzakakora, kuti ndigadzirire baba vako zvekudya zvinonaka zvavanofarira, 10 woenda nazvo kuna baba vako kuti vadye, vakukomborere vasati vafa.”
11 Jakobho akati kuna Ribheka amai vake: “Isau mukoma wangu murume ane mvere,+ asi ini handina. 12 Ko kana baba vakandibata muviri wangu?+ Ndichabva ndaonekwa sendiri kuvaita benzi, zvekuti vachabva vandituka pane kundikomborera.” 13 Amai vake vakabva vati kwaari: “Kutukwa kwaifanira kuuya pauri ngakuuye pandiri, mwanangu. Ingoteerera zvandiri kukuudza uende, unotora zvandataura.”+ 14 Saka akaenda, akanotora mbudzi dziya, akauya nadzo kuna amai vake, uye amai vake vakagadzira zvekudya zvinonaka zvinofarirwa nababa vake. 15 Ribheka akabva atora nguo dzakanakisisa dzaIsau mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzipfekedza Jakobho mwanakomana wake mudiki.+ 16 Akaisawo matehwe embudzi dziya pamaoko ake nemumutsipa make makanga musina mvere.+ 17 Akabva apa Jakobho mwanakomana wake zvekudya zvacho zvinonaka nechingwa zvaakanga agadzira.+
18 Saka Jakobho akapinda maiva nababa vake akati: “Baba!” ivo vakati: “Ndiri pano! Ndiwe ani mwanangu?” 19 Jakobho akati kuna baba vake: “Ndini Isau dangwe renyu.+ Ndaita zvamati ndiite. Chimukai mugare, mudye nyama yemhuka yandauya nayo, kuti mundikomborere.”*+ 20 Isaka akabva ati kumwanakomana wake: “Waiwana sei nekukurumidza kudaro mwanangu?” Akapindura kuti: “Jehovha Mwari wenyu aiunza kwandiri.” 21 Isaka akabva ati kuna Jakobho: “Swedera pedyo mwanangu, ndikubate muviri wako, ndinzwe kana uri mwanakomana wangu Isau zvechokwadi kana kuti kwete.”+ 22 Saka Jakobho akaswedera pedyo naIsaka baba vake, vakamubata, ndokuti: “Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko, maoko aIsau.”+ 23 Havana kumuziva nekuti maoko ake akanga aine mvere seaIsau mukoma wake. Saka vakamukomborera.+
24 Pashure paizvozvo vakati: “Ndiwe mwanakomana wangu Isau zvechokwadi here?” iye akapindura kuti: “Ndini.” 25 Vakabva vati: “Ndipe nyama yacho yemhuka ndidye, mwanangu, ndobva ndakukomborera.”* Akabva avapa, vakadya, uye akavaunzira waini vakanwa. 26 Baba vake Isaka vakabva vati kwaari: “Swedera hako pedyo mwanakomana wangu, unditsvode.”+ 27 Saka akaswedera pedyo, akavatsvoda, vakanzwa kunhuhwirira kwenguo dzake.+ Vakabva vamukomborera vakati:
“Inzwa kunhuhwirira kwemwanakomana wangu kwakaita sekunhuhwirira kwesango rakakomborerwa naJehovha. 28 Mwari wechokwadi ngaakupe dova rekudenga,+ nevhu rakaorera repanyika,+ nezviyo zvizhinji, newaini itsva yakawanda.+ 29 Marudzi ngaakukotamire uye nyika ngadzikushandire. Iva tenzi wehama dzako, uye vanakomana vaamai vako ngavakukotamire.+ Munhu wese anokutuka, ngaatukwe, uye munhu wese anokukomborera ngaakomborerwe.”+
30 Isaka achingopedza kukomborera Jakobho, uye Jakobho achingobva pamberi pababa vake Isaka, Isau mukoma wake akabva asvika achibva kunovhima.+ 31 Iyewo akagadzira zvekudya zvinonaka, akaenda nazvo kuna baba vake, akati kuna baba vake: “Baba mukai mudye nyama yemhuka yauya nemwanakomana wenyu, kuti mundikomborere.”* 32 Baba vake Isaka vakabva vati kwaari: “Ndiwe ani?” Iye akati: “Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu, Isau.”+ 33 Isaka akatanga kudedera kwazvo, akati: “Saka ndiani avhima nyama yemhuka akandivigira? Ndatoidya usati wasvika, uye ndamukomborera uye zvechokwadi achava akakomborerwa!”
34 Paakanzwa mashoko ababa vake, Isau akazhamba achiratidza kurwadziwa, akati kuna baba vake: “Ndikomborerei neniwo baba!”+ 35 Asi vakati: “Munin’ina wako auya akandinyengera kuti awane chikomborero changa chiri chako.” 36 Iye akabva ati: “Ndokusaka achinzi Jakobho.* Handiti akanditorera nzvimbo yangu kaviri kese?+ Akatora kare kodzero yangu yeudangwe,+ uye iye zvino atora chikomborero changu!”+ Akabva atizve: “Hamuna kundisiyirawo here chikomborero?” 37 Asi Isaka akamupindura kuti: “Ndamugadza kuti ave tenzi wako,+ uye ndamupa hama dzake dzese kuti dzive varanda vake, uye ndamupa zviyo newaini itsva.+ Chii chasara chandingakuitira nhai mwanangu?”
38 Isau akati kuna baba vake: “Munongova nechikomborero chimwe chete here, baba? Ndikomborerei neniwo baba!” Isau akabva atanga kuchema achiridza mhere.+ 39 Saka baba vake Isaka vakamupindura kuti:
“Uchagara kure nevhu rakaorera repasi, uye kure nedova rekudenga kumusoro.+ 40 Uchararama nebakatwa rako,+ uye uchashandira munin’ina wako.+ Asi paunoshaya zororo, chokwadi uchatyora joko rake pamutsipa wako.”+
41 Zvisinei, Isau akatanga kuvengera Jakobho chikomborero chaakanga apiwa nababa vake,+ uye aiti nechemumwoyo: “Mazuva ekuchema baba ari kuswedera.+ Kana vangofa ndiri kuda kuuraya munin’ina wangu Jakobho.” 42 Ribheka paakaudzwa mashoko aIsau mwanakomana wake mukuru, akabva atumira shoko kuti Jakobho mwanakomana wake mudiki auye, akati kwaari: “Inzwa! Isau mukoma wako ari kuda kukuuraya kuti atsive zvawakamuita.* 43 Saka chiita zvandiri kutaura mwanangu. Simuka utizire kuna Rabhani hanzvadzi yangu kuHarani.+ 44 Chimbonogara naye kusvikira hasha dzemukoma wako dzaserera, 45 kusvikira mukoma wako asisina kukutsamwira uye akanganwa zvawakamuitira. Ndichazotumira shoko kuti udzoke. Ndingabva ndafirwa nemi mese muri vaviri zuva rimwe chete here?”
46 Pashure paizvozvo, Ribheka akanga ava kugara achiti kuna Isaka: “Upenyu hwangu huri kundisemesa nemhaka yevanasikana vaHeti.+ Kana zvikaitika kuti Jakobho anotora mudzimai akaita sevanasikana vaHeti ava vemunyika ino, ndichararamirei?”+
28 Saka Isaka akashevedza Jakobho, akamukomborera, ndokumurayira achiti: “Usatora mudzimai pavanasikana veKenani.+ 2 Enda kuPadhani-aramu kuimba yaBhetueri, baba vaamai vako, utore mudzimai ikoko pavanasikana vaRabhani,+ hanzvadzi yaamai vako. 3 Mwari Wemasimbaose achakukomborera, oita kuti ubereke, uve nevana vakawanda, uye uchava ungano yemarudzi.+ 4 Uye achakupa chikomborero chaAbrahamu,+ iwe nemwana* wako, kuti uite kuti nyika yawanga uchigara uri mutorwa ive yako, yakapiwa Abrahamu naMwari.”+
5 Saka Isaka akaita kuti Jakobho aende, uye Jakobho akasimuka akananga kuPadhani-aramu, kwaRabhani mwanakomana waBhetueri muAramu,+ hanzvadzi yaRibheka,+ amai vaJakobho naIsau.
6 Isau akaona kuti Isaka akanga akomborera Jakobho akamuendesa kuPadhani-aramu kuti anotora mudzimai ikoko, uye kuti paakamukomborera akamurayira achiti: “Usatora mudzimai pavanasikana veKenani,”+ 7 uye kuti Jakobho akateerera baba vake naamai vake akaenda kuPadhani-aramu.+ 8 Isau akabva aziva kuti vanasikana veKenani vakanga vasingafadzi Isaka baba vake,+ 9 saka Isau akaenda kuna Ishmaeri akatora Maharati mwanasikana waIshmaeri mwanakomana waAbrahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mudzimai wake, kuwedzera pamadzimai aakanga agara ainawo.+
10 Jakobho akabva kuBheeri-shebha ndokunanga kuHarani.+ 11 Akazosvika pane imwe nzvimbo akagadzirira kuti arare ipapo nekuti zuva rakanga ravira. Saka akatora rimwe dombo ipapo kuti atsamire, akabva arara panzvimbo iyoyo.+ 12 Akarota achiona manera akanga akamiswa panyika achisvika kudenga; uye akaona ngirozi dzaMwari dzichikwira nekudzika nawo.+ 13 Uye akatarisa akaona Jehovha akamira pamusoro pawo, achibva ati:
“Ndini Jehovha Mwari waAbrahamu baba vako naMwari waIsaka.+ Ndichapa iwe nemwana*+ wako nyika yaurere pairi. 14 Uye vana* vako vachawanda seguruva renyika,+ vachapararira kwese kwese kumabvazuva nekumavirira uye kuchamhembe nekumaodzanyemba, uye mhuri dzese dzepanyika dzichakomborerwa* nekwauri uye nekumwana* wako.+ 15 Ndinewe, uye ndichakuchengetedza kwese kwaunoenda, uye ndichakudzosa kunyika ino.+ Handisi kuzokusiya kusvikira ndaita zvandakuvimbisa.”+
16 Jakobho akabva apepuka akati: “Chokwadi Jehovha ari munzvimbo ino, asi ndanga ndisina kuzviziva.” 17 Akatya akabva awedzera kuti: “Nzvimbo ino inoshamisa chaizvo! Iyi inofanira kunge iri imba yaMwari chete,+ uye iri ndiro gedhi rekudenga.”+ 18 Saka Jakobho akafumomuka, akatora dombo raakanga akatsamira, akarimisa semucherechedzo, akadira mafuta pamusoro paro.+ 19 Akabva atumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheteri,* asi guta racho raimbonzi Ruzi.+
20 Jakobho akabva aita mhiko, achiti: “Kana Mwari akaramba aineni, akandichengetedza parwendo rwangu, uye akandipa zvekudya nezvekupfeka, 21 ndodzoka zvakanaka* kuimba yababa vangu, Jehovha achange aratidza kuti ndiMwari wangu. 22 Uye dombo iri randamisa kuti rive mucherechedzo richava imba yaMwari,+ uye ndichatoona kuti ndakupai chegumi chezvese zvamunondipa.”
29 Pashure paizvozvo Jakobho akasimudzira nerwendo rwake, ndokuenda kunyika yevanhu vekuMabvazuva. 2 Akabva aona tsime musango uye mapoka matatu emakwai akanga akarara pedyo naro, nekuti patsime iri ndipo paiwanzonwiswa makwai. Tsime racho rakanga rakavharwa nezidombo. 3 Makwai ese paainge aunganidzwa, vaikungurutsa dombo racho vachiribvisa pamuromo wetsime, vonwisa makwai, vozodzorera dombo racho panzvimbo yaro pamuromo wetsime.
4 Saka Jakobho akati kwavari: “Hama dzangu, munobva kupi?” ivo vakati: “Tinobva kuHarani.”+ 5 Akati kwavari: “Munoziva Rabhani+ muzukuru waNahori here?”+ ivo vakati: “Tinomuziva.” 6 Akabva ati kwavari: “Akadii zvake?” Ivo vakapindura kuti: “Mupenyu. Mwanasikana wake Rakeri+ ndiye uyo ari kuuya nemakwai!” 7 Akabva ati: “Achiri masikati. Haisi nguva yekuunganidza zvipfuwo. Ipai makwai mvura, muende kunoafudza.” 8 Ivo vakati: “Hatibvumirwi kudaro kusvikira makwai ese aungana, uye kusvikira vakungurutsa dombo vachiribvisa pamuromo wetsime. Ndipo patinozopa makwai mvura.”
9 Achiri kutaura navo, Rakeri akasvika nemakwai ababa vake, nekuti aiva mufudzi. 10 Jakobho paakaona Rakeri mwanasikana waRabhani hanzvadzi yaamai vake, nemakwai aRabhani, akabva aenda patsime akakungurutsa dombo raivapo akanwisa makwai aRabhani hanzvadzi yaamai vake. 11 Jakobho akabva atsvoda Rakeri, akachema kwazvo, misodzi ikayerera. 12 Jakobho akatanga kuudza Rakeri kuti aiva hama yababa vake uye kuti aiva mwanakomana waRibheka. Rakeri akabva amhanya, akanoudza baba vake.
13 Rabhani+ paakangonzwa nezvaJakobho mwanakomana wehanzvadzi yake, akamhanya kunomuchingura. Akabva amumbundira, akamutsvoda, akapinda naye mumba. Iye akatanga kurondedzera kuna Rabhani zvese zvakanga zvaitika. 14 Rabhani akati kwaari: “Chokwadi uri pfupa rangu nenyama yangu.”* Saka akagara naye mwedzi wese.
15 Rabhani akazoti kuna Jakobho: “Ndingabva ndakushandisa pasina chandinokupa here, ndichiti zvauri hama yangu?+ Ndiudze kuti unoda kubhadharwa sei?”+ 16 Rabhani aiva nevanasikana vaviri. Mukuru wacho ainzi Reya, uye mudiki wacho ainzi Rakeri.+ 17 Reya aiva nemaziso asingayevedzi, asi Rakeri aiva mukadzi anoyevedza uye akanaka kwazvo. 18 Jakobho akanga atorwa mwoyo naRakeri, saka akati: “Ndinoda kukushandirai makore manomwe mondipa Rakeri mwanasikana wenyu mudiki.”+ 19 Rabhani akati: “Zviri nani kuti ndimupe iwe pane kuti ndimupe mumwe murume. Ramba uchigara neni.” 20 Saka Jakobho akashanda makore manomwe kuti apiwe Rakeri,+ asi akaaona semazuva mashomanana nekuti aimuda.
21 Jakobho akabva ati kuna Rabhani: “Chindipai mudzimai wangu nekuti mazuva angu akwana, ndava kuda kurara naye.” 22 Rabhani akabva aunganidza varume vese vemunzvimbo yacho akaita mabiko. 23 Asi manheru acho, akatora Reya mwanasikana wake, akauya naye kuna Jakobho kuti arare naye. 24 Uyezve, Rabhani akatora Ziripa murandakadzi wake akamupa kuna Reya mwanasikana wake kuti ave muranda wake.+ 25 Mangwanani acho Jakobho akaona kuti aiva Reya! Saka akati kuna Rabhani: “Chiiko ichi chamandiitira? Handiti ndakakushandirai kuti mundipe Rakeri? Mandinyengedzerei?”+ 26 Rabhani akamupindura kuti: “Handidzo tsika dzekuno. Hatiroodzi mwana musikana mudiki mukuru asati aroorwa. 27 Fara nemukadzi uyu kwevhiki rese. Pashure pacho uchazopiwawo mumwe mukadzi uyu wondishandirazve mamwe makore manomwe.”+ 28 Jakobho akaita saizvozvo akafara pavhiki remukadzi uyu, achibva azomupa Rakeri mwanasikana wake kuti ave mudzimai wake. 29 Uyezve, Rabhani akatora Bhiriha+ murandakadzi wake akamupa kuna Rakeri mwanasikana wake kuti ave muranda wake.+
30 Jakobho akabva ararawo naRakeri, uye akada Rakeri kupfuura Reya, akashandira Rabhani mamwe makore manomwe.+ 31 Jehovha paakaona kuti Reya akanga asingadiwi,* akabva aita kuti akwanise kubata pamuviri,*+ asi Rakeri aishaya mbereko.+ 32 Saka Reya akava nepamuviri akabereka mwanakomana akamutumidza kuti Rubheni,*+ achiti: “Nekuti Jehovha aona kutambudzika kwangu,+ pakuti iye zvino murume wangu achatanga kundida.” 33 Akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Nekuti Jehovha ateerera, pakuti ndakanga ndisingadiwi, saka andipa mumwezve uyu.” Akabva amutumidza kuti Simiyoni.*+ 34 Uye akavazve nepamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Iye zvino murume wangu achava pedyo neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akatumidzwa kuti Revhi.*+ 35 Akavazve nepamwe pamuviri akabereka mwanakomana, akabva ati: “Iye zvino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza kuti Judha.*+ Pashure paizvozvo akaguma kubereka.
30 Rakeri paakaona kuti akanga asina kuberekera Jakobho vana, akaitira mukoma wake shanje, uye akatanga kuti kuna Jakobho: “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa.” 2 Jakobho akabva atsamwira Rakeri kwazvo akati: “Ndini Mwari here, ari kukutadzisa kuva nevana?” 3 Saka Rakeri akati: “Tora murandasikana wangu Bhiriha+ uyu, urare naye, kuti andiberekere vana,* ndivewo nevana nekwaari.” 4 Akabva amupa Bhiriha muranda wake kuti ave mudzimai wake, uye Jakobho akarara naye.+ 5 Bhiriha akava nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana. 6 Rakeri akabva ati: “Mwari ava mutongi wangu uye ateererawo inzwi rangu, zvekuti andipa mwanakomana.” Ndokusaka akamutumidza kuti Dhani.*+ 7 Bhiriha, muranda waRakeri, akavazve nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana wechipiri. 8 Rakeri akabva ati: “Ndaita mutsimba kwazvo nemukoma wangu. Neniwo ndakunda!” Saka akamutumidza kuti Naftari.*+
9 Reya paakaona kuti akanga aguma kubereka, akatora Ziripa muranda wake akamupa Jakobho kuti ave mudzimai wake.+ 10 Uye Ziripa, muranda waReya, akaberekera Jakobho mwanakomana. 11 Reya akabva ati: “Makorokoto!” Saka akamutumidza kuti Gadhi.*+ 12 Ziripa, muranda waReya, akaberekerazve Jakobho mwanakomana wechipiri. 13 Reya akabva ati: “Ndafara! Nekuti vanasikana vachanditi ndinofara.”+ Saka akamutumidza kuti Asheri.*+
14 Mumwe musi Rubheni+ aifamba hake musango, mazuva ekukohwa gorosi, ndokubva awana mamandireki.* Saka akauya nawo kuna amai vake Reya. Rakeri akabva ati kuna Reya: “Ndinokumbirawo mamandireki emwanakomana wako.” 15 Akabva ati kwaari: “Ko kutora kwawakaita murume wangu+ uri kukuona senyaya diki? Wava kuda kutotorawo zvese nemamandireki emwanakomana wangu?” Saka Rakeri akati: “Kana zvakadaro, chindipa mamandireki emwanakomana wako, worara hako nemurume wacho nhasi.”
16 Jakobho paakanga achibva kumafuro manheru, Reya akabuda kunomuchingura, akati: “Nhasi uri kurara neni, nekuti ndakutenga nemamandireki emwanakomana wangu.” Saka akarara naye usiku ihwohwo. 17 Mwari akanzwa uye akapindura Reya, akava nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana wechishanu. 18 Reya akabva ati: “Mwari andipa mubhadharo wangu,* nekuti ndakapa murume wangu muranda wangu.” Saka akamutumidza kuti Isakari.*+ 19 Reya akavazve nepamuviri, akazoberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.+ 20 Reya akabva ati: “Mwari andipa chipo, chokwadi andipa chipo chakanaka. Iye zvino ndichatombodiwawo nemurume wangu,+ nekuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.”+ Saka akamutumidza kuti Zebhuroni.*+ 21 Akazoberekawo mwanasikana akamutumidza kuti Dhina.+
22 Mwari akazoyeuka Rakeri, uye Mwari akamunzwa akamupindura pakuti akaita kuti abate pamuviri.*+ 23 Akava nepamuviri, akabereka mwanakomana. Akabva ati: “Mwari abvisa kuzvidzwa kwangu!”+ 24 Saka akamutumidza kuti Josefa,*+ achiti: “Jehovha ari kundiwedzera mumwe mwanakomana.”
25 Rakeri paakabereka Josefa, Jakobho akabva ati kuna Rabhani: “Chiregai ndiende kumusha kwangu nekunyika yangu.+ 26 Ndipei madzimai angu nevana vangu vandakashandira, kuti ndiende, nekuti imi munonyatsoziva mashandiro andakakuitirai.”+ 27 Rabhani akabva ati kwaari: “Kana wandinzwira nyasha ndapota hangu gara, nekuti ndiri kuona nezviratidzo kuti* Jehovha ari kundikomborera pamusana pako.” 28 Akawedzera kuti: “Ndiudze kuti unoda mubhadharo wei, ndikupe.”+ 29 Saka Jakobho akati kwaari: “Imi munoziva mashandiro andakakuitirai uye kuti zvipfuwo zvenyu zvakaita sei pandakanga ndichizvichengeta; + 30 makanga muine zvishoma ndisati ndauya, asi zvipfuwo zvenyu zvakawedzera zvikava zvizhinji, uye Jehovha akakukomborerai kubvira pandakasvika. Saka ndichashandirawo imba yangu riini?”+
31 Akabva ati: “Ndokupei?” Jakobho akati: “Hamufaniri kutombondibhadhara henyu! Mukangondiitira izvi, ndichatangazve kufudza zvipfuwo zvenyu uye kuzvichengeta. + 32 Ndichapfuura nepakati pezvipfuwo zvenyu zvese nhasi. Tsaurai makwai ese ane tumavara tudiki uye ane makamba-makamba, nemakwai ese matsvuku akasvibirira ari pakati pemakondohwe madiki. Uye pakati pembudzi, tsauraiwo hadzi dzese dzine makamba-makamba netumavara tudiki. Kubva iye zvino, izvi ndizvo zvichava mubhadharo wangu.+ 33 Kururama* kwangu kuchaonekwa pazuva ramuchauya kuzoona mubhadharo wangu; kana ndikawanikwa ndiine mbudzi hadzi dzisina tumavara tudiki kana dzisina makamba-makamba uye ndikawanikwa ndiine makondohwe madiki asiri matsvuku akasvibirira, ndinenge ndaba.”
34 Rabhani akabva ati: “Hapana chakaipa! Ngatiitei zvawataura izvozvo.”+ 35 Musi iwoyo akabva atsaura nhongo dzine mitsetse nedzine tumavara tudiki nembudzi hadzi dzese dzine makamba-makamba nedzine tumavara tudiki, uye pamakondohwe madiki akatsaura ese akanga aine pakachena neese matsvuku akasvibirira, ndokuzviisa mumaoko evanakomana vake. 36 Pashure paizvozvo akaendesa zvipfuwo zvake kure naJakobho nechinhambwe cherwendo rwemazuva matatu, uye Jakobho akanga achifudza zvipfuwo zvaRabhani zvakasara.
37 Jakobho akabva atema tumiti twemustorakisi, twemuarumondi, netwemupurani, ndokutukwatura-kwatura makwati kuti tuve tuchena mune dzimwe nzvimbo. 38 Akabva aisa tumiti tuya pamberi pezvipfuwo, maiyerera nemvura ichienda muzvinwiro, nemuzvinwiro zvacho, maiuya zvipfuwo kuzonwa mvura, kuti zvinzwe kuda mukono zvakatarisa tumiti twacho, pazvaiuya kuzonwa mvura.
39 Saka zvipfuwo zvainzwa kuda mukono zvakatarisa tumiti tuya, uye zvaibereka vana vane mitsetse, vane tumavara tudiki, nevane makamba-makamba. 40 Jakobho akabva atsaura makondohwe madiki, uye akaita kuti zvipfuwo zvitarise kune zvine mitsetse uye kune zvitsvuku zvese zvakasvibirira zvaiva pakati pezvaRabhani. Akabva aparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani uye haana kuzozvisanganisa. 41 Uye pese paaiona zvipfuwo zvakasimba zvava kuda mukono, Jakobho aiisa tumiti tuya munoyerera mvura pamberi pezvipfuwo, kuti zvinzwe kuda mukono zviri pedyo netumiti. 42 Asi akanga asingaisi tumiti twacho pamberi pezvisina kusimba. Saka Rabhani aingowana zvisina kusimba, Jakobho achiwana zvakasimba.+
43 Uye pfuma yemurume wacho yakaramba ichingowedzera, akava nezvipfuwo zvakawanda nevarandarume nevarandakadzi vakawanda nengamera nemadhongi.+
31 Nekufamba kwenguva, akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti: “Jakobho atora zvese zvaiva zvababa vedu, uye upfumi hwese hwaaunganidza uhwu hwakabva pazvinhu zvababa vedu.”+ 2 Jakobho paaitarisa chiso chaRabhani, aiona kuti akanga asisamufariri sezvaaimboita.+ 3 Jehovha akazoti kuna Jakobho: “Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako,+ uye ndicharamba ndiinewe.” 4 Jakobho akabva atumira shoko kuna Rakeri naReya kuti vauye kusango kwaaifudza zvipfuwo zvake, 5 akati kwavari:
“Ndiri kuona kuti baba venyu havachandifariri sezvavaiita,+ asi Mwari wababa vangu aneni.+ 6 Imi munonyatsoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rese.+ 7 Baba venyu vakaedza kundibiridzira uye vakachinja mubhadharo wangu kagumi; asi Mwari haana kubvumira kuti vandikuvadze. 8 Pavaiti, ‘Zvine makamba-makamba ndizvo zvichava mubhadharo wako,’ zvipfuwo zvese zvaibva zvabereka zvine makamba-makamba; asi kana vakati, ‘Zvine mitsetse ndizvo zvichava mubhadharo wako,’ zvipfuwo zvese zvaibva zvabereka zvine mitsetse.+ 9 Saka Mwari akaramba achitora zvipfuwo zvababa venyu achindipa. 10 Mumwe musi zvipfuwo pazvainzwa kuda mukono ndakaratidzwa kuhope, ndikaona kuti nhongo dzaikwira zvipfuwo dzakanga dziine mitsetse, tumavara tudiki, uye makamba-makamba.+ 11 Ngirozi yaMwari wechokwadi yakabva yati kwandiri kuhope, ‘Jakobho!’ ndikabva ndati, ‘Ndiri pano.’ 12 Iyo ikati, ‘Tarisa uone kuti nhongo dzese dziri kukwira zvipfuwo dzine mitsetse, tumavara tudiki, uye makamba-makamba, nekuti ndaona zvese zvauri kuitirwa naRabhani.+ 13 Ndini Mwari wechokwadi wekuBheteri,+ kwawakazodza dombo kuti rive mucherechedzo uye kwawakaita mhiko kwandiri.+ Chisimuka, ubude munyika ino, udzokere kunyika yawakaberekerwa.’”+
14 Rakeri naReya vakamupindura kuti: “Tichiine mugove wenhaka mumba mababa vedu here? 15 Havasi vava kutiona sevatorwa here, sezvo vakatitengesa uye vachidya mari yavakawana pavakatitengesa?+ 16 Pfuma yese yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu nevana vedu.+ Saka kana zvakadaro ita zvese zvawaudzwa naMwari.”+
17 Jakobho akabva asimuka akakwidza vana vake nemadzimai ake pangamera,+ 18 akatanga kutinha zvipfuwo zvake zvese nekutora zvinhu zvake zvese zvaakanga aunganidza,+ zvipfuwo zvaaiva nazvo zvaakanga aunganidza muPadhani-aramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKenani.+
19 Rabhani akanga aenda kunoveura makwai ake, Rakeri akabva aba zvidhori+ zvababa* vake.+ 20 Uyewo Jakobho akanyengedza Rabhani muAramu, pakuti akatiza asina kumuudza nezvekuenda kwake. 21 Akatiza nezvese zvaaiva nazvo, akayambuka Rwizi.*+ Akabva ananga kunyika ine makomo yeGiriyedhi.+ 22 Pazuva rechitatu, Rabhani akaudzwa kuti Jakobho akanga atiza. 23 Saka akatora hama dzake, vakamutevera kwechinhambwe cherwendo rwemazuva manomwe, vakamubata ava munyika ine makomo yeGiriyedhi. 24 Mwari akabva auya kuna Rabhani muAramu+ kuhope usiku+ akati kwaari: “Ngwarira matauriro auchaita naJakobho.”*+
25 Saka Rabhani akasvika kuna Jakobho uyo akanga adzika tende rake mugomo uye Rabhani akanga adzika musasa nehama dzake munyika ine makomo yeGiriyedhi. 26 Rabhani akabva ati kuna Jakobho: “Ndicho chii chawaita ichi? Waitirei zvekundinzvenga uchitora vanasikana vangu sekunge vanhu vawatapa nebakatwa? 27 Waitirei zvekuverevedza uchindinzvenga usingandiudzi? Dai wakandiudza ndingadai ndakaonekana newe tichifara tichiimba, tichiridza tambureni nerudimbwa. 28 Asi hauna kundipa mukana wekutsvoda vazukuru* vangu nevanasikana vangu. Waita zvisina musoro. 29 Ndine simba rekukukuvadza, asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwapfuura, achiti, ‘Ngwarira matauriro auchaita naJakobho.’*+ 30 Zvino kana waenda nekuti wanga wasuwa imba yababa vako, wazobirei vanamwari vangu?”+
31 Jakobho akapindura Rabhani kuti: “Ndakatiza nekuti ndaitya, saka ndakafunga kuti, ‘Vangandibvutira vanasikana vavo.’ 32 Wamunowana aina vanamwari venyu, ngaaurayiwe. Nyatsotsvagai pazvinhu zvangu hama dzedu dzichiona, kana mawana zvinhu zvenyu mutore.” Asi Jakobho haana kuziva kuti Rakeri ndiye akanga aba zvidhori zvacho. 33 Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nemutende raReya nemutende revarandasikana vaviri,+ asi haana chaakawana. Akabva abuda mutende raReya akapinda mune raRakeri. 34 Rakeri akanga atora zvidhori zvacho,* akazviisa muchigaro chechikadzi chepangamera chakaita setswanda, akaramba akazvigarira. Saka Rabhani akatsvaga mutende rese, asi haana kuzviwana. 35 Rakeri akabva ati kuna baba vake: “Musanditsamwira zvenyu ishe wangu, nekuti handikwanisi kusimuka pamberi penyu, nekuti zvinogaroitika kuvakadzi zviri pandiri.”+ Saka Rabhani akaenderera mberi achinyatsotsvaga, asi haana kuwana zvidhori zvacho.+
36 Jakobho akabva atsamwa, akatanga kushora zvakanga zvaitwa naRabhani. Akati kuna Rabhani: “Mhosva yangu ndeyei uye ndakatadzei zvamanditevera muchimhanya kudai? 37 Zvino zvamatsvaga muzvinhu zvangu zvese, mawanei chekumba kwenyu? Chiisei apa pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu tiri vaviri. 38 Mumakore ese 20 aya andanga ndiinemi, makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kumbosvodza,+ uye handina kumbodya makondohwe emakwai enyu. 39 Handina kumbokuunzirai chipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvemusango.+ Kana chaurayiwa ndini ndairipa. Maindiripisa pasinei nekuti chipfuwo chacho chakabiwa masikati kana kuti usiku. 40 Ndaipiswa nezuva masikati, ndichitonhorwa nechando usiku, uye ndaishaya hope.+ 41 Ndakaita makore 20 ndiri mumba menyu. Ndakakushandirai makore 14 kuti mundipe vanasikana venyu vaviri, uye makore 6 kuti muzondipa zvipfuwo zvenyu, asi mairamba muchichinja mubhadharo wangu kagumi.+ 42 Dai Mwari wababa vangu,+ Mwari waAbrahamu uye Mwari anotyiwa naIsaka,+ akanga asiri kurutivi rwangu, mungadai mandiendesa ndiri maoko. Mwari akaona kutambudzika kwangu nekufondoka kwandaiita, ndokusaka akakuyambirai usiku hwapfuura.”+
43 Rabhani akabva apindura Jakobho kuti: “Vanasikana vacho vanasikana vangu, vana vacho vana vangu, zvipfuwo zvacho zvipfuwo zvangu, uye zvinhu zvese zvawakatarisa ndezvangu nevanasikana vangu. Chii chandingaita kwavari nhasi kana kuti kuvana vavo vavakabereka? 44 Iye zvino chiuya tiite sungano, ini newe, ive chapupu pakati pangu newe.” 45 Saka Jakobho akatora dombo akarimisa kuti rive mucherechedzo.+ 46 Jakobho akabva ati kuhama dzake: “Nhongai matombo!” Vakatora matombo vakaaita murwi. Pashure paizvozvo vakadyira pamurwi wacho wematombo. 47 Rabhani akautumidza kuti Jegari-sahadhuta,* asi Jakobho akautumidza kuti Garidhi.*
48 Rabhani akabva ati: “Murwi uyu wematombo chapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakatumidzwa kuti Garidhi,+ 49 uye Nharire,* nekuti akati: “Jehovha ngaarambe akatarisa pakati pangu newe patinenge tisingaonani. 50 Kana ukabata vanasikana vangu zvisina kunaka uye kana ukatanga kutora mamwe madzimai kuwedzera pavanasikana vangu, kunyange pasina munhu anenge achitiona, yeuka kuti Mwari ndiye achava chapupu pakati pangu newe.” 51 Rabhani akaenderera mberi achiti kuna Jakobho: “Murwi uyu wematombo nedombo iri remucherechedzo ndazvimisa pakati pangu newe. 52 Murwi uyu wematombo chapupu, uye dombo iri remucherechedzo rinopupurira+ kuti handizodariki murwi uyu wematombo kuti ndizokuitira zvakaipa uye kuti iwe hauzodariki murwi uyu wematombo kuti uzondiitira zvakaipa. 53 Mwari waAbrahamu+ uye Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Uye Jakobho akapika naMwari anotyiwa nababa vake Isaka.*+
54 Pashure paizvozvo Jakobho akapa chibayiro mugomo racho akati hama dzake dziuye kuzodya chingwa. Saka vakadya, vakarara mugomo racho. 55 Zvisinei, Rabhani akafumomuka akatsvoda vazukuru* vake+ nevanasikana vake, akavakomborera.+ Rabhani akabva asimuka akadzokera kumusha kwake.+
32 Jakobho akabva apinda munzira, uye ngirozi dzaMwari dzakasangana naye. 2 Paakangodziona, Jakobho akati: “Uyu musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Mahanaimu.*
3 Jakobho akabva atuma nhume kuti dzifanotungamira kuna Isau mukoma wake, kunyika yeSeiri,+ kunharaunda yeEdhomu,+ 4 akadzirayira achiti: “Munoti kuna ishe wangu Isau, ‘Zvanzi naJakobho muranda wenyu: “Ndanga ndichigara* naRabhani kwenguva yese iyi.+ 5 Uye ndava nemombe, madhongi, makwai, varandarume nevarandakadzi,+ saka ndatumira shoko kuti ndizivise ishe wangu, kuti mundinzwire nyasha.”’”
6 Nhume dzacho dzakazodzoka kuna Jakobho, dzichiti: “Takaona mukoma wenyu Isau, uye ava munzira kuuya kuzosangana nemi aine varume 400.”+ 7 Jakobho akatya kwazvo, akanetseka.+ Saka akakamura vanhu vaaiva navo, makwai nembudzi, mombe, nengamera, kuva mapoka maviri. 8 Akati: “Kana Isau akarwisa rimwe boka, rimwe racho richakwanisa kutiza.”
9 Pashure paizvozvo Jakobho akati: “Haiwa Mwari wababa vangu Abrahamu naMwari wababa vangu Isaka, haiwa Jehovha, imi muri kundiudza kuti, ‘Dzokera kunyika yako nekuhama dzako, uye ndichakuitira zvakanaka,’+ 10 handikodzeri kuratidzwa mutsa wese uye kutendeka kwese kwamakaratidza muranda wenyu,+ nekuti ndakayambuka Jodhani urwu ndiine mudonzvo wangu chete asi iye zvino ndava mapoka maviri.+ 11 Ndinokutetererai,+ ndinunureiwo paruoko rwemukoma wangu Isau, nekuti ndiri kumutya. Anogona kuuya akandirwisa+ pamwe nevana navanaamai vavo. 12 Imi makati: ‘Chokwadi ndichakuitira zvakanaka, ndichaita kuti vana* vako vave sejecha regungwa, risingaverengeki nekuwanda kwaro.’”+
13 Akarara ipapo usiku ihwohwo. Akabva atora zvimwe zvipfuwo zvake kuti ape Isau mukoma wake sechipo:+ 14 mbudzi hadzi 200, nhongo 20, makwai makadzi 200, nemakondohwe 20, 15 ngamera dzinoyamwisa 30 nemhuru dzadzo, mhou dzemombe 40, mikono yemombe 10, madhongi makadzi 20 nemikono yemadhongi 10.+
16 Akazvipa varanda vake, boka rimwe richitevedzana nerimwe, uye akati kuvaranda vake: “Tangai imi kuyambuka, uye munofanira kusiya chinhambwe pakati peboka neboka.” 17 Akaudzawo wekutanga kuti: “Kana Isau mukoma wangu akasangana newe, akakubvunza kuti, ‘Uri wekwaani, uri kuenda kupi, uye izvi zviri pamberi pako ndezvaani?’ 18 ibva wati, ‘Ndiri wekwaJakobho, muranda wenyu. Ichi chipo chatumirwa ishe wangu, Isau,+ uye iye ari kutevera kumashure.’” 19 Akaudzawo wechipiri, wechitatu, nevamwe vese vaitinha zvipfuwo kuti: “Pamunosangana naIsau mutaure naye saizvozvo. 20 Uye munofanirawo kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kutevera.’” Nekuti akafunga kuti: ‘Kana ndikapfavisa mwoyo wake nekufanotumira chipo,+ pandinozomuona anogona kunditambira zvakanaka.’ 21 Saka varanda vake vaiva nechipo vakayambuka vakafanotungamira, asi iye akarara mumusasa usiku ihwohwo.
22 Usiku ihwohwo akazosimuka, akatora madzimai ake maviri+ nevarandakadzi vake vaviri+ nevanakomana vake 11, akayambuka zambuko raJabhoki.+ 23 Saka akavatora akavayambutsa rukova, uye akayambutsa zvese zvaaiva nazvo.
24 Jakobho akazosara ari ega. Mumwe murume akabva atanga kuita mutsimba naye kusvikira utonga hwotsvuka.+ 25 Paakaona kuti akanga asina kumukunda, akamubata nechepahudyu; uye Jakobho akaminyuka pahudyu pacho paaiita mutsimba naye.+ 26 Murume wacho akazoti: “Ndirege ndiende, nekuti utonga hwotsvuka.” Iye akati: “Handisi kuzokuregai muchienda kusvikira mandikomborera.”+ 27 Saka akati kwaari: “Unonzi ani?” iye akati: “Jakobho.” 28 Akabva ati: “Hauchanzizve Jakobho asi Israeri,*+ nekuti wakwikwidzana naMwari+ nevanhu uye ndiwe wazokunda.” 29 Jakobho akabvunzawo kuti: “Ko imi munonzi ani?” Asi iye akati: “Unondibvunzirei zita rangu?”+ Akabva amukomborera ipapo. 30 Saka Jakobho akatumidza nzvimbo yacho kuti Penieri,*+ nekuti akati, “Ndaonana naMwari chiso nechiso asi ndaramba ndiri mupenyu.”*+
31 Zuva rakazobuda achangopfuura Penueri,* asi akanga achikamhina nemhaka yehudyu yake.+ 32 Ndokusaka nanhasi vanakomana vaIsraeri vasingadyi runda* rechidya, riri panosangana mapfupa emuhudyu, nekuti akabata hudyu yaJakobho necheparunda rechidya.
33 Jakobho akabva asimudza musoro akaona Isau achiuya aine varume 400.+ Saka akakamuranisa vana pakati paReya, Rakeri, nevarandakadzi vaviri.+ 2 Akaisa varandakadzi nevana vavo pamberi,+ pachizotevera Reya nevana vake,+ Rakeri+ naJosefa vari shure kwavo. 3 Iye pachake akabva aenda mberi kwavo akakotama kanomwe kusvikira ava pedyo nemukoma wake.
4 Asi Isau akamhanya kuzosangana naye, akamumbundira, akamutsvoda, vakatanga kuchema. 5 Paakasimudza musoro akaona vakadzi nevana, akati: “Ava vauinavo ndivanaani?” Iye akapindura kuti: “Vana vakapiwa muranda wenyu naMwari.”+ 6 Varandakadzi vacho vakabva vauya mberi pamwe nevana vavo vakakotama, 7 uye Reya akauyawo mberi nevana vake, vakakotama. Josefa akazouyawo mberi naRakeri, vakakotama.+
8 Isau akati: “Watumireiko boka rese iri revanhu randasangana naro?”+ Iye akapindura kuti: “Ndati ndinzwirwe nyasha naishe wangu.”+ 9 Isau akabva ati: “Ndine zvinhu zvakawanda kwazvo munin’ina.+ Chengeta hako zvinhu zvako.” 10 Asi Jakobho akati: “Aiwa kani. Kana mandinzwira nyasha, torai chipo chandiri kukupai, nekuti ndauya nacho kuti ndikwanise kuona chiso chenyu. Uye ndaona chiso chenyu sekunge ndiri kuona chiso chaMwari, pakuti manditambira nemufaro.+ 11 Ndapota, torai chipo chinoratidza mufaro wangu chandakuunzirai,+ nekuti Mwari akandinzwira nyasha uye ndine zvese zvandinoda.”+ Akaramba achimuteterera kusvikira achitora.
12 Isau akazoti: “Ngatibvei pano tiende. Rega ini nditungamire.” 13 Asi akati kwaari: “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vadiki+ uye ndine makwai nemombe zviri kuyamwisa. Kana zvikaswera zvichimhanyiswa, zvinofa zvese. 14 Ndapota, ishe wangu ngaaende mberi kwemuranda wake, asi ini ndichasimudzira nerwendo zvishoma nezvishoma maererano nekufamba kwezvipfuwo zvangu nekwevana, kusvikira ndasvika kunashe wangu kuSeiri.”+ 15 Isau akabva ati: “Ndapota, rega ndikusiyire vamwe vanhu vangu.” Iye akati: “Muchidarirei zvenyu? Ishe wangu ngaangondinzwira nyasha chete.” 16 Saka zuva iroro Isau akadzokera kuSeiri.
17 Jakobho akabva ipapo akaenda kuSukoti,+ akazvivakira imba, akagadzirira zvipfuwo zvake matumba. Ndokusaka akatumidza nzvimbo yacho kuti Sukoti.*
18 Paakabva kuPadhani-aramu,+ Jakobho akasvika zvakanaka kuguta reShekemu+ munyika yeKenani,+ uye akadzika musasa pedyo neguta racho. 19 Akabva atenga nzvimbo nemasirivha 100+ kuvanakomana vaHamori, baba vaShekemu, achibva adzika tende rake munzvimbo iyoyo. 20 Akavaka atari ipapo, akaitumidza kuti Mwari ndiMwari waIsraeri.+
34 Dhina mwanasikana waJakobho waakabereka naReya,+ aiwanzoenda kunotandara nevasikana* vemunyika iyoyo.+ 2 Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi,+ muchinda wenyika yacho, paakamuona, akabva amutora, akamubata chibharo. 3 Akanga asisade kusiyana naDhina,* mwanasikana waJakobho, uye akada musikana wacho, akaramba achimunyengetedza. 4 Shekemu akazoti kuna Hamori+ baba vake: “Ndiwanirei musikana uyu kuti ave mudzimai wangu.”
5 Jakobho paakanzwa kuti Shekemu akanga asvibisa Dhina mwanasikana wake, vanakomana vake vakanga vari kumafuro nezvipfuwo. Saka Jakobho akaramba akanyarara kusvikira vadzoka. 6 Hamori, baba vaShekemu, vakazoenda kunotaura naJakobho. 7 Asi vanakomana vaJakobho vakazvinzwa vakabva vangodzoka kubva kumafuro. Vakarwadziwa nazvo uye vakashatirwa nekuti akanga anyadzisa Israeri nekurara nemwanasikana waJakobho,+ chinova chinhu chaisatombofanira kuitwa.+
8 Hamori akataura navo achiti: “Mwanakomana wangu Shekemu ari kuda mwanasikana wenyu.* Ndapota, mupei ave mudzimai wake, 9 uye ngatirooreranei. Tipei vanasikana venyu, imi motorawo vanasikana vedu.+ 10 Munogona henyu kugara nesu, moita zvamunoda munyika yedu. Garai mutengese henyu zvinhu zvenyu muwane pfuma imomo.” 11 Shekemu akabva ati kuna baba vaDhina nehanzvadzi dzake: “Ndinzwirei nyasha, uye ndichakupai chero chamunoda. 12 Ndinokupai henyu chero chamungataura kuti munoda, kunyange roora rakakura zvakadii uye chipo chakakura zvakadii.+ Chingondipai musikana wacho kuti ave mudzimai wangu.”
13 Vanakomana vaJakobho vakapindura Shekemu nababa vake Hamori nekunyengera nekuti akanga asvibisa Dhina hanzvadzi yavo. 14 Vakati kwavari: “Hatigoni kuita zvakadaro, kupa hanzvadzi yedu murume asina kuchecheudzwa,*+ nekuti izvozvo zvinotinyadzisa. 15 Kuti tibvumirane nemi munofanira kuita izvi: checheudzai vanhurume venyu vese kuti mufanane nesu.+ 16 Tichabva takupai vanasikana vedu, uye tichatorawo vanasikana venyu, uye tichagara nemi tova vanhu vamwe. 17 Asi kana mukasatiteerera morega kuchecheudzwa, tichabva tatora mwanasikana wedu toenda.”
18 Zvavakataura zvakafadza Hamori+ naShekemu, mwanakomana waHamori.+ 19 Jaya racho harina kunonoka kuita zvavakanga vataura,+ nekuti rakanga rafadzwa nemwanasikana waJakobho uye ndiro raikudzwa kwazvo muimba yese yababa varo.
20 Saka Hamori nemwanakomana wake Shekemu vakaenda kugedhi reguta, vakataura nevarume veguta ravo+ vachiti: 21 “Varume ava vanoda kuti tigarisane. Regai vagare munyika vatengese zvinhu zvavo mairi, nekuti nyika yacho yakakura zvekuti vanokwanisa kugara havo. Tinogona kutora vanasikana vavo kuti vave madzimai edu, uye tinogona kuvapa vanasikana vedu.+ 22 Varume vacho vachabvuma kugara nesu kuti tive vanhu vamwe kana tangoita izvi chete: vanhurume vedu vese ngavachecheudzwe sekuchecheudzwa kwavakaitwa.+ 23 Hamufungi kuti zvinhu zvavo nepfuma yavo nezvipfuwo zvavo zvese, zvingabva zvava zvedu? Saka ngatingobvumiranei navo kuti vagare nesu.” 24 Vese vaibuda negedhi reguta rake vakateerera Hamori nemwanakomana wake Shekemu, uye vanhurume vese veguta racho vakachecheudzwa.
25 Asi pazuva rechitatu, pavakanga vachiri kurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina,+ vakatora mumwe nemumwe bakatwa rake, vakaenda kuguta racho vanhu vasingafungiri, ndokuuraya vanhurume vese.+ 26 Vakauraya Hamori nemwanakomana wake Shekemu nebakatwa vakabva vatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda. 27 Vamwe vanakomana vaJakobho vakauya vakaona varume vakanga vaurayiwa ndokutora zvaiva muguta racho nekuti varume ivavo vakanga vasvibisa hanzvadzi yavo.+ 28 Vakatora makwai avo, mombe dzavo, madhongi avo, nezvese zvakanga zviri muguta nezvaiva muminda. 29 Vakatorawo zvinhu zvavo zvese, vakapamba vana vavo vese vadiki nemadzimai avo, uye vakatora zvinhu zvese zvaiva mudzimba.
30 Jakobho akabva ati kuna Simiyoni naRevhi:+ “Mandiunzira dambudziko rakakura nekuita kuti ndivengwe nevagari vemunyika ino, vaKenani nevaPerizi. Ndine vanhu vashoma kwazvo, uye vachaungana kuti vandirwise vondiparadza pamwe neimba yangu.” 31 Asi vakati: “Hanzvadzi yedu inofanira kubatwa sepfambi here?”
35 Pashure paizvozvo Mwari akati kuna Jakobho: “Simuka uende kuBheteri+ ugare ikoko, ugadzirire Mwari wechokwadi atari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza Isau mukoma wako.”+
2 Jakobho akabva ati kumhuri yake nekuvanhu vese vaaiva navo: “Rasai vanamwari vekune dzimwe nyika vari pakati penyu,+ muzvichenese uye muchinje zvipfeko zvenyu, 3 uye ngatisimukei tiende kuBheteri. Ikoko ndichanogadzirira Mwari wechokwadi atari, uyo akandipindura pazuva rekutambudzika kwangu uye anga aineni kwese kwandanga ndichienda.”+ 4 Saka vakapa Jakobho vanamwari vese vekune dzimwe nyika vavaiva navo nemhete dzaiva panzeve dzavo, uye Jakobho akazvicherera* pasi pemuti mukuru wakanga uri pedyo neShekemu.
5 Pavakapinda munzira, Mwari akaita kuti vanhu vemaguta akanga akavapoteredza vabatwe nekutya, saka havana kudzingirira vanakomana vaJakobho. 6 Jakobho akazosvika kuRuzi,+ kureva Bheteri, munyika yeKenani, iye nevanhu vese vaakanga ainavo. 7 Akavaka atari ipapo, akatumidza nzvimbo yacho kuti Eri-bheteri,* nekuti Mwari wechokwadi akanga azviratidza kwaari ipapo paaitiza mukoma wake.+ 8 Dhibhora,+ mureri waRibheka akazofa akavigwa pedyo neBheteri pasi pemuoku. Saka akatumidza muti wacho kuti Aroni-bhakuti.*
9 Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho achibva kuPadhani-aramu, akamukomborera. 10 Mwari akati kwaari: “Unonzi Jakobho.+ Hauchanzizve Jakobho, asi uchanzi Israeri.” Uye akatanga kumushevedza kuti Israeri.+ 11 Mwari akatizve kwaari: “Ndini Mwari Wemasimbaose.+ Bereka uwande. Uchava baba vemarudzi akawanda,+ uye madzimambo achabva kwauri.*+ 12 Ndichakupa nyika yandakapa Abrahamu naIsaka, uye ndichapa vana* vako vachauya mumashure mako nyika yacho.”+ 13 Mwari akabva akwira achibva panzvimbo yaakanga ataura naye.
14 Saka Jakobho akamisa mucherechedzo wedombo panzvimbo iya yaakanga ataura naye, akadurura mupiro wezvinwiwa pauri uye akadurura mafuta pauri.+ 15 Jakobho akaramba achishevedza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri.+
16 Vakazotama paBheteri. Pasara chinhambwe chakati rebei kuti vasvike kuEfrati, Rakeri akatanga kusununguka, uye marwadzo ekusununguka kwacho akanga akanyanya. 17 Asi paairwadziwa kudaro achisununguka mwana, nyamukuta akati kwaari: “Usatya, nekuti uchava nemumwe mwanakomana.”+ 18 Upenyu hwake pahwakanga hwava kuparara* (nekuti akanga ava kufa), akamutumidza kuti Bheni-oni,* asi baba vake vakamutumidza kuti Bhenjamini.*+ 19 Saka Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda kuEfrati, kureva Bhetrehema.+ 20 Jakobho akamisa dombo paguva rake; nanhasi iri ndiro dombo reguva raRakeri.
21 Israeri akazotama ipapo, akadzika tende rake ati pfuurei zvishoma nharire* yeEdheri. 22 Israeri paakanga achigara munyika iyoyo, mumwe musi Rubheni akanorara naBhiriha, murongo* wababa vake, uye Israeri akazvinzwa.+
Jakobho aiva nevanakomana 12. 23 Vanakomana vaakabereka naReya vaiva Rubheni dangwe rake,+ kwouya Simiyoni, Revhi, Judha, Isakari, naZebhuroni. 24 Vanakomana vaakabereka naRakeri vaiva Josefa naBhenjamini. 25 Uye vanakomana vaakabereka naBhiriha, muranda waRakeri, vaiva Dhani naNaftari. 26 Uye vanakomana vaakabereka naZiripa, muranda waReya, vaiva Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa muPadhani-aramu.
27 Jakobho akazosvika kuna baba vake Isaka kuMamre,+ iri kuKiriyati-abha, kureva Hebroni, kwakambogarwa naAbrahamu kukazogarwawo naIsaka vari vatorwa.+ 28 Isaka akararama makore 180.+ 29 Isaka akazofema kekupedzisira akafa, akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake,* akwegura uye agutsikana neupenyu; uye vanakomana vake Isau naJakobho vakamuviga.+
36 Iyi ndiyo nhoroondo yaIsau, kureva Edhomu.+
2 Isau akatora madzimai ake pavanasikana veKenani: Adha+ mwanasikana waEroni muHiti;+ naOhoribhama+ mwanasikana waEna, muzukuru waZibhiyoni muHivhi; 3 naBhasemati,+ mwanasikana waIshmaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.+
4 Adha akaberekera Isau Erifazi, uye Bhasemati akabereka Reueri,
Ava ndivo vanakomana vaIsau, vaakabereka munyika yeKenani. 6 Isau akabva atora madzimai ake, vanakomana vake, vanasikana vake, vanhu vese veimba* yake, zvipfuwo zvake zvese nepfuma yese yaakanga awana+ munyika yeKenani, akaenda kune imwe nyika iri kure naJakobho munin’ina wake.+ 7 Akadaro nekuti zvinhu zvavo zvakanga zvawandisa saka vaisagona kugara pamwe chete, uye nyika yavaigara* yakanga isisavakwaniri nekuwanda kwakanga kwaita zvipfuwo zvavo. 8 Saka Isau akagara munyika ine makomo yeSeiri.+ Isau ndiye Edhomu.+
9 Iyi ndiyo nhoroondo yaIsau baba vaEdhomu vaigara munyika ine makomo yeSeiri.+
10 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIsau: Erifazi mwanakomana waAdha, mudzimai waIsau; Reueri mwanakomana waBhasemati, mudzimai waIsau.+
11 Vanakomana vaErifazi vaiva Temani,+ Omari, Zefo, Gatamu, naKenazi.+ 12 Timna akava murongo* waErifazi, mwanakomana waIsau. Akazomuberekera Amareki.+ Ava ndivo vanakomana vaAdha, mudzimai waIsau.
13 Ava ndivo vanakomana vaReueri: Nahati, Zera, Shamaa, naMiza. Ava ndivo vaiva vanakomana vaBhasemati,+ mudzimai waIsau.
14 Ava ndivo vaiva vanakomana vaOhoribhama mwanasikana waEna, muzukuru waZibhiyoni, mudzimai waIsau, vaakaberekera Isau: Jeushi, Jaramu, naKora.
15 Aya ndiwo madzishe evanakomana vaIsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raIsau:+ Ishe Temani, Ishe Omari, Ishe Zefo, Ishe Kenazi,+ 16 Ishe Kora, Ishe Gatamu, Ishe Amareki. Aya ndiwo madzishe aErifazi+ munyika yeEdhomu. Ava ndivo vanakomana vakaberekwa naAdha.
17 Ava ndivo vanakomana vaReueri, mwanakomana waIsau: Ishe Nahati, Ishe Zera, Ishe Shamaa, Ishe Miza. Aya ndiwo madzishe aReueri munyika yeEdhomu.+ Ava ndivo vanakomana vakaberekwa naBhasemati, mudzimai waIsau.
18 Saka ava ndivo vanakomana vaOhoribhama, mudzimai waIsau: Ishe Jeushi, Ishe Jaramu, Ishe Kora. Aya ndiwo madzishe aOhoribhama mwanasikana waEna, mudzimai waIsau.
19 Ava ndivo vanakomana vaIsau, uye aya ndiwo madzishe avo. Iye ndiye Edhomu.+
20 Ava ndivo vanakomana vaSeiri muHori, vagari vemunyika yacho:+ Rotani, Shobhari, Zibhiyoni, Ena,+ 21 Dhishoni, Ezeri, naDhishani.+ Aya ndiwo madzishe evaHori, vanakomana vaSeiri, aiva munyika yeEdhomu.
22 Vanakomana vaRotani vaiva Hori naHemamu, uye hanzvadzi yaRotani yaiva Timna.+
23 Ava ndivo vanakomana vaShobhari: Aruvhani, Manahati, Ebhari, Shefo, naOnamu.
24 Ava ndivo vanakomana vaZibhiyoni:+ Aya naEna. Uyu ndiye Ena akawana zvitubu zvemvura inopisa musango paaifudza madhongi aZibhiyoni baba vake.
25 Ava ndivo vana vaEna: Dhishoni naOhoribhama mwanasikana waEna.
26 Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemdhani, Eshbhani, Itrani, naKerani.+
27 Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani, Zaavhani, naEkani.
28 Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.+
29 Aya ndiwo madzishe evaHori: Ishe Rotani, Ishe Shobhari, Ishe Zibhiyoni, Ishe Ena, 30 Ishe Dhishoni, Ishe Ezeri, Ishe Dhishani.+ Aya ndiwo madzishe evaHori maererano nemadzishe avo munyika yeSeiri.
31 Aya ndiwo madzimambo akatonga munyika yeEdhomu+ vaIsraeri* vasati vava kutongwa nemadzimambo.+ 32 Bhira mwanakomana waBheori akatonga muEdhomu, uye guta rake rainzi Dhinhabha. 33 Bhira paakafa, akatsiviwa naJobhabhu mwanakomana waZera wekuBhozra. 34 Jobhabhu paakafa, akatsiviwa naHushamu wekunyika yevaTemani. 35 Hushamu paakafa, akatsiviwa naHadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda vaMidhiyani+ munyika yeMoabhi, uye guta rake rainzi Avhiti. 36 Hadhadhi paakafa, akatsiviwa naSamra wekuMasreka. 37 Samra paakafa, akatsiviwa naShauri wekuRehobhoti pedyo neRwizi. 38 Shauri paakafa, akatsiviwa naBhaari-hanani mwanakomana waAkibhori. 39 Bhaari-hanani mwanakomana waAkibhori paakafa, akatsiviwa naHadhari. Guta rake rainzi Pau, uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatredhi, mwanasikana waMezahabhu.
40 Saka aya ndiwo mazita emadzishe aIsau maererano nemhuri dzawo, maererano nenzvimbo dzawo, nemazita awo: Ishe Timna, Ishe Aruvha, Ishe Jeteti,+ 41 Ishe Ohoribhama, Ishe Eraa, Ishe Pinoni, 42 Ishe Kenazi, Ishe Temani, Ishe Mibzari, 43 Ishe Magdhieri, Ishe Iramu. Aya ndiwo madzishe aEdhomu maererano nenzvimbo dzaaigara munyika yawo.+ Uyu ndiye Isau baba vaEdhomu.+
37 Jakobho akaramba achigara munyika yeKenani, yakambogarwa nababa vake vari mutorwa.+
2 Iyi ndiyo nhoroondo yaJakobho.
Josefa+ paakanga ari mukomana ane makore 17, aifudza makwai+ nevanakomana vaBhiriha+ nevanakomana vaZiripa,+ madzimai ababa vake. Uye Josefa aivamhan’arira kuna baba vavo. 3 Israeri aida Josefa kupfuura vamwe vanakomana vake vese+ nekuti akanga ari mwanakomana wepaukweguru hwake, uye akaita kuti agadzirirwe nguo refu yakanaka. 4 Vakoma vake pavakaona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vese, vakatanga kumuvenga, uye vakanga vasingakwanisi kutaura naye zvakanaka.*
5 Josefa akazorota hope akadziudza vakoma vake,+ vakabva vatonyanya kumuvenga. 6 Akati kwavari: “Regai ndikuudzei hope dzandarota. 7 Ndarota tichisunga zvisote pakati pemunda, chisote changu chikabva chasimuka, chikamira kuti twi, zvisote zvenyu zvikabva zvakomberedza chisote changu zvikachikotamira.”+ 8 Vakoma vake vakati kwaari: “Hoo uri kuda kuzozviita mambo wedu wotitonga nhai?”+ Saka vakabva vatowedzera kumuvenga, nemhaka yehope dzake uye zvaakataura.
9 Akazorota dzimwe hope, akadzirondedzera kuvakoma vake achiti: “Ndarota dzimwe hope. Rwendo runo ndarota zuva nemwedzi nenyeredzi 11 zvichindikotamira.”+ 10 Akabva adzirondedzera kuna baba vake vakoma vake varipowo, asi baba vake vakamutsiura vakati kwaari: “Hope dzako idzi dzinorevei? Uri kureva here kuti ini naamai vako nevakoma vako tichauya kuzokukotamira?” 11 Vakoma vake vakamuitira godo,+ asi baba vake vakachengeta zvaakataura mumwoyo mavo.
12 Vakoma vake vakaenda kunofudza zvipfuwo zvababa vavo pedyo neShekemu.+ 13 Israeri akazoti kuna Josefa: “Handiti vakoma vako vari kufudza zvipfuwo pedyo neShekemu? Uya ndikutume kwavari.” Iye akati: “Zvakanakai!” 14 Saka akati kwaari: “Enda unoona kuti vakoma vako vakadii. Unoona kuti zvipfuwo zvakadii, wodzoka kuzondiudza.” Akabva amutuma achibva mubani reHebroni,+ akaenda akananga kuShekemu. 15 Akazoonekwa nemumwe murume achidzungaira musango. Murume wacho akamubvunza kuti: “Uri kutsvagei?” 16 Iye akati: “Ndiri kutsvaga vakoma vangu. Munozivawo here kuti vari kufudzira zvipfuwo zvavo kupi?” 17 Murume wacho akati: “Vabva pano. Ndanzwa vachiti, ‘Ngatiendei kuDhotani.’” Saka Josefa akatevera vakoma vake, akavawanira kuDhotani.
18 Vakabva vamuona achiri kure, asati asvika pavaiva, vakatanga kurangana kuti vamuuraye. 19 Saka vakataurirana vachiti: “Onai! Muroti uya ari kuuya.+ 20 Uyai timuuraye tomukanda mune rimwe remakomba emvura, tozoti akadyiwa nechikara, tione kuti hope dzake dzichaguma nei.” 21 Rubheni+ paakazvinzwa, akaedza kumununura. Saka akati: “Ngatiregei kumuuraya.”*+ 22 Rubheni akati kwavari: “Musadeura ropa.+ Mukandei mugomba iri remvura, musango muno, asi musamukuvadza.”+ Chinangwa chake chaiva chekumununura kuti amudzorere kuna baba vake.
23 Saka Josefa paakangosvika kuvakoma vake, vakamubvisa nguo yake, nguo yake yakanaka yaaipfeka,+ 24 vakamutora, vakamukanda mugomba remvura. Panguva iyoyo mugomba macho makanga musina mvura.
25 Vakabva vagara pasi kuti vadye. Pavakasimudza misoro, vakaona boka revaIshmaeri+ raibva kuGiriyedhi. Ngamera dzavo dzakanga dzakatakura namo yemiti inonhuhwirira,* bharisamu, nemakwati anobudisa namo,+ uye vaienda kuIjipiti. 26 Judha akati kuvana vababa vake: “Tinowaneiko kana tikauraya munin’ina wedu, tofukidza ropa rake?+ 27 Uyai timutengesere+ vaIshmaeri, tirege kuisa maoko edu paari. Handiti munin’ina wedu nenyama yedu?” Saka vakateerera mwana wababa vavo. 28 Vatengesi vechiMidhiyani+ pavaipfuura, vakoma vaJosefa vakamubudisa mugomba riya, vakamutengesa kuvaIshmaeri nemasirivha 20.+ Varume ava vakaenda naJosefa kuIjipiti.
29 Rubheni paakazodzokera kugomba ndokuwana Josefa asimo mugomba racho, akabvarura nguo dzake. 30 Paakadzoka kuvanin’ina vake akati: “Mwana haasisimo! Zvino ndichaita sei nhai?”
31 Saka vakatora nguo yaJosefa, vakauraya mbudzi, vakanyika nguo yacho muropa racho. 32 Vakazotumira nguo yacho kuna baba vavo vakati: “Tanhonga nguo iyi. Tinokumbirawo kuti muiongorore, muone kana isiri yemwanakomana wenyu.”+ 33 Vakabva vaiongorora vakati: “Inguo yemwanakomana wangu! Anofanira kunge adyiwa nechikara! Chokwadi Josefa abvamburwa-bvamburwa!” 34 Jakobho akabva abvarura nguo dzake, akasungirira masaga muchiuno, akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji. 35 Vanakomana vake vese nevanasikana vake vese vakaedza kumunyaradza, asi akaramba kunyaradzwa, achiti: “Ndichapinda muGuva*+ ndichingochema mwanakomana wangu!” Baba vake vakaramba vachimuchema.
36 VaMidhiyani vakamutengesa muIjipiti kuna Potifari, mukuru mumuzinda waFarao+ uye mukuru wevarindi.+
38 Mazuva iwayo, Judha akasiya hama dzake akanodzika tende rake pedyo nemumwe murume ainzi Hira, muAdhuramu. 2 Ava ikoko, Judha akaona mwanasikana wemumwe muKenani+ ainzi Shua. Saka akamutora akarara naye, 3 uye akava nepamuviri. Akazobereka mwanakomana, Judha akamutumidza kuti Ere.+ 4 Akavazve nepamuviri, akabereka mwanakomana, akamutumidza kuti Onani. 5 Akazoberekazve mumwe mwanakomana, akamutumidza kuti Shera. Akanga* ari kuAkzibhu*+ panguva yaakaberekwa.
6 Nekufamba kwenguva, Judha akatorera Ere dangwe rake mudzimai ainzi Tamari.+ 7 Asi Ere, dangwe raJudha, akanga asingafadzi Jehovha; saka Jehovha akamuuraya. 8 Pakaitika izvi, Judha akati kuna Onani: “Gara nhaka mudzimai wemukoma wako, urare naye uberekere mukoma wako vana.”+ 9 Asi Onani aiziva kuti vana vacho vaisazotorwa sevana vake.+ Saka paairara nemudzimai wemukoma wake, airasira mbeu pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana.+ 10 Zvaaiita zvakanga zvakaipa kuna Jehovha, saka akamuurayawo.+ 11 Judha akati kuna Tamari muroora wake: “Gara uri chirikadzi mumba mababa vako kusvikira mwanakomana wangu Shera akura,” nekuti akati nechemumwoyo: ‘Naiyewo angafa sezvakaita vakoma vake.’+ Saka Tamari akaenda akanogara kumba kwababa vake.
12 Nekufamba kwenguva, mudzimai waJudha, mwanasikana waShua,+ akafa. Nguva yekuchema payakanga yapfuura, Judha akaenda kuvaveuri vemakwai ake, kuTimna,+ neshamwari yake Hira, muAdhuramu.+ 13 Tamari akaudzwa kuti: “Tezvara vako vari kuenda kuTimna kunoveura makwai avo.” 14 Akabva abvisa zvipfeko zvake zveuchirikadzi, akafuka chari, akazvifukidza kumeso, akagara pasi pagedhi reEnaimu, iri mumugwagwa unoenda kuTimna, nekuti akaona kuti Shera akanga akura asi tezvara vake vakanga vasina kuita kuti amutore ave mudzimai wake.+
15 Judha paakamuona, akabva afunga kuti ipfambi, nekuti akanga afukidza chiso chake. 16 Saka akatsaukira kwaari akati: “Uya tirare tese,” nekuti haana kuziva kuti akanga ari muroora wake.+ Asi iye akati: “Muchandipei kuti murare neni?” 17 Akabva ati: “Ndichatora mbudzana pazvipfuwo zvangu ndokutumira.” Asi akati: “Muchandipa chekufanobata kusvikira maitumira here?” 18 Akati: “Unoda kuti ndifanokupa chii?” iye akati: “Rin’i yenyu yechidhindo*+ netambo yenyu netsvimbo iri muruoko rwenyu.” Akabva amupa zvinhu zvacho, akarara naye, akabva abata pamuviri. 19 Pashure paizvozvo akasimuka, akaenda, akabvisa chari yake, akapfeka zvipfeko zvake zveuchirikadzi.
20 Judha akazotumira mbudzana neshamwari yake muAdhuramu+ kuti adzorerwe zvaakanga afanobatisa mukadzi wacho, asi haana kumuwana. 21 Akabvunza varume vemunzvimbo yacho kuti: “Pfambi iya yepatemberi yaiva muEnaimu mumugwagwa iri kupi?” Ivo vakati: “Munzvimbo ino hamuna kumbova nepfambi yepatemberi.” 22 Akazodzoka kuna Judha akati: “Ndamushaya, uyezve varume vemunzvimbo yacho vati, ‘Munzvimbo ino hamuna kumbova nepfambi yepatemberi.’” 23 Saka Judha akati: “Ngaagare nazvo kuti tirege kuzvishoresa. Ini ndanga ndatumira mbudzana iyi, iwe ukamushaya.”
24 Asi papfuura mwedzi ingasvika mitatu, Judha akaudzwa kuti: “Tamari muroora wako akaita zvechipfambi, uye atova nepamuviri nemhaka yeupfambi hwake.” Judha akabva ati: “Mubudisei apiswe.”+ 25 Paakanga achibudiswa, akatumira shoko kuna tezvara vake, achiti: “Ndine pamuviri pemuridzi wezvinhu izvi.” Akawedzera kuti: “Ndapota, ongororai muone kuti ndiani muridzi werin’i yechidhindo iyi, netambo iyi netsvimbo.”+ 26 Judha akabva azviongorora akati: “Iye akarurama kundipfuura, nekuti handina kumupa mwanakomana wangu Shera.”+ Uye haana kuzomborarazve naye.
27 Pakasvika nguva yekuti asununguke, mudumbu make maiva nemapatya. 28 Paakanga achisununguka, mumwe akabudisa ruoko rwake, nyamukuta akabva atora kachira katsvuku akakasungirira paruoko rwake, akati: “Uyu ndiye atanga kubuda.” 29 Asi paakangodzorera ruoko rwake, mumwe wacho akabva abuda, uye nyamukuta akati: “Inga wazvitsemurira pekubuda napo!” Saka akatumidzwa kuti Perezi.*+ 30 Mumwe wacho aiva nekachira katsvuku paruoko rwake akazobuda, akatumidzwa kuti Zera.+
39 Josefa akabva aendeswa kuIjipiti,+ uye mumwe muIjipiti ainzi Potifari,+ mukuru mumuzinda waFarao uye mukuru wevarindi, akamutenga kuvaIshmaeri+ vakanga vaenda naye ikoko. 2 Asi Jehovha aiva naJosefa.+ Izvi zvakaita kuti abudirire uye akagadzwa kuti atungamirire mabasa aiitwa mumba matenzi wake, muIjipiti. 3 Tenzi wake akaona kuti Jehovha akanga ainaye uye kuti Jehovha akanga achiita kuti zvese zvaaiita zvibudirire.
4 Josefa akaramba achinzwirwa nyasha natenzi wake, uye akava mushandi wake wepedyo. Saka akamugadza kuti atungamirire zvese zvaiitwa mumba make, uye akaisa zvinhu zvake zvese mumaoko ake. 5 Kubvira paakamugadza kuti atungamirire zvese zvaiitwa mumba make uye zvinhu zvake zvese, Jehovha akaramba achikomborera imba yemuIjipiti wacho nekuda kwaJosefa, uye chikomborero chaJehovha chakava pazvese zvaaiva nazvo mumba nemumunda.+ 6 Akazopedzisira aisa zvinhu zvake zvese mumaoko aJosefa, uye akanga asisazvinetsi nezvimwe zvinhu kunze kwezvekudya zvaaidya. Uyezve, Josefa akava nechimiro chakanaka nechiso chakanaka.
7 Zvakazoitika ndezvekuti mudzimai watenzi wake akatanga kuchiva Josefa achimuti: “Rara neni.” 8 Asi akaramba uye akati kumudzimai watenzi wake: “Tenzi wangu haazivi zvandiinazvo mumba, uye zvinhu zvake zvese akazviisa mumaoko mangu. 9 Hapana mukuru kwandiri mumba muno, uye hapana kana chaakandirambidza kunze kwenyu, nekuti muri mudzimai wake. Saka ndingaitirei chivi chakakura kudaro ndichitadzira Mwari?”+
10 Saka zuva rega rega mukadzi wacho aitaura naye, asi Josefa airamba zvachose kurara naye kana kusara ainaye. 11 Asi mumwe musi Josefa paakapinda mumba kuti aite basa rake, vashandi vese vemumba macho vakanga vasimo. 12 Mukadzi wacho akabva amubata nguo yake achiti: “Rara neni!” Asi iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akatizira panze. 13 Paakangoona kuti akanga asiya nguo yake muruoko rwake ndokutizira panze, 14 akatanga kushevedzera kuvarume veimba yake akati kwavari: “Onai! Akatiunzira muHebheru uyu kuti atiite chiseko. Auya kwandiri achida kurara neni, ndikabva ndaridza mhere. 15 Paangonzwa ndava kuridza mhere, abva asiya nguo yake pandanga ndiri akatizira panze.” 16 Pashure paizvozvo akaisa nguo yacho pedyo naye kusvikira tenzi waJosefa adzoka kumba.
17 Akabva amuudza zvaakanga ambotaura, achiti: “Muranda wechiHebheru wawakatiunzira auya kwandiri kuti andiite chiseko. 18 Asi pandangoridza mhere, abva asiya nguo yake pandanga ndiri akatizira panze.” 19 Tenzi wake paakangonzwa mudzimai wake achitaura kuti: “Izvi ndizvo zvandaitirwa nemuranda wako,” akaviruka nehasha. 20 Saka tenzi waJosefa akamutora akamuisa mujeri, maichengeterwa vasungwa vamambo, uye akaramba ari imomo.+
21 Asi Jehovha akaramba aina Josefa uye akaramba achimuratidza rudo rusingachinji achiita kuti anzwirwe nyasha nemukuru mukuru wejeri.+ 22 Saka mukuru mukuru wejeri akaisa vasungwa vese vaiva mujeri mumaoko aJosefa, uye ndiye aiona kuti zvese zvaifanira kuitwa imomo zvaitwa.+ 23 Mukuru mukuru wejeri akanga asisina kana chaaiita pazvinhu zvese zvaiva mumaoko aJosefa, nekuti Jehovha akanga ainaye uye Jehovha aiita kuti zvese zvaaiita zvibudirire.+
40 Izvi zvaitika, mukuru wevadiri+ wamambo weIjipiti nemukuru wevabiki vakatadzira ishe wavo, mambo weIjipiti. 2 Saka Farao akatsamwira vashandi vake vaviri, mukuru wevadiri nemukuru wevabiki,+ 3 uye akavaisa mujeri reimba yemukuru wevarindi,+ maiva naJosefa ari musungwa.+ 4 Mukuru wevarindi akabva aita kuti Josefa ave navo uye kuti avashandire,+ uye vakaramba vari mujeri kwemazuva.
5 Mudiri nemubiki vamambo weIjipiti, avo vakanga vakavharirwa mujeri, vakarota hope usiku humwe chete, uye hope dzemumwe nemumwe dzaiva nekududzirwa kwadzo. 6 Mangwana acho mangwanani, Josefa paakapinda akaona kuti vakanga vakasuruvara. 7 Saka akabvunza vashandi vaFarao vaaiva navo mujeri reimba yatenzi wake kuti: “Ko makasuruvareiko nhasi?” 8 Vakabva vati kwaari: “Tarota hope, asi hatina mududziri.” Josefa akati kwavari: “Handiti kududzira ndekwaMwari here?+ Ndiudzei hope dzacho.”
9 Saka mukuru wevadiri akarondedzera hope dzake kuna Josefa achiti: “Ndarota pamberi pangu paine muzambiringa. 10 Pamuzambiringa wacho panga paine tumapazi tutatu, uye pawanga uchitungira, wabuda maruva, masumbu emazambiringa acho achibva aibva. 11 Uye ndanga ndakabata kapu yaFarao, ndikatora mazambiringa acho ndikaasvinira mukapu yaFarao. Ndabva ndaisa kapu yacho muruoko rwaFarao.” 12 Josefa akabva ati kwaari: “Hope dzacho dzinodudzirwa seizvi: Tumapazi tutatu tunomirira mazuva matatu. 13 Mazuva matatu kubva nhasi, Farao achakubudisa* okudzorera pabasa rako,+ uye uchaisa kapu yaFarao muruoko rwake, sezvawaiita pawaiva mudiri wake.+ 14 Asi wozondiyeukawo kana zvakufambira zvakanaka. Undiitirewo mutsa nekuudza Farao nezvangu kuti andibudise muno. 15 Chiripo ndechekuti ndakaita zvekubiwa kunyika yevaHebheru,+ uye kuno kwandiri handina mhosva yandakapara yekuti vandiise mujeri.”*+
16 Mukuru wevabiki paakaona kuti zvakanga zvadudzirwa naJosefa zvaifadza, akabva ati kwaari: “Iniwo ndarota ndakatsiga tswanda nhatu dzechingwa chichena, 17 uye mutswanda yepamusoro manga muine zvingwa zvemhando dzakasiyana-siyana zvaFarao, uye panga paine shiri dzanga dzichidya zvanga zviri mutswanda yacho yanga iri pamusoro.” 18 Josefa akabva apindura kuti, “Hope dzacho dzinodudzirwa seizvi: Tswanda nhatu dzinomirira mazuva matatu. 19 Mazuva matatu kubva nhasi, Farao achakucheka musoro,* okusungirira padanda, uye shiri dzichadya nyama yako.”+
20 Zvino zuva rechitatu raiva zuva rekuberekwa kwaFarao,+ uye akaitira vashandi vake vese mabiko ndokubudisa mukuru* wevadiri nemukuru wevabiki vashandi vake vachiona. 21 Uye akadzorera mukuru wevadiri pabasa rake rekuva mudiri, akaramba achiisa kapu muruoko rwaFarao. 22 Asi akasungirira mukuru wevabiki, sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.+ 23 Asi mukuru wevadiri haana kuyeuka Josefa; akabva atokanganwa nezvake.+
41 Papfuura makore maviri azere, Farao akarota+ akamira pedyo neRwizi rwaNire. 2 Uye akaona mhou nomwe dzakanaka uye dzakakora dzichibuda muna Nire, dzichifura uswa hwaiva pedyo naNire.+ 3 Paivawo nedzimwe mhou nomwe dzakashata uye dzakaonda dzakazobuda muna Nire dzichidzitevera, uye dzakamira pedyo nemhou dziya dzakakora dzaiva pedyo naNire. 4 Mhou dziya dzakashata uye dzakaonda dzakabva dzatanga kudya mhou nomwe dzakanaka uye dzakakora. Farao akabva apepuka.
5 Akabva ararazve akarota dzimwe hope. Akarota achiona hura* nomwe dzezviyo dzichibuda padzinde rimwe, dzakasvika uye dzakanaka.+ 6 Pakazobudawo dzimwe hura nomwe dzezviyo, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva. 7 Uye hura dzezviyo dzakatetepa dzakatanga kumedza hura nomwe dzezviyo dzakasvika uye dzakanaka. Farao akabva apepuka akaona kuti airota.
8 Asi pakwakayedza akatanga kunetseka. Saka akaita kuti vapristi vese veIjipiti vaiita zvemashiripiti nevarume vayo vese vakachenjera vadanwe. Farao akarondedzera hope dzake kwavari, asi hapana akagona kudzidudzira.
9 Mukuru wevadiri akabva ataura naFarao, achiti: “Nhasi ndiri kureurura zvivi zvangu. 10 Farao akambotsamwira vashandi vake. Saka akatiisa kujeri reimba yemukuru wevarindi, tiri vaviri nemukuru wevabiki.+ 11 Pashure paizvozvo tese takarota hope usiku humwe chete. Hope dzemumwe nemumwe wedu dzaiva nekududzirwa kwadzo.+ 12 Kwaiva nemumwe murume wechidiki wechiHebheru wataiva naye imomo, muranda wemukuru wevarindi.+ Patakamuudza zvatakanga tarota,+ akadudzira hope dzemumwe nemumwe wedu. 13 Zvaakadudzira ndizvo chaizvo zvakaitika. Ndakadzorerwa kubasa rangu, asi mumwe wangu akasungirirwa.”+
14 Saka Farao akaita kuti Josefa anotorwa,+ uye vakakurumidza kumubudisa mujeri.*+ Akazviveura,* akachinja zvipfeko zvake, ndokupinda maiva naFarao. 15 Farao akabva ati kuna Josefa: “Ndarota hope, asi hapana ari kukwanisa kudzidudzira. Ndanzwa kuti ukaudzwa nemunhu hope dzake unogona kudzidudzira.”+ 16 Josefa akabva apindura Farao kuti: “Handisi ini ndinozviita asi Mwari ndiye achaudza Farao mashoko anofadza.”+
17 Farao akabva audza Josefa kuti: “Ndarota ndimire pamahombekombe eRwizi rwaNire. 18 Ndaona mhou nomwe dzakakora uye dzakanaka dzichibuda muna Nire, dzikatanga kufura uswa pedyo naNire.+ 19 Panga paine dzimwe mhou nomwe dzanga dzichibuda dzichidzitevera, dzanga dzisina kana utano, dzisingatarisiki uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa zvakadaro munyika yese yeIjipiti. 20 Mhou dziya dzakaondoroka uye dzakaipa dzatanga kudya mhou nomwe dzakakora dzekutanga. 21 Asi padzapedza kudzidya, hapana aigona kuziva kuti ndizvo zvadzanga dzaita, nekuti dzaramba dzakangoonda sezvadzanga dzakaita pakutanga. Ndabva ndapepuka.
22 “Pashure paizvozvo ndazorota ndichiona hura nomwe dzezviyo dzanga dzichibuda padzinde rimwe, dzakasvika uye dzakanaka.+ 23 Pazobudawo hura nomwe dzezviyo dzakaputana, nhete, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva. 24 Hura dzezviyo dzakatetepa dzabva dzatanga kumedza hura nomwe dzezviyo dzakanaka. Saka ndaudza vapristi vanoita zvemashiripiti,+ asi hapana akwanisa kunditsanangurira.”+
25 Josefa akabva ati kuna Farao: “Hope dzaFarao dzakangofanana. Mwari wechokwadi audza Farao zvaachaita.+ 26 Mhou nomwe dzakanaka dzinomirira makore manomwe. Uyewo hura dzezviyo nomwe dzakanaka dzinomirira makore manomwe. Hope dzacho dzakangofanana. 27 Mhou nomwe dzakaondoroka uye dzakaipa dzazodzitevera dzinomirira makore manomwe, uye hura dzezviyo nomwe dzakaputana, dzakapiswa nemhepo yekumabvazuva, dzichava makore manomwe enzara. 28 Sekutaura kwandamboita kuna Farao, Mwari wechokwadi aita kuti Farao aone zvaachaita.
29 “Kuchava nemakore manomwe anenge aine zvekudya zvakawandisa munyika yese yeIjipiti. 30 Asi achazoteverwa nemakore manomwe enzara, uye zvekudya zvizhinji zvese zvemunyika yeIjipiti zvichakanganwika, uye nyika ichasakadzwa nenzara.+ 31 Zvekudya zvizhinji zvinenge zvambova munyika yacho hazvizoyeukwi nemhaka yenzara inozotevera, nekuti ichange yakakura. 32 Hope dzadzokororwa kaviri kuna Farao nekuti nyaya yacho yasimbiswa kwazvo naMwari wechokwadi, uye Mwari wechokwadi achakurumidza kuzviita.
33 “Saka Farao ngaatsvage murume akangwara uye akachenjera, oisa nyika yeIjipiti mumaoko ake. 34 Farao ngaaone zvekuita, agadze vatariri munyika, uye anofanira kuunganidza chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu zvezvinhu zvichakohwewa muIjipiti mumakore manomwe emaguta.+ 35 Uye ngavaunganidze zvekudya zvese zvemakore aya akanaka ari kuuya, uye ngavaunganidze zviyo mumatura aFarao ari mumaguta, zvochengetwa imomo.+ 36 Zvekudya zvacho zvichange zvichidyiwa nevanhu mumakore manomwe enzara achavapo munyika yeIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”+
37 Zano racho rakanga rakanaka kuna Farao nekuvashandi vake vese. 38 Saka Farao akati kuvashandi vake: “Pangawanikwa mumwe murume akafanana neuyu ane mweya waMwari maari here?” 39 Farao akabva ati kuna Josefa: “Sezvo Mwari aita kuti uzive zvese izvi, hapana mumwe munhu akangwara uye akachenjera sewe. 40 Imba yangu ichava mumaoko ako, uye vanhu vangu vese vachateerera zvese zvaunotaura.+ Ndichangova mukuru kwauri pakuti ndini mambo.”* 41 Farao akatizve kuna Josefa: “Ona, ndiri kukugadza kuti utungamirire nyika yese yeIjipiti.”+ 42 Farao akabva abvisa rin’i yake ine chidhindo muruoko rwake, akaipfekedza Josefa muruoko, akamupfekedzawo nguo yakanaka kwazvo, akaisa chishongo chegoridhe muhuro make. 43 Uyezve, akaita kuti akwire mungoro yechipiri yekukudzwa yaaiva nayo, uye vanhu vaishevedzera vari pamberi pake vachiti, “A·vrékh!”* Saka akamugadza kuti atungamirire nyika yese yeIjipiti.
44 Farao akabva atizve kuna Josefa: “Ndini Farao, asi kana pasina mvumo yako, hapana munhu anogona kuita chero chii zvacho* munyika yese yeIjipiti.”+ 45 Pashure paizvozvo Farao akatumidza Josefa kuti Zafenati-paneya uye akamupa Asenati+ mwanasikana waPotifera mupristi weOni* kuti ave mudzimai wake. Josefa akatanga kushanda semutariri wenyika yeIjipiti.*+ 46 Josefa akanga ava nemakore 30+ paakamira pamberi paFarao* mambo weIjipiti.
Josefa akabva pamberi paFarao akafamba nenyika yese yeIjipiti. 47 Uye mumakore manomwe ezvekudya zvizhinji, nyika yacho yakaramba ichibereka zvakawanda kwazvo. 48 Akaramba achiunganidza zvekudya zvese zvemunyika yeIjipiti zvemakore manomwe uye aichengeta zvekudya zvacho mumaguta. Muguta rimwe nerimwe aichengeta zvekudya zvaibva muminda yakanga yakaripoteredza. 49 Josefa akaramba achiunganidza zviyo zvakawanda kwazvo, sejecha regungwa, kusvikira vazorega kuzviyera, nekuti zvakanga zvakawandisa.
50 Gore renzara risati rasvika, Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri+ naAsenati mwanasikana waPotifera mupristi weOni.* 51 Josefa akatumidza dangwe racho kuti Manase,*+ nekuti akati, “Mwari aita kuti ndikanganwe nhamo dzangu dzese uye imba yababa vangu.” 52 Akatumidza wechipiri kuti Efremu,*+ nekuti akati, “Mwari aita kuti ndibereke munyika yekutambudzika kwangu.”+
53 Makore manomwe ezvekudya zvizhinji muIjipiti akazopera,+ 54 uye makore manomwe enzara akatanga, sezvakanga zvataurwa naJosefa.+ Nzara yacho yakavapo munyika dzese, asi munyika yese yeIjipiti maiva nezvekudya.+ 55 Nyika yese yeIjipiti yakazopedzisira yavawo nenzara uye vanhu vakatanga kuchemera zvekudya kuna Farao.+ Farao akabva ati kuvaIjipiti vese: “Endai kuna Josefa moita zvese zvaanokuudzai.”+ 56 Nzara yakaramba iripo pasi rese.+ Josefa akabva atanga kuzarura matura ese akanga ari pakati pavo, achitengesera vaIjipiti,+ sezvo nzara yakanga yanyanya munyika yese yeIjipiti. 57 Uyezve, pasi rese vanhu vaiuya kuIjipiti kuzotenga kuna Josefa, nekuti nzara yakanga yanyanya pasi rese.+
42 Jakobho paakanzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo,+ akati kuvanakomana vake: “Muri kurambireiko makangotarisana?” 2 Akawedzera kuti: “Ndakanzwa kuti kuIjipiti kune zviyo. Endai ikoko munotitengera, kuti tirarame, tirege kufa nenzara.”+ 3 Saka vakoma vaJosefa gumi+ vakaenda kunotenga zviyo kuIjipiti. 4 Asi Jakobho haana kutuma Bhenjamini,+ munin’ina waJosefa, pamwe chete nevakoma vake, nekuti akati: “Angangosangana nenjodzi akafa.”+
5 Saka vanakomana vaIsraeri vakabatana nevamwe vaienda kunotenga, nekuti nzara yakanga yasvika munyika yeKenani.+ 6 Josefa ndiye murume aiva nesimba munyika yeIjipiti,+ uye ndiye aitengesera zviyo vanhu vese vepanyika.+ Saka vakoma vaJosefa vakasvika vakamugwadamira vakaisa zviso zvavo pasi.+ 7 Josefa paakaona vakoma vake, akabva angovaziva, asi akaita kuti ivo vasamuziva.+ Saka akataura navo nehasha achiti: “Mabva kupi?” ivo vakati: “Tabva kunyika yeKenani uye tauya kuzotenga zvekudya.”+
8 Saka Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva. 9 Josefa akabva ayeuka hope dzaakamborota nezvavo,+ uye akati kwavari: “Muri vasori! Mauya kuzoona kuti nyika haina kudzivirirwa papi!” 10 Ivo vakabva vati kwaari: “Aiwa ishe wangu, varanda venyu vauya kuzotenga zvekudya. 11 Tese tiri vanakomana vemunhu mumwe. Tiri varume vakarurama. Varanda venyu havasi vasori.” 12 Asi akati kwavari: “Handizvo! Mauya kuzoona kuti nyika haina kudzivirirwa papi!” 13 Ivo vakabva vati: “Varanda venyu vanakomana 12+ vemunhu mumwe+ wekunyika yeKenani, uye gotwe rina baba vedu,+ asi mumwe wacho haasisipo.”+
14 Asi Josefa akati kwavari: “Ndizvo zvandakuudzai, ‘Muri vasori!’ 15 Muchaedzwa neizvi: Ndinopika naFarao mupenyu, hamusi kuzobva pano kusvikira munin’ina wenyu wegotwe auya pano.+ 16 Tumai mumwe wenyu kuti anotora munin’ina wenyu vamwe vosara vakasungwa. Izvi zvichaita kuti muonekwe kana mashoko enyu ari echokwadi. Kana zvisina kudaro, naFarao mupenyu, muri vasori.” 17 Akabva avaisa pamwe chete muchitokisi kwemazuva matatu.
18 Josefa akati kwavari pazuva rechitatu: “Itai izvi murarame nekuti ndinotya Mwari. 19 Kana makarurama, mumwe wenyu ngaasare akasungwa ari muchitokisi chenyu, asi vamwe vese endai henyu uye torai zviyo muwane chekumbopawo mhuri dzenyu dziri munzara.+ 20 Mozondiunzira munin’ina wenyu wegotwe, kuti mashoko enyu aoneke kuti ndeechokwadi uye hamuzofi.” Vakaita saizvozvo.
21 Vakataurirana vachiti: “Chokwadi tiri kurangwa nezvatakaitira munin’ina wedu,+ nekuti takaona kutambudzika kwaaiita* paaitikumbira kuti timunzwire tsitsi, asi hatina kumunzwa. Ndokusaka tapinda mutsekwende iyi.” 22 Rubheni akabva avapindura kuti: “Handiti ndakakuudzai kuti, ‘Musaitira mwana zvakaipa,’ imi mukasateerera?+ Zvino ropa rake rava kubvunzwa.”+ 23 Asi vakanga vasingazivi kuti Josefa ainzwisisa zvavaitaura, nekuti paaitaura navo paiva nemuturikiri. 24 Saka akabva pavari akatanga kuchema.+ Paakadzoka ndokutaura navo zvakare, akatora Simiyoni+ akamusunga vakatarisa.+ 25 Josefa akabva arayira kuti masaga avo azadzwe* nezviyo uye kuti mari yavo idzorerwe musaga remumwe nemumwe uye kuti vapiwe mbuva. Vakaitirwa saizvozvo.
26 Saka vakatakudza madhongi avo zviyo zvavo ndokuenda. 27 Mumwe wavo paakavhura saga rake kuti ape dhongi rake chikafu panzvimbo yekurara, akaona mari yake iri musaga rake nechekumuromo. 28 Akabva ati kuvamwe vake: “Onai mari yangu yadzoswa, iyi iri musaga rangu!” Vakabva vapera simba, vakatanga kudedera vakataurirana vachiti: “Mwari atidarireiko nhai?”
29 Pavakasvika kuna Jakobho baba vavo kunyika yeKenani, vakavaudza zvese zvavakanga vasangana nazvo, vachiti: 30 “Ishe wenyika yacho akataura nesu nehasha,+ uye akatipomera kuti takanga tauya kuzosora* nyika. 31 Asi takati kwaari, ‘Tiri varume vakarurama. Hatisi vasori.+ 32 Tiri vanakomana 12+ vababa mumwe chete. Mumwe haasisipo,+ uye mudiki ana baba vedu munyika yeKenani.’+ 33 Asi murume wacho akati kwatiri, ‘Ndichaziva kuti makarurama neizvi: Siyai mumwe wenyu aineni,+ mutore chimwe chinhu chekunopawo mhuri dzenyu dziri munzara, moenda.+ 34 Mundiunzire munin’ina wenyu wegotwe, kuti ndizive kuti hamusi vasori asi muri vanhu vakarurama. Ndichabva ndakudzorerai mumwe wenyu, uye munogona henyu kuramba muchiuya kuzotenga munyika ino.’”
35 Pavakanga vachibvisa zvaiva mumasaga avo, vakaona kuti mari yemumwe nemumwe yaiva musaga rake. Ivo nababa vavo pavakaona homwe dzavo dzemari, vakatya. 36 Jakobho baba vavo vakabva vati kwavari: “Ini ndini wamaita kuti ndirasikirwe!+ Josefa haasisipo,+ Simiyoni haasisipo,+ uye muchatora Bhenjamini! Zvese izvi zviri kurwadzisa inini!” 37 Asi Rubheni akati kuna baba vake: “Kana ndikasadzoka naye, munouraya henyu vanakomana vangu vaviri.+ Muisei mumaoko angu, uye ndichadzoka naye kwamuri.”+ 38 Asi iye akati: “Mwanakomana wangu haasi kuzoenda nemi, nekuti mukoma wake akafa uye ndiye asara.+ Kana akasangana nenjodzi akafa muri parwendo, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.”+
43 Zvino nzara yakanga iri huru panyika yacho.+ 2 Saka pavakapedza zviyo zvavakanga vauya nazvo kubva kuIjipiti,+ baba vavo vakati kwavari: “Dzokerai, munotitengera zvekudya zvishomanana.” 3 Judha akabva ati kwavari: “Murume wacho akanyatsotiyambira achiti, ‘Musauya kuzomira pamberi pangu kana musina munin’ina wenyu.’+ 4 Kana mukatibvumira kuenda nemunin’ina wedu, tichaenda kunokutengerai zvekudya. 5 Asi kana mukaramba kuti tiende naye, hatisi kuzoenda, nekuti murume wacho akati kwatiri, ‘Musauya kuzomira pamberi pangu kana musina munin’ina wenyu.’”+ 6 Israeri+ akabvunza kuti: “Makandiunzireiko nhamo iyi? Maimuudzirei kuti mune mumwe munin’ina?” 7 Vakapindura kuti: “Murume wacho akanyotsobvunza nezvedu uye hama dzedu, achiti, ‘Baba venyu vachiri vapenyu here? Mune mumwe munin’ina here?’ uye takamuudza chokwadi.+ Taigoziva sei kuti aizoti, ‘Uyai nemunin’ina wenyu’?”+
8 Judha akabva anyengetedza baba vake Israeri achiti: “Ndipei mukomana ndiende naye,+ tipinde munzira, kuti tirarame tirege kufa nenzara,+ isu nemi nevana vedu.+ 9 Ndichava nechokwadi chekuti hapana chinomuwana.*+ Munopa ini mhosva yacho kana paine chaitika. Kana ndikatadza kudzoka naye kwamuri, ndinenge ndakutadzirai kweupenyu hwangu hwese. 10 Izvozvi dai tisina kunonoka, tingadai takaenda nekudzoka kaviri kese.”
11 Baba vavo Israeri vakabva vati kwavari: “Saka kana zvakadaro, itai izvi: Torai zvibereko zvakanakisisa zvenyika ino moisa muhomwe dzenyu* munopa murume wacho sechipo:+ bharisamu shomanana,+ uchi hushomanana, namo yemiti inonhuhwirira,* makwati anobudisa namo,+ mhodzi dzemupistakiyo, nemaarumondi. 12 Endai nemari yakapetwa kaviri; uyewo dzokerai nemari yakadzoswa iri muhomwe dzenyu.*+ Pamwe vakaita vasingazivi. 13 Torai munin’ina wenyu muende, mudzokere kumurume wacho. 14 Mwari Wemasimbaose ngaaite kuti murume wacho akunzwirei tsitsi, akusunungurirei mumwe wenyu naBhenjamini. Asi kana ndiri ini, kana ndafirwa nevana vangu, ndafirwa hangu!”+
15 Saka varume vacho vakatora chipo ichi, vakatora mari yakapetwa kaviri, vakatorawo Bhenjamini. Vakasimuka, vakaenda kuIjipiti, vakanomira zvakare pamberi paJosefa.+ 16 Josefa paakaona Bhenjamini ainavo, akabva ati kumukuru wevashandi vemumba make: “Enda nevarume ava kumba, uuraye zvipfuwo, wogadzira zvekudya, nekuti varume vacho vachadya neni masikati.” 17 Murume wacho akabva angoita zvakanga zvataurwa naJosefa+ uye akaenda nevarume vacho kumba kwaJosefa. 18 Asi varume vacho pavakaendeswa kumba kwaJosefa vakatya vakatanga kuti: “Taunzwa kuno nenyaya yemari yatakadzokera nayo iri muhomwe dzedu paya patakambouya. Iye zvino vachatirwisa, votiita varanda, uye vachatora madhongi edu!”+
19 Saka vakaenda kune mukuru wevashandi vemumba maJosefa, vakataura naye vari pasuo remba. 20 Vakati: “Tiregerereiwo ishe wangu! Takambouya kuzotenga zvekudya.+ 21 Asi patakasvika panzvimbo yekurara tikavhura homwe dzedu, takaona mari yemumwe nemumwe iri muhomwe yake nechekumuromo, yakakwana.+ Saka tiri kuda kuidzosa. 22 Uye tauya neimwe mari kuti titenge zvekudya. Hatizivi kuti ndiani akaisa mari yedu muhomwe dzedu.”+ 23 Iye akabva ati: “Hapana nyaya. Musatya henyu. Mwari wenyu naMwari wababa venyu akaisa pfuma muhomwe dzenyu. Mari yenyu yakatanga yauya kwandiri.” Pashure paizvozvo akavabudisira Simiyoni.+
24 Murume wacho akabva apinda navo mumba maJosefa, ndokuvapa mvura yekugeza tsoka, akapa madhongi avo chikafu. 25 Uye varume vacho vakagadzira chipo+ chaJosefa kuti vazomupa masikati kana auya, nekuti vakanga vanzwa kuti vakanga vachizodya zvekudya imomo.+ 26 Josefa paakapinda mumba, vakabva vauya nechipo chavo kwaari mumba, vakapfugama, vakadzikisa misoro yavo.+ 27 Akazovabvunza upenyu uye akati: “Baba venyu vamaiti vakwegura vakadii? Vachiri vapenyu here?”+ 28 Ivo vakati: “Baba vedu, muranda wenyu, vanofara havo. Vachiri vapenyu.” Vakabva vapfugama, vakadzikisa misoro yavo.+
29 Paakatarisa, akaona Bhenjamini munin’ina wake, mwana waamai vake,+ akati: “Uyu ndiye munin’ina wenyu wamakandiudza nezvake here?”+ Akawedzera kuti: “Mwari ngaakunzwire nyasha, mwanakomana wangu.” 30 Josefa akabva akurumidza kubuda, nekuti shungu dzakanga dzava kumukurira paakaona munin’ina wake, zvekuti akatsvaga nzvimbo yekuchema ari. Saka akapinda muimba yake ega, ndokutanga kuchema.+ 31 Akazogeza chiso chake, akabuda shungu dzaserera, akati: “Pakurai zvekudya.” 32 Vakamupakurira pake ega, ivo vakaisirwa pavo vega, uye vaIjipiti vaaiva navo vaidya vega, nekuti vaIjipiti vaisakwanisa kudya nevaHebheru, nekuti izvozvo zvinosemesa vaIjipiti.+
33 Vakanga vakagara pamberi pake, maererano nemazera avo kubva kudangwe maererano nekodzero yake sedangwe,+ kusvikira kugotwe, uye varume vacho vaingotarisana vachishamisika. 34 Akaramba achiendesa zvekudya kubva patafura yake zvichienda kutafura yavo, asi aipa Bhenjamini zvakapetwa kashanu pane zvaaipa vamwe vese.+ Saka vakaramba vachidya nekunwa naye kusvikira vaguta.
44 Akazoudza mukuru wevashandi vemumba make kuti: “Zadza homwe dzevarume vacho nezvekudya zvavanokwanisa kutakura uye isa mari yemumwe nemumwe muhomwe yake nechekumuromo.+ 2 Asi uise kapu yangu, iya yesirivha, nechekumuromo kwehomwe yemudiki wacho, pamwe nemari yezviyo zvake.” Saka akaita zvaakanga audzwa naJosefa.
3 Mangwanani acho kwachena, varume vacho vakasimuka vakaenda nemadhongi avo. 4 Vakanga vasati vasvika kure neguta Josefa paakati kumukuru wevashandi vemumba make: “Simuka! Tevera varume vaya! Kana wavabata uti kwavari, ‘Sei maita zvakaipa imi makaitirwa zvakanaka? 5 Kapu yamatora haisi iyo inonwirwa natenzi wangu uye yaanoshandisa paanenge achidudzira zvichaitika here? Zvamaita zvakaipa.’”
6 Saka akavatevera akavabata akataura mashoko aya kwavari. 7 Asi vakati kwaari: “Nei tenzi wangu achitaura zvakadaro? Varanda venyu havangambofunga kuita zvakadaro. 8 Handiti mari yatakawana muhomwe dzedu tiri kunyika yeKenani takadzoka nayo kwamuri?+ Saka tingazoba sei sirivha kana goridhe mumba matenzi wenyu? 9 Kana mumwe wevaranda venyu akawanikwa ainayo ngaaurayiwe, uye isu tese tichavawo varanda vatenzi wangu.” 10 Saka akati: “Zvamataura izvozvo ngazviitike: Anenge awanikwa ainayo ndiye achava muranda wangu, asi vamwe vese munenge musina mhosva.” 11 Mumwe nemumwe wavo akabva akurumidza kuburutsa homwe yake nekuivhura. 12 Akanyatsotsvaga, achitangira kumukuru akazopedzisira nekumudiki. Kapu yacho yakazowanikwa muhomwe yaBhenjamini.+
13 Vakabva vabvarura nguo dzavo, uye mumwe nemumwe akakwidzazve mutoro wake padhongi rake, vakadzokera kuguta. 14 Judha+ nevamwe vake pavakapinda mumba maJosefa, akanga achirimo; uye vakawira pasi pamberi pake.+ 15 Josefa akati kwavari: “Chii ichi chamaita? Hamuna kuziva here kuti murume akaita seni anogona kududzira zvichaitika?”+ 16 Judha akabva apindura kuti: “Tingatii kuna tenzi wangu? Tingataurei? Tingazviratidza sei kuti takarurama? Mwari wechokwadi awana mhosva yevaranda venyu.+ Tava varanda vatenzi wangu, isu neuyo awanikwa aine kapu yacho!” 17 Asi iye akati: “Handingamboiti zvakadaro! Murume awanikwa aine kapu muruoko rwake ndiye achava muranda wangu.+ Asi vamwe vese, endai nerugare kuna baba venyu.”
18 Judha akaswedera pedyo naye akati: “Ndinokutetererai tenzi wangu, ndapota zvangu regai muranda wenyu ataure shoko tenzi wangu akateerera, uye musatsamwira muranda wenyu, nekuti imi makaita saFarao.+ 19 Tenzi wangu akabvunza varanda vake kuti, ‘Muna baba here kana munin’ina?’ 20 Saka takati kuna tenzi wangu, ‘Tina baba vakwegura uye mwana wepaukweguru hwavo, gotwe.+ Asi mukoma wake akafa,+ saka iye pavana vaamai vake ndiye asara,+ uye baba vake vanomuda.’ 21 Makabva mati kuvaranda venyu, ‘Uyai naye kwandiri ndimuone.’+ 22 Asi takati kuna tenzi wangu, ‘Hazviiti kuti mukomana wacho asiye baba vake. Kana akavasiya, chokwadi vangafa.’+ 23 Makabva mati kuvaranda venyu, ‘Musauya kuzomira pamberi pangu kana musina munin’ina wenyu.’+
24 “Saka takaenda kumuranda wenyu, baba vangu, tikavaudza mashoko atenzi wangu. 25 Baba vedu vakazoti, ‘Dzokerai munotitengera zvekudya zvishomanana.’+ 26 Asi takati, ‘Hatikwanisi kuenda. Kana munin’ina wedu aripo tichaenda, nekuti hatikwanisi kuonana nemurume wacho kana tisina munin’ina wedu.’+ 27 Muranda wenyu baba vangu akabva ati kwatiri, ‘Imi munonyatsoziva kuti mudzimai wangu akandiberekera vanakomana vaviri chete.+ 28 Asi mumwe wacho akandisiya uye ndakati: “Anofanira kunge akadyiwa nechikara!”+ uye nanhasi handisati ndamuona. 29 Kana mukanditorerazve uyu, akawirwa netsaona akafa, chokwadi mungaita kuti ndipinde nebvudzi rangu jena muGuva*+ ndiine shungu.’+
30 “Zvino ndikangodzokera kumuranda wenyu baba vangu tisina mukomana wacho, ivo vachimuda semadiro avanoita upenyu hwavo,* 31 vakangoona kuti mukomana wacho haapo, vanofa, uye varanda venyu vanenge vaita kuti muranda wenyu baba vedu vapinde nebvudzi ravo jena muGuva* neshungu. 32 Muranda wenyu ndiye akavimbisa baba kuti achachengetedza mukomana wacho, achiti, ‘Kana ndikakundikana kudzoka naye kwamuri, ndichange ndatadzira baba vangu nekusingaperi.’+ 33 Saka, ndapota zvangu, muranda wenyu ngaasare hake ari muranda watenzi wangu panzvimbo pemukomana wacho, kuti mukomana wacho adzokere nevakoma vake. 34 Ndingadzokera sei kuna baba vangu ndisina mukomana wacho? Handidi zvangu kuzoona baba vangu vachiwirwa nedambudziko iri!”
45 Paainzwa izvi Josefa akanga asingachakwanisi kuzvidzora pamberi pevashandi vake.+ Saka akashevedzera kuti: “Vanhu vese ngavambobuda!” Hapana mumwe akasara naJosefa paakazvizivisa kuvana vababa vake.+
2 Akatanga kuchema kwazvo nenzwi riri pamusoro zvekuti vaIjipiti vakazvinzwa uye imba yaFarao yakazvinzwa. 3 Josefa akazoti kuvana vababa vake: “Ndini Josefa. Baba vangu vachiri vapenyu here?” Asi vana vababa vake vakatadza kana kumupindura, nekuti vakanga vapererwa. 4 Saka Josefa akati kuvana vababa vake: “Swederai henyu pedyo neni.” Ivo vakabva vaswedera pedyo naye.
Akabva ati: “Ndini Josefa mwana wababa venyu, wamakatengesera kuIjipiti.+ 5 Asi musazvitambudza uye musanetsana pamusoro pekuti makanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma kuti ndifanouya kuno kuti ndichengetedze upenyu.+ 6 Rino igore rechipiri renzara panyika,+ uye kuchiine mamwe makore mashanu akuchange kusingarimwe kana kukohwewa. 7 Asi Mwari akandituma mberi kwenyu kuti ndichengetedze dzinza renyu+ panyika* uye kuti akununurei zvinoshamisa moramba muri vapenyu. 8 Saka hamusi imi makandituma kuno, asi akanga ari Mwari wechokwadi, kuti andigadze sachipangamazano mukuru waFarao* uye ishe weimba yake yese uye mutongi wenyika yese yeIjipiti.+
9 “Kurumidzai kudzokera kuna baba vangu munoti kwavari, ‘Zvanzi naJosefa mwanakomana wenyu: “Mwari akandigadza kuti ndive ishe weIjipiti yese.+ Uyai kwandiri. Musanonoka.+ 10 Munofanira kugara munyika yeGosheni,+ pamunenge muri pedyo neni, imi, vanakomana venyu, vazukuru venyu, makwai enyu, mombe dzenyu, nezvese zvamuinazvo. 11 Ndichakupai zvekudya ikoko, nekuti kuchiine mamwe makore mashanu enzara.+ Mukasadaro imi neimba yenyu nezvese zvamuinazvo muchava varombo.”’ 12 Imi naBhenjamini munin’ina wangu muri kuzvionera nemaziso enyu kuti ndini chaiye ndiri kutaura nemi.+ 13 Saka udzai baba vangu nezvekukudzwa kwangu kwese muIjipiti nezvese zvamaona. Chikurumidzai muuye nababa vangu kuno.”
14 Akabva ambundira munin’ina* wake Bhenjamini, akatanga kuchema, uye Bhenjamini akachema akambundira mukoma wake nechemumutsipa.+ 15 Akatsvoda vakoma vake vese, akachema akavambundira, uye pashure paizvozvo vana vababa vake vakataura naye.
16 Mashoko acho akasvika kumba kwaFarao, zvichinzi: “Vakoma vaJosefa nemunin’ina wake vauya!” Farao nevashandi vake vakafadzwa nazvo. 17 Saka Farao akati kuna Josefa: “Udza vana vababa vako kuti: ‘Takudzai mhuka dzenyu, muende kunyika yeKenani, 18 munotora baba venyu nemhuri dzenyu muuye kuno kwandiri. Ndichakupai zvinhu zvakanaka zvenyika yeIjipiti, uye muchadya zvinobva munzvimbo yakanakisisa yenyika ino.’*+ 19 Uye uvaudze kuti:+ ‘Torai ngoro+ muno munyika yeIjipiti dzekutakurisa vana venyu nemadzimai enyu, mokwidza baba venyu mune imwe yacho, muuye kuno.+ 20 Musanetseka pamusoro pezvinhu zvenyu,+ nekuti zvakanakisisa zvenyika yese yeIjipiti ndezvenyu.’”
21 Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo, Josefa akavapa ngoro sezvakanga zvataurwa naFarao, uye akavapa mbuva. 22 Akapa mumwe nemumwe wavo hembe yekuchinja, asi akapa Bhenjamini masirivha 300 nehembe shanu dzekuchinja.+ 23 Akatumira baba vake zvinotevera: madhongi gumi akanga akatakura zvinhu zvakanaka zveIjipiti, nemamwe madhongi* gumi akanga akatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvekudya zvekuti baba vake vadye vari parwendo. 24 Saka akaonekana nevana vababa vake, uye pavakanga vava kuenda akati kwavari: “Musazonetsana munzira.”+
25 Vakabva vabuda muIjipiti vakasvika munyika yeKenani kuna Jakobho baba vavo. 26 Vakabva vavaudza kuti: “Josefa achiri mupenyu, uye ndiye mutongi wenyika yese yeIjipiti!”+ Asi mwoyo waJakobho wakati rukutu, nekuti haana kutenda zvavaitaura.+ 27 Pavakavaudza zvese zvavakanga vaudzwa naJosefa, uye pavakaona ngoro dzakanga dzatumirwa naJosefa kuti dzivatakure, baba vavo Jakobho vakatanga kuwanazve simba. 28 Israeri akabva ati: “Ndagutsikana! Josefa mwanakomana wangu achiri mupenyu! Ndinofanira kuenda, ndinomuona ndisati ndafa!”+
46 Saka Israeri akatora zvese zvaaiva nazvo,* ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheeri-shebha,+ akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka.+ 2 Mwari akabva azviratidza kuna Israeri usiku akati: “Jakobho, Jakobho!” iye akapindura kuti: “Ndiri pano!” 3 Akati: “Ndini Mwari wechokwadi, Mwari wababa vako.+ Usatya kuenda kuIjipiti, nekuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko.+ 4 Ini pachangu ndini ndichaenda newe kuIjipiti uye ndini ndichakudzosa kubva ikoko,+ uye Josefa achabata maziso ako.”*+
5 Jakobho akazosimuka muBheeri-shebha, uye vanakomana vaIsraeri vakatakura baba vavo Jakobho nevana vavo nemadzimai avo mungoro dzakanga dzatumirwa naFarao kuti dzivatakure. 6 Vakaenda nezvipfuwo zvavo nezvinhu zvavo zvavakanga vaunganidza munyika yeKenani. Saka Jakobho nemhuri yake yese yaaiva nayo vakasvika kuIjipiti. 7 Akauya muIjipiti nevanakomana vake, nevanasikana vake, nevazukuru vake vese, mhuri yake yese.
8 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIsraeri, kureva vanakomana vaJakobho, vakauya muIjipiti:+ Dangwe raJakobho raiva Rubheni.+
9 Vanakomana vaRubheni vaiva Hanoki, Paru, Hezroni, naKami.+
10 Vanakomana vaSimiyoni+ vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari, naShauri+ mwanakomana wemukadzi wechiKenani.
11 Vanakomana vaRevhi+ vaiva Geshoni, Kohati, naMerari.+
12 Vanakomana vaJudha+ vaiva Ere, Onani, Shera,+ Perezi,+ naZera.+ Asi Ere naOnani vakafira munyika yeKenani.+
Vanakomana vaPerezi vaiva Hezroni naHamuri.+
13 Vanakomana vaIsakari vaiva Tora, Puvha, Yobhu, naShimroni.+
14 Vanakomana vaZebhuroni+ vaiva Seredhi, Eroni, naJareeri.+
15 Ava ndivo vanakomana vaReya, vaakaberekera Jakobho muPadhani-aramu, pamwe chete nemwanasikana wake Dhina.+ Vanakomana vake nevanasikana vake vese vaiva 33.*
16 Vanakomana vaGadhi+ vaiva Zifioni, Hagi, Shuni, Ezbhoni, Erai, Arodhi, naAreri.+
17 Vanakomana vaAsheri+ vaiva Imnaa, Ishvha, Ishvhi, naBheria, uye hanzvadzi yavo yainzi Sera.
Vanakomana vaBheria vaiva Hebheri naMarikieri.+
18 Ava ndivo vanakomana vaZiripa,+ uyo Rabhani akapa mwanasikana wake Reya. Akaberekera Jakobho ivava: vese vanosvika 16.*
19 Vanakomana vaRakeri, mudzimai waJakobho, vaiva Josefa+ naBhenjamini.+
20 Josefa akaberekerwa Manase+ naEfremu+ munyika yeIjipiti, nemudzimai wake Asenati+ mwanasikana waPotifera mupristi weOni.*
21 Vanakomana vaBhenjamini+ vaiva Bhira, Bhekeri, Ashbheri, Gera,+ Naamani, Ehi, Roshi, Mupimu, Hupimu,+ naAdhi.+
22 Ava ndivo vanakomana vaRakeri vakaberekerwa Jakobho: vese vaiva 14.*
23 Mwanakomana* waDhani+ aiva Hushimu.+
24 Vanakomana vaNaftari+ vaiva Jazeeri, Guni, Jezeri, naShiremu.+
25 Ava ndivo vanakomana vaBhiriha, uyo Rabhani akapa mwanasikana wake Rakeri. Akaberekera Jakobho ivava: vese vaiva 7.*
26 Vana vese nevazukuru vaJakobho vaakauya navo muIjipiti, tisingabatanidzi madzimai evanakomana vaJakobho, vaiva 66.+ 27 Vanakomana vaJosefa vaakabereka muIjipiti vaiva vaviri.* Vanhu vese veimba yaJakobho vakauya kuIjipiti vaiva 70.*+
28 Jakobho akatuma Judha+ kuti anoudza Josefa kuti akanga ari munzira kuenda kuGosheni. Pavakasvika munyika yeGosheni,+ 29 Josefa akaita kuti ngoro yake isungwe, ndokuenda kunosangana nababa vake Israeri kuGosheni. Paakaonana navo, akabva avambundira,* akachema kwenguva refu.* 30 Israeri akabva ati kuna Josefa: “Iye zvino ndikachifa zvangu hazvina mhosva; ndaona chiso chako uye ndava kuziva kuti uchiri mupenyu.”
31 Josefa akabva ati kuvana vababa vake nemhuri yese yababa vake: “Regai ndiende ndinoudza Farao+ kuti, ‘Vana vababa vangu nemhuri yese yababa vangu vaiva munyika yeKenani vauya kuno.+ 32 Varume vacho vafudzi vemakwai+ uye vanochengeta zvimwe zvipfuwo,+ uye vauya nemakwai avo nemombe dzavo nezvese zvavainazvo.’+ 33 Pamuchashevedzwa naFarao okubvunzai kuti, ‘Munoita basa rei?’ 34 pindurai kuti, ‘Varanda venyu vachengeti vezvipfuwo kubvira vachiri vadiki, isu nemadzitateguru edu,’+ kuitira kuti mugare munyika yeGosheni,+ nekuti vaIjipiti vanosema vanhu vese vanofudza makwai.”+
47 Saka Josefa akaenda akanoudza Farao kuti:+ “Baba vangu nehama dzangu vauya nemakwai avo nemombe dzavo nezvese zvavainazvo, vachibva kunyika yeKenani, uye vari munyika yeGosheni.”+ 2 Akatora vana vababa vake vashanu, akavasuma kuna Farao.+
3 Farao akati kuvana vababa vaJosefa: “Munoita basa rei?” Vakamupindura kuti: “Varanda venyu vafudzi vemakwai, isu nemadzitateguru edu.”+ 4 Vakabva vati kuna Farao: “Tauya kuzogara munyika muno sevatorwa,+ nekuti hakuna mafuro ezvipfuwo zvevaranda venyu, nekuti nzara yacho ihuru munyika yeKenani.+ Saka varanda venyu vanokumbirawo kugara munyika yeGosheni.”+ 5 Farao akabva ati kuna Josefa: “Baba vako nehama dzako vauya kuno kwauri. 6 Nyika yeIjipiti iri mumaoko mako. Ita kuti baba vako nehama dzako vagare munzvimbo yakanakisisa yenyika ino.+ Ngavagare munyika yeGosheni, uye kana pakati pavo paine varume vaunoziva kuti vanogona basa, ita kuti vachengete zvipfuwo zvangu.”
7 Josefa akabva apinza baba vake Jakobho, akavasuma kuna Farao, uye Jakobho akakomborera Farao. 8 Farao akabvunza Jakobho kuti: “Mune makore mangani?” 9 Jakobho akati kuna Farao: “Ndine makore 130 uye ndiri mutorwa anongotenderera nenyika. Makore angu andararama mashoma uye akazara nematambudziko,+ uye haana kuwanda seemadzitateguru angu paaigara ari vatorwa.”+ 10 Pashure paizvozvo Jakobho akakomborera Farao, akabva pamberi pake.
11 Saka Josefa akapa baba vake nehama dzake pekugara munyika yeIjipiti, uye akavapa pakanakisisa penyika yeIjipiti, munyika yeRamesesi,+ sezvakanga zvataurwa naFarao. 12 Josefa akaramba achipa baba vake nevakoma vake nemunin’ina wake nemhuri yese yababa vake zvekudya,* maererano nekuwanda kwevana vavo.
13 Kwakanga kusina zvekudya* munyika yese, nekuti nzara yacho yakanga iri huru kwazvo, uye yakasiya nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzisisina chekubata.+ 14 Josefa aitora mari yese yaiva munyika yeIjipiti nenyika yeKenani yaiuya nevanhu vachitenga zviyo,+ uye Josefa akaramba achiiunza muimba yaFarao. 15 Nekufamba kwenguva mari yakapera munyika yeIjipiti nemunyika yeKenani, uye vaIjipiti vese vakatanga kuuya kuna Josefa, vachiti: “Tipei zvekudya! Tingafa here makatarisa nekuti hatisisina mari?” 16 Josefa akabva ati: “Kana musisina mari, unzai zvipfuwo zvenyu uye ndichakupai zvekudya tichichinjana nezvipfuwo zvenyu.” 17 Saka vakatanga kuuya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa, uye Josefa airamba achivapa zvekudya ivo vachimupa mabhiza avo, makwai, mombe, nemadhongi, uye akaramba achivapa zvekudya achichinjanisa nezvipfuwo zvavo zvese mugore iroro.
18 Gore racho parakapera, vakatanga kuuya kwaari mugore rakatevera vachiti: “Hatingavanziri ishe wangu kuti mari nezvipfuwo zvakatopiwa ishe wangu kare. Hatisisina chekupa ishe wangu kunze kwemiviri yedu neminda yedu. 19 Tofa here makatarisa, isu nenyika yedu? Titengei isu nenyika yedu mutipe zvekudya, tichava varanda vaFarao uye nyika yedu ichava yake. Tipei mbeu kuti tirarame, torega kufa, uye kuti nyika yedu irege kuita dongo.” 20 Josefa akabva atengera Farao nyika yese yeIjipiti nekuti vaIjipiti vese vakatengesa minda yavo, nekuti vakanga varumwa nenzara; uye nyika yacho yakava yaFarao.
21 Akabva atamisa vanhu vese vemuIjipiti, kubva munzvimbo dzayo dzese, kuti vagare mumaguta.+ 22 Ivhu revapristi chete ndiro raasina kutenga,+ nekuti migove yevapristi yaibva kuna Farao uye vairarama nemigove yavaipiwa naFarao. Ndokusaka vasina kutengesa ivhu ravo. 23 Josefa akabva ati kuvanhu vacho: “Onai, nhasi ndakutengai imi nenyika yenyu kuti muve vaFarao. Heino mbeu, idyarei munyika yacho. 24 Kana yabereka, mupe Farao chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu,+ asi zvikamu zvina zvichava zvenyu zvekuzodyara mumunda uye zvekudya zvenyu nevaya vari mudzimba dzenyu nevana venyu.” 25 Saka vakati: “Matiponesa.+ Ngatinzwirwe nyasha nashe wangu, uye tichava varanda vaFarao.”+ 26 Josefa akabva auita murau, uchiri kushanda nanhasi munyika yeIjipiti, kuti Farao anowana chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu. Ivhu revapristi chete ndiro risina kupiwa Farao.+
27 VaIsraeri vakaramba vachigara munyika yeIjipiti, muGosheni,+ vakagadzikana mairi, vakabereka, vakawanda zvikuru.+ 28 Jakobho akararama munyika yeIjipiti kwemakore 17, zvekuti mazuva eupenyu hwaJakobho akava makore 147.+
29 Israeri akanga ava pedyo nekufa,+ saka akashevedza mwanakomana wake Josefa akati kwaari: “Kana wandinzwira nyasha, ndinokumbira kuti uise ruoko rwako pasi pechidya changu, uye unofanira kundiratidza rudo rusingachinji uye kuramba wakatendeka kwandiri. Ndapota, usandiviga muIjipiti.+ 30 Kana ndafa,* unofanira kunditakura, wobuda neni muIjipiti wonondiviga muguva remadzitateguru angu.”+ Iye akabva ati: “Ndichaita zvamataura.” 31 Akabva ati: “Ndipikire.” Saka akavapikira.+ Israeri akabva akotamisa musoro wake nechekumusoro kwemubhedha.+
48 Izvi zvaitika, Josefa akaudzwa kuti: “Baba vako vava kupera simba.” Akabva aenda nevanakomana vake vaviri Manase naEfremu.+ 2 Jakobho akabva audzwa kuti: “Onai mwanakomana wenyu Josefa auya.” Saka Israeri akazvisimbisa, akagara pamubhedha wake. 3 Jakobho akati kuna Josefa:
“Mwari Wemasimbaose akazviratidza kwandiri kuRuzi munyika yeKenani akandikomborera.+ 4 Uye akati kwandiri, ‘Ndiri kuita kuti ubereke, ndichaita kuti uwande, uye ndichaita kuti uve ungano yemarudzi+ uye ndichapa vana* vako vanokutevera nyika ino kuti vaiite yavo nekusingagumi.’+ 5 Vanakomana vako vaviri vawakabereka munyika yeIjipiti ndisati ndauya kuno kuIjipiti ndevangu.+ Efremu naManase vachava vangu sezvakangoita Rubheni naSimiyoni.+ 6 Asi vamwe vana vauchazobereka ndivo vachava vako. Vachashevedzwa pamwe chete nezita revakoma vavo munhaka yavo.+ 7 Kana ndiri ini, pandakanga ndichibva kuPadhani, Rakeri akafa+ ndiinaye munyika yeKenani, ndichiri kure neEfrati.+ Saka ndakamuviga ikoko panzira inoenda kuEfrati, kureva Bhetrehema.”+
8 Israeri akabva aona vanakomana vaJosefa akabvunza kuti: “Ava ndivanaani?” 9 Josefa akati kuna baba vake: “Vanakomana vangu vandakapiwa naMwari munzvimbo ino.”+ Akabva ati: “Uya navo pano pandiri ndivakomborere.”+ 10 Maziso aIsraeri akanga ava kumunetsa nekukwegura uye akanga asisakwanisi kuona. Saka Josefa akaswedera navo pedyo nababa vake, Israeri akavatsvoda, uye akavambundira. 11 Israeri akati kuna Josefa: “Handina kumbofunga kuti ndichazoona chiso chako,+ asi Mwari atozoita kuti ndionewo vana* vako.” 12 Josefa akabva avabvisa pamabvi aIsraeri, akapfugama, akadzikisa musoro wake.
13 Josefa akavatora vari vaviri, Efremu+ neruoko rwake rwerudyi akanangana neruboshwe rwaIsraeri, Manase+ neruoko rwake rweruboshwe akanangana nerudyi rwaIsraeri, akaswedera navo pedyo. 14 Asi Israeri akatambanudza ruoko rwake rwerudyi akaruisa pamusoro waEfremu, kunyange zvazvo akanga ari iye mudiki, uye akaisa ruoko rwake rweruboshwe pamusoro waManase. Akaisa maoko ake saizvozvo achiziva, sezvo Manase akanga ari iye dangwe.+ 15 Akabva akomborera Josefa achiti:+
“Mwari wechokwadi uyo madzibaba angu Abrahamu naIsaka vakafamba pamberi pake,+
Mwari wechokwadi uyo aindifudza kweupenyu hwangu hwese kusvikira nhasi,+
16 Ngirozi yaindinunura pamatambudziko ese,+ komborerai vakomana ava.+
Zita rangu ngarishevedzwe pavari uye zita remadzibaba angu, Abrahamu naIsaka,
Ngavawedzere vave vazhinji panyika.”+
17 Josefa paakaona baba vake vachiramba vakaisa ruoko rwavo rwerudyi pamusoro waEfremu, hazvina kumufadza, saka akaedza kubvisa ruoko rwababa vake pamusoro waEfremu kuti aruise pamusoro waManase. 18 Josefa akati kuna baba vake: “Aiwa baba, uyu ndiye dangwe.+ Isai ruoko rwenyu rwerudyi pamusoro wake.” 19 Asi baba vake vakaramba, uye vakati: “Ndinozviziva mwanangu, ndinozviziva. Iyewo achava rudzi uye achavawo mukuru. Kunyange zvakadaro, munin’ina wake achava mukuru kumupfuura,+ uye vana* vake vachawanda zvekuenzana nemarudzi.”+ 20 Saka vakaramba vachivakomborera zuva iroro,+ vachiti:
“Israeri ngaataure mazita enyu paanenge achikomborera, achiti,
‘Mwari ngaakuite saEfremu uye saManase.’”
Saka vakaramba vachitanga kutaura Efremu vasati vataura Manase.
21 Israeri akabva ati kuna Josefa: “Ona ndava kufa,+ asi Mwari acharamba ainemi uye achakudzorerai kunyika yemadzitateguru enyu.+ 22 Ini ndichakuwedzera chikamu chimwe chete chenyika kupfuura zvandichapa vamwe vako,* chandakatorera vaAmori nebakatwa rangu uye neuta hwangu.”
49 Jakobho akashevedza vanakomana vake akati: “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri mumazuva ekupedzisira. 2 Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho, teererai Israeri baba venyu.
3 “Rubheni,+ ndiwe dangwe rangu,+ simba rangu nekutanga kwesimba rangu rekubereka, mukuru pakukudzwa uye mukuru pakuva nesimba. 4 Nekusazvidzora kwako semvura ine simba isina kugadzikana, wakakwira pamubhedha wababa vako,+ saka hausi kuzova mukuru. Pawakadaro wakasvibisa mubhedha wangu. Chokwadi kukwira pauri here!
5 “Simiyoni naRevhi mukoma nemunin’ina.+ Zvombo zvavo zvinongoshandiswa kurwa vachiuraya.+ 6 Usaenda pavanenge vari, haiwa mweya* wangu. Usabatana neungano yavo, haiwa mwoyo wangu,* nekuti hasha dzavo dzakaita kuti vauraye vanhu,+ uye vakadimbura marunda* emakumbo emombe vachizviitira kunakidzwa. 7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nekuti kune utsinye, uye hasha dzavo ngadzitukwe, nekuti dzakanyanyisa.+ Rega ndiite kuti vapararire pakati paJakobho, uye rega ndiite kuti vapararire pakati paIsraeri.+
8 “Kana uri iwe Judha,+ vana vababa vako vachakurumbidza.+ Ruoko rwako ruchava pamitsipa yevavengi vako.+ Vanakomana vababa vako vachakukotamira.+ 9 Judha mwana weshumba.+ Mwanakomana wangu, uchadya mhuka, wosimuka. Avhumbama uye azamura sezvinoita shumba. Akafanana neshumba, saka ndiani angashinga kumumutsa? 10 Tsvimbo yeumambo haizobvi kuna Judha,+ uye mudonzvo wemutungamiriri hauzobvi pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro* auya,+ uye marudzi achamuteerera.+ 11 Achasungirira dhongi rake pamuzambiringa, nemwana wedhongi rake pamuzambiringa wakanaka kwazvo, ogeza zvipfeko zvake muwaini uye nguo yake muropa remazambiringa. 12 Maziso ake akatsvuka newaini, uye mazino ake akachena nekunwa mukaka.
13 “Zebhuroni+ achagara pamhenderekedzo yegungwa, pamhenderekedzo panomiswa ngarava,+ uye muganhu wake wekure uchange wakatarisa kuSidhoni.+
14 “Isakari+ akaita sedhongi rine mapfupa akasimba, rinorara rakatakura tsapo mbiri pamusana paro. 15 Uye achaona kuti nzvimbo yake yekuzororera yakanaka uye kuti nyika yacho inofadza. Acharereka pfudzi rake kuti atakure mutoro uye achabvuma kuita basa rekumanikidzwa.
16 “Dhani+ achatonga vanhu vake serimwe remadzinza aIsraeri.+ 17 Dhani ngaave senyoka iri parutivi pemugwagwa, nyoka ine nyanga iri parutivi penzira, inoruma zvitsitsinho zvebhiza zvekuti mutasvi waro anodonha negotsi.+ 18 Ndichamirira ruponeso runobva kwamuri, haiwa Jehovha.
19 “Kana ari Gadhi,+ achasvikirwa neboka revapambi romurwisa, asi iye achavatevera ovarwisa nekumashure.+
20 “Zvekudya* zvaAsheri+ zvichawanda,* uye achapa vanhu zvekudya zvakakodzera kupiwa mambo.+
21 “Naftari+ isheshe yenondo yakatetepa. Ari kutaura mashoko akanaka kwazvo.+
22 “Josefa+ inhungirwa yemuti unobereka michero, muti unobereka michero uri pedyo nechitubu, une mapazi anotambanuka nepamusoro perusvingo. 23 Asi vanopfura neuta nemiseve vakaramba vachimunetsa uye vakamupfura, vakaramba vachimuvenga.+ 24 Asi uta hwake hwairamba huri munzvimbo yahwo,+ uye maoko ake akaramba akasimba.+ Izvi zvaibva mumaoko aiye ane simba waJakobho, kumufudzi, dombo raIsraeri. 25 Anobva* kuna Mwari wababa vako, uye achakubatsira, uye ane Wemasimbaose, achakukomborera nemakomborero ekudenga kumusoro, nemakomborero anobva pasi pakadzika,+ nemakomborero emazamu nechibereko. 26 Makomborero ababa vako achapfuura zvinhu zvakanaka zvemakomo asingagumi, uye achapfuura runako rwezvikomo zvinogara zviripo.+ Acharamba ari pamusoro waJosefa, panhongonya yeuyo akasarudzwa pavana vababa vake.+
27 “Bhenjamini+ acharamba achibvambura mhuka semhumhi.+ Mangwanani achadya mhuka yaabata, uye manheru achagova zvaanenge apamba.”+
28 Ese aya ndiwo madzinza 12 aIsraeri, uye izvi ndizvo zvavakaudzwa nababa vavo pavakanga vachivakomborera. Akapa mumwe nemumwe wavo chikomborero chakakodzerana naye.+
29 Pashure paizvozvo akavarayira achiti: “Ndiri kuiswa kwakaiswa vanhu vekwangu.*+ Ndivigei nemadzibaba angu mubako riri mumunda waEfroni muHiti,+ 30 bako riri mumunda weMakapera uri pakatarisana neMamre munyika yeKenani, munda wakatengwa naAbrahamu kuna Efroni muHiti kuti auite nzvimbo yake yemakuva. 31 Ikoko ndiko kwakavigwa Abrahamu naSara mudzimai wake.+ Ndiko kwakavigwa Isaka+ naRibheka mudzimai wake, uye ndiko kwandakaviga Reya. 32 Munda wacho nebako riri mauri zvakatengwa kuvanakomana vaHeti.”+
33 Saka Jakobho akapedza kurayira vanakomana vake. Akabva adzorera tsoka dzake pamubhedha, akafema kekupedzisira uye akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake.*+
50 Josefa akabva akotama akambundira baba vake,+ akavachema, akavatsvoda. 2 Pashure paizvozvo Josefa akarayira vashandi vake, vanachiremba, kuti vaomese baba vake.+ Saka vanachiremba vacho vakaomesa Israeri, 3 uye vakatora mazuva 40 vachimuomesa, nekuti iyi ndiyo nguva yavaitora vachiomesa chitunha, uye vaIjipiti vakamuchema kwemazuva 70.
4 Mazuva ekumuchema paakapfuura, Josefa akataura nemachinda aFarao* achiti: “Kana mandinzwira nyasha, udzai Farao kuti: 5 ‘Baba vangu vakaita kuti ndipike,+ vachiti: “Ona ndava kufa.+ Unofanira kundiviga munzvimbo yangu yemakuva+ yandakachera munyika yeKenani.”+ Saka ndinokumbirawo kuenda kunoviga baba vangu, ndozodzoka.’” 6 Farao akapindura kuti: “Enda unoviga baba vako sezvavakaita kuti upike.”+
7 Saka Josefa akaenda kunoviga baba vake, uye vashandi vese vaFarao vakaenda naye, vakuru+ vemumuzinda wake, nevakuru vese vemunyika yeIjipiti 8 neimba yese yaJosefa nevana vababa vake neimba yababa vake.+ Vakasiya vana vavo vadiki chete nemakwai avo nemombe dzavo munyika yeGosheni. 9 Vakaendawo nengoro+ nevatasvi vemabhiza, uye boka racho rakanga rakakura chaizvo. 10 Vakazosvika paburiro* reAtadhi, riri munharaunda yeJodhani, vakachema kwazvo ipapo, uye akachema baba vake kwemazuva manomwe. 11 Vagari vemunyika yacho, vaKenani, vakavaona vachichema paburiro reAtadhi, vakati: “Kuchema uku kukuru ndekwevaIjipiti!” Ndokusaka nzvimbo yacho yakatumidzwa kuti Abheri-mizraimu,* iri munharaunda yeJodhani.
12 Saka vanakomana vake vakamuitira sezvaakanga avarayira chaizvo.+ 13 Vanakomana vake vakamutakura vakapinda naye munyika yeKenani, vakamuviga mubako remunda weMakapera, munda wakatarisana neMamre wakanga watengwa naAbrahamu kuna Efroni muHiti kuti ive nzvimbo yake yemakuva.+ 14 Pashure pekuviga baba vake, Josefa akadzokera kuIjipiti nevana vababa vake nevanhu vese vaakanga aenda navo kunoviga baba vake.
15 Vakoma vaJosefa pavakaona kuti baba vavo vakanga vafa, vakati: “Josefa anogona kunge achiri kutivenga zvekuti angatitsiva zvakaipa zvese zvatakamuitira.”+ 16 Saka vakatumira mashoko aya kuna Josefa: “Baba vako vakasiya vataura izvi vasati vafa: 17 ‘Udzai Josefa kuti: “Ndapota zvangu regerera kutadza kwevakoma vako uye chivi chavakaita pavakakuitira zvakaipa kudaro.”’ Saka tinokumbirawo kuti uregerere kutadza kwevashumiri vaMwari wababa vako.” Josefa akachema pavakataura naye. 18 Vakoma vake vakabva vauyawo vakamugwadamira vakati: “Ita hako zvaunoda nesu, tiri varanda vako!”+ 19 Josefa akati kwavari: “Musatya. Ndini Mwari here kuti ndikutongei? 20 Kunyange zvazvo maida kundiitira zvakaipa,+ Mwari aida kuti zvifambe zvakanaka uye aida kuchengetedza vanhu vakawanda vari vapenyu sezvaari kuita nhasi.+ 21 Saka musatya. Ndicharamba ndichikupai zvekudya pamwe chete nevana venyu.”+ Saka akavanyaradza uye akavavimbisa kuti hapana zvaaizovaita.
22 Josefa akaramba achigara muIjipiti, iye neimba yababa vake, uye Josefa akararama kwemakore 110. 23 Josefa akaona chizvarwa chechitatu chevanakomana vaEfremu,+ akaonawo vanakomana vaMakiri,+ mwanakomana waManase. Josefa aivaona sevanakomana vake pachake.* 24 Josefa akazoti kuhama dzake: “Ndava kufa, asi chokwadi Mwari achakurangarirai,+ okubudisai munyika ino muchienda kunyika yaakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho.”+ 25 Saka Josefa akaita kuti vanakomana vaIsraeri vapike, achiti: “Chokwadi Mwari achakurangarirai. Munofanira kubuda nemapfupa angu muno.”+ 26 Uye Josefa akafa ava nemakore 110, vakaita kuti aomeswe,+ uye akaiswa mubhokisi munyika yeIjipiti.
Kana kuti “mweya mutsvene waMwari waitenderera uri pamusoro pemvura.”
Kana kuti “nemweya mipenyu.”
Kana kuti “nemweya yese mipenyu inofamba.”
Kana kuti “muitonge.”
ChiHeb., “neuto razvo rese.”
Apa ndipo panotanga kushandiswa zita raMwari rakasiyana nemamwe mazita ese, rainyorwa seizvi, יהוה (YHWH). Ona Mashoko Ekuwedzera A4.
Kana kuti “mweya mupenyu.”
Iyi inamo inonhuhwirira inobuda pane imwe mhando yemiti.
Kana kuti “Tigirisi.”
Kana kuti “chero zita raipiwa mweya mupenyu mumwe nemumwe nemunhu, ndiro rakava zita rawo.”
Kana kuti “acharamba aine mudzimai wake.”
Kana kuti “ndiyo yainyengera.”
Kana kuti “uchifadza maziso.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva kuti “Munhu Wepanyika; Vanhu.”
Kureva kuti “Mupenyu.”
Kana kuti “haungakwidziridzwi here?”
ChiHeb., “simba raro.”
Kureva kuti “Upoteri.”
Kana kuti “zvekuridza rudimbwa nemutopota.”
Kureva kuti “Kugadzwa; Kuiswa Panzvimbo.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “Adhamu; Vanhu.”
Zvingava zvichireva kuti “Zororo; Nyaradzo.”
Kana kuti “achatinyaradza.”
Dimikira rechiHebheru rinoreva ngirozi dzaMwari.
Kana kuti “Mweya wangu hausi.”
Kana kuti “nekuti anoita maererano nezvinodiwa nenyama.”
Zvingava zvichireva kuti “Vawisi,” kureva kuti vaya vanoita kuti vamwe vawe kana kuti vadonhe. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “akarwadziwa.”
Kana kuti “asina chaanopomerwa.”
ChiHeb., “pezvizvarwa zvake.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shoko racho rechiHebheru nderekuti tso′har. Vamwe vanoti tso′har inoreva denga rakakwirira nechepakati nekubhiti rimwe chete, kwete kuti ihwindo rinopinza chiedza.
ChiHeb., “ine mhepo yekufema yeupenyu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pamhuka dzese dzakachena, hono nomwe nehadzi dzacho nomwe.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “pazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, zvikono zvinomwe nezvikadzi zvacho zvinomwe.”
ChiHeb., “zvine mhepo yekufema yeupenyu.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “nyama yese.”
Kana kuti “mvura yaibva kudenga yakamira kunaya.”
Kana kuti “pekumhara nemakumbo ayo.”
ChiHeb., “kunozorodza.”
Kana kuti “Mava kuzvitonga.”
Kana kuti “mweya wayo.”
Kana kuti “nezveropa remweya yenyu.”
Kana kuti “nemweya mipenyu yese yamuinayo.”
Kana kuti “nyama yese haichazoparadzwizve.”
Kana kuti “nemweya mipenyu yese yamuinayo.”
Kana kuti “nemweya mipenyu yenyama yemarudzi ese.”
Kana kuti “nemweya mipenyu yenyama yemarudzi ese iri panyika.”
Kana kuti “Maguta ekutanga eumambo hwake aiva Bhabheri, Ereki, Akadhi, neKarine.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Aya ndiwo anobatanidzwa kuva guta guru.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “uye mukoma waJafeti.”
Kureva kuti “Kuparadzaniswa.”
Kana kuti “vagari vepanyika vakaparadzaniswa.”
Kana kuti “iine mashoko mamwe chete.”
Kureva kuti “Kuvhiringidzika.”
Kana kuti “dzichazviwanira chikomborero.”
Kana kuti “pamwe nemweya yavakanga vawana muHarani.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “anogara ikoko ari mutorwa.”
Kana kuti “mweya wangu urambe uri mupenyu.”
Kana kuti “nematambudziko akaipisisa.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva, Gungwa Rakafa.
Kana kuti “hama yake yakanga yatapwa.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “asi uyo achabuda mukati mako.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “pachipfuva chenyu.”
ChiHeb., “uzvininipise pasi peruoko rwake.”
Kureva kuti “Mwari Anonzwa.”
Vamwe vanofunga kuti pari kutaurwa mbizi. Zvichida zvairehwa ndezvekuti aizova munhu anoita zvaanoda pasina anomubvunza.
Dzimwe shanduro dzinoti, “achagara achingonetsana nehama dzake dzese.”
Kureva kuti “Tsime raIye Mupenyu Ari Kundiona.”
Kana kuti “asina chaanopomerwa.”
Kureva kuti “Baba Vanokwidziridzwa.”
Kureva kuti “Baba Vevanhu Vazhinji.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “anofanira kuurayiwa.”
Zvingava zvichireva kuti “Kunetsana.”
Kureva kuti “Mwanasikana Wamambo.”
Kureva kuti “Kuseka.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “musimbise mwoyo yenyu.”
ChiHeb., “zviyero zvemaseya zvitatu.” Seya uwandu hwaizadza mudziyo wemarita 7,33. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “Sara akanga aguma kuita maererano nenzira yevakadzi.” Izvi zvaireva kuti akanga asisaendi kumwedzi.
Kana kuti “achazviwanira chikomborero.”
ChiHeb., “mumumvuri wedenga remba yangu.”
Kureva, ngirozi dziya mbiri.
Kana kuti “uponese mweya wako.”
Kana kuti “rudo rusingachinji.”
Kana kuti “nekuchengetedza mweya wangu uri mupenyu.”
Kana kuti “mweya wangu ucharamba uri mupenyu.”
Kureva kuti “Kadiki.”
Bisiro inzvimbo yaipisirwa zvinhu zvakadai sezvidhinha, simbi, nezvimwewo.
Kana kuti “achigara semutorwa.”
Kureva kuti akanga asina kurara naye.
Kana kuti “rwakarurama.”
Kana kuti “nemwoyo wakatendeseka uye nemaoko asina mhosva.”
Kana kuti “une rudo rusingachinji.”
ChiHeb., “Iyo chinhu chekufukidzisa maziso ako.”
Kana kuti “akanga avhara zvachose zvibereko zvese zvevakadzi veimba yaAbhimereki.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vachandiseka.”
ChiHeb., “mbeu yako.”
ChiHeb., “imbeu yako.”
ChiHeb., “makwayana makadzi.”
Kana kuti “huve uchapupu hwekuti.”
Zvingava zvichireva kuti “Tsime Remhiko; Tsime Remanomwe.”
Kana kuti “akagara ari mutorwa.”
ChiHeb., “mazuva mazhinji.”
Kureva kuti “Jehovha Achapa; Jehovha Achaona Zvekuita.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “maguta evavengi vake ave ake.”
ChiHeb., “mbeu.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “muchinda mukuru.”
Kana kuti “Kana mweya yenyu ichibvuma.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “mbeu.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
ChiHeb., “Ndapota ndiudze, uri mwanasikana waani?”
Kana kuti “kwababa vako.”
Zvichida dzakasunungurwa naRabhani.
ChiHeb., “nditsaukire kurudyi kana kuruboshwe.”
Kana kuti “hatigoni kutaura newe zvakaipa kana zvakanaka; hatigoni kuti hongu kana kuti kwete.”
Kureva, mushandi wake uyo aimbova mureri wake.
Kana kuti “ukava mai vezviuru nezviuru.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “varidzi vemaguta evaya vanovavenga.”
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “mumisasa yakakomberedzwa.”
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Dzimwe shanduro dzinoti, “Aigara achingonetsana nehama dzake dzese.”
Kureva kuti “Azere Mvere.”
Kureva kuti “Uya Akabata Chitsitsinho; Anotorera Munhu Chinzvimbo.”
ChiHeb., “zvitsvuku, zvitsvuku izvi.”
Kana kuti “ndaneta.”
Kureva kuti “Zvitsvuku.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “achazviwanira.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “akambundira Ribheka mudzimai wake.”
Kureva kuti “Kukakavadzana.”
Kureva kuti “Kupomerwa.”
Kureva kuti “Nzvimbo Dzakafara.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “mweya wangu ukukomborere.”
Kana kuti “mweya wenyu undikomborere.”
Kana kuti “mweya wangu ukukomborere.”
Kana kuti “mweya wenyu undikomborere.”
Kureva kuti “Uya Akabata Chitsitsinho; Anotorera Munhu Chinzvimbo.”
Kana kuti “ari kuzvinyaradza achiti achakuuraya.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “dzichazviwanira chikomborero.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva kuti “Imba yaMwari.”
Kana kuti “ndodzoka nerugare.”
Kana kuti “uri hama yangu chaiyo.”
ChiHeb., “aivengwa.”
ChiHeb., “akavhura chibereko chake.”
Kureva kuti “Onai, Mwanakomana!”
Kureva kuti “Kunzwa.”
Kureva kuti “Kunamatidzwa; Kubatanidzwa.”
Kureva kuti “Anorumbidzwa.”
ChiHeb., “asunungukire pamabvi angu.”
Kureva kuti “Mutongi.”
Kureva kuti “Kuita Kwangu Mutsimba.”
Kureva kuti “Makorokoto.”
Kureva kuti “Kufara; Mufaro.”
Vakadzi vaidya muchero uyu vachifunga kuti waizovabatsira kuti vabate pamuviri.
Kana kuti “mubayiro.”
Kureva kuti “Ndiye Mubhadharo.”
Kureva kuti “Kumbodiwawo.”
ChiHeb., “uye Mwari akamuteerera, akavhura chibereko chake.”
Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Josifiya, iro rinoreva kuti “Jah Ngaawedzere.”
Kana kuti “uchapupu hwekuti.”
Kana kuti “Kuvimbika.”
Kana kuti “vanamwari vemumba vababa; terafimu.”
Kureva, Yufratesi.
ChiHeb., “Ngwarira kuti usataure naJakobho kubvira pane zvakanaka kusvikira pane zvakaipa.”
ChiHeb., “vanakomana.”
ChiHeb., “Ngwarira kuti usataure naJakobho kubvira pane zvakanaka kusvikira pane zvakaipa.”
Kana kuti “vanamwari vacho vemumba vababa; terafimu.”
Shoko rechiAramaiki rinoreva kuti “Murwi Unopupurira.”
Shoko rechiHebheru rinoreva kuti “Murwi Unopupurira.”
Kana kuti “‘Mizpa,’ zita rechiHebheru rinoreva kuti ‘Nharire; Nzvimbo Inoshandiswa Kuona Zviri Kure.’”
ChiHeb., “akapika nekutya kwababa vake Isaka.”
ChiHeb., “vanakomana.”
Kureva kuti “Misasa Miviri.”
Kana kuti “ndichigara semutorwa.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva kuti “Anokwikwidzana naMwari” kana kuti “Mwari Anokwikwidza.”
Kureva kuti “Chiso chaMwari.”
Kana kuti “mweya wangu wachengetedzwa.”
Kana kuti “Penieri.”
Kana kuti “mudzira; dzira.”
Kureva kuti “Matumba.”
Kana kuti “kunoona vasikana.”
Kana kuti “Mweya wake wakanga usisade kusiyana naDhina.”
Kana kuti “Mweya wemwanakomana wangu Shekemu, hauchadi kusiyana nemwanasikana wenyu.”
ChiHeb., “ane chikanda chepamberi.”
Kana kuti “akazviviga.”
Kureva kuti “Mwari weBheteri.”
Kureva kuti “Muoku Wekuchema.”
ChiHeb., “achabva muchiuno chako.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kana kuti “mweya wake pawakanga wava kubuda.”
Kureva kuti “Mwanakomana Wekuchema Kwangu.”
Kureva kuti “Mwanakomana Weruoko Rwerudyi.”
Chivakwa chinoshandiswa kuona zviri kure.
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “mweya yese yeimba.”
Kana kuti “yavaigara sevatorwa.”
ChiHeb., “vanakomana vaIsraeri.”
Kana kuti “kutaura naye zvine rugare.”
Kana kuti “kuuraya mweya wake.”
ChiHeb., “rabhudhanamu.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kureva, Judha.
Kana kuti “Kezibhi,” maererano nezvinyorwa zvevaMasoreti. Zvinonzi ndiyo imwe cheteyo neAkzibhu inotaurwa pana Joshua 15:44 naMika 1:14.
Kana kuti “yechisimbiso.”
Kureva kuti “Kutsemuka,” zvichida zita racho riri kutaura nezvekutsemuka kunogona kuitika pakusununguka.
ChiHeb., “achakusimudza musoro.”
ChiHeb., “mugomba.”
ChiHeb., “achasimudza musoro wako kubva pauri.”
ChiHeb., “ndokusimudza musoro wemukuru.”
Ichi ndicho chimusoro chezvirimwa zvakadai sezviyo, chinochekwa panokohwewa.
ChiHeb., “mugomba.”
Shoko racho rechiHebheru rinogona kureva kuti akabvisa zvese ndebvu nebvudzi.
Kana kuti “pachigaro cheumambo chete.”
Kunenge kuti shoko racho rinoreva kuti munhu anofanira kukudzwa uye kuremekedzwa.
ChiHeb., “kusimudza ruoko rwake kana tsoka yake.”
Kureva, Herioporisi.
Kana kuti “akafamba nenyika yese yeIjipiti.”
Kana kuti “paakatanga kushandira Farao.”
Kureva, Herioporisi.
Kureva kuti “Anoita Kuti Ukanganwe.”
Kureva kuti “Kuwanda Zvakapetwa Kaviri.”
Kana kuti “kutambudzika kwaiita mweya wake.”
Kana kuti “homwe dzavo dzizadzwe.”
Kana kuti “kuzoongorora.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “Ndichazvipa sechibatiso panzvimbo yake.”
Kana kuti “mumasaga enyu.”
ChiHeb., “rabhudhanamu.”
ChiHeb., “mumuromo mehomwe dzenyu.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mweya wavo.”
Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “kuti muve nevanosara panyika.”
ChiHeb., “sababa vaFarao.”
ChiHeb., “akawira pamutsipa pemunin’ina.”
Kana kuti “muchadya zvakakora zvenyika ino.”
ChiHeb., “madhongi makadzi.”
Kana kuti “vese vaiva vake.”
Kureva kuti achavhara maziso aJakobho paanofa.
Kana kuti “mweya 33.”
Kana kuti “mweya 16.”
Kureva, Herioporisi.
Kana kuti “mweya 14.”
ChiHeb., “Vanakomana.”
Kana kuti “mweya 7.”
Kana kuti “mweya miviri.”
Kana kuti “mweya 70.”
ChiHeb., “akawira pamutsipa wavo.”
Kana kuti “akaramba achichema ari pamutsipa wavo.”
ChiHeb., “chingwa.”
ChiHeb., “chingwa.”
ChiHeb., “ndarara nemadzitateguru angu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
ChiHeb., “mbeu.”
Kureva, vakoma vake nemunin’ina wake.
Kana kuti “kukudzwa kwangu.”
Kana kuti “madzira.”
Kureva kuti “Muridzi Wayo.”
ChiHeb., “Chingwa.”
ChiHeb., “zvichakora.”
Kureva, Josefa.
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “neimba yaFarao.”
Kureva kuti “Kuchema kwevaIjipiti.”
ChiHeb., “Vakaberekerwa pamabvi aJosefa.”