RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bi12 pp. 1938-1949
  • Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
  • Misoro Midiki
  • 1. Amagedhoni
  • 2. Bhaibheri
  • 3. Chechi
  • 4. Chitendero
  • 5. Chivi
  • 6. Denga
  • 7. Dhiyabhorosi, Madhimoni
  • 8. Hero (Hadhesi, Sheori)
  • 9. Jehovha, Mwari
  • 10. Jesu
  • 11. Kudzoka kwaKristu
  • 12. Kumuka
  • 13. Kunamata Madzitateguru
  • 14. Kunamatwa kwaMariya
  • 15. Kuponeswa
  • 16. Kuporesa, Ndimi
  • 17. Kupupurira
  • 18. Kurangaridza, Misa
  • 19. Kuroorana
  • 20. Kushorwa, Kutambudzwa
  • 21. Kusika
  • 22. Kutemerwa Mugumo
  • 23. Kutenda Kunobatanidza Zvitendero Zvakasiyana
  • 24. Kuverengwa Kwenguva
  • 25. Mazororo, Mazuva Okuberekwa
  • 26. Mazuva Okupedzisira
  • 27. Mifananidzo
  • 28. Muchinjikwa
  • 29. Mudzimu, Kuita Zvemidzimu
  • 30. Munyengetero
  • 31. Mushumiri
  • 32. Mweya
  • 33. Nyika
  • 34. Ropa
  • 35. Rubhabhatidzo
  • 36. Rudzikinuro
  • 37. Rufu
  • 38. Sabata
  • 39. Uipi, Nhamo Yenyika
  • 40. Umambo
  • 41. Upenyu
  • 42. Utatu
  • 43. Vaprofita Venhema
  • 44. Zvapupu zvaJehovha
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana

Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana

1. Amagedhoni

A. Hondo yaMwari yokugumisa uipi

Marudzi anounganidzirwa kuAmagedhoni. Zva 16:14, 16

Mwari anorwa, achishandisa Mwanakomana nengirozi. 2VaT 1:6-9; Zva 19:11-16

Maponero atingaita. Zef 2:2, 3; Zva 7:14

B. Rudo rwaMwari harushatiswi

Nyika yanyanya kuora. 2Ti 3:1-5

Mwari anoshivirira, asi kururamisira kunoda kuti chimwe chinhu chiitwe. 2Pe 3:9, 15; Ru 18:7, 8

Vakaipa vanofanira kubva kuti vakarurama vabudirire. Zvi 21:18; Zva 11:18

2. Bhaibheri

A. Shoko raMwari rakafuridzirwa

Mudzimu waMwari ndiwo wakaita kuti vanhu vanyore. 2Pe 1:20, 21

Rine uprofita: Dha 8:5, 6, 20-22; Ru 21:5, 6, 20-22; Isa 45:1-4

Bhaibheri rose rakafuridzirwa uye rinobatsira. 2Ti 3:16, 17; VaR 15:4

B. Inhungamiro inoshanda nokuda kwezuva redu

Kusateerera nheyo dzeBhaibheri kunourayisa. VaR 1:28-32

Haritsiviwi nouchenjeri hwomunhu. 1VaK 1:21, 25; 1Ti 6:20

Idziviriro pamuvengi akasimba kupfuura vose. VaE 6:11, 12, 17

Rinotungamirira munhu munzira yakarurama. Pis 119:105; 2Pe 1:19; Zvi 3:5, 6

C. Rakanyorerwa vanhu vemarudzi ose nemadzinza ose

Kunyorwa kweBhaibheri kwakatangira kuMabvazuva. Eks 17:14; 24:12, 16; 34:27

Gadziriro yaMwari haisi yeVarungu chete. VaR 10:11-13; VaG 3:28

Mwari anogamuchira vanhu vemarudzi ose. Mab 10:34, 35; VaR 5:18; Zva 7:9, 10

3. Chechi

A. Chechi yomudzimu, yakavakirwa pana Kristu

Mwari haagari mutemberi dzakavakwa nevanhu. Mab 17:24, 25; 7:48

Chechi yechokwadi itemberi yomudzimu yematombo mapenyu. 1Pe 2:5, 6

Kristu, dombo repakona; vaapostora, nheyo yechipiri. VaE 2:20

Mwari anofanira kunamatwa nomudzimu nechokwadi. Joh 4:24

B. Chechi haina kuvakirwa pana Petro

Jesu haana kuti chechi yakavakirwa pana Petro. Mt 16:18

Jesu akanzi ndiye “dombo guru.” 1VaK 10:4

Petro akati Jesu ndiye nheyo. 1Pe 2:4, 6-8; Mab 4:8-12

4. Chitendero

A. Kune chitendero chimwe chete chechokwadi

Tariro imwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe. VaE 4:5, 13

Chakapiwa basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Mt 28:19; Mab 8:12; 14:21

Chinozivikanwa nezvibereko zvacho. Mt 7:19, 20; Ru 6:43, 44; Joh 15:8

Rudo, kubvumirana kwenhengo dzacho. Joh 13:35; 1VaK 1:10; 1Jo 4:20

B. Dzidziso yenhema inoshorwa zvakakodzera

Jesu akashora dzidziso yenhema. Mt 23:15, 23, 24; 15:4-9

Akaita saizvozvo kuti adzivirire vakapofumadzwa. Mt 15:14

Chokwadi chakavasunungura kuti vave vadzidzi vaJesu. Joh 8:31, 32

C. Kuchinja chitendero chako kunokosha kana ukaratidzwa

kuti hachina kururama

Chokwadi chinosunungura; chinoratidza vakawanda kuti havana kururama. Joh 8:31, 32

VaIsraeri, vamwe, vakasiya kunamata kwepakutanga. Jos 24:15; 2Mad 5:17

VaKristu vepakutanga vakachinja kufunga kwavo. VaG 1:13, 14; Mab 3:17, 19

Pauro akachinja chitendero chake. Mab 26:4-6

Nyika yose yakanyengedzwa; unofanira kugadziridza pfungwa dzako. Zva 12:9; VaR 12:2

D. Zvinoita se“zvakanaka zviri muzvitendero zvose” hazvivimbisi

kuwana nyasha dzaMwari

Mwari anogadza zvinodiwa pakunamata. Joh 4:23, 24; Jak 1:27

Hachina kunaka kana chisina kuita sezvinodiwa naMwari. VaR 10:2, 3

“Mabasa akanaka” anogona kurambwa. Mt 7:21-23

Chinozivikanwa nezvibereko zvacho. Mt 7:20

5. Chivi

A. Chinonzi chivi

Kuputsa mutemo waMwari, zvaanoda zvakakwana. 1Jo 3:4; 5:17

Munhu, sechisikwa chaMwari, anozvidavirira kwaari. VaR 14:12; 2:12-15

Mutemo wakatsanangura chivi, wakaita kuti munhu azive nezvacho. VaG 3:19; VaR 3:20

Vose vane chivi, havasviki pane zvinhu zvakakwana zvinodiwa naMwari. VaR 3:23; Pis 51:5

B. Chikonzero nei vose vakatambura nechivi chaAdhamu

Adhamu akapfuuridzira kusakwana, rufu kuvose. VaR 5:12, 18

Mwari akanga aine ngoni mukushivirira vanhu. Pis 103:8, 10, 14, 17

Chibayiro chaJesu chinoyananisira zvivi. 1Jo 2:2

Chivi nemamwe mabasa ose aDhiyabhorosi zvichabviswa. 1Jo 3:8

C. Muchero wakarambidzwa wakanga uri kusateerera,

kwete kurara pamwe chete

Muti wakarambidzwa Evha asati asikwa. Ge 2:17, 18

Adhamu naEvha vakaudzwa kuti vave nevana. Ge 1:28

Vana havasi mugumisiro wechivi, asi chikomborero chaMwari. Pis 127:3-5

Evha akaita chivi murume asipo; akamhanyira mberi. Ge 3:6; 1Ti 2:11-14

Adhamu, somusoro, akapandukira mutemo waMwari. VaR 5:12, 19

D. Chinonzi chivi chokutadzira mudzimu mutsvene (Mt 12:32; Mk 3:28, 29)

Hachisi chivi chakagarwa nhaka. VaR 5:8, 12, 18; 1Jo 5:17

Munhu angashungurudza mudzimu, asi ozogadziridza. VaE 4:30; Jak 5:19, 20

Kuva netsika yokuita chivi noune kunotungamirira kurufu. 1Jo 3:6-9

Mwari anotonga vakadaro, anobvisa mudzimu wake. VaH 6:4-8

Hatifaniri kunyengeterera vasingapfidzi vakadaro. 1Jo 5:16, 17

6. Denga

A. Vane 144 000 chete ndivo vanoenda kudenga

Vashoma; vachava madzimambo pamwe naKristu. Zva 5:9, 10; 20:4

Jesu akanga ari wokutanga; vamwe vave vachisarudzwa kubvira ipapo. VaK 1:18; 1Pe 2:21

Vamwe vazhinji vachagara panyika. Pis 72:8; Zva 21:3, 4

Vane 144 000 vane nzvimbo chaiyo isina vamwe. Zva 14:1, 3; 7:4, 9

7. Dhiyabhorosi, Madhimoni

A. Dhiyabhorosi munhu womudzimu

Haasi uipi huri mukati momunhu asi munhu womudzimu. 2Ti 2:26

Dhiyabhorosi munhu akangoitawo sengirozi. Mt 4:1, 11; Job 1:6

Akazviita Dhiyabhorosi kupfurikidza noruchiva. Jak 1:13-15

B. Dhiyabhorosi ndiye mutongi asingaoneki wenyika

Nyika inodzorwa naye samwari. 2VaK 4:4; 1Jo 5:19; Zva 12:9

Akabvumirwa kuti arambe aripo kusvikira nyaya yagadziriswa. Eks 9:16; Joh 12:31

Achaiswa mugomba rakadzikadzika, ozoparadzwa. Zva 20:2, 3, 10

C. Madhimoni ingirozi dzakapanduka

Akabatana naSatani Mafashamo asati auya. Ge 6:1, 2; 1Pe 3:19, 20

Akaderedzwa, akabvisirwa kuvhenekerwa kwose. 2Pe 2:4; Jud 6

Anorwisa Mwari, anodzvinyirira vanhu. Ru 8:27-29; Zva 16:13, 14

Achaparadzwa pamwe chete naSatani. Mt 25:41; Ru 8:31; Zva 20:2, 3, 10

8. Hero (Hadhesi, Sheori)

A. Haisi nzvimbo chaiyo yokurwadziswa nomoto

Jobho aitambura akanyengeterera kuenda ikoko. Job 14:13

Nzvimbo isingaitwi basa. Pis 6:5; Mup 9:10; Isa 38:18, 19

Jesu akamutswa kubva muguva, hero. Mab 2:27, 31, 32; Pis 16:10

Hero ichabudisa vamwe vakafa, ichaparadzwa. Zva 20:13, 14

B. Moto chiratidzo chokutsakatisa

Kuparadzwa zvachose kunoratidzirwa nomoto. Mt 25:41, 46; 13:30

Vakaipa vasingapfidzi vachaparadzwa nokusingaperi sokunge kuti vaparadzwa nomoto. VaH 10:26, 27

“Kurwadziswa” nomoto kwaSatani rufu rusingaperi. Zva 20:10, 14, 15

C. Nyaya yomupfumi naRazaro haisi uchapupu

hwokurwadziswa kusingagumi

Moto hausi chinhu chaicho kungofanana nechipfuva chaAbrahamu. Ru 16:22-24

Nyasha dzaAbrahamu dzinosiyaniswawo nerima. Mt 8:11, 12

Kuparadzwa kweBhabhironi kunonzi kurwadziswa nomoto. Zva 18:8-10, 21

9. Jehovha, Mwari

A. Zita raMwari

Shoko rokuti “Mwari” harina kujeka; Ishe wedu ane zita rake oga. 1VaK 8:5, 6

Tinonyengeterera zita rake kuti ritsveneswe. Mt 6:9, 10

Jehovha ndiro zita raMwari. Pis 83:18; Eks 6:2, 3; 3:15; Isa 42:8

Zita racho riri muKJ. Eks 6:3 (mashoko omuzasi ari muDy). Pis 83:18; Isa 12:2; 26:4

Jesu akazivisa zita racho. Joh 17:6, 26; 5:43; 12:12, 13, 28

B. Kuvapo kwaMwari

Hazviiti kuona Mwari worarama. Eks 33:20; Joh 1:18; 1Jo 4:12

Haufaniri kuona Mwari kuti utende. VaH 11:1; VaR 8:24, 25; 10:17

Mwari anozivikanwa nemabasa ake anooneka. VaR 1:20; Pis 19:1, 2

Kuzadzika kwouprofita kunoratidza kuvapo kwaMwari. Isa 46:8-11

C. NdiMwari worudzii

Mwari rudo. 1Jo 4:8, 16; Eks 34:6; 2VaK 13:11; Mik 7:18

Ane uchenjeri kupfuura vamwe vose. Job 12:13; VaR 11:33; 1VaK 2:7

Akarurama, anoruramisira. Dhe 32:4; Pis 37:28

Ndiye wemasimbaose, ane simba rose. Job 37:23; Zva 7:12; 4:11

D. Havasi vose vari kushumira Mwari mumwe

Nzira inooneka seyakanaka haigari yakanaka. Zvi 16:25; Mt 7:21

Migwagwa miviri, mumwe chete ndiwo unoenda kuupenyu. Mt 7:13, 14; Dhe 30:19

Vanamwari vakawanda asi kuna Mwari mumwe chete wechokwadi. 1VaK 8:5, 6; Pis 82:1

Kuziva Mwari wechokwadi kunokosha nokuda kwoupenyu. Joh 17:3; 1Jo 5:20

10. Jesu

A. Jesu Mwanakomana waMwari uye Mambo akagadzwa

Dangwe raMwari, rakashandiswa kusika zvimwe zvinhu zvose. Zva 3:14; VaK 1:15-17

Akaitwa munhu akaberekwa nomukadzi, akaderera kungirozi. VaG 4:4; VaH 2:9

Akaberekwa nomudzimu waMwari, aine chinangwa chokudenga. Mt 3:16, 17

Akakwidziridzwa kwazvo kupfuura zvaaiva asati ava munhu. VaF 2:9, 10

B. Kutenda Jesu Kristu kunokosha kuti tiponeswe

Kristu ndiye Mwana akapikirwa waAbrahamu. Ge 22:18; VaG 3:16

Jesu ndiye Mupristi Mukuru chete, rudzikinuro. 1Jo 2:1, 2; VaH 7:25, 26; Mt 20:28

Upenyu hunowanika nokuziva Mwari naKristu, kuteerera. Joh 17:3; Mab 4:12

C. Zvinopfuura kutenda muna Kristu zvinodiwa

Kutenda kunofanira kuva pamwe chete nemabasa. Jak 2:17-26; 1:22-25

Tinofanira kuteerera mirayiro, kuita basa raakaita. Joh 14:12, 15; 1Jo 2:3

Havasi vose vanoshandisa zita raShe vachapinda muUmambo. Mt 7:21-23

11. Kudzoka kwaKristu

A. Kudzoka kwacho hakuonekwi nevanhu

Akaudza vadzidzi kuti nyika yaisazomuonazve. Joh 14:19

Vadzidzi chete ndivo vakamuona achikwira; achadzoka zvakafanana. Mab 1:6, 10, 11

Kudenga, mudzimu usingaoneki. 1Ti 6:14-16; VaH 1:3

Anodzoka musimba roUmambo hwokudenga. Dha 7:13, 14

B. Kunozivikanwa nezvinoitika zvinooneka

Vadzidzi vakakumbira chiratidzo chokuvapo. Mt 24:3

VaKristu vano“ona” kuvapo nokushandisa kunzwisisa. VaE 1:18

Zviitiko zvakawanda zvinoumba uchapupu hwokuvapo. Ru 21:10, 11

Vavengi vacha“ona” kuparadza pakunouya. Zva 1:7

12. Kumuka

A. Tariro yevakafa

Vose vari mumakuva vachamutswa. Joh 5:28, 29

Kumuka kwaJesu ivimbiso. 1VaK 15:20-22; Mab 17:31

Vanotadzira mudzimu havazomuki. Mt 12:31, 32

Vaya vanotenda vanovimbiswa kuti vachamuka. Joh 11:25

B. Kumukira upenyu hwokudenga kana kuti hwepano panyika

Vose vanofa nemhaka yaAdhamu; vanowana upenyu nokuna Jesu. 1VaK 15:20-22; VaR 5:19

Musiyano uripo pane vaya vachamutswa. 1VaK 15:40, 42, 44

Vaya vanenge vaina Jesu vachafanana naye. 1VaK 15:49; VaF 3:20, 21

Vaya vasingatongi vachava pasi pano. Zva 20:4b, 5, 13; 21:3, 4

13. Kunamata Madzitateguru

A. Kunamata madzitateguru hakubatsiri

Madzitateguru akafa, haana chaanoziva. Mup 9:5, 10

Madzitateguru okutanga haafaniri kunamatwa. VaR 5:12, 14; 1Ti 2:14

Mwari anorambidza kunamata kwakadaro. Eks 34:14; Mt 4:10

B. Vanhu vangakudzwa, asi Mwari bedzi ndiye anonamatwa

Vaduku vanofanira kukudza vanhu vakura. 1Ti 5:1, 2, 17; VaE 6:1-3

Asi Mwari oga ndiye anofanira kunamatwa. Mab 10:25, 26; Zva 22:8, 9

14. Kunamatwa kwaMariya

A. Mariya ndiamai vaJesu, kwete “amai vaMwari”

Mwari haana paakatangira. Pis 90:2; 1Ti 1:17

Mariya akanga ari amai voMwanakomana waMwari, paaiva munhu pano panyika. Ru 1:35

B. Mariya haana “kuramba ari mhandara”

Akaroorwa naJosefa. Mt 1:19, 20, 24, 25

Akava nevamwe vana kunze kwaJesu. Mt 13:55, 56; Ru 8:19-21

Ava panguva iyoyo vakanga vasiri ‘hama dzake dzomudzimu.’ Joh 7:3, 5

15. Kuponeswa

A. Kuponeswa kunobva kuna Mwari pachishandiswa chibayiro chorudzikinuro chaJesu

Upenyu chipo chaMwari nokuMwanakomana wake. 1Jo 4:9, 14; VaR 6:23

Kuponeswa kunobvira bedzi pachishandiswa chibayiro chaJesu. Mab 4:12

Hakuna mabasa angaitwa pa“rupfidzo runoitwa munhu ava kufa.” Jak 2:14, 26

Tinofanira kushanda nesimba kuti tikuwane. Ru 13:23, 24; 1Ti 4:10

B. Zviya zvokuti “kana wangoponeswa chete, waponeswa zvachose” hazviwaniki muMagwaro

Vanogoverana mudzimu mutsvene vanogona kuwa. VaH 6:4, 6; 1VaK 9:27

VaIsraeri vakawanda vakaparadzwa kunyange zvazvo vakaponeswa muIjipiti. Jud 5

Kuponeswa hakungoerekani kwaitika. VaF 2:12; 3:12-14; Mt 10:22

Vanodzokera shure vakaipa kwazvo kupfuura pakutanga. 2Pe 2:20, 21

C. Zviya zvokuti kune “kuponeswa kwavose” hazviwaniki muMagwaro

Hazviiti kuti vamwe vapfidze. VaH 6:4-6

Mwari haafariri rufu rwevakaipa. Eze 33:11; 18:32

Asi rudo harugoni kupembedza kusarurama. VaH 1:9

Vakaipa vachaparadzwa. VaH 10:26-29; Zva 20:7-15

16. Kuporesa, Ndimi

A. Kuporesa kwomudzimu kunobatsira zvechigarire

Kurwara mumudzimu kunoparadzisa. Isa 1:4-6; 6:10; Ho 4:6

Kuporesa mumudzimu ndiro basa rinokosha. Joh 6:63; Ru 4:18

Kunobvisa zvivi; kunopa mufaro, upenyu. Jak 5:19, 20; Zva 7:14-17

B. Umambo hwaMwari huchaunza kurapwa kwokunyama kwechigarire

Jesu akarapa undonda, akaparidza zvikomborero zvoUmambo. Mt 4:23

Umambo hwakapikirwa senzira ichaita kuti pave nokurapwa kwechigarire. Mt 6:10; Isa 9:7

Kunyange rufu ruchabviswa. 1VaK 15:25, 26; Zva 21:4; 20:14

C. Kuporesa kwokutenda kwanhasi hakuna uchapupu hwokutendera kwaMwari

Vadzidzi havana kuzviporesa nezvishamiso. 2VaK 12:7-9; 1Ti 5:23

Zvipo zvinoshamisa zvakaguma pashure penguva yevaapostora. 1VaK 13:8-11

Kuporesa hakusi uchapupu hwechokwadi hwokuwana nyasha dzaMwari. Mt 7:22, 23; 2VaT 2:9-11

D. Kutaura nendimi kwaiva gadziriro yenguva pfupi

Kwaiva chiratidzo; zvipo zvikuru zvaifanira kutsvakwa. 1VaK 14:22; 12:30, 31

Zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvakafanotaurwa kuti zvaizopfuura. 1VaK 13:8-10

Mabasa anoshamisa haasi uchapupu hwechokwadi hwokuwana nyasha dzaMwari. Mt 7:22, 23; 24:24

17. Kupupurira

A. VaKristu vose vanofanira kupupura, kuzivisa mashoko akanaka

Vanofanira kubvuma Jesu pamberi pevanhu kuti vatenderwe. Mt 10:32

Vanofanira kuva vaiti veShoko, vachiratidza kutenda. Jak 1:22-24; 2:24

Vatsvawo, vanofanira kuva vadzidzisi. Mt 28:19, 20

Kuzivisa pachena kunounza ruponeso. VaR 10:10

B. Kudiwa kwokushanya tashanyazve, kupupurira kunopfuurira

Nyevero yomugumo inofanira kupiwa. Mt 24:14

Jeremiya akazivisa nezvomugumo weJerusarema kwemakore. Jer 25:3

Kufanana nevaKristu vepakutanga, hatingaregi. Mab 4:18-20; 5:28, 29

C. Tinofanira kupupurira kuti tisave nemhosva yeropa

Tinofanira kunyevera nezvomugumo wave kusvika. Eze 33:7; Mt 24:14

Kusadaro kunounza mhosva yeropa. Eze 33:8, 9; 3:18, 19

Pauro haana kuva nemhosva yeropa; akataura chokwadi chizere. Mab 20:26, 27; 1VaK 9:16

Kunoponesa vose, chapupu neanonzwa. 1Ti 4:16; 1VaK 9:22

18. Kurangaridza, Misa

A. Kuyeukwa Kwokudya kwaShe Kwemanheru

Kunochengetwa kamwe pagore pamusi wePaseka. Ru 22:1, 17-20; Eks 12:14

Kunoyeuchidza rufu rwaKristu rwechibayiro. 1VaK 11:26; Mt 26:28

Vaya vane tariro yokudenga ndivo vanodya. Ru 22:29, 30; 12:32, 37

Mazivire anoita munhu kuti ane tariro yakadaro. VaR 8:15-17

B. Misa haitenderwi nemagwaro

Kuti zvivi zvikanganwirwe panofanira kuteurwa ropa. VaH 9:22

Kristu ndiye Murevereri chete wesungano itsva. 1Ti 2:5, 6; Joh 14:6

Kristu ari kudenga; haana kuburutswa pasi pano nomupristi. Mab 3:20, 21

Hapana chikonzero chokudzokorora chibayiro chaKristu. VaH 9:24-26; 10:11-14

19. Kuroorana

A. Mubatanidzwa wevakaroorana unofanira kukudzwa

Unofananidzwa naKristu nomwenga. VaE 5:22, 23

Mubhedha wevakaroorana haufaniri kusvibiswa. VaH 13:4

Vakaroorana vanorayirwa kusaparadzana. 1VaK 7:10-16

Por·neiʹa ndicho chikonzero choga chomuMagwaro chokurambana. Mt 19:9

B. Nheyo youmusoro inofanira kuremekedzwa nevaKristu

Murume somusoro anofanira kuda, kutarisira mhuri. VaE 5:23-31

Mudzimai, anozviisa pasi, anoda, anoteerera murume. 1Pe 3:1-7; VaE 5:22

Vana vanofanira kuteerera. VaE 6:1-3; VaK 3:20

C. Mutoro wevabereki vechiKristu pavana

Vanofanira kuratidza rudo, kupa nguva, kuva nehanya. Tit 2:4

Musavanetsa. VaK 3:21

Vapei zvinodiwa, muchibatanidza zvinhu zvomudzimu. 2VaK 12:14; 1Ti 5:8

Varovedzei nokuda kwoupenyu. VaE 6:4; Zvi 22:6, 15; 23:13, 14

D. VaKristu vanofanira kuroora vaKristu chete

Roorai “munaShe” chete 1VaK 7:39; Dhe 7:3, 4; Ne 13:26

E. Barika haritenderwi neMagwaro

Kubvira pakutanga murume aifanira kuva nomudzimai mumwe chete. Ge 2:18, 22-25

Jesu akadzorera zvazvakanga zvakaita pakutanga nokuda kwevaKristu. Mt 19:3-9

VaKristu vepakutanga vaisaita barika. 1VaK 7:2, 12-16; VaE 5:28-31

20. Kushorwa, Kutambudzwa

A. Chikonzero nei vaKristu vachishorwa

Jesu akavengwa, akafanotaura nezvokushorwa. Joh 15:18-20; Mt 10:22

Kuomerera panheyo dzakarurama kunopa nyika mhosva. 1Pe 4:1, 4, 12, 13

Satani, mwari wegadziriro ino, anoshora Umambo. 2VaK 4:4; 1Pe 5:8

MuKristu haatyi, Mwari anotsigira. VaR 8:38, 39; Jak 4:8

B. Mudzimai haafaniri kubvumira murume kuti amuparadzanise naMwari

Akafanonyeverwa; vamwe vangamunyengera. Mt 10:34-38; Mab 28:22

Anofanira kuvimba naMwari naKristu. Joh 6:68; 17:3

Nokutendeka angamuponesawo. 1VaK 7:16; 1Pe 3:1-6

Murume musoro, asi haafaniri kutonga pane zvokunamata. 1VaK 11:3; Mab 5:29

C. Murume haafaniri kubvumira mudzimai kuti amudzivise

kushumira Mwari

Anofanira kuda mudzimai nemhuri, uye kuda kuti vawane upenyu. 1VaK 7:16

Ane mutoro wokusarudza, kugovera. 1VaK 11:3; 1Ti 5:8

Mwari anoda murume anotsigira chokwadi. Jak 1:12; 5:10, 11

Kungobvuma zvinhu kuti pave norugare kunoita kuti asawana nyasha dzaMwari. VaH 10:38

Anotungamirira mhuri kumufaro munyika itsva. Zva 21:3, 4

21. Kusika

A. Kunobvumirana nesayenzi yechokwadi; hakubvumirani nemhindumupindu

Sayenzi inobvumirana nokutevedzana kwokusika. Ge 1:11, 12, 21, 24, 25

Mutemo waMwari we“marudzi” ndowechokwadi. Ge 1:11, 12; Jak 3:12

B. Mazuva okusika haasi mazuva emaawa 24

“Zuva” ringareva urefu hwenguva chete. Ge 2:4

Kuna Mwari zuva ringava nguva refu. Pis 90:4; 2Pe 3:8

22. Kutemerwa Mugumo

A. Munhu haana kutemerwa mugumo

Chinangwa chaMwari ndechechokwadi. Isa 55:11; Ge 1:28

Munhu mumwe nomumwe akapiwa chisarudzo chokushumira Mwari. Joh 3:16; VaF 2:12

23. Kutenda Kunobatanidza Zvitendero Zvakasiyana

A. Kubatana nezvimwe zvitendero haisi nzira yaMwari

Kunongova nenzira imwe chete, yakatetepa, inowanikwa nevashoma. VaE 4:4-6; Mt 7:13, 14

Tinonyeverwa kuti dzidziso yenhema inosvibisa. Mt 16:6, 12; VaG 5:9

Tinorayirwa kuva vakaparadzana. 2Ti 3:5; 2VaK 6:14-17; Zva 18:4

B. Kuti “zvitendero zvose zvakanaka” hachisi chokwadi

Zvimwe zvinoshingaira asi kwete maererano naMwari. VaR 10:2, 3

Uipi hunoshatisa zvimwewo zvingave zvakanaka. 1VaK 5:6; Mt 7:15-17

Vadzidzisi venhema vanounza kuparadzwa. 2Pe 2:1; Mt 12:30; 15:14

Kunamata kwakachena kunoda kuzvipira kwakakwana. Dhe 6:5, 14, 15

24. Kuverengwa Kwenguva

A. 1914 (C.E.) anogumisa Nguva dzeVahedheni

Dzinza revatongi voumambo rakadzongonyedzwa, 607 B.C.E. Eze 21:25-27

“Nguva nomwe” dzaizopfuura kusvikira kutonga kwadzorerwa. Dha 4:32, 16, 17

Nomwe = nguva dzine 2 × 3 1⁄2, kana kuti mazuva 2 × 1 260. Zva 12:6, 14; 11:2, 3

Zuva rinomirira gore. [Zvinoita makore 2 520] Eze 4:6; Nu 14:34

Dzaizopfuurira kusvikira pakugadzwa kwoUmambo. Ru 21:24; Dha 7:13, 14

25. Mazororo, Mazuva Okuberekwa

A. Mazuva Okuberekwa, Krisimasi, hazvina kuchengetwa nevaKristu vepakutanga

Zvaichengetwa nevasiri vanamati vechokwadi. Ge 40:20; Mt 14:6

Zuva rakafa Jesu rinofanira kuchengetwa. Ru 22:19, 20; 1VaK 11:25, 26

Kuita mitambo yemafaro akanyanyisa hakuna kufanira. VaR 13:13; VaG 5:21; 1Pe 4:3

26. Mazuva Okupedzisira

A. Zvinorehwa no“kuguma kwenyika”

Kupera kwegadziriro yezvinhu. Mt 24:3; 2Pe 3:5-7; Mk 13:4

Hakusi kuguma kwenyika ino, asi kwegadziriro yakaipa. 1Jo 2:17

Nguva yokuguma inotangira kuparadzwa. Mt 24:14

Kupona kwevakarurama; nyika itsva yotevera. 2Pe 2:9; Zva 7:14-17

B. Kudiwa kwokungwarira zviratidzo zvemazuva okupedzisira

Zviratidzo zvakapiwa naMwari kuti titungamirirwe. 2Ti 3:1-5; 1VaT 5:1-4

Nyika iri kutadza kuziva kukomba kwacho. 2Pe 3:3, 4, 7; Mt 24:39

Mwari haanonoki, asi anonyevera. 2Pe 3:9

Mubayiro wokuva vakamuka, vane hanya. Ru 21:34-36

27. Mifananidzo

A. Kushandisa mifananidzo, zvidhori, mukunamata kuzvidza Mwari

Hazviiti kugadzira mufananidzo waMwari. 1Jo 4:12; Isa 40:18; 46:5; Mab 17:29

VaKristu vanonyeverwa nezvemifananidzo. 1VaK 10:14; 1Jo 5:21

Mwari anofanira kunamatwa nomudzimu nechokwadi. Joh 4:24

B. Kunamata mifananidzo kwakaurayisa rudzi rwaIsraeri

VaJudha vakarambidzwa kunamata mifananidzo. Eks 20:4, 5

Hainzwi, haitauri; vanoigadzira vachafanana nayo. Pis 115:4-8

Kwakaunza musungo, kuparadzwa. Pis 106:36, 40-42; Jer 22:8, 9

C. Kunamata “kusina kukwana” hakubvumirwi

Mwari akaramba kubvumira kunamatwa “kusina kukwana.” Isa 42:8

Mwari ndiye bedzi “Munzwi womunyengetero.” Pis 65:1, 2

28. Muchinjikwa

A. Jesu akaturikwa padanda rokuurayira soruzvidzo

Jesu akaturikwa padanda rokuurayira kana kuti pamuti. Mab 5:30; 10:39; VaG 3:13

VaKristu vanofanira kutakura danda soruzvidzo. Mt 10:38; Ru 9:23

B. Haufaniri kunamatwa

Kuratidzira danda raJesu ruzvidzo. VaH 6:6; Mt 27:41, 42

Kushandisa muchinjikwa mukunamata kunamata zvidhori. Eks 20:4, 5; Jer 10:3-5

Jesu mudzimu, haasisiri padanda. 1Ti 3:16; 1Pe 3:18

29. Mudzimu, Kuita Zvemidzimu

A. Chinonzi mudzimu mutsvene

Isimba raMwari rinoita basa, harisi munhu. Mab 2:2, 3, 33; Joh 14:17

Wakashandiswa pakusika, pakufuridzira Bhaibheri, nezvimwewo. Ge 1:2; Eze 11:5

Unobereka, unozodza, nhengo dzomuviri waKristu. Joh 3:5-8; 2VaK 1:21, 22

Unosimbisa, unotungamirira vanhu vaMwari nhasi. VaG 5:16, 18

B. Simba roupenyu rinonzi mudzimu

Gadziriro youpenyu, inotsigirwa nokufema. Jak 2:26; Job 27:3

Simba pamusoro pesimba roupenyu riri kuna Mwari. Zek 12:1; Mup 8:8

Simba roupenyu hwevanhu, mhuka, nderaMwari. Mup 3:19-21

Mudzimu unoiswa kuna Mwari paine tariro yokumuka. Ru 23:46

C. Kuita zvemidzimu kunofanira kudziviswa sebasa remadhimoni

Shoko raMwari rinorambidza. Isa 8:19, 20; Re 19:31; 20:6, 27

Kufembera kuita zvoudhimoni; kunoshorwa. Mab 16:16-18

Kunotungamirira kukuparadzwa. VaG 5:19-21; Zva 21:8; 22:15

Kufembera uchishandisa nyeredzi kunorambidzwa. Dhe 18:10-12; Jer 10:2

30. Munyengetero

A. Minyengetero inonzwiwa naMwari

Mwari anoteerera minyengetero yevanhu. Pis 145:18; 1Pe 3:12

Vasina kururama havanzwiwi kunze kwokunge vachinja zvavanoita. Isa 1:15-17

Tinofanira kunyengetera muzita raJesu. Joh 14:13, 14; 2VaK 1:20

Tinofanira kunyengetera maererano nezvinoda Mwari. 1Jo 5:14, 15

Kutenda kunokosha. Jak 1:6-8

B. Kudzokorora kusina zvakunobatsira, minyengetero kuna Mariya

kana ku“vasande” hazvishandi

Tinofanira kunyengetera kuna Mwari muzita raJesu. Joh 14:6, 14; 16:23, 24

Mashoko anodzokororwa-dzokororwa haanzwiwi. Mt 6:7

31. Mushumiri

A. VaKristu vose vanofanira kuva vashumiri

Jesu akanga ari mushumiri waMwari. VaR 15:8, 9; Mt 20:28

VaKristu vanotevera muenzaniso wake. 1Pe 2:21; 1VaK 11:1

Vanofanira kuparidza kuti vaite ushumiri hwacho. 2Ti 4:2, 5; 1VaK 9:16

B. Zvinodiwa zvoushumiri

Mudzimu waMwari uye kuziva Shoko rake. 2Ti 2:15; Isa 61:1-3

Kutevera muenzaniso waKristu pakuparidza. 1Pe 2:21; 2Ti 4:2, 5

Mwari anorovedza nomudzimu, sangano. Joh 14:26; 2VaK 3:1-3

32. Mweya

A. Chinonzi mweya

Munhu mweya. Ge 2:7; 1VaK 15:45; Jos 11:11; Mab 27:37

Mhuka dzinonziwo mweya. Nu 31:28; Zva 16:3; Re 24:18

Mweya une ropa, unodya, unogona kufa. Jer 2:34; Re 7:18; Eze 18:4

Munhu, ane upenyu, anonzi ane mweya. Mk 8:36; Joh 10:15

B. Kusiyana kwomweya nomudzimu

Upenyu somunhu kana kuti chisikwa ndiwo mweya. Joh 10:15; Zva 17:11

Simba roupenyu rinoita kuti mweya ushande rinonzi “mudzimu.” Pis 146:4; 104:29

Panofa munhu, kushanda kwesimba roupenyu kunodzokera kuna Mwari. Mup 12:7

Mwari oga ndiye anogona kuita kuti simba roupenyu rishande. Eze 37:12-14

33. Nyika

A. Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika

Paradhiso yakaitirwa vanhu vakakwana panyika. Ge 1:28; 2:8-15

Chinangwa chaMwari ndechechokwadi. Isa 55:11; 46:10, 11

Nyika ichazadzwa nevanhu vane rugare, vakakwana. Pis 72:7; Isa 45:18; 9:6, 7

Paradhiso ichadzorerwa noUmambo. Mt 6:9, 10; Zva 21:3-5

B. Haizomboparadzwi uye vanhu havazombobviswi pairi

Nyika chaiyo ichavapo zvechigarire. Mup 1:4; Pis 104:5

Vanhu vomunguva yaNoa ndivo vakaparadzwa, kwete nyika. 2Pe 3:5-7; Ge 7:23

Muenzaniso unopa tariro yokupukunyuka munguva yedu. Mt 24:37-39

Vakaipa vachaparadzwa; “boka guru revanhu” richapukunyuka. 2VaT 1:6-9; Zva 7:9, 14

34. Ropa

A. Kuisirwa ropa kunoshatisa utsvene hweropa

Noa akaudzwa kuti ropa idzvene, upenyu. Ge 9:4, 16

Sungano yomutemo yairambidza kudya ropa. Re 17:14; 7:26, 27

Kurambidza kwakadzokororwa kuvaKristu. Mab 15:28, 29; 21:25

B. Kuponesa upenyu hakupembedzi kuputsa mutemo waMwari

Kuteerera kunopfuura chibayiro. 1Sa 15:22; Mk 12:33

Kukoshesa upenyu hwako pane mutemo waMwari kunourayisa. Mk 8:35, 36

35. Rubhabhatidzo

A. Chinhu chinodiwa chechiKristu

Jesu akagadza muenzaniso. Mt 3:13-15; VaH 10:7

Chiratidzo chokuzviramba kana kuti kuzvitsaurira. Mt 16:24; 1Pe 3:21

Nderwevaya vakura zvakakwana zvokudzidzisika chete. Mt 28:19, 20; Mab 2:41

Kunyudzwa mumvura ndiyo nzira yakakodzera. Mab 8:38, 39; Joh 3:23

B. Harubvisi zvivi

Jesu haana kubhabhatidzwa kuti abvise zvivi. 1Pe 2:22; 3:18

Ropa raJesu ndiro rinobvisa zvivi. 1Jo 1:7

36. Rudzikinuro

A. Upenyu hwomunhu hwaJesu hwakaripwa so“rudzikinuro

nokuda kwavose”

Jesu akapa upenyu hwake sorudzikinuro. Mt 20:28

Ukoshi hweropa rakateurwa hunobvisa chivi. VaH 9:14, 22

Chibayiro chimwe chakanga chakakwana zvechigarire. VaR 6:10; VaH 9:26

Kubatsira kwarwo hakungoerekani kwauya; kunofanira kubvumwa. Joh 3:16

B. Rwakanga ruri mutengo unoenzanirana

Adhamu akasikwa akakwana. Dhe 32:4; Mup 7:29; Ge 1:31

Akarasa kukwana kwake nokwevana vake nemhaka yechivi. VaR 5:12, 18

Hapana chaikwanisa kuitwa nevana; kwaidiwa munhu akanyatsoenzana naAdhamu. Pis 49:7; Dhe 19:21

Upenyu hwomunhu hwakakwana hwaJesu ndihwo rudzikinuro. 1Ti 2:5, 6; 1Pe 1:18, 19

37. Rufu

A. Chinokonzera rufu

Munhu akatanga akakwana, aine tariro youpenyu husingagumi. Ge 1:28, 31

Kusateerera kwakaunza mutongo worufu. Ge 2:16, 17; 3:17, 19

Chivi norufu zvakapfuudzirwa kuvana vose vaAdhamu. VaR 5:12

B. Mamiriro ezvinhu evakafa

Adhamu akaitwa kuti ave mweya, haana kupiwa mweya. Ge 2:7; 1VaK 15:45

Munhu, iwo mweya, ndiye anofa. Eze 18:4; Isa 53:12; Job 11:20

Vakafa havazivi, hapana chavanoziva. Mup 9:5, 10; Pis 146:3, 4

Vakafa vakarara vachimirira kumuka. Joh 11:11-14, 23-26; Mab 7:60

C. Hazviiti kutaura nevakafa

Vakafa havasi vapenyu vaina Mwari semidzimu. Pis 115:17; Isa 38:18

Tinonyeverwa pamusoro pokuedza kutaura nevakafa. Isa 8:19; Re 19:31

Masvikiro, vafemberi, vanoshorwa. Dhe 18:10-12; VaG 5:19-21

38. Sabata

A. VaKristu havasungirwi kuchengeta zuva reSabata

Mutemo wakabviswa nokufa kwakaita Jesu. VaE 2:15

VaKristu havasungirwi kuchengeta Sabata. VaK 2:16, 17; VaR 14:5, 10

Vakatsiurwa nokuda kwokuchengeta Sabata, nezvimwe. VaG 4:9-11; VaR 10:2-4

Vanopinda muzororo raMwari nokutenda nokuteerera. VaH 4:9-11

B. Kuchengetwa kweSabata kwaingodiwa kuvaIsraeri vekare chete

Sabata rakatanga kuchengetwa pashure poKubuda. Eks 16:26, 27, 29, 30

Raiva raIsraeri wokunyama chete sechiratidzo. Eks 31:16, 17; Pis 147:19, 20

Makore eSabata aidiwawo noMutemo. Eks 23:10, 11; Re 25:3, 4

Sabata harisi chinhu chinodiwa kuvaKristu. VaR 14:5, 10; VaG 4:9-11

C. Zororo reSabata raMwari (zuva rechi7 re“vhiki” rokusika)

Rakatanga pakupera kwokusikwa kwenyika. Ge 2:2, 3; VaH 4:3-5

Rakaramba riripo rikapfuura nguva yaJesu paaiva panyika. VaH 4:6-8; Pis 95:7-9, 11

VaKristu vanozorora pamabasa avo. VaH 4:9, 10

Rinoguma Umambo pahunopedza basa panyika pano. 1VaK 15:24, 28

39. Uipi, Nhamo Yenyika

A. Anokonzera nhamo yenyika

Kutonga kwakaipa kunokonzera nguva dzakaipa nhasi. Zvi 29:2; 28:28

Mutongi wenyika muvengi waMwari. 2VaK 4:4; 1Jo 5:19; Joh 12:31

Nhamo dzakaunzwa naDhiyabhorosi, nguva yava pfupi. Zva 12:9, 12

Dhiyabhorosi anosungwa, rugare rukuru runotevera. Zva 20:1-3; 21:3, 4

B. Chikonzero nei uipi hwakabvumirwa

Dhiyabhorosi akadenha kuvimbika kwezvisikwa kuna Mwari. Job 1:11, 12

Vakatendeka vakapiwa mukana wokuratidza kuti vakavimbika. VaR 9:17; Zvi 27:11

Dhiyabhorosi akaratidzwa kuti murevi wenhema, nyaya yacho inofanira kupedzwa. Joh 12:31

Vakatendeka vachapiwa mubayiro woupenyu husingaperi. VaR 2:6, 7; Zva 21:3-5

C. Nguva yomugumo yakarebeswa igadziriro yengoni

Somuzuva raNoa, kunyevera kunoda nguva. Mt 24:14, 37-39

Mwari haanonoki, asi ane ngoni. 2Pe 3:9; Isa 30:18

Bhaibheri rinotibatsira kudzivisa kuwanikwa takavarayirwa. Ru 21:36; 1VaT 5:4

Tsvaka gadziriro yaMwari zvino kuti udzivirirwe. Isa 2:2-4; Zef 2:3

D. Vanhu havagoni kupedza nhamo yenyika

Vanhu vari kutya kwazvo, vakavhiringidzika. Ru 21:10, 11; 2Ti 3:1-5

Umambo hwaMwari ndiwo huchabudirira, kwete vanhu. Dha 2:44; Mt 6:10

Kuti urarame, tsvaka rugare naMambo zvino. Pis 2:9, 11, 12

40. Umambo

A. Zvichaitirwa vanhu noUmambo hwaMwari

Huchaita kuti zvinodiwa naMwari zviitwe. Mt 6:9, 10; Pis 45:6; Zva 4:11

Ihurumende ina mambo nemitemo. Isa 9:6, 7; 2:3; Pis 72:1, 8

Huchaparadza uipi, huchatonga nyika yose. Dha 2:44; Pis 72:8

Kutonga kwemakore 1 000 kuchadzorera vanhu, Paradhiso. Zva 21:2-4; 20:6

B. Kushanda kwahwo kunotanga vavengi vaKristu vachiri kuita basa

Pashure pokunge Kristu amutswa, akamirira kwenguva refu. Pis 110:1; VaH 10:12, 13

Anotora simba, anorwisana naSatani. Pis 110:2; Zva 12:7-9; Ru 10:18

Umambo hwagadzwa panguva iyoyo, nhamo dzenyika dzakatevera. Zva 12:10, 12

Nhamo iripo zvino inoreva nguva yokutsigira Umambo. Zva 11:15-18

C. Hahusi ‘mumwoyo,’ hahuitwi kuti huvepo nokushanda kwevanhu

Umambo huri kudenga, kwete panyika. 2Ti 4:18; 1VaK 15:50; Pis 11:4

Hahusi ‘mumwoyo’; Jesu akanga achitaura nevaFarisi. Ru 17:20, 21

Hahusi hwenyika ino. Joh 18:36; Ru 4:5-8; Dha 2:44

Hurumende, zvinodiwa nenyika, zvichatsiviwa. Dha 2:44

41. Upenyu

A. Vanhu vanoteerera vanovimbiswa upenyu husingaperi

Mwari, asingamborevi nhema, akapikira upenyu. Tit 1:2; Joh 10:27, 28

Vanotenda vakavimbiswa upenyu husingaperi. Joh 11:25, 26

Rufu ruchaparadzwa. 1VaK 15:26; Zva 21:4; 20:14; Isa 25:8

B. Upenyu hwokudenga ndohwevaya vari mumuviri waKristu chete

Mwari anosarudza nhengo dzacho sokuda kwake. Mt 20:23; 1VaK 12:18

Vane 144 000 ndivo chete vanotorwa panyika. Zva 14:1, 4; 7:2-4; 5:9, 10

Kunyange Johani Mubhabhatidzi haazovi muUmambo hwokudenga. Mt 11:11

C. Upenyu hwepanyika hwakapikirwa vazhinji, “mamwe makwai”

Vashoma vachave naJesu mudenga. Zva 14:1, 4; 7:2-4

“Mamwe makwai” haasi hama dzaKristu. Joh 10:16; Mt 25:32, 40

Vazhinji zvino vari kuungana kuti vapukunyuke vari panyika. Zva 7:9, 15-17

Vamwe vanomutsirwa kuupenyu pano panyika. Zva 20:12; 21:4

42. Utatu

A. Mwari, Baba, Munhu mumwe, mukuru kwazvo pazvose zvakasikwa

Mwari haasi vanhu vatatu. Dhe 6:4; Mar 2:10; Mk 10:18; VaR 3:29, 30

Mwanakomana akasikwa; Mwari akanga ari oga pakutanga. Zva 3:14; VaK 1:15; Isa 44:6

Mwari ndiye mutongi wezvinhu zvose zvakasikwa nguva dzose. VaF 2:5, 6; Dha 4:35

Mwari anofanira kukwidziridzwa pamusoro pezvose. VaF 2:10, 11

B. Mwanakomana akanga akaderera kuna Baba kare uye pashure

pokuuya panyika pano

Mwanakomana aiteerera ari kudenga, akatumwa naBaba. Joh 8:42; 12:49

Aiteerera ari panyika pano, Baba vakuru. Joh 14:28; 5:19; VaH 5:8

Akakwidziridzwa kudenga, achiri kuzviisa pasi. VaF 2:9; 1VaK 15:28; Mt 20:23

Jehovha ndiye musoro uye Mwari waKristu. 1VaK 11:3; Joh 20:17; Zva 1:6

C. Umwe hwaMwari naKristu

Nguva dzose vanowirirana zvakakwana. Joh 8:28, 29; 14:10

Umwe, hwakafanana nohuya hwomurume nomudzimai. Joh 10:30; Mt 19:4-6

Vatendi vose vanofanira kuva noumwe hwakafanana. Joh 17:20-22; 1VaK 1:10

Kunamatwa kumwe kwaJehovha nokuna Kristu nokusingaperi. Joh 4:23, 24

D. Mudzimu mutsvene waMwari ndiro simba rake rinoshanda

Isimba, kwete munhu. Mt 3:16; Joh 20:22; Mab 2:4, 17, 33

Hausi munhu ari kudenga ari pamwe naMwari naKristu. Mab 7:55, 56; Zva 7:10

Unotungamirirwa naMwari kuita zvinangwa. Pis 104:30; 1VaK 12:4-11

Vanoshumira Mwari vanougamuchira, vanotungamirirwa nawo. 1VaK 2:12, 13; VaG 5:16

43. Vaprofita Venhema

A. Vaprofita venhema vakafanotaurwa; vaivako muzuva revaapostora

Nzira yokuziva nayo vaprofita venhema. Dhe 18:20-22; Ru 6:26

Vakafanotaurwa; vanozivikanwa nezvibereko. Mt 24:23-26; 7:15-23

44. Zvapupu zvaJehovha

A. Kutanga kwakaita Zvapupu zvaJehovha

Jehovha anozivisa zvapupu zvake. Isa 43:10-12; Jer 15:16

Mutsara wezvapupu zvakatendeka wakatangira pana Abheri. VaH 11:4, 39; 12:1

Jesu akanga ari chapupu chakatendeka uye chechokwadi. Joh 18:37; Zva 1:5; 3:14

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe