4 “Sheori,” “Hadhesi” Guva Revanhu Vose; Rinda
ChiHebheru, שאול (sheʼohlʹ); ChiGiriki, ᾅδης (haiʹdes); ChiLatin, in·ferʹnus; Syriac, shiul
Nzvimbo 66 Dzinowanika Shoko Rokuti Sheori
Shoko rokuti “Sheori” rinowanika ka66 muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiHebheru, munzvimbo dzinoti, Ge 37:35; 42:38; 44:29, 31; Nu 16:30, 33; Dhe 32:22; 1Sa 2:6; 2Sa 22:6; 1Mad 2:6, 9; Job 7:9; 11:8; 14:13; 17:13, 16; 21:13; 24:19; 26:6; Pis 6:5; 9:17; 16:10; 18:5; 30:3; 31:17; 49:14, 14, 15; 55:15; 86:13; 88:3; 89:48; 116:3; 139:8; 141:7; Zvi 1:12; 5:5; 7:27; 9:18; 15:11, 24; 23:14; 27:20; 30:16; Mup 9:10; Rwi 8:6; Isa 5:14; [7:11]; Isa 14:9, 11, 15; 28:15, 18; 38:10, 18; 57:9; Eze 31:15, 16, 17; 32:21, 27; Ho 13:14, 14; Amo 9:2; Jon 2:2; Ha 2:5.
Nzvimbo dzinowanika shoko rokuti “Sheori” muMagwaro echiHebheru dzinobatanidza ka65 karinowanika mumashoko echiHebheru evaMasorete, uye kamwe chete pana Isa 7:11, apo rugwaro rwacho runoti sheʼaʹlah, “kumbira,” asi nokuchinjwa kuduku duku kwepanofanira kuva nevhawero uye zvinobvumirana neshanduro dzakasiyana-siyana dzekare shoko racho rinozoti sheʼoʹlah, “wakananga kuSheori,” kana kuti, “kuSheori.” Munzvimbo dzose Shanduro yeNyika Itsva inoshandisa “Sheori” pashoko rechiHebheru rokuti sheʼohlʹ. Septuagint yechiGiriki inowanzoshandura sheʼohlʹ sehaiʹdes.
Kunyange zvazvo kwakabva shoko rechiHebheru rokuti sheʼohlʹ kwakati kuti kwakapiwa, sezviri pachena rinobva pachiito chechiHebheru chokuti אלש (sha·ʼalʹ), chinoreva “kubvunza” kana kuti “kukumbira.” Izvi zvaizoratidza Sheori kuva nzvimbo (kwete mamiriro ezvinhu) inokumbira kana kuti kurayira vose isingatsauranisi, sezvainogamuchira vanhu vakafa mairi. (Ona mashoko omuzasi eRbi8, Ge 37:35 uye Isa 7:11.) Iri muvhu uye nguva dzose ine chokuita nevakafa, uye zviri pachena kuti inoreva guva revanhu vose, rinda, kana kuti nzvimbo yepanyika (kwete gungwa) yevakafa. Mukusiyana, shoko rechiHebheru rokuti qeʹver rinoreva guva romunhu mumwe chete kana kuti nzvimbo yokuviga.—Ge 23:4, 6, 9, 20.
Nzvimbo Gumi Dzinowanika Shoko Rokuti Hadhesi
Shoko rokuti “Hadhesi,” zvichida kureva kuti “nzvimbo isingaoneki,” rinowanika kagumi muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki, munzvimbo dzinoti, Mt 11:23; 16:18; Ru 10:15; 16:23; Mab 2:27, 31; Zva 1:18; 6:8; 20:13, 14.
Pana Mab 2:27, mashoko aPetro aakatora pana Pis 16:10 anoratidza kuti shoko rokuti Hadhesi rakafanana nerokuti Sheori uye rinoshandisirwa guva revanhu vose (kusiyana neshoko rechiGiriki rokuti taʹphos, rinoreva guva romunhu mumwe). Shoko rechiLatin rakafanana nerokuti Hadhesi ndiin·ferʹnus (padzimwe nguva inʹfe·rus). Rinoreva “icho chiri nechepasi; nzvimbo yakaderera,” uye rinonyatsoshanda pakureva rinda. Naizvozvo ishoko rakakodzera rakada kufanana nemashoko echiGiriki nechiHebheru.
MuMagwaro akafuridzirwa, mashoko okuti “Sheori” uye “Hadhesi” ane chokuita norufu uye vakafa, kwete noupenyu uye vapenyu. (Zva 20:13) Mashoko aya pachawo haana pfungwa kana kuti chiratidzo chomufaro kana kuti kurwadziwa.