2 “Gehena”—Chiratidzo Chokuparadzwa Zvachose
ChiHebheru, גי הנם (geh hin·nomʹ, “mupata waHinomu”); ChiGiriki, γέεννα (geʹen·na); chiLatin, ge·henʹna
“Gehena” zvinoreva “mupata waHinomu,” nokuti ndicho chiGiriki cheshoko rechiHebheru rokuti geh hin·nomʹ. Pana Jos 18:16, panowanikwa mashoko okuti “mupata waHinomu,” Septuagint yechiGiriki inoti “Gehena.” Rinowanika ka12 muMagwaro echiKristu echiGiriki, richitanga kuoneka pana Mt 5:22. Shanduro yeNyika Itsva inorishandura kuti “Gehena” munzvimbo dzose dzarinowanika, dzinoti, Mt 5:22, 29, 30; 10:28; 18:9; 23:15, 33; Mk 9:43, 45, 47; Ru 12:5; Jak 3:6.
Mupata waHinomu wakava nzvimbo yokurasira marara uye nzvimbo yokupisira tsvina yomuJerusarema. Zvitunha zvemhuka zvaikandwa imomo kuti zviroromeswe nomoto waiwedzerwa sarufa, kana kuti brimstone, kuti urambe uchibvira. Maikandwawo zvitunha zvembavha dzainge dzaurayiwa, dzainzi dzakanga dzisina kukodzera kuvigwa zvakanaka muguva rokurangaridza. Kana zvitunha izvozvo zvaiwira mumoto zvairoroma, asi kana zvitunha zvembavha dzacho zvaiwira panzvimbo yakakwirira yegoronga rakadzika kwazvo, nyama yazvo yainge ichiora yaizara nemakonye, kana kuti honye, izvo zvaisafa kusvikira zvapedza nhengo dzine nyama zhinji, zvichingosiya marangwanda chete.
Hapana zvisikwa zvipenyu, mhuka kana kuti vanhu zvaikandwa muGehena kuti zvipiswe zviri zvipenyu kana kuti zvitambudzwe. Nokudaro, nzvimbo yacho haigoni kufananidzira nzvimbo isingaoneki munotambudzwa mweya yevanhu nokusingaperi mumoto chaiwo kana kuti kurumwa nokusingagumi nemakonye asingafi. Nemhaka yokuti matsotsi ainge afa aikandwa imomo uye aisavigwa zvakanaka muguva rokurangaridza, iro riri chiratidzo chetariro yokumuka, Gehena rakashandiswa naJesu nevadzidzi vake kufananidzira kuparadzwa nokusingaperi, kutsakatiswa pakati pezvinhu zvose zvakasikwa naMwari, kana kuti “rufu rwechipiri,” chirango chisingagumi.