1 Zita raMwari muMagwaro echiHebheru nomuMagwaro echiKristu echiGiriki
“Jehovha.” ChiHebheru, יהוה (YHWH kana kuti JHVH)
“Jehovha” (chiHeb., יהוה, YHWH), zita raMwari pachake, rinotanga kuwanika pana Ge 2:4. Zita raMwari ishoko rechiito, rinoratidza chinenge chakonzera, chinhu chisati chapera kuitwa, cheshoko rechiito rechiHebheru rokuti הוה (ha·wahʹ, “kuva”). Naizvozvo, zita raMwari rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvinhu Zvive Sezvaanoda.” Izvi zvinozivisa Jehovha soUyo, anongoramba achizviita kuti ave Munhu anoita zvaakapikira, Uya anogara achiita kuti zvipikirwa zvake zviitike.
Kusaremekedza kukuru kunoitirwa Mwari, Muridzi weMagwaro Matsvene nevashanduri vemazuva ano ndiko kubvisa kana kuti kuvanza zita rake pachake rakasiyana nemamwe ose. Chokwadi, zita rake rinowanika mumashoko echiHebheru ka6 828 saיהוה (YHWH kana kuti JHVH), izvo zvinowanzoshevedzwa kuti Tetragrammaton (zvinoreva kuti “mabhii mana”). Nokushandisa zita rokuti “Jehovha,” takaedza kuomerera kwazvo kumashoko omutauro wepakutanga uye hatina kutevera muitiro wokutsiva zita raMwari, iyo Tetragrammaton, nemazita okuremekedza akadai sa“Ishe,” “ivo Ishe,” “Adhonai” kana kuti “Mwari.”
Zita rokuti “Jehovha” rinowanika ka6 973 mumashoko eMagwaro echiHebheru eShanduro yeNyika Itsva. Chokwadi Tetragrammaton inowanika ka6 828 mumashoko echiHebheru, kubatanidza mazita matatu akabatanidzwa nezvimwe (Ge 22:14; Eks 17:15; Vat 6:24) uye dzimwe nzvimbo nhanhatu marinowanika mumashoko akanyorwa nechepamusoro eMapisarema (7; 18 [ka3]; 36; 102). Takashandura Tetragrammaton sa“Jehovha” munzvimbo dzose dzainowanika ka6 828 kunze kworugwaro rwaVat 19:18, pakashandiswa chisazita chokuti “kwangu” chinoratidza munhu mumwe chete ari kutaura panzvimbo pezita raMwari. Uyezve, tichitorera pamashoko ari muSeptuagint, takadzorera Tetragrammaton pana Dhe 30:16; 2Sa 15:20 uye 2Mak 3:1. Takadzorerawo zita raMwari pana Isa 34:16 uye Zek 6:8 umo “Jehovha” anofanira kushandiswa panzvimbo pechisazita chokuti “wangu” chinoratidza munhu mumwe chete ari kutaura. Takaridzorerawo mune dzimwe nzvimbo 141 umo vaSoferimu vakachinja zita raMwari kuti rinzi ʼAdho·naiʹ kana kuti ʼElo·himʹ.
Kuti tidzivise kupfuura miganhu inofanira kusvikwa nomushanduri mune zvine chokuita nokutsanangura, tave tichingwarira kwazvo pamusoro pokushandura zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki, nguva dzose tichifunga nokungwarira Magwaro echiHebheru sekwokutora mashoko anobatsira. Takatsvaka zvinotsigira mune mamwe maBhaibheri anowanika echiHebheru eMagwaro echiKristu echiGiriki kuti zvisimbise shanduro yedu.
Tetragrammaton yemabhii echiHebheru (יהוה) yakashandiswa mose muri muviri, mumashoko echiHebheru nomuSeptuagint yechiGiriki. Naizvozvo, zvisinei nokuti Jesu nevadzidzi vake vaiverenga Magwaro muchiHebheru kana kuti chiGiriki, ivo vaizosangana nezita raMwari. Musinagogi raiva kuNazareta, Jesu paakasimuka akagamuchira bhuku raIsaya, akaverenga 61:1, 2 panoshandiswa Tetragrammaton, iye akadudza zita raMwari. Izvi zvaienderana nokutsunga kwake kuzivisa zita raJehovha sezvinogona kuonekwa mumunyengetero wake kuna Baba vake, wokuti: “Ndakaratidza vanhu vamakandipa panyika zita renyu. . . . Ndakavazivisa zita renyu uye ndicharizivisa.”—Joh 17:6, 26.
Takashandura zita raMwari ka237 mumashoko anokosha eshanduro yedu yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Zvinotsigira zvomumaBhaibheri echiHebheru akati kuti zvakawanika nokuda kwenzvimbo imwe neimwe yenzvimbo dzinokwana 237 marakadzorerwa mumashoko anokosha.