RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Samueri 29
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Samueri

      • VaFiristiya vanonyumwira Dhavhidhi (1-11)

1 Samueri 29:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:17, 18; 1Sa 29:11
  • +1Sa 28:1

1 Samueri 29:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 28:2

1 Samueri 29:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 27:7, 12

1 Samueri 29:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 12:19
  • +1Sa 14:21

1 Samueri 29:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 18:7; 21:11

1 Samueri 29:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 21:10; 27:2
  • +1Sa 28:2
  • +1Sa 27:11, 12
  • +1Sa 29:3, 9

1 Samueri 29:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 27:12

1 Samueri 29:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 19:17, 18; 1Sa 29:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Sam. 29:1Jos 19:17, 18; 1Sa 29:11
1 Sam. 29:11Sa 28:1
1 Sam. 29:21Sa 28:2
1 Sam. 29:31Sa 27:7, 12
1 Sam. 29:41Mak 12:19
1 Sam. 29:41Sa 14:21
1 Sam. 29:51Sa 18:7; 21:11
1 Sam. 29:61Sa 21:10; 27:2
1 Sam. 29:61Sa 28:2
1 Sam. 29:61Sa 27:11, 12
1 Sam. 29:61Sa 29:3, 9
1 Sam. 29:91Sa 27:12
1 Sam. 29:11Jos 19:17, 18; 1Sa 29:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Samueri 29:1-11

Bhuku Rekutanga raSamueri

29 VaIsraeri pavakanga vakadzika musasa pedyo nechitubu muJezreeri,+ vaFiristiya+ vakaunganidza mauto avo ese kuAfeki. 2 Madzishe evaFiristiya akanga achipfuura aine mazana awo nezviuru zvawo zvemauto, uye Dhavhidhi nevarume vake vaifora vari shure kwavo vaina Akishi.+ 3 Asi machinda evaFiristiya akati: “VaHebheru ava vavingei?” Akishi akapindura machinda evaFiristiya achiti: “Uyu ndiDhavhidhi muranda waMambo Sauro weIsraeri wandava negore kana kupfuura ndiinaye.+ Handina kana chakaipa chandakawana paari kubvira pazuva raakatizira kwandiri kusvikira nhasi.” 4 Asi machinda evaFiristiya akamutsamwira, akati kwaari: “Ita kuti murume uyu adzokere.+ Ngaadzokere kunzvimbo yawakamupa. Usamurega achienda nesu kunorwa, kuti asazotipandukira patinenge tichirwa.+ Nekuti chii chimwe chaangaita kuti afarirwe nashe wake chinopfuura kumupa misoro yevarume vedu? 5 Uyu haasi iye here Dhavhidhi uya wavakaimba nezvake vachitamba, vachiti:

‘Sauro akauraya zviuru zvake,

Uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?”+

6 Saka Akishi+ akashevedza Dhavhidhi, akati kwaari: “Chokwadi naJehovha mupenyu, iwe wakarurama, uye ndinoda kuti uende neuto rangu kunorwa,+ nekuti handina kana chakaipa chandakawana pauri kubvira pazuva rawakauya kwandiri kusvikira nhasi.+ Asi mamwe madzishe haasi kuvimba newe.+ 7 Saka dzokera nerugare, uye usaita chero chinhu chinogumbura madzishe evaFiristiya.” 8 Zvisinei, Dhavhidhi akati kuna Akishi: “Nemhaka yei, ko ndaitei? Pane mhosva yamakawanira muranda wenyu here kubvira pazuva randakauya kwamuri kusvikira nhasi? Nei ndisingafaniri kuenda nemi kunorwisa vavengi vashe wangu mambo?” 9 Akishi akapindura Dhavhidhi achiti: “Kwandiri wanga wakangoita sengirozi yaMwari.+ Asi machinda evaFiristiya ati, ‘Usamubvumira kuenda nesu kunorwa.’ 10 Saka mukira mangwanani nevaranda vashe wako vawakauya navo; mukirai muende mangwanani pakunenge kwangova nechiedza.”

11 Saka Dhavhidhi nevarume vake vakamukira mangwanani kuti vadzokere kunyika yevaFiristiya, uye vaFiristiya vakakwidza kuJezreeri.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe