Joshua
16 Nyika yakagoverwa vanhu vekwaJosefa+ pachishandiswa mujenya+ yaitangira paJodhani kuJeriko ichisvika kuchitubu chiri kumabvazuva kweJeriko, ichipfuura nemugwenga ichikwira kubva kuJeriko kuenda kumakomo ekuBheteri.+ 2 Kubva kuBheteri pedyo neRuzi, yaipfuurira kusvika kumuganhu wevaAki kuAtaroti, 3 yoenda nekumavirira kumuganhu wevaJafreti kusvika kumuganhu weBheti-horoni Yezasi+ neGezeri,+ yoperera kugungwa.
4 Saka vedzinza raManase neraEfremu, izvo zvizvarwa zvaJosefa,+ vakatora nyika yavo.+ 5 Uyu ndiwo waiva muganhu wevanhu vekwaEfremu maererano nemhuri dzavo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva waiva Ataroti-adhari+ kusvika kuBheti-horoni Yekumusoro,+ 6 uye muganhu wacho wainosvika kugungwa. Mikmetati+ yaiva kuchamhembe, uye muganhu wacho waipoterera nekumabvazuva uchienda kuTaanati-shiro, wopfuurira uri kumabvazuva uchienda kuJanoa. 7 Waibva wadzika kubva kuJanoa uchienda kuAtaroti neNaara, kunobata Jeriko,+ wopfuurira kusvika kuJodhani. 8 Kubva kuTapua,+ muganhu wacho waipfuurira uchienda kumavirira kuRwizi* rweKana, uchinogumira kugungwa.+ Iyi ndiyo nhaka yedzinza raEfremu maererano nemhuri dzavo; 9 vanhu vekwaEfremu vaivawo nemaguta avakapiwa panhaka yaManase+ pamwe chete nemisha yawo.
10 Asi havana kudzinga vaKenani vaigara muGezeri,+ saka vaKenani vachiri kugara pakati pevaEfremu nanhasi,+ vachiitiswa basa rekumanikidzwa.+