RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 41
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Gedhariya anourayiwa naIshmaeri (1-10)

      • Ishmaeri anotiza Johanani (11-18)

Jeremiya 41:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wembeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:23; Jer 40:14
  • +2Mad 25:25

Jeremiya 41:5

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:1
  • +Jos 18:1
  • +1Mad 16:23, 24
  • +Re 19:27, 28; Dhe 14:1
  • +Re 2:1

Jeremiya 41:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:22; 2Mak 16:6

Jeremiya 41:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 40:12
  • +Jer 40:7
  • +Jer 40:14

Jeremiya 41:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 40:13; 43:2

Jeremiya 41:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “nedziva guru raiva.”

Jeremiya 41:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 40:6

Jeremiya 41:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 41:2

Jeremiya 41:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:19
  • +2Mad 25:26; Jer 42:14; 43:7

Jeremiya 41:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 41:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 41:12Mad 25:23; Jer 40:14
Jer. 41:12Mad 25:25
Jer. 41:51Mad 12:1
Jer. 41:5Jos 18:1
Jer. 41:51Mad 16:23, 24
Jer. 41:5Re 19:27, 28; Dhe 14:1
Jer. 41:5Re 2:1
Jer. 41:91Mad 15:22; 2Mak 16:6
Jer. 41:10Jer 40:12
Jer. 41:10Jer 40:7
Jer. 41:10Jer 40:14
Jer. 41:11Jer 40:13; 43:2
Jer. 41:14Jer 40:6
Jer. 41:16Jer 41:2
Jer. 41:17Ge 35:19
Jer. 41:172Mad 25:26; Jer 42:14; 43:7
Jer. 41:18Jer 41:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 41:1-18

Jeremiya

41 Mumwedzi wechi7 Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama, uyo aiva wemuimba* yeumambo, ari mumwe wevakuru vekwamambo, akauya nevamwe varume gumi kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu kuMizpa.+ Pavakanga vachidya vese vari muMizpa, 2 Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume gumi vaaiva navo, vakasimuka vakauraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani nebakatwa. Saka akauraya munhu akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho. 3 Ishmaeri akaurayawo vaJudha vese vaiva naGedhariya muMizpa, nevarwi vevaKadheya vaiva imomo.

4 Pazuva rechipiri Gedhariya aurayiwa, pasati pava nemunhu akaziva nezvazvo, 5 pakauya varume 80 kubva kuShekemu,+ kuShiro+ uye kuSamariya.+ Vakanga vakagera ndebvu dzavo, nguo dzavo dzakabvaruka, vakazvicheka-cheka,+ uye mumaoko avo maiva nemipiro yezviyo* nezvinonhuhwirira zvichena,+ vachizviunza kuimba yaJehovha. 6 Saka Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akabuda muMizpa kuti anovachingura, achifamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari: “Uyai kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu.” 7 Asi pavakapinda muguta, Ishmaeri mwanakomana waNetaniya nevarume vaaiva navo vakavauraya, vakavakanda mumugodhi wemvura.

8 Asi pakati pavo paiva nevarume gumi vakati kuna Ishmaeri: “Musatiuraya, nekuti tine gorosi, bhari, mafuta, neuchi zvatakaviga musango.” Saka haana kuvauraya pamwe chete nehama dzavo. 9 Ishmaeri akakanda zvitunha zvese zvevarume vaakanga auraya mumugodhi wemvura mukuru, uya wakanga wacherwa naMambo Asa achitya Mambo Bhaasha weIsraeri.+ Ndiwo mugodhi wakazadzwa zvitunha zvevarume vacho naIshmaeri mwanakomana waNetaniya.

10 Ishmaeri akatora vanhu vese vakanga vasara muMizpa,+ kusanganisira vanasikana vaMambo nevanhu vese vakanga vasara muMizpa vakanga vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wevarindi mumaoko aGedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akavatapa, achibva asimuka kuti ayambuke kuvaAmoni.+

11 Johanani+ mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo pavakanzwa zvakaipa zvese zvakanga zvaitwa naIshmaeri mwanakomana waNetaniya, 12 vakatora varume vese vakaenda kunorwisa Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, uye vakamuwanira pedyo nemvura zhinji yaiva* muGibhiyoni.

13 Vanhu vese vaiva naIshmaeri vakafara chaizvo pavakaona Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo. 14 Vanhu vese vakanga vatapwa naIshmaeri kuMizpa+ vakabva vatendeuka, vakadzokera naJohanani mwanakomana waKareya. 15 Asi Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akatiza Johanani nevarume 8 pavarume vake, akaenda kuvaAmoni.

16 Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vese vemauto vaaiva navo vakatora vanhu vese vekuMizpa, vaya vavakanunura kubva kuna Ishmaeri mwanakomana waNetaniya, paakanga auraya Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu. Vakadzosa varume, varwi, madzimai, vana, nevakuru vemumuzinda kubva kuGibhiyoni. 17 Saka vakaenda vakagara munzvimbo yevanenge vari parwendo yaKimhamu yaiva pedyo neBhetrehema,+ vachida kuzopfuurira kunopinda muIjipiti+ 18 nemhaka yevaKadheya. Nekuti vakanga vava kuvatya, sezvo Ishmaeri mwanakomana waNetaniya akanga auraya Gedhariya mwanakomana waAhikamu, uyo akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti atungamirire nyika yacho.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe