RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 34
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Mashoko emutongo kuna Zedhekiya (1-7)

      • Sungano yekusunungura varanda inoputswa (8-22)

Jeremiya 34:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:1; Jer 32:2; 39:1; 52:4

Jeremiya 34:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 36:11; Jer 37:1
  • +Jer 21:10; 32:28, 29; 39:8

Jeremiya 34:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:17; 39:5
  • +2Mad 25:6, 7; Eze 12:13

Jeremiya 34:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 17:16

Jeremiya 34:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 4:5
  • +Mik 1:13
  • +Jos 15:20, 35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    11/15/2007, p. 14

Jeremiya 34:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:2

Jeremiya 34:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 24:7
  • +Eks 13:3

Jeremiya 34:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:2; Re 25:10, 39-42; Dhe 15:12

Jeremiya 34:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nhasi.”

Jeremiya 34:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezvaidiwa nemweya yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:12

Jeremiya 34:17

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kuchirwere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 21:2; Re 25:10
  • +2Mad 25:3; Jer 21:7
  • +Jer 15:2, 4; 29:18

Jeremiya 34:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:10, 17

Jeremiya 34:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:26; Pis 79:2; Jer 16:4

Jeremiya 34:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya yavo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:6, 7; Mari 4:20
  • +Jer 37:5

Jeremiya 34:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:9, 10; Jer 32:29; 39:8
  • +Re 26:33; Jer 44:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 34:12Mad 25:1; Jer 32:2; 39:1; 52:4
Jer. 34:22Mak 36:11; Jer 37:1
Jer. 34:2Jer 21:10; 32:28, 29; 39:8
Jer. 34:3Jer 37:17; 39:5
Jer. 34:32Mad 25:6, 7; Eze 12:13
Jer. 34:5Eze 17:16
Jer. 34:7Jer 4:5
Jer. 34:7Mik 1:13
Jer. 34:7Jos 15:20, 35
Jer. 34:8Eks 21:2
Jer. 34:13Eks 24:7
Jer. 34:13Eks 13:3
Jer. 34:14Eks 21:2; Re 25:10, 39-42; Dhe 15:12
Jer. 34:16Re 19:12
Jer. 34:17Eks 21:2; Re 25:10
Jer. 34:172Mad 25:3; Jer 21:7
Jer. 34:17Jer 15:2, 4; 29:18
Jer. 34:18Ge 15:10, 17
Jer. 34:20Dhe 28:26; Pis 79:2; Jer 16:4
Jer. 34:212Mad 25:6, 7; Mari 4:20
Jer. 34:21Jer 37:5
Jer. 34:222Mad 25:9, 10; Jer 32:29; 39:8
Jer. 34:22Re 26:33; Jer 44:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 34:1-22

Jeremiya

34 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, Mambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi neuto rake rese neumambo hwese hwenyika hwaiva pasi pake nemarudzi ese pavakanga vachirwisa Jerusarema nemaguta aro ese:+

2 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Enda unotaura naMambo Zedhekiya+ weJudha, uti kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndiri kuisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye acharipisa nemoto.+ 3 Iwe hauzopukunyuki paruoko rwake, nekuti uchatobatwa woiswa muruoko rwake.+ Uchaonana namambo weBhabhironi chiso nechiso uye achataura newe makatarisana, uye uchaenda kuBhabhironi.’+ 4 Asi inzwa shoko raJehovha, haiwa iwe Zedhekiya mambo weJudha, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro pako: “Hauzourayiwi nebakatwa. 5 Uchafa murugare,+ uye vachakupisira moto wekukukudza sezvavakaitira madzibaba ako, iwo madzimambo ekare akakutangira, uye vachakuchema vachiti, ‘Maiwee tenzi kani!’ nekuti ‘ini ndataura shoko racho,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”’”’”

6 Muprofita Jeremiya akabva audza Mambo Zedhekiya weJudha mashoko aya ese muJerusarema, 7 mauto amambo weBhabhironi paakanga achirwisa Jerusarema nemaguta ese eJudha akanga asiyiwa,+ neRakishi+ neAzeka;+ nekuti ndiwo chete maguta ainge akakomberedzwa nemasvingo akanga asara pamaguta eJudha.

8 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha pashure pekunge Mambo Zedhekiya aita sungano nevanhu vese vaiva muJerusarema kuti avazivise nezvekusunungurwa,+ 9 kuti mumwe nemumwe asunungure varanda vake vechiHebheru, varume nevakadzi, kuti parege kuva nemunhu anoramba achiita muranda hama yake yechiJudha. 10 Saka machinda ese nevanhu vese vakateerera. Vakanga vaita sungano yekuti munhu wese asunungure varandarume vake nevarandakadzi vake uye kuti arege kuvaita varanda zvakare. Vakateerera, vakavarega vachienda. 11 Asi nekufamba kwenguva, vakadzosa varandarume vacho nevarandakadzi vacho vavakanga vasunungura, uye vakatangazve kuvamanikidza kuva varanda. 12 Saka shoko raJehovha rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha, richiti:

13 “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Ndakaita sungano nemadzitateguru enyu+ pazuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muimba yeuranda,+ ndichiti: 14 “Panopera makore manomwe, mumwe nemumwe wenyu ngaasunungure hama yake yechiHebheru, yaakatengeserwa uye yakamushandira kwemakore 6; munofanira kuisunungura.”+ Asi madzitateguru enyu haana kuteerera kana kurereka nzeve dzawo kwandiri. 15 Uye munguva ichangopfuura,* imi makatendeuka mukaita zvakarurama pamberi pangu kuburikidza nekuzivisa kusunungurwa kuhama dzenyu, uye makaita sungano pamberi pangu muimba ine zita rangu. 16 Asi makabva machinja, mukasvibisa zita rangu+ pamakadzosa varandarume nevarandakadzi venyu, vamakanga masunungura zvichienderana nezvavaida,* uye makavamanikidza kudzokera muuranda.’

17 “Saka zvanzi naJehovha: ‘Hamuna kunditeerera panyaya yekuti mumwe nemumwe wenyu azivise nezverusununguko kuhama yake uye kumunhu wekwake.+ Saka iye zvino ndava kukuzivisai nezvekusunungurwa kwenyu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘kuti muiswe kubakatwa, kudenda,* nekunzara,+ uye ndichaita kuti muve chinhu chinotyisa kuumambo hwese hwenyika.+ 18 Uye izvi ndizvo zvichaitika kuvarume vakaputsa sungano yangu pavakarega kuita mashoko ari musungano yavakaita pamberi pangu panguva yavakacheka mhuru nepakati vakapfuura nepakati pezvidimbu zvayo,+ 19 iwo machinda eJudha, nemachinda eJerusarema, vakuru vemumuzinda, vapristi, nevanhu vese vemunyika yacho, avo vakapfuura nepakati pezvidimbu zviviri zvemhuru yacho: 20 Ndichavaisa mumaoko evavengi vavo nemumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya,* uye zvitunha zvavo zvichadyiwa neshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.+ 21 Uye ndichaisa Mambo Zedhekiya weJudha nemachinda ake mumaoko evavengi vavo nemumaoko evaya vari kutsvaga kuvauraya* nemumaoko emauto amambo weBhabhironi,+ avo vava kurega kukurwisai.’+

22 “‘Ndichapa murayiro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndichavadzosa kuguta rino, uye vacharirwisa, voritora, voripisa nemoto;+ uye ndichaita kuti maguta eJudha ave matongo asina anogaramo.’”+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe