Isaya
16 Tumirai mutongi wenyika yacho gondohwe,
Ribve kuSera, ropfuura nemurenje
Richienda kugomo remwanasikana weZiyoni.
3 “Ipa mazano, ita zvakasarudzwa.
Ita kuti mumvuri wako uite seusiku pamasikati makuru.
Hwandisa vakaparadzirwa uye usatengesa vaya vari kutiza.
4 Vanhu vangu vakaparadzirwa ngavagare mauri, haiwa iwe Moabhi.
Iva nzvimbo yekuti vahwande anoparadza.+
Mudzvinyiriri achasvika pamagumo ake,
Kuparadza kuchaguma,
Uye vaya vanotsika-tsika vamwe vachapera panyika.
5 Chigaro cheumambo chichasimbiswa kwazvo nerudo rusingachinji.
Uya achagara pachiri mutende raDhavhidhi achange akatendeka;+
Achatonga zvakanaka, achikurumidza kuita zvakarurama.”+
6 Takanzwa nezvekudada kweMoabhi, iyo inodada chaizvo,+
Iko kuzvikudza kwayo nekudada kwayo nekushatirwa kwayo;+
Asi hapana chichabuda pakuwawata kwayo.
Vaya vakarohwa vachachema makeke emazambiringa akaomeswa eKiri-hareseti.+
8 Nekuti minda yeHeshbhoni+ yaoma,
Kana uri muzambiringa weSibma,+
Vatongi vemarudzi vatsika-tsika mapazi awo matsvuku-tsvuku;*
Iwo akanga asvika kuJazeri;+
Akanga atambanuka kusvika kurenje.
Nhungirwa dzawo dzakanga dzapararira kusvika kugungwa.
9 Ndokusaka ndichachema muzambiringa weSibma sekuchema kwangu Jazeri.
Ndichakunyorovesa nemisodzi yangu, haiwa iwe Heshbhoni neEreyare,+
Nekuti kushevedzera pamusoro pemichero yako yezhizha nepamusoro pegoho rako kwapera.*
10 Kupembera nemufaro uye kufara zvabviswa mumunda wemichero,
Uye muminda yemizambiringa hamusi kushevedzerwa kana kuimbwa nziyo dzemufaro.+
Uya anotsika muchisviniro achisvina waini haachaiti basa rake,
Nekuti ndaita kuti kushevedzera kupere.+
11 Ndokusaka ndichidedera nechemukati pamusoro peMoabhi,+
Sezvinoita tambo dzerudimbwa,
Uye mwoyo wangu pamusoro peKiri-hareseti.+
12 Kunyange Moabhi paanozvinetesa panzvimbo yakakwirira uye paanoenda kunzvimbo yake tsvene kunonyengetera, haana chaachabura.+
13 Iri ndiro shoko rakambotaurwa kare naJehovha nezveMoabhi. 14 Zvino zvanzi naJehovha: “Mumakore matatu, semakore emunhu wemaricho,* kukudzwa kunoitwa Moabhi kuchava kunyadziswa nemhaka yenyonganyonga yemarudzi ese, uye vaya vanosara vachava vashomanana, vasina simba.”+