Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
20 Jehovha ngaakupindurei pazuva rekutambudzika.
Zita raMwari waJakobho ngarikudzivirirei.+
2 Ngaakutumirei rubatsiro kubva munzvimbo tsvene,+
Okutsigirai ari muZiyoni.+
3 Ngaayeuke mipiro yenyu yese yamunopa;
Ngaagamuchire chibayiro chenyu chinopiswa. (Sera)
4 Ngaakupei zvinodiwa nemwoyo wenyu+
Uye ngaaite kuti zvese zvamunoronga zvibudirire.
5 Tichapembera tichifarira mabasa enyu ekuponesa;+
Tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.+
Jehovha ngaazadzise zvese zvamunokumbira.
6 Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake.+
Anomupindura ari kumatenga ake matsvene
Neruponeso rukuru achishandisa ruoko rwake rwerudyi.+
7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe nemabhiza,+
Asi isu tinodana pazita raJehovha Mwari wedu.+
8 Ivo vakagumburwa, vakawa,
Asi isu takasimuka, tikadzorerwa.+
9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo!+
Iye achatipindura pazuva ratinoshevedzera tichida kubatsirwa.+