Jobho
8 Bhiridhadhi+ muShuhi+ akabva apindura achiti:
2 “Ucharamba uchitaura zvakadai kusvikira riini?+
Mashoko emuromo wako akaita semhepo ine simba!
3 Mwari angatsaudzira pakutonga here,
Kana kuti Wemasimbaose angaita zvinhu zvisina kururama here?
4 Kana vanakomana vako vaine zvavakamutadzira,
Akavarega vachirangwa nemhaka yekupanduka kwavo;*
Woteterera Wemasimbaose kuti unzwirwe nyasha,
6 Uye dai wakanyatsochena uye wakarurama,+
Angadai akunzwa
Uye akudzorera panzvimbo yako chaiyo.
9 Nekuti tinongova vazuro, uye hapana chatinoziva,
Nekuti mazuva edu panyika akaita semumvuri.
11 Nhokwe ingareba pasina machakwi here?
Tsanga ingareba pasina mvura here?
12 Painenge ichiri kutungira, isati yatemwa,
Inotangira humwe uswa hwese kuoma.
13 Aya ndiwo magumo evese* vanokanganwa Mwari,
Nekuti tariro yemunhu asingadi Mwari* ichaparara,
14 Ari kuvimba nezvinhu zvisipo,
Uye anovimba nezvinhu zvisina kusimba seimba yedandemutande.
15 Achazendamira imba yake, asi haizorambi yakamira;
Achaedza kuramba akaibata, asi haizorambi iripo.
20 Mwari haangamborambi vaya vanoramba vakaperera;*
Uye haazotsigiri vanhu vakaipa,*
21 Nekuti achazadza muromo wako nekuseka
Uye miromo yako nekushevedzera kwekufara.
22 Vaya vanokuvenga vachapfekedzwa nyadzi,
Uye tende revakaipa harizovipo.”