RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Makoronike 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Makoronike

      • VaAmoni vanoitira nhume dzaDhavhidhi zvakaipa (1-5)

      • Kukunda vaAmoni nevaSiriya (6-19)

1 Makoronike 19:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 10:1-5

1 Makoronike 19:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 9:7
  • +Ge 19:36, 38

1 Makoronike 19:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nekuiongorora.”

1 Makoronike 19:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 19:27

1 Makoronike 19:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:34

1 Makoronike 19:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Tarenda rainge rakaenzana nemakirogiramu 34,2. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    ChiHeb., “kuAramu-naharaimu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:47; 2Sa 8:3; 10:6

1 Makoronike 19:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 13:8, 9

1 Makoronike 19:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:16
  • +2Sa 10:7, 8; 23:8

1 Makoronike 19:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 10:9-12

1 Makoronike 19:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 11:20, 21

1 Makoronike 19:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:5

1 Makoronike 19:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:6; Jos 1:9

1 Makoronike 19:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:7, 8; Dhe 28:7; 2Sa 10:13, 14

1 Makoronike 19:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Yufratesi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:3
  • +2Sa 10:15, 16

1 Makoronike 19:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 10:17-19

1 Makoronike 19:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 18:39
  • +1Mak 14:17; Pis 18:44

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Mak. 19:12Sa 10:1-5
1 Mak. 19:22Sa 9:7
1 Mak. 19:2Ge 19:36, 38
1 Mak. 19:4Re 19:27
1 Mak. 19:51Mad 16:34
1 Mak. 19:61Sa 14:47; 2Sa 8:3; 10:6
1 Mak. 19:7Jos 13:8, 9
1 Mak. 19:82Sa 8:16
1 Mak. 19:82Sa 10:7, 8; 23:8
1 Mak. 19:102Sa 10:9-12
1 Mak. 19:111Mak 11:20, 21
1 Mak. 19:122Sa 8:5
1 Mak. 19:13Dhe 31:6; Jos 1:9
1 Mak. 19:14Re 26:7, 8; Dhe 28:7; 2Sa 10:13, 14
1 Mak. 19:162Sa 8:3
1 Mak. 19:162Sa 10:15, 16
1 Mak. 19:172Sa 10:17-19
1 Mak. 19:19Pis 18:39
1 Mak. 19:191Mak 14:17; Pis 18:44
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Makoronike 19:1-19

Bhuku Rekutanga reMakoronike

19 Nahashi mambo wevaAmoni akazofa, uye mwanakomana wake akava mambo panzvimbo yake.+ 2 Dhavhidhi akabva ati: “Ndicharatidza rudo rusingachinji+ kuna Hanuni mwanakomana waNahashi, nekuti baba vake vakandiratidza rudo rusingachinji.” Saka Dhavhidhi akatuma nhume kuti dzinomunyaradza nekuti akanga afirwa nababa vake. Asi varanda vaDhavhidhi pavakasvika munyika yevaAmoni+ kuti vanyaradze Hanuni, 3 machinda evaAmoni akati kuna Hanuni: “Munofunga kuti kutumira kwaita Dhavhidhi vanyaradzi kwamuri kukudza baba venyu here? Varanda vake havana kuuya kwamuri kuti vanyatsoona zvakaita nyika nekuisora* vokubvisai pachigaro here?” 4 Saka Hanuni akatora varanda vaDhavhidhi akavagera,+ akadimbura nguo dzavo nepakati nechepamagaro avo, akavadzinga. 5 Dhavhidhi paakaudzwa nezvevarume vacho, akabva angotumira vanhu kuti vanosangana navo, nekuti varume vacho vakanga vanyadziswa zvakanyanya; uye mambo akavaudza kuti: “Garai muJeriko+ kusvikira ndebvu dzenyu dzakura, mozodzoka henyu.”

6 Nekufamba kwenguva, vaAmoni vakaona kuti vakanga vava kuvengwa chaizvo naDhavhidhi, saka Hanuni nevaAmoni vakatumira matarenda* 1 000 esirivha kuti vakumbire ngoro nevatasvi vemabhiza kuMesopotamiya,* kuAramu-maaka, nekuZobha.+ 7 Saka vakabhadhara ngoro 32 000, pamwe chete namambo weMaaka nevanhu vake. Vakabva vauya vakadzika misasa pakatarisana neMedhebha.+ VaAmoni vakaungana vachibva mumaguta avo kuti varwe.

8 Dhavhidhi paakanzwa nezvazvo, akatuma Joabhi+ neuto rese kusanganisira varwi vake vaiva nesimba kupfuura vese.+ 9 VaAmoni vakabva vabuda, vakaronga mauto avo pasuo reguta, asi madzimambo akanga auya aiva kwawo ega musango.

10 Joabhi paakaona kuti mauto acho akanga achiuya kuzorwisana naye vamwe vari mberi vamwe vari shure, akasarudza vamwe vevarwi vaiva shasha dzekurwa muIsraeri akavaronga kuti varwe nevaSiriya.+ 11 Akaisa vamwe varume vese mumaoko aAbhishai mwana waamai vake,+ kuti avaronge kuti varwe nevaAmoni. 12 Akabva ati: “Kana vaSiriya+ vava kundikunda, unofanira kuuya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vava kukukunda, ndichakununura. 13 Tinofanira kutosimba uye kushinga+ kuti tirwire vanhu vedu uye maguta aMwari wedu, uye Jehovha achaita zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.”

14 Joabhi nevarume vaaiva navo vakabva vafamba vachienda kunorwisana nevaSiriya, uye ivo vakamutiza.+ 15 VaAmoni pavakaona kuti vaSiriya vakanga vatiza, vakabva vatizawo Abhishai mwana waamai vake, vakapinda muguta. Pashure paizvozvo Joabhi akasvika muJerusarema.

16 VaSiriya pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri, vakatuma nhume kuti dzinoshevedza vaSiriya vaiva munharaunda yeRwizi,*+ vachitungamirirwa naShofaki mukuru weuto raHadhadhezeri.+

17 Dhavhidhi paakaudzwa nezvazvo, akabva aunganidza vaIsraeri vese, akayambuka Jodhani, akasvika kwavaiva, akaronga mauto kuti arwe navo. Dhavhidhi akaronga mauto kuti asangane nevaSiriya, uye vakarwa naye.+ 18 Asi vaSiriya vakatiza vaIsraeri; uye Dhavhidhi akauraya vatyairi vengoro 7 000 nevarwi 40 000 vaifamba netsoka vevaSiriya, uye akauraya Shofaki mukuru weuto racho. 19 Varanda vaHadhadhezeri pavakaona kuti vakanga vakundwa nevaIsraeri,+ vakakurumidza kuyanana naDhavhidhi vakava pasi pake;+ uye vaSiriya vakanga vasisade kubatsira vaAmoni zvakare.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe