Zvakazarurwa
5 Zvino ini ndakaona mupumburu wakanyorwa mukati nokunze,+ wakasimbiswa+ zvakasimba nezvisimbiso zvinomwe uri muruoko rworudyi rwoUyo akanga agere pachigaro choumambo.+ 2 Ndakaona ngirozi yakasimba ichizivisa nenzwi guru kuti: “Ndiani akakodzera kuvhura mupumburu uye kukwatura zvisimbiso zvawo?” 3 Asi kwakanga kusina kana nomumwe zvake kudenga kana panyika kana pasi pevhu aikwanisa kuvhura mupumburu kana kutarira mauri. 4 Ndakasvimha misodzi kwazvo nokuti hapana akawanikwa akakodzera kuvhura mupumburu wacho kana kutarira mauri.+ 5 Asi mumwe wevakuru akati kwandiri: “Rega kusvimha misodzi. Tarira! Shumba yokudzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda+ kuti ivhure mupumburu nezvisimbiso zvawo zvinomwe.”
6 Ndakaona gwayana+ rimire pedyo nechigaro choumambo+ pakati pezvisikwa zvina uye pakati pevakuru+ sokunge kuti rakanga raurayiwa,+ riine nyanga nomwe nemaziso manomwe, maziso anomirira midzimu minomwe+ yaMwari yakatumirwa munyika yose. 7 Iro rakaenda, rikabva rautora muruoko rworudyi rwoUya akanga agere pachigaro choumambo.+ 8 Parakatora mupumburu wacho, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru makumi maviri nevana+ vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nomumwe aine rudimbwa+ nendiro dzendarama dzakanga dzizere nerusenzi, uye rusenzi+ inomirira minyengetero+ yevatsvene. 9 Vakaimba rwiyo rutsva,+ vachiti: “Makakodzera kutora mupumburu nokuvhura zvisimbiso zvawo, nokuti makaurayiwa uye neropa renyu+ makatengera+ Mwari vanhu+ kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi, 10 uye makaita kuti vave umambo+ nevapristi+ kuna Mwari wedu,+ uye vachatonga semadzimambo+ pamusoro penyika.”
11 Zvino ndakaona, uye ndakanzwa inzwi rengirozi zhinji dzakanga dzakapoteredza chigaro choumambo nezvisikwa zvipenyu nevakuru, uye kuwanda kwavo kwakanga kuri makumi ezviuru emakumi ezviuru+ nezviuru zvezviuru,+ 12 vachiti nenzwi guru: “Gwayana rakaurayiwa+ rakakodzera kuva nesimba nepfuma nouchenjeri nemasimba nokukudzwa nokubwinya nokurumbidzwa.”+
13 Ndakanzwa zvisikwa zvose zviri kudenga nepanyika uye pasi pevhu+ nomugungwa, nezvinhu zvose zviri mazviri, zvichiti: “Kuropafadzwa nokukudzwa+ nokubwinya+ nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo+ nokuGwayana+ nokusingaperi-peri.” 14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvakatanga kuti: “Ameni!” uye vakuru+ vakawira pasi, vakanamata.+