Mapisarema
Nokuda kwomutungamiriri weGititi.+ Rwiyo rwevanakomana vaKora.
2 Mweya wangu wasuwa zvivanze zvaJehovha uye waperawo simba nokuda kwazvo.+
Mwoyo wangu nenyama yangu zvinoshevedzera nomufaro kuna Mwari mupenyu.+
3 Kunyange shiri yakawana imba,
Nenyenganyenga yakazviwanira dendere,
Mayakaisa vana vayo—
Ipo paatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto, Mambo wangu naMwari wangu!
6 Vachipfuura nomubani remakwenzi emiti inonzi mibheka,+
Vanoriita chitubu chemvura;
Murayiridzi+ anozviputira nezvikomborero.
7 Vacharamba vachifamba vachiwedzera simba pamusoro perimwe simba;+
Mumwe nomumwe anozviratidza kuna Mwari muZiyoni.+
10 Nokuti zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo.+
Ndakasarudza kumira pachikumbaridzo muimba yaMwari wangu+
Panzvimbo pokufamba-famba mumatende ezvakaipa.+