Rumbo. Rwiyo rwaAsafi.+
83 Haiwa Mwari, regai kunyarara;+
Musaramba musingatauri, musaramba makanyarara, haiwa imi Mwari.+
2 Nokuti tarirai! vavengi venyu vari kuita mheremhere;+
Uye vaya vanokuvengai kwazvo vasimudza misoro yavo.+
3 Vanotaurirana zvakavanzika pamusoro pevanhu venyu nounyengeri;+
Uye vanorangana zvakaipa pamusoro pevanhu venyu vakavanzwa.+
4 Ivo vakati: “Uyai tivaparadze, varege kuva rudzi,+
Kuti zita raIsraeri rirege kuyeukwazve.”+
5 Nokuti vakarangana nomwoyo mumwe;+
Vakaita sungano vachirwisana nemi,+
6 Vaigara mumatende eEdhomu+ nevaIshmaeri, vaMoabhi+ nevaHagri,+
7 Gebhari naAmoni+ naAmareki,
Firistiya+ pamwe chete nevagari vokuTire.+
8 Uyewo, Asiriya yakabatanawo navo;+
Vava simba revanakomana vaRoti.+ Sera.
9 Vaitirei sezvamakaitira Midhiyani,+ sezvamakaitira Sisera,+
Sezvamakaitira Jabhini+ pamupata une rukova weKishoni.+
10 Vakatsakatiswa paEndori;+
Vakava mupfudze wenyika.+
11 Asi itai kuti vanokudzwa vavo vave saOrebhu uye saZeebhu,+
Uye itai kuti machinda avo ose ave saZebha naZarimuna,+
12 Vaya vakati: “Ngatiitei kuti nzvimbo dzokugara dzaMwari dzive dzedu.”+
13 Haiwa Mwari wangu, itai kuti vave sechamupupuri chine rukato,+
Semashanga ari kupeperetswa nemhepo.+
14 Somoto unopisa sango+
Uye somurazvo unopisa makomo,+
15 Saizvozvowo vateverei nemhepo yenyu ine mvura+
Uye vavhundutsei nedutu renyu.+
16 Fukidzai zviso zvavo nenyadzi,+
Kuti vanhu vatsvake zita renyu, haiwa Jehovha.+
17 Haiwa, ivo ngavanyadziswe vavhunduke nguva dzose,+
Ngavatsveruke vaparare;+
18 Kuti vanhu vazive+ kuti imi, mune zita rokuti Jehovha,+
Imi moga ndimi Wokumusorosoro+ kumusoro kwenyika yose.+