Mapisarema
Kumutungamiriri: “Usaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu. Paakatiza Sauro, akanopinda mubako.+
57 Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, ndinzwirei nyasha,+
Nokuti mweya wangu wakapotera kwamuri;+
Ndinopotera mumumvuri wemapapiro enyu kusvikira nhamo dzapfuura.+
2 Ndinoshevedzera kuna Mwari Wokumusorosoro, kuna Mwari wechokwadi anodzigumisa nokuda kwangu.+
3 Achatumira rubatsiro kubva kudenga ondiponesa.+
Chokwadi achavhiringidza uya anondikachura.+ Sera.
Mwari achatumira mutsa wake worudo nechokwadi chake.+
4 Mweya wangu uri pakati peshumba;+
Handigoni kurara pasi pakati pevaparadzi, kunyange vanakomana vevanhu,
Vane mazino anenge mapfumo nemiseve,+
Vane rurimi runenge bakatwa rakapinza.+
5 Haiwa, kwidziridzwai kumusoro kwematenga, haiwa Mwari;+
Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.+
6 Vakagadzirira tsoka dzangu mambure;+
Mweya wangu wakakotamiswa.+
Vakachera gomba pamberi pangu;
Vakawira mukati maro.+ Sera.