Mapisarema
Kumutungamiriri weNehiroti. Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Teererai inzwi rokuchemera kwangu kubatsirwa,+
Haiwa imi Mambo+ wangu naMwari wangu, nokuti ndinonyengetera kwamuri.+
4 Nokuti hamusi Mwari anofarira zvakaipa;+
Hapana munhu akaipa angagara nemi kwenguva chero ipi zvayo.+
5 Hapana vanozvirumbidza vangamira pamberi penyu.+
Munovenga vose vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza;+
7 Asi nokuda kwoukuru hwomutsa wenyu worudo+
Ndichapinda mumba menyu,+
Ndichakotama ndakatarira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.+
8 Haiwa Jehovha, nditungamirirei mukururama+ kwenyu nokuda kwevanondivenga;+
Itai kuti nzira yenyu ive yakati chechetere pamberi pangu.+
9 Nokuti mumuromo mavo hamuna chinhu chakavimbika;+
Mukati mavo inongova nhamo.+
Huro dzavo iguva rakavhurika;+
Vanoshandisa rurimi runonyengera.+
10 Mwari achavati vane mhosva;+
Vachawa nokuda kwemazano avo.+
Ngavaparadzirwe nokuda kwokuwanda kwokudarika kwavo,+
Nokuti vakakupandukirai.+