Mapisarema
Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo.+
Rwiyo rwaDhavhidhi.
4 Ndipindurei pandinoshevedza, haiwa Mwari wangu akarurama.+
Mundigadzirire nzvimbo yakafara pakutambudzika.
Ndinzwirei nyasha,+ munzwe munyengetero wangu.
2 Imi vanakomana vevanhu, kukudzwa+ kwangu kuchazvidzwa kusvikira riniko,
Imi muchiramba muchida zvinhu zvisina zvazvinobatsira,
Imi muchiramba muchitsvaka nhema? Sera.
3 Naizvozvo zivai kuti Jehovha achatsaura munhu wake akavimbika;+
Jehovha achanzwa pandinomushevedza.+