Mapisarema Rwiyo Rwokukwira. 123 Ndakatarira kwamuri,+Haiwa Imi munogara kumatenga.+ 2 Tarirai! Maziso evashumiri zvaanotarira kuruoko rwatenzi wavo,+Maziso omushandikadzi zvaanotarira kuruoko rwatenzikadzi wake,+Saizvozvowo maziso edu akatarira kuna Jehovha Mwari wedu+Kusvikira atinzwira nyasha.+ 3 Tinzwirei nyasha, haiwa Jehovha, tinzwirei nyasha;+Nokuti takazadzwa nokuzvidzwa kuzhinji.+ 4 Mweya yedu yakazara nokunyomba kuzhinji kwevaya vagere zvakanaka,+Nokuzvidza kwevaya vanozvitutumadza.+