Mapisarema
Rwiyo Rwokukwira. Rwiyo rwaDhavhidhi.
3 Jerusarema ndiro rakavakwa seguta+
Rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe,+
4 Uko madzinza akakwira achienda,+
Iwo madzinza aJah,+
Sechiyeuchidzo kuna Israeri+
Kuti anoonga zita raJehovha.+
5 Nokuti zvigaro zvoumambo zvokutonga zvave zvakagara ikoko,+
Zvigaro zvoumambo zveimba yaDhavhidhi.+
7 Rugare ngarurambe ruri mukati morusvingo rwako runodzivirira,+
Kusanetseka ngakurambe kuri mushongwe dzako dzokugara.+