RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 122-p. 123 ndim. 7
  • “Ndicharamba Ndiri Mumwe weZvapupu zvaJehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndicharamba Ndiri Mumwe weZvapupu zvaJehovha”
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinofara Pasinei Nematambudziko—Kubatsirwa Kwandakaitwa neBhaibheri Kuti Nditsungirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Anopfuura Makore 50 Oku‘Yambuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kurega Zvakawanda Nokuda Kwechimwe Chinhu Chikuru Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 122-p. 123 ndim. 7

DOMINICAN REPUBLIC

Ndicharamba Ndiri Mumwe weZvapupu zvaJehovha

Ana María (Mary) Glass

  • AKABEREKWA MUNA 1935

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1956

  • NHOROONDO YOUPENYU Aiva wechiduku aishingaira chaizvo muchechi yeRoma uyo akazodzidza Bhaibheri ndokuramba akashinga paaipikiswa nemhuri yake, chechi, uye hurumende.

Mufananidzo uri papeji 122

NDAIFARIRA chaizvo zvechitendero uye ndainge ndakanyura muchiKaturike. Ndaiva mukwaya yechechi uye ndaienda nemapristi kunzvimbo dzekunozororera, kwavaiita Misa. Muna 1955 sisi vangu vakandiudza nezveParadhiso ichauya. Vakandipa Bhaibheri, kabhuku kanonzi “Aya Mashoko Akanaka oUmambo,” nebhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi.” Ndakanakidzwa nezvandakaverenga, saka ndakabvunza mupristi kuti zvaiita here kuti ndiverenge Bhaibheri. Akandiudza kuti “zvaizondipengesa,” asi ndakangoriverenga zvakadaro.

Pandakatama ndichinogara naambuya nasekuru vangu kuBoca Chica, mumwe mupristi akandibvunza kuti nei ndakanga ndisiri kuenda kuchechi. Ndakamuudza kuti ndakaona kuti zvizhinji zvinodzidziswa muchechi hazvimo muBhaibheri. Mupristi wacho akashatirwa chaizvo. Akabva ati, “Inzwaka chisikana, iwe ndiwe gwai rarasika manje pamakwai angu.”

Ndakamupindura kuti, “Handina kurasika, imi ndimi makarasika paboka remakwai aJehovha, nekuti makwai haasi emunhu asi ndeaJehovha.”

Handina kuzombodzokerazve kuchechi. Ndakanogara nasisi vangu, uye ndakabhabhatidzwa papera mwedzi mitanhatu kubva pandakatanga kuudzwa chokwadi. Ndakabva ndangotanga upiyona hwenguva dzose. Papera gore ndakaroorwa naEnrique Glass, uyo aiva mutariri wedunhu panguva iyoyo. Pane imwe nguva pataiparidza tiri mupaki muguta reLa Romana, Enrique akasungwa nemapurisa. Pavaienda naye, ndakavatevera ndichibva ndati: “Neniwo ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndanga ndichiparidzirawo. Sei musiri kundisungawo?” Asi vaisada kundisunga.

Enrique akanga ambovharirwa mujeri kanoverengeka. Makore ese aainge ambogara mujeri aisvika manomwe nehafu. Asi panguva iyi akatongerwa mwedzi 20. Ndaienda kunomuona musi weSvondo wega wega. Pane imwe nguva mumwe mukuru wepajeri akanditi: “Uri kudei pano?”

Ndakati: “Murume wangu ari mujeri nekuti mumwe weZvapupu zvaJehovha.”

Akati: “Uchiri mudiki uye une ramangwana rakajeka. Uri kutambisirei nguva yako neZvapupu zvaJehovha?”

Ndakamupindura kuti: “Neniwo ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Chero mukandiuraya kanomwe mondimutsa kanomwe, ndicharamba ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Zvandakataura zvakamusvota akabva andidzinga.

Basa redu parainge risisina kubhanwa, ini naEnrique takashanda mudunhu uye muruwa kwemakore akati kuti. Enrique akazofa musi wa8 March 2008. Ndichiri piyona wenguva dzose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe