RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 July pp. 2-7
  • Zvatinodzidza Kubva kuvaGibhiyoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvatinodzidza Kubva kuvaGibhiyoni
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • IVA NEKUTENDA UYE ZVININIPISE
  • MIRIRA JEHOVHA KUTI AGADZIRISE ZVINHU
  • RAMBA UCHISHUMIRA JEHOVHA WAKAVIMBIKA
  • VaGibheoni Vakachenjera
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Zvatinodzidza Panyaya yevaGibhiyoni
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Joshua nevaGibhiyoni
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 July pp. 2-7

SEPTEMBER 7-13, 2026

RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu

Zvatinodzidza Kubva kuvaGibhiyoni

“Vagari vemuGibhiyoni vakanga vaita rugare nevaIsraeri vakaramba vari pakati pavo.”—JOSH. 10:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona zvidzidzo zvatinowana kubva kuvaGibhiyoni uye mabatirwo avakaitwa naJehovha.

1-2. Kudzidza nezvevaGibhiyoni kunotibatsira sei?

RAKANGA riri gore ra1473 B.C.E. VaIsraeri vakanga vachangobva kutanga kukunda marudzi aiva muNyika Yakapikirwa. VaIsraeri vakanga vakunda zvine mutsindo guta reJeriko uye reAi. Asi pane chimwe chinhu chakazoitika chavakanga vasingatarisiri. Pane boka revanhu rakavashanyira richitaura kuti rakanga rabva kunyika yaiva kure uye kuti raida kuva nerugare nevanhu vaMwari.

2 Vanhu ava vaiva vaGibhiyoni. Apa ndipo pekutanga pavanotaurwa nezvavo muBhaibheri, asi hapasiripo pavanopedzisira kutaurwa nezvavo. MuBhaibheri mune dzimwe nyaya dzirimo dzinoratidza kuti vaGibhiyoni vakagara pamwe chete nevaIsraeri kwemakore akawanda akazotevera. Nyaya idzi dzinotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha uye dzinotibatsira kuwedzera kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari akaita sei.

IVA NEKUTENDA UYE ZVININIPISE

3. (a) VaGibhiyoni vaiva vanaani? (b) Nei vakatumira nhume kuna Joshua?

3 VaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa, makanga muine marudzi 7 evaKenani avaifanira kurwisa vokunda. Marudzi aya ‘aiva nevanhu vakawanda’ uye aiva nemasoja akawanda kupfuura evaIsraeri. (Dheut. 7:1) Rimwe remarudzi aya raiva rudzi rwevaHivhi uye vaGibhiyoni vakanga vari verudzi irworwo vachigara muguta rainzi Gibhiyoni. Guta racho rakanga rakapoteredzwa nemasvingo uye raiva nemasoja akawanda. (Josh. 10:2) Kusiyana nevamwe vaKenani, vaGibhiyoni vakaona kuti hazvina zvazvaibatsira kuti varwise vaIsraeri. Vainyatsoona kuti Jehovha akanga ari kurwira vanhu vake uye vaiziva kuti akanga avimbisa kuti aizobvisa vaKenani vese vaiva munyika iyoyo. (Eks. 34:11; Josh. 9:24) Saka vaIsraeri pavakakunda Jeriko uye Ai, vaGibhiyoni vakatumira nhumea kuna Joshua kuGirigari kuti vanotaurirana naye nekuti vaitya kuurayiwa.

4. (a) Maererano naJoshua 9:8-13, vaGibhiyoni vakanyengera sei vaIsraeri kuti vaite sungano yerugare navo? (Onawo mufananidzo.) (b) Zvii zvakaitwa nevaIsraeri pavakaona kuti vaGibhiyoni vakanga vavanyepera?

4 Verenga Joshua 9:8-13. VaGibhiyoni vakanyepera vaIsraeri kuti vaibva kunyika iri kure. Vakataura kuti vaibvuma kuti Jehovha akanga abatsira vaIsraeri kuti vakunde vaIjipiti uye madzimambo maviri evaAmori, Sihoni naOgi. Asi havana kutaura zvakanga zvaitika kuJeriko neAi nekuti kudai vakataura izvozvo, zvaizobuda pachena kuti vakanga vari kunyepa kuti vaibva “kunyika iri kure kwazvo.” Vamiririri vevaIsraeri vakabvuma zvakanga zvataurwa nevaGibhiyoni uye vakaita sungano yerugare navo asi havana kumbobvunza Jehovha. (Josh. 9:14, 15) Pashure pemazuva mashomanana, vaIsraeri vakaona kuti vakanga vanyeperwa nevaGibhiyoni, asi vakaramba vachiita zvavakanga vawirirana nevaGibhiyoni nekuti ‘vakanga vapika kwavari naJehovha.’ (Josh. 9:16-19) VaIsraeri vakaudza vaGibhiyoni kuti vaikwanisa kugara pamwe chete navo. Asi vaifanira kuita basa raiitwa nevaranda “rekutsvaga huni nekuchera mvura, vachiitira ungano neatari yaJehovha.”—Josh. 9:27.

VaGibhiyoni vakapfugama pamberi paJoshua nemamwe masoja echiIsraeri vachikumbira kuti vaite rugare navo. Vari kuvaratidzawo hembe dzavo nehomwe dzewaini zvasakara.

VaGibhiyoni vakanyepera Joshua kuitira kuti vasarwiswa nevaIsraeri (Ona ndima 4)


5. VaGibhiyoni vakaratidza sei kuti vaitenda muna Jehovha?

5 Madzimambo mashanu evaAmori akanzwa kuti vaGibhiyoni vakanga vaenda kunotaurirana nevaIsraeri kuti vasaurayiwa ndokubva aronga kunorwisa vaGibhiyoni. VaGibhiyoni vakabva vaenda kuna Joshua vachinokumbira rubatsiro. (Josh. 10:3-7) Joshua akabva atungamirira mauto evaIsraeri kuti anonunura vaGibhiyoni uye Jehovha akakomborera zvavakaita. Jehovha akatoita kuti chimvuramabwe chinaye chichirova mauto evaAmori uye akaita chishamiso chekuti zuva risanyura kusvikira vaIsraeri vakunda muhondo. (Josh. 10:9-14) VaGibhiyoni vakaratidza kuti vaitenda muna Jehovha pavakasarudza kuita sungano yerugare nevanhu vake uye pavakaenda kwavari vachinokumbira rubatsiro. Vainyatsoziva kuti Jehovha aizozadzisa zvaakavimbisa uye kuti aizovadzivirira.

6. Tinodzidzei kubva pane zvakaitirwa vaGibhiyoni naJehovha?

6 Nyaya iyi inotidzidzisei nezvaJehovha? Inotidzidzisa kuti Jehovha anozvininipisa uye ane tsitsi. Akanga amboudza vaIsraeri kuti vaifanira “kudzinga vagari vese vemunyika yacho.” (Num. 33:51, 52) Vagari ava vaisanganisira vaGibhiyoni. Asi Jehovha akanzwira tsitsi vaGibhiyoni akaita kuti vasaurayiwa achitsigira sungano yakanga yaitwa pakati pavo nevaIsraeri. Jehovha akatsigira sungano iyi kunyange zvazvo vaIsraeri vasina kutanga vamubvunza vasati vapinda musungano yacho. Akazobatsirawo vaIsraeri kuti vazadzise zvavakanga vavimbisa uye akaita chishamiso chekununura vaGibhiyoni.—Josh. 9:26; 11:19.

7. Tingatevedzera sei vaGibhiyoni pakuratidza kutenda uye kuzvininipisa? (Onawo mufananidzo.)

7 Tingatevedzera sei vaGibhiyoni? Tinofanira kuva nekutenda kwakasimba muna Jehovha. Isusu tinoziva zvinhu zvakawanda nezvaJehovha kupfuura zvaizivikanwa nevaGibhiyoni, saka tine zvikonzero zvakawanda zvekuti tinyatsovimba naJehovha. (Pis. 40:4, 5) Tinogona kutevedzerawo vaGibhiyoni nekubvuma kuita mabasa musangano raJehovha anoonekwa nevamwe seakaderera. (Josh. 9:23, 27) Imwe hama yechidiki inonzi Luke haifi yakakanganwa zvakaitwa neimwe hama yechikuru yaiva paBheteri. Hama iyi yaiva nemabasa akawanda anokosha ayaiita paBheteri asi paivakwa imwe Imba yeUmambo, yakazvipira kuenda kunorindira usiku kuitira kuti zvinhu zvisabiwa. Luke anoti: “Ndakadzidza kuti haisi nyaya yekungofunga kuti tinozvininipisa. Kana tichizvininipisa zvechokwadi, tinozviratidza nezvatinoita.” Kungofanana nevaGibhiyoni, tinogona kuratidza kuti tinotenda muna Jehovha nekunyatsovimba naye mazuva ese kuti atibatsire patinosangana nematambudziko. Tinoratidzawo kuti tine kutenda patinozvininipisa toita chero mabasa anenge achida kuitwa musangano raJehovha.

Mifananidzo: Vamwe vari kuzvipira kuita mabasa anoonekwa nevamwe seakaderera. 1. Murume wechiGibhiyoni akatakura chirongo chemvura. 2. Hama yechikuru iri kudyara maruva paImba yeUmambo.

Tevedzera vaGibhiyoni nekubvuma kuita mabasa anoonekwa seakaderera (Ona ndima 7)


MIRIRA JEHOVHA KUTI AGADZIRISE ZVINHU

8. Zvii zvakaitwa naMambo Sauro?

8 VaGibhiyoni vanotaurwa nezvavo zvakare muBhaibheri patopera mazana emakore. Apa pakanga pava panguva yaMambo Sauro. Akaedza kutsakatisa vaGibhiyoni vese vaigara pakati pevanhu vaMwari muIsraeri uye muJudha.b Saka vakawanda vavo vakatourayiwa. (2 Sam. 21:2, 5, 6) Uhwu hwakanga huri utsinye husingaiti. Sauro akaputsa sungano yerugare yaivapo pakati pevaIsraeri nevaGibhiyoni.

9. Nyaya yevaGibhiyoni yakazogadziriswa riini?

9 Jehovha haana kubva atogadzirisa nyaya iyi yevaGibhiyoni panguva yazvakaitika. Asi akatozozviita mumazuva aMambo Dhavhidhi. Jehovha akaita kuti munyika yacho muve nenzara kwemakore matatu. Dhavhidhi paakabvunza kuti nei munyika yacho makanga muine nzara, Jehovha akamuudza kuti akanga akagumbuka nekuti Sauro nevamwe vemuimba yake vakanga vauraya vaGibhiyoni.—2 Sam. 21:1.

10. Maererano na2 Samueri 21:3-6, zvakataurwa nevaGibhiyoni kuna Dhavhidhi zvinoratidza sei kuti vairemekedza Mutemo waMwari?

10 Verenga 2 Samueri 21:3-6. Dhavhidhi akataura nevaGibhiyoni kuti aone kuti zvii zvingaitwa kuti agadzirise mhosva yakanga yaparamurwa naSauro. VaGibhiyoni vaigona kuedza kuda kutopfuma nenyaya iyoyo, asi havana kudaro. Vakapindura Dhavhidhi vachimuudza kuti: “Hatidi sirivha kana goridhe.” Vakadaro nekuti Mutemo waiti “hamufaniri kugamuchira rudzikinuro rweupenyu hwemhondi.” (Num. 35:30, 31) Vaizivawo kuti vaisakwanisa kuuraya munhu vasina mvumo. Saka Dhavhidhi akavapa mvumo yekuti vauraye varume 7 vedzinza raSauro vanogona kunge vakabatanidzwawo pakuuraya vaGibhiyoni. Pava paya, mvura yakazotanga kunaya uye nzara yakapera. Izvi zvairatidza kuti Jehovha akanga asisina kugumbukira vaIsraeri nemhaka yeutsinye hwakanga hwaitirwa vaGibhiyoni.—2 Sam. 21:9, 10, 14.

11. Nyaya iyi inotidzidzisei nezvaJehovha?

11 Nyaya iyi inotidzidzisei nezvaJehovha? Tinodzidza kuti Jehovha ndiMwari anotonga zvakarurama. (Pis. 37:28) Vanhu vakawanda vanowanzobata zvisina kunaka vaya vanobva kune imwe nyika kana kuti vanenge vakasiyana navo. Asi Jehovha anoda kuti vanhu vese vabatwe zvakanaka. Uyewo, vanhu vaMwari vakawanda mazuva ano vanotambudzwa kana kuti vanobatwa zvisina kunaka. Asi Jehovha anovimbisa kuti mune ramangwana, achavapa mubayiro uye havazombotamburi zvakare. Tinodzidzawo kuti Jehovha anotarisira kuti tiite zvatinenge tavimbisa, sekutarisira kwaaingoita kuti vaIsraeri vaite zvavakanga vakavimbisa vaGibhiyoni.—Enzanisa naAmosi 1:9.

12. Tingatevedzera sei vaGibhiyoni patinobatwa zvisina kunaka?

12 Tingatevedzera sei vaGibhiyoni? Kunyange kana tikabatwa zvisina kunaka nehama nehanzvadzi dzedu, tinofanira kuva nemwoyo murefu tomirira Jehovha. Kana tikaita izvozvo, tinenge tichitoratidza kuti tinovimba kuti Jehovha achagadzirisa zvinhu panguva yake yakakodzera. Funga zvakaitika kuna Hanzvadzi Laura French. Vakatanga kushumira paBheteri rekuCanada muna 1926. Pashure pemakore anoda kusvika 10 vari paBheteri, pane zvinhu zvakaipa zvakaitika kwavari. Vakapomerwa kunzi vakanga vabatana neboka revanhu vakanga vakatsauka pakutenda uye izvi zvakaita kuti vabviswe paBheteri. Asi vakaita sei? Vakarwadziwa nezvakanga zvaitika, asi havana kumbobvira vataura zvinhu zvakaipa nezvehama kana kuti sangano. Vakaita makore 4 vachishumira sapiyona. Muna 1940, vakashamiswa uye vakafara zvisingaiti pavakashevedzwa kuti vatangezve kushanda paBheteri. Vakazoshanda paBheteri vakatendeka kwemakore 50 akatevera kusvikira pavakazopedza upenyu hwavo hwepanyika. Sezvakaitika kuna Hanzvadzi French, kana tikabatwa zvisina kunaka, tinofanira kuramba tichiita zvakanaka tichimirira kuti Jehovha agadzirise zvinhu panguva yake yakakodzera.—Isa. 26:3, 4.

RAMBA UCHISHUMIRA JEHOVHA WAKAVIMBIKA

13. “VaNetinimu” vaiva vanaani uye vakaitei vaJudha pavakasunungurwa muBhabhironi?

13 Pashure pemakore anoda kusvika 500 kubva panguva yaMambo Dhavhidhi, vaGibhiyoni vanotaurwa zvakare muBhaibheri. Makore 70 eutapwa muBhabhironi akanga apera uye muna 537 B.C.E., boka rekutanga revaJudha vaiva nhapwa rakadzokera kuJerusarema riina Gavhuna Zerubhabheri. (Ezra 2:1, 2, 58) Muna 468 B.C.E., rimwe boka rakadzokera zvakare riina munyori Ezra. (Ezra 7:1-7) Mapoka aya ese ari maviri aiva madiki asi pakati pavo paiva nemhuri ‘dzevaNetinimu.’ (Ona mashoko emuzasi ari pana Ezra 2:58 uye 7:7.) VaNetinimu vaiva vanaani? Vakanga vari “vashandi kana kuti vashumiri vepatemberi vaisava vaIsraeri,” uye vakawanda vavo vanogona kunge vaiva vaGibhiyoni.—Ona Tsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri pakanzi “VaNetinimu.”

14. VaGibhiyoni vakaratidza sei kuti vakanga vakavimbika kuna Jehovha? (1 Makoronike 9:2 uyewo mashoko emuzasi)

14 Verenga 1 Makoronike 9:2 uyewo mashoko emuzasi. “Vashandi vepatemberi” vaiva pakati pevanhu vakatanga kudzokera kuIsraeri. Vakaratidza kuti vaiva nekutenda kwakakura kutopfuura kwevamwe vaJudha vaiva muBhabhironi. VaJudha vakawanda vakanga vabudirira chaizvo muBhabhironi uye vaisada kusiya zvinhu zvavo kuti vadzokere kunovakazve Jerusarema. Asi vaJudha vakatendeka kusanganisira vaGibhiyoni, vaiva nechido chekudzokera kunotangazve kunamata kwakachena patemberi muJerusarema uye vakasarudza kudzokera kunyange zvazvo zvakanga zvisiri nyore. Kusiyana nevaJudha, vaGibhiyoni vakanga vasina nhaka munyika yeIsraeri. Asi vakadzokera kuti vanoita mabasa avo epatemberi uye kunyange kutobatsira pakuvakazve masvingo eJerusarema.—Neh. 3:26.

15. Nyaya yevaGibhiyoni inotidzidzisei nezvaJehovha?

15 Nyaya iyi inotidzidzisei nezvaJehovha? Inotidzidzisa kuti Mwari anokoshesa chaizvo vashumiri vake vakavimbika uye kuti anoramba achivachengeta. Pashure pekunge Jehovha aponesa vaGibhiyoni panguva yaJoshua, akaramba achivakomborera kwenguva yakareba. VaBhabhironi pavakaparadza Jerusarema, Jehovha akanunura vaGibhiyoni. Uye pavakadzokera kuIsraeri, Jehovha akaramba achishandisa vaGibhiyoni pabasa repatemberi. Vamwe vavo vanofanira kunge vaitogara pedyo netemberi. (Ezra 2:70; Neh. 11:21) Uye nemhaka yebasa ravaiita patemberi, vaGibhiyoni vakanga vasingabhadhari mutero wevanhu, mutero wezvinhu, kana mutero wenzira.—Ezra 7:24.

16. Tingatevedzera sei vaGibhiyoni pakushumira kwatinoita Jehovha?

16 Tingatevedzera sei vaGibhiyoni? Tinofanira kushanda nesimba pakutsigira kunamata kwechokwadi. Dzimwe nguva tinenge tichitofanira kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwedu. Asi tinochinja zvinhu izvozvo nekuti tinoda Jehovha uye tinoda kumufadza. Izvi ndizvo zvakaitwa neimwe hama yekuPhilippines inonzi Alwin. Yaiva nebasa raibhadhara chaizvo pane imwe kambani yaiita zveoiri. Asi Alwin aida kuitira Jehovha zvakawanda. Saka pese paiuya mutariri wedunhu kuungano kwavo, Alwin aitora mazuva kubasa kuitira kuti awane nguva yekuparidzira vhiki iroro uye izvi zvaiita kuti afare zvisingaiti. Saka Alwin akanyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire kuwana rimwe basa raizoita kuti akwanise kushumira sapiyona wenguva dzese. Izvi zvakanga zvisiri nyore nekuti akanga asiri kuzowana basa raizomupa mari yakawanda seyaaiwana. Asi akafara chaizvo paakawana rimwe basa uye akabva atanga kupayona. Mudzimai wake akazobatana naye pakupayona uye vari vaviri vakabatsira vanhu 21 kuti vadzidze chokwadi. Tinoziva kuti Jehovha anofara chaizvo nezvakaitwa naAlwin nemudzimai wake kuitira kuti vakwanise kumushumira. Nesuwo tinoziva kuti Jehovha anokoshesa chero chatinoita kuitira kuti tikwanise kumushumira uye izvi zvinoita kuti arambe achitipa zvatinoda pakurarama.—Mat. 6:33.

17. Tadzidzei kubva pakuongorora zvakaitwa nevaGibhiyoni?

17 Nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvevaGibhiyoni dzinotibatsira kuwedzera kuona kunaka kwakaita Jehovha. NdiMwari anozvininipisa, anonzwira vanhu tsitsi, anotonga zvakarurama uye akavimbika. Anogara achipa mubayiro vaya vanomushumira vakatendeka. Nyaya idzi dzemuBhaibheri dzinewo zvimwe zvidzidzo zvinokosha. Kungofanana nevaGibhiyoni, tinofanira kuva nekutenda kwakasimba muna Jehovha, tichivimba naye kuti achatibatsira zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka muupenyu hwedu. Kutenda ikoko kuchatibatsira kuti tizvininipise, toita chero mabasa atinonzi tiite musangano raJehovha. Uye kana tikabatwa zvisina kunaka, tinoramba tichiratidza mwoyo murefu tichivimba kuti Jehovha achagadzirisa nyaya yacho uye achatipa mubayiro panguva yakakodzera. Uye tinoramba takavimbika kuna Jehovha tichishanda nesimba pakutsigira kunamata kwechokwadi. Dai tikaramba tichiyeuka zvidzidzo izvi zvatawana kubva kuvaGibhiyoni uye dai tikaramba tichivatevedzera.

TINODZIDZEI KUBVA KUVAGIBHIYONI PANYAYA . . .

  • yekuratidza kutenda uye kuzvininipisa?

  • yezvatingaita patinenge tabatwa zvisina kunaka?

  • yekutsigira kunamata kwechokwadi?

RWIYO 148 Jehovha Anoponesa

a Nhume dzakatumirwa nevaGibhiyoni dzaimiririrawo vanhu vekune mamwe maguta matatu evaHivhi anoti: Kefira, Bheeroti neKiriyati-jearimu.—Josh. 9:17.

b Bhaibheri haritiudzi chakaita kuti Sauro auraye vaGibhiyoni. Vamwe vaongorori vanoti Sauro anogona kunge akaita izvi nekuti akanga aine rusarura nevanhu vemamwe marudzi vaigara muIsraeri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe