RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 May pp. 20-25
  • Unokoshesa Zvipo Zvaunopiwa naMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokoshesa Zvipo Zvaunopiwa naMwari Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NYIKA, MUSHA WEDU WAKANAKA
  • UROPI HWEDU HUNOSHAMISA
  • BHAIBHERI​—CHIPO CHINOKOSHA
  • Zvinhu Zvakasikwa Zvinoratidza Kuti Mwari Ariko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Dzakagadzirirwa Kudzidza Nokusingaperi
    Mukai!—2004
  • Mazivire Atinogona Kuita Kuti Kuna Mwari
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Ngatitendei Kunaya Kwemvura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 May pp. 20-25

NYAYA YEKUDZIDZA 21

Unokoshesa Zvipo Zvaunopiwa naMwari Here?

“Chokwadi makaita zvinhu zvizhinji, haiwa Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu anoshamisa mazhinji uye zvamunofunga nezvedu zvakawanda.”​—PIS. 40:5.

RWIYO 5 Mabasa Anoshamisa aMwari

ZVICHADZIDZWAa

1-2. Maererano naPisarema 40:5, Jehovha akatipa zvipo zvipi uye nei tichida kukurukura nezvazvo munyaya ino?

JEHOVHA ndiMwari anopa. Funga zvimwe zvipo zvaakatipa zvinoti: nyika, uropi uye Shoko rake. Zvipo izvi zvitatu zvatakapiwa naJehovha zvinoita kuti tive nepekugara, tikwanise kufunga, kukurukura nevamwe uye tiwane mhinduro dzemibvunzo yatinenge tiinayo.​—Verenga Pisarema 40:5.

2 Munyaya ino tichakurukura nezvezvipo izvi zvitatu. Kufungisisa nezvazvo kuchaita kuti tiwedzere kukoshesa zvipo izvi uye tide kuramba tichifadza Musiki wedu ane rudo, Jehovha. (Zvak. 4:11) Tichakwanisawo kubatsira vaya vanotenda dzidziso yekuti zvinhu zvakaita zvekushanduka.

NYIKA, MUSHA WEDU WAKANAKA

3. Nei nyika yakasiyana nemamwe mapuraneti ese?

3 Uchenjeri hwaMwari hunonyatsooneka pamagadziriro aakaita nyika. (VaR. 1:20; VaH. 3:4) Nyika haisi iyo yega puraneti inotenderera zuva, asi yakasiyana nemamwe mapuraneti pakuti ndiyo yega yakanyatsokodzera kuti vanhu vagare.

4. Nei tingati nyika inopfuura chero ndege ipi zvayo yakagadzirwa nevanhu?

4 Tinogona kufananidza nyika nendege yakazara vanhu iri kubhururuka. Asi nyika yakasiyana chaizvo nendege iyi. Semuenzaniso, vanhu vanenge vari mundege vangararama kwenguva yakareba sei kudai vaizonzi vagadzire vega mhepo yavo yekufema, zvekudya, mvura, uye vasingabvumirwi kurasa marara kunze? Vanhu vacho vaizokurumidza kufa. Asi nyika inokwanisa kuita kuti mabhiriyoni ezvisikwa arambe achirarama. Inotipa mhepo yekufema, zvekudya, mvura, uye zvinhu izvi hazvimbofi zvakapera. Kunyange zvazvo marara ayo asina kumwe kwaanoendeswa, nyika inoramba yakanaka uye ichigarika. Izvozvo zvinokwanisika sei? Jehovha akasika nyika kuti ikwanise kuchinja marara kuti ave zvinhu zvinogona kushandiswazve. Tichakurukura kuti uchenjeri hwaJehovha hunooneka sei pazvinhu zvakadai semhepo yatinofema (oxygen) uye pamafambiro anoita mvura kuti izonaya.

5. Zvinofamba sei kuti tizowana oxygen uye izvi zvinoratidzei?

5 Oxygen imhepo inoita kuti vanhu nemhuka zvikwanise kuramba zvichirarama. Zvinofungidzirwa kuti gore rega rega, zvinhu zvipenyu zvinofema mabhiriyoni ematani eoxygen, zvichibudisawo mhepo inonzi carbon dioxide. Asi oxygen haimbofi yakapera panyika uye carbon dioxide haimbofi yakawandisa. Sei zvakadaro? Nekuti Jehovha akasikawo zvimwe zvinhu zvakadai semiti netumwe tunhu tudiki, izvo zvinofema carbon dioxide zvichibudisawo oxygen. Izvi zvinoratidza kuti mashoko akanyorwa pana Mabasa 17:24, 25 ndeechokwadi ekuti: “Mwari . . . anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema.”

6. Zvinofamba sei kuti mvura izonaya, uye izvozvo zvinoratidzei? (Onawo bhokisi rakanzi, “Mvura, Chipo Chatakapiwa naJehovha.”)

6 Panyika panoramba paine mvura nekuti nyika yakaiswa padaro rakanyatsokodzera kubva kuzuva. Kudai yaizoswedera pedyo zvishoma nezuva, mvura yese yaizopwa, posara pasina kana chinhu chipenyu. Kudai nyika yaiva kure zvishoma nezuva, mvura yese yaizooma kuita chando, nyika yese yobva yava zigodo rechando. Jehovha akaisa nyika panzvimbo iyi yakakodzera, uye izvi zvinoita kuti mvura irambe ichitenderera panyika ichiraramisa zvinhu zvipenyu. Zuva rinopisa mvura yemumakungwa nepanyika, yokwira mudenga youmba makore. Mvura iyi inoramba iri mudenga kwemazuva anenge 10 isati yanaya. Inozodzokera munzizi nemumakungwa, uye inongoramba ichitenderera saizvozvo. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha ndiMwari akachenjera uye ane simba.​—Job. 36:27, 28; Mup. 1:7.

Mvura, Chipo Chatakapiwa naJehovha

Mifananidzo: Kutenderera kunoita mvura. 1. Kupisa kwezuva kunoita kuti mvura isimuke ichibva mugungwa youmba makore. 2. Mvura iri kunaya kubva mumakore ichienda pasi. 3. Mvura ichidzokera kugungwa.
  • Murimi anotarisa mudenga mvura zvairi kunaya.

    MICHERO, MIRIWO UYE MARUVA

    Mvura inonaya inoita kuti zvirimwa zvikure kuti tiwane zvekudya. Miti yakawanda inoitawo maruva anoyevedza

  • Munhu ari kutora mifananidzo yemapopoma uye makomo.

    KUYEVEDZA UYE KUFADZA

    Nzizi, madziva, uye mapopoma zvinoita kuti nyika iyevedze uye ifadze

  • Murume ari kuomesa mvura yatorwa mugungwa kuti awane munyu.

    ZVIMWEWO ZVATINOBATSIRWA NEMVURA

    Kutenderera kunoita mvura kunewo zvimwe zvakunobatsira. Semuenzaniso, mvura inenge yatorwa mugungwa painopwa, panosara munyu

  • Mukadzi ari kunwa mvura.

    ZVATINOISHANDISA MAZUVA ESE

    Tinonwa mvura, uye tinoishandisa kugadzira zvimwe zvinwiwa zvakadai semaheu, tii, uye kofi. Tinoshandisawo mvura pakubika, pakugeza, nepakuitawo mamwe mabasa

7. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo chatakapiwa chinotaurwa pana Pisarema 115:16?

7 Chii chingatibatsira kuti tikoshese nyika nezvinhu zvese zviri pairi? (Verenga Pisarema 115:16.) Imwe nzira ndeyekufungisisa zvinhu zvakasikwa naJehovha. Izvi zvichaita kuti titende Jehovha zuva nezuva pamusana pezvinhu zvaanotipa. Uye tichaita zvese zvatinogona kuti nzvimbo yatinogara irambe yakachena.

UROPI HWEDU HUNOSHAMISA

8. Nei tichiti uropi hwedu hwakagadzirwa nenzira inoshamisa?

8 Uropi hwemunhu hunoshamisa. Pawaiva mudumbu raamai, uropi hwako hwakatanga kuumbika zvakarongeka, uye paminiti yega yega paiumbwa zvimwe zviuru zvemasero europi. Vanotsvakurudza vanoti uropi hwemunhu mukuru hune masero anoda kusvika 100 bhiriyoni. Masero aya ndiwo anoumba uropi hwedu uhwo hunorema inenge 1.5 kg. Ngationei zvinhu zvishomanana zvinoitwa neuropi hwemunhu.

9. Chii chinokuratidza kuti kukwanisa kutaura chipo chinobva kuna Mwari?

9 Kukwanisa kutaura kunoshamisa. Chimbofunga zvinoitika patinenge tichitaura. Pese paunotaura shoko rimwe chete, uropi hwako hunoita kuti tsandanyama dzinosvika 100 dziri parurimi, pahuro, pamiromo, pashaya nemuchipfuva dzishande pamwe chete. Tsandanyama dzese idzodzo dzinofanira kufamba zvakarongeka kuitira kuti mashoko aunotaura anzwisiswe. Imwe ongororo yakabuda muna 2019 inoratidza kuti vana vacheche vanokwanisa kubata mamwe mashoko avanonzwa. Ongororo iyi inotsigira zvinofungwa nevatsvakurudzi vakawanda kuti tinoberekwa tichikwanisa kuziva mutauro uye kuudzidza. Saka kukwanisa kutaura chipo chinobva kuna Mwari.​—Eks. 4:11.

10. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo chekutaura chatakapiwa naMwari?

10 Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinokoshesa chipo chekutaura ndeyekutsanangura kuti nei tichiti Mwari ndiye akasika zvinhu zvese kune vaya vanotenda kuti zvinhu zvakaita zvekushanduka. (Pis. 9:1; 1 Pet. 3:15) Vaya vanotsigira dzidziso iyi vanoda kuti vanhu vabvume kuti nyika nezvinhu zvipenyu zvese zviri pairi zvakangoerekana zvavapo. Kana tikashandisa Bhaibheri nedzimwe pfungwa dzatakurukura munyaya ino, tinogona kutaura tichimiririra Baba vedu vekudenga, uye kutsanangura kuti nei tiine chokwadi chekuti Jehovha ndiye Musiki wedenga nenyika kune vaya vanoda kunzwa.​—Pis. 102:25; Isa. 40:25, 26.

11. Ndechipi chimwe chikonzero nei pfungwa dzedu dzichishamisa?

11 Kukwanisa kwatinoita kuyeuka zvinhu zvakawanda kunoshamisa. Mumwe munyori wekare akati pfungwa dzemunhu dzinogona kuyeuka mashoko anokwana mumabhuku anosvika mamiriyoni 20. Asi iye zvino pfungwa dzedu dzinofungidzirwa kuti dzinogona kuyeuka zvinhu zvakatowanda kupfuura ipapo. Sezvo tichigona kuyeuka zvinhu zvakawanda kudaro, zvii zvatinokwanisa kuita?

12. Kukwanisa kudzidza mararamiro atinofanira kuita kunotisiyanisa sei nemhuka?

12 Pazvisikwa zvese zviri panyika, vanhu chete ndivo vanokwanisa kudzidza mararamiro avanofanira kuita nekuti vanogona kuyeuka uye kuongorora zvakaitika kare. Izvi zvinoita kuti tikwanise kudzidza kuva vanhu vane tsika dzakanaka, tochinja mafungiro nemararamiro edu. (1 VaK. 6:9-11; VaK. 3:9, 10) Tinogona kudzidzisa hana yedu kuti isiyanise zvakanaka nezvakaipa. (VaH. 5:14) Tinogona kudzidza kuda vamwe uye kuvanzwira tsitsi. Uye tinogona kudzidza kubata vamwe zvakanaka sezvinoita Jehovha.

13. Maererano naPisarema 77:11, 12, tinofanira kushandisa sei chipo chatakapiwa chekukwanisa kuyeuka?

13 Imwe nzira yatinoratidza nayo kuti tinokoshesa chipo chekukwanisa kuyeuka ndeyekuedza kugara tichiyeuka pese patakabatsirwa uye patakanyaradzwa naJehovha. Izvi zvichaita kuti tive nechivimbo chekuti achatibatsirawo mune ramangwana. (Verenga Pisarema 77:11, 12; 78:4, 7) Imwe nzira ndeyekuyeuka zvinhu zvakanaka zvatinoitirwa nevamwe uye kuvatenda nezvavanenge vatiitira. Vamwe vaongorori vakaona kuti kakawanda kacho vaya vanotenda zvavanenge vaitirwa vanogara vachifara. Zvakanakawo kuti titevedzere Jehovha pakusarudza kwaanoita kukanganwa zvimwe zvinhu. Semuenzaniso, Jehovha anogona kuyeuka zvese zvatinoita, asi kana tikapfidza zvivi zvedu, anosarudza kutiregerera, obva azvikanganwa. (Pis. 25:7; 130:3, 4) Uye ndizvo zvaanoda kuti tiitirewo vamwe pavanoita zvikanganiso zvinotirwadza.​—Mat. 6:14; Ruka 17:3, 4.

Mifananidzo: 1. Hanzvadzi iri kudzidza chiHindi ichishandisa bhuku nemakadhi anoshandiswa pakudzidza mumwe mutauro. 2. Hanzvadzi iri kuparidzira mukadzi wekuIndia pamusika ichishandisa bhurocha ‘raMashoko Akanaka.’

Tinoratidza kuti tinokoshesa chipo chatakapiwa cheuropi nekuchishandisa kukudza Jehovha (Ona ndima 14b

14. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa chipo chinoshamisa cheuropi?

14 Tinogona kuratidza kuti tinokoshesa chipo chinoshamisa cheuropi nekuhushandisa pakukudza Mwari, uyo akatipa. Vamwe vanoshandisa pfungwa dzavo kuti vangoita zvakavanakira vachida kuzvisarudzira vega zvavanoti ndizvo zvakanaka kana kuti zvakaipa. Asi sezvo Jehovha ari iye akatisika, zvine musoro kuti tibvume kuti zvaanotiudza zvakanaka kupfuura zvatinoda. (VaR. 12:1, 2) Patinomuteerera, tinova nerugare muupenyu hwedu. (Isa. 48:17, 18) Uye tinobva tanyatsonzwisisa zvinodiwa naJehovha kuti tiite patinenge tichiri vapenyu. Anoda kuti timukudze uye tiite zvinomufadza.​—Zvir. 27:11.

BHAIBHERI​—CHIPO CHINOKOSHA

15. Kupiwa kwatakaitwa Bhaibheri kunoratidza sei kuti Jehovha anotida?

15 Bhaibheri chipo chatakapiwa naMwari. Baba vedu vekudenga vakatipa Bhaibheri nekuti vanotida chaizvo. Achishandisa Bhaibheri, Jehovha anopindura mibvunzo inokosha zvikuru yatingabvunza yakadai sekuti: Vanhu vakabva kupi? Mwari akasikirei vanhu? Chii chichaitika mune ramangwana? Jehovha anoda kuti vana vake vese vazive mhinduro dzemibvunzo iyi, saka akaita kuti vanhu vashandure Bhaibheri kuti rive mumitauro yakawanda. Mazuva ano Bhaibheri rakazara, kana kuti chikamu charo, rinowanika mumitauro inopfuura 3 000. Bhaibheri ndiro bhuku rakashandurwa zvakanyanya uye ndiro rinowanika nevanhu vakawanda kupfuura mamwe mabhuku. Vakawanda vane mukana wekudzidza Bhaibheri nemutauro waamai pasinei nekwavanogara uye kuti vanotaura mutauro upi.​—Ona bhokisi rakanzi “Kuita kuti Bhaibheri Riwanike Mumitauro yemuAfrica.”

Kuita kuti Bhaibheri Riwanike Mumitauro yemuAfrica

Pakasvika gore ra1800, maBhaibheri akaprindwa kana kuti zvikamu zvawo aiwanika mumitauro inenge 70, asi pamitauro iyoyo paingova nemishoma inotaurwa muAfrica. Panguva iyoyo, mimwe mitauro yemuAfrica yakanga isati yava kuita zvekunyorwa. Vanhu vakadai saWilliam Boyce wekuEngland, pavakaenda kuAfrica, zvinhu zvakazochinja. Vakanogara nevanhu vaitaura mitauro yainge isati yava kuita zvekunyorwa. Boyce akabatsira pakunyora mutauro weXhosa. Iye nevamwe vanhu vakashandura Evhangeri yaRuka mumutauro iwoyo. Evhangeri iyi yakabudiswa muna 1833, uye yaiva nezita raMwari munzvimbo dzese dzarava kuwanika muShanduro yeNyika Itsva. Boyce akakwanisawo kunzwisisa mitemo yakaoma yegirama reXhosa nemimwewo mitauro yevanhu vemuAfrica. Izvi zvakaita kuti vashanduri vakwanise kubudisa maBhaibheri mune mimwe mitauro yakawanda yemuAfrica. Mazuva ano, Bhaibheri rakazara kana kuti zvikamu zvaro, rava kuwanika mumitauro yemuAfrica inopfuura 1 000. Zviri pachena kuti Jehovha anoda kuti vanhu vanobva mumarudzi ese vawane chipo ichi.​—Mab. 10:35.

Hama nehanzvadzi dzakabata ‘Shanduro Yenyika Itsva’ ichangobva kubudiswa muchiXhosa.

Muna 2019, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yakabudiswa muchiXhosa, uyo uri mumwe wemitauro inopfuura 180 inowanika shanduro iyi yakazara kana kuti muzvikamu

16. Maererano naMateu 28:19, 20, tingaratidza sei kuti tinokoshesa Bhaibheri?

16 Tinoratidza kuti tinokoshesa Bhaibheri nekuriverenga zuva nezuva, kufungisisa zvatinenge tadzidza uye kuedza nepatinogona napo kuzvishandisa. Uyewo tinoratidza kuti tinotenda Mwari nekuita zvese zvatinogona kuti tiudze vakawanda zvinotaurwa neBhaibheri.​—Pis. 1:1-3; Mat. 24:14; verenga Mateu 28:19, 20.

17. Takurukura nezvezvipo zvipi munyaya ino, uye tichakurukura nezvei mune inotevera?

17 Kusvika pari zvino takurukura zvipo zvatakapiwa naMwari zvinoti: nyika, uropi uye Shoko rake. Asi tinewo zvimwe zvipo zvatakapiwa naJehovha zvatisingakwanisi kuona nemaziso edu. Izvozvo ndizvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

TINGARATIDZA SEI KUTI TINOKOSHESA . . .

  • nyika, musha wedu?

  • uropi hwedu?

  • Bhaibheri?

RWIYO 12 Mwari Mukuru, Jehovha

a Nyaya ino ichatibatsira kuti tikoshese Jehovha uye zvipo zvitatu zvaakatipa. Ichatibatsirawo kuti tikwanise kukurukura nevanhu vasingatendi kuti Mwari ariko.

b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iri kudzidzira mutauro wekune imwe nyika kuti ikwanise kudzidzisa Bhaibheri vanhu vanenge vatamira munyika mainogara.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe