RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w20 March p. 30
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Mafashamo Kusvikira Kununurwo muEgipita
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Egipita Yakare—Rokutanga Ramasimba Makuru Enyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mosesi—Munhu Chaiye Here Kana Kuti Wokufungidzira?
    Mukai!—2004
  • Mhuri Inotamira Egipita
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
w20 March p. 30
Josefa achienda kuIjipiti nevaMidhiyani.

Waizviziva Here?

Uchapupu hupi husiri muBhaibheri hunoratidza kuti vaIsraeri vaiva varanda muIjipiti?

Bhaibheri rinotiudza kuti pashure pekunge vaMidhiyani vaenda naJosefa kuIjipiti, Jakobho nemhuri yake vakazobvawo muKenani vakaenda kuIjipiti. Vakanogara munharaunda yeIjipiti yainzi Gosheni, iri pedyo nepanosangana Rwizi rwaNire negungwa. (Gen. 47:1, 6) VaIsraeri “vakaramba vachiwedzera zvikuru, uye vachiva nesimba.” Saka vaIjipiti vakatanga kutya vaIsraeri uye vakavamanikidza kuti vave varanda.​—Eks. 1:7-14.

Vamwe vanoshora Bhaibheri vanoti nyaya iyi ingano. Asi pane uchapupu hunoratidza kuti vanhu vedzinza raShemua vakambova varanda muIjipiti.

Vanoongorora matongo vakawana matongo aigarwa nevanhu makarekare, nechekuchamhembe kweEgypt. Mumwe muongorori weBhaibheri anonzi John Bimson akati pane uchapupu hwenzvimbo 20 kana kupfuura dzaigarwa nevanhu vekwaShemu nechekuchamhembe kweEgypt. Uyewo, James K. Hoffmeier uyo anoongorora nhoroondo yeEgypt akati: “Kubva munenge muna 1800 kusvika muna 1540 B.C., vanhu vedzinza raShemu vekumadokero kweAsia vaifarira kutamira kuEgypt.” Anowedzera kuti: “Nguva iyi inofungidzirwa kuti ndiyo yakararamawo madzitateguru evaIsraeri, uye ndiyo nguva yenhoroondo dzatinoverenga muna Genesisi.”

Pane humwe uchapupu hwakawanika nechekumaodzanyemba kweEgypt. Rimwe gwaro rinofanira kunge rakanyorwa mumakore ari pakati pa2000 na1600 B.C.E rine mazita evaranda vaishanda pane mumwe musha nechekumaodzanyemba kweEgypt. Pamazita arimo, anopfuura 40 acho ndeevanhu vekwaShemu. Varanda ivavo kana kuti vashandi, vaiita mabasa ekubika, kuruka, nemamwewo akaoma. Hoffmeier ambotaurwa anoti: “Sezvo vanhu vanopfuura 40 vekwaShemu vaishanda pamusha mumwe chete wemuThebaid [kumaodzanyemba kweEgypt], nhamba yevaranda vaiva muEgypt yese inofanira kunge yakanga yakakura chaizvo, kunyanya kunharaunda iri pedyo nepanosangana Rwizi rwaNire negungwa.”

David Rohl uyo anoongorora matongo akanyora kuti mamwe mazita evaranda vacho “akada kufanana neari muBhaibheri.” Semuenzaniso, zvinyorwa zvacho zvine mazita akafanana neakadai saIsakari, Asheri, naShifra. (Eks. 1:3, 4, 15) “Uhwu uchapupu huri pachena hwekuti vaIsraeri vaiva varanda muEgypt,” anodaro Rohl.

Bimson akati: “Zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuva varanda muEgypt uye yekubudamo zvinotsigirwa neuchapupu hwakasimba hwezvinhu zvekare.

a Vanhu vedzinza raShemu vazukuru vemwanakomana waNoa ainzi Shemu. Vanofanira kunge vaisanganisira vaEramu, vaAsiriya, vaKadheya, vaHebheru, vaSiriya uye marudzi akasiyana-siyana ekuArabia.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe