RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp19 nha. 2 p. 3
  • Paunonzwa Sekuti Hauchagoni Kutsungirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paunonzwa Sekuti Hauchagoni Kutsungirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Paunoona Sekuti Hauchagoni Kutsungirira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Paunofirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Kana Pakaitika Njodzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Ungaitei Kana Wawirwa Netsaona?
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
wp19 nha. 2 p. 3
Mukadzi ari kuchema ari kubasa

Paunonzwa Sekuti Hauchagoni Kutsungirira

UPENYU hunonakidza kana usina dambudziko rauinaro. Asi ukasangana nematambudziko unogona kusvika pakunzwa sekuti hauchagoni kutsungirira.

Mumwe mukadzi wekuUnited States anonzi Sally,a akarasikirwa nezvinhu zvake zvese pakaitika dutu. Anoti: “Ndakaita mazuva akawanda ndichinzwa kuti handichakwanisi kutsungirira.”

Rimwe dambudziko nderekufirwa. Mumwe mukadzi wekuAustralia anonzi Janice, anoti: “Vana vangu vese vaviri pavakashaya, upenyu hwangu hwakaita sevhasi remaruva rapwanyika kuita mapisi mapisi. Ndakakumbira Mwari ndichiti: ‘Ini handichazvigoni! Chingondiregai hangu ndife ndizorore.’”

Kana wawakaroorana naye akatanga kudanana nemumwe munhu unorwadziwa chaizvo. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Daniel. Anoti: “Mudzimai wangu paakandiudza kuti anga achidanana nemumwe murume, ndakanzwa sendabayiwa nebanga pamwoyo. Zvairamba zvichindirwadza uye zvakatora mwedzi yakawanda.”

Magazini ino icharatidza kuti pane chikonzero chekuti urarame kunyange kana

  • Pakaitika njodzi

  • Ukafirwa

  • Wawakaroorana naye akadanana nemumwe munhu

  • Uchirwara zvakanyanya

  • Ukagumirwa neupenyu

Iye zvino, ngatitangei nekuona zvatingaita kana pakaitika njodzi?

a Mamwe mazita ari mumagazini ino akachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe