RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 5 p. 3
  • Ngirozi—Dzinogona Kukubatsira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngirozi—Dzinogona Kukubatsira Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Une Ngirozi Inokuchengeta Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Ngirozi—Ko Dzinotapura Upenyu Hwako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ngirozi—“Midzimu Yebasa Rinoitirwa Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 5 p. 3
Murume nemudzimai vari kushandisa Bhaibheri kunyaradza mumwe mukadzi

NYAYA IRI PAKAVHA | NGIROZI​—DZIRIKO HERE? KUZVIZIVA KUNOBATSIREI?

Ngirozi​—Dzinogona Kukubatsira Here?

Rimwe zuva uri musi weSvondo masikati, Kenneth nemudzimai wake Filomena vekuCuraçao, vakaenda kunoona mumwe murume nemukadzi vavaidzidzisa Bhaibheri.

Kenneth anoti, “Patakasvika pamba pavo takawana pakakiyiwa uye mota yavo isipo. Asi mwoyo wangu wakangonditi fonera mukadzi wacho.”

Mukadzi wacho akadaira foni achibva avaudza kuti murume wake ari kubasa. Asi paakaziva kuti Kenneth naFilomena vakanga vari panze, akabva auya kuzovhura dhoo akavati vapinde.

Vakakurumidza kuona kuti anga achichema. Kenneth paainyengetera kuti vatange kudzidza, mukadzi uyu akabva atangazve kuchema. Saka vakabva vamubvunza kuti chii chakanga chiri kuitika.

Mukadzi wacho akavaudza kuti anga ari kuda kuzviuraya, uye pakafona Kenneth akanga achitonyorera murume wake tsamba yekuti nei ari kuzviuraya. Akavaudza kuti aiva nechirwere chedepression, saka vakabva vatanga kumuverengera mavhesi anonyaradza ari muBhaibheri. Zvavakaita izvozvo zvakatomuponesa.

Kenneth anoti, “Tinotenda Jehovha nekutitungamirira kuti tibatsire mukadzi uyu pane zvakanga zvichimunetsa. Hatizivi hedu kuti akashandisa ngirozi here kana kuti mweya mutsvene!”a

Kenneth naFilomena vangati ndiMwari here akapindira achishandisa ngirozi kana kuti mweya wake mutsvene, kana kuti zvakangoitikawo?

Hatinyatsoziva. Asi chatinoziva ndechekuti Mwari anoshandisa ngirozi dzake kuti dzibatsire vanhu panyaya dzekunamata. Semuenzaniso, Bhaibheri rinoti Mwari akashandisa ngirozi kutungamirira muevhangeri Firipi kunobatsira mukuru mukuru wekuItiopiya akanga achida kubatsirwa kunzwisisa Shoko raMwari.—Mabasa 8:26-31.

Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti Mwari ane dzimwe ngirozi dzaanotuma kuti dzibatsire vanhu uye kuti munhu mumwe nemumwe ane ngirozi yake inomuchengeta. Vakawanda vanoti ngirozi dziriko uye dzinovabatsira muupenyu. Asiwo vamwe vanoti hakuna chinonzi ngirozi.

Ngirozi dziriko here? Kana dziriko, dzakabvepi? Dzinogona kukubatsira here? Mhinduro dzechokwadi tingadziwana kupi? Verenga nyaya inotevera unzwe.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.​—Pisarema 83:18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe