Swedera Pedyo naMwari
“Tinokumbirawo Kudzoka Kumba”
Waimboshumira Jehovha here? Uri kufunga nezvekumushumira zvakare asi usina chokwadi kana achiri kukuda here? Tapota nyatsoverenga nyaya ino neinotevera. Nyaya idzi dzakanyorwa pachinyanya kufungwa nezvemunhu akaita sewe.
“NDAKANYENGETERA kuna Jehovha ndichimukumbira kudzoka kwaari uye kuti andiregerere nokumurwadzisa kwandakaita.” Izvi ndizvo zvakataurwa nemumwe mukadzi akanga ambotsauka zvachose pamararamiro echiKristu aakadzidziswa achiri muduku. Haumunzwiri tsitsi here? Unombofunga here nezvokuti, ‘Mwari anoona sei vanhu vaimbomushumira? Anovayeuka here? Anoda kuti “vadzoke kumba here”?’ Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, ngatimboongororai mashoko akanyorwa naJeremiya. Tine chokwadi chokuti uchabayiwa mwoyo nemhinduro dzacho.—Verenga Jeremiya 31:18-20.
Chimbofunga mamiriro akanga akaita zvinhu Jeremiya paakanyora mashoko iwayo. Muna 740 B.C.E., pachine makumi emakore Jeremiya asati aberekwa, Jehovha akarega madzinza gumi eumambo hwaIsraeri achitapwa nevaAsiriya.a Mwari akavarega vachiwirwa nedambudziko iri nokuti vakanga vaita zvivi zvakakomba, vasingadi kuteerera nyevero yaigara ichipiwa nevaprofita vake. (2 Madzimambo 17:5-18) Kutambura kwavakaita pavainge vakatapwa, vasisina ukama hwakanaka naMwari uye vari kure nokumusha kwavo, kwakaita kuti vachinje mafungiro avo here? Jehovha akabva avakanganwa zvachose here? Aizovakanganwira oita kuti vadzoke kunyika yavo uye vave noukama naye here?
“Ndakazvidemba”
Vanhu vacho pavainge vakatapwa vakazopengenuka vachibva vapfidza. Jehovha akaona kuti vakanga vapfidza nemwoyo wose. Inzwa Jehovha achirondedzera mafungiro uye manzwiro aiva nevaIsraeri vakanga vakatapwa avo vainziwo Efremu.
“Ndakanzwa Efremu achizvichema,” anodaro Jehovha. (Ndima 18) Jehovha akanzwa vaIsraeri vachizvidemba nenhamo yavakanga vazviparira nokutadza kwavaiita. Imwe nyanzvi inoti shoko rokuti “achizvichema” rinogona kureva “kubvunda kana kuti kudedera.” VaIsraeri vaiita semwanakomana akapanduka anodzungudza musoro wake achizvidemba achifunga matambudziko aakazvikoromorera ukuwo achisuwa upenyu hwaaimborarama achiri kumba. (Ruka 15:11-17) Vanhu vacho vaichema vachiti kudii?
“Makandiruramisa . . . semhuru isina kurovedzwa.” (Ndima 18) VaIsraeri vakabvuma kuti vaifanira kurangwa. Vakanga vachiita semombe isati yapingudzwa. Rimwe duramanzwi rinoti fananidzo iyi inogona kureva kuti vakanga vachiita semhuru “ingadai isina kumbobayiwa nechibayiso kudai yakanga isina kuvhizura joko.”
“Ndidzosei uye ndichakurumidza kudzoka, nokuti ndimi Jehovha Mwari wangu.” (Ndima 18) Sezvo vakanga vaninipiswa, vakatanga kushevedzera kuna Mwari. Vakanga varasika vachiita zvakaipa asi panguva iyi vakanga vava kuchemera kubatsirwa kuti vavezve noukama naMwari. Rimwe Bhaibheri rinoti pandima iyi: “Muri Mwari wedu—tinokumbirawo kudzoka kumba.”—Contemporary English Version.
“Ndakazvidemba. . . . Ndakanyara, ndakanzwa ndaninipiswa.” (Ndima 19) VaIsraeri vakazvidemba nokutadza kwavakanga vaita. Vakabvuma mhosva yavo uye vainyara zvokushaya pokupinda nemhaka yezvavakaita.—Ruka 15:18, 19, 21.
VaIsraeri vakapfidza. Vakashungurudzika chaizvo vachibva vareurura zvivi zvavo kuna Mwari ndokurega zvakaipa zvavo. Izvi zvaizoita kuti Mwari avakanganwire here? Aizoita kuti vadzoke kumba here?
“Chokwadi Ndichamunzwira Tsitsi”
Jehovha aida vaIsraeri chaizvo. Akati: “Ndava Baba vaIsraeri; uye Efremu ndiye dangwe rangu.” (Jeremiya 31:9) Baba vane rudo havangambotadzi kuregerera mwanakomana wavo anenge achiratidza kuti ari kuzvidemba chaizvo nezvaakaita. Ona kuti Jehovha saBaba anotsanangura sei manzwiro aanoita nezvevanhu vake.
“Efremu mwanakomana anokosha kwandiri, kana kuti mwana anodiwa here? Nokuti kusvikira pakutaura kwangu ndichipesana naye ndichamuyeukazve.” (Ndima 20) Mashoko iwayo anoratidza kunzwira tsitsi zvikuru. Semubereki ane rudo uye anoda zvakarurama, Mwari akanga achitofanira kutaura ‘achipesana’ nevana vake, achivanyevera avanyeverazve nezvezvivi zvavaiita. Pavakaramba nemaune kuteerera akavarega vachitapwa, zvichiita sokuti akavadzinga pamba. Asi kunyange zvazvo akavaranga, haana kuvakanganwa. Haaizombofa akaita chinhu chakadaro. Baba vane rudo havambokanganwi vana vavo. Jehovha akanzwa sei paakaona kuti vana vake vaiva vapfidza zvechokwadi?
“Naizvozvo mwoyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha.” (Ndima 20, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Jehovha aisuwa vana vake chaizvo. Akabayiwa mwoyo nokupfidza kwavakaita nemwoyo wose saka aida chaizvo kuti vadzoke kwaari. Sezvakaitwa nababa vomumufananidzo waJesu wemwanakomana anopambadza, Jehovha ‘akasiririswa’ uye aida kuti vana vake vadzoke kumba.—Ruka 15:20.
“Jehovha Ndokumbirawo Kudzoka Kumba!”
Mashoko ari pana Jeremiya 31:18-20 anotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha ane tsitsi nengoni. Mwari haakanganwi vanhu vakambomushumira. Ko kana vanhu ivavo vava kuda kudzoka kwaari? Mwari ‘akagadzirira kuvakanganwira.’ (Pisarema 86:5) Haambofi akaramba kutambira vaya vanopfidza vodzoka kwaari. (Pisarema 51:17) Asi anotovatambira nemaoko maviri.—Ruka 15:22-24.
Mukadzi uya ambotaurwa panotangira nyaya ino ndiye akatanga kutora danho rokudzoka kuna Jehovha paakashanyira ungano yeZvapupu zvaJehovha iri kwaanogara. Pakutanga aifanira kurwisana nokuzvitarisira pasi kwaaiita. Anoti: “Ndaiona sokuti handitombobatsiri zvachose.” Asi vakuru veungano vakamukurudzira uye vakamubatsira kuti asimbezve pakunamata. Kuratidza kuti anoonga nomwoyo wose anoti, “Zvinondifadza chaizvo kuti Jehovha akandibvumira kuti ndidzoke kumba.”
Kana waimboshumira Jehovha uye wava kuda kumushumirazve, tinokukumbira kuti ushanyire ungano yeZvapupu zvaJehovha iri kwaunogara. Yeuka kuti Jehovha anonzwira tsitsi vanhu vanenge vapfidza pavanomukumbira vachiti, “Tinokumbirawo kudzoka kumba.”
Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna April:
[Mashoko Omuzasi]
a Muna 997 B.C.E., pachine mazana emakore izvi zvisati zvaitika, vaIsraeri vakapatsanurwa kuva umambo huviri. Humwe hwacho hwainzi umambo hwokumaodzanyemba hwemadzinza maviri aJudha. Humwe hwacho hwainzi umambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi aIsraeri, kana kuti Efremu, nokuti ndiro dzinza raiva nesimba kudarika mamwe ose.