Waizviziva Here?
Mwari aiona sei tsika yokuti vaIsraeri vafembere vachishandisa nyeredzi?
Rimwe duramanzwi rinotsanangura kuti kana munhu achinamata nyeredzi “anenge achidzidza nezvemafambiro anoita mapuraneti, zuva, mwedzi, uye nyeredzi achidavira kuti mafambiro azvinoita ane zvaanoreva muupenyu hwevanhu.” Sezvo nyika ichitenderera zuva gore rimwe nerimwe, mapoka enyeredzi anoita seanenge achichinja mamiriro awo nokuti nyika inenge yafamba. Kubvira kare, vanhu vaiongorora kuchinja uku uye vaiti zvine zvazvinoreva.
Kunamata nyeredzi kunogona kunge kwakatanga nevaBhabhironi vekare, nokuti vainamata nyeredzi uye mapoka enyeredzi. Manamatiro aya akatevedzerwawo nevaIsraeri pavakanga vatsauka pakunamata kwechokwadi. Panguva yaMambo wechiJudha Josiya, kunamata nyeredzi kwakanga kwazara munyika yacho. Maonero aMwari nezvenyaya yacho akanga akajeka. Mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Mutemo waMosesi waiti munhu ainamata nyeredzi aifanira kuurayiwa.—Dheuteronomio 17:2-5.
Chimwe chinhu chakagadziriswa naMambo Josiya pamanamatiro aiita vaJudha kwaiva kurambidza kupa zvibayiro ku“zuva nomwedzi nemapoka enyeredzi dzokudenga neuto rose rokumatenga.” Bhaibheri rinoti mambo akaita izvi nokuti aida ‘kutevera Jehovha uye kuchengeta mirayiro yake.’ (2 Madzimambo 23:3-5) Izvi zvinosiya muenzaniso wakanakirawo vanhu vari kurarama nhasi vanoda kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.”—Johani 4:24.
“Vanakomana vaZeusi” vanotaurwa pana Mabasa 28:11 vaiva vanaani?
Bhuku reBhaibheri reMabasa rinotaura kuti Pauro paaienda kuRoma, paaibva kuMarita achienda kuPuteori, akakwira ngarava yaiva nemifananidzo yakavezwa miviri yevanhu yainzi “Vanakomana vaZeusi” yaiva mberi kwengarava yacho. (Mabasa 28:11) Mifananidzo iyi yaishandiswa zvikuru nevaifambisa ngarava uye vashanyi vekare.
Maererano nengano dzechiGiriki uye dzokuRoma, Zeusi (ainziwo Jupita) naLeda vaiva nemapatya, ainzi Castor naPollux. “Vanakomana vaZeusi” vacho vaionekwawo sevafambisi vengarava vaiva nesimba rokudzora mhepo nemadutu. Saka vakatanga kunamatwa sevanamwari vaichengetedza vatyairi vengarava. Vafambi vaipa zvibayiro kwavari vachikumbira kuchengetedzwa pamadutu. Vakawanda vaidavira kuti mapatya aya aizviratidza iwo nesimba rawo mukamoto kanowanzopfuta pamatanda emaseiri engarava kana kuine dutu.
VaGiriki nevaRoma vakawanda vainamata Castor naPollux, uye rimwe bhuku rekare rinotaura kuti vainamatwawo muruwa rwakapoteredza Kurini, kuNorth Africa. Ngarava inotaurwa muna Mabasa yaibva pedyo kuArekizandriya yaiva muIjipiti.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Dombo Rokubhabhironi Rina Mambo Nazimaruttash Nemapoka Enyeredzi
[Mufananidzo uri papeji 9]
Dhinari rine mufananidzo we“vanakomana vaZeusi,” 114-113 B.C.E.
[Vakatipa mifananidzo iri papeji 9]
Stela: Réunion des Musées Nationaux/Art Resource, NY; coin: Courtesy Classical Numismatic Group, Inc./cngcoins.com