RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 1/1 p. 18
  • Mwari Chete Ndiye Anogona Kununura Pasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Chete Ndiye Anogona Kununura Pasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvinotaurwa neBhaibheri Nezvemamiriro Ekunze Uye Ramangwana Redu
    Dzimwe Nyaya
  • Pasi Redu Raparadzanywa—Denho Dzinorovanya Nharaunda Zhinji
    Mukai!—1993
  • Pasi Riri Kurwara Pane Mushonga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 1/1 p. 18

Mwari Chete Ndiye Anogona Kununura Pasi

“IBWE RINOKOSHA RINON’AIMA RINE RUVARA RUCHENA NERWEBHURUU.” Ndiwo matsanangurirwo akaitwa pasi redu naEdgar Mitchell uyo anoenda muchadenga kunoongorora, sezvo aiona kusiyana kwaro nokusviba kwakaita chadenga.

Mwari akashanda nesimba zvikuru kuti agadzire pasi kuti rive musha wevanhu. Kusikwa kwepasi kwakaita kuti ngirozi dzishevedzere dzi“chirumbidza.” (Jobho 38:7) Kana tadzidza nezvokushamisa kwepasi rino, tinowana chikonzero chokurumbidza. Pane nzira dzakawanda dzakanyatsorongwa dzokudyidzana kunoita zvisikwa dzinobatsira kuti upenyu hwepasi hubudirire. Mune kumwe kudyidzana kunonyatsozivikanwa, zvinomera zvakasvibira zvinoshandisa chiedza chezuva, carbon dioxide inobva mumhepo, uye mvura kuti zvigadzire zvokudya. Izvi zvinoitawo kuti pabude okisijeni inoenda mumhepo, okisijeni iyi inokosha kuti tirarame.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akapa vanhu basa rokutarisira pasi. (Genesisi 1:28; 2:15) Zvisinei, kuti zvisikwa zvepasi zvirambe zvichinyatsodyidzana, vanhu vaifanira kuva nemafungiro akanaka. Chokwadi, vaifanira kuda musha wavo wepasi. Vaifanira kuda kuuchengeta wakanaka. Asi vanhu vakapiwa rusununguko rwokusarudza, saka zvaiita kuti vaigona kusarudza kusautarisira zvakanaka uye kuukanganisa. Uye izvi ndizvo chaizvo zvavakaita. Kusava nehanya uye kukara kwevanhu kwakava nemigumisiro yakaipa.

Hezvino zvimwe zvinetso: (1) Kunyanya kutema miti kuri kutadzisa pasi kuti rishandise carbon dioxide, uye izvi zviri kuita kuti kuve nemamiriro okunze akaipa. (2) Kunyanya kushandisa mishonga yokuuraya zvipembenene kuri kuderedza nhamba yazvo inodiwa pakudyidzana kwezvisikwa, kunosanganisira kuita kuti zvirimwa zvibereke. (3) Kunyanya kuredza uye kusvibiswa kwemakungwa uye nzizi kuri kuita kuti nhamba yehove idzikire. (4) Kushandisa zviwanikwa zvepasi noudyire kuri kuita kuti zvizvarwa zvenguva yemberi zvisazowana zvokushandisa uye kuri kuita kuti pasi riwedzere kupisa. Nyanzvi dzezvakatipoteredza dzinoti chando chiri kuArctic uye kuAntarctic chiri kuramba chichinyunguduka izvo zvinoratidza kuti pasi riri kuwedzera kupisa.

Sezvo njodzi dzinongoitika dzoga dziri kuwedzera, vamwe vangati pasi riri kutsiva, richiita kuti vanhu vatambure. Mwari akapa vanhu pasi kuti vagare pasina mutengo. (Genesisi 1:26-29) Zvisinei, zviri kuitika munyika zvinoratidza kuti vakawanda havana chido chokutarisira pasi, musha wavo wakanaka. Asi, vanhu vari kuita mabasa uye zvido zvavo zvoudyire. Kutaura chokwadi, vanhu vari kuita semaroja akaipa—vari ku“paradza nyika,” sezvakafanotaurwa pana Zvakazarurwa 11:18.

Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Mwari Wemasimbaose, Jehovha, Musiki akaronga kudyidzana kwezvisikwa zviri pasi, akataura kuti nguva yava pedyo yokuti adzinge vanhu vakafanana nemaroja akaipa. (Zefaniya 1:14; Zvakazarurwa 19:11-15) Vanhu vasati vaparadza pasi zvachose, Mwari achavaparadza—achakurumidza kuzviita tisingafungiri.a (Mateu 24:44) Chokwadi, Mwari chete ndiye anogona kuponesa pasi.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko anoratidza kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira, ona bhurocha rinonzi Rambai Makarinda! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe