RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 18
  • Ungaziva Sei vaKristu Vechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaziva Sei vaKristu Vechokwadi?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Zvapupu zvaJehovha vaKristu Vechokwadi Here?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Unogona Sei Kuwana Rudzidziso Rwechokwadi?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Jesu Munhu Akaita Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 18
Chidzidzo 18. Jesu ari kupa vadzidzi vake mirayiridzo obva avatuma kunoparidza vari vaviri vaviri.

CHIDZIDZO 18

Ungaziva Sei vaKristu Vechokwadi?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Kune zviuru nezviuru zvevanhu vanozviti vaKristu. Asi zvavanotenda hazviwirirane uye panyaya yekuzvibata nemararamiro, vanoita mazvake-mazvake. Saka tingaziva sei vaKristu chaivo?

1. Chii chinonzi muKristu?

VaKristu vadzidzi, kana kuti vateveri vaJesu Kristu. (Verengai Mabasa 11:26.) Vanozviratidza sei kuti vadzidzi vaJesu? Iye akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo.” (Johani 8:31) Izvi zvinoreva kuti vaKristu chaivo vanofanira kuteerera zvakadzidziswa naJesu. Jesu aitsigira zvaaidzidzisa neMagwaro, saka vaKristu vechokwadi vanotora zvavanotenda muBhaibheri.—Verengai Ruka 24:27.

2. VaKristu vechokwadi vanoratidza sei rudo?

Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Mudanane sekuda kwandakakuitai.” (Johani 15:12) Jesu akaratidza sei kuti aida vadzidzi vake? Aitandara navo, aivakurudzira uye aivabatsira. Akatozvipira kuvafira. (1 Johani 3:16) Saka vaKristu vechokwadi havangogumiri pakutaura nemuromo kuti vanodanana. Vanozviratidza nemashoko nezviito.

3. Ibasa ripi rinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi?

Jesu ane basa raakapa vadzidzi vake. “Akavatuma kunoparidza nezveUmambo hwaMwari.” (Ruka 9:2) VaKristu vekutanga vaisangoparidza mavainamatira chete asi vaiendawo kunzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda uye mumisha. (Verengai Mabasa 5:42; 17:17.) Mazuva anowo vaKristu chaivo vanoparidza chokwadi chiri muBhaibheri kwese kunowanika vanhu. Vanoda vavakidzani vavo, saka vanofara kushandisa simba ravo nenguva yavo kuti vaparidze mashoko anonyaradza uye anopa tariro ari muBhaibheri.—Mako 12:31.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza musiyano uri pakati pevaKristu vechokwadi nevanhu vasingatevedzeri zvaiitwa naJesu uye zvaakadzidzisa.

4. Vanotsvaga chokwadi chiri muBhaibheri

VaKristu vekutanga vari kuongorora magwaro vachitsvaga chokwadi.

VaKristu vekutanga vaikoshesa Shoko raMwari

Havasi vese vanozviti vaKristu vanokoshesa chokwadi chiri muBhaibheri. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Kupinda Kwedzidziso Dzenhema muchiKristu (5:11)

  • Machechi anozviti ndeechiKristu akakundikana sei kudzidzisa zvakadzidziswa naJesu?

Jesu akadzidzisa chokwadi chiri muShoko raMwari. Verengai Johani 18:37, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jesu akati tinoziva sei vaKristu vari “kudivi rechokwadi”?

5. Vanoparidza chokwadi chiri muBhaibheri

VaKristu vekutanga vachiparidza kuvanhu vari padzimba dzavo.

VaKristu vekutanga vaiparidza

Asati adzokera kudenga, Jesu akasiya apa vateveri vake basa richiri kuenderera mberi nanhasi. Verengai Mateu 28:19, 20 uye Mabasa 1:8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Basa rekuparidza raizoitwa zvakadii?

6. Vanorarama zvinoenderana nezvavanodzidzisa

Chii chakaita kuti murume anonzi Tom abvume kuti ainge awana chiKristu chechokwadi? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Zvechechi Ndakanga Ndisingachadi Kuzvinzwa (5:20)

  • Chii chakaita kuti Tom apedzisire asisafariri zvechitendero?

  • Chii chakaita kuti Tom abvume kuti ainge awana chokwadi?

Kunamata kunoonekwa nezvatinoita kwete zvatinotaura chete. Verengai Mateu 7:21, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jesu anokoshesa zvatinotaura kuti ndizvo zvatinotenda here kana kuti anokoshesa zviito zvedu?

7. Vanodanana

Mhuri yevaKristu vekutanga iri kuunzira vamwe vaKristu bhasikiti rine zvekudya.

VaKristu vekutanga vaidanana

Zvingaitika here zvechokwadi kuti muKristu asarudze kuisa upenyu hwake mungozi achidzivirira vaanonamata navo? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Akaisa Upenyu Hwake Pangozi (2:55)

  • Chii chakaita kuti Lloyd aise upenyu hwake pangozi achidzivirira Hama Johansson?

  • Unofunga kuti zvaakaita ndizvo zvinofanira kuitwa nevaKristu vechokwadi here?

Verengai Johani 13:34, 35, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Vadzidzi vaJesu kana kuti vaKristu vechokwadi vanofanira kubata sei vanhu verumwe rudzi kana kuti vekune imwe nyika?

  • Zvinooneka sei kana kuine hondo?

VAMWE VANOTI: “Pane zvinhu zvakashata zvakawanda zvakaitwa nevaKristu, saka vanganzi sei kunamata kwavo ndiko kwechokwadi?”

  • Ungashandisa rugwaro rwupi kuti ubatsire mumwe munhu kuziva vaKristu vechokwadi?

PFUPISO

VaKristu vechokwadi vanoteerera zvinodzidziswa neBhaibheri, vanoratidzana rudo rwechokwadi uye vanoparidza chokwadi chiri muBhaibheri.

Kudzokorora

  • VaKristu vechokwadi vanotora pai zvavanotenda?

  • VaKristu vechokwadi vanobata sei vamwe vavo?

  • Ibasa ripi rinoitwa nevaKristu vechokwadi?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza zvakawanda nezvevanhu vanoita zvese zvavanogona kuti vatevedzere zvakaitwa naJesu Kristu uye zvaakadzidzisa.

Zvapupu zvaJehovha—Tiri Vanhu Vakaita Sei? (1:13)

Verenga unzwe kuti mumwe mukadzi ainge akapikira muchechi yeRoma akawana sei vaKristu vechokwadi.

“Vaipindura Mibvunzo Yose Vachishandisa Bhaibheri!” (Nharireyomurindi, April 1, 2014)

Ona kuti vaKristu vechokwadi vanoratidza sei rudo kune vavanonamata navo panoitika njodzi.

Kubatsira Vatinonamata Navo Panoitika Njodzi—Chidimbu (3:57)

Verenga unzwe kuti vaKristu vechokwadi mazuva ano vanoita sei zvaiitwa nevaKristu vekare zvakanzi naJesu ndizvo zvinofanira kuitwa nevateveri vake.

“Tingaziva Sei vaKristu Vechokwadi?” (Nharireyomurindi, March 1, 2012)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe