BHOKISI REKUDZIDZISA 7A
Nyika Dzakapoteredza Jerusarema
c. 650-300 B.C.E.
CHATI YENGUVA (MAKORE ESE NDEEKUMAB.C.E.)
620: Bhabhironi rinoita kuti Jerusarema rive pasi paro
Nebhukadhinezari anoita kuti mambo weJerusarema atonge ari pasi pake
617: Bhabhironi rinotora nhapwa dzekutanga kuJerusarema
Vatongi, varwi vakasimba, uye vanhu vane unyanzvi hwakasiyana-siyana vanoendeswa kuBhabhironi
607: Bhabhironi rinoparadza Jerusarema
Guta racho netemberi yaro zvinopiswa
Pashure pegore ra607: Guta reTire raiva pedyo negungwa Nebhukadhinezari anoita makore 13 achirwisa Tire. Anokunda guta reTire raiva pedyo negungwa, asi guta riri pachitsuwa rinosiyiwa rakadaro
602: Amoni neMoabhi
Nebhukadhinezari anorwisa vaAmoni nevaMoabhi
588: Bhabhironi rinokunda Ijipiti
Mugore rake rechi37 ari mambo, Nebhukadhinezari anorwisa Ijipiti
332: Guta reTire riri pachitsuwa
Uto revaGiriki richitungamirirwa naAlexander, rinoparadza chitsuwa cheTire
332 kana kuti gore iri risati rasvika: Firistiya
Alexander anokunda Gaza, guta guru revaFiristiya
Nzvimbo Dziri Pamepu
GIRISI
GUNGWA GURU
(GUNGWA REMEDHITERENIYENI)
TIRE
Sidhoni
Tire
Samariya
Jerusarema
Gaza
FIRISTIYA
IJIPITI
BHABHIRONI
AMONI
MOABHI
EDHOMU